diff --git "a/data/sna/test.tsv" "b/data/sna/test.tsv" new file mode 100644--- /dev/null +++ "b/data/sna/test.tsv" @@ -0,0 +1,370 @@ +category headline text url +business Vechidiki Voita Ongororo Inobata Kushaikwa kweMari Munyika Apo veruzhinji vari kuramba vachinetseka nekushaya mari mumabhangi rimwe sangano revechidiki muBulawayo ratanga chirongwa chekuita ongororo yematambudziko akasiyana siyana ari kusangana nevanhu nekuda kwekushandiswa kwema bond notes munyika. Vechidki ava vanoti chinangwa chavo ndechekuzoendesa tsvakurudzo yavo kubhanga guru renyika senzira yekuedza kubatsira kupedza matambudziko aya.\n\nMukuru wesangano reYouth Economic Forum, VaFarikai Masiyamhuru, vanoti sangano ravo raona zvakakodzera kuita tsvagiridzo pamusoro pematambudziko ari kutarisana neveruzhinji kubva mukushaikwa kuri kuitwa mari mumabhangi. VaMasiyamhuru vati vakazivisa Reserve Bank of Zimbabwe nezvechirongwa chavo vachiti zvakakosha kuti vanhu munyika vaise misoro pamwe chete mukuedza kuwana nzira dzekupedza dambudziko rekushomeka kwemari munyika. VaMasiyamhuru, avo vanoshandira imwe kambani hombe inogadzira nekutengesa mbatya, vanoti vakatanga sangano reYouth Economic Forum nevamwe vavo gore rakapera nechinangwa chekupa vechidiki mikana yekuti vazeye nezvemagariro evanhu uye nezvehupfumi ukuwo sangano iri richishanda sechipangamazano munyaya idzi. VaChirenje Moyo avo vanove nhengo yesangano reYouth Economic Forum vati senzira yekuita ongororo yavo vanenge vachitaura neveruzhinji vachivabvunza zvavari kusangana nazvo zuva nezuva mukutsvaga mari kumabhangi. VaMoyo vanoti kunze kwekunetseka kuwana mari mumabhanga mamwe matambudziko avatonzwa kubva kuvanhu munguva pfupi yavatanga chirongwa chavo anosanganisira kuti vakuru vakuru vemabhangi akasiyana siyana havautaure nevanhu vachivatsanangurira zvizere pamusoro pedambudziko rekushomeka kwemari. Vatiwo vakawanda vari kuchema nerekuti mukutsvaga mari kumabhangi vari kurasikirwa nenguva yakakura pamwe nemari shoma yavanenge vainayo. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kana kusangano reBankers Association of Zimbabwe. Nyika yakatanga kushandisa mari yemabond notes muna Mbudzi gore rapera mushure mekunge mukuru weRBZ, VaJohn Mangudya, vachiti iyi yaive nzira yekubatsira kugadzirisa kushomeka kwemari yekunze munyika uye zvaizoitika kwenguva pfupi. VaMangudya vakatiwo ma bond notes akatadza kushanda zvakanaka, vaizosiya basa. Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekunze mugore ra2009 mushure mekunge mari yemunyika yapera simba rekutenga. VaMasiyamhuru vati maonero avo ndeekuti nyika inofanirwa kuve nemari yayo asi mari iyi inofanirwa kuunzwa kana mamiriro ezvehupfumi agadziriswa uye veruzhinji vachinyatsoziviswa zvizere pamusoro penyaya iyi. VaMasiyamhuru vati vanotarisira kupedza ongororo yavo mukati memasvondo maviri vobva vaendesa zvavanenge vawana kuRBZ. Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement, vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, VaButler Tambo, vanoti vanhu munyika vane tsika yekufira mumbereko semwana asingacheme vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vakwanise kutaura pachena pamusoro pematambudziko avakatarisana nawo kunyanya panyaya yekushaikwa kwemari munyika. Vanhu munyika pavakabvunzwa kuti vanoda kuti mabond notes ashandiswe here kana kuti kwete, vakawanda vakati kwete asi hurumende yakaenderera mberi nekuunza mari iyi ichiti izvi zvaizobatsira kushaikwa kwemari munyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-youths-embark-research-on-bond-notes-scarcity/3927952.html +business Vashandi vepaMugodhi weShamva Gold Mine Voramwa Mabasa Vashandi vepamugodhi weShamva Gold Mine, vanonzi vakatanga kuramwa mabasa nezuro vachinyunyuta nemashandiro avari kuita, uye kusatambiriswa mihoro nyavo kwemwedzi mina yadarika. Vashandi vari kuramwa mabasa ava, avo vari pasi pekambani yezvicherwa ye Metallon, vanoti zvimwe zvavari kuda kuti zvigadziriswe inyaya yekuti pasi pavanoshandira hapana mweya wekufema wakanaka, izvo zvinovaisa munjodzi huru. Studio 7 yakundikana kubata vakuru vemugodhi uyu. Asi munyori wesangano revashandi vemugodhi uyu, VaPatrick Mugwambi vanoti vashandi vakazvipira kudzokera kumabasa avo kana zvichemo zvavo zvakagadziriswa nekukasika. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4306466.html +business Zimbabwe Youmba Komiti Inotsvaka Nzira Dzekushandisa Kubhdhara Zvikwereti Hurumende yaumba komiti ichaona kuti Zimbabwe yabhadhara zvikwereti zvayo zvinosvika mabhiriyoni gumi emadhora. Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti komiti iyi ichange iine vakuru kubva kubazi rezvehupfumi, African Development Bank, World Bank ne International Monetary Fund, IMF. Zimbabwe iri kuda zvimwe zvikwereti kuti igadzirise hupfumi asi hapana ari kuda kusungirira mari pagumbo rengwe sezvo kubhadhara zvikwereti izvi kuri kunetsa. Gore rapera mukuru wezvirongwa zveIMF muZimbabwe, VaDominique Fanezzi, vakati Zimbabwe haisi kuzopihwa zvimwe zvikwereti uye hapana kutsukunyuka padanho iri. Zvikwereti izvi zviri kuboka rinonzi Paris Club rinosanganisira Germany, France, Britain, Japan neAmerica. Kune zvikweretiwo kuIMF, African Development Bank neWorld Bank. Nyanzvi munyaya dzezvematongwero enyika dzinoti chikwereti cheZimbabwe ndicho chimwe chikonzero chiri kutadzisa nyika kuti ibudirire. Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti Zimbabwe ikakwanisa kubhadhara chikwereti chayo, inenge yokwanisa kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi. https://www.voashona.com/a/zimbababwe-politics/2779954.html +business Zimpapers Yoshorwa neKudzinga Vashandi Mabasa Zvisina Tsarukano Masangano anomirira vatapi venhau munyika anoti haasi kufara nekudzingwa mabasa zvisina tsarukano kweshandi nekambani yeZimbabwe Newspapers uye masangano aya anoti achagara pasi nehurumende nechinangwa chekuti kambani iyi isiye katsika aka. Masangano aya, ayo ari pasi peMedia Alliance of Zimbabwe anoti anoshushikana zvikuru nekuti vashandi vekambani iyi vatatu vanoti, VaMunyaradzi Huni vanga vari mutevedzeri wemupepeti webepanhau rekambani iyi reThe Sunday Mail, nevamwe vakuru weimwe nhepfenyuro yekambani iyi yeCapiTalk VaNapoleon Nyanhi naMuzvare Ruvheneko Parirenyatwa vakadzingwa mabasa mazuva mashonana apfuura pasina zvikonzero zvakajeka. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZimpapers panyaya iyi asi vanoziva zviri kuitika vanoti kudzingwa kwevatatu ava kune chekuita nezvematongerwo enyika. Zvinonzi mashandiro evatatu ava haana kufadza vamwe vakuru vakuru muhurumende. Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nemabatirwo akaikaitwa nyaya yevatatu ava. Vanoti vaitarisira kuti zvinhu zvichashanduka muhurumende itsva yaVaMnangagwa asi hapana chasanduka sezvo vatapi venhau vari kuramba vachidzvinyirirwa. VaNyamutumbu vakurudzirawo vatapi venhau kuti vaite basa ravo pachena vasina divi ravakarekera uyewo vati makambani ese ezvekutapwa kwenhau anofanira kuvhara kana asingade kuremekedza kodzero dzevatapi venhau dzavanopihwa nebumbiro remutemo wenyika. Imwe nhengo yebhodhi rinomirira vapepeti venhau munyika reZimbabwe National Editors Forum, VaBarnabas Tondhlana vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nekambani yeZimpapers hazvina kunaka. Vanoti kunyange mutapi wenhau akakanganisa anofanirawo kubatwa zvine hunhu kwete kubatwa sembwa. Media Alliance of Zimbabwe inoti zvaitwa neZimpapers zvinoratidza pachena kuti hurumende itsva iyi haina hurongwa hwekuti vatapi venhau vashande vakasununguka uye inoti zvakaoma kuti munhu aite mutapi wenhau muZimbabwe. Pakapinda VaMnangagwa panyanga muna Mbudzi gore rapfuura Zimpapers yakadzinga vamwe vatori venhau vaifungidzirwa kuti vainge vakarerekera kuvanhu vanonzi ndivo vaifurira vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaita sevaive gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo. Nhengo dzesangano reMedia Alliance of Zimbabwe dzinosanganisira masangano anoti Media Monitoring Project Zimbabwe, Media Institute of Southern Africa (Zimbabwe chapter), Zimbabwe Union of Journalists (ZUJ), Zimbabwe National Editors’ Forum (ZINEF), Gender and Media Connect (GMC), the Media Centre, the Zimbabwe Association of Community Radio Stations (ZACRAS), the Voluntary Media Council of Zimbabwe (VMCZ) and the African Community Publishing Development Trust (ACPDT). No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zimpapers-media-alliance-dismissals/4551929.html +business Masangano Akazvimirira Okurudzira Vanhu Kuti Varambe maBond Notes Vemasangano akazvimirira vakabvumirana nhemusi weMuvhuro kuti vataure neve ruzhinji kuti varambe mabond notes ari kuda kuparurwa ne hurumende mwedzi uno. Vemasangano anoshanda akazvimirira vakabvumirana kuti vapinde muvanhu vachiva kurudzira kuti vatore matanho nehurongwa hwekuda kuunza mabond notes aya. Sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinove raronga musangano uyu, Muzvare Sally Dura, vati zvakakosha kuti veruzhinji vasarambe vakapeta mawoko avo ivo vachitsutsumwa. Muzvare Dura vati vabvumiranawo zvakare kuti veruzhinji vazeye nyaya yehuwori hwatekeshera munyika zvikuru sei muhurumende. Doctor Patson Dzamara, avo vanoshanda nesangano reOccupy Africa Unity Square vaudza musangano uyu kuti chave kudikanwa ndechekuti munhu wese apinde mumigwagwa achiratidzira kudzamara zvido zveveruzhinji zvazadziswa. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze vati chanyanyonetsa ndechekuti vari muhurumende vari kuswerotambisa nguva vachitarisa kuti achatora matomhu kubva kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndiyani vasingaite zvinoda kuitwa kuti hupfumi hwenyika huvandudzwe. Vatiwo misangano iri kuitwa nagavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya ne veruzhinji inoratidza pachena kuti hurumende iri kuda kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri sezvagara zvichitaurwa nevari kupikisa hurongwa hwemabond notes uyu. VaMangudya neMuvhuro vakaita musangano nevagari vekuBanket vachiti vari kutsanangurira veruzhinji masevenzeserwo achaitwa mabond notes. RBZ inoti mabond notes achashandiswa semubairo kune vanenge vachitengesa zvinhu kunze kwenyika kana kuti export incentive. VaMangudya vanotiwo mabond notes achaparurwa mukupera kwemwedzi uno. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3585359.html +business Amai Prisca Mupfumi neVamwe Voita Misangano muLondon Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, nevamwe vakuru muhurumende, vari muLondon kuBritain kwavapinda musangano wezuva rimwechete we Investment Forum waitrirwa pa London Hilton Canary Wharf iri muCentral London. Musangano uyu wakarongwa neZimbabwe Investment and Development Agency iyo yakaburitsa gwaro neChitatu ichiti chinangwa chemusangano uyu change chiri chekushambadza Zimbabwe nemikana iri munyika munyaya dzezvemabhizinesi nekushanyirwa kwenyika. Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vashoropodza danho rehurumende rikuita rwendo rwune vanhu vakawanda vanobva kuZimbabwe vachienda kuLondon kunokwezva vekunze vachiti misnagano yakadai inogona kurongwa nemuzinda weZimbabwe muBritain. Vanhu ava vanoti Zimbabwe iri parumananzomba sezvo zvisina zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari. Hatina kukwanisa kubata Amai Mupfumira kuti tinzwe tivi ravo. Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Concilia Chinanzvavana vanoti basa ravo sekomiti nderekuona kuti zvirongwa zvebazi rekushanya kwevanhu munyika zvaitwa negwara rakanaka here. No media source currently available https://www.voashona.com/a/bazi-re-zvekushanyirwa-kwenyika-rotsvaga-chouviri/4650272.html +business Kanzuru yeBulawayo Yoendesa Zesa kuMatare eDzimhosva Guta reBulawayo rinoti harizi kuzosiya zvivakwa zvaro zvichitorwa nekambani yeZesa, kubutikidza nekambani Zimbabwe Power Company, iyo iri pasi peZesa. Kanjani iyi inogadzira magetsi munyika. Kanzuru yeBulawayo inoti icharamba yakatsika madziro pahurongwa hwehurumende hwekuda kuputsa zvivakwa zvayo zviviri zviri pagwenya remagetsi anobva mumarasha paBulawayo Thermal Power Station. NeChishanu pakaita kupesana kukuru pakati pekanzuru yeBulawayo negurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, pamusoro pedanho rehurumende rekuda kuparadzwa zvivakwa zviviri zviri izvi. Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vanoti vakatokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva sezvo zvivakwa izvi zviri zvekanzuru yeguta ravo. Zesa, kubudikidza neZimbabwe Power Company, inonzi iri kuda kubvisa zvivakwa izvi ichiti zvinogona kudhirika zvega zvikakonzera njodzi. Asi VaMguni vanoti izvi hazvisi kuzoitika nekuti zvivakwa izvi hazvisi zve Zesa. VaMguni vati Zesa yakaita zvisiri pamutemo zvekuedza kuchinja muridzi wezvivakwa izvi ichizviisa muzita rayo. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvakuru vakuru veZesa divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozva dzavo dzanga dzichinetsa kubata. Asi VaMguni vanoti vane magwaro anoratidza kuti zvivakwa izvi ndezvekanzuru yeguta ravo nokudaro hapana anokwanisa kutaura akamirira zvivakwa izvi kunze kwekanzuru yavo. VaChasi vakaudza Studio7 neChishanu kuti kanzuru yeBulawayo inofanirwa kutaurirana neZesa vowirirana kuti voenderera mberi seyi. VaChasi, avo vakaita musangano nekanzuru yeBulawayo, vakati rwendo rwavo kuBulawayo rwaive rwekuti vazivisane nekuonesana pamire zvinhu. Asi VaMguni vanoti hapana hurongwa hunoitwa pazvivakwa zvavo kanzuru yavo isina ruzivo nazvo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/bulawayo-council-takes-zesa-to-court-over-cooling-towers/4989396.html +business Vemabhizimusi Madiki Vochema neKusafamba kweBhizimusi seZvavanga Vakatarisira paNguva Ino yeZororo reKisimusi Apo kwasara zuva rimwechete kuti vanhu vapinde muzororo reKisimusi, vemamwe mabhizimusi madiki pamwe nevanotengesera mumigwagwa vanoti bhizimusi harina kusimuka gore rino sezvinotarisirwa panguva yezororo rakadai . Mumwe wevari kuchema-chema nekuderera kwebhizimusi ndiMuzvare Patricia Ticharwa vane chitoro chinotengesa mbatya mudhorobha. Muzvare Ticharwa vati sezvo gore rino zvinhu zvanga zvisinganyatsofamba vanga vane tarisiro yekuti kana vanhu vogadzirira Kisimusi zvinhu zvichachinja. Amai Benhilda Konje, avo vane vana vatatu, vanotengeserawo mumusha weGlenview, vatsigirawo vachiti veruzhinji vari kuratidza kuti havana mari uye havasi kutengerwa sezvavange vachitarisira. Amai Jane Sanhuwe, mumwe mutengesi vatiwo kushaikwa kwemari kuchakanganisawo zvirongwa zvavo zvekugadzirira vana pakuvhurwa kwezvikoro. Vanoongorora zvehupfumi, VaMasimba Manyanya, vati kuderera kwebhizimusi panguva ino hakukatyamadzi vachiti vanhu vari kutambira mari shoma dzisingakwani. Vaendererawo mberi vachiti mari haisi kutenderera munyika sezvo zvinhu zvinogadzirwa munyika zviri zvishoma izvo zvoitawo kuti vanokwanisa vanoshandisira mari dzavo kunze kwenyika. Vamwewo ndivo vari kuchengetedza mari dzavainadzo kuitira kuzobhadharira vana zvikoro gore rinouya, sezvo zvikoro zvakawanda zvemunyika zvakatozivisa kare kuti zvichakwidza mari dzechikoro gore rinouya. Gore rino Kisimusi ichange ichicherechedzwa musi weSvondo asi vazhinji vachichemachema nekuoma kwezvinhu munyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6889273.html +business Zimbabwe Yotarisana neDambudziko reKushomeka kweMvura muMaguta nekuMaruwa Zimbabwe yakatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwemvura, uye gurukota rezvemvura, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vanoti izvi hazvisati zvambotika mukati memakore makumi mashanu apfuura. Vanotiwo vakatokumbira dare remakurukota kuti rivape mvumo yekugovera mvura mumatunhu ese. Vachitaura nevatori venhau muHarare nemusi weChishanu maererano nemamiriro akaita nyaya yemvura munyika, Amai Muchinguri Kashiri vakati kunyange hazvo hurumende yakapa bazi ravo mamiriyoni manomwe emadhora ekuderedza dambudziko rekushaikwa kwemvura munyika, dambudziko iri rakakura chose uye madhamu mumatunhu ese munyika asara nemvura shoma. Amai Muchinguri Kashiri vakati dambudziko remvura rakanyanyisa kuMasvingo uko vati madhamu eko ave nemvura iri pasi pezvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana. Vanoti panguva ino yegore madhamu mazhinji angadai aine zvikamu makumi matanhatu kubva muzana asi mazhinji acho angora nezvikamu makumi mana kubva muzana. Vanotiwo kunze kwemadhamu, zvibhorani nematsime akakawanda ari kupwa nekuda kwekupisa kwezuva. Vati zviborani zvinodarika zviuru gumi munyika zvakatopwa uye hurumende iri kutora matanho ekuona kuti pacherwa zvibhorani nematsime akadzika. Amai Muchinguri Kashiri vatiwo kunyange hazvo mvura isina kunaya zvakakwana mwaka uno, magariro anoita vanhu, nyaya dzekurima pedzyo nenzizi nemadhamu ndizvo zvimwe zvave kuita kuti madhamu akasike kupwa mvura. Vakurudzirawo vemaindasitiri, vemigodhi, makanzuru pamwe neveruzhinji kuti vashandise mvura zvinemwero pamwe nekudyara miti izvi vati zvinobatsira mukuchengetedza mumvura. Vatiwo vanhu vanofanira kusiyana nekatsika kekuvaka, nekurima pese vachiti izvi zviri kukonzera kuti madhamu akurumidze kuoma. Zvichakadaro, mukuru wekambani yehurumende inoona nezvemvura yeZimbabwe National Water Authority VaJefta Sakupwanya vati kambani yavo yakatarisana nedambudziko rekushaya mari sezvo makunzuru mazhinji munyika asiri kubhadhara mvura yaanoshandisa. Amai Muchinguri Kashiri vakurudzira makanzuru kuti abhadhare mvura yaanoshandisa vachiti izvi zvinobatsira kuti kambani iyi iiite basa rayo nemazvo. vatiwo vachaita musangano svondo rinoouya wekuzeya dambudziko remvura munyika pamwe nekuti ringagadziriswe sei. Makunzuru akawanda munyika akaita seHarare, Chitungwiza, Masvingo nemamwe akatotanga kugovera mvura kuvagari nenyaya yekuti mvura yavo shoma mumadhamu avo. VeChitungwiza Residents Trustvanotiwo vachaitawo musangano svondo rinoouya nekanzuru yavo pamwe nemakambani anoita zvemvura nechinangwa chekugadzirisa dambudziko remvura mudhorobha iri. Dambudziko iri richanyanya kukura sezvo hurumende isiri kuvakawo madhamu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3561395.html +business VaChivhayo Vooneswa Ndondo neNyaya yeHuori muDare reParamende Muzvinabhizimisi, Wicknell Chivhayo, nemusi weMuvhuro vakabvuma mudare reparamende kuti vakashandisa vezvematongerwo enyika pamwe nevakuru vakuru vehurumende kuti kambani yavo yeIntratrek iwanane basa rekuumba gwenya remagetsi ezuva reGwanda Solar Project kunyange hazvo vange vasingakodzeri. Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvemighodhi nezvemhando dzemoto kuti kambani yavo yeIntratrek yakawana sei basa rekuvaka gwenya remagetsi reGwanda Solar Project, VaChivhayo vabvuma kuti pakutanga kambani yavo yakatadza kuwana basa iri uye rakapihwa kune imwe kambani yekuChina. Vati izvi zvaitika, vakaenda kune vaiva gurukota rezvemando dzemoto, VaDzikamai Mavhaire, vakandotsutsumwa kuti sei vainge vashaya basa iri ivo vari ivo vainge vauuya nepfungwa yekuvaka gwenya iyi. Vatiwo vakanyorera kumunyori wedare remakurukota, Chief Secretary to the President and Cabinet pamwe nasachigaro weState Procurement Board vachichema chema nenyaya yavo yekushaya basa iri. Vati izvi zvakazoita kuti veState Procurement board vape kambani yavo pamwe nedzimwe mbiri basa rekuvaka magwenya emagatsi kunzvimbo nhatu munyika uye ivo vakapihwa basa rekuGwanda. Vati mushure maizvozvo vakatanga kuita basa rekutanga kana kuti Feasibility Study asi kambani yemagetsi yeZimbabwe Power Company yakaramba kuvabhadhara mamiriyoni maviri emadhora avaida sezvo vaive vasina magwaro ekubhanga airatidza kuti ivo vaivewo nemari mubhanga mavo. Pavabvunzwa nemumiriri weKwekwe Central VaMasangano Matambanadzo kuti sei vaida kubhadharwa asi vasina kutevedza mutemo, VaChivhaya vati mari yaidiwa yange yakawandisa. VaChivhayo vati mushure mekuramba kubhadharwa nemukuru weZPC, Vakabva vadzokera zvakare kune vange vave gurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, kundochema chema zvakare izvo zvakazoita kuti ZPC ivabhadhare mari inosvika mamiriyoni mabiri nechuru zana chemadhora kana kuti 2, 1 million dollars. Mumiriri weGlen View North, VaFani Munengami vati semaonero avo maitiro aVaChivhayo anoratidza kuti vaiita zvinhu vasingatevedzi gwara uye vanenge vaiita zvehuwori. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4250448.html +business VeZCTU neZFTU Vanoti Vakuru Vakawanda kuNSSA Ngavamiswe Basa neNyaya yeHuori Masangano evashandi anoti reZimbawe Congress of Trade Union ne Zimbabwe Federation of Trade Unions anoti haasi kufara nedanho rasachigaro weNational Social Security Authority Doctor Percy Toriro rekumisa basa mukuru wekambani iyi VaArthur Manase voga basa. Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti huori huri kupomerwa vakuru vekambani iyi hwakakura zvekuti hapadi kuti munhu mumwe chete akandwe pasi pebazi. VaMoyo vati bhodhi rose rinofanira kumbomiswa basa. Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru weZFTU VaKennias Shamuyarira vanoti masangano evashandi anofanira kumbofanobata matomu pachiitwa ongororo. Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vashandi vanofanira kunzwisa kuti vanhu vanonzi vabatwa nemhosva chete kana papedza kuitwa ongororo. Vati vashandi vanofanira kumirira kuti hurumende ipete ongororo yayo. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakanyora mubepanhau reSunday Mail mavhiki adarika vachiti havasi kufara nemabatirwo ebasa kuNSSA zvakapa kuti paparurwe ongororo iyi. Asi vashandi vanoti vange vave nemakore vachiti NSSA iri kuvabata neseri kweruoko kana vave pamudyandigere ichivapa mari shoma asi vakuru vekambani iyi vachidya noriva nekupura nyemba nemusana. https://www.voashona.com/a/6652876.html +business Hurumende Yokundikana Kubhadhara Vashandi Mari yeKubatsirikana Kunyange hazvo hurumende yakapa mapurisa nemauto mari yekubatsirikana inosvika madhora mazana emaRTGS svondo rapera, vamwe vashandi vehurumende vakaita sevarairidzi, madhokotera navanamukoti vatambira neChishanu, havasati vapihwa mari iyi. Hurumende inoti hayo pane zvimhingamupinyi zviripo zviri kukonzerwa nekunetsana kwemabhanga nePaynet iyo iri kuti haisi kuzoshanda nemabhanga emunyika kusvika abhadhara chikwereti. Asi hurumende inoti vashandi vose vachapihwa mari yekubatsirikana iyi nhaurirano dzemihoro dzichienderera mberi. Hurumende inoti iri kuda kupa vashandi ava mari inosvika zana remadhora asi ivo vachiti vanoda mari inotosvika zviuru zvina zvichienderana nekushaya simba kwedhora reRTGS rave kushandiswa munyika. Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rakakurudzira nemusi weChina varairidzi kuti vatange kuratidzira neChishanu richiti harisi kufara nezviri kuitwa nehurumende pakutaurirana kuri kuitwa. Vanachiremba navanamukoti vanonzi vave nenguva vachienda kumabasa mazuva maviri chete sezvo vari kuti havana mari. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti varairidzi vachatanga kuratidzira neMuvhuro. No media source currently available Kunyange hazvo vamwe vashandi vehurumende vari kuti vave kudawo kutanga kuratidzira, sangano revashandi vemuzvipatara vanosanganisira madhokotera navanamukoti reHealth Apex Council rinoti nhengo dzaro dziri kuenda kubasa mazuva maviri chete. Vanotungamira mubatanidzwa wemasangano evashandi vemuzvipatara weHealth Apex Council,Va Panganai Chivese, vaudza Studio7 kuti naivowo vange vasati vapihwa mari yekubatsirikana. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hurumende-yokundikana-kubhadhara-vashandi-mari-yekubatsirikana/5007840.html +business Vashandi veHurumende Votarisirwa Kusangana neVamiriri veHurumende Kuzeya Gakava reMihoro Vamiriri vevashandi vehurumende vari pasi pesangano reApex Council vari kutarisirwa kusangana zvakare mangwanani ano nevamiriri vehurumende pamusangano weNational Joint Negotiating Council, uyo unotarisirwa kugadzirisa gakava renyaya dzemihoro. Mapoka maviri aya akasangana zvakare svondo rapera neChishanu, asi musangano uyu unonzi hauna chawakaburitsa mushure mekunge vashandi varamba kutambira zvakanga zvaiswa patafura nehurumende, izvo zvinonzi zvaizosiya mushandi anotambira muhoro wepasi achitambira mihoro iri pakati pemadhora zviuru zviviri nemazana maviri nezviuru zvitatu nemazana mashanu zvemadhora emunyika pamwedzi. Munyori mukuru musangano reApex Council VaDavid Dzatsunga vanoti vanotarisira kuti musangano weMuvhuro uyu uchagadzirisa zvichemo pamwe nekutambura kwevashandi vehurumende. VaDzatsunga, avo vasina kuda kubuda pachena kuti hurumende yakanga yakapfumateyi pavakasangana svondo rapera, vanoti hurumende yakanga yadzoka yakwidza zvishoma zvayaive nazvo kubva pamusangano wavakanga vamboita asi vakada kutanga vambonzwa kubva kunhengo dzavo vasati vaita zvemusoro wavo. Chimwe chinonzi chakatadza kuwiriranwa yaive nyaya yekuti mari idzi dzotambiriswa vashandi kubva mwedzi upi sezvo hurumende ichinzi yaida kuti itange kupa vashandi vayo mihoro mitsva iyi muna Kukadzai, asi vashandi vachida kuti vatange kutambiriswa mari idzi mwedzi uno waNdira. Pari zvino vashandi vehurumende havasi kuenda kumabasa mazuva ose, vachiti havachakwanisa kuti vange vachiwana mari dzekufambisa. Mwedzi wapera hurumende yakavapa mari dzekubatsirikana dzaisvika kumadhora mazana manomwe, asi VaDzatsunga vanoti hadzina zvikuru zvadzakavabatsira nazvo sezvo vashandi vagara vanyura mumadhaka nekuda kwenhamo. Vashandi vehurumende vagara gore negore vachinetsana nemushandirwi kuti vawedzerwe mihoro inoita kuti vakwanise kurarama, ukuwo hurumende ichiti homwe dzayo dzakabooka. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-civil-servants-njncdavid-dzatsunga/5261546.html +business "Vakuru veKambani yeFSG Vosungiswa neKuzvidza Dare reParamende neNyaya ye""Command Agriculture""" Paramende yeZimbabwe nhasi yanyora magwaro ekusungisa kambani mukuru wekambani yeFert, Seed, Grain (FSG) nemhosva yekuzvidza dare. Sachigaro vekomiti iyi, VaTendai Biti veMDC, vati zviri pachena kuti vakuru vekambani iyi vari kuzvidza komiti yavo saka vaita chisungo chekuti mukuru wekambani iyi, VaSteve Morland, vasungwe nenyaya yekuzvidza dare. Vakuru vekambani iyi vatadza kuuya kuzotsangangura kuti sei yakabhadharwa mamiriyoni mazana mana emadhora ($400 million) nehurumende muna 2017 na2018 zviri kunze kwebhajeti pamwe nekuti mari iyi yakashandiswei. FSG ndeimwe yemakambani ari kuda kubvunzurudzwa nekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts Committee, iyo iri kuongororo kunofungidzirwa kuti kusashandiswa zvakanaka kwemari yehurumende inodarika mabhiriyoni mashanu muna 2017 na 2018. Kambani iyi yave nenguva ichitadza kumira pamberi pekomiti iyi isingape zvikonzero uye nhasi chaiye yatadza kuuya zvagumbira nhengo dzeparamende dziri mukomiti yezvekufambiswa kwemari. VaBiti vanoti zvino shamisa kuti kambani yeFSG inoramba kuuya kukomiti yavo asi ichienda kune mamwe makaomiti eparamende. Mwedzi uno VaMorland vakaenda kunomira pamberi pekomiti yezvekurima ina VaJustice Wadyajena vanova nhengo yeZanu-PF sasachigaro. Pamberi pekomiti iyi, VaMorland vatisina kukwanisa kubata nhasi vakaramba kuti vakaita zvehuori nemari iyi. Komiti yaVaBiti yashorawo kuita kwevamwe vakuru vakuru mubazi rezvamari avo vasinawo kuuya kuzopa humbowo kukomiti iyi pamusoro pemashandisirwo aiitwa mari zviri kunze kwemutemo nehurumende muna 2017 na2018. VaBiti vayambira vakuru ava, vano sanganisira mukuru anoona nezvamabhajeti mubazi rezvemari, VaZvinecheimwe Churu, kuti vasara nemukana mumwe chete uye kana vakatadza kuuya musi wa15 Mbudzi vachasungwawo. VaChuru nevamwe vavo vatadza kuenda kuparamende vachiti vange vari kumusangano wekubasa kwavo kuDarwandale. Asi VaBiti vanoti basa reparamende rakakosha kudarika rimwe basa ripi zvaro. Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa chiri kuitwa neparamende sezvo iri kuita basa rayo rekuongorora kuti mari yevanhu yakashandiswa sei. Vatiwo hazvifaniri kunetsa bazi rezvemari kutsanangura kuti mari yakashandiswa sei vachiti kana poita kuda kunzvenga nzvenga zvinoreva kuti pane zvinenge zvisina kufambiswa zvakanaka. Paramende iri kuita ongororo mushure mekunge hofisi inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende yaAuditor-General vaburitsa mugwaro rayo kuti mari dzainge dzisina kushandiswa zvakanaka nebazi rezvekurima muna 2017 na2018. Mari yacho zhinji yakashandiswa pazvirongwa zvePresidential Input Scheme neCommand Agriculture. Gurukota rinoona nezvekurima VaPerrance Shiri vakazivisa kuti gore rino vari kuvandudza mapirwo emari iyi vachiti vanhu vanenge voenda kunopihwa mari dzacho sezvikwereti kumabhanga. Nyaya yekusafambisa zvakanaka mari idzi kunziwo nemuzinda weAmerica muZimbabwe mumwe munongedzo wehuori hunoitika munyika huchipa kuti itadze kufambira mberi asi iyo yozoti zvirango zvainoti yakatemerwa. Asi hurumende inoti chirongwa cheCommand Agriculture chakakosha kuvandudza nyaya dzezvehupfumi kuburikidza nekurima. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vakuru-vekambani-yefsg-vosungiswa-nekuzvidza-dare-reparamende-nenyaya-ye-command-agriculture-/5142702.html +business Kubviswa kweRutsigiro rweMari neHurumende muZvimwe Zvitengeswa Kwoomesera Veruzhinji Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiomera veruzhinji munyika kuburikidza nekukwira kwemitengo yezvinonyanyodiwa muhupenyu, zvikuru zvekudya pamwe nemafuta edzimotokari, asi mihoro yevashandi vazhinji isina kwairi kuenda. Izvi zvinotevera kukwira kutanga svondo rino kweupfu zvichitevera danho rinonzi rakatorwa nehurumende rekubvisa rutsigiro rwemari mukutengwa kwechibage negorosi nevanogaya upfu. Rutsigiro urwu rwunonzi rwaibatsira kuti mitengo yezvinhu zvakaita seupfu nechingwa irambe iri pasi, sezvo vanogaya upfu vaiwana dzimwe dzemari dzavanoda kubva kuhurumende. Vachitura hurongwa hwemashandisirwo emari nehurumende mugore rinouya, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa kuti hurumende yaizotora danho iri senzira yekuderedza nayo mari yainoshandisa. Asi imwe nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti danho rehurumende rekubvisa rutsigiro rwemari iri rakatoita kuti zvinhu zvinyanye kuomera veruzhinji. Semuenzaniso, katsaga keupfu hwerudzi rwe roller meal kane huremu hwemakirogiramu gumi kanonzi kakakwira mutengo kubva pamadhora makumi mashanu nemashanu kuenda pamadhora zana nerimwe nemasendi makumi matanhatu nematanhu. Peturu yakakwirawo mutengo kubva pamadhora gumi nemanomwe ane masendi manomwe kuenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi mana nemana parita, kuchitiwo dhiziri richenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi mapfumbamwe parita, richibva pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi manomwe nemana. Mutewedzeri wemunyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaThomas Masvingwe, vanoti kukwira kwemitengo uku kuri kuomesera vashandi zvakanyanya nekuti mihoro yavo haisi kufambirana nezviri kuitika mune zveupfumi. VaMasvingwe vanoti mari iri kutambirwa nevashandi haichagoni kuti vararame, vachiti zvose izvi zviri kukonzerwa nehurongwa hwehurumende hwekuvandudza upfumi, kana kuti austerity measures. Izvi zvinotsinhirwawo naDoctor Chitambara, avo vanoti mihoro yevashandi yedonha zvakanyanya zvichienzaniswa nehuremu hwedhora rekuAmerica. Asi vaimbove gurukota rezvemaindasitiri nekutengesera, VaMike Bimha, vanoti hongu, vanhu vangaona sekunge zvinhu zviri kukwira mitengo asi pane zvakawanda zvaikanganisa hupfumi zviri kuedza kugadziriswa nehurumende. Vanoti zvose izvi zvichapfuura zvinhu zvichitogadzikana zvakanaka kwazvo munyika. Panyaya yekuti zvose izvi zviri kuremera vashandi, VaBimha vanoti mhinduro inofanirwa kunge ichibva kuvashandirwi kuti vari kuzviona sei, asi vanoti ibasa revashandirwi kuona kuti vashandi vavo vadzivirirwa kubva mumatambudziko akasiyanasiyana. VaMasvingwe vanoti hupenyu hucharamba huchiomera veruzhinji, zvikuru vashandi, kana mitengo yakaramba ichiita chamurambamhuru pasina ari kuiisa matomu. Vanoti pasvika zvinhu pari zvino pave kutongoda kuti vashandi vagare zvavo kudzimba dzavo, sezvo vasina mari dzekufambisa, pamwe nekuti vatenge chikafu kudzimba. Vakuru vanoti chakatanga ndicho chakachenjedza, nekudaro vakawanda vanoti vari kutarisa mberi vachiyeuka matambudziko akasangana nenyika mumakore a 2007 na 2008, apo veruzhinji vakanonga svosve nemuromo. Kusvika zvinhu zvagadzikana mune zveupfumi, vazhinji vacharamba vachitya mimvuri yavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-economy-commodities-prices-subsidies/5182268.html +business Masvingo Yotarisana neNzara Inotyisa Sezvo Mvura Yarambira Mudenga Vamwe varimi mudunhu reMasvingo nemamwe matunhu vanoti vatarisana nenzara yakaoma sezvo pasina chichabuda muminda mavo sezvo zvirimwa zvakapera kutsva apo mvura yarambira mudenga, Varimi vataura neStudio 7 mumaruwa ekwaGutu, Mwenezi, Zaka, Chivi pamwe neNemanwa vanoti kunyange mvura ikauya hapana chavachawana\nnekuti zvirimwa zvakatotsva sezvo mwedzi wese waKukadzi wakapera kusina kumbonaya kusvika parizvino. Mumwe murimi wemudunhu reNemamwa , VaHenry Makusha, vanoti vakatarisana nenzara yakaoma gore rino sezvo vasina kana chekunhonga mumunda mavo.\n\nIzvi zvatsinhirwa naAmbuya, Rosina Gonese, vemuraini rekwaMakonese, kwaGutu, avo vati gore rino chero Mhunga neRukweza izvo zvisingadi mvura yakawanda zvakatsvawo.\n\nMumwe murimi wekuMwenezi, VaCuthebert Mashoko, vati kunze kwezvirimwa zvipfuwo zvakaita semombe zvirikufawo nekushaikwa kwemvura yakakwana\npamwe nezvimwe zvirwere zvakaita seJanuary Disease.\n\nHurumende inoti chirwere cheJanaurary disease chauraya mombe dzinopfuura mazana mana munyika kubva gore richitanga.\nVamwe varimi vanoti nemamiriro akaita mamiriro ekunze hapana chavachatarisisa uye vanotarisira kuti hurumende ichadeedzera kuti gore rino igore renzara pachinenguva vanhu vazowane rubatsiro. Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima munyika, Dr Anxious Masuka, kuti tinzwe divi divi ravoo pamamiriro akaita zvirimwa munyika sezvo nhare yavo yange isiri kudairwa. Asi munyori mukuru mubazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko munyika, VaNick Mangwana, vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti hurumende yavekutanga chirongwa chekushandisa ndege dzinopfapfaidza mushonga mumakore kana kuti cloud seeding kuti mvura inaye ibatsire zvimwe zvirimwa zvisati zvanyanya kutsva. Mukuru webasa musangano rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union(ZFU), VaPaul Zakariya, vanoti zvirimwa zvave kutsva munyika kunyanya munzvimbo dziri kumatunhu eMasvingo, Matebleland South neManicaland.\n\nSangano reFamine Early Warning Systems Network (FEWSNET) rinoti zvirimwa zvizhinji munyika zviri kutsva nezuva uye vanhu vanoda chikafu vachawedzera munyika gore rino.\nFEWSNET inoti hurumende pamwe nemasangano akazvimirira vanotarisira kubatsira vanhu vanosvika mirioni imwe chete nezviurru mazana mashanu kubva muna Ndira kusvika kupera kwaKurume. Sangano iri rinoti gore rino goho rechibage richatengeserwa bazi reGrain Makerting Board(GMB) richadzika kubva pamatani zviruru mazvana mapfumbamwe nepfumbamwe 990 000 metric tonnes. https://www.voashona.com/a/6473991.html +business Magweta Anorwira Kodzero Obatsira Vagari Vane Zvikwereti kuHCC Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, atanga kumirira vagari vemuHarare vakaendeswa kuvanhu vanotevera zvikwereti kana nenyaya yezvekwereti kukanzuru yeHarare Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, atanga kumirira vagari vemuHarare vakaendeswa kuvanhu vanotevera zvikwereti kana nenyaya yezvekwereti kukanzuru yeHarare. Magweta aya audza vagari ava kuti vasiyane nekambani ye Well Cash iyo iri kutevera zvikwereti zvekanzuru. Vagari vanzi vataure nekanzuru kuti vangabhadhare chikwereti chavo sei kana vachibvuma kuti vane chikwereti. Kanzuru yeHarare yakadoma kambani yeWell Cash kuti itevere zvikwereti zvayo kuvagari uye kubvira muna Zvita gore rapfuura, kambani iyi yange iri kutyityidzira vagari nekuvanyorera matsamba ekuti vachatorerwa dzimba dzavo nemimwe midziyo kana vasina kubhadhara chikwereti. Kunze kwekubhadhara chikwereti, kambani iyi inozodawo kuti vagari vabhadhare chidimbu chezvikamu gumi kubva muzana zvechikwereti chavo semubhadharo wayo. Kunyange hazvo vamwe vakatotanga kubhadhara vamwe havasati vatanga kubhadhara uye vasati vabhadhara vatanga kuwana rubatsiro kumagweta anorwira kodzero dzevanhu. Vachitaura nevagari ava kumuzinda weZimbabwe Lawyers for Human Rights, gweta rinoshandira sangano iri, VaSharon Hofisi, vati vagari havafaniri kutya maDebot Collectors sezvo asina mvumo yekutora midziyo yavo. VaHofisi vaudza vagari ava kuti zvakakosha kuti kana vachinge vawana masamanisi anobva kumatare vapindure pamwe nekuenda kumatare. Asi VaHofisi vati zvakakosha kuti kuti vagari vabhadharewo mabhiri avo nemitero kunzuru. Vamwe vevagari vakanyorerwa matsamba vakwegura zvekuti havana kwavanokwanisa kuwana mari. Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti vana sorojena vanobhadhara mitero yakaderera uye vanofanira kuenda kumahofisi ekanzuru nehumbowo hunoratidza kuti vakwegura uye kuti ndivo vanogara paimba yavanobhadharira mutero. VaChideme vaenderera mberi vachiti kanzuru icharamba ichiendesa vagari kumaDebt Collectors uye vanenge vasingade kutorerwa matanho aya vanofanira kuenda kumahofisiekanzuru munzvimbo dzavo kuti vandotaura kuti vachabhadhara chikwereti chavo sei. Zvichakadai mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nekanzuru yeHararezvakashata uye sangano ravo richaramba richidzidzisa vagari kuti vasashande nemakambani anotevera zvikwereti. Vati kambani yeWell Cash inofanirawo kurwiswa. Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vakuru vekambani yeWell Cash kuti timwe divi ravo panyaya iyi. Vagari, mabizimisi pamwe nehurumende vane chikwereti chemari inodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora kukanzuru yeHarare. Kanzuru yeHarare inoti kana ikawana mari iyi inokwanisa kuita basa rayo zvakanaka izvo zvinota kuti ikwanise kutakura marara nekupa vanhu mvura nezvimwe zvinofadza vagari. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-harare-residents-hire-attorneys/3672366.html +business Vanotengesera Mumigwagwa Vodyira Hurumende Marasha Vanoita basa rekutengesa mumigwagwa nevanoita mabasa emaoko vaenderera mberi nemusangano wavo pachechi yeAnglican muHarare zvisinei nechaunga chemapurisa vamwe vacho vanga vakapakatira pfuti, uye vamboda kurambidza vanhu ava kuita musangano uyu. Vanhu ava vaungana kuti vazeye matanho avangatora mushure mekudzingwa mudhorobha nekanzuru yeHarare ichibatsirwa nemapurisa eZRP izvo zvavanoti zvasiya mhuri zhinji dzichinhonga svosve nemuromo. Vamhu ava vashoropodza zvikuru kurohwa kwavati vari kuitwa nemapurisa pamwe nekutorerwa zvavanenge vachitengesa. Vatengesi vati vakaramba vachishungurudzwa vanoda kuti vese vanobata mabasa emaoko vabatane pamwe chete voenda kubazi rehurumende rine chiga chekubatsira vanotambura. Mumwe mutengesi asina kuda kudomwa nezita ati kana vachitadziswa kuzvichengeta, hurumende inofanirwa kuvachengeta. Vanhu ava varatidza hasha uye vayambirawo mapurisa kuti vakaramba vachivarova vachaitawo chirwirangwe sezvo vaine kodzero dzavo semunhu wese. Amai Chipo Magwizi vati vatengesi vemumigwagwa vanofanirwa kubatana vorwisawo vanenge vachivarwisa. Mumwe mugare wemuHarare, Amai Vaida Nhemachena, vatiwo kunyange hazvo vari kushungurudzwa havasi kuzobuda mudhorobha kusvika kanzuru yeHarare yavapa kwekutengesera kune vanhu. Vatiwo mwedzi uno zvakavaomera zvikuru sezvo vasina bhizimusi ravakaita nekuda kwekudzingwa nemapurisa. Sachigaro weNational Vendors Union of Zimbabwe, VaStendrick Zvorwadza, vatiwo vanodawo kutaura nemutungamiriri wenyika kuti vanzwisise kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vari kutuma mapurisa here kuti varove vatengesi vemumigwagwa. Vati vapa VaMugabe masvondo maviri chete kuti vakurukure nevanoita mabasa emaoko. VaZvorwadza vashoropodzawo mapurisa nekumboda kumisa musangano wavo izvo zvaita kuti vanonoke kutanga. VaZvorwadza vati mapurisa haana simba rekupa mvumo kana kurambidza misangano asi vanongofanira kuziviswa chete pasi pemutemo wePublic Order and Security Act. Pave nemasvondo matatu vanotengesa mumigwagwa vachiita hwagonzo nakiti nemapurisa eZRP pamwe neekanzuru, ayo ari kuvabvisa mumigwagwa nechisimba. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-vendors-meet-retaliation-zvorwadza-harare-city-council/4094018.html +business Kubhadhariswa Maifandi Mumigwagwa neMapurisa Konetsa Munyika Nyaya yekubhadhariswa kwevatyairi mari dzemafayindi pama road blocks nemapurisa iri kuenderera mberi ichinetsa munyika, vakawanda vachitsigira mashoko emutongi wedare, Justice Francis Bere, ekuti nzira inoshandiswa nemapurisa kubhadharisa mari idzi kazhinji haizi pamutemo. Mumashoko avo neChitatu, mutauriri wemapurisi, VaPaul Nyathi, vakati havazi kuzoteerera mashoko aVaBere vachiti mapurisa acharamba achibhadharisa vatyairi mari dzemafayindi kana vatyora mutemo. Mutauriri wehurumende, uye vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vari kutsigirawo mashoko emapurisa aya. Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaArnold Tsunga, vanoti vanotsigira mashoko aVaBere, vachiti vanhu havafanirwi kumanikidzwa kubhadhara faindi, asi kuti vanofanirwa kupihwa mukana wekupikisa tikiti ravanenge vapihwa kudare redzimhosva kana vachida. No media source currently available https://www.voashona.com/a/nyaya-yemafayindi-yoramba-ichinetsa-munyika/2639281.html +business Vakaremara Vobatsirwa neMishina Inochera Goridhe kuManicaland Sangano revacheri vezviwanikwa zvakakosha, reZimbabwe Miners’ Federation, ZMF, rakabatsira vakaremara mudunhu reManicaland nemuchina unoshandiswa pakuchera goridhe. Vachitaura pakutambidzwa kwemuchina uyu nezuro, sachigaro wesangano reZimbabwe Miners Federeation kudunhu reManicaland, VaLameck Mushayamhara, vakati vanovimba kuti muchina wakapihwa nhengo dzeManicalanda People with Disabilities in Mining uchapa kuti vasiye tsika yekupemha. Mumiriri weZMF kudunhu reManicaland, Amai Judith Shadaya, vakatiwo vanorarama nehurema vanofanirwa kusimudzirwa sezvaitwa neZMF. Sachigaro vesangano revanorarama nehurema mudunhu reManicaland, Va James Mutisi, vakatiwo vakafara zvikuru nezvavaitirwa neZMF Munyori mukuru musangano revanorarama nehurema mudunhu reManicaland, Muzvare Esther Nemaramba, vakati zvavo zvavaitira zvakanaka sezvo vasichapemhi kuburikidza nemuchina wavakapihwa. Nhengo makumi matanhatu dzakapihwa rubatsiro rwemuchina wecompressor dzichange dzichichera goridhe munzvimbo dzinoti Premier, Old Umtali, uye kuPenhalonga mudunhu reManicaland. Rubatsiro urwu rwakapihwa kuvanhu ava pamabiko akaitirwa muDarlington Extension muguta reMutare. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-disabled-people-in-manicaland-get-support-for-their-mining-activities/5854689.html +business Mashoko eRBZ Oratidza Pachena Kuti Hupfumi hweNyika Hwananga kuMawere Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaburitsa mashoko nemusi weChipiri anoratidza kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zviri kuramba zvichienda kumaziva ndadzoka. Izvi zviri kuonekwa kuburikidza nemari yakawanda iri kukweretwa nehurumende kubva kumabhanga emunyika, kushomeka kwemari iri kukweretwa nevemabhizimisi, uye kushaikwa kwemari mumabhanga zvopa kuti vamwe vashaye chivimbo nemabhanga acho. Reserve Bank of Zimbabwe inoti mari yakweretwa nehurumende kusvika pari zvino inosvika pamabhiriyoni manomwe ichikwira nezvikamu makumi mana kubva muzana kusvika muna Chivabvu zvichienzaniswa negore rapera. Nekushomeka kwemari munyika kunyange hazvo pakaparurwa mabond notes, RBZ inoti vanhu vakawanda vave kushandisa Real Time Gross Settlement Transaction kana kuti RTGS. Asi vaimbova gurukota rezvemari uye vachitungamira bato rinopikisa rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vayambira kuti zviri kuitwa nehurumende izvi kuzvisikira moto muziso. VaBiti vati mumabhanga hamuna mari zvopa kuti pashandiswe RTGS asi izvi. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti kukwereta mari kuri kuitwa nehurumende uku hakuna kunaka. Ko mari iri kukweretwa nehurumende iyi inobva kupi chaizvo kana vemabhanga vachiti havana mari. Doctor Kanyenze vanoti hurumende iri kungotora mari yevanhu iri mumabhanga. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti nyaya yekuti hurumende iri kukwereta mari yakawanda yave kuomesera vemabhizimisi. Mashoko aya atsinhirwawo naDoctor Kanyenze avo vati hurumende iri kukwereta mari yekubhdhara vashandi vayo kwete kuita mabasa ebudiriro ari kudiwa munyika. VaZembe vatiwo kukweretwa kuri kuitwa mari nehurumende kuri kupawo kuti mutengo wekuti vemabhizimisi vakwerete mari udhure. VaBiti vatiwo kuti zvinhu zvifambe munyaya dzezvehupfumi, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanofanira kuona kuti mabhizimisi awaniswa mari yekuita mabasa. Kuyange hazvo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuti hurumende haifanire kukwereta mari, VaChinamasa vanoti hurumende hakuna kumwe kwainowana mari sezvo isingakwanise kukwereteswa mari neInternational Monetary Fund, IMF, neWorld Bank. Hurumende inoti izvi zviri kukonzerwa nenyaya yezvirango zvakatemerwa nyika. Asi veIMF neWorld Bank vanoti hurumende yeZimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3958456.html +business ZIMSTAT Inoti Kuverengwa kweVanhu Kwakaburitsa Pachena Kuti Madzimai Mashoma Ari Kushanda Mabasa Anovapa Mari Yakawanda Sangano reZimstat rinoti ongororo yarakaita pakuverengwa kwakaitwa vanhu gore rino inoratidza kuti varume vakawanda ndivo vanoshanda zvichienzaniswa nevanhukadzi uyewo vanhu vakawanda munyika vabvazera vari kunzi varipamabasa. Vachitura ongororo yavo, mukuru weZimstats VaTaguma Mahonde vati ongororo yavo yakaratidza kuti munyika varume vakawanda ndivo vari pamabasa zvichienzaniswa nevanhukadzi. VaMahonde vati pavanhu vasina mabasa vaitarisa kune avo var ikutotsvaka mabasa vachiti vainge vasina kuisawo avo vainge vaneta nekutsvaka mabasa zvekuti vanga vambomira. VaAdolphus Chinomwe vanoshanda nesangano reInternational Labour Organization kana kuti ILO vati zvabudiswa neZimstats izvi zvinoratidza kuti madzimai akawanda ari mumabasa avasingapihwi mihoro akadai sekuchengeta pamba, kubika nekuchengeta varwere vachiti izvi zvine njodzi huru sezvo zvichizoita kuti madzimai arambe achitambura. VaChinomwe vatiwo kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vasiri pamabasa huchichi hushoma, chakakosha kuongorora ndechekuti vari pamabasa vacho vangani uye vari kuita mabasa anovapa mari yekuti vakwanise kuzviriritira. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Manyanya vatiwo zvabuditswa neZimStats zvinoratidza kuti muono wehurumende weVision 2030 hwekuti hapana anofanirwa kusarira kumashure hausi mugwara. VaManyanya vati huwandu hwapiwa neZimstats hunoratidza kuti madzimai nevechiki vari kusarira kumashure. VaMahonde vatiwo ruzivo rwezvemabasa munyika hunobatsirawo hurumende muzvirongwa zvayo kunyanya kuziva kuti hurongwa hwebudiriro hwehurumende huri mugwara here. Gawaro rabuditswa neZimStats iri nderechisere uye riri rekupedzisira pamagwaro aitarisirwa kubuditswa nesangano iri pachitariswa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kunoitwa kamwechete pamakore gumi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6815694.html +business Sangano reMadutazvinhu Rochema Kushaya kwaVaJoel Biggie Matiza Sangano rinomirira vatyairi nemakondakita, reZimbabwe Union Of Drivers And Conductors (ZUDAC) rinoti kushaya kwevaimbove gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, kwarwadza vanhu vazhinji vanoshanda mune zvekutakurwa kwezvinhu. Mutungamiri weZUDAC, VaFredrick Maguramhinga, vanoti VaMatiza vakange vachishanda zvakanaka nevanhu nemasangano ane chekuita nezvekutakurwa kwezvinhu. Vanoti VaMatiza vaigara vachiita misangano nemasangano avo vachiratidza kuda kunzwisisa mashandiro avo uye vachivabvunzavo nezvemirairo yavaifunga kuti ingabatsira mukufamba zvakanaka kwebazi iri, vachiti VaMatiza vakabatsira sangano ravo zvikuru. VaMaguramhinga varumbidzavo vaimbove gurukota reZimbabwe raiona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera, mazuva maviri VaMatiza vasati vashayawo nechirwere cheCovid-19. VaMaguranhanga vati VaMoyo vakabatsira vatyairi nemakondakita panguva iyo vanhu muSouth Africa vakange vachirwisa vatyairi vekune dzimwe nyika vaishanda muSouth Africa. VaMoyo naVaMatiza vakapihwa ruremekedzo rwehugamba hwenyika uye vose vacharadzikwa mangwana, Chitatu, paHeroes Acre muHarare, pamwe chete nerimwezve gamba, vaParadzai Zimondi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-union-of-drivers-and-conductors-mourn-joel-biggie-matiza-fredrick-maguranhanga/5751912.html +business Zvikoro Zvovhurwa Asi Vamwe Varairidzi Vachiramwa Mabasa neNyaya yeMihoro Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vadzidzi vari kunyora bvunzo mukupera kwegore kunyangwe hazvo vamwe varairidzi vatotanga kuramwa mabasa vamwe vachitiwo hurumende haisi kupa zvikwanisiro zvakakwana kuvadzidzi kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Muzvikoro zvine chitsama zvakashanyirwa neStudio 7 muBulawayo kusanganisira Milton Primary, McKeurtan Primary, Lobengula Primary, Eveline High pamwe eGifford High, vana vechikoro vange vauya kuchikoro uye vadzidzisi vange vachiita basa ravo. Pazvikoro izvi, vana vadzidzisi pamwe nevamwe vanhu vose vanenge vasvikapo vange vachitanga vaongororwa kupisa kwemiviri yavo uyewo kugezeswa maoko nema sanitiser. Mumwe mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Moyo, ati afara kuti zvikoro zvavhurwa asi akomekedza kuti hurumende itore matanho akasimba ekuti vana pamwe nevadzidzisi vadzivirirwe mukubatwa nechirwere cheCovid-19. Tsvakurudzo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti kuzvikoro zvakawanda zvekumamisha vadzidzisi vakawanda havana kuenda kubasa. Mumwe mudzidzisi anodzidzisa kuBinga achigara muBulawayo uyo asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo achityira basa rake ati haazi kukwanisa kuenda kuchikoro kwaanodzidzisa nekuti mari yake yemuhoro haikwane kuti aite izvi. Masangano anomirira vadzidzisi akawanda ari kuti vadzidzisi havazi kukwanisa kudzokera kumabasa nekuti mari yavo haivakwanire. Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti vadzidzisi vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vekumaruwa havana kuenda kubasa vachiti izviz hazvishamise nekuti havana mari yekuti vakwanise kuita izvi. Vatsidza kuti vadzidzisi havazi kuzodzokera kuchikoro kana nyaya yavo yemuhoro isati yagadziriswa. Svondo rakapera gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema vakati vadzidzisi vanotadza kuenda kubasa vanogona kudzingwa basa.\nMukuru wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ VaTakavafira Zhou vashora danho rehurumende vachiti kutyisidzira vashandi hakuna zvakunobatsira. Mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano emuzvikoro reNational Association of School Development Associations, kana kuti NASDAC, VaBanny Manokora vaudza Studio 7 kuti vari kufara kuti zvikoro zvavhurwa asi vati shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende yakadzirisa gakava riri pakati payo nevahsndi vayo kusanganisira vadzidzisi kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muzvikoro. Tabata mutauriri webazi redzidzo VaTaungana Ndoro kuti tinzwe maonero ebazi ravo pazuva rekutanga regore rino rekuvhurwa kwezvikoro asi vati vange vari mumusangano. Asi gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti nhaurirano nevarairidzi dziri kuenderera mberi nekudaro hapana chikonzero chekuramwa mabasa. Vati hurumende yakazvipira kuwedzera vashandi mari. Pave nenguva yakareba vadzidzisi vachichema chema nenyaya yemuhoro pamwe nemashandiro uye vamwe vanoti kusagadziriswa kwenyaya iyi iri kuita kuti dzidzo yemunyika idzokere kumashure. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zvikoro-zvovhurwa-asi-vamwe-varairidzi-vachiramwa-mabasa-nenyaya-yemihoro/5815026.html +business Kushaikwa kweMari yeKunze Kwokonzeresa Kushomeka kweDoro neZvinwiwa "Kambani yeDelta inoti yasarirwa nedoro nezvinwiwa zvakaita sekokokora (Coca Cola) zvevhiki rimwechete chete nekuda kwekushaikwa kwemari kubva kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe. Nekuda kwekushomeka kwemari, makambani makuru munyika anopihwa mari kubva kuRBZ kuti atenge zvinhu kubva kunze kwenyika. Kambani yeDelta inonziwo ine zvikwereti zvakakura. Asi zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka kubhanga iri nenyaya yekuti mari yekunze iri kunetsa kuwana. Mukuru we‎Management Solutions (Pvt) Ltd, VaLuxon Zembe, vanoti zvinhu zvinotambudza zvikuru kune vemabhizimusi, zvichiratidza zvakare kuti nyaya yemari yekune dzimwe nyika ichiri kunetsa muZimbabwe pari zvino. ""Kana makambani makuru anogadzira zvekudya akaita seDelta aakupa yambiro yakadaro zvinoratidza kuti zviro zvedu hazvina kumira zvakanaka,"" VaZembe vanodaro. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-economy-delta-beverages-foreign-currency-beer-shortage/4387139.html +business Vanoita Mabasa eMaoko Vochema Vachiti Havasi Kukosheswa neHurumende Vanoita mabasa emaoko pamwe nekutengesa zvinhu mumigwagwa vanoti vari kuomerwa zvikuru kuti vawane mari yekunyoresa zviri pamutemo, kuitira kuti vatange kuita mabasa zvichitevera kumbomiswa kwavakaitwa nekuda kweCovid-19. Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakazivisa svondo rapera kuti vanozviitira mabasa avo emaoko kana kuti vari mu informal sector, vanofanira kugadzirira kushanda zvekare asi vachifanira kutanga vanyoreswa kuti vashande zviri pamutemo. Mabhizimisi mazhinji aya ange akavharwa kubva musi wa 30 Kurume apo hurumende yakasimbaradza kurwisa chirwere cheCovid-19 ichiti vanhu vagare mudzimba. Munyori mukuru musangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, VaWisbon Malaya, vanoti zvimwe zviri kudiwa kuti vatange mabasa zviri kuvanetsa kunyange vatotanga havo kuchenesa nzvimbo dzavanoshandira. Vanoti vari kuda kunzi vanyorese kumakanzura vopihwa marezinesi uye kuuya netsamba dzinoratidza kuti havasi kurwara. Izvi vanoti zvinoda mari yakawanda uye zviri kuvaremera sezvo vave nengiva vasiri kushanda. Asi meya weguta reHarare VaHerbert Gomba vanoti makanzuru ange orasikirwa nemari yakawanda nekuda kwevanhu vasingabhadhare mitero vachizviitira mabasa avo.Vati vanotengesa mumigwagwa vanofanira kubhadhara mitero kuti kanzuru ikwanisewo kuita mabasa anovabatsira akafanana nekuvawanisa mvura nekugadzira migwagwa. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanozviitira mabasa avo emaoko ava ndivo vakabata hupfumi hwenyika sezvo vaine mari yakawanda iri kutenderera. Mashoko aya atsinhirwawo nevanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, avo vanoti vanozviitira mabasa emaoko ava vanosimudzirawo hupfumi nekuwanisa vanhu mabasa. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kunyangwe vanozviitira zvemaoko vakakosha, hurumende haina zvinobatika zvairi kuvabatsira nazvo. VaMugano vanoti vanofanira kuvakirwa pakanaka pekushandira kuti vave nechidokwa dokwa chekubhadhara mitero. Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vanoti zvakakosha kuti hurumende pahomwe yayakaumba yekubatsira vemabhizimisi inosvika mabhiriyoni gumi nemasere emadhora emunyika ibatsirewo vanozviitira mabasa emaoko ava. Pari zvino vakawanda vange vachibvumidzwa kushanda ndevaya vanoita mabasa ekutengesa zvirimwa pamisika mikuru munyika. Vamwe vakawanda vange vari kungoita hwakiti nagonzo nemapurisa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/nyanzvi-munyaya-dzezvehupfumi-dzinoti-hurumende-haisi-kukoshesa-vanozviitira-mabasa-avo/5464764.html +business Mauto, Vasori neMapurisa Voshandiswa Kumanikidza Varimi Kuti Vaendese Chibage kuGMB Varimi vakawanda munyika vari kuchema chema nedanho rehurumende rekuti mauto, vasori nemapurisa pasi peJoint Operation Command vaone kuti vamanikidzwa kutengesa chibage kuGrain Marketing Board. Vakuru muhurumende vaudza Studio 7 kuti izvi zviri kuitwa sezvo zviri kutyirwa kuti kushaikwa kwehupfu kunogona kukonzera kusagadzikana munyika. Mutsamba yakanyorwa nemunyori mukuru mubazi rezvekurima Doctor John Basera kuGMB iri mumaoko eStudio 7, pachibage matani zviuru makumi matatu zvakohwewa kana kuti 30, 000 metric tonnes, matani zviuru zvishanu kana kuti 5000 metric tonnes chete ndizvo zvaendeswa kuGMB. Patabata VaBhasera vati tivatumire mibvunzo asi vange vasati vapindura. Hurumende yakadzika mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 145/19 kumanikidza varimi kutengesa chibage kuGMB kana paita goho shoma Mapurisa, mauto nevasori vari kunzi mutsamba iyi vaende kumapurazi vachiona kuti varimi havasi kuviga chibage here kana kutengesa pamukoto. Vanonziwo vaite maroad blocks kuona kuti hapana vari kutakura chibage zvisina mvumo yeGMB here. Asi nhengo yeparamende yakazvimirira vachimirira Norton vari murimi vaTemba Mliswa vashora zvikuru zviri kuda kuitwa nehurumende izvi. Vaudza Studio 7 kuti varimi vanoda kupihwa mari inoendererana nemari yavakashandisa pakurima. Vati zvekurimisa zvakaita sembeu nefotereza zvinotengwa nemadhora ekuAmerica. No media source currently available Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakaudzawo Studio 7 kuti vainge vatenga chibage chinosvika matani zviuru mazana mana kana kuti 400, 000 metric tonnes kubva kuZambia neMalawi. Varimi vakawanda vari kuZambia vakatorerwa mapurazi muZimbabwe.. Kuyedza kugadzirisa nyaya yenzara, hurumende iri kuitawo misangano nebazi reUnited Nations reWorld Food Programme kuti ipihwe chikafu sezvo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo. Munyori mubazi rezvemagariro evanhu VaSimona Masanga vanoti misangno iyi iri kuenderera mberi. WFP inoti kubva mwedzi uno kusvika muna Gumiguru, Zimbabwe inoda mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nematatu kana kuti US$53 million kubatsira vanhu mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu kana kuti 5,3 million. https://www.voashona.com/a/6594408.html +business Hurumende Inoramba Mashoko eKuti iri Kuparura Mari Itsva yeNyika Svondo Rino Hurumende pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, varamba mashoko ekuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rino. Zvichitevera mashoko aburitswa padande mutande reTwitter nevakambove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, ekuti svondo rino hurumende iri kuparura mari yenyika itsva, Doctor Mangudya vanoti vanhu havafanirwe kuteerera mashoko enhema akadai, ayo vanoti anokanganisa zvinhu mune zveupfumi. Doctor Mangudya vanoti Zimbabwe haina hurongwa hwakadaro munguva pfupi inotevera. Ukuwo, bazi rezvekuburitswa kwemashoko raburitsawo mashoko ekuramba nezvehurongwa uhwu, richiti hurumende iri kushushikana zvikuru nemanyepo ari kutenderedzwa nemamwe mapoka ezvematongerwo enyika ekuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rinouya. Aka hakasi kekutanga kuti hurumende inzi iri kuda kuparura mari itsva. Masvondo mashoma adarika mashoko aya akamboduawo zvakare, zvikuru mumadandemutande. Asi mwedzi wapera gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti nyika isunge dzisimbe sezvo paine hurongwa hwekuparura mari itsva yenyika mukupera kwegore rino. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-currency-rbz-mangudya-new-currency/4782190.html +business Michina yeChizvinozvino Yobatsira Vamwe Vabereki kuBhadhara Mari dzeChikoro Apo zvikoro zvichangovhurwa kwekotoro yekupedzisira yegore, zvimwe zvikoro zvave kushandisa ma swipe machines izvo zvave kuita kuti vabereki varerukirwe nekubhadhara mari yechikoro yevana vavo. Asi zvisinei vamwe vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rinofanirwa kugadziriswa zvachose. Nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari rave nenguva richiitika munyika mumabhangi munogara makatsokodzerana nevanhu vanenge vachitsvaga mari kunyanya pamazuva ekuvhurwa kwezvikoro. Asi zvimwe zvikoro zviri munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika zvave nema swipe machine uye zvave kubvumawo kuti vabereki vabhadhare nenzira yekushandisa mari yepafoni kunyanya yeEcocash. Vamwe wevabereki vataura neStudio 7 vati vanotambira danho iri sezvo rave kuvarerutsira panhamo yekutsvaga mari yekubhadharira vana vavo mari yechikoro. Mumwe wevanhu ava ndiMuzvare Mutsa Sibanda avo vati chikoro chemwana wavo chakatanga kushandisa swipe machine pakutanga kwemwedzi uno. Mumwezve mubereki VaBruce Tagwirei vati kunze kwekuve neswipe machine, chikoro chemwana wavo chave kutambirawo mari paEcocash izvo zvavati zvinobatsira kuti vasarasikirwe nenguva vachitsvaga mari pane kuita zvimwe zvinoraramisa mhuri yavo. Asi nekuda kwekuti kunetsa kwemari kuri kuramba kuchienderera mberi munyika vanhu vave kutambira kuti huremu hwemari yemabond note nemari yekunze uye nemari yekubhadhara munhu uchishandisa zvakasiyana. Semuenzaniso kana munhu uine zana remadhora ekuAmerica unogona kuwana zana nemakumi matanhatu emabond note. Kana munhu uchishandisawo card kutenga kana kubhadhara chezana remadhora unogona kubhadhariswa mari iri pakati pemadhora mashanu nemadhora gumi pamusoro. Mumwe mubereki asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo ati chikoro chemwana wake icho chinove chimwe chezvikoro zvakazvimirira zvega muguta reBulawayo, chinoti chinoda kuti mari yechikoro ibhadharwe imwe iri mari chaiyo imwe kuchishandiswa card. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo panyaya iyi. Nyanzvi munayaya dzezvehumhizha mukufambiswa kwemashako VaNigel Gambanga vatsinhirawo kuti danho rekuti vabereki vakwanise kubhadhara mari yevana vavo yechikoro idanho rakanaka chose. VaGambanga vati havawone chakaipa pakuti zvikoro zvakawanda zvishandise Ecocash sezvo zviri pachena kuti ndiyo nzira yekutumira kana kutambira mari iri kushandiswa nevanhu vakawanda munyika. VaButler Tambo vanove mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement, vachitaura semuongorori wezvehupfumi akazvimirira ega vati kunyange hazvo pane matanho ari kuedza kurerutsira vabereki kuti vabhadhare mari yevana vavo yechikoro, zvakosha kuti dambudziko rekushaikwa kwemari rigadziriswe zvachose risati ranyanyoipisisa. Mumwewo mubereki variwo mutori wenhau VaAdmire Kudita vatsinhira mashoko aya vachiti pane pamwe pakadai sekukwira makombi pekuti vanhu vanoda kushandisa mari chaiyo. Pakutanga kwegore rino bazi rezvedzidzo rakazivisa kuti raive ratora danho rekuti zvikoro zvinosvika zviuru zvipfumbamwe munyika zvive nema swipe machine senzira yekuita kuti vabereki varerukirwe nekubhadhara mari yechikoro asi zvikoro zvakawanda hazvisati zvave nemichina iyi. Senzira yekupedza dambudziko rekushomeka kwemari, gavhuna weRBZ Dr John Mangudya vakati munguva shoma inotevera vachaparura imwe mari yemabond notes. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4027440.html +business Hurumende Inoendeswa kuMatare neVashandi Vayo Ichipomerwa Mhosva yeKusatevedza Mutemo weNhaurirano dzeMihoro Hurumende yaendeswa kudare nevashandi vayo ichipomerwa mhosva yekusada kutevedzera mutemo panhaurirano dzemari inotambiriswa vashandi. Masangano mashanu anomirira vamwe vashandi vehurumende akwira kudare reHigh Court achida kuti dare iri rimanikidze hurumende kuti ibude nehwaro hwenhaurirano dzemihoro pakati pevashandi nemushandirwi sezviri muchikamu 65 chebumbiro remitemo yenyika. Masangano akwira kudare anoti reZimbabwe Teachers Association kana kuti ZIMTA, Progressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ, Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, Educators Union of Zimbabwe neCivil Service Employees Association, uye ari kumirirwa nemagweta eMatika, Gwisai and Partners. Vakwirirwa kudare vanoti Public Service Commission, mutungamiri wenyika, gurukota rezvemari, gurukota rezvevashandi nemabasa, gurukota rezvemitemo pamwe negweta guru rehurumende. Vakwirirwa dare ava vapiwa mazuva gumi ekupikisa kubva pazuva ravanotambidzwa magwaro ekumatare. Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti vatora danho iri nekuti pari zvino hapana mutemo unosungira hurumende kugara pasi ichizeya mihoro nevashandi vayo. Taedza kubata gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6866546.html +business Vanofamba neMabhazi Vochemachema neKukwidzwa kweMari paNguva ino yeZororo Veruzhinji vari kuda kufamba pazororo reKisimusi negoredzva vanoti havasi kufara nekukwira kwaita mari dzekubhadhara mumabhazi panguva iyo mafuta edzimotokari asiri kuwanikwa, hurumende ichiti dambudziko rekushayikwa kwemafuta rinogona kutora nguva yakareba kuti rigadziriswe. Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti kukwira kwaita mabhazi panguva ino yezororo reKisimusi kuri kuvarwadza zvikuru sezvo mari iri kuvanetsa kuwana, vachiti zvinhu munyika zvaoma semafuta agwambira mubhodhoro. Pasvika Studio 7 pamusika unokwirirwa mabhazi anoenda kumaruwa weMbare, panga paine vanhu vakawanda vanga vachitsvaga chokufambisa kuti vaende kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Mumwe wevanhu vari kuti varwadziwa nekukwira kwaita mabhazi ndiAmai Viola Mafa, avo vati vanga vachida kuenda nemhuri yavo kuMhondoro asi vawana mabhazi akwira zvakapetwa kaviri. Hatina kukwanisa kutaura nevesangano rinomirira vemabhazi ano anotakura veruzhinji sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa. Asi mumwe mutyairi webhazi rinoenda kwaMutare uyo ati anongoda kudaidzwa nezita rekuti Nohoreka, ati chaita kuti vakwidze mitengo yemabhazi ndechekuti mafuta edhiziri vari kuawana achidhura pamukoto sezvo mumagaraji mazhinji musina mafuta. Zvichakadai, kukwira kunonzi kwaita mabhazi uku kwashorwa zvikuru nesangano rinomirira vafambi rePassengers Association of Zimbabwe. Mutungamiri wesangano iri, VaTafadzwa Goliati vatiwo havasi kufara nekurambwa kuri kuitwa mari dzendarama kana kuti ma coins nevemabhazi, iriyo imwe yemari dzavari kuwana. Vati kunyange hazvo hurumende yakaisa mabhazi eZupco mumigwagwa yakawanda, mabhazi aya mashoma zvikuru pakatariswa huwandu hwevanhu vari kuda kufamba nguva ino yezororo. Hatina kukwanisa kutaura nagavhuna webhanga guru munyika VaJohn Mangudya kuti tinzwe divi ravo sezvo vanga vasiri kudaira zvakare nharembozha yavo. VaGoliati vatiwo hurumende inofanira kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemafuta kuitira kuti veruzhinji vasaoneswe chitsvuku nevemabhazi avo vanonzi vari kuchemachema nekukwira kuri kuita mafuta edzimotokari nguva nenguva. Gurukota rinoona nezvemando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti dambudziko rekushayikwa kwemafuta munyika richaramba rakapfunya chisero munyika sezvo hurumende isina mari yekunze inokwana kuti itenge mafuta anokwanira nyika. Vanhu vakawanda munyika vakatarisira kufamba nguva ino yezororo reKisimusi negoredzva kuti vanoona hama neshamwari sezvo vazvinji vavo vachange vasiri pamabasa panguva ino yezororo. Asi nekuoma kwaita zvinhu munyika nekudhura kuri kuita mabhazi nemichovha vazhinji vanoti vanogona kunoita zvichoni kunzendo dzavanenge vafamba. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-christmas-trave-bus-fare-hikes/5216779.html +business Masangano Akazvimirira Oshora Kushandiswa kweMauto neMakanzuru Masangano akazvimirira ashora zvikuru zvaanoti kushandiswa kwemauto mumakanzuru pachirongwa chekuchenesa maguta. Masangano aya anoti izvi zvinofanirwa kumiswa izvozvo. Kuda kubviswa kwemakombi muguta kwakakonzera mhirizhonga neChina pamwe nerufu. Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vashoropodza hurumende nekushandisa mauto kuti apindire munyaya dzekanzuru. VaMoyo vati zvakaitika neChina zvinorangarisa veruzhinji chirongwa cheOperation Murambatsvina chakaitwa muna 2005 chikasiya vamwe vanhu vasisina pekugara. VaMoyo vati maitiro ehurumende aya anoratidza kuti inoda kutanga zvakare chirongwa chakadai izvo vati hazvifanirwi kuregerwa zvichiitwa. Sachigaro weCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vashorawo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vakavapomera mhosva yekuda kusvibisa kanzuru yeHarare iyo ine makanzura eMDC akawanda vachiti maitiro eZanu PF kana sarudzo dzosvika. Vakasanobata chigaro chameya weHarare, Va Enock Mupamawonde, varamba kuti kubviswa kwemakombi mudhorobha kune chekuita nekanzuru vakati izvi zvakaitwa nebazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu pasina kanzuru. Vatiwo makanzura haawirirani nekushungurudzwa kweveruzhinji vari kutsvaka raramo, vakati matambudziko akatarisanwa nawo neguta anogadzirisika chete kana matambudziko ehupfumi munyika agadziriswa. Kumiswa kwemakombi kuti asapinde muguta kwakazomiswa nehurumende mushure memhirizhonga dzakaitika neChina. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-civil-society-organizations-say-no-militarization-of-kocal-council/4268045.html +business Zimbabwe Inotenga Ndarama yeBond Coins kuSouth Africa? Nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti kutengwa kwemari yendarama, bond coins, kuSouth Africa kunoratidza kuti senyika, Zimbabwe haisisina mishina yekugadzira mari yayo. Izvi zvinouya mushure mekunge patenderera gwaro rinoratidza kuti Zimbabwe yakatenga ma bond coins emasendi makumi mashanu anosvika mamiriyoni matatu emadhora. Imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaAndrew Tsiga, vati izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe haikwanisi kugadzira mari yayo pachayo. Asi imwe nyanzvi zvakare yezveupfumi, VaNyasha Muchichwa, vatiwo zvakaitwa nebhanga guru renyika zvakanakirawo nyika kuchengetedzawo mari iyi kuitira kuti isangogadzirwa nguva nenguva zvisina tsarukano. Asi vati mutengo wemari yakagadzirwa kuSouth Africa, wakawandisa zvikuru. VaMuchichwa vati danho rakatorwa nehurumende haripedzi dambudziko rekushaikwa kwemari munyika. Vati kusvika hurumende yagadzirisa mari yainoshandisa pamwedzi wega wega, Zimbabwe haigoni kubuda mumatope mairi. Gwaro rine Studio7 rinoratidza kuti mari iyi yakadhindwa nekambani yeSouth African Mint Company, uye kambani iyi yakazivisa mukuru anoona nezvekufambiswa kwemari kubhanga guru renyika neChitatu, Professor Kuveya. Asi hapana kujeka kuti mari iyi ichapinda riini muZimbabwe ichibva kuSouth Africa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Hatinawo kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vati vanga vari kuBulawayo. Vachitura hurongwa hwemari mwedzi mishoma yapfuura, VaMangudya vakati hurumende ichaunza munyika mari inoita mamiriyoni mazana matatu ema bond note. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-bond-coins-purchased-from-south-africa/4038841.html +business Commonwealth Yotumira Nhumwa kuZimbabwe Kuti Dziongorore Kuti Ingadzorwe Here Mugungano Iri Hurongwa hwekuti Zimbabwe idzokere mumubatanidzwa wenyika dzainge dziri pasi pehutongo hweBritain weCommonwealth hwave padanho repamusoro mushure mekunge sangano iri razivisa kuti rave kuzotumira chikwata chevaongorori vanoona kuti zvakakodzera here kuti itenderwe kudzokera kuva nhengo zvekare. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakanyora tsamba kumunyori mukuru weCommonwealth Amai Patricia Scotland musi wa 9 Chivabvu vachiti vave kuda kuti Zimbabwe idzokere mugungano iri. Mutauriri weCommonwealth VaBarnie Choudhury vanoti vatanga kuongorora kuti Zimbabwe yakakodzera here kudzoswa. Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaburitsa Zimbabwe muCommonwealth muna 2003 mushure mekunge Commonwealth yazivisa muna 2002 kuti yainge ichironga kumbomisa Zimbabwe kuva nhengo. Zimbabwe inofanira kuchengetedza kodzero dzevanhu kuti itenderwe kudzoka mugungano. No media source currently available https://www.voashona.com/a/commonwealth-yotumira-nhumwa-nhumwa-kuzimbabwe/4412662.html +business Mizinda yeZimbabwe Yoendeswa kuMatare eDzimhosva Nekuda kweKukundikana Kubhadhara Mitero Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kushushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kubhadhara mitero yezvivakwa zvairi kushandisa semizinda yenyika munyika dzakawanda. Izvi zvinonzi zvave kukanganisa mafambisirwo emabasa kumizinda iyi, sezvo mina yemizinda iyi yave kuendeswa kumatare edzimhosva munyika dzairi. Mizinda yave kuendeswa kumatare inoti uri kuLondon, uri kuHong Kong, uri kuNew York pamwe nemumwe usina kutaurwa nezita. Zvinhu zvinonziwo hazvina kumira zvakanaka kumizinda yakaita seuri kuBotswana nekuEthiopia, pakati pemimwe iri kutaraika. Munyori mukuru mubazi rezvekudzidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha neChipiri vakapa mufananidzo unonzi unosiririsa apo vaipupura mamiriro akaita zvinhu kumizinda yenyika kukomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika. VaBimha vanonzi vakaudza komiti iyi kuti zvinhu hazvina kumirawo zvakanaka kuvashandi vekumizinda iyi, sezvo vari kutatarikawo kuwana mihoro yavo. Vanonzi vakati vamwe vevashandi ava vakatobuda mudzimba dzehurumende dzavanga vachigara nekuda kwekutadza kubhadhara mitero. Mihoro yevashandi vehurumende vari kunze kwenyika inonzi yave kubva kuboka reSalary Service Bureau, iro rinonzi riri kutatarikawo kuisa mihoro paine nguva. Vamwe vevashandi ava vanonzi vari kuita dambudziko rekuti vazotora mihoro iyi munyika dzavagere. VaBimha vanonzi vakaudzawo komiti iyi kuti panzvimbo yekugadzirisa matambudziko, danho rekuti vashandi vekumizinda vawane mihoro yavo ichibva kubazi rezveupfumi rakatowedzera matambudziko. Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kukurudzira kuti hurumende ivhare mimwe mizinda, asi sachigaro wekomiti yeparamende iyi vachimirira Makonde VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti danho iroro rinogonekwa chete kupasiswa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. VaParadza vanoti rimwe dambudziko riri pakuti bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika harina zvivakwa zvaro sezvo zvivakwa izvi zviri pasi pebazi rezvekutongwa kwematunhu. Vanoti komiti yavo ichaedza kusangana negurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa kuti vaone kuti vangabatsira sei kuti mizinda iyi iwane mari. Vanoti vachasanganawo zvakare naVaKasukuwere kuti vaone kuti bazi ravo ragadzirisa here zvimwe zvezvivakwa zvinonzi hazvichatarisika, zvakaita semuzinda wenyika uri kuEthiopia uyo unonzi unoda kuvandudzwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-embassies-foreign-affairs-paradza/3566994.html +business Vashandi neVashandirwi Votambira Bond Notes Zvakasiyana Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nemusi weMuvhuro vakaparura mari yemabond notes iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika. Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nemusi weMuvhuro vakaparura mari yema bond notes iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika. Zimbabwe iri kuda kuyedza zvisati zvamboitwa munhoroondo yenyika dzepasi rino zvekurega kushandisa mari yekune dzimwe kusanganisa dhora rekuAmerica ichishandisa mari yayo. Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekune dzimwe nyika muna 2009 mushure mekunge mari yenyika yashaya simba. Asi ma bond notes akaparurwa aya anenge asina kusvika zvakanaka. Vanoita basa rekuchinja mari vanonzi vatotanga kuitengesa pamukoto. Kuti munhu awane dhora rimwe chete rekuAmerica anoda ma bond notes gumi nematatu, uye kuti awane rand rimwe chete anoda mabond notes gumi. Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vanoti vemabhizimisi vari kutambira mari iyi nemufaro. Panyaya yekuti zviri kuitwa neZimbabwe zvakafanana nekufa uchimuka, sezvo zvisati zvamboitika, VaJokonya vanoti zvinokwanisika. Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailer’s, VaDenford Chimutashu, vanotenderana naVaJokonya vachiti mabond notes ari kurerutsira vanhu vange votadza kutenga zvinhu nekushaya mari. Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kuparurwa kwemari iyi kuchapawo kuti madhora ekuAmerica ashaike zvichapa kuti zvinhu zvitange kudhura muzvitoro. Vamwe vanoti izvi zvave kutooneka nekunetsa kuri kuita mafuta ekufambisa dzimotokari. Asi VaChimutashu vanoti mari yekuAmerica yange ichishandiswa zvisizvo uye ikozvino inenge yave kuwanikwa. Asi mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti sevashandi havasi kutambira kuparurwa kwemari iyi uye vari kuzoratidzira. Imwe nyaya iri kunetsa inyaya yekuti mari yakaparurwa iyi iri pamutemo here. Magweta anorwira kodzero dzevanhu uye vemapato anopikisa kusanganisira Zimbabwe People First vakatokwira kumatare vachipikisa kuturwa kwemari iyi. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashandisa masimba avo vakadzika mutemo unoshanda kwemwedzi mitanhatu kuti vaparure mari itsva iyi. Asi vanokokera bato reMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti zvakaitwa naVaMugabe hazvisi pamutemo. Ikozvino dare reparamende riri kuenda kuvanhu kunovabvunza nezvekuparurwa kwemari iyi. Asi vamwe vanoti uku kuyeuka bako mvura yanaya. VaGonese vanoti havo zvakakosha kuti vanhu vape pfungwa dzavo kuitira mangwana. Zvinhu muZimbabwe panyaya yemari zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuti zvinhu zvifambe Zimbabwe inoda kuti igadzirise hupfumi hwayo kwete kuparura mari itsva. Kuti mabond notes achashanda sezviri kuparidzwa nehurumende? Aiwa apa ndipo panonzi navanasorojena totenda maruva tadya chakata. No media source currently available . https://www.voashona.com/a/zimbabwe-bond-notes/3616270.html +business Vari Kunze Vochema neKwavanoti Kusatirimuka kweHurumende paNyaya yeMapasipoti Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvikuru zviri kunze kwenyika zviri kunyunyuta zvakasimba nekwazvinoti kukundikana kwehurumende kuzviwanisa magwaro ekufambisa matsva kana kumutsiridza anenge apera kushanda, izvo zvave kuita kuti vamwe vavo varasikirwe nemabasa. Hurumende yakanga yambozivisa svondo rapera kuti zvinhu zvakanga zvave kuzoreruka sezvo yakatenga mapepa nezvimwe zvinodiwa mukugadzirwa kwemapasipoti. Asi tsvakiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti hurumende iri kutotarisira chikamu chekutanga chemapepa akatengwa aya pamwe nezvimwe zvinodiwa mukudhindwa kwemapasipoti zvakaita se ink zviri kutotarisirwa munyika pakati pemwedzi unouya. Mushandi uyu atiwo pari zvino hapana chiri kudhindwa kumahofisi kwavo, izvo zvinopesana nemashoko anga achiburitswa nevamwe ekuti zvinhu zvave kutanga kufamba. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSouth Africa, VaMaxwell Mwale, vanoti vari kuchema zvikuru kuti pasipoti yavo yave kupera kushanda pasina hurongwa kwekuti vawane imwe nekukasika. VaMwale vanoti vanhu vakawanda muSouth Africa vave kuvharirwa mabhuku avo ekumabhanga sezvo vasisina magwaro anovabvumidza kugara nekushanda munyika iyi zviri pamutemo. VaMwale vanoti vanhu vakawanda vave kungogara vasina mapasipoti, kunyange hazvo vachityira kuti vachabatwa vachidzoserwa kumusha. VaMwale vanokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti igare pasi nevatungamiri venyika dzine zvizvarwa zvayo votsvaga nzira dzingabatsira vanhu ava, pane kuti vadzoserwe kumusha. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-passports-home-affairs-maxwell-mwale/5023727.html +business ZIMRA Yoomesera Vasiri Kubhadhara Mitero Chipiri range riri zuva rekupedzisira remakambani emunyika ane zvikwereti zvemutero kuti ange atenderana nebazi reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, kuti angazvibhadhara sei mari iyi gore rino risati rapera. Asi vakuru vemabhizimisi vanoti kuda kuvamanikidza kubhadhara mari iri kunzi neZIMRA inopfuura bhiriyoni imwe chete yemadhora zvichapa kuti vavhare mabhizinesi avo, vanhu vorasikirwa nemabasa. ZIMRA inoti mari iyi ndeyezvikwereti zvekubva muna Kukadzi 2009 kusvika muna Gunyana 2014. ZIMRA iri kuyambira kuti vanhu vanenge vanyepa pamapepa avo vanobvisirwa kanganwiro kana kuti Amnesty yavanenge vapihwa. ZIMRA iri kuita chipatapata chekutsvaga mari yekupa hurumende kuti ibhadhare vashandi pamwe nekufambisa mabasa ehurumende. Gurukota rezvemari, VaPatrick Chnamasa, vanoti ZIMRA inofanira kuona kuti mitero yabhadharwa. Mutungamiri wesangano revemabhizimisi reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti havaone makambani achikwanisa kubhdhara mari iyi sezvo makambani aya ari kuomerwawo. Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru anoona nezvehupfumi musangano Resource Exploitation Watch, VaWashington Mehlomakhulu, avo vanoti nguva yekuti vanhu vabhadhare zvikwereti inofanirwa kuwedzerwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-economy/2701698.html +business Hurumende Yoronga Kuwedzera maWar Veterans Mari dzeMudyandigere Hurumende yazivisa kuti ichawedzera mari yemudyandigere yevakarwa hondo yerusunguko pamwe nekuvabhadharira mari kuzvipatara pamwe neparufu. Hurumende inoti chinangwa chayo ndechekuona kuti vanhu vakarwira rusununguko rwenyika vagara zvakanaka munyika yavakasungura. Izvi zviri mubhiri riri kuda kuvandudza mitemo inobata vaimbove varwiri verusununguko. Munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nevakarwa hondo yerusununguko, Ambassador Mark Grey Marongwe, vazivisa komiti yeparamende inoona nezvemukati nekudzivirirwa kwenyika kuti hurongwa uhwu huri mubhiri rekushandura mutemo weWar Veterans Act iro riri kunyorwa nebazi ravo. VaMarongwe, avo vaonovewo munhu aive murwiri wehondo yerusunguko vachizivikanwa nerekuti Tichatonga, vati maWar Veterans ari kutambura uye anotarisirwa pasi neveruzhinji izvo zviri kupa kuti bazi ravo ritore matanho ekugadzirisa chimiro chevanhu ava kuitira kuti vakwanise kugarawo zvakanaka. Vati hurumende iri kuronga kuwedzera mari yemudyandigere yemaWar Veterans kubva pamadhora mazana matatu negumi nemashanu emaRTGS - kusvika pamari inotambirwa nemusoja ane chinzvimbo chameja muchiuto. Meja muchiuto anotambira mari iri pakati pemazana mashanu nemazana matanhatu emadhora zvichienderana nemakore aanawo ari pachinzvimbo ichi. Vatiwo vari kuronga kuti maWar Vets avewo neMedical Aid kuti akwanise kurapwa kana achinge aburitsa kadhi rinoratidza kuti aive murwi wehondo yerusununguko. Asi vati pari zvino vanhu ava vari kurapwa kusvika vapora kana vachinge vapinda muzvipatara zvehurumende. VaMarongwe, avo vakamboshanda semumwe wevakuru vakuru vezvirongwa zveZBC, vaenderera mberi vachiti vanodawo kuti maWar Veterans achengetedzwe zvakanakwa kana achinge ashaya nekudaro vari kuronga neimwe kambani inoviga vanhu kuti pese panoshaya murwiri wehondo yehondo rerusunguko, achengetedzwa zvine chiremerera. Vazivisawo kuti pane maWar Veterans ari pakati pemazana mashanu nemazana matanhatu anoshaya gore rega. Vati pari zvino pane maWar Veterans zviuru makumi matatu nezvishanu munyika. Vati vamwe vavo vakawanda munyika havana kunyoreswa uye chirongwa chekuita izvi chiri kuenderera mberi nechinangwa chekuti vese vanokodzera vawane mari yemudya ndigere pamwe nekubatsirwa kupinza vana zvikoro. Vati bazi ravo richapinza basa maDistrict War Veterans Officers makumi matanhatu nematanhatu mumatunhu ese munyika kuti agadzirise nyaya dzavo mumatunhu ese munyika. Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakaita saAmai Angeline Chipato vati kunyange hazvo chiri chinhu chakanaka kuchetengedza maWar Veterans, zvakakoshawo kuti hurumende ione zvaingaite pamusoro pana chimbwido nana mujibha avo vavati vakaitawo basa guru. Asi VaMarongwe vati mutemo uri kutosandurwa kuti vana chimbwido nana mujiba varemekedzewo pamwe nekupihwa mari dzemudyandigere sezviri kuitwa maWar Veterans. Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo pasina chakaipa pakuchetenegedza varwi vehondo yerusununguko, vanoona sekuti danho iri riri kuda kutorwa richavhiringa hupfumi sezvakaitika muna 1997. Vati vanhu havafaniri kuve nemweya wekuda kungomora chete vasingatarisi kuti remangwana renyika richange rakamira sei. Kuma 80s hurumende yakadzika mitemo yeWar Veterans Act ne War Victims Compensation Fund iyo inosungira kuti vese vakarwira hondo yerusununguko vapihwe mari yemudyandigere pamwe nekubatsirwa panyaya dzehutano nedzidzo. Muna 1997 sangano rinomirira varwi ava, reZimbabwe Liberation War Veterans Association, rakamanikdza hurumende kuti vapihwe zviuru makumi mashanu zvemadhora pamunhu mumwe izvo zvakadonhedza dhora remunyika nekukanganisa hupfumi wenyika. Asi VaMarongwe vati rwendo runo havasi kuda kuti hurumende itore danho rinokanganisa hupfumi nekuda kwemaWar Veterans vachiti vachaumbawo Trust ichange ichiita mabhizimisi anotsvaga mari yekubatsira maWar Veterans. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-govt-to-inrease-war-veterans-pensions/4985439.html +business Kuvhurwa kweZvikoro Kuchanetsa Rwendo Rwuno Kuvhurwa kwezvikoro kunogona kusafamba sezviri kutarisirwa mushure mekunge masangano akawanda anomirira varairidzi azivisa kuti nhengo dzawo dzakawanda dzichatadza kudzokera kumabasa nekuda kwekushaiwa mari dzekufambisa. Varairidzi vari kuda kuti hurumende idzosere mihoro yavo pamari dzavaitambira muna 2018, uye kuti nyaya dzehutano hwavo dzigadziriswe maringe nekudzivirirwa kubva kuCovid-19. Varairidzi vanodzidzisa zvidzidzo zveGrdae 7, Form 4 neForm 6 vanofanirwa kunge vadzokera kumabasa avo nhasi vachigadzirira kuvhurwa kwezvikoro muchikamu chekutanga nemusi weMuvhuro svondo rinouya. Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi mukupera kwesvondo hurumende yakazivisa kuti varairidzi vose vanoda kubaiwa nhomba vachabaiwa kana zvikoro zvavhurwa. Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti hapana chikoro chingavhurika kana zvichemo zvevashandi zvisati zvagadziriswa. No media source currently available Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wesangano reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, VaGoodwill Taderera, vanotiwo sesangano, vanotarisira kuti hutano hwevarairidzi huiswe pamberi kunyanya, uye vari kugumburwa nehurongwa hwekuti varairidzi vadzokere kumabasa vasina mari. VaTaderera vanoti sesangano vari kuda kuti musi wa 15 Kurume uchavhurwa zvikoro, usati wasvika, hurumende inofanirwa kutanga yavapa mari dzichaita kuti varairidzi vakwanise kudzokera kumabasa. No media source currently available Zvichakadaro, mubatanidzwa wemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, uyo waimbozivikana seApex Council, nezuro wakanyorerawo gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende tsamba richipa hurumende mazuva manomwe kubva nezuro ekuti inge yagadzirisa zvichemo zvevashandi zvemihoro yavo, kukundikana kwayo vashandi vanozozivisa nezvehurongwa hwekuramwa mabasa. Gwaro rinoti hurumende iri kukundikana kushevedzera musangano weNational Joint Negotiating Council, uyo waifanirwa kunge wakaitwa muna Ndira wegore rino sezvakanga zvabvumirwa pamusangano wakapedzisira kuitwa muna Zvita, wekuti hurumende idzosere mihoro yevashandioo pamari dzavaitambira muna Gumiguru 2018. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-teachers-unions-wary-about-schools-opening-without-their-demands-being-met/5808633.html +business Hurumende Inoshevedzera Musangano weKuedza Kumisa Kuramwa Mabasa kweVashandi Hurumende inonzi yashevedzera musangano wechimbichimbi nevashandi vayo senzira yekuedza kudzivirira kuramwa mabasa kwevashandi mushure mekupera kwemazuva gumi nemana avakanga vaipa kuti igadzirise zvinhu, kukundikana kwavo vaizotanga kuramwa mabasa neMuvhuro svondo rino. Sachigaro wesangano rinomirira vashandi, reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vakokwa nehurumende kuti vasangane neMuvhuro kuti vaedze kutsvaga nzira dzekudzivirira kuramwa mabasa kwevashandi mushure mekunge dzimwe nhaurirano dzavakamboita dzatadza kuburitsa chimuko. Asi Amai Alexander vanoti sangano ravo harisati rashevedzera kuramwa mabasa kunyange hazvo mazuva gumi nemana akadarika. Vanoti zvichabuda mumusangano uyu ndizvo zvichavapa gwara rekutora kuenda mberi. “Hurongwa huripo Vakandemiiri tichienda mberi ndehwekuti, chekutanga, apex Council haisati ya declare strike. Takangosana takawirirana kuti kwasara 48 hours, saka mangwana tiri kuenda kunosangana nehurumende kuseni. “Tarongazve kuti kuseni tine Apex Council yatinozoturira zvatinenge tataura ku meeting yeNational Joint Negotiations Council,” vanodaro Amai Alexander. Vashandi vehurumende vari kuramba kutambira mari inoita mamiriyoni mazana matatu emadhora yakanga yanzi nehurumende imbofanobatsira vashandi kubva mukukwira kwemitengo yezvinhu. Mazuva gumi akanga aziviswa nevashandi akapera nemusi weChishanu svondo rapera, zvichireva kuti vashandi vaifanirwa kutanga kuramwa mabasa kutanga kwesvondo rino. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-civil-servants-meeting-national-joint-negotiating-council/4760962.html +business ILO Yoyambira Zimbabwe nezveKushandiswa kweFacebook neWhatsApp Mukunyengedzwa kweVanhu Kuenda Muhunhapwa Mumwe mukuru muhofisi yesangano reInternational Labour Organization kana kuti ILO muZimbabwe neNambia akaudza komiti yedare reSenate muHarare nhasi kuti vamwe vanhu vanoshambadzira mabasa pamadandemutande akaita seFacebook ndivo vari kukwezva vanhu kuti vagume vapinda muhunhapwa kana kuti human trafficking. VaAdolphus Chinomwe, mukuru weILO vaudza komiti yedare reSenate kuti madandemutande mazhinji ari kushandiswa anenge asina kunyorweswa zviri pamutemo. Vanhu vanenge vanyeperwa kuti kune mabasa vanozoguma vobatwa senhapwa kana kubatwa chibharo. Vatiwo madandemutande akaita seFacebook, Twitter neWhatsApp ndiwo avewo kushandiswa zvakanyanya nemakoronyera aya kukwezva vanhu kuenda kunze kwenyika vachivimbiswa mabasa anobhadhara mari yepamusoro kana kuvimbiswa nzvimbo dzechikoro. VaChinomwe vati basa rekutengesa vanhu kana kuti human trafficking, rine mari yakawanda chose zvekuti pagore rega rega pasi rese rinoburitsa mazana matanhatu emabhiriyoni emadhora. VaChinomwe vati zvakakosha kuti dzihurumende dziongorore vanhu vanoita izvi. Vanotiwo zvakakosha kuti hurumende inyorese kana kuvanechekuita nevanhu vayo vanenge vachibuda munyika vachiti izvi zvinogona kubatsira kuti vaye vanenge vachishanda kunze kana vachinge vapinda mumatambudziko vakwanise kuwana rubatsiro. Vaenderera mberi vachiti nyaya yekubuda kwevanhu munyika vachinotsvaga basa kana kuenda kunoshanda inonetsa nekuti kazhinji kazhinji vanhu vanongobuda munyika vasina kutaura kwavari kuenda uye vamwe vanongoenda vasina ruzivo rwekwavanoenda. VaChinomwe vati handi vashandi vemumba chete vanobatwa chibharo kana kushandiswa senhapwa vachiti kana vanhu vakadzidzira mabasa avo mumakoreji nemaUniversity pamwe nevatambi vebhora nemimwe mitambo vari kubatwa nemambure aya. Vatiwo zvinonetsa kurambidza vanhu kuti vasabude munyika kunotsvaga mambasa sezvo kuita izvi kuri kutyora kodzero dzavo. Sachigaro vekomiti iyi, Rtd General Mike Nyambuya, vati komiti yavo inoshushikana chose nekubuda kwevanhu munyika vachinobatwa chibharo kunze kwenyika uye vanoti vari kuita ongororo yekuona kuti kodzero dzevanhu vemuZimbabwe hadzisi kutyorwa here. VaChinomwe vati nyika inogona kuwana mari yakwanda chose kana ikaronga nekuona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda kunze zvagara zvakanaka. Gore rapera munyika makamboita dambudziko guru mushure mekunge mamwe madzimai apinda muhunhapwa kunyika dzakaita seKuwait neSaudi Arabia. Hurumende yakatozomanikidzwa kuti ipindire mushure mekunge vakawanda vachema chema nemabatirwo ezvizvarwa zveZimbabwe izvi. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vari pakati pemamiriyoni makumi maviri nematatu vari muhunhapwa munyika dzepasi rino. Bazi reUnited States Department rinoti vanhu vari pakati pezviuru mazana matanhatu kusvika zviuru mazana masere vanopinzwa muhunhapwa vanosvika makumi masere kubva muzana vari madzimai uye vamwe vakawanda vari vana vadiki. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3900358.html +business Harare Residents Trust Yoronga Kusangana naMeya weHarare Pamusoro peKudzuriswa Chibage kweVagari Rimwe remasangano evagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti rine hurongwa hwekusangana nameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, pamusoro pemashoko ekuti kanzuru yakati vagari vari kuSt. Martins nenzvimbo dzakapoteredza, vadzure chibage chavo chakarimwa munzvimbo dzisina kuvakirwa. Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti vanoona sekunge danho rekanzuru iri risiri kukoshesa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzechikafu, sezvo riri kuuya panguva iyo nyika iri kutatarika nenzara. Svondo rapera kanzuru inonzi yakakurudzira vagari vakarima munzvimbo dzisina kuvakirwa kuSt. Martins, Airport Road nepedyo neCatholic University kuti vabvise chibage chavo kuitira kuti kanzuru ikwanise kutanga kuita basa rekugadzirisa masitendi ekuvakira dzimba zvakarongeka. Kanzuru inonzi ine hurongwa hwekugadzirisa masitendi anodarika mazana maviri nemakumi matatu kuitira kuti itange kupa vanhu pekuvakira dzimba. VaShumba vanoti kanzuru yaVaManyenyeni inofanirwa kunge iri kanzuru iri kushanda nevanhu vakasarudzwa nevanhu, kwete vatungamiri vezvematongerwo enyika. “Dambudziko riripo nderekuti kanzuru yedu yatsemuka nepakati, nekuti pane vamwe vashomashoma vane kwavanowana mashoko ekutaurira nyika, saka kana kanzuru ichitaura kudai iri kurwisa vagari,” VaShumba vanodaro. No media source currently available Asi mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti hachisi chokwadi kuti kanzuru yavo iri kuda kuti chibage chose chakarimwa munzvimbo idzi chibviswe. VaChideme vanoti kanzuru yavo inongove nehurongwa hwekuti vagari vashomashoma vabvise chibage chavo munzvimbo dikidiki yavari kuda kuisa migwagwa nepombi dzemvura netsvina. “Takazivisa vagari venzvimbo inonzi St. Martins kuti pavakarima chibage pane patinoda kuvhura nzira, patiri kusevhisa masitendi ekuti vanhu vawane pekugara panotenderwa,”VaChideme vanodaro. Vanoti vanhu ava vagara vachingoudzwa makore ose kuti apa pachauya dzimba, apa pachauya dzimba, asi iye zvino kanzuru yeHarare ndipo payave kuda kuchitanga kuita basa rayo. VaChideme vanoti kanzuru yavo iri kutanga svondo rino kugadzira migwagwa yekuti vatange kuita basa rekugadzira pekuvakira dzimba iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-harare-residents-city-council-manyenyeni/3172001.html +business Magetsi Onetsa Kuwana kuMasvingo Vagari vekuMasvingo vanoti vari kugara vasina magetsi nguva zhinji izvo zviri kuvhiringa mararamiro avo sezvo zvinhu zvakawanda zvavanoshandisa zvichida magetsi kuti zvishande. Vagari vakawanda vanoti vari kupedza maawa akawanda vasina magetsi pazuva sezvo kambani yeZesa iri kudzima magetsi aya isina kumbovayambira.\n\nMumwe mugari wemuHillside, Amai Entrance Takaedza, vanoti kutsvaga dzimwe mhando dzemoto kunovadhurira sezvo vachipedzisira votenga huni kana gasi asi iwo vakabhdhara mari yakawanda vachitenga magetsi ekushandisa pasi pechirongwa chePrepaid meters.\n\nVamwe vagari vanoti nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, mabhizimusi akawanda ari kudonhera pasi. Mumwe muzvinabhizinesi akazvimirira, VaCaleb Mangoma, avo vanoita basa rekuweredha, vanoti nezuro vakaswera vakagara vasina basa ravaiita nekuti magetsi akaenda kwemaawa anopfuura gumi.\n\nMukuru webasa muhofisi yeConsumer Council of Zimbabwe muMasvingo,\nVaDumisani Mungutsini, vanoti kudzimwa kuri kuitwa magetsi zvisina\ntsurukano kunotyora kodzero dzevatengi. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reMuasvingo United Residents and Rate Payers Alliance , Muzvare Rumbidzai Magurupira, vanoti kodzero dzevagari dzekuwana mvura dziri kutyorwa sezvo magetsi ari kudzimwa kudhamu reMutirikwi kunopombwa mvura.\n\nMutaruri wekambani yemagetsi munyika, Muzvare Prisca Utete, vakaudza\nStudio 7 kuti itumire mibvunzo yayo patsambambozha asi havasati vapindura. Gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, vakati vaisakwanisa kutaura nekuti vaiva pamusangano pane ruzha vakati Studuio7 izovafonera vapedza asi vakange vasisadairi nhare yavo.\n\nVagari vanoti kuenda kwemagetsi nguva dzakawanda hakusi kukanganisa kubika mudzimba chete, asi kuti kuri kukanganisawo kudzidza kwevadzidzi pamasai-sai munguva ino yekuvharwa kwenyika nepamusana pedenda reCovid-19. Dunhu reMasvingo rave nemasvondo anosvika mana magetsi achinetsa mazuva ose izvo zvave kufungisa vazhinji dambudziko\ remagetsi rakamboitika mugore ra2008. No media source currently available https://www.voashona.com/a/no-zesa-power-in-masvingo-for-weeks/6008958.html +business Varimi Vonetseka neMbeu neZvikwereti zveKurimisa Kunyange hazvo mvura yakaturuka, vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti havasati vaisa mbeu pasi sezvo vasina zvekurimisa, kushaya mbeu pamwe nefotereza izvo zviri kudhura zvakanyanya. Varimi vari kubhadhariswawo mari dzakasiyana zvichienderana nekuti vane dhora rekuAmerica here, mari yemunyika kana kuti Ecocash nedzimwe dzemakadhi. Hurumende nekune rimwe rutivi iri kukurudzira vamwe vemakambani akazvimirira kuti vabatsirewo varimi nezvikweti kurima zvakaita sesoya beans nezvimwe Varimi ava vanoti havana mbeu yekudyara sezvo iri kuvadhurira zvakanyanya. Mumwe murimi anorima kuMakonde VaIshmael Nyikadzino vanoti havana mari yekutenga mbeu nekudaro vave kutodyara chibage chemudura chavakakohwa gore rino icho vanofunga kuti chichadzikisa gohoo ravo. Pakiti yembeu yechibage yemakirogiramu gumi iri kutengwa nemadhora ari pakati pemazana matatu nemakumi mapfumbamwe kusvika pamadhora mazana mana nemakumi maviri zvichienderana nekuti imbeu yemhando ipi. VaNyikadzino vanoti vagari vanofanirwa kupihwa chibage chehupfu sezvo kuine nzara zvekuti vanhu vachapedzisira vokanga mbeu. Zimbabwe yakatarisanawo nenzara inotyisa sezvo vanhu mamiriyoni masere vari kuda kubatsirwa nechikafu. Mumwe mugari akagariswa patsva kuBanket VaUpenyu Dzvove vanoti varimi vakawanda havana mombe dzekurimisa sezvo dzakafa. (The onus is on you to probe kuti what killed the cattle not write that he did not say) Mutungamiri weZimbabwe Farmers' Union (ZFU) VaWonder Chabikwa vanotiwo mbeu yakanonoka kuuya uye vakawanda vari kukundikana kuzadzikisa zviri kudiwa nemabhanga paine nguva kuti vakwerete mari pasi pechirongwa checommand agriculture. Vanhu vanokwanisa kukwereta mari pasi pechirongwa cheCommand Agriculture kuburikidza nebhanga reCommercial Bank of Zimbabwe (CBZ), Agribank, CBZ, Stanbic ne Zimbabwe Women’s Microfinace Bank. Mari iri kunzi ichashandiswa pachirongwa ichi inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana maviri. Chirongwa cheCommand Agriculture ichi mukakore adarika change chichishorwa zvakanyanya sezvo dzimwe mari dzinodarika mabhiriyoni matatu dziri kunzi hadzina kufambiswa zvakanaka. Kunyange hazvo varimi vari kuti vakaomerwa, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudza vagari vekuMahusekwa mudunhu reMashonaland East nguva pfupi yapera kuti mvura zvayaturuka vanofanirwa kubuda mudzimba varime vachiti vasina mbeu vanopihwa mbeu yehurumende pasi pechirongwa chePresidential Scheme. Asi vakanofanobata chigaro chevanotungamira mabasa edunhu reMashonaland West kana kuti Provincial Administrator VaChenai Media Mugandani vanoti mbeu iyi inongopihwa chete vanhu vanoshaiwa vasina kana mombe. Nyanzvi munyaya dzezvekurima vachishanda neZimbabwe Farmers Unio VaPrince Kuipa vanoti varimi vari kusangana nematambudziko ekushaya zvekurimisa nekupihwa mbeu nehurumende nguva yapera. VaKuipa vanoti hurumende inofanirwa kupa varimi mbeu nguva iripo. Kunze kwekushaya mbeu vakawanda vanoti varimi vane minda asi havana zvikwanisiro. Mutungamiriri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa vachitaurawo pamusangano wakamboitirwa kuKariba vakashoropodzawo hurongwa hwehurumenda hwekutadza kupa varimi matirakita ekurimisa vachiti kurima nemombe zvinotadzisa varimi kurima minda yakakura kuti vakohwe pakuru. Hurumende inoti varimi vanosvika zviuru mazana manomwe vari kupihwa mbeu nefotireza pasi pechirongwa chePresidential Scheme vamwe vanosvika zviuru mazana mana vanotora zvikwereti pasi pechirongwa cheCommand Agriculture. No media source currently available https://www.voashona.com/a/varimi-vonetseka-nembeu-nezvikwereti-zvekurimisa/5189798.html +business Vanotengesa Mumigwagwa Vopika Kusabva Munzvimbo Dzavanotengesera Rimwe remasangano anomiririra vanotengesa zvinhu mumigwagwa, reNational Vendors Union, rinoti rinogona kumisa kutengesa zvinhu mumigwagwa kana hurumende ikatambira zvirongwa zvarakaendesa kwairi. Sangano iri rinoda kuti riwaniswewo mabasa ekuita pose panoitwa zvibvumirano nehurumende nemakambani anenge apihwa ma “tender”, sezvo richiti rine vanhu vane hunyanzvi hwakasiyana siyana, asi vasina mabasa avanoita. Mutungamiri wesangano iri, VaSten Zvorwadza, vanoti vakamirira kunzwa kubva kuhurumende vachiti hazvina musoro kuti hurumende inopa kambani imwe chete basa remamirioni makumi mapfumbamwe emadhora asi isingape rimwe remabasa kune avo vanotengesera mumigwagwa. “Chandinopokana nacho ndechokuti vanotengesera mumigwagwa vongonzi ibvai mumigwagwa pasina kutsvakwa imwe nzira yekuti vararame nayo,” VaZvorwadza vakaudza Studio7. Vatiwo sangano ravo rinoda kuti hurumende ipe vanotengesera mumigwagwa chikamu chema ’tender’ anenge apiwa makambani munyika. No media source currently available Asi mukuru werimwe sangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, kana kuti Viset, VaSamuel Wadzayi, vanoti nhengo dzesangano ravo hadzisi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera kusvika hurumende yavapa nzvimbo yakanaka yekutengesera. VaWadzayi varatidza kunyunyuta zvikuru nekurohwa kwaitwa vamwe vavo nemapurisa eZRP achishanda nemapurisa ekanzuru. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-vendors-organisations-vow-to-stay-put-sten-zvorwadza-samuel-wadzayi/4581986.html +business Hurumende Yofunga Kutengesa Makambani Ayo Hurumende inoti iri kuronga kutengesa zvikamu zvehupfumi mumakambani ayo, kana kuti ‘parastatals’. Mutevedzeri wegurukota rezvemari nekurongwa kwehupfumi, VaTerrence Mukupe, vanoti izvi zviri kukonzerwa nekusapinza mari kwemamwe makambani ehurumende aya. VaMukupe vanoti hurumende inogona kuenda mberi ikatengesa kambani yese kwete zvikamu zvayo chete kana zvichinge zvakakodzera. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvavakuda kuitwa nehurumende kuda kupa makambani aya kuvanhu vanozivikanwa kare, kana avo vanodyidzana nehurumende. Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rakagara richiti makambani ehurumende aifanirwa kuitwa makambani akazvimirira kuitira kuti ashande nemazvo. VaMukupe vati kutengeswa uku kuchaitwa pachena kune ani zvake ane mari kunyange havo vachaedza kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvingada kutengawo zvikamu mukambani iyi kana kambani yose. “Pari zvino, hapana hurongwa hwekuti makambani aya ngaatengeswere vari muZimbabwe chete. Kana ave kuzoburitswa, kunokwanisa kutariswa kuti wauya uri munhu wemuZimbabwe, uri wemuno, unayo mari yako, unokwanisa kupiwa mukana nokuti uri mwana wemuZimbabwe asi chikuru ndechokuti tinoda kuti makambani aya atange kufamba,” VaMukupe vaudza Studio 7. Mamwe emakambani aya anosanganisira Air Zimbabwe, Zimbabwe Electricity Supply Authority, pamwe neNational Railways of Zimbabwe. Makambani mazhinji aya ane zvikwereti zvikuru kunyanya Air Zimbabwe iyo inonzi zvikwereti zvayo zvinosvika mazana matatu emamirioni emadhora. VaMukupe vanoti mamwe makambani akaita seZESA haagoni kutengeswa nekuti makambani akakoshera nyika nehurumende. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-government-mulls-selling-shares-or-whole-parastatals-due-to-poor-performance-says-deputy-minister-of-finance-and-economic-planning-/4192433.html +business Vamwe Varairidzi Vombosungwa Apo Hurumende Yotadza Kuwirirana neVashandi paNyaya yeMari Dzavanotambira. Nhengo pfumbamwe dzesangano revadzidizi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, dzakambochengetedzwa nemapurisa zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nesangano iri muHarare panguva iyo vamwe vashandi vehurumende vanga vachiita musangano nemamwe makurukota hurumende. Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, nedzimwe nhengo sere dzesangano ravo vakambochengetedzwa kwechinguvana nemapurisa mushure mekusungwa kwavaitwa vachida kutanga kuratidzira paAfrica Unity Square. VaMasaraure vaudza Studio vari pakamba yeHarare Central kuti kunyange hurumende ikavasunga havasi kuzodzokera shure panyaya yekurwira kuti vadzidzisi vabhadharwe nemari yekunze pamwe nekupihwa zvimwe zvikwanisiro zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo. Pavaregedzwa nemapurisa vasina mhosva yavapomerwa zvichitevera kupindiria kwaita magweta avo, VaMasaraure nevamwe vavo vabva vaenda kunoratidzira pahofisi yegurukota rezvemari Muzvinafundo Muthuli Ncube vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro vachiti havasi kuzoenda kumabasa panovhurwa zvikoro nemusi weChipiri. Tichiri panyaya iyi, mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo vati sangano ravo harisi kufara nechisimba chiri kushandiswa nehurumende pavashandi vayo vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro. Zvichakadai, masangano ese anomirira vashandi vehurumende aita musangano negurukota rezvevashandi VaJuly Moyo achida kuti vashandi vehurumende vawedzerwe mari asi hapana chinobatika chabuda mumusangano uyu. Mutevedzeri wemunyori mukuru muApex Council, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 mushure memusangano wavo kuti hurumende yati haikwanise kubhadhara vashandi vayo nemari yekunze. VaMushangu vati sevashandi vehurumende havasi kuzoramwa mabasa parizvino kunyange hazvo vati vashandi vazhinji vanogona kutadza kuenda kumabasa sezvo vaine mari isingavakwanire kuti vakwire mabhazi kuenda kumabasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo. VaMushangu vati vave kutarisira kuti nhuna dzavo dzichagadziriswa mumusangano weNational Joint Negotiating Council wakatairisirwa kuitwa munguva pfupi iri kutevera. Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chegurukota rezvemaindustry VaJuly Moyo mushure memusangano wavaita nevemasanagano anomirira vashandi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambiriswa pamwe nekugadzirisirwa zvikwanisiro zvose zvinoita kuti vakwanise kuita basa ravo zvakanaka. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vamwe-varairidzi-vombosungwa-apo-hurumende-yotadza-kuwirirana-nevashandi-panyaya-yemari-dzavanotambira-/4732266.html +business Vamwe Vanhu Votamba Kisimusi Vasina Chekubata muZimbabwe Vanhu vakawanda muHarare vanoti kisimusi yegore rino yanga isinganakidze kudarika yemakore ose sezvo vatadza kuenda kumisha yavo uye vashaya zvinwiwa nezvokudya muzvitoro. Veruzhinji muHarare vanoti vatadza kuenda kuzororo rekisimusi nekunetsa kwanga kuchiita mabhazi kuwana kuMbare Musika. Mumwe wevanga vachida kuenda kunoona hama neshamwari ndiAmai Nancy Sakarombe avo vati vashaya chekufambisa kuenda kumusha kwavo kuGokwe. Vamwewo vanga vasina nzendo vakaita saAmai Rosyln Masiyazi vanoti vaswera vachimbeya vachitsvaga zvinwiwa nezvokudya muzvitoro kuti vakwanise kutandara nemhuri asi zvinhu izvi zvanga zvisiri kuwanikwa semakore ose. VaKennedy Chigiji vanogara mumusha weWarren Park vaudzawo Studio7 kuti mumabhawa manga musiri kuwanikwa doro vachiti izvi zvazoita kuti vaswere varere. Vezvitoro vatataura navo vanoti zvinwiwa zvisingadhake pamwe nedoro zvawandirwa panguva ino yekisimusi sezvo vagara vachiwana zvinwiwa izvi zviri zvishoma kubva kumakambani anobika doro nezvinwiwa zvisingadhake izvi ayo ari kuchemawo kuti ari kushaya mari yekunze yekutenga zvinodiwa pakugadzirisa zvinwiwa izvi. VaGibson Rukobo, avo vanogara mumusha weGreendale, vanoti vatadzawo kushanyira hama dzavo kuUzumba sezvo vaswera vari mumutsetse wekutsvaga mafuta emotokari vaine mhuri yavo vachida kuenda kumusha. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakati dambudziko remafuta edzimotokari richapera mukupera kwemwedzi uno asi zviri kuitika zviri kuratidza kuti dambudziko iri riri kutotandavara. Zvichakadai, hurumende inoti veruzhinji vanofanira kumbotiwirira kwemakore mashomanana iyo ichiedza kugadzirisa kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-experience-low-key-xmas-in-three-decades/4715742.html +business Vanochengetedza Mhuka Vaviri Vourayiwa neVanovhima Zvisiri paMutemo kuKariba Vashandi vaviri veZimbabwe National Parks and Wildlife kana kuti Zimparks vanofungidzirwa kuti vakauraiwa nevanofungidzirwa kuti vanovhima mhuka zvisiri pamitemo vekuZambia nemusi weChipiri. Vane ruzivo nezvakaitika vanoti vamwe vaviri vanochengetedza mhuka kubva kubazi reZimparks vakaita mahwekwe nevanofungidzirwa vaizvhima zvisiri pamutemo mudhamu reKariba. Panonzi pakaita kakurwisana apo vanochengetedza mhuka ava vakange voyedza kuendesa vanofungidzirwa kuti vaivhima zvisiri pamutemo ava pakamba yeChanga kuKariba. Zvinonzi nyaya iyi yakazozivikanwa mushure mekunge chikepe chevanochengetedza mhuka ava chaonekwa chichiyangarara chisina munhu uye chisina injini. Mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vatenda kuti izvi ndizvo zvakaitika vachiti vashandi vavo vaviri havasikuzivikanwa kwavari parizvino. VaFarawo vanoti vaendesa nyaya iyi kumapurisa uye kuferefetwa kwekushayikwa uku kuri kuenderera mberi uye vari kushanda pamwechete nevebazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka kuZambia. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commisioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo. Kubatwa kwevanhu vanovhima zvisiri pamutemo kunonzi kwakanyanya pamuganhu weZimbabwe neZambia. Vanovhima mhuka zvisiri pamutemo munyika mbiri idzi vari kusungwa vachitongwerwa makore akawanda mujeri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanochengetedza-mhuka-vaviri-vourayiwa-nevanovhima-zvisiri-pamutemo-kukariba/5229546.html +business Kanzuru yeGweru neVagari Vopesana Pamusoro peMamita eMvura Pari kuita kusawirirana pakati pekanzuru yeguta reGweru nevamwe vagari pamusoro pehurongwa hwekanzuru iyi hwekuda kuti vagari vashandise ma-prepaid metre emvura.\n\nVamwe vagari vakaudza Studio 7 kuti havawirirane nehurongwa uhu nekuti kuwana mvura yakachena ikodzero yevagari isingafanirwe kutyorwa zvisinei kuti vagari vanombotadza kubhadhara mitero yemvura. Mumwe mugari uyo akangozvidoma nezita rekuti Ambuya Kurebwaseka vakati kuve nema-prepaid metre emvura kunogona kuunza zvirwere sezvo vamwe vanhu vachigona kutadza kuwana mari inenge ichidiwa kuti vakwanise kutenga mvura nguva nenguva. Mumwewo mugari, Amai Nonhlanhla Chijiya vanotiwo havatsigire nyaya yema-prepaid metre vachiti mvura yakasiyana nemagetsi ekuti vanhu vakaashaya vanokwanisa kushandisa dzimwe mhando dzemoto. Amai Chijiya vanotiwo kanzuru inofanirwa kuziva kuti veruzhinji vari kuomerwa nehupenyu vachitiwo vagari vakawanda vanoda kubhadhara zvikwereti zvavainazvo kukanzuru kunyanya zvemvura, asi vanoti kanzuru inovawomesera nekusada kutambira mari inobhadharwa muzvidimbu-zvidimbu. Kunze kwekusawirirana nenyaya yema-prepaid metre emvura mumwewo mugari VaTicharwa Ngambura vanoti vanoti vagari vanochema-chema nehwavanoti huwori hunoitwa nevamwe vashandi vekanzuru vavanoti vanovharira vagari mvura zvisiri pamutemo vachida mari yechiokomuhomwe. VaCharles Mazorodze vanove mukuru werimwe remasangano anomirira vagari reGweru Residents Forum vanoti zvakanakira vagari kuti vashandise ma-prepaid metres vachitiwo zvimwe zvikwereti zvemvura zvinonzi vagari vanazvo kukanzuru hazvizi zvechokwadi nekuti vashandi vekanzuru havatarise nemazvo mashandisirwo anoitwa mvura nevagari. Asi meya weGweru VaCharles Chikozho vakaudza Studio 7 kuti hurongwa hwekuti vagari vashandise ma-prepaid metres huri kuenderera mberi vachitiwo vagari vakatambira hurongwa uhu, kunyange hazvo vakati havakwanise kupa nguva chaiyo yekuti izvi zvichaitwa riinhi. Panyaya yehuwori hunopomerwa vamwe vashandi vekanzuru vachinzi vanovharira vamwe vagari mvura vachida mari yechiokomuhomwe, VaChikozho vakakururudzira vagari kuti vasaite zvekuda kubhadhara mari yakadaro sezvo izvi zvisiri pamutemo uyewo zvisingabatsire vagari pakuderedza zvikwereti zvavanenge vainazvo kukanzuru. VaChikozho vakati vagari vane chikwereti chakakura kukanzuru vachitiwo kanzuru yavo yakazvipira kutaurirana nevagari vanenge vane zvikwereti kuti vabhadhara sei zvikwereti izvi. Vakatiwo kunyange hazvo vachitambira pfungwa yekuti kuwana mvura yakachena ikozdero yevagari, vanhu vanofanirwa kuyeuka kuti kanzuru inoshandisa mari yakawanda kuti vanhu vawane mvura iyi. VeZimbabwe National Water Authority vari kukurudzira kushandiswa kwema-prepaid water metre vachiti munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachiti izvi zvinobatsira kuti vanhu vakwanise kubhadhara mvura yavanenge vashandisa chaiyo kwete kubhadharira inenge yaita zvekufungidzirwa. Harare nderimwe remaguta ari munyika akatanga kukurudzira vagari kuti vashandise ma-prepaid metre emvura mune dzimwe nzvimbo muguta iri.\nAsi vamwe vanoti kushandiswa kwema-prepaid metre kunogona kuwomesera vanoshaya. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-human-rights-politics-water-prepaid-meters/4251089.html +business Zimbabwe Yovandudza Mitemo yeKuvamba Mabhizimisi Zimbabwe Investment Authority inoti kuvandudzwa kuri kuda kuitwa mitemo gumi nemitatu nehurumende ine chekuita nezvehupfumi kusvika muna Chikumi kwakanangana nekurudziro dzinoitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank. Sangano reZimbabwe Investment Authority, ZIA, rinoti kuvandudzwa kuri kuda kuitwa mitemo gumi nemitatu nehurumende ine chekuita nezvehupfumi kusvika muna Chikumi kwakanangana nekurudziro dzinoitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank iro rinoburitsa gwaro rinoratidza nyika dziri nyore kutanga bhizimisi kana kuti Ease of Doing Business Report. Munyori wedare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vakaudza vemabhizimisi kuZimbabwe International Trade Fair kuti chirongwa chekuvandudza mitemo ichi chiri kufambira mberi zvakanaka uye vanofunga kuti chichabatsira kukwezva vemabhizimisi vekunze. Pagwaro reWorld Bank rekutanga mabhizimisi ra2016, Zimbabwe iri pachidanho chezana nemakumia mashanu kubva panyika zana nemakumi masere nepfumbamwe. Munyika dzepasi rose Singapore ndiyo iri pamusoro soro, uye muAfrica i Rwanda. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanira kuvandudza mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uyo unonzi nevakawanda hauna kumira zvakanaka. Makurukota ehurumende anogara achipokana nezvemashandiro awo mutemo uyu. Mukuru wesangano reZimbabwe Investment Authority, VaRichard Mbaiwa, vanoti zvakakosha kuti mitemo ivandudzwe kuitira kuti ikwezve vekunze uye kuti vanhu vatange kuwana mabasa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3313546.html +business Sangano reDiaspora Care Forum Rinoparurwa muSouth Africa Zvizvarwa zviviri zveZimbabwe zviri muSouth Africa, zvabatana nemakambani matatu emunyika iyi mukuumba sangano richabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika munyaya dzekufirwa pamwe nekuronga zvirongwa zvinounza mari mumhuri. Sangano reDiaspora Care Forum, Dicafo, raparurwa zviri pamutemo muJohannesburg kuSouth Africa nemunyarikani waro, VaAustin Moyo, pamwe nemukuru waro mutsva, VaSocks Chikowero. Vachitaura pakuparurwa kwesangano iri, VaMoyo vati chinangwa chikuru chesangano ravo ndechekukurudzira vari kunze kwenyika kuti vakwanise kuita mabasa anovapa mari kuitira kuti vasazoshupike mumatambudziko akaita serufu nemamwe. VaMoyo vatiwo masangano achange achishanda neDicafo achabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukutanga mishandira pamwe, mabhizinesi, pamwe nekuchengeta mari zvine hungwaru, senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika, kana vachinge vazodzokera kumusha. VaChikowero vatiwo Dicafo ichashanda nevanhu vari munyika dziri muSADC, zvikuru South Africa, Botswana, Swaziland, Namibia, Lesotho neMozambique. Imwe nhengo yeDicafo, Amai Venitia Govendor, vatiwo sangano ravo richapawo ruzivo kunhengo dzaro munyaya dzakasiyana siyana, dzinosanganisira zvinhu zvinounza mari mumhuri kuti dzigare zvakanaka. Masangano emuSouth Africa achange achishanda neDicafo anosanganisra GuardRisk, Prosperity Funeral Advisors, neRetail Funerals. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabweans-in-sa-form-organization-to-address-their-plight/4279116.html +business Musika weFodya Unovhurwa Asi Mitengo Iri Pasi Misika yefodya yavhurwa muHarare mitengo yefodya iri pasi asi hurumende ichiti inotarisira kuti mitengo ichakwira nekufamba kwenguva. Gurukota rinoona nezvekurima, VaPerence Shiri, ndivo vaparura mwaka wekutengesa fodya zviri pamutemo pamusika weTobacco Sales Floor muHarare, uye vati vafara nemutengo kunyange hazvo wange uri pasi. VaShiri vati izvi ndizvo zvinogaroitika mwaka yese sezvo varimi vachitanga kuitengesa foya yemhando yepasi. Bhero rekutanga ratengwa nemadhora mana eku America pakirogiramu kozotiwo bhero repasi ratengwa nemasendi makumi mapfumbabweeku America pakirogiramu rimwe chete. VaShiri vaudza Studio7 kuti zvinofadza kuti misika yefodya yavhura kunyange hazvo paine dambudziko rechirwere cheCoronavirus. Asi mutungamiri werimwe remasangano anomirira varimi vefodya munyika reTobacco Association of Zimbabwe, VaGeorge Seremwe, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo misika yavhurwa, havasi kufara nemitengo iripo. VaShiri vatiwo kunyange hazvo paine dzimwe nyika dzakawanda dzinorima fodya pasi rese, Zimbabwe ine mbiri yekurima fodya yemhando yepamusoro uye inokwikwidzana neBrazil chete pasi rese. VaShiri vati kurimwa kwefodya kuri kusimukira zvakanyanya munyika uye ishuviro yavo kuti dai vanorima zvimwe zvirimwa vadzidza kubva kuvarimi vefodya. Vatiwo kunyange hazvo Coronavirus yakavhiringa hupfumi hwenyika dzinotenga fodya kubva kuZimbabwe dzakaita seChina, hazvisati zvave pachena kuti, izvi zvichakakanganisa kutengwa kwefodya yeZimbabwe here VaShiri vatiwo vati hurumende inoda kuti varimi vatevedze marimirwo anoitwa kufodya pakurimwa zvimwe zvirimwa zvakaita sechibage, nembanje dzinioshandiswa kurapa dzakaita seHemp neCannabis. Sachigaro vebhodi remakambani yehurumende inoona nezvekutengeswa kwefodya, yeTobacco Industries Marketing Board, TIMB, VaPat Devenish, vati misika yefodya ingadai yakavhurwa mwedzi wapfuura asi izvi zvakatadziswa nekuda kweCoronavirus. Vatiwo mwaka uno zvinhu hazvisi kufambiswa semamazuva ose nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye mwaka uno varimi havasi kubvumidzwa kupinda mumisika uye vachange vaine vanhu vanovamiririra. Mumisika mange muine vatengi chete nevanhu vashomanana uye vanhu vese vange vari pamusika vange vakapfeka maMask, vachigeza maoko nekuita zvese zvinofanirwa kuitwa pakudzivirira Coronavirus. VaDevenish vazivisawo kuti huwandu hwevarimi vefodya hwakadzikira gore rino nezvikamu guni nezvinomwe kubva muzana. Vatiwo varimi vachange vachibhadharwa mari yavo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana ari madhora ekuAmerica, uye imwe yacho iri mari yemuno. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-tobacco-auction-floors-open-with-low-proces/5397778.html +business Varimi Vovhiringwa neKushanduka kweMamiriro eKunze kuMaruwa Varimi vekumaruwa kuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica vanoti hurumende dzenyika idzi hadzisi kuita hurukuro navo kuti Africa ingarima kudya kwakakwana sei yakatarisana nematambudziko ekuchinja kwemamiriro ekunze ichishandisa nzira dzemuAfrica. Izvi zvabuda pamusangano waitwa muHarare, uchikokerwa nesangano reLa Via Campesina in Southern and Eastern Africa. Varimi vati hurumende dzemuAfrica dzinofanirwa kuchengetedza nzira dzekurima dzemuAfrica kwete kutora zvinobva kure. Sachigaro wesangano iri, Amai Elizabeth Mpofu, avo vanotungamirirawo Zimbabwe Small-Holder Farmers Forum, vatiwo varimi vekumaruma muAfrica havasi kukosheswa sezvinoitwa varimi vemapurazi makuru. Sangano iri rinotiwo rinoda kuti hurumende dzemuAfrica dzisakurudzire kurimwa kwembeu dzakauchikwa vachiti mbeu idzi hadziunze hutano hwakanaka muvanhu. Amai Mpofu vatiwo kunyange hazvo chibvumirano chekurima cheMaputo Declaration chichiti zvikamu gumi kubva muzana zvemabhajeti enyika, zvinofanirwa kubatsira varimi, varimi vekumaruwa havasi kuwana rubatsiro urwu. VaBenedict Aminer, vanomiririra Kenya Peasants League vatiwo nzira zhinji dzekurima dzinoshandiswa nevarimi veminda mirefu dzinokuvadza nharaunda nezviwanikwa asi hurumende dzemuAfrica hadzima zvadziri kuita kugadzirisa dambudziko iri. Sangano iri rinotiwo ranyora tsamba dzenyunyuto munyaya dzemabatirwo ari kuitwa varimi vekumaruwa dzichaendeswa kuSADC neComesa. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-farmers-affected-by-climate-change/4398539.html +business PTUZ Inoti Varairidzi Vachenge Vachishanda Zuva Rimwe Chete paSvondo Sangano rinomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), rinoti mari yakapiwa vashandi vehurumende senzira yekuvabatsira, yakatopera isati yatambirwa mushure mekunge hurumende yakwidza mutengo wemafuta ekufambisa dzimotikari. Mutungamiri wesangano iri, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti varairidzi vari musangano ravo vachange vachingoshanda zuva rimwe chete, reMuvhuro, pasvondo kusvika nyaya yemihoro yevarairidzi yagadziriswa. Doctor Zhou vashora gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavhima, pamwe chete negurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vachiti havasi kumboteerera zviri kutaurwa nevashandi. Studio7 haina kukwanisa kubata makurukota aya kuti tinzwe divi ravo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-ptuz-says-teachers-will-work-one-day-every-week-takavafira-zhou/5253752.html +business ZCTU Yoita Hurukuro naVaMnagagwa Apo Mitengo Yoita Chamurambamhuru Zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi zvopa kuti vanoongorora nyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika vati hurumende yave kungopumha vanoipikisa huroyi ichishandisa mapepanhau akaita seHerald kurova bembera. Asi mutugamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti mushandi ave kudya nhoko dzezvironda. VaMutasa vanoti sesangano revashandi vachasangana neChitatu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivaudzawo nhuna dzevashandi. Vanoti gurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, ndivo vakaronga musangano uyu mushure mekunge ZCTU yakumbira musangano wakadai. Studio7 haina kukwanisa kubata Doctor Nzenza kana mutauriri waVaMnagagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa. Bepanhau reHerald riri kuti vemabhizimisi ndevamwe vanofanira kuongororwa kana vakwidza mitengo sezvo vari kuda kuti vanhu vapandukire hurumende vachitsigina neAmerica nebato rinopikisa reMDC. Izvi zvinotevera kukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro. Zvinhu zvawedzerwa mitengo zvinosanganisira hupfu, chingwa, mupunga, Mazowe nezvimwe. Marita maviri eMazowe awedzerwa kusvika pamadhora emaRTGS makumi maviri nerimwe kana kuti 21 RTGS dollars kubva pamadhora gumi nematatu nemasendi makumi mashanu, 13,50 emaRTGS. Mutauriri weGrain Millers Association, VaGarikai Chaunza, vanoti vakwidza mitengo sezvo zvavanoshandisa kusanganisa mafuta ekufambisa dzimotokari zvawedzerwa mutengo. Asi VaChaunza vanoitiwo seGMAZ vanenge votumira vanhu kunoongorora kuti hapana vari kudhurisa zvinhu here. Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti hurumende yeZanu-PF yakundikana kugadzirisa zvinhu. Asi muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti mitengo ichagadzikana asi zvinogona kutora makore maviri sezvakavimbiswa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube. Zvimwe zvitoro zvinoti zvave kutengesa nemadhora ekuAmerica chete zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Reform Institute of Zimbabwe hazvishamise. Ko chii chingaitwe kuti zvinhu zvigadziriswe? Doctor Kanyenze vanoti munyika munoda kugadziriswa nyaya dzezvematongerwo enyika nekutaurirana. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yehouri nekutadza kutungamira ndiyo yakanganisa hupfumi hwenyika. Asi hurumende inoti iri kukanganiswa nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zctu-yoita-hurukuro-navamnagagwa-apo-mitengo-yoita-chamurambamhuru/4945509.html +business Vakawanda Vobatana Vachiratidzira neMadzimai ekuHwange Colliery Veruzhinji vabatana nemadzimai evashandi vekuHwange Colliery vachiratidzira muHarare vachishora gurukota rezvevashandi nemashoko avo ekuti madzimai aya ari kushandiswa nevanoita zvematongerwo enyika. Madzimai ekuHwange aya audza Studio7 kuti vanga vachiratidzira vakaremerwa zvikuru nemashoko aAmai Petronella Kagonye ekuti hurumende yakagadzirisa nyaya dzevashandi. Mumwe wemadzimai vanga vachiratidzira, Amai Tendai Sithole, vati vakakatyamadzwa nemashoko egurukota revashandi mudare reparamende ekuti vari kuita zvematongerwo enyika, asi ivo vachichemera mari dzevarume vavo kuitira kuti vawane chouviri. Amai Sithole vatiwo dzimba zhinji dzevashandi vekuHwange dzaparara sezvo mamwe madzimai oita zveupfambi kuti vawane chouviri. Vatiwo vari kutsutsumwa kuti kambani yeHwange Colliery yakaisawo chiga chekuti mushandi mumwe nemumwe akungogona kurapisa vana vatatu chete pachipatara chekambani iyi zvisinei nekuti mhuriyakakura sei. Amai Filomela Mausi vasvorawo gurukota rezvevashandi vachiti semadzimai evashandi vekuHwange Colliery, vari kuswera pamwe nekurara mutende vachiratidzira vaine tariro yekutiwo matambudziko avo achagadziriswa. Amai Sibonisiwe Ndlovu, avo vanoti vakamiswa basa vachipomerwa mhosva yekupesvedzera vamwe kuti varatidzire, vati vave kutyira kuparadzira hutachiona hweHIV sezvo nzira yega yasara kuti vararame iri yekupinda mumabhawa kuti vawane chouviri. Mumwe wevarume varatidzira vachitsigira madzimai aya,VaChunkson Madzonganyika, vati vanorwadziwa zvikuru nenyaya yemadzimai ekuHwange aya. VaMadzonganyika vati vanoda kuti vashandi vekuHwange Colliery vapihwe mari dzavo kuitira kuti madzimai aya nemhuri dzavo, vakwanisewo kurarama. Vanga vachiratidzira ava vaendesa tsamba dzenyunyuto kumapazi ehurumende akasiyana-siyana kusanganisira kugurukota rezvevashandi, bazi rezvezvechirwa, uyewo kudare reParamende. Hatina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende nezvenyaya iyi. Kambani yeHwange Colliery inonzi ine mari dzeveshandi dzinopfuura mamiriyoni makumi manomwe emadhora, uye hurumende ndiyo ine zvikamu zvehupfumi zvakawanda mukambani iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hwange-demos-joined-by-sympathisers/4388608.html +business Hupfumi hweNyika Hworamba Huchienda kuMawere, Vamwe Vachiti Huwori Ndiyo Honzeri Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichienda kumawere munyaya dzezveupfumi munyika zvichionekwa nekushaikwa kwemafuta edzimotokari, kushaikwa kwemari yekunze, pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu. Vamwe vanoti huwori munyika ndihwo honzeri hombe mumatambudziko aya, ayo anonzi ari kusunga vanhu, zvikuru varombo, zuva nezuva, vachipomera hurumende kutarisa rutivi panoitwa huwori uhwu. Vaimbove gurukota rezvehupfumi munguva yehurumende yemubatanidzwa, uye vari mutewedzeri wasachigaro webato reMDC, VaTendai Biti vanoti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekusafambiswa zvakanaka kwehurumende nevari kuitungamira. VaBiti vanoti huwori, sehawavanoti huri kuZINARA, huri kuregwa huchitambarara munyika, izvo zvave kukanganisa kukura kwehupfumi. Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti matambudziko ari munyika ari kunyanya kukonzerwa nekushaikwa kwechivimbo nehurumende kune vanoda kutanga mabhizimusi avo kana kudyara mari dzavomunyika. Nyanzvi munyaya dzevashandi nemabasa, VaThomas Masvingwe vanotsinhirawo nyaya yekuti huwori dzihwo hwauraya nyika, vachiti matambudziko ose aya ari kurasirwa kuvashandi, avo vavanoti havasati vawedzerwa mihoro kwenguva yakareba kwazvo. Asi nhengo yevechidiki veZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vanoramba kuti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekusagona kutonga kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vachiti matambudziko aya akasiiwa nehurumende yaVaRobert Mugabe pamwe nezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe. VaChitambara vanoti matambudziko mune zveupfumi ari munyika anogadziriswa chete kana pakaitwa nhaurirano munyika. Izvi zvinotsigirwawo naVaBiti, avo vanoti kusvika munyika maitwa nhaurirano pakati pavaMnangagwa nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, zvinhu zvicharamba zvichiomera vanhu, zvikuru varombo. Kusvika matambudziko ose aya agadziriswa, uye vekunze vanoda kudyara mari dzavo munyika vave nechivimbo nehurumende, ruzhinji rwevana veZimbabwe rwucharamba rwuchinonga svosve nemuromo munyika yechipikirwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-economy-fuel-shortages-forex/4907288.html +business Vagari vemuBulawayo Vokurudzira Kanzuru Kushandisa Mukana Wekuve Special Economic Zone Vagari vemuBulawayo vati kanzuru yeguta ravo inofanirwa kushandisa mukana wekunzi rakadomwa kuve Special Economic Zone kuti ikwezve vemabhizimisi pamwe nekumutsurudza makambani. Izvi ndezvimwe zvabuda pamusangano waitwa pakati pevagari pamwe nekanzuru muBulawayo apo kanzuru yange ichiparura chikamu chechipiri chechirongwa chekuvandudza mabasa akasiyana-siyana anoitwa nekanzuru icho chinoziikanwa kunzi Rapid Results Approach Initiative. Sachigaro weBulawayo United Residents Association, VaWinos Dube, vati kanzuru inofanirwa kuita kuti vanoda kusima mari muguta iri vakwanise kuita izvi zviri nyore. Izvi zvatsigirwawo naVaPercy Mcijo vanove mukuru mukuru wesangano reStreetwise Informal Traders Association, avo vatiwo zvakakosha kuti kanzuru ishandise mukana wekuti guta reBulawayo nderimwe renzvimbo dzakanzi maSpecial Economic Zone ari munyika kuti ibatsire kumutsurudza makambani akavhara muguta iri. Mumwe mugari angozvidoma nezita rekuti Amai Siziba vati kanzuru inorasikirwa neimwe mari yainofanirwa kuwana nekuti haizi kushandisa nzvimbo dzakadai sema hall ekanzuru. Vati kanzuru inofanirwa kugadziridza nzvimbo dzakadaro uye kukoshesa kugadziridza migwagwa, kunyanya munzvimbo dzinogara veruzhinji, vachiti vakaremara kunyanya vechikoro vanofamba nema wheelchair, vanotadza kufamba zvakanaka nekuda kwekuti migwagwa mizhinji ine makomba-makomba. Chirongwa cheRapid Results Approach chinotarisa zvikamu zvakasiyana-siyana zvinofanirwa kukosheswa nekanzuru mumabasa ayo ainoitira vagari, kusanganisira kuvawanisa mvura yekunwa yakachena, kutakura marara nekuchenesa nharaunda, pamwe nekugadzira migwagwa.\n\nMukuru wezvemari mukanzuru yeBulawayo, VaKimpton Ndimande, vaudza musangano uyu kuti vagari vane zvikwereti zvinodarika zana nemakumi manomwe emamiriyoni emadhora, zvisinei kuti hurumende yakambobvisira vagari vose munyika zvikwereti zvavo zvose kumakanzuru mugore ra2013. Vati kunyange hazvo kanzuru ichiziva kuti vanhu vakawanda vari kuomerwa nehupenyu, zvakakosha kuti vagari vabhadhare zvikwereti zvavo kukanzuru kuti igokwanisa kuita mabasa ainofanirwa kuita nemazvo. Meya weguta reBulawayo, VaMartin Moyo, vati chirongwa cheRapid Results Approach, icho chakatanga kushandiswa muna Gumiguru gore rakapera, chiri kuenderanawo nechirongwa chehurumende chekutarisa zvinenge zvakwaniswa kuitwa nemapazi ehurumende pamwe nemakanzuru mukati memazuva zana. Vachipindura mubvunzo wekuti kanzuru yakagadzirira zvakadii pakudzivirira zvirwere zvakadai sekorera neTyphoid, VaMoyo vati chimwe chezvinhu zviri kukosheswa nekanzuru pachirongwa cheRapid Results Approach inyaya yekuwanisa vagari mvura yakachena uye hutsanana. Vamwe vagari vange varipo vashora nyaya yekuti makanzura akawanda haana kuuya kuchiitiko ichi. Vati chirongwa cheRapid Results Approach chakakosha vachiti chinobatsira kuti kanzuru iwone painenge iri kusarira pamabasa ainotarisirwa kuitira vagari. Chikamu chaparurwa ichi chakatanga musi wa 8 Ndira uye chichapera muna Kubvumbi apo kanzuru inotarisirwa kuzopira vagari zvainenge yakakwanisa kuita mukati menguva iyi uye kutangazve chimwe chikamu chechirongwa ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-bulawayo-city-council-residents/4234182.html +business VaMangudya Vanoti Dhora reZimbabwe Harisi Kudzoka Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti havana hurongwa hwekudzora dhora remuZimbabwe kunyange hazvo vati vari kuparura mari yemabond notes anotangira pamadhora maviri kusvika pamadhora makumi maviri munguva pfupi inotevera. Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti havana hurongwa hwekudzora dhora remuZimbabwe kunyange hazvo vati vari kuparura mari yemabond notes anotangira pamadhora maviri kusvika pamadhora makumi maviri munguva pfupi inotevera. VaMangudya vanoti zvavari kuita chete kuyedza kupedza dambudziko rekushomeka kwemari munyika uye kukurudzira kuti vanhu vagadzire zvinhu zvekutengesa kunze kwenyika kuti Zimbabwe iwane mari yekunze. Asi vanoona nezvehupfumi mubato guru rinopikisa reMDC-T, VaTapiwa Mashakada, vati VaMangudya vari kubata vanhu kumeso uye zvavari kuita kudzora dhora remunyika sezvo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere. VaMashakada vati zvoitwa munongedzo wenyika isiri kutongwa zvakanaka, huori uye kutadza kugadzirisa hupfumi. Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri webato rePeople’s Democratic Party uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti. VaBiti vati zviri kuitwa naVaMangudya zvichaendesa nyika kuna taisireva. Asi VaMangudya vaudza Studio 7 kuti vari kuyedza kugadzirisa nyaya yehupfumi uho husina kumira zvakanaka. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mangudya-hupfumi/3317242.html +business Vagari veBuhera South Voranga Kuramba Kubhadhara Mitero kuKanzuru Yavo Vagari pamwe nevemabhizimusi vekuBirchenough Bridge kudunhu reBuhera South, kuManicaland, vari kunyunyuta nekushaya budiriro kwenzvimbo yavo kunyange hazvo vachiti vari kubhadhara mari dzemitero kukanzuru yavo. Vagari ava vanoti vava nechisungo chekuti vasabvisa mari dzemitero kudzamara vagutsikana nezvavari kuitirwa nekanzuru. Vagari ava vanoti kubva pakatarwa kuti Birchenough Bridge yave imwe dzenzvimbo dzichange dziri kuzosimudzirwa kuitwa madhorobha maduku makore anoda kupfuura makumi maviri adarika, hapana chinobatika pabudiriro chakaitwa nekanzuru. Venharaunda iyi vanoti Birchenough Bridge pamwechete neMurambinda Growth Point zvakatangirana pamwechete pakupiwa chidanho chekuti zvive mizinda yebudiriro kumaruwa asi Birchenough Growth Point yakasarira kwazvo. Amai Mercy Saize Mtsveta mumiriri wavana muzvinabhizinesi paBirchenough Growth Point. Amai Mtsveta vanoti kunyangwe vachiziva kuti nzvimbo yavo yakatangwa kudomwa kuti ichange ichizova ichisimukira, hapana chiri kufamba asi uku ivo vachibvisa mari kukanzuru yavo yeBuhera Rural District Council. “Kuno kuBirchenough, kuBuhera South takasungwa neCouncil nendaa yeGrowth Point ino zvichinzi tinoda maDevelopment Levy but maDevelopment Levy acho anoshandi chinyi asi imo muno muri mudondo? Vanotora mari dzedu muno vachinodzishandisa kwaMurambinda, izvozvi Murambinda yava taundi, but Murambinda isecond pamaGrowth points emuno muBuhera, Birchenough ndiyo growth point yekutanga. Nyangwe mukanozvitarisa pakubvisa mari dzemarates isusu kuno veBirchenough tiri number one pakubvisa uye nemitero yacho yemashops, but hapana kana chimwechete chatakaitirwa chinotaridza kuti mari dzedu pane chedzinoshanda.” Muzvinabhizinesi ava vanoti nekuda kwenyunyuto dzevagari, varovera mwoyo kudombo kuti vave kumbomira kubvisa mari dzemitero kukanzuru yavo. Amai ava vanoti paifanirwa kunge paine musika wemabhazi hapana kana nechimbuzi chekuti vanhu vazvibatsire, asi kanzuru iri kungovabvisisa mari kwemakore nemakore. VaFrancis Magaa ndivo sachigaro vevagari vekuBirchenough Bridge Growth point. VaMagaa vanoti vanogarochema nekanzuru yavo pamusoro pekusarira kuri kuita nharaunda yavo mune zvebudiriro. “Zviri kutitambudza ndaa yekuti growth point yedu iyi zvatinobhadhara zvinoenda kunotorwa zvoenda kwaMurambinda, Murambinda waakutokura isusu kuno takafa asi apo panga pagadzirwa zvakanaka asi patofazve. Handizivi kuti Murambinda chii achitora zvinhu zvedu kuendesa ikoko; kuti ndiko kune mahofisi edistrict here hameno? Isusu tinoda kuti panapa pakure pasimukirewo growth point yedu isumukire, pano pachigara pakafa! Hatichazivi kuti tochemera kupi,” vadaro VaMagaa. VaMagaa vanoti musika wange wovakwa nekanzuru yavo wakaregwa makore gumi apfuura pasina chikonzero chakapihwa asi vagari nevemabhizinesi vachibvisa mari mwedzi wega wega. Vanoti mugwagwa unobva paBirchenough wakananga kwaMurambinda haugadziriswe nenguva izvo zvinoita kuti usafambike; uye chikoro chekanzuru cheBirchenough Bridge Primary hachina makamuri ekudzidzira akakwana. Vemabhizinesi vanotarisirwa kubvisa madhora zana nemakumi maviri pagore, vane misha muGrowth Point vachibvisawo madhora makumi matanhatu. VaZodai Chamutsa mumwe mugari wekuBirchenough. VaChamutsa vanochema nerekuti nzvimbo yavo haina migwagwa yetara zvichienzaniswa neyave kwaMurambinda, uye hakuna magetsi emumigwagwa kanawo ma tower lights, anoita kuti vakwanise kufamba usiku, uye kuderedza njodzi dzekubatwa kwiyo kana kubhinywa. Kanzuru iyi iri kuyambira zvakare vane masitendi munzvimbo iyi ayo vasiri kusimudzira kana kuvaka kuti vachazoatorerwa achitengeserwa vamwe vari kuda zvavo kuvaka nenguva. Studio7 hainda kukwanisa kutaura naMudzviti weBuhera VaChris Mavhisa sezvo vanzi vange vari mumusangano. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-residents-of-buhera-south-demand-development-of-their-area/4400254.html +business Hurumende Yoita Nhaurirano dzeMari neMusi weChina neVashandi Vayo Vange Voronga Kuramwa Mabasa Hurumende nemusi weChina iri kutarisirwa kuita musangano nevashandi vayo vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions raimbozivikanwa nekuti Apex Council nezvenyaya yemuhoro. Izvi zvinotevera yambiro yevashandi ava yekuti vainge voronga kuratidzira sezvo hurumende isiri kuratidza kuzvipira pakuvawedzera mari. Asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, negurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, vanoti vakazvipira kuti vataurirane nevashandi nenekuvawedzera mari. Musangano uyu uri kuitwa pasi pegungano reNational Joint Negotiating Council. Nhaurirano dzakamboitwa mavhiki maviri adarika asi hapana chakabuda nekutadza kuwirirana panyaya yekuti vashandi vobatirwa here mari pahomwe yakaumbwa nehurumende yeGovernment Employees Mutual Savings (Gems) yavanozokwanisa kukwereta uye nyaya yemari yemuhoro yekubatsirikana kana kuti Cost of Living Adjustment. Hurumende inonzi yaida kuwedzera vashandi nemari inosvika zvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 25% zvakarambwa nevashandi vari kuti hurumende yakawedzera vari muchiuto nevamwe nemari inodarika zana nemakumi mashanu kubva muzana kana kuti 150%. VaMavima vati nhaurirano dzakakosha uye dzinofanira kuitwa sezvo kuramwa mabasa kuchidzosera nyika kumashure. No media source currently available Mutauriri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti vanoda kutambiriswa mari inosvika pamazana mashanu nemakumi maviri yekuAmerica kana kuti US$520. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hurumende-yoita-nhaurirano-dzemari-nemusi-wechina-nevashandi-vayo-vange-voronga-kuramwa-mabasa/5835348.html +business Gurukota reMari neHupfumi Rinoparura Hurongwa Hunovandudza Hupfumi? Bazi rezvemari raparura hwaro huchatevedzwa nenyika kwemakore maviri ari kutevera senzira yekuvandudza hupfumi hwenyika. Vachiparura hurongwa uhwu muHarare, gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, vati hurongwa uhwu, uhwo hwavari kudaidza kuti transitional stabilzation program, hwakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika kubva pari zvino kusvika muna zvita 2020. Izvi zvichaitwa kubudikidza nekusimbaradza nyaya dzekurima, kucherwa kwezvicherwa, kusimbisa nyaya yekutengesera dzimwe nyika, kudzikisa mari inoshandiswa nevari muhurumende, kugadzirisa migwagwa, madhamu nezvimwe zvivakwa zvehurumende pamwe nekuona kuti makanzuru aita zvose zvaanosungirwa kuita kuitira kuti veruzhinji vawane hugaro hwakanaka. VaNcube vati hurumende ichasimbaradzawo nyaya yekucherechedzwa kwekodzero dzeveruzhinji pamwe nekuona kuti munyika magara muine runyararo kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kukwezva vemabhizimusi ekunze vanoda kuzosima mari muno. Vatiwo zvakakosha kuti vemabhizimusi emuno vasimewo mari yavo munyika senzira yekukwezvawo vekunze uye kuti nyika yashanda zvakasimba kubhadhara zvikwereti zvayo kumasangano anokweretesa mari akaita se world bank ne internationational monetary fund nemamwe. VaNcube vaenderera mberi vachiti hupfumi hwenyika hwakatarisirwa kukura nezvikamu zvina kubva muzana mumakore mana kubva gore rinouya, huchizokura nezvikamu zvinomwe kubva muzana mamakore anenge achitevera maererano nehurongwa hwehurumende hwekuti munhu wese munyika ange ave kugara zvakanaka panosvika gore ra 2030. VaNcube vatiwo hurumende ichawedzera nhengo dzeparamende mari dzadzinotambiriswa kuitira kuti dzinyatsoitawo basa dzakachena mwoyo sezvo vachiti nyaya dzinozeyewa nenhengo dzeparamende mudare radzo dzichibata hupenyu hweveruzhinji. VaNcube, avo vanga vakatsigirwa nemunyori mubazi ravo, Va George Guvamatanga, vati mari dzemitero dziri kubhadhariswa vanhu dzichashandiswa kugadzira zvinhu zvinobatika zvakafanana nemigwagwa nekuona kuti zvipatara zvine mishonga vachiti zvakakosha kuti nyika irwisane nehuori kuti mari dzemitero dzioneke kushanda kwadzo. Mushure mekuparura hurongwa hwavo, Va Ncube vaudza Studio7 kuti vane hurongwa hwekubvisa mari yemhando yema bond notes nekufamba kwenguva mushure mekunge vagadzirisa zvinhu zvakati kuti. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Propser Chitambara, vaudza Studio7 kuti hapana chinofamba kana hurumende isina kuzvipira kuita zvose zviri kutaurwa naVaNcube. VaChitambara vati Zimbabwe inogona kusimukira kana ikashandisawo zviwanikwa zvayo zvakanaka pasina kutsvaga mari kunze yekuisa muhupfumi kana kuti stimulus package. Vazivisawo kuti hurumende ine hurongwa hwekuti pave nenzvimbo imwe chete ichange ichipa marezeresi kune vekunze vanoda kuita mabhizimusi munyika vachiti pane vamwe vana muzvinabhizimusi vavasina kudoma nemazita vavati vakatonosima mari dzavo kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe nechikonzero chekuti vainzi vatsvage marezenesi anodarika makumi maviri kuitira kuti vaite bhizimusi ravo muZimbabwe. Bazi rezvemari ratiwo riri mubishi kuongorora nyaya yekuti vari muhurumende vashandise motokari dzisingadhure senzira yekuderedza huwandu hwemari inoshandiswa nehurumende muzvinhu zvisina nemusoro. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-finance-minister-launches-new-economy-boosting-program/4601795.html +business VaGono Vanoudza Paramende Kuti Kambani Inokwezva Mabhizinesi Haina Mari Kambani iri kutarisirwa nehurumende kuti ichasimudzira hupfumi nekupa makambani mukana wekugadzira zvinhu achitengesa kunze nemutemo yakareruka, yeSpecial Economic Zones Authority, haina kana mari, mahofisi kana vashandi zvekuti nhengo dzeparamende dzashamisika kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kufamba vachipembedza zvinhu pasina chiri kuitika. Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nemabhizimisi, sachigaro vebhodhi rekambani iyi, VaGidion Gono, vati kambani iyi haina kana hofisi zvayo uye ivo nebhodhi ravo ndivo vari kutoita basa rinofanira kunge richiitwa nevashandi avo vasipo. VaGono vati kumbani iyi iri kushandira kumahofisi avo pachavo uye nhengo dzebhodhi iri dziri kushandisa mari yadzo kuita basa rekambani iyi. Vati pave nemwedzi misere kambani iyi yaumbwa uye vakatodoma vanhu vavanoda kuti vatungamire kambani iyi asi hurumende haisati yasarudza kuti ndiyani anofanira kuva mukuru wekambani iyi. VaGono vati maSpecial Economic Zones ane mukana wekusimudzira hupfumi hwenyika nekukasika pamwe nekupedza dambudziko remari munyika nekuti pakaita makambani akawanda anogadzira achitengesa kunze, hupfumi hunofamba zvakanaka. VaGono vaudza komiti kuti kambani iyi yakaumbwa iri pasi pebazi reMacroeconomic Planning and Development muhurumende yaive yaVaRobert Mugabe. Asi zvichitevera kupinda kwaVaMnangagwa, vati havasi kuziva kuti vava pasi pebazi ripi. Vati vakatonyorera kumahofisi emutungamiriri wenyika vachibvunza nezvenyaya iyi uye havasati vawana mhinduro. Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Tabeth Malinga, vati hazvifadzi kuti mutungamiriri wenyika anopinda mumisangano kunze kwenyika achipembedza maSpecial Economic Zones asi ipo pasina chiri kuitika munyika. Vayambirawo VaGono nebhodhi ravo kuti vasiyane nekushandisa mari yavo kuita basa rehurumende vachiti kana hurumende ichikoshesa Special Economic Zones Authority inofanira kudira mari mukambani iyi. Izvi zvatsigirwawo nedzimwe nhendo dzekomiti iyi. Vanongoorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti humbowo hwaturwa kuparamende naVaGono haufadzi zvachose uye zvaratidza kuti hurumende iri kuwanza mutauro pasina zvairi kuita. Vati maSpecial Economic Zones akakosha uye dzimwe nyika dzakabudirira nawo nokudaro hurumende inofanira kukoshesha kambani iyi. Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohn Masimba Manyanya, vaudza Studio7 kuti zvataurwa naVaGono zvinotyisa. Vaenderera mberi vachiti havawoni chinotadzisa hururmende yaVaMnagwagwa kugadzirisa nyaya yemaSpecial Economic Zones nekukasika. Vati zvinonyadzisa kuti vanhu vekunze vanoda kushandira mumaSpecial Economic Zones vauye munyika vosvikoona kuti kambani iyi haitomborina kana hofisi zvayo. Asi VaGono vati zvisinei nekuoma kwakaita zvinhu vari kutoita basa uye bhodhi ravo rakatopa imwe kambani yekuChina mvumo yekumutsiridza kambani yeZISCOSTEEL nemari indarika bhiriyoni remadhora. Vatiwo pari zvino pane makambani anodarika makumi matatu akatonyorera kubhodhi ravo achida kupihwa nzvimbo yekushanda mumaSpecial Economic Zones aya. Pari zvino hurumende yakadoma nzvimbo yeSunway City kuRuwa, guta reBulawayo nedhorobha reVictoria Falls sema Special Economic Zones. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-special-economic-zones-have-no-funding-despite-cliams-by-mnangagwa/4241543.html +business POTRAZ Yoshorwa Ichinzi Yave Kuda Kumbunyikidza Vanoshandisa WhatApp Makambani enharembhozha anoti achaziva svondo rino kuti chikonzero chei kambani yePost and Telecommunications Regulatory Authority kana kuti POTRAZ yakavamisa kupota vachimboderedza mitengo yenharembozha nekumboita zvirongwa zvekuti vanhu vafonewo nemari yakaderera pane dzimwe nguva kana kuti mapromotions. Danho rePOTRAZ iri rave kuunza mutauro vamwe vachiti danho iri rinombunyikidza kodzero dzeveruzhinji. Vanhu vakawanda vakataura neStudio 7 vanoti havazi kufara nekusabuda pachena kweveboka rePOTRAZ padanho ravakatora rekuti makambani enharembozha matatu ari munyika eEconet, Net One neTelecel ambomira kuderedza mitengo, kana kuti promotion muChirungu, kwaange achiita. Vamwe vevanhu ava vakaudza Studio 7 kuti vanotyira kuti POTRAZ yakatora danho iri senzira yekudzivira veruzhinji kuti vasawane mukana wekutaura zvavanoda nenzira dzakachipa dzepa internet. Mumwe mugari wemuBulawayo muzvare Tinaye Shumba vanoti mafungiro avo ndeekuti, hurumende kuburikidza nePOTRAZ, yakatora danho iri nekuti mapoka anorwira kodzero dzevanhu akawanda ange ari kushandisa nzira dzakachipa idzi kukurudzira veruzhinji kuti varatidze kutsutsumwa kwavo kuhumende pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika. VaIpithule Maphosa vanove sachigaro weboka revechidiki vebato reZAPU muBulawayo vanoti danho rePOTRAZ iri ndemumwe muenzaniso uri pachena unoratidza kushaya hanya kwehurumende pazvinhu zvinobatsira veruzhinji. VaMaphosa vanotiwo danho iri inzira yehurumende yekuedza kutsvaga nzira dzose dzingakwanisika dzekutsvaga nadzo mari sezvo hurumende iri kutambudzika kuwana mari yekubhadhara vashandi vayo. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuPOTRAZ panyaya iyi. Mumwewo mugari uyo akangoda kuzvidoma nezita rekuti Michelle akaudza Studio 7 kuti danho rakatorwa nevePOTRAZ harifadze vakawanda, asi anoona zvakakosha kuti boka iri riise mitemo inobatsira kuti nyika ichengetedzeke. Kunyange hazvo achibvuma kuti danho iri rinogona kuita kuti veruzhinji vadhurirwe nekushandisa nharembozha dzavo, muzvare Michelle anoti zvinonetsa kuti hurumende idzivirire vanhu kuti vataurirane pfungwa dzavo pamusoro pezviri kuitika munyika. Amai Koliwe Majama vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muchikamu cheBroadcsating neInformation Technonology musangano reMedia Institute of Southern Africa kana kuti MISA. Amai Majama vanoti kunyange hazvo sangano ravo richiziva nekunzwisisa kuti ibasa revePOTRAZ kuti vaongorore mashandiro emakambani enharembozha, chiri kuvanetsa ndechekuti vePOTRAZ vakatora danho iri vasingape chikonzero. Amai Majama, avo vanoti sangano reMISA rakamboita musangano nePOTRAZ, vanoti zvakakosha kuti boka iri ribudire vanhu pachena pamatanho arinenge ratora, vachitiwo chiri kuita kuti vanhu vashushikana parizvino inyaya yekuti vechiuto vakabuda vachityisidzira veruzhinji pamusoro pekushandisa iinternet. VaButler Tambo ndivo mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement uye vanoongororawo mitemo yehurumende kunyanya ine chekuita nezvehupfumi. VaTambo vakashorawo danho rePOTRAZ vachiti rinodzorera kumashure zvehupfumi munyika. Hurumende pasi pegurukota reInformation Communication Technology, iri mushishi kugadzira mutemo unonzi Computer Crime and Cyber Crime Bill uyo unonzi uchashandiswa kusunga vose vachawanikwa vachishandisa internet zviri kunze kwemutemo. Vamwe vanoti mutemo uyu unogona kutyora kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika dzekuti vanhu vane kodzero yekutaurirana pachena kana kuti Freedom of expression muChirungu. Asi vamwewo vanoti zvakakosha kuti nyika ive nemitemo yakadai sezvo ichibatsira kudzivirira nyika kubva kuvavengi kana vanopfurikidza mwero. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3456205.html +business Kushandiswa kweMari yeChina neIMF Koshandura Zvinhu Pasi Rose? Kutambirwa kwemari yekuChina semari inogona kushandiswa nesangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, kunonzi mucherechedzo mukuru wekuti dhora rekuAmerica rava kukwikwidzwa zvine mutsindo pasi rose. Nyanzvi munyaya dzemari pasi rose dzinoti IMF yakatora danho iri mushure mekuona kuti China iri kufambira mberi zvikuru munyaya dzebudiriro, uye nyika dzakawanda dzinoshandisa zvinhu zviri kugadzirwa kuChina. Kunyange hazvo mari yekuChina, Yuan, iine huremu huri pasi pedhora rekuAmerica, nyanzvi munyaya dzemari dzinoti kusimukira kuri kuita hupfumi hweChina kuchaita kuti mari yayo ive nesimba mumakore mashoma anotevera. Dzimwe nyanzvi dziri kuyambira kuti mune remangwana vane mari dzavo vachaonekwa vachidyara mari dzavo mumakambani ekuChina, sezvo nyika iyi iri kuratidza kusimukira kune mutsindo. IMF isangano rinoziva zvinoitika muna zana nemakumi masere neshanu, uye ndiro sangano rinobatsira nyika dzinenge dzichida mari yerubatsiro. Vanoziva zviri kuitika muIMF vanoti kupinda kweChina mudura remari dzinoshandiswa nesangano iri, zvava kureva kuti maitiro esangano iri ava kuchinja, kuburikidza nekupihwa nzeve kunenge kwava kuitwa China. Kutengeserana kweChina nenyika dzemuAfrica kuri kuramba kuchikwira. Mugore ra2009, China yakapfuura America mukutengeserana nenyika dzemuAfrica uye muna Ndira gore rino, China inoti kutenga nekutengeserana pakati penyika iyi nenyika dzemuAfrica kwakapfuura mabhirioni gumi nemanomwe emadhora. Kutengeserana pakati peChina nenyika zhinji kuri kuramba kuchikwirira izvo zvave kukonzera kuti vanhu kana makambani anoisa mari mune dzimwe nyika, aise mari yavo mumakambani ekuChina. Zvichitevera kupinda kwe Yuan mudura reIMF, nyika dzinoita gumi nenomwe dzemuAfrica dziri kuzeya kushandiswa kwe Yuan mukutengeserana pakati padzo. Asi nyanzvi munezvemari nehupfumi uye vachidzidzisa zvemabhizimisi paDevry University kuOhio, Professor Elliot Masocha, vanoti havavimbi nemaitiro eChina. Asi imwezve nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabour, Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti China iri kubata nyika dzepasi rose nekuti hupfumi hwenyika iyi huri kukwirira zvekuti vemabhizimisi vemunyika dzakaita seAmerica vave kuda kuisa mari mumakambani ekuChina. VaChitambara vanobvumirana naVaMasocha kuti Zimbabwe ngaigadzirise hupfumi hwayo. Vanotiwo Zimbabwe inofanira kurega kutengesa zvinhu kana zvicherwa zvinozonogadzirwa kunze kwenyika sezviri kuitika kufodya nemangoda. VaChitambara vanoti hapana zvekuchadzvenga China nekuti masimba ezvehupfumi ari kuchinja asi Zimbabwe inofanira kushanda nesimba kuti isasaririra. Zvamira zvakadai, VaChitambara vanoti America inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti isapinzwe parumananzombe neChina. Nyanzvi dzinoti China iri kushandisa hunyanzvi hwavo mukutenga zvicherwa semubhadharo wainopihwa nenyika, zvikuru dzemu Africa dzinenge dzatenga zvinhu zvayo, kanawo nyika dzinenge dzapihwa mari yekusimudzira nyika idzi. Izvi zvinoita kuti China ive nehupfumi hwakasimba, kuburikidza nezvicherwa zvainenge yaunganidza, kana kuti sound money. Dzimwe nyika dzakabudirira dzine hupfumi hwe fiat currency, uhwo hunovapo kuburikidza nekuvimbika kwehurumende uko kunopa veruzhinji kuti varemekedze mari inodhinda nedzihurumende dzakadai. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-china-trade-with-african-countries-is-going-up-prosper-chitambara-elliot-masocha/4435575.html +business Vagari veGuta reHarare Vonyunyuta neDanho reKanzuru reKutevera Zvikwereti neMasamanisi Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti hazvisi pamutemo kuti kanzuru itange nekutumira masamanisi kuvagari vane zvikwereti isati yagara navo pasi kuti vatsvage nzira dzekubhadhara zvikwereti zvavo. Izvi zvinotevera danho rakaziviswa nekanzuru yeHarare rekuti yave kutevera zvikwereti zvayo zviri muvagari kuburikidza nemasamanisi. Kanzuru inoti vagari vemuHarare vane zvikwereti zvinosvika mabhiriyoni gumi nemanomwe emadhora emunyika, ana kuti (ZWL$17 billion) yemitero isiri kubhadharwa. Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti zvinozivikanwa kuti kanzuru haisi kukwanisa kutumira magwaro emitero kuvagari, izvo zvinoita kuti panetse kuziva kuti mugari ane chikwereti chakakura zvakadii. No media source currently available Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti vatora danho iri maringe nekuona kuti zvikwereti zviri kukurisa vanhu vasingabhadhare. Vanoti kanzuru inoda kuti mabasa ayo ainotarisirwa kuita arambe achienderera mberi, akaita sekutakurwa kwemarara, kupa vanhu mvura, kugadzira migwagwa, kuisa magetsi, kugadzira zvipatara uye kuti zvikoro zvirambe zvichishanda, VaChideme vanoti nekuda kwaizvozvo, vakaona zvakaringana kuti vanhu vapiwe masamanisi kuti vange vachibhadhara mari dzinodiwa kukanzuru. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6465229.html +business Mitengo yeZvinhu Yotarisirwa Kukwira Zvichitevera Kukwira kweMitengo yeMafuta Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukwidzwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari neZimbabwe Energy and Regulatory Authority kana kuti ZERA kuchapa kuti mitengo yezvinhu ikwire zvakanyanya. Mukuru weZERA, VaEddington Mazambani ,vaudza Studio 7 kuti kukwira kwemitengo yekuunza mafuta aya munyika ndiko kuri kupawo kuti vawedzera mutengo. ZERA inoti kunyangwe yatara mitengo, vanotengesa mumagaraji havafanire kudhurisa mafuta ekufambisa dzimotokari aya zvakanyanya. GlobalPetrolProces.com iyo inoongorora mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari pasi rose inoti muAfrica, Zimbabwe iri pachidanho chechipiri kubva kuSenegal pakudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti nyaya yekukwira kwemafuta aya chave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga. VaBhoroma vanoti izvi zvinoshamisa zvikuru nekuti Zimbabwe inosanganisa mafuta ainotenga kunze neanogadzirwa nenzimbe dzinorimwa kuChisumbanje. Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari kunopawo kuti mitengo yezvinhu zvakawanda iwedzerwe asi vashandi vasiri kuwedzerwa mari. Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanoti panofanira kudzamiswa pfungwa pasati pakwidzwa mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari nekuti zvinokonzera kusagadzikana kwehupfumi. VaMuponda vatiwo havo haisi Zimbabwe chete iri kukwidza mitengo nekuti South Africa iri kutarisirwa kuita zvimwe chetezvo munguva pfupi inotevera. Mutungamiri weEmployers Confederaition of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vati kukwira kwemitengo kuchakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation vachiti sevemabhizimisi vari kunetsekana nekusagadzikana kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mitengo-yezvinhu-yotarisirwa-kukwira-zvakanyanya-mushure-mekuwedzerwa-kemafuta-ekufambisa-motokari/5842984.html +business ZCTU Yoyambira Kumwe Kuratidzira Sezvo Mitengo Yoita Chamurambamhuru Rimwe sangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti riri kushushikana zvikuru nemitengo yezvinhu kana kuti inflation zvekuti hazvishamise vashandi vakaratidzira. NeMugovera sangano reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats rakazivisa kuti mitengo yezvinhu kana kuti inflation yakwira kusvika pamazana masere nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 837, 53%. Muna Chikumi mitengo yezvinhu yaive pazvikamu mazana manomwe nemakumi matatu nemanomwe kubva muzana kana kuti 35, 53%. Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima vanoti nhaurirano dzemihoro dziri paviri, kuTripartite Negotiating Forum dzinobata nyika yose, asi dzimwe dzinoitwa kumaindustry nemaNational Employment Councils. No media source currently available Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti mushandi aomerwa nezvinhu zvekuti havashamisike akatanga kuratidzira. No media source currently available Sezvo tisina kusimbira divi rimwe chete setsvimbo, tabatawo mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Mure avo vati vanoda kuwedzera vashandi mari asi vari kutatarikawo nekushaya mari sezvo makambani asiri kushanda nemazvo nekuda kwechirwere checoronavirus. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zctu-yoyambira-kumwe-kuratidzira-sezvo-mitengo-yoita-chamurambamhuru/5545804.html +business Hurumende Yokurudzirwa Kuita Zvirongwa Zvinounza Mabasa Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti munyika muve nemabasa kuitira kuti vose vari kupedza zvidzidzo vawane chekuita senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika.\n\nMukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vanoti kubvira pavakapinda pachigaro ichi, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varatidza chido chikuru chekugadzirisa hupfumi hwenyika. Asi VaShoko vanoti zvakakosha kuti hurongwa hwavo huchikasika kushanduka kubva pakuve hwepamurormo chete huve hunobatika. VaShoko vanotiwo kunze kwekuve nevemabhizimisi vekunze vanosima mari munyika, zvakakoshawo kuti pave nehwaro hwakajeka hunoita kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanisewo kusima mari yazvo munyika pasina kutyira kuti mari iyi inogona kutsakatika. Izvi zvinotsigirwawo naVaButler Tambo avo vanove muongorori wezvehupfumi anoshanda akazvimirira ega. VaTambo vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe ibhadhare zvikwereti zvainazvo kumabhanga epasi rose eInternational Monetary Fund neWorld Bank kuti igokwanisa kuwana mari inobatsira kumutsurudza hupfumi. Asi vanotiwo zvakakoshawo kuti zvikwereti izvi zvitange zvanyatsowongororwa uyewo kuti kana nyika yawana imwe mari kubva kumabhanga aya ishandise mari iyi nenzira kwayo. Mutungamiri wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti vanotsinhira nyaya yekuti hupfumi hwenyika hungagadzirika chete kana nyaya dzematongerwo enyika dzatanga dzagadziriswa. VaMutasa vanoti panofanirwa kuve nemuonera pamwe pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi kuti zvinhu zvinyatsofamba.\n\nVaMutasa vanoti Zimbabwe ine rombo rakanaka rekuve nyika ine zviwanikwa zvakasiyana-siyana kusanganisira zvirimwa zvinogona kushandiswa kubatsira kuti hupfumi hwenyika husimukire nekukasika kana zvikabatwa zvakanaka. Pakuti chii chingaitwe kuti vechidiki vawane zvingavape pundutso muhupenyu hwavo kusanganisira dzidzo pamwe nemabasa, VaMutasa vanoti zvakakosha kuti nyika irase nyaya yehuwori uye idzokere pakukoshesa kudzidzisa vechidiki kuti humene-mene haubhadhare. Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti kukura kwehupfumi hwenyika kuri kusimukira kubvira hurumende payakatora danho rekubatsira kumutsurudza makambani emuno nekumbomisa kupinzwa munyika kwezvimwe zvinhu zvinogadzirwa kunze kwenyika zvichizotengeswa muno. Vanoti sangano ravo rine hwaro hunoratidza kuti makambani anokwanisa kuti amutsurudzwe uyewo vanotsinhira nyaya yekuti nyaya yekumutsurudzwa kwehupfumi inoda muonera pamwe. Dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kuita hurongwa hunokwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika. Nyanzvi idzi dzinoti Zimbabwe ine vanhu vanoziva mabasa akasiyana siyana vari kunze kwenyika vanokwanisa kukwezva kuti vadzoke kumusha. Nyanzvi idzi dzinotiwo vanotengesa mumigwagwa vanofanirwa kuitirwa hurongwa hwakajeka, kuitira kuti vabhadharewo mitero kuhurumende, sezvo mitero inobviswa nevashandi pamwe nemakambani, iri iyo nzira unounganidza mari dzinofanirwa kushandiswa nehurumende. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-government-urged-to-embark-on-project-thats-creates-job/4596707.html +business Nyaya yeHurumende Yekumanikidza Makombi Kushanda neZUPCO Yokonzera Mutauro Danho rehurumende rekuda kumanikidza vose vane makombi kuti vashande vari pasi pekambani yeZUPCO iyo iri kutatarikawo rakonzera mutauro wakanyanya munyika. Vamwe vanoti iri idanho rakanaka asi vamwe vachiti uku kukoka mhepo wakatakura mamera mutswanda. Pari zvino ZUPCO ndiyo chete iri kubvumidzwa kutakura vanhu munguva ino yecoronavirus. Vachitaura kuruzhinji neMugovera nezvematanho ekurwisa chirwere checoronavirus, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati ZUPCO chete ndiyo inobvumidzwa kushanda parizvino. Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vakamboudzawo nhepfenyuro yeZBC kuti vemakombi kana vachida zvekutakura vanhu vanofanira kushanda vachiita mushandirapamwe neZUPCO. Vamwe muhurumende vanoti mudhorobha vemakombi vange voita madiro aJojina vakaisa miswe nekoko uye kuda kuvati vatakure vanhu vashoma nguva ino kusiya mapera akarinda chitunha. Mashoko aya anotsinhirwa nemutauriri wesangano reChitungwiza Commuter Omnibus Operators Association, VaFarai Muza vanoti zvinobatsira veruzhinji vemakombi vakashanda neZUPCO. Asi mumwe ane makombi, Bishop Shelton Mudyaro veShekkaianah Glory Ministries Global vanoti zvekushanda vari pasi peZUPCO hazvina zvazvinovabatsira vachiti kambani iyi inovapa mari dzemaRTGS asi vachida mari yekunze kutenga zvekugadzirisa motokari dzavo kana dzisiri kushanda zvakanaka. Pose panorwa nzou, huswa ndihwo hunonzwa nekutsokodzerwa, kunetsana kwevamakombi nehurumende kwapa kuti vashandi vaomwere nezvinhu sematauriro emunyori mukuru musangano reZCTU VaJaphet Moyo vanoti vashandi vave kusvika kumba pakati pehusiku nekuda kwekushaya zvekufambisa. Mutungamiri wesangano revanotakurwa nemabhazi nemakombi rePassanger Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune veruzhinji vave kumanikidzwa kukwira marori zvinogona kupa kuti vatapurirwe zvirwere sezvo vamwe vemarori vasiri kuvhenekwa hutachina hwecoronavirus kunyangwe vachingofamba famba. No media source currently available https://www.voashona.com/a/nyaya-yehurumende-yekumanikidza-makombi-kushanda-nezupco-yokonzera-mutauro/5423185.html +business Musangano weForum on China-Africa Cooperation Summit Unotanga muBeijing Musangano weForum on China-Africa Cooperation Summit (focac), uyo uri kuitwa kuBeijing, kuChina wavhurwa zviri pamutemo neMuvhuro nemutungamiri wenyika iyi VaXi Jinping. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kuChina, vanotarisirwawo kuzotaurawo pamusangano uyu, uyo uri kupindwa nevatungamiri venyika dzemu africa vakawanda. Vachitaura nenhepfenyuro yeChina Global Television Network (CGTN) pamberi pemusangano uyu, VaMnangagwa vati Zimbabwe yashanduka kuve nyika itsva, vakati kana paine nyika dziri kutadza kuona izvi dzakapofomara. VaMnangagwa varumbidzawo hushamwari hweChina nenyika dzemuAfrica. Zimbabwe yagara iri kubatsirwa neChina nezvikwereti zvemari, uye Africa inonzi yavimbiswa mari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora neChina. Nyanzvi mune zvemabhizimisi uye vachidzidzisa paDevry University, Professor Elliot Masocha, vanoti kukwereta mari kubva kuChina hakuna kuipa asi Zimbabwe inofanirwa kutarisisa zvibvumirano zvainonyorerana nenyika iyi kuitira kuti isazorasikirwa pakakura yatadza kubhadhara mari iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-china-focac-mnangagwa/4556076.html +business WFP Yobatsira Zimbabwe neChikafu Mukuru wesangano reWorld Food Programme kana kuti WFP VaEddie Rowe vanoti sangano ravo rasendeka parutivi mari inosvika mamiriyoni majumi manomwe nemaviri yekubatsira Zimbabwe nezvekudya mugore rino. Mari iyi iri kubva muhomwe yeUnited Nations ichishanda neZimbabwe iri kuda kuunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu yakaparurwa gore rapera. VaRowe vanoti mari iyi inogona kuwedzerwa gore rinouya kuti hurumende ibatsire vanenge vachiziya nenzara. Vanhu vanosvika zviuru zana nemakumi matatu vari kutarisirwa kubatsirwa neWFP gore rino. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti vanhu vanofanira kubatsirwa nemari dzezvikwanisiro kwete kuvapa zvekudya. VaWonderful Manyonganise, murimisi mukuru weTotal Farm Solutions vanoti zvakakosha kuti varimi vabatsirwe nemari nezvikwanisiro kwete chikwereti. No media source currently available https://www.voashona.com/a/wfp-yobatsira-zimbabwe-nechikafu/4375579.html +business Musangano weVarairidzi neHurumende Inotadza Kugadzirisa Zvinetswa Masangano anomiririra vadzidzisi aita musangano nevakuru mubazi rezvedzidzo umo munyori mubazi rezvedzidzo, Amai Tumisang Thabela, vakurudzira masangano aya kuti vanyorerane pasi mashandiro avanoda kuita nebazi rezvedzidzo. Vamwe vapinda mumusangano uyu uye vari mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu hauna kubata zvinonetsa vadzidzisi kana kuedza kugadzirisa zvinhu zvinonetsa munyaya yedzidzo. “Zvizhinji zvatange tichitaura hazvinei nezvemashandiro atinoita kumabasa kwedu. Musangano uyu wange uri waPermananat Secretary mutsva achizivana nemaUnion; achikumbira maUnion kuti vanyorerane pasi mashandiro avanoda kuita nebazi rezvedzidzo,” VaMasaraure vaudza Studio 7. Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Thabela kuti tinzwe divi ravo. VaMasaraure vati musanagano uyu hauna zvikuru zvawabatsira nazvo uye chirongwa chevadzidzisi chekurega basa svondo rinouya hachina kuchinja. Svondo rakapera, sangano reARTUZ rakazivisa kuti kutanga musi wa 7 Ndira 2019, nhengo dzaro dzicharamwa basa kwenguva isingazikanwi kusvika hurumende yanzwa zvichemo zvavo. Studio7 haina kukwanisa kubata vamiriri vemamwe masangano evarairidzi. Asi VaMasaraure vati hurongwa hwekurega basa huchaenderera mberi svondo rinouya. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-permanant-secretary-of-education-holds-meeting-with-teachers-unions-representatives-tumisang-thabela-artuz-obert-masaraure/4729160.html +business Hurumende Yoronga Kumutsiridza Kambani yeHwange Hurumende yadoma VaBekithemba Moyo avo vaimbova mukuru wekambani yeDBF Capital Partners kuti vambotungamira hurongwa hwekumutsiridza kambani yemarasha yeHwange Colliery. Kambani iyi yave nemakore ichitatarika uye ine chikwereti chinosvika mamiriyoni zana nemakumi mashanu kuHurumende. Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vakaburitsa mashoko ekumutsiridza Hwange mubepanhau rehurumende reGovernment Gazette nemusi weMuvhuro. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University Muzvinafundo Gift Mugano vanoti hurongwa uhwu hahwuna kuipa nekuti hunobatsira zvizvarwa zveZimbabwe asi panoda kutarisiswa kuti vanosarudzwa kuita basa iri vave vakakodzera. Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zvirongwa zvakadai vakazviona zvichibatsira kumutsa mamwe makambani akanga adonha mumwaka iri kumashure asi zvakanga zvaitwa nenzira yakanaka. Vanoti shuviro yavo ndeyekuti vanopiwa basa iri vapiwe simba rekuronga zvavanoona kuti zvinobatsira kwete kuvapa basa asi vasina masimba ekutora matanho mukambani iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hurumende-yoronga-kumutsiridza-kambani-yehwange/4636402.html +business Nyanzvi Dzezvehupfumi Dzoti Gwaro Re2019 Budget Strategy Paper – BSP Rrakanaka, Basa Guru Kuzadzisa Zvarinotaura. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliota Masocha vanodzidzisa paDevry University kuOhio vanoti gwaro rakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube rebhajeti regore rinoshanda chete kana hurumende yakazvipira kuvandudza zvinhu. Muzvinafundo Masocha vanoti hurumende ine magwaro akawanda ayaburitsa asi hapana chinobuda. Gwaro iri rinonzi 2019 Budget Strategy Paper uye rino buritsa pachena zvinoda kuitwa nehurumende mukushandiswa kwemari kusvika muna 2021. Rinobatsirawo hurumende kuronga nezvemuone wayo unonzi Vision 2030. Gwaro iri rinotaurawo pamusoro pekuderedzwa kwezvinofanira kubhadharwa nehurumende uye kupedzwa kwe zvikwereti zvenyika. Embed\n\n\n\nshare\n\n\n\n\n\n\n\nHurukuro na Proffessor Elliot Masocha\n\n\nby VOA\n\n\n\n\n\n\n\nEmbed\n\n\n\nshare\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\nThe code has been copied to your clipboard.\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\nThe URL has been copied to your clipboard\n\n\n\n\n\n\n\nShare on Facebook\n\n \n\n\n\n\nShare on Twitter\n\n \n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\nNo media source currently available\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n0:00\n\n0:03:03\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n0:00\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\n\nPekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda\n\n\n\n\n\n\n48 kbps | MP3\n\n\n\n\n16 kbps | MP3\n\n\n\n\n32 kbps | MP3\n\n\n\n\n\n\n\n\nPop-out player No media source currently available https://www.voashona.com/a/nyanzvi-dzezvehupfumi-dzotarisisa-gwaro-re-budget-srtategy-paper-2019/4636395.html +business Kuipa kweMigwagwa Kwokanganisa Hupfumi muZimbabwe Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda munyika vari kufara kuti mvura gore rino yaturuka uye vachazadza matura, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvivakwa zvenyika zvakaita semigwagwa iyo yazara makomba. Kunze kwekukanganisa zvakanyanya nyaya yezvehupfumi, vanhu vakawanda vari kupararawo mumigwagwa iyi. Mugwagwa mukuru ungadai uchiunza hupfumi munyika kuburikidza nemitero yemotokari nemabhazi anenge akatakura zvinhu mugagwa weBeitbridge-Harare-kusvika kuChirundu. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Doctor Gift Mugano, vanoti migwagwa ndiho hupfumi. Mugwagwa uyu unoshandiswa nenyika dzakawanda dzemuSADC idzo dzave kuronga kutsvaga mumwe mugwagwa nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe. Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo, vanotenda kuti mugwagwa uyu wakakosha zvikuru. Gwaro rakaburitswa nenyika dzemuSadc muna 2001 rakati mugwagwa mumwe chete pamitatu muZimbabwe haina kumira zvakanaka zvakapa kuti South Africa nedzimwe nyika dzitange kutsvaga mazano ekusadarika nemuZimbabwe zvichapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemari yakawanda. Muna 2013 bhanga reDevelopment Bank of Southern Africa iro rakabatsira Zimbabwe kugadzira mugwagwa wePlumtree-Bulawayo-Harare-Mutare rakati Zimbabwe inoda kubatsirwa zvakanyanya kugadzira migwagwa yayo nekuti yakakosha zvikuru munyaya dzezvehupfumi muAfrica yose. Asi Dr Gumbo vanoti kutanga gore rino mugwagwa uyu uchagadziriswa. Mugwagwa uyu waurayawo vanhu vakawanda zvikuru sezvo uchishandisa nevanoenda kunotenga zvinhu kuSouth Africa. Mukuru weInternational Cross Borders Association, VaDennis Juru, vanotenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka vachiti zvinotora mazuva akawanda kubva kuSouth Africa nenyaya yemakomba ari munzira. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti nyaya yekuti migwagwa haina kumira zvakanaka iri kupa kuti zvinhu zvakawanda munyika zvidhure. Zimbabwe haina zvitima zvakawanda zvekutakura zvinhu zvopa kuti vakawanda vashandise migwagwa chete izvo zvinodhura. Kambani yeNational Railways of Zimbabwe yave nemakore ichitatarika. Ko chi chinopa kuti hurumende itadze kugadzirisa zvivakwa? Vaimbova gurukota rezvemari vave kutungamira bato rePeople Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti mari yehurumende iri kuperera mukubhadhara vashandi vayo izvo zvinozoita kuti isare isina mari yekugadzirisa zvivakwa zvayo. Doctor Gumbo vanoti kugadzira mugwagwa weBeitbridge-Harare-kusvika kuChirundu kunokwanisa kuwanisa vanhu zviuru mazana matatu mabasa. Asi Doctor Mugano vanoti nenyaya yehuori zvinogona kuva zviroto zvekare. Dzimwe nyika dzisina mari dzinoita zvirongwa zvinonzi Build Operate and Transfer zvichireva kuita mushandirapmwe nenyika dzekunze kana makambani vovaka migwagwa makambani ekunze otora mitero kwemakore akati wandei. Asi izvi hazvisi kuitwa muZimbabwe pari zvino. Doctor Mugano vanoti South Africa inokwezva vekunze nekuti ine zvivakwa zvakanaka. Mumaguta migwagwa mizhinji yazarawo makomba nenyaya yekuvharika kwemagoronga anofanira kutakura mvura asiri kugadzirwa nemakanzuru. Makanzuru ari kunakurira Zimbabwe National Road Authority kana kuti ZINARA nyoka mhenyu achiti iri kutora mari yemitero asi haina zviri kuita kugadzirisa migwagwa. Mahombekombe enyanza iri pedyo neZimbabwe ari kuBeira kuMozambique uye Zimbabwe iri mutsinga dzenjanji yeTazara zvichireva kuti inokwanisa kuenda kunyanza yekuTanzania ichipfuura nemuZambia. Asi hupfumi hwenyika hausi kunyatsofamba nekuti migwagwa nenjanji hazvina kumira zvakanka. Kunze kwemigwagwa isina kumira zvakanaka, nyika hainawo magetsi mvura nezvimwe zvakakosha mukukwezva vekunze vanoda kutanga mabhizimisi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-roads-damaged/3679873.html +business Vashandi Vanoti Kuita Nhauriano neHurumende paNyaya yeMihoro Kuteya Nzou neRiva Mutevedzeri wemunyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti havasi kuona chinangwa chekuramba vachiita hurukuro nehurumende panyaya yemari yemihoro sezvo isina kuzvipira. Asi hurumende iri kuti vashandi havafanire kuora moyo uye nhaurirano dzichiri kuenderera mberi. Kunetsana pakati pehurumende nevashandi kwawedzera kubva hurumende zvayakati ichabvisa imwe mari pane iri kutambirwa nevashandi vari kuenda kubasa mazuva mashoma vachiti mari dzavari kutambiriswa hadzikwane kuti vaende kubasa mazuva ose. Vashandi vanotiwo vsri kuda kuti vabhadharwe muhoro wavo nemadhora ekuAmerica asi hurumende iri kutsika madziro. VaMushangu vanoti hurumende iri kungowedzera mari dzavanenge vasina kutenderana uye payadira zvopa kuti nhaurirano dzishaye basa. No media source currently available Asi gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vati nhaurirano dziri kuenderera mberi uye vakazvipira. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vashandi-vanoti-kuita-nhauriano-nehurumende-panyaya-yemihoro-kuteya-nzou-neriva/5878979.html +business Botswana Yotsigira Makambani Ayo Anoda Kutanga Mabhizinesi muZimbabwe Zimbabwe neBotswana dzanyorerana chibvumirano chemari inosvika bhiriyoni rimwe chete rema Pula ekuBotswana. Chibvumiranbo ichi chaona Botswana ichiisa mazana mashanu emamiriyoni ema Pula pamusoro pemazana mashanu emamiriyoni ema Pula agara aripo. Mutungamiri weBotswana, VaMokwgweetsi Masisi, vaudza vatori venhau kuti Zimbabwe neBotswana dzawirirana hurongwa hwechikwereti uhu. Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vabvumawo kuti ichokwadi kuti nyika dzavo dzanyorerana chibvumirano. Vachitsanangura zviri muchibvumirano ichi, gurukota rinoona nezvekutengeserana muBotswana, Va Bogonelo Kenewendo, vati mari yabvumiranwa iyi ichashandiswa nemakambani emu Botswana anoda kutanga mabhizinesi muZimbabwe. Mashoko aVaKenewendo anopesana nemashoko ari kuburitswa nemapepanhau muZimbabwe ekuti Zimbabwe yapihwa chikwereti neBotswana senzira yekuti ivandudze makambani anoshanda akazvimirira. Ukuwo gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vatiwo Zimbabwe yapihwa neBotswana mari inoita mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu emadhora. Asi havana kujekesa kuti mari iyi ndeyekubatsira here makambani emuBotswana kuti atange mabhizinesi muZimbabwe kana kuti kwete. Apo VaMasisi nechikwata chavo vange vari muHarare, bazi renyika yavo rinoona nezvekutengeserana nedzimwe nyika, razivisa kuti mari iyi ndeyekubatsira makambani ekuBotswana anoda kuita mabhizimisi muZimbabwe uye Zimbabwe inofanirawo kuisa hwaro hwekuti mabhizimisi aya haasi kuzorasikirwa nemari dzawo muZimbabwe. Bazi iri ratiwo kuti chibvumirano ichi chitange kushanda chinofanira kutsigirwa neBilateral Investment Protection and Promotion Agreement pakati penyika mbiri idzi. Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti izvi zvinoreva kuti hapana chashanduka sezvange zviri kutaurwa nemapepanhau ehurumende. VaKuchera vati zviri kutaurwa nebazi rezvekutengeserana rekuBotswana zvinoreva kuti hurumende yeZimbabwe inofanira kushanda zvakasimba kuona kuti chibvumirano ichi chashanda. Nyanzvi munyaya dzemabhizimisi, VaRoy Magosvongwe, varatidza kusafara nemanyepo aiburitswa mumapenhau ehurumende pamusoro pechibvumirano chemari ichi dzisati dzapera. Vati zvakakosha kuti hurumende imbomira zvekurova bembera pamusoro pezvibvurano zvainenge ichironga asi kuti iite basa rinoonekwa kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire. Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, rashora manyepo ehurumende ekuti yainge ichazowana chikwereti chemamiriyoni mazana matanhatu emadhora kubva Botswana. Mumashoko araburitsa, mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vati manyepo aya haana kusiyana nemamwe anogaroutarwa zuva nezuva kuti hurumende iri kusaina zvibvumirano zvichaunza mari kunyika asi pasina chinobuda kana kuti ari manyepo chete. Vanoti hurumende inosungirwa kutaurira vanhu chokwadi kwete manyepo. Studio7 haina kukwanisa kutaura nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende. Zimbabwe neBotswana dzasainirana zvibvurano zvitanhatu munyaya dzedzidzo pamwe nezvicherwa uye musangano unotevera uchaitirwa kuBotswana gore rinouya. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-botswana-agreement-to-increase-money-to-private-businesses/4808125.html +business Germany Inoudza Komiti yaVaParadza Kuti Zimbabwe Ibhadhare Zvikwereti Zvayo Mumiriri wenyika yeGermany muZimbabwe, Doctor Thorsten Hutter, vaudza nhengo dzeparamende kuti Zimbabwe inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo kuWorld Bank, African Development Bank nenyika dzaya kakwereta pasi peParis Club, vachiti izvi ndizvo chete zvichaita kuti ikwanise kuwana rubatsiro kubva kumasangano aya nenyika idzi. Vachitaura pamusangano wavaita nenhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwenyika, VaHutter vati manyepo ekuti Zimbabwe iri kunyimwa rubatsiro nekuda kwenyaya dzematongorewo enyika. Vati chikonzero chiri kunyimwa Zimbabwe mari inyaya yekusabhadhara zvikwereti. Vati World Bank nenyika dzekuEurope hadzikwanisi kuramba dzichipa zvikwereti zvekusimudzira maindasitiri muZimbabwe kana isati yabhadhara zvikwereti zvainayo. VaHutter vatiwo makambani ekunyika kwavo nedzimwe dzeku Europe haasi kufara nemitemo yemuZimbabwe yakaita sema roadblocks ayo ave kuitwa pese pese nemutemo wekupa masimba kuvatema munyaya dzehupfumi. Vati vemakambani vanoda mitemo yekajeka uyewo apo nyika yakatarisana nedambudziko remari, vemakambani vanoda kuziva kuti kana vakatengesa zvinhu zvavo kunze kwenyika, vanokwanisa kushandisa mari yavanenge vawana pamadiro here kana kuti kwete. Pari zvino vebhanga guru, VeReserve Bank of Zimbabwe, ndivo vanoronga nekuudza makambani kuti anga shandise sei mari dzekunze dzaanenge awana. Sachigaro wekomiti iyi, VaKindness Paradza, vati vanobvumirana naVaHutter pazvichemo zvavo, asi vati zviri kugadziriswa. VaParadza vaenderera mberi vachiti komiti yavo yakumbirawo kuti Germany ibvise zvirango zvayakatemera VaMugabe vachiti izvi zviri kukanganisa hupfumi wenyika. Vatiwo izvi hazvifaniri kunetsa sezvo Britain yavainetsana nayo muEuropean Union yave kubuda musangano iri. Kunyange hazvo VaParadza vati komiti yavo, iyo ine nhengo dzeMDC-T, yakumbira kuti VaMugabe vabvisirwe zvirango zvavakatemerwa neGermany, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati sebato, hapana chati chachinja chingaite kuti VaMugabe varerutsirwe. VaGutu vati VaMugabe vachiri kutyora kodzero dzevanhu, mitemo yesarudzo haisati yagadziriswa, uye bato ravo rinoita rusarura pachikafu, icho chinopihwa nhengo dzeZanu PF chete. Imwewo nhengo yekomiti iyi, Amai Priscillar Misiharabwi-Mushonga, vatiwo zvakakosha kuti paramende yeZimbabwe neyekuGermany, Bundestag, zvidyidzaneuyewo kubatsira kumutsiridza hukamapakati penyika mbiri idzi pasi pesangano Zimbabwe German Association iro vati raibatsira vakawanda zvikuru Asi VaHutter vati zvirango zvaVaMugabe nemudzimai wavo nekambani neZimbabweDefence Industries hazvikanganisi hupfumi hwenyika vachiti pari zvino makambani emuZimbabwe anotengesa zvinhu kuEurope pachena pasi peEuropean Parternership Agreement. Vatiwo hupfumi hwenyika hwakakura chose panguva yehurumende yemubatanidzwa apo makurukota ehurumende yaVaMugabe pamwe nemakambani akawanda aive pasi pezvirango. Vati hupfumi uhwu huri kutodzikira panguva ino kunyange hazvo EU yakabvisa makambani aya nemakurukota pazvirango. VaHutter vati hazvina kushata kuti paramende yeZimbabwe idyadzane neBundestag asi vakati pari zvinonhengo dzeBundestag hadzigoni kubuda munyika sezvo nyika yavo ichiita sarudzo muna Gunyana. Asi vati vanozvikurudzira kuti paramende dzenyika mbiri idzi dzidyidzane. Makambani ehurumende anosanganisira Telone, National Railways of Zimbabwe neZiscosteel ane zvikwereti zvinodarika mazana mashanu emamamiriyoni emaEuro kuGerman Deveopment Bank uye mari iyi yave nemakaore akawanda isati yabhadharwa. Zvichakadai, VaHutter vazivisa kuti nyika dzeEU pamwe neAfrican Union dzichasangana muna Mbudzi gore rino kuAbijan nechinangwa chekuzeya chirongwa chekudyidzana pakati pemasangano aya cheCotonou Agreement. Vati zviri pachena kuti chave kudiwa neAfrica handi rubatsiro asi kuti makambani anogadzira zvinhu achiunza mabasa kumamiriyoni akawanda evechidiki vari kubva muzvikoro muAfrica. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-germany-realitions/3846085.html +business Sangano reAfrican Parliamentarian’s Network Against Corruption, APNAC, Rinoudzwa Kuti Panofanirwa Kuve neMafungiro Matsva eKurwisa Huwori "Kunyange hazvo nyika ine mitemo nemapazi akasiyana-siyana anobatsira\nkurwisa huwori, izvi zvinonzi hazvina kukwana nekuti\nchinhu chikuru chinodiwa ndechekuti vanhu vave nemafungiro pamwe\nnemaitiro matsva pakurwisa huwori uhu. Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzekurwisa huwori, uri kuitwa nenhengo dzeparamende dziri pasi pesangano reAfrican Parliamentarian’s Network Against Corruption kana kuti APNAC. Vachitaura semunyarikani kuburikidza nepadandemutande pamusangano\nwekuzeya nyaya yekurwisa huwori waitwa muBulawayo, Muzvinafundo\nPatrick Lumumba vekuKenya, avo vane mukurumbira munyaya dzekurwisa huwori, vati\nkunyange hazvo pane vamwe vane maonero ekuti huwori hauna kuwanda\nsezvinotaurwa nevakawanda munyika dzemuAfrica uye kuti nyika\ndzekumadokero dzinobatsira mukuita kuti huwori huvepo munyika idzi,\nchokwadi ndechekuti huwori idambudziko guru ratekeshera munyika\ndzakawanda muAfrica.\n\nVati pane zvinhu zvakawanda zvinoitwa nenyika dzakawanda kusanganisira\nZimbabwe zvinosungirwa kuitwa nevanhu vanoshanda muhurumende senzira\nyekudzivirira huwori asi huwori hunoramba huchitekeshera\n\n///Zvinhu zvinoshamisa nekurwadza kuti zvisinei nekuti vashandi\nvehurumende nevezvematongerwo enyika munyika dzakawanda muAfrica ndivo\nvanowana mihoro yakaderera, vanowanikwa vari ivo vamwe vevanhu vane\nhupfumi hwakakura munyika idzi. Pari zvino munyika dzemuAfrica\ndzakawanda kana uchida kuve munhu akapfuma asi usingashande unoita\nzvematongerwo enyika kana kuti unopinda muchiuto kana kuwana basa\nrepamusoro muhurumende.///\n\nVati kunyange hazvo pane mitemo uye nemapazi akasiyana-siyana\nanobatsira kurwisa huwori, huwori uhu hunopera chete kana vanhu vakave\nnemafungiro pamwe netsika itsva dzekuita zvinhu.\n\n""Yasvika zvino nguva yekuti tiongorore hunhu hwedu tibvume kuti tiri\nkuita zvinhu zvisina kufanira; tiri kutadza zvikurusa uye tinofanirwa\nkuti tigadzirise kutadza kwedu uku. Hapana mitemo ichatibatsira\npakugadzirisa izvi; hapana matare achatibatsira pakugadzirisa\nizvi…tinofanirwa kungochinja hunhu hwedu.""\n\nVaTemba Mliswa, avo vanove sachigaro wechikamu chemuZimbabwe\ncheAfrican Parliamentarian’s Network Agaiant Corruption, uye vari nhengo yeparamende yakazvimirira, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemaonero aMuzvinafundo Lumumba. Vashora nyaya yekuti vamwe vakuru vakuru vehurumende nemapazi\nehurumende vane chekuita nekurwisa huwori vanotadza kuvepo pamisangano\nyakadai, vakatsinhira kuti zvakakosha kuti munhu wose azvipire panyaya\nyekurwisa huwori.\n\nVaBrian Dube avo vanove sachigaro vekomiti inoona\nnezvekushandiswa kwemari dzehurumende mudare reparamende, kana kuti Public Accounts Committee, vatiwo vanotsigira maonero aVaLumumba.\n\nMuzvare Memory Mbondiah vanomirira dunhu reMidlands pasi\npehurongwa hwe proportional representation vatiwo zvakakosha kuti pave nedzidziso\nyakasimba kuvanhu vose munyika kusanganisira muzvikoro pamusoro\npekuipa kwehuwori.\n\nAsi VaKuziwa Murapa vanove mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe\nAnti-Corruption Commission, kana kuti ZACC, vaudza Studio 7 kuti\nkunyange hazvo vachibvumirana nemaonero aVaLumumba pane mitemo inoda\nkuvandudzwa kuti kurwisa huwori munyika kunyatsobudirira.\n\nSangano reAPNAC rinopindwa nenhengo dzeparamende nesenate nekuda kwadzo\nsenzira yekuratidza kuzvipira kwadzo mukurwisa huwori. Musangano wekuzeya kurwisa huwori uyu unopera neMugovera. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/6622069.html +business Kushandiswa kweMitemo yeRhodesia Kwopa Kuti Vanhu Vatorerwe Minda neMakambani ekuChina Nyanzvi munyaya dzezvemitemo nekodzero dzevanhu dzinoti mitemo yeminda uye yezvicherwa isina kuvandudzwa kubva munguva yeRhodesia ndiyo yave kupa kuti vari mumamisha vakawanda vagare vakabatira hura mumaoko sezvo vave kumanikidzwa kutama vachisiya misha, makuva nenzvimbo dzavanoyeresa. Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo kune vanhu variMashonaland East kwaKaseke kuUzumba, uye misha inoti Tome, Karimazonde, Kahwa neKatsukunya kwaMutoko uye kuChikomba kuChivhu. Vanhu ava vari kutamiswakuitira kuti makambani ekuChina achere matambo akakosha eGranite. Vamwe vakatarisana nekutamiswa vari kuChipinge Manicaland neChilonga kuChiredzi. Minda iyi iri kupihwa makambani evachena vanonzi vanodyidzana nehurumende. Pasi pemutemo weCommunal Areas Act, mutungamiri wenyika ndiye ane masimba ekuona kuti minda iri kumamisha iyi yashandiswa sei. Vanhu vemumaruwa havana magwaro kana kuti maTittle Deeds uye mitemo iripo inonzi haisi kunyatsovachengetedza. Gweta rinombomirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti mitemo inofanira kuvandudzwa. Mukuru werimwe sangano rinoona nezvekodzero dzevanhu munharaunda dzine zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hurumende iri kukundikana kuona kuti kodzero dzevanhu vari kumaruwa dzachengetedza. Vatendawo kuti mitemo ivandudzwe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/kushandiswa-kwemitemo-yerhodesia-kwopa-kuti-vari-kumamisha-vatorerwe-minda-nevekuchina/6231284.html +business Vanorarama neKutengesa Voomerwa Munyika Apo mamiriro ezvehupfumi munyika ari kuramba achienda kumawere, vanhu vakawanda munyika vave kuwana raramo nekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana. Ukuwo mabhizimisi anotiwo ave kutyira ramangwana rawo kana zvinhu zvikasachinja nekukasika sezvo vanhu vasisina simba rekutenga zvinogadzirwa nemabhizinesi aya. No media source currently available VaThomas Ngara murume ane makore makumi nemaviri ekuberekwa. VaNgara, avo vanorarama nekutengesa airtime, fodya, nezviwitsi mumigwagwa yeguta reBulawayo, vanoti vave nemakore anopfuura mashanu vachirarama nekutengesa uku mushure mekunge vapererwa nebasa pane imwe kambani yaigadzira mbatya yavaishandira. VaNgara vanoti mari yavanowana mukutengesa kwavanoita iri kuramba ichivaitira shoma pakuti vakwanise kuriritira mudzimai wavo nevana vaviri. Asi vanoti vari kuwana vachimanikidzwa kuramba vachitengesa nekuti hapana zvimwe zvekuita. VaDouglas Dube vanotengesawo pamwe chete naVaNgara uye vanotsinhirawo kuti nekuda kwemamiriro akaita zvehupfumi munyika, hupenyu huri kuramba huchivaomera zvekuti vanotyira kuti kana zvinhu zvikasachinja vachapedzisira vave kutadza kuendesa mwana wavo kuchikoro kana kuwana mari yekuti vakwanise kurarama zuva nezuva. Mukuru-mukuru wesangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, Muzvare Musawenkosi Nyoni, vanoti vave nemakore anosvika gumi nematatu vachiita basa rekutenga nekutengesa mbatya pane imwe flea market iri muguta eBulawayo. Muzvare Nyoni vanoti vakakwanisa kuita zvinhu zvakwawanda zvinobatika mumakore apfuura. Asi pari zvino zvinhu zvave kuvaomera sezvo pave nevanhu vakawanda vanoita basa rekutengesa. Muzvare Nyoni vanoti sangano ravo rine nhengo dzinosvika zviuru gumi asi nekuda kwekuomerwa nehupenyu nhengo dzesangano iri dzakawanda dziri kutadza kubhadhara madhora matanhatu anobhadharwa pagore kuve nhengo yesangano iri. Muzvare Nyoni vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakamboomera veruzhinji munyika mumakore a2007 na2008 muzvitoro musina chekutenga, izvi zvaive nani nekuti vanhu vaikwanisa kuwana mari yekunotenga zvinhu kunze kwenyika. Vanoti kuwoma kwezvinhu pari zvino kwakasiyana nekuti veruzhinji vari kunetseka nekuwana mari sezvo vanhu vakawanda vasiri pamabasa vachitiwo vanotyira kuti kana zvinhu zvikaramba zvichinetsa munyika munopedzisira maita mhirizhonga. Vemabhizmisi kana makambani kunyanya madiki vari kuchema-chemawo nenyaya yekuti mari haizi kubatika. Studio7 yakaedza kunzwa mamiriro akaita zvinhu mumabhzimisi asi sachigaro weZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, mudunhu reBulawayo, VaTshidzanani Malaba, vakati vaive vakabatikana uye vakatadza kupindura mubvunzo yavaive vati tivatumire vachiti vaive vakabatikana. Takakundikanawo kutaura nemutevedzeri wemukuru mukuru weZNCC mudunhu reMatabeleland, naVaCrispen Mugova, avo vakatiwo vaive vakabatikana. Asi munguva pfupi yapfuura sangano reZNCC rakakurudzira hurumende kuti itore matanho ekugadzirisa mamiriro ezvehupfumi munyika nekukasika richiti kusaita izvi kunogona kuunza matambudziko akapfurikidza munyika. Mukuru weimwe kambani inoita zvemagetsi, VaRegis Munyoro, vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka. VaMunyoro vanoti kambani yavo yave kunetseka pakuwana vekuitira basa vachitiwo pavanowana basa vavanenge vaitira mabasa vanonetseka pakubhadhara vamwe vachitotadza zvachose zvekuti ivo vanozonetsekawo pakubhadhara vashandi vavo pamwe nekutenga zvinhu zvinodiwa kuti vakwanise kuita basa ravo. Nekuda kwekuti makambani akawanda akavhara kana kuti ari kutatarika, hurumende yange yave kutarisira kuti vanhu vanogona kuwana raramo nekuzvishandira pachavo vega vachiita zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira kutenga nekutengesa pamwe nekuve nemakambani madiki anoita zvakadai sekugadzira midziyo yemumba yakaita semibhedha nemasofa nezvimwe zvakadaro. Asi nekuti kuzvishandira ndiyo yave raramo yavakawanda uye nekuti mari haizi kubatika, kuzvishandira uku hakuchawanise vanhu raramo yakanaka. Chipangamazano wesangano rePublic Research Institute of Zimbabwe iro rine muzinda waro muBulawayo, VaButler Tambo, vanobvuma kuti kana mamiriro ezvehupfumi munyika akasachinja hupfumi hwenyika hunogona kuramba huchiwondomoka zvekuti makambani achiri kushanda anogona kuvhara uye izvi zvinogona kukonzera matambudziko kumabhangi ari munyika ayo vanoti anogona kuzowondomokawo. VaTambo vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nekukasika mitemo inokwezva vemabhizimisi vekunze kwenyika kuti vave nechido chekusima mari muZimbabwe vachitiwo Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzeku madokero pamwe chete nemabhangi eWorld Bank neInternational Monetary Fund. Vamwe vaongorori vezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika vanoti kana hurumende ikasagadzisira zvinhu nekukasika, veruzhinji, avo vave kusvika pakupererwa nechekuita nekuda kwekutambura, vanogona kuzopedzisira vave kuita zvemhirizhonga senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo. https://www.voashona.com/a/bulawayo-znnc-shava-zimbabwe-shona/2924460.html +business Varimi Vachena Vopihwa Imwe Mari yeKubatsirikana neHurumende Hurumende yatanga kupa vamwe varimi vachena vakatorerwa mapurazi mari yekubatsirikana vakamirira kupihwa mari yemuripo wezvivakwa nezvekurimisa zvainge zviri pamapurazi avakatorerwa kutanga muna 2000. Asi varimi ava vari kuchema nerekuti mari yavari kutambiriswa haisisina simba sezvo RTGS riri kushaya simba zuva nezuva zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica. Varimi makumi maviri nevasere ndivo vapihwa mari kusvika parizvino pavarimi mazana manomwe nemakumi matatu nevanomwe vari kutarisira kupihwa mari iyi. Murimi mumwe chete ari kupihwa mari inosvika zviuru makumi mashanu nemamashanu kana kuti 55 000 RTGS. Mukuru weCFU VaBen Gilpin vanoti varimi vari kutambira mari asi vari kunetseka nekushaya simba kwayo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/varimi-vachena-vopihwa-imwe-mari-yekubatsirikana-nehurumende/4970512.html +business Hurumende Inoti Haichapa Makambani ekuChina Mvumo yeKuchera Marasha kuHwange National Park Dare remakurukota neChipiri rakazivisa kuti harichatenderi makambani maviri ekuChina anoti Afrochine Energy neZimbabwe Zhongxin Coal Mining Group kuchera marasha kuHwange National Park mushure mekunge vanhu vakawanda vagunun’una nezvedanho iri. Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau muHarare kuti hurumende haichape makambani aya mvumo yekuchera zviwanikwa mumasango anochengeterwa mhuka. MuHwange mune mhuka dzesango dzakawanda dzinosanganisira nzou, zvipembere, nyati nedzimwe. Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti hurumende yaita zvakanaka kuteerera vange vachigunun'una nedanho rayo rekuda kuti vekuChina vacehere marasha munzvimbo yakakosha inochenetrwa mhuka dzesango. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hurumende-inoti-haichapa-makambani-ekuchina-mvumo-yekuchera-marasha-kuhwange-national-park/5575728.html +business Hondo Pakati peAir Zimbabwe neSouth African Airways Yoenderera Mberi Hondo inotyisa yange yamuka pakati pekambani yeAir Zimbabwe neSouth African Airways inonzi haisati yanyatsopera zvopa kuti kufamba kwendege pakati penyika mbiri idzi kukanganisike. Kunetsana uku kwakatanga nemusi weChishanu zvakapa kuti ndege dzimbotadza kubhururuka zvichikonzerwa nenyaya yemamwe magwaro anonzi neSouth Africa ange asina kumira zvakanaka. Magwaro aya anonzi Foreign Operations Licenses. South Africa yakamisa ndege yeZimbabwe kubhururuka kubva kuJohannesburg ichienda kuHarare. Zimbabwe yakabva yamisawo ndege dzeSouth Africa kupinda kana kubuda munyika. Vanhu vazhinji vari kukanganiswa zvikuru mafambiro avo pakati penyika mbiri idzi. Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vati mari iri kudiwa inosvika zviuru zvitatu pandege imwe chete. VaGumbo vati haina kuwanda uye makore ose vaingoshanda neSouth Africa pasina aiti anoda magwaro aya. Parizvino, ndege shoma ndidzo dziri kubhururuka pakati peZimbabwe neSouth Africa nyaya dzemagwaro aya dzichigadziriswa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3994643.html +business Veruzhinji Vochemachema neKukwidzwa kweMari dzeMasaisai neveDzinharembozha Mamwe makambani embozhanhare anonzi akwidza mitengo yemabhanduru anoita kuti veruzhinji vakwanise kuenda paindaneti nezvikamu zvinodarika gumi kubva muzana izvo zviri kutsoropodzwa nevakawanda kusanganisira vemapato ezvematongerwo enyika. Kambani yehurumende yeNetone yazivisa kuti yakwidza mutengo wemabhanduru anoita kuti vanoshandisa masaisai ekambani iyi kuenda pamadandemutande kana kufona vachemecheme. Netone yazivisa nhasi magwanani kuti yakwidza mutengo wemabhanduru kubva nhasi zvichienda mberi uye mabhanduru aya akwidzwa nezvikamu zana kubva muzana. Zvaitwa neNetone zvinotevera kukwidzwawo kwakaitwa mutengo wemabhanduru aya neEconet masvondo maviri adarika nezvikamu makumi mashanu kubva muzana. Mumwe anoshandisa nharembozha nemasaisai eNetone, Muzvare Gracious Mangava, vati kuita zvidzidzo zvavo kuchavadhurira sezvo vachishandisa nharembozha kuita zvidzizo izvi. Sachigaro wesangano revanoburitsa mashoko paindaneti reOnline Content Creators of Zimbabwe, VaToneo Rutsito, vati kukidzwa kwemitengo yemabhanduru kuchaita kuti vatadze kushanda zvakanaka mukuwanisa veruzhinji mashoko anobata zvakawanda muhupenyu hwavo. Mutauriri weboka revechidiki muCitizens Coalition for Change, VaStephen Chuma, vati kusvitsa mashoko avo ekutsvaga rutsigiro kune veruzhinji pamberi pesarudzo kuchavanetsa sezvo vanga vachishandisa madandemutande kutaura neveruzhinji sezvo vachiti havasi kuwaniswa mukana wekushambadzira bato ravo panhepfenyuro yeZBC pamwe nemapepanhau ehurumende. Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti hachisi chokwadi kuti vemapato anopikisa havasi kupihwa mukana wakaenzana newebato ravo pamhepo kuburikidza nenhepfenyuro nemapepanhau ehurumende. Hatina kukwanisa kutaura nevatauriri vemakambani enharembozha kuti tinzwe kuti chii chiri kukonzera kukwidza kwavaita mitengo yemabhanduru eindaneti. Asi zvichitevera kuchemachema kwaswera kuchiita veruzhinji nezvenyaya iyi pamadandemutande eFacebook, Twitter neWhatsapp, kambani yeNetone yazoburitsa mashoko ichiti iri kuongorora nyaya iyi. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika ndiko kuri kukonzera kuti makambani aya akwidze mitengo yemabhanduru. Munyori muboka revechidiki muZanu PF, VaTendai Chirau, vanyora pandamutande ravo reTwitter kuti vachasvitsawo nyaya iyi kugurukota rinoona nezvehumhizha hwema computer VaJenfan Muswere. Ukuwo, VaRutsitu vatiwo vachagara pasi naVaMuswere pamwe nePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe kuti vaone kuti nyaya iyi ingadziriswe sei. VaMuswere vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6459489.html +business Chikwata cheCommonwealth Chotarisirwa muNyika neMugovera Kuzoona Kana Zimbabwe Yave Kukodzera Kutambirwa Zvakare muSangano iri Chikwata cheCommonwealth Assessment Mission chiri kutarisirwa kusvika munyika Mugovera kuzoongorora kana Zimbabwe yakakwanisa kuzadzisa zviga zvayakatemerwa kuti ikwanise kutambirwa zvakare mugungano iri. Commonwealth igungano renyika makumi mashanu nenhanhatu iri, zhinji dzacho dziri dzaimbove pasi pehutongi hweBritain. Mashoko akaburitswa padandemutande reTwitter nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika anoti chikwata ichi chichange chiri munyika mushure mekukokwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti chione nhanho dzafambwa neZimbabwe kubva zvayakanyorera kuti ibvumidzwe kudzoka mugungano iri muna 2018. Bazi iri rinoti chikwata ichi, icho chichange chichitungamirwa nemutevedzeri wemunyori mukuru wesangano iri, Muzvinafundo Luis Franceschi, chichange chiri munyika kwesvondo rose kusvika musi wa 18 mwedzi uno. Chinotarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika VaMnangagwa, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, mamwe makurukota pamwe nevakuru vakuru muhurumende, uye masangano enhau pamwe nevamwe vane chekuita nenyaya iyi vanoonekwa sevakakodzera kusanganikwa navo nesangano iri. Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaShava, kuti tinzwe zvizhinji pamusoro pekushanya kwechikwata ichi. Zimbabwe yakabuda yoga mugungano reCommonwealth muna 2003 munguva yevaive mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe mushure mekunetsana nenyaya dzekodzero dzevanhu. Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti hapana zvati zvashanduka, zvikuru panyaya dzekodzero dzevanhu, sezvo hurumende iri kuramba ichimbunyikidza vanhu uye kudzika mitemo inoomesera mashandiro emasangano akasiyanasiyana. VaNgwenya vanotiwo kuti sangano iri rinyatsonzwisisa mamiriro akaita zvinhu munyika rinofanirwa kusanganawo nevemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira kuitira kwete kungogumira mukusangana nevehurumende chete. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6830594.html +business VaMnangagwa Vokurudzira Kutengeswa Kunze kweZvinhu Zvinodzairwa muZimbabwe "Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaparura gwaro rinoratidza gwara rehurumende rekutengesa kunze kwenyika zvinhu zvinogadzirwa muZimbabwe.\n\nVaMnangagwa vati mabhizimisi anoda kusima mari munyika dzine runyararo vakati Zimbabwe ine rombo rakanaka kuti inyika ine runyararo uye ine vanhu vanoshanda nesimba. Vati mamiriro ezvehupfumi munyika ari kuvhiringwa nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze uye zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika. Vakudzira vanhu vose munyika kuti vashande pamwe chete kuitira kuti vemaindasitiri vakwanise kugadzira nekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kunze kwenyika. Vati chinangwa chehurumende ndechekuti panosvika gore ra2023 nyika ive yave kutengesa kunze kwenyika zvinhu zvinosvika mabhiriyoni manomwe emadhora, uye panosvika gore ra2030 ive yave kutengesa zvinhu zvinosvika mabhiriyoni gumi nemana. VaMnangagwa vakurudzira vemaindasitiri nemakambani kuti vatengese kunze kwenyika zvikamu makumi maviri kubva muzana zvezvinhu zvavanogadzira, vakatiwo hurumende yavo inokoshesa kutsigira nyaya yekurima nekuti maindasitiri akawanda anogadzira zvinhu kubva muzvirimwa. ""Maindasitiri edu anoshanda zvikuru nezvinhu zvinobva mumabasa ekurima. Saka nekudaro zvakakosha zvikuru kuti hurumende itsigire mabasa ezvekurima, kuitira kuita kuti mabasa aya aiitwe nenzira dzechizvino-zvino izvo zvichaita kuti maindasitiri anoshanda nezvirimwa akure,"" vadaro VaMnangagwa. VaMnangagwa vatsinhira nyaya yekuti vemaindasitiri nevemabhizimisi vatevedzere mutemo unosungira kuti vatengese zvinhu zvavo nemari yemuno. ""Zvichienderana nemitemo yenyika yedu, makambani ose anosungirwa kuti ashandise mari yemuno munyika pane zvose zvavanotenga kana kutengesa muno,"" vadaro VaMnangagwa. Mumwe muzvinabhizimisi, VaBenson Ntini, vati makambani ehurumende akadai seZimbabwe Electricity Supply Authority anokanganisa mashandiro emakambani nekusaita mabasa awo nemazvo. Vati pane nyaya dziri kuwanda dzekuti pane matransformer anoendeswa kunogadzirwa kuZesa, asi haadzoswe. Mutungamiri wesangano reAffirmative Action Group, VaReginald Shoko, avo vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, vati chinangwa chehurumende chekuti zvinotengeswa kunze kwenyika zviwedzerwe chinogona kubudirira, asi nyaya yehuwori inofanirwa kugadziriswa. Zimbabwe yakatengesa zvinhu zvinokosha mabhiriyoni mana emadhora ekuAmerica mugore ra2018 uye izvi zvairatidza kukwira kwezvakatengeswa izvi nezvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana pane zvakatengeswa mugore ra2017. Musangano wakadai unoitwa kamwe chete pagore uchikokerwa nekambani yehurumende, yeZimTrade, uye unopindwa nemakambani anogadzira zvinhu zvakasiyana-siyana zvinotengeswa kunze kwenyika. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-president-urges-industries-to-exports-their-products/5128233.html +business Vagari Vopengera Mitero yeMigwagwa kuMasvingo "Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nekanzuru yavo zvekuti vabhadhariswe mitero yekushandisa migagwa yeguta iri, kana kuti roda levy, ivo vasina kuwirirana nekanzuru yavo. Vagari vanoti vakatsamwa nedanho iri nekuti kanzuru haina kuuya kwavari kuzotsvaga pfungwa dzavo. Zviri kunyanya kuvarwadza ndezvekuti pachine mutauro pamusoro pechimwe chirongwa chakadai, icho vagari vanoti havana kuona zvakashandiswa mari dzavaibatirwa. Mumwe mugari, VaPaul Rimai, vanoti kanzuru yavo haina kupinda muvanhu zvakakwana kuti ipihwe mvumo yekutora mari inoita madhora mana paimba yoga yoga. Masvingo ine vagari vanosvika zviuru makumi matatu. Izvi zvinoreva kuti kanzuru ichange ichiwana mari inoita zana nemakumi maviri ezviuru zvamadhora pamwedzi kubva kuvagari. Mugari wekuMucheke, VaSamson Gororo, vanoti havaoni kushanda kwechirongwa ichi sezvo munharaunda yavo musina migwagwa yakagadzirwa pavakambobhadhara mari dzavo. Asi meya weguta reMasvingo, VaHubert Fidze, vanoti chirongwa ichi chakadzoswa mushure mukuwirirana nevagari paigadzirwa bhajeti regore rino. VaFidze vanoti chirongwa ichi chakakosha kugadzirisa migwagwa yashata mudhorobha sezvo mari yemigwagwa inobva kuhurumende nebazi reZinara iri shoma, Vati vachatsanangurira vagari kuti mari iyi vachaishandisa sei. Asi vanotungamirira kufambiswa kwebasa musangano rinomirira kodzero dzevagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, VaAnoziva Muguti, vanoti vagari havana kupihwa mukana wakakwana kuti vape pfungwa dzavo panyaya iyi ""Zvavari kutaura kuti vakaita ma consultations nevanhu pamabhajeti tinozviramba nekuti ma meeting avo vaimaita vasina kushambadzwa zvakakwana kuchiinda vanhu vashoma uye nguva dzavakaita vanhu vaiva kumabasa, ivo chavakakonewa sema councilors vaifanira kuenda ku maward avo kwete zvebhajeti,: Vadaro VaMuguti. Sangano iri rinoti riri kukurudzira nhengo dzaro kuti dzisabhadhare mari iyi kusvikira vagara pasi nekanzuru vachionesana zvakanaka panyaya iyi. Kanzuru inotarisirwa kuwana mari inoita miriyoni imwe nemamazana mana ane makumi mana ezviuru zvemadhora pagore kubva kumitero yemigwagwa. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/masvingo-residents-against-road-levy/4307484.html +business Kanzuru yeBulawayo Yodzinga Vanotengesa Mumigwagwa Mapurisa ekanzuru yeBulawayo ayenderera mberi neChitatu achitorera vanhu vanorarama nekutengesa mumigwagwa midziyo yavo uye vamwe vevatengesi ava vanonzi vakarohwa zvakayipisisa kubva marimwezuro pakatanga hurogwa uhu. Vanyatsobatwa nedanho iri vanhu vanga vachitengesera muna Five Street na Jason Moyo inova nzvimbo isina kutarwa nekanzuru. Kanzuru yeguta iri yava kudzinga vanhu ava kunyange yakambenge yati ichavatsvagira nzvimbo dzekushandira isati yavadzinga. Mumwe atorerwa midziyo yake, VaManatsa Pashoma, vashora kanzuru vachiti vapinzwa parumana sezvo vasisina nzira yekuraramisa mhuri yavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/khanzura-yebulawayo-yodzinga-vanotendesa-mumigwagwa/2924007.html +business Bulawayo Inokwidza Mitero Zvakanyanyisa Mubhajeti ra2021 Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda. Kanzuru yeguta reBulawayo yazivisa kuti ichakwidza mitero yayo nezvikamu zvinopfuura mazana matatu nemakumi manomwe nezviviri kuna kumaza,kana kuti 372 per cent kubva muna Ndira gore rinouya. Mutauriri wekanzuru, Amai Nesisa Mpofu, vabvuma izvi kuStudio 7 vachiti izvi zvinotevera kutambirwa nehurumende kwesupplementary budget yegore rino yakaitwa nekanzuru muna Gunyana. Kanzuru yakaita bhajeti remadhora 2.7 billion mugore rino ra2020 uye yakaita bhajeti remadhora 17, 1 billion yegore rinouya asi bhajeti iyi haisati yapasiswa nebazi rezvekutongwa kwematunhu. Mukuru wesangano reBulawayo United Residents Association, VaRodrick Fayayo, vaudza Studio 7 parunhare kuti sangano ravo richaita musangano wechimbi-chimbi nenhengo dzaro kuti vaone kuti votora danho ripi, vachiti kukwidzwa kwemitero uku kuchawomesera veruzhinji. Mumwe mugari, VaBrian Maphosa, vati vagari vakawanda vagara vakatoomerwa nehupenyu zvekuti kukwidzwa kwemitero uku kuchaita kuti vakawanda vatadze kubhadhara mitero yavo. Mumwe mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro, VaFelix Chari, vati kutambirwa kwesupplementary bhajeti yekanzuru nehurumende kunoratidza pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi. \n\nVati makanzuru ari parumananzombe nekuti anofanirwa kuwana mari yekuita mabasa aanotarisirwa kuita nemazvo asi nekune rimwe divi anofanirwa kubhadharisa mitero inokwanisa kubhadharwa neveruzhinji. Makanzuru emaguta nemadhorobha akawanda munyika anogara achichemachema nerekuti haawane mari yakakwana yekuita mabasa aanotarisirwa kuita nevagari. No media source currently available https://www.voashona.com/a/bulawayo-residents-not-happy-with-2021-budget-increase/5703581.html +business Varimi veDonje neVabatsiri Vavo Vogura Muchato Varimi vedonje gore rino vanonzi vachatarisana nedambudziko hombe zvichitevera kubuda muzvibvumirano zvekushanda nevarimi kunonzi kwaitwa nevanga vachitsigira varimi nezvekurimisa. Makambani anga achitsigira varimi anonzi ari kunyunyuta nekusawana chimuko kubva muhurongwa hwekubatsira varimi uhu achipomera varimi ava mhosva yekutengesa donje neparutivi, vasingatevedzere zvibvumirano zvekuti makambani aya atenge iwo donje. Hurongwa hwanga huripo hunonzi hwaiita kuti varimi vawaniswe zvinodiwa pakurima zvakaita semishonga, mbeu nefotereza, ivo voisawo simba ravo pakurima, kusakura pamwe nekukohwa donje ravo vozotarisirwa kuri tengesera kambani inenge yavabatsira. Asi zvinonzi varimi vaizonotengesa nerweseri donje ravo kune vamwe vanotenga vanenge vaine mitengo inenge iri pamusoro peinenge ichipiwa nemakambani anenge avabatsira. Asi mutungamiri werimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers Union, ZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti havawirirane nemashoko ekuti kutengeswa kwedonje parutivi nevarimi ndiko kwakonzera kuti vemakambani vabude muzvibvumirano izvi. VaChabikwa vanoti vemakambani anotenga donje ava vanogona kunge vakanga vaunganidza zvavo donje rakawanda nechekare zvekuti havachina shungu dzekutenga zvakare rimwe donje. Mitengo yedonje wemwaka wapera unonzi wakanga wakadzikawo pasi zvakanyanya, izvo zvinonzi zvakasvibisawo mwoyo yevamwe varimi mumwaka uno. Imwe yemakambani aitenga donje pamwe nekubatsira varimi, yeCargill, inonzi yakatovhara bhizimusi rayo munyika ichiti kuoma kwezvinhu kwakanga kwoita kuti isakwanise kurarama. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-farming-cotton-contract/2534141.html +business VaMnanagagwa Vovimbisa Vanachiremba Mari Asi Kuramwa Mabasa Kunoenderera Mberi Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakaudza bazi rezvemari kuti ripe imwe mari kuna vanachiremba avo vari kuramwa mabasa kubva kutanga kwemwedzi uno. Mari iri kuwedzerwa ndeye muripo kana vana chiremba vadaidzwa kuti vadzokere kubasa kana vachinge vapedza basa ravo, kana kuti on call allowance. Mashoko aya akaturwa kunana chiremba ava neHealth Services Board kana kuti HSB, iyo inoona nezvemabasa evose vanoshanda mubazi rezvehutano pamisangano yakaitwa nemusi weChipiri neChitatu. Asi kuramwa mabasa kwavanachiremba kuri kuenderera mberi sezvo vari kuti HSB haisi kuvaratidza mapepa acho anonzi akabva kubazi rezvemari. Kuramwa mabasa uku kwava nemazuva makumi maviri nesere pasina zvanyoreranwa pasi kunze kwekungonzi hurumende iri kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba. Hatina kukwanisa kubata mukuru weHSB, Dr Lovemore Mbengeranwa, kana gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo. Mutauriri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti kuramwa mabasa kuchaenderera mberi kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4321212.html +business Vashandi veKanzuru yeHarare Vanoti Havachakwanisa Kuramba Vachienda kuMabasa Vashandi vakawanda vekanzuru yeguta reHarare vanoti vava kuomerwa nehupenyu zvekuti vachange votadza kuenda kumabasa avo nepamusana pekushaya mari inovakwanira. Izvi zviri kuuya panguva iyo vamwe vanamukoti vemuzvipatara zvekanzuru pamwe nemakiriniki vasiri kuenda kumabasa vachiti havana mari dzekufambisa, danho rinonzi rakanganisa kufambiswa kwezvehutano muguta iri. Sachigaro verimwe sangano revashandi vekanzuru, reHarare Municipality Workers Unoin, VaCosmas Bungu, vanoti vashandi vari pakati peGrade 5 neGrade 16 vanosanganisira vanamukoti, ndivo vari kunyanya kuomerwa nehupenyu. VaBungu vanoti vakasangana nevamiriri vekanzuru nemusi weMuvhuro asi havana kupedza nhaurirano, nekudaro vachasangana zvakare neMuvhuro neChipiri svondo rinouya. No media source currently available Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yavo inozviziva kuti vashandi vakaomerwa, uye iri kuedza napose painogona kuti igadzirise mashandiro avo. Asi VaGomba vanoti kuomerwa kwevashandi kwakangofananawo nekuomerwa kwemakambani ari kushandirwa nevashandi ava, kusanganisirawo makanzuru, nekudaro vagari vanofanirwawo kuita pavo kuburikidza nekubhadhara zvikwereti zvavo kukanzuru. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-harare-city-workers-herbert-gomba-cosmas-bungu/5162684.html +business Vaive Vashandi vepaRan Mine kuBindura Voputsirwa Dzimba Vaive vashandi vepaRan Mine pedyo neBindura vanonzi vari kuputsirwa dzimba nekudzingwa pamugodhi wegoridhe uyu zvasiya vakawanda vasina pekugara. Mugodhi uyu waimbocherwa kare nekambani yeGNP Industries yekuGermany kusvika muna 1999 ndokuzombocherwa neExdrill Mining pasati pauyazve kambani yeAurora Gold. Hatina kukwanisa kubata vakuru vepakambani yeAurora nezvekudzingwa kwevanhu ava asi mumwe ataura asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati vakapihwa mvumo nedare repamusoro rekudzinga vanhu ava. Kanzura Ian Makone veWard 2 kuBindura vati vari kuyedza kubatsira vammwe vashandi vakadzingwa basa ava uye havana kupihwa mari yemudyandigere kunyangwe vakashanda makore akawanda. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6513465.html +business Sangano reAmnesty International muZimbabwe Ropomerwa Mhosva yeKusashandisa Mari Zvakanaka Sangano rinorwirwa kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, rinoti wongororo yemabhuku aro emari akaitwa kuchikamu chesangano iri muZimbabwe inoratidza kuti sangano iri rakarasikirwa nemamirioni mazhinji emadhora kuburikidza nehuwori pamwe nekusashandiswa kwemari zvakanaka. Amnesty International inoti vashandi vayo havana kubata mari zvakanaka uye vamwe vakashandisa mari zvisina kufanira, vamwe vakatora mari zvisiri pamutemo. Vanoona nezvekubudiswa kwamashoko musangano iri kuchamhembe kwe Africa, VaRobert Shivambu, vaudza Studio 7 vari kuSouth Africa kuti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi nekuti zvingakanganisa nyaya yavo kumatare edzimhosva kwavakaiendesa. Gore rakapera, bazi reAmerica rezvekudyina nedzimwe nyika rakamisa kubatsira nemari masangano mazhinji akazvimiririra emuZimbabwe richiti masangano aya ange asingatevedzeri nzira dzinodiwa mukushandiswa kwemari yadzaivapa. Amnesty International inoti nyaya iyi inobata mukuru wesangano iri muZimbabwe, VaCousin Zilala, avo vakatosiya basa, pamwe nasachigaro wesangano iri, VaTakesure Musiyiwa. Vanoona nezvemari musangano iri, Amai Sibongile Zimbeva, vakambomiswawo basa vachipomerwa mhosva yekusaita basa ravo nemazvo. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlois Munyaradzi Chaumba, vanoti nyaya dzekusabata mari zvakanaka dziri kuramba dzichiitika mumasangano emunyika dzinouraya tarisiro yeveruzhinji, avo vanotarisira kwaari kuti avabatsire mukuchengetedzwa kwekodzero dzavo. VaChaumba vanoti huwori mumashandisirwo emari mumasangano aya hunopedzawo simba reavo vanoapa mari kuti arwire kodzero dzevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-amnesty-international-uncovers-millions-of-dollars-misappropriated-by-employees-alois-munyaradzi-chaumba/4803247.html +business Vanotengesa Mumigwagwa Votaura neHurumende Kuti Vabatsirwewo Munguva yeKuvharwa kweNyika Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social Transformation, VISET, rinoti rinotarisira kuti rwendo rwuno hurumende ichabatsirawo nhengo dzaro nemari munguva ino yadzisiri kukwanisa kushanda nekuda kwemutemo wekumbovharwa kwenyika. Mashoko eVISET anouya zvichitevera kuvharwa kwenyika kwemazuva makumi matatu, kana kuti lockdown Level 4, iyo yakadzikwa svondo rapera nehurumende. Mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti mukumbovharwa kwakaitwa nyika gore rapera, nhengo dzavo dzakawanda hadzina kukwanisa kuwana rubatsiro rwaingovimbiswa nehurumende kuti rwuchapiwa vanozviitira mabasa emaoko. VaWadzayi vanoti vatotanga hurongwa hwekutaudzana nebazi rezvemabhizimusi madiki neepakati, kuti vaone kuti vangayeukwa here munguva ino. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-vendors-expect-govt-assistance-during-shutdown-samuel-wadzayi/5735473.html +business Vanhu Vononga Svosve neMuromo neNyaya yeHupfumi Hwaenda kuMawere Veruzhinji munyika vanoti kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kwakonzera kuti hupenyu huvawomere kunyange hazvo hurumende ichiti ine hurongwa hwakasimba hwekuvandudza hupfumi hwenyika. Vanhu vakawanda munyika vanoti hupenyu hwavawomera zvichitevera kuwondomoka kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika. Mumwe wevanhu ava, VaGodfrey Banhwa vanogara mumusha weBudiriro muno mu Harare vanoti vakaburira muzvidzidzo zvavo zve Development Studies pane imwe yunivhesiti yemuno asi vanoti vave nemakore matatu vagere kumba. VaBanhwa vanoti vavakuswera vachigeza motokari dzevanhu mudhorobha kuti vakwanise kuchengeta mudzimai wavo nemapatya avo. Muzvare Kudzai Chiwanza vanogara ku Southerton vanoti kuwoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika kwanyanya kuomera vanhukadzi vachiti chipfambi chizhinji chiri kuitwa munzvimbo dzakawanda chiri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika. Muzvare Chiwanza vanoti kushayikwa kwemari kwavakukonzera kuti madzimai mazhinji atadze kutenga zvipfeko zvemukati panguva yavanenge vachitevera. Nekuda kwekuooma kuri kuramba kuchiita hupenyu, vanhu vazhinji mu Harare vavekutsvaga zvinhu zvingavararamise. Amai Getrude Govere vanogara mu Gen Norah vanoti mushure mekuenda papenjeni makore mashanu apfuura, vakaona zvakakodzera kuti vatange kuswera vachitengesa matohwe, tsubvu pamwe nemasau mudhorobha vachiti penjeni yavo ishoma zvikuru zvekuti havakwanise kuterera imba yavanogara nemhuri yavo. Amai Govere vanoti vanobva kumamisha vachivahodhesera michero yavanotengesa vanenge vakatarisirawo kuwana chouviri pamichero yavo asi nguva zhinji vanogara vakashaya mari yekuvapa sezvo vachiti mari inenge yapeera mukubhadhara mafaindi kukanzuru yeHarare iyo isiri kubvumidza vanhu kuti vatengesere kunzvimbo dzisina kutatrwa. Vanoenderera mberi vachit havasi kuda kuenda kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru idzi vachiti mari yavanowana mukutengesa kwavanoita haikwane kuti vabhadhare mitero kukanzuru pamwe nekuchengeta mhuri yavo. VaFarai Kabesha vanogara ku Mbare vanoti vanoswera vachitsvaga chero munhu anenge achida kubatsirwa kutakura zvinhu pamusika kuti vawane chouviri. VaKabesha vanoti havana chavari kuona chiri kuitwa nehurumende kuedza kugadzirisa hupfumi hwenyika. Nekugarochema-chema kuri kuita veruzhinji, vamwe vanhu vakaita sa Amai Govere vanoti hurumende yaVaRobert Mugabe inofanira kutsvaga nzira dzkuvandudza hupfumi hwenyika nekukasika. Amai Govere vanoti zvinhu zvakamboita nani pakawumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009 asi zvinhu zvakazotanga kuwoma zvakare pakaitwa sarudzo. Asi VaKabesha vanoti chave kutodikanwa ndechekuti pambotsvagwa imwe hurumende ine pfungwa itsva dzinogona kufambisa hupfumi hwenyika zvakanaka. VaMugabe vakaudza nyika svondo rapera kuti hurumende yavo ichashanda zvakasimba kusimbaradza nyaya dzezvekurima kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire. Hurumende yavo inoti chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio Economic Transformation kana kuti Zimasset chikazadziswa chinogona kusimudzira hupfumi hwenyika uhwo hwagwadama. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe ikasawana chikwereti chimwe chakakura kubva kunze kugadzirisa hupfumi acharamba ari manyautsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-economy/2939764.html +health WFP Inoti Mhuri Zhinji muMaguta emuZimbabwe Dzatarisana neNzara Inotyisa Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti gwaro rakaburitswa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment kana kuti ZIMVAC richikokerwa neFood Nutrition Council rinoratidza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,4 million vanoda rubatsiro rwechikafu mumaguta emuZimbabwe. Sangano iri rinoti kubva gore rapera kusvika gore rino nyaya yekuti vanhu vari kumanikidzwa kuti vambogara mudzimba kuyedza kurwisa chirwere cheCoronavirus kana kuti Lockdown yapa kuti vakawanda vatoziye nenzara sezvo vasingakwanise kuenda kumabasa mumadhora kana kunoita maricho kumamisha. Sezvo pasina mabasa, ongororo iyi inoti vanhu zvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana kana kuti 42% vemumadhorobha havakwanise kuwana zvekudya zvakakwana zvichienzaniswa nezvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% muna 2019. Mumiriri weWFP muZimbabwe Amai Francesca Erdelmann mumashoko avo kuvatori venhau vati vanhu vakawanda vave kumanikidzwa kudya kamwe chete pazuva kana kutorara nenzara. Vanotiwo kusadya zvinovaka muviri kuchakanganisa hutano hwevakawanda. WFP inoti mararamiro evakawanda mumaguta aderera zvakanyanya zvapa kuti vanhu vanodarika zvikamu makumi masere nematatu kubva muzana kana kuti 83% vatadze kuwana zvekudya zvakaringana zvinosanganisira hupfu, munyu nemafuta ekubikisa zvichienzaniswa nezvikamu zvinodarika makumi manomwe nematanhatu kubva muzana kana kuti 76, 8% muna 2019. Mitengo yezvinhu inonzi yawedzerawo zvakanyanya sezvo dhora riri kushaya simba. WFP inoti iri kupa mari kumhuri dzinosvika zviuru mazana matatu nemakumi maviri nematanhatu kana kuti 326, 000 mumadhorobha makumi maviri nematatu munyika uye iri kuda kuwedzera rubatsiro kusvika pazviuru mazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 550,00 mumadhorobha makumi maviri nemasere. Gurukota rezvemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kubatsirawo vanhu nezvekudya ichishanda nemasangano akaita seWFP. No media source currently available Mukuru wesangano rinomirira vagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vanoti ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vagari vemuHarare vakawanda wavari kutaura navo vachiti vave kudya kamwechete pazuva. Vanoti mitengo yezvinhu iri kukwirawo zvakanyanya. No media source currently available https://www.voashona.com/a/wfp-inoti-mhuri-zhinji-mumaguta-emuzimbabwe-dzatarisana-nenzara-inotyisa/5832603.html +health Chirwere cheCovid-19 Chonetsa Mumajeri Bazi rinoona nezvekuchengetwa kwevasungwa mumajeri reZimbabwe Prisons and Correctional Services, ZPCS, raramba kuzivisa huwandu hwevasungwa vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika panguva iyo vane ruzivo nezviri kuitika mumajeri vari kuti dambudziko reCovid-19 ranetsa zvikuru mumajeri ari munyika. Vakafanobata chigaro chemutauriri weZPCS munyika, VaPeter Chaparanganda, avo vakanga vavimbisa kutipa huwandu hwevasungwa vane chirwere cheCovid-19, vadududza nhasi vachiti tipihwe nachiremba mukuru wemajeri, Dr Evidence Gaka. VaChaparanganda varamba kutipa nhamba dzaDr Gaka vachiti vanoda\nkutanga vataura navo asi vazodzima foni yavo vasati vatipa nhamba\ndzacho. Asi svondo rakapera Dr Gaka vakaudza bepa nhau reHerald kuti vari\nkushushikana nehuwandu hwevasungwa vari kubatwa mumajeri nechirwere cheCovid-19 vachiti muChinhoyi vasungwa gumi nevatatu vainge vabatwa nechirwere ichi. Mutauriri weZPCS mudunhu reMashonaland West, VaPeter Kondowe,vati\nmumwe musungwa abatwa nechirwere cheCovid-19 zvakwidza huwandu kusvika pagumi nevana. Kunyange nzvimbo inochengeterwa vasungwa muChinhoyi iine vasungwa gumi nevana vabatwa nechirwere cheCovid-19, vashandi vepo vanoti huwandu uhwu hunogona kunge hwuri pamusoro sezvo manhamba evasungwa vanenge vabatwa nechirwere ichi asingaziviswe kune vashandi vose. Kusaburitswa kwemanhamba kunonzi kwakamboita kuti vamwe vashandi\nvarambe kukwira motokari imwechete nevasungwa kuenda kumatare\nedzimhosva vachiti vanofamba netsoka sezvo pari pedyo vachityira\nkutapurirana chirwere cheCovid-19. Asi zvinonzi vakazokwira motokari imwechete mushure mukunge vashandi\nvayambirwa kuti vakatizwa nevasungwa vachaiswa panguva yakaoma. VaKondowe vati vanofunga kuti huwandu hwevasungwa vari kubatwa\nnechirwere ichi hwakawanda muChinhoyi nekuda kwekuti matare\nedzimhosva ekuKaroi akambovharwa vasungwa vakawanda vakaendeswa\nkuChinhoyi.\n\nPanyaya yenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19, VaKondowe vati\nvasungwa, vanochengeta vasungwa, pamwe nemhuri dzavo vanosvika makumi mashanu nevana vakabayiwa nhomba pazororo reEaster chete. Pajeri reMutimurefu rekuMasvingo zvinonzi kune vasungwa makumi manomwe nevasere vakabatwa chirwere cheCovid-19 masvondo maviri akapfuura. Zvinonzi mujeri reRemand muHarare vasungwa vakawanda vari kurwara\nnechirwere cheCovid-19 zvekuti vaimbove meya weguta reHarare, VaJacob Mafume, vakabata chirwere ichi pavakambosungwa vakaendeswa kuremand mwedzi mishoma yapfuura. Mukuru wesanganore Zimbabwe Association for Crime Prevention and\nRehabilitation, VaEdison Chihota, vati vari kushushikana\nnevasungwa vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 vachiti hurumende\ninofanirwa kuburitsa vamwe vasungwa sezvayakavimbisa. VaChihota vati vasungwa vanofanirwa kubayiwa nhomba nekukurumidza\nsezvo vachipinda nekubuda nguva dzose mujeri. Izvi zvinotsigirwa nevaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera,\navo vanoti vasungwa vanopara mhosva diki vanofanirwa kubhadhariswa\nfayindi uye kuti vasungwa vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.\n\nHurumende yakazivisa kuti pane vasungwa vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri kana kuti 22 000 mumajeri anofanirwa kunge ayine vasungwa zviuru gumi nezvisere kana kuti 18 000. Tatadza kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe kuti\ndanho rehurumende rekudzikisa huwandu hwevasungwa mumajeri richaitwa riini. Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru zvitanhatu nezana\nnemakumi mashanu nevanomwe kana kuti 6157 vakabayiwa nhomba yekutanga nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yekutanga pazviuru zana nemakumi maviri nezvitatu zvine mazana mana nemakumi mashanu nevana kana kuti 123 454.\n\nBazi iri rakazivisawo kuti nezuro hapana munhu akafa nechirwere\ncheCovid-19 izvo zvakaita kuti vanhu vafa nechirwere ichii varambe vari\nchiuru chimwechete nemazana mashanu nemakumi maviri nevashanu kana kuti 1525. Vanhu gumi nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichii\nnezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechichere cheCovid-19 pazviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevana kana kuti 36 934.\n\nVanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vava mazana matanhatu nemakumi\nmashanu nemumwechete kana kuti 651. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-prisons-downplaying-covid-cases/5842932.html +health Huwandu hweVanhu Vari Kufa neCovid-19 Hunokwira muNyika Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakanga hwasvika pazana nemakumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 189, mushure mekushaya kwevamwe vanhu gumi. Vanhu makumi mana nemumwe kana kuti 41 ndivo vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 951, vakavhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi. Pavanhu ava, makumi matatu nevasere kana kuti 38 vanhu vagara vari munyika, kuchiti vamwe vatatu kana kuti 3, vari vanhu vakadzoka munyika vachibva kuSouth Africa. Vanhu zviuru zvitanhatu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 6 292, vakabatwa nechirwere ichi munyika yose, kunyange hazvo paine vamwe vanosvika zviuru zvishanu negumi kana kuti 5 010. vapora kubva kuCovid-19. Izvi zvinosiya vanhu chiuru nemakumi mapfumbamwe nevatatu, kana kuti 1 093 vachine chirwere ichi. Izvi zvinouya panguva iyo sangano reCommunity Working Group on Health riri kudzidzisa vanotungamira nyaya dzehutano munharaunda pamusoro peCovid-19 uye kuti chirwere ichi chingadzivirirwa sei. Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti sangano ravo rakabatana nebazi rezvehutano riri kushanda pamwe nemakanzuru kupa ruzivo kune vanoita zvehutano mumadhorobha nemumaruwa. Vanoti vawaniswawo mabhasikoro akawanda kwazvo nesangano re World Bicycle Relief, ayo achashandiswa zvikuru mumaruwa mukurwisana nedenda iri. Zvichakadaro, Johns Hopkins University Hospital, iyo iri kuongorora kupararira kweCovid-19 pasi rose, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemana nemazana mana ezviuru, kana kuti 24,400 000 vabatwa nechirwere ichi pasi rose, icho chaurayawo vamwe vanodarika zviuru mazana masere nemakumi matatu nezviviri kana kuti 832 000. America ndiyo iri pamusoro pasi rose iine vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana masere nemakumi matanhatu nezvipfumbamwe, kana kuti 5, 869 000 Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi masere kana kuti 180 000. South Africa, iyo iri pamusoro muAfrica yose, ine vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu negumi nezvisere kana kuti 618 000 vabatwa nechirwere ichi, kuchitiwo vafa nacho vadarika zviuru gumi nezvitatu zvine mazana matanhatu, kana kuti 13 600. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-covid-19-update-189-people-died-itai-rusike/5561771.html +health Munhu Mumwe Chete Akafa neChirwere cheCovid-19 kuMatabelaland South neMusi weChipiri Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChipiri kuti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South, izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera, hwave pachiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi mashanu nevana, kana kuti 1,554. Vanhu gumi nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare, izvo zvakasiyawo vanhu vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nezvinomwe ane mazana masere nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 37, 875. Vanhu makumi maviri nevanomwe vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumi matatu nemashanu nemakumi mashanu nevasere kana kuti 35, 058. Vanhu vachiri kurwara vave chiuru chimwe chete chine mazana maviri nemakumi matanhatu nevatatu kana kuti 1, 263. Huwandu uhu hunogona kukwira neChitatu manheru apo hurumende ichazivisa zvayakawana. Zvichakadaro, vanhu vabayiwa nhomba yecovid-19 kekutanga hwave zviuru mazana maviri nemakumi masere nezvisere nemazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe, kana kuti 288, 229. Asi vabayiwa. Nhomba yepiri sezviri kukurudzirwa navanachiremba vave zviuru makumi matatu nezvitanhatu ane mazana manomwe nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 36, 778. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumukuru munyaya dzekurwisa chirwere checovid-19 muhurumende dr agness mahomva sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu. Asi hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi ichishandisa nhomba dzakabva kuChina dzinoti Sinovac neSinopharm, idzo dzisati dzapihwa chitambi neWorld Health Organization kuti dzishandiswe neveruzhinji. Imwe nhomba yakabva kuIndia uye imwe iri kutarisirwa kubva kuRussia. Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove mukuru weChitungwiza Hospital varizve munyori wesangano reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland, Dr Enock Mayida, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba uye kuramba vachiteerera kurudziro iri kuitwa nebazi rezvehutano kuti chirwere ichi chisadzoke zvine hukasha. No media source currently available https://www.voashona.com/a/munhu-mumwe-chete-ofa-nechirwere-checovid-19-kumatabelaland-south/5861153.html +health Mitumbi yeVanhu Gumi Vakafa neHutsi Yoongororwa kuUBH kuBulawayo Mapurisa aburitsa mazita evanhu gumi vakafa mushure mekutadza kufema nehutsi hwemoto wavaiyedza kudzima uchipisa sora papurazi rinonzi Rodrose kuEsigodini nezuro. Mitumbi yevanhu ava yakaendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kuti inovhenekwa navanamazvikokota. Mumashoko padandemutande reTwitter, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vanhu vakashaya vanoti VaKessary Sibanda vane makore makumi mashanu nematau-53, VaIan Mudimba vane makore gumi nematatu nemasere 38, VaSimon Mdlongwa vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, 39, VaNelisingwane Dlamini vane makre makumi mana nemanomwe-47, VaLuzibo Tshuma vane makore asina kuziviswa, VaOliver Mudimba vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, VaBafana Moyo, vane makore makumi mashanu nematatu, 53, VaEngland Moyo vane makore makumi maviri 20, VaThabani Mpofu vane makore makumi mana nematanhatu, uye VaMenelisi Ngwenya vane makore makumi maviri-20 zvekare. Mapurisa atiwo achasunga vanhu vari kupisa masango izvi zviri kukonzera kufa kwevanhu. https://www.voashona.com/a/6785526.html +health Vanhu Vatatu Vofa neChirwere cheCovid-19 neMugovera Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi maviri kana kuti 4, 782. Vanhu zviuru zviviri nezana nevatanhatu kana kuti 2, 106 vakabatwawo nechirwere ichi zvasiya vanhu zana rezviuru nemakumi mapfumbamwe nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nematatu kana kuti 191 673 vabatwawo nechirwere ichi kusvika parizvino. Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru zvitanhatu nezvitatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nemana kana kuti 3 063 934. Vanhu vabayiwa kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru makumi mana nemanomwe zvine mazana manomwe nemakumi mana nematatu kana kuti 4 047 743. Hurumende inoti ine chinangwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana mukupera kwemwedzi uno kuti inyatsoshanda. Kuuya kwemhando itsva yeCovid-19 kwapa kuti huwandu hwevari kurwara neCovid-19 huwedzere zvakanyanya. Pakazivisa hurumende kuti mhando itsva yechirwere ichi yainge yawanikwa munyika musi wa 5 Zvita painge paine vanhu zviuru zviviri nemazana masere nemakumi mana nematatu kana kuti 2 843 vairwara. Asi neMugovera vari kurwara vainge vave zviuru kamumi mashanu nechimwe nezana nemakumi matatu nematanhatu kana kuti 51 136. Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba sezvo iri iyo chete nzira inopa kuti vasarware zvakanyanya kana kufa neCovid-19. https://www.voashona.com/a/vanhu-vatatu-vofa-nechirwere-checovid-19-nemugovera/6360850.html +health Paramende Youdzwa Kuti Hurumende Haisi Kukoshesa Mishonga yeChivanhu Hurumende yeZimbabwe inonzi haisi kukoshesa varapi vechivanhu pamwe nemishonga yavo sezvo isiri kupa rutsigiro rwakasimba kubazi kuvarapi kunyange hazvo paine humbowo hunoratidza kuti zvikamu masere kubva muzana zvevanhu vemuZimbabwe zvinoenda kun’anga kana kushandisa mushonga yechivanhu pane dzimwe nguva. Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation yakaratidzawo kuti zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhu vane hutachiwana hweHIV/AIDS pamwe nezvikamu makumi mashanu nezviviri zvemadzimai akazvitakura vanoshandisawo mishonga yechivanhu. Vachipa humbowo nemaererano nemabasa ari kuitwa nehurumende kusimudzira mabasa evarapi vemuno pamwe nemishonga yavo, munyori mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, vaudza komiti yeparamende inoona nezvehutano kuti kunyange hazvo vanhu vakawanda vachishandisa mishonga iyi, hurumende hasi kuvapa mari yavanoda kusimudzira kushandiswa kwemishona iyi. Doctor Gwinji vati bazi ravo rine chikamu chinoona nezvemishonga iyi asi chikamu ichi hachiwani mari yachinoda. Semuenzaniso, Doctor Gwinji vati gore rega rega, chikamu ichi chinoda zviuru mazana matanhatu zvemadhora nechidumbu asi chinowanzo pihwa churu chemadhora chete izvo zvinoita kuti chitadze kuita basa racho. Vanoti kunze kwekushaya mari vane zvakawanda zvavari kuita zvekuona kuti mabasa evarapi vemuno pamwe nemishonga yavo yasimudzirwa. Vati mutemo we Traditional Medical Practitioners Act 11, Regulations on Complementary and the Traditional Medicine policy ndezvimwe zvavakaitwa kusimudzira mabasa evarapi vemuno. Doctor Gwinji vati kunyange hazvo paine varapi vanodarika churu vakanyoreswa neTraditional Medical Practitioners Council, vanoziva kuti munyika mune n’anga nevarapi vakawanda kudarika apa uye mishonga yechivanhu iri kutengeswa pese pese kunyange munzvimbo dzisina kunyoreswa. Vati zvingave zvakanaka chose kana varapi vese vakadzidziswa kubata mishonga yavo zvakanaka zvinoita kuti vanhu vasakanganiswa nemishonga iyi sezvinoitika pane dzimwe nguva. Vati Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda kubva kune dzimwe nyika zvikuru sei kunyika dzakaita seIndia neChina idzo dzave kushandisa mishonga yechivanhu zvakanyanya. Munyori anoona nezvedzidzo musangano reZimbabwe National Traditional Healers Association, VaPrince Mutandi Sibanda, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vaine ruzivo rwekusimudzira mushonga yechivanhu, havasi kuwana rutsigirwo rwemari kuti vaite izvi. VaSibanda vati ZINATHA ine nhengo dzakawanda chose zvekuti hazvivanetsi kugadzira mishonga yechivanhu nekubatsira vanhu vese munyika. Muzvare Juliet Chirenje avo vari kudzidzira zvekurapa nemishonga yechivanhu pachikoro cheZINATHA vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kuisa mari parutivi yekutsigira vanoshandisa mishonga yechivanhu. Doctor Gwinji vati pari zvino pave nemasangano gumi nematatu anomiriria varapi vemuno akanyoreswa zviri pamutemo uyewo kune makirinika emishonga yemuno gumi nemana. Asi vati mishonga iyi yave kutengeswa pese pese, mumigwagwa nedzimwe nzvimbo zvekuti bazi ravo rinoda kuti itengeswe zviri pamutemo pachitevedzwa hurongwa hweMedicines Control Authority of Zimbabwe pamwe ne Medical Research Council of Zimbabwe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-hutano-enyika/3908758.html +health Britain Yorambidza Ndege Dzinobva kuZimbabwe Kuti Dzimhare Munyika Iyi Hurumende yeBritain yazivisa kuti yambomisa kuti ndege dzinobva muZimbabwe nedzimwe nyika shanu dziri kuchamhembe kweAfrica kuti dzimhare munyika iyi kusvika nemusi weSvondo zvichitevera kuwanikwa kweimwe mhando yehutachiwana hweCovid 19 kuSouth Africa nekuBotswana. Gurukota rinoona nezvehutano muBritain, VaSajid Javid, vati hurumende yavo yambomisa kumhara kwendege munyika yavo kubva nhasi masikati kusvika nemusi weSvondo dzinenge dzichibva kunyika dzinoti Zimbabwe, Botswana, Lesotho, South Africa, Namibia pamwe neEswathini. Izvi zvinotevera kubatwa kweimwe mhando yeCovid 19, kana kuti new variant, muSouth Africa pamwe nemuBotswana pakutanga kwesvondo rino iyo iri kudaidzwa kuti B.1.1.529. VaJavid vati hurumende yavo yatora danho iri uku ichinyatsoongorora kuti mamwe matanho aingatore ndeapi kuti new variant iyi isapinde munyika. Israel inotiwo icharambidza zvizvarwa zvayo kushanyira nyika nhanhatu idzi kusanganisirawo Mozambique nekuda kwechikonzero chimwechetecho ichiti zvakare icharambidzawo vanhu vari kubva kunyika idzi kuti vapinde muIsrael. Mumwe mukuru muEupean Union Commission, VaUrsulavon der Leyen, vabuditsawo mashoko padandemutande ravo reTwitter vachiti European Union ichatorawo matanho ekudzivirira kupararira kwe new variant iyi munyika dziri mugungano reEU. Vanamazvikokota munyaya dzezvehutano muSouth Africa vanoti new variant yeB.1.1.529 iyi ine hukasha hwakanyanya uye hurumende yeBotswana yaburitsawo mashoko kuvatori venhau ichiti vanhu vana vose vakawanikwa vaine new variant iyi muBotswana, vakanga vakabaiwa nhomba dze Covid 19 kaviri sezvinokurudzirwa. Gurukota rinoona nezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vanga vachitaura pavavhura zviri pamutemo kongiresi yavari munezvehutano ye Health Profesions Authority, vatiwo hurumende yakavhura ziso rayo kuti new variant iyi isapindewo munyika. Asi vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vati Zimbabwe inofanira kugara yakagadzirira zvakakwana nekuti ma variant aya acharamba achingouya. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kutyira kuti chirwere cheCovid 19 chinogona kupararira zvakanyanya pachange pachifamba vanhu vakawanda munguva yezororo reKisimusi pamwe negoredzva. Doctor Madzorera vakurudzirawo kuti miganhu yenyika ivharwe sezviri kuitwa nedzimwe nyika ukuwo vanhu vachiongororwa zvakasimba. Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyika dzakaita seSouth Africa neBotswana kuti zviregedze kuuya kuzororo reKisimusi negoredzva zvisina kubaiwa nhomba senzira yekuderedza mukana wekupararira chirwere cheCovid 19. VaRusike vanotiwo vanhu vazhinji havachatevedzera nzira dzakatarwa dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Asi VaChiwenga vati hurumende iri kuita zvese zvainogona kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira uye vakurudzirawo veruzhinji kuti vasamire kubaiwa nhomba dzeCovid 19. Bazi rezvehutano rinoti pane munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid nezuro zvabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi muZimbabwe pazviuru zvina nemazana manomwe nevana (4704) kubva pakatanga chirwere ichi. Bazi iri rinotiwo vanhu vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro vakasvika zviuru gumi nezvisere nemazana matanhatu nemakumi masere nevanomwe (18687) izvo zvasvitsa huwandu hwevabaiwa nhomba yekutanga munyika yose pamamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe nemakumi matatu nezvinomwe nemazana mana nemakumi matanhatu nevatatu (3 737 463). Vanhu vakabaiwa nhomba yechipiri nezuro sezvinokurudzirwa vakasvika zviuru zvinomwe nemazana nana nemakumi masere nevatanhatu (7486) izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri munyika yose pamamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nezvna zvine mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevapfumbamwe (2 774 929). Huwandu uhwu hunogona kukwira pachaziviswa zvabuda muongororo dzaitwa nebazi iri muzuva ranhasi. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19. No media source currently available https://www.voashona.com/a/britain-bans-flights-from-zimbabwe-and-other-five-countries/6329393.html +health Vanhu Makumi Mana neVaviri (42) Vofa muMavhiki Maviri muZimbabwe neCovid-19 Vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika, vamwe churu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere kana kuti 1, 858 vachibatwa nechirwere ichi mukati memavhiki maviri adarika. Pamavhiki amaviri aya pane vanhu gumi nevanomwe vakabva kuSouth Africa vakabatwa nechirwere ichi. Izvi zviri kutemesa nyanzvi munyaya dzezvehutano musoro nekuti chirwere cheCovid-19 kuSouth Africa, Britain, France, Japan, Nigeria, Denmark, Canada, Italy, Lebanon, Netherlands, Singapore, Sweden ne Spain chatanga kuzvivanddza kana kuti mutate. Mhando yeCovid-19 itsva iyi inopararira zvakanyanya ichifungidzirwa kuti inobatawo zvakanyanya vana vadiki. Kamhando katsva aka kakatanga kutaurwa nezvako kuBritain musi wa 14 Zvita. Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika muvhiki rapera zvasiya vafa kubva zvakatanga chirwere ichi kupararira munyika vave mazana matatu nemakumi mana nevapfumbamwe kana kuti 349. Vanhu vakabatwa nechirwere ichi neSvondo izana negumi nevana kana kuti 114. Izvi zvinoreva kuti vanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino vave zvuru gumi nezvitatu zvine manomwe nevanomwe kana kuti 13, 077. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi zvuru gumi nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nematatu kana kuti 10, 593 zvichitevera kupora kwevamwe vanhu makumi manomwe nevana neSvondo. Vanhu vachiri kurwara vanosvika zvuru zviviri nezana nemakumi matatu nevashanu kana kuti 2,135. Vakawanda vari kurwara vari muHarare neBulawayo. Africa Covid-19 Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million vabatwa nechirwere checovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vasvika zvuru makumi matanhatu nemaviri ane mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 62, 366. Vapora vadarika mamiriyoni maviri nezvuru mazatuna maviri kana kuti 2,2 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete. Pasi Rose Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi masere nezvuru mazana manomwe kana kuti 80, 7 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vafa muAmerica vanodarika zvuru mazana matatu zvine makumi matatu nematatu kana kuti 333, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemapfumbamwe kana kuti 19 miillion. Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mana nemashanu ane zvuru mazana matanhatu kana kuti 45, 6 million. https://www.voashona.com/a/vanhu-makumi-matatu-nevana-vofa-mumavhiki-maviri-muzimbabwe-necovid-19/5714732.html +health Vanhu Vatatu Vofa neCovid-19 Iyo Yapararira muZvikoro Kunyangwe Hurumende Iri Kuti Yakagadzira Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika. Pavanhu ava, vaviri vakafira kuBulawayo mumwe chete kuMasvingo. Vanhu vafa nechirwere ichi munyika vave mazana maviri nemakumi matanhatu nevasere kana kuti 268 kubva zvachatanga kupararira muna Kurume. Vamwe vanhu makumi mana nevasere vakabatwawo nechirwere ichi nemusi weSvondo wakare zvichireva kuti vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vave zviuru zvipfumbamwe nemazana maviri nemakumi maviri kana kuti 9,220. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zviuru zvisere nemazana maviri nemakumi mashanu kana kuti 8, 250 mushure mekunge vamwe vanhu gumi nevashanu vapora nemusi weSvondo. Vanhu vachiri kurwara mazana manomwe nevaviri kana kuti 702. Hurumende inengewo yave kutatarika zvakanyanya kudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro, zvikoro zvakaita seJohn Tallach High School, Emakhandeni Primary School, Matopo High, Prince Edward, National University of Science and Technology, Chinhoyi University of Technology nezvimwe zvakazivisa kuti zvine vana nevarairidzi vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vakayambira kuti chirwere ichi chinogona kudzoka zvine hukasha sezvo vanhu vasisatevedzeri kurudziro dzekumisa kupararira kweCovid-19. NeMuvhuro chikoro cheChinhoyi High chinonzi change chichirambidza vamwe vana kupinda mushure mekunge mumwe mwana abatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera. Pasvika Studio 7 pachikoro ichi mangwanani vana vose vanodzidza vachibva kumba vange vachidzoserwa kudzimba. Vana vanga vachibvumirwa kupinda pachikoro vana vari kunyora bvunzo chete. Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti vakakurudzira kuti vana vambomisa zvidzidzo nekutyira kuti chirwere ichi chinopararira pachikoro ichi. Dr Masoja vanoti vakabva vawongorora vamwe vana vanosvika makumi mashanu nevashanu vanodzidza nemusikana uyu pamwe nevadzidzisi gumi vakambodzidzisa vana ava svondo rapera. Patabvunza kuti matanho api avari kutora kuti vana vari kunyora vachibva kumba nevanogara pachikoro vasa tapurirane chirwere, mukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West VaGabriel Mhuma vati vana vari kunyora bvunzo vanodzidza vachibva kumba nevanodzidza vachigara pachikoro vanonyora mumakamuri akasiyana. Mumwe mwana adzoserwa kumba uyo watisingakwanise kudoma nezita sezvo asati abvazera anoti vadzoserwa kumba vachinzi vazodzoka kuchikoro kupera kwemwedzi uno. Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vanoti vadzidzi vari pazvikoro zvine vana vakabatwa nechirwere cheCovid-19 vanofanirwa kuwongororwa vose. No media source currently available Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzakakurudzira hurumende kuti ivhare zvikoro sezvo chirwere cheCovid-19 chave kupararira asi vanotungamira mabasa ehurumende mudare iri vari gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati hurumende yakagadzirira. Mashoko aya atsinhirwa nevanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro avo vati zvikoro zvishoma ndizvo zvawirwa nedambudziko uye vari kukurudzira zvikoro kuti zvitevedzere kurudziro yavari kupa nebazi rezvehutano kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanhu-vatatu-vofa-necovid-19-iyo-yapararira-muzvikoro-kunyangwe-hurumende-iri-kuti-yakagadzira/5673304.html +health Cholera Yobata Munhu kuChiredzi Zvotyisa Vakawanda Vagari vemudhorobha reChiredzi nenzvimbo dzakapoteredza vari kutyira kubata chirwere cheCholera icho chinonzi chakabata vamwe vanhu munzvimbo iyi nezuro zvinonzi zvakonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena. Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akabatwa nechirwere checholera uye pane vamwe gumi vachiri kuongororwa. Mumwe mugari wemumusha weTshovani Vamwe vagari vakaita saAmai Enia Mukarati vemumusha weTshovani muChiredzi vanoti vave kutyira hupenyu hwavo sezvo vari kutarisana ne ndambudziko remvura iyo yave nemwedzi inodarika miviri ichinetsa\n\nizv zvatsinhirwa nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reUnited Chiredzi Residents and RatePayers Association kana kuti UCHIRA Amai Constance Chikumbo Kanzura weward 18 mumusha weTraingle kuChiredzi, VaGilbert Mutubukiti vanoti vagary vave kumanikidzwa mvura ine tsvina yekudiridza nzimbe inodarika nemumigero yakavhurika. Vanotiwo nyaya yekuti vanhu vanozvibatsira pedyo nemigero iyi inobva yapa kuti itonyanye kusviba zvichiisa vanhu munjodzi yekubatwa necholera. VaMutubuki vati kanzuru yavo iri kuvaka zvimbuzi nekuchera zvibhorani kuyedza kuti vanhu vasarware nezvirwere zvakaita secholera. Munyori wekanzuru yeChiredzi, Engineer Wesley Kauma vati havasati vanzwa nezve denda iri kubva kubazi rezvehutano. Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMasvingo, Dr Emedus Shamu vatenda kuti chirwere ichi chakabata munhu kuChiredzi vachiti bazi ravo richiri kuongorora vamwe vanofungirwa kuti vanacho. Muna 2008, vanhu vanoda kusvika zana rezviuru kana kuti 100 000 vakabatwa nechirwere checholera munyika vamwe zviuru zvina vakafa. Kuti vanhu vasabatwe nechirwere checholera, nyanzvi dzinoti vanofanira kunwa mvura yakachena, kugeza maoko nesipo vasati vabika nekudya, kubhoirisa chikafu uye kushandisa zvimbuzi. Kana munhu abatwa nechirwere ichi anoita manyoka, kunzwa nyota zvakanyanya, kurutsa kana kunzwa kuneta. Anenge achinzwa izvi anokurudzirwa kumhanya kuchipatara. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6827209.html +health CHRA Inoti Harare Iri Kusiya Madzimai Akazvitakura Asina Rubatsiro paGlen View Polyclinic Sangano revagari vemuguta guru reHarare, reCombined Harare Residents Association kana kuti CHRA, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka paGlen View Poly Clinic apo panonzi pane vakoti vashoma. Mukuru wezvirongwa muCHRA, VaReuben Akili, vanoti paGlen View Polyclinic panobatsirwa madzimai anenge akazvitakura, uye vanhu vari kubayiwawo nhomba yeCovid-19 pachipatara ichi. VaAkili vanoti chipatara ichi hachina mvura yekushandisa, izvo zvave kuisa hupenyu hwemadzimai akazvitakura panjodzi. VaAkili vanoti matambudziko akatarisana neGlevn View Polyclinic akabuda pachena pamusangano wakaitirwa padandemutande nguva pfupi yapfuura uyo waizeya matambudziko ari kusangana nemadzimai munzvimbo iyi. Musangano uyu wakanzwawo kuti vamwe varwere vave kuendeswa kuBudiriro 1 kuti vanorapwa. Kubudiro 1 kunonzi kwakamanikidzanawo zvekuti madzimai akazvitakura anogona kuguma atapurirwa chirwere ccheCovid-19. CHRA inoti vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vakati kanzuru ine vakoti vashoma sezvo vakawanda vari kuenda kunotsvaga mafuro manyoro. Studio 7 yatumira mibvunzo kuna VaChideme asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-harare-residents-associations-unhappy-over-glen-view-polyclinic/5973581.html +health Nyanzvi dzeHutano Dzinoti Dambudziko reMbereko Rinokonzerwa neZvakawanda "Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vazhinji vanofunga kuti kushaya mbereko munyama, kana kuti kutukwa naMwari, izvo zvinoita kuti vagare vasina mufaro munyika. Nyanzvi dzehutano dzinoti pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vaviri vatadze kuita vana sokuronga kwavanenge vakaita pavanenge varoorana. Mumwe mudzimai akasangana nedambudziko rekutadza kuita mbereko, Amai Sencia Maponga, vanoti vakaroorwa mugore 1989, asi vakapedza gore vasina kubata pamuviri, vachingoti zvichazongoita chete. Amai Maponga vanoti murume wavo hapana zvaaimbotaura nezvenyaya yokuita vana asi zvakazochinja nenzira yavasina kumbofungira vakasvika pokuzorambana. Amai Maponga vanoti vasati vatombofunga kuti vaitove nedambiko rekushaya mbereko, tezvara vavo vakauya mumba mavairara nemurume wavo vakawaranyurwa kuti vabude mumagumbeze vasina kana kumbopfeka vachitukwa nemashoko asinganyoreke. Amai Maponga vanoti nyaya iyo yakavarwadza uye vakajekeserwa kuti kana usina mwana hama nevanhu vemunharaunda vanokuona semunhu asina basa kana chiremerera. Amai Maponga vanoti vanosarurwa nekutarisirwa pasi zvokuti vakatombopindwa nepfungwa yokuda kuzviuraya. Mumwe mudzimai, Amai Tracy Sanudi vekuKambuzuma, vanoti vakaroorwa mugore 1977 vakashaya mbereko zvokuti vakamboedza kutsvaga rubatsiro kuzvipatara, maporofita nekun’anga, asi zvakaramba. Asi Amai Sanudi vanoti vakaita rombo rakanaka rokuti murume wavo haana kuvaramba zvokuti vagere zvakanaka chero zvazvo hama dzemurume dzichitaura mashoko anorwadza nenyaya yavo yekushaya mbereko. No media source currently available Nyanzvi munyaya dzezvekuita mbereko, uye vachishanda mubazi rehutano, Dr Robert Madzima, vanoti kushaya mbereko mudzimba rave dambudziko guru riri kusangana nevanhu vakawanda munyika izvo zvakapa kuti hurumende iparure chirongwa chitsva chakanangana nevanhu vanoshaya mbereko. Dr Madzima vanoti bazi ravo harina chirongwa chekuongorora vanhu kuti vanokwanisa here kuita mbereko muzvipatara zvaro, izvo zvinoita kuti pasave nezvinyorwa zvinoratidza kuti vanhu vangani vane dambudziko irori sezvo donzvo rebazi rehutano raiva rakanyanya kunangana nechirongwa chekuronga mhuri chete. Dr Madzima vanoti kunyange hazvo kuine vamwe vanhu vanozvarwa vasingakwanise kuita mbereko, vazhinji vanoshaya mbereko nemhosva yezvirwere zvepabonde. Dr Madzima vanoti havasi vakadzi chete vanotadza kuita mbereko. Dr Mudzima vanoti varume vanokwanisa kuita dambudziko iri zvakanyanya, asi vazhinji vavo havade kubuda pachena. Kubudikidza nekubuda pachena kwakaita Amai Maponga nezvedambudziko rekushaya mbereko, vanoti zviuru nezviuru zvevanhu zvakavachaira runhare musi wavakabuda panhepfenyuro vachitaura nyaya yavo, izvo zvakazoita kuti vatange sangano rinonzi ""Hannah’s Tears"", iro rinonyaradza vakadzi vanenge vasangana nedambudziko rokushaya mbereko. Senzira yekugadzirisa dambudziko iri, gurukota rezvehutano, Dr Obediah Moyo, vanoti pane chikwata chevanachiremba vakatumwa nehurumende mhiri kwemakungwa kunodzidzira zvokuuchika vana kuitira kuti vazobatsira vanoshaya mbereko muZimbabwe kuitira kuti vakwanisewo kuita vana vavo." https://www.voashona.com/a/zimbabwe-health-feature-fertility/5095287.html +health Zimbabwe Yobvumidza Kurimwa kweMbanje Zviri paMutemo "Hurumende inoti yava kubvumidza vanhu kuti varime mbanje zviri pamutemo, mbanje iyi ichishandiswa semushonga unorapa unenge wapihwa munhu nachiremba. Pasi pemutemo we Statutory Instrument 62 of 2018, ""Dangerous Drugs – Production of Cannabis for Medicinal and Scientific Use Regulations"", gurukota rezveutano ndiro rine masimba ekubvumidza vanoda kurima mbanje zviri pamutemo. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanenge vopihwa rezenisi rekuti varime mbanje, vachiita zvinodiwa nemutemo. Mbanje iyi ienge ichitengeserwa kuzvitoro zvinogadzira mishonga zvinenge zvakapihwa mvumo nehurumende. Chiremba vanoshanda nesangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, VaNicholas Wazadza, varumbidza zvikuru danho ratorwa nehurumende vachiti izvi zvichabatsira vanogadzira mushonga. Dr Wazadza vatiwo zvirwere zvakaita segomarara zvinodawo mishonga ine mbanje mukati. Dr Wazadza vatiwo kushandiswa zvakaipa kwembanje kune njodzi nekudaro zvakakoshawo kuti hurumende inyatsoongorora kuti mbanje iyi haizoshandiswi zvisiri pamutemo. Asi Amai Dorcas Chihwa, avo vanogara kuMufakose, vati senyika ine huori, vanotyira kubvumidzwa kurimwa kwembanje uku. Amai Chihwa vati zvinenge zvichida kunyatsoongororwa zvakadzama kuona kuti vanhu vanongorima mbanje kuti ishandiswe mukurapa netsvagiridzo chete, kwete kuti vazopedzisira votengeserana munzvimbo dzavanogara. Izvi zvatsigirwawo naAmai Pretty Gambiza avo vatiwo vanotyira kuti vanhu vanozotadza kutevedzera zvinangwa chaizvo zvapa kuti kurimwa kwembanje munyika kubvumidzwe. Zimbabwe inyika yechipiri mudunhu reAfrica kubvumidza kurimwa kwembanje zviri pamutemo mushure meLesotho. Mbanje hachisi chinhu chitsva muZimbabwe sezvo ichirimwa kumaruwa, uye nzvimbo dzakaita seBinga, Mutoko neMt Darwin, dzichizivikanwa zvikuru nekurima mhando iyi yefodya. Dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe inogona kurima mbanje yekutengesera dzimwe nyika, izvo zvinogona kuunza mari yakawanda. Nyika dzakabudirira dzinotengesa mishonga inenge iine tetrahydrocannabinol, kana THC, iyo inobva mumbanje. Asi munhu anofanirwa kunyorerwa prescription nachiremba kuti atengeserwe. Matunhu anobvumidza kurimwa kwembanje muAmerica, akaita seMichigan, Oregon, California, Colorado nemamwe, akawana mari inoita mabhiriyoni manomwe emadhora kubva mumbanje yakatengeswa mugore ra 2016. Huwandu hwemari iyi hwakakwira nezvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana pamari yakawanikwa muna 2015. Dunhu reOregon, iro rinogara muimbi wemuZimbabwe ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, uye riine vanhu mamiriyoni mana, rakawana mari inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora mukutengeswa kwembanje. Bhizinesi rembanje rinowanisa vanhu vemuOregon zviuru gumi nezviri nechidimbu mabasa, vanhu vachibhadharwa madhora gumi nemaviri pa awa yega yega. Dunhu reMichigan riri kukurudzirwa nesangano re Coalition to Regulate Marijuana Like Alcohol, kuti ribvumidza kuputwa kwembanje zviri pamutemo nemunhu anenge aine makore makumi maviri nerimwe zvichikwira. Nyaya iyi iri kutarisirwa kuvhoterwa mudare remuMichigan muna Mbudzi. Kunyange hazvo mamwe matunhu emuAmerica achibvumidza kurimwa kwembanje zviri pamutemo, hurumende yaVaDonald Trump inoti pasi pemitemo yenyika yose, mbanje haibvumidzwe, izvo zviri kupa kuti mitemo iyi ipesane pakati pezvinodiwa nematunhu nezvinodiwa nehurumende yose. Matunhu emuAmerica ane kodzero yekuita mitemo yawo zvisina kupindira kwehurumende. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-allows-legal-marijuana-farming/4369057.html +health Vanhu Vanodarika Miriyoni Imwe Chete Vobayiwa Nhomba yeCovid-19 Kaviri muNyika Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika kechipiri sezviri kukurudzirwa vadarika miriyoni imwe chete kunyangwe poita mutauro panyaya yekuti vanhu vomanikidzwa kubayiwa nhomba here kana kuti kwete. Bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere nemakumi mashanu nechimwe zvine mazana mana nemanomwe kana kuti 1, 851 407 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga. Vamwe miriyoni imwe chete nezviuru zviviri nemazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 1002 261 vabayiwa nhomba kechipiri sezviri kukurudzirwa. Vanhu makumi maviri nemumwe kana kuti 21 vakafa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya vanhu zviuru zvitatu nemazana masere nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 3, 826. Vanhu mazana mana nemakumi mana nevasere kana kuti 445 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera wakare zvasiyawo vabatwa nacho vave zana negumi nemashanu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe kana kuti 115, 890. Vanhu mazana masere nemakumi mapfumbamwe kana kuti 890 vakabatwa necchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi masere nezvinomwe zvine mazana mana nagumi nevatanhatu kana kuti 87, 416. https://www.voashona.com/a/vanhu-vanodarika-miriyoni-imwe-chete-vobayiwa-nhomba-mbiri-dzecovid-19-munyika/5995086.html +health Musangano weUNGA Unozeya Nzara Pamwe neHutano Mutungamiri wenyika, VaEmmeron Mnangagwa vanyora neChishanu padandemutande ravo reTwitter vachiti musangano wavo wekutanga kuUnited Nations General Assembly muNew York wakafamba zvakanaka chose. Asi zviri kubuda kuUnited Nations zviri kuratidza kuti zvinhu zvakaomera sangano iri, uye pane nyaya dzehutano nezvekudya Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe. VaMnangagwa vanoti chinangwa chavo chaive chekuti Zimbabwe itange kudyidzana nedzimwe nyika uye kuti vatungamiri venyika idzi vashanyirewo Zimbabwe. Kunze kwevatungamiri ava, VaMnangagwa vanoti vakasanganawo nevemabhizimisi kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe zvikuru vekuAmerica. VaMnangagwa vanoti misangano yavo yakafamba zvakanaka uye Zimbabwe yadzokera mugungano renyika dzepasi rino. Zimbabwe yakaonawo mupupuriri akanaka kubva kumutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame, vanove sachigaro weAfrican Union. Mumashoko avo kuUnited Nations, VaKagame vakati Zimbabwe inoda rubatsiro kubva kunyika dzepasi rino. Asi vachitaura kumucheto wemusangano uyu, munyori anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica, VaTibor Nagy, vakati Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yakaita saana AIPPA nanaPOSA uye vakati Zimbabwe inoziva zvairi kuda kunzi iite kuti itange kudyidzana neAmerica. KuUnited Nations kuri kubudawo nyaya yekuti zvinhu munyaya dzekurwisa chirwere cherurindi kana kuti TB haina kumira zvakanaka. Mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Anna Mohammed, vakanoti pagore, mari yekurwisa chirwere ichi iri kushomeka nemari inosvika mabhiriyoni gumi nematatu. Zimbabwe pari zvino iri kutatarika kuwana mari yekutenga mapiritsi ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Rimwe dambudziko riri kubudawo kumusangano weUnited Nations inyaya yekuti vanhu vanosvika mamiriyoni mazana masere nemakumi maviri nemumwe kana kuti munhu mumwe chete pavapfumbamwe anoziya nenzara. Vakawanda vakatarisana nenzara kunyanya muAfrica neSouth America. Nzara inonzi yatove nemakore matatu ichiwedzera. MuZimbabwe vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana vakatarisana nenzara gore rinouya nekuda kwemhepo yeEl Nino iri kutarisirwa kukanganisa kunaya kwemvura. Musangano weUnited Nations uyu uri kupera musi wa 5 Gumiguru vatungamiri venyika vachitaura mudare reUnited Nations General Assembly uye vamwe vachiitawo misangano kumucheto wemusangano mukuru uyu. Imwewo nyaya yakasimudzwa kumusangano uyu ndeyezvinotarisirwa neUnited Nations kuti zviitwe nevechidiki. Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vanoda kuti sangano ravo risimbaradze kushanda nevechidiki avo vanosvika bhiriyoni imwe chete mazana masere emamiriyoni pasi rose. Kuita izvi, VaGuterres vanoti kodzero dzevechidiki dzinofanira kuremekedzwa uye vachiwaniswa mikana. No media source currently available https://www.voashona.com/a/unga-meeting-discusses-health-and-poverty-issues/4591825.html +health Mumwe Munhu Ofa neCovid-19 kuBulawayo, Vanodarika Zana Vachibatwa neChirwere Ichi muHarare Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamazana maviri nevasere kana kuti 208 zvichitevera kufa kwemumwe munhu kuBulawayo neSvondo. Vanhu vabatwa nechirwere ichi vasvika zviuru zvinomwe nezana rine gumi nevatanhatu kana kuti7, 116. NeSvondo vanhu zana nemakumi matatu nemapfumbamwe kana kuti 139 vakanzi vabatwa nechirwere ichi zana nemakumi maviri nevana kana kuti 124 vari vemuHarare. Asi bazi rezvehutano rinoti vamwe vanhu ava vainge vavhenekwa kare asi vasati vaziviswa zvainge zvabuda kwemazuva akati wandei. Vanhu vapora zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 5, 373. Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara chechitungwiza central hospital dr enoch mayida. zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana ma`viri kana kuti 1, 2 million vabatwa nechirwere ichi muAfrica. Vafa vasvika zviuru makumi matatu nechimwe zvine makumi mashanu nevatanhatu kana kuti 31, 056. Vapora vadarika miriyoni imwe chete. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nematanhatu nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 26, 9 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana zvine mazana masere nemasere kana kuti 188,000. Vanhu vafa pasi rose vasvika zviuru mazana masere ane makumi masere kana kuti 880, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni gumi nemanomwe ane zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 17, 9 million. https://www.voashona.com/a/mumwe-minhu-ofazve-necovid-19-kubulawayo/5572977.html +health Huwandu hweVanhu Vabatwa neCOVID-19 Munyika Hwave Makumi Matatu neVasere Bazi rezvehutano nekuchengetwa kwakanaka kwevana rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pamakumi matatu nevasere zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa munhu mumwe chete aine chirwere ichi muHarare nemusi weChina. Bazi iri razivisawo kuti vafa nechirwere ichi vachiri vana munyika yose, uye vapona kubva kuchirwere ichi vari gumi nevatatu. Izvi zvinobuda panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kuzivisa nezvekuti vari kuwedzera mazuva here kana kubvisa mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, uyo vakaderedza kuenda pachinhanho chepiri, kana kuti Level 2 masvondo maviri adarika. Mutemo uyu uri kutarisirwa kupera nemusi weSvondo. Johns Hopkins University yemuAmerica inoti vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vadarika mamiriyoni mana nemazana mana ezviuru (4.4 million) uye vafa nechirwere ichi vasvika pazviuru mazana matatu nezvitatu nemazana matatu nemakumi masere nevapfumbamwe (303 389). Gweta uye vari chizvarwa cheZimbabwe chiri ku Britain, Doctor Simba Mavaza, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 nemunhu mumwe chete kunoratidza kuti chirwere ichi hachisati chadzika midzi munyika. Dctor Mavaza vanoti izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa nenyaya yekuti vanhu vari kutevedzera kurudziro yekuti vazvichengetedze, kana matanho ari kutorwa nehurumende ekuchengetedza kwavo voga vose vanenge vaponda munyika vachibva kunze. Panyaya yekuti mutungamiri wenyika owedzera here kana kubvisa mazuva ekusafambafamba kwevanhu, Doctor Mavaza vanoti vanofunga kuti VaMnangagwa vachavhura makambani ose uye kubvumidza vanhu kufambafamba sezvo pakatoiswa kare matanho anofanirwa kuteverwa nevemakambani mukuona kuti vashandi vavo vakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-covid-19-udate-38-cases-dr-simba-mavaza/5421367.html +health Zimbabwe Yocherechedza Zuva reVane Chirwere chePfungwa Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revane chirwere chepfungwa. Vachitaura pagungano rekucherechedza zuva iri kana kuti World Mental Health Day muHarare, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Chamunorwa Mangwiro vati hurumende yakazvipira kubatsira vane chirwere ichi asiwo vachichema chema nekushandiswa kwezvinodhaka munyika izvo zvinonzi zvinowedzerawo dambudziko rechirwere chepfungwa. Mukuru wesangano rakazvimiririra reZimbabwe Obsessive Compulsive Disorder Zimbabwe (OCD) Trust, Amai Angelica Mukorongo, avo vane dambudziko rechirwere ichi vakurudzira veruzhinji kuti vasadzikisira pasi vane zvirwere zvepfungwa vachiti zvakangofanana nezvimwe zvirwere. Amai Mukorongo vachemachemawo vachiti vazhinji vane zvirwere zvepfungwa havasi kuwana mishonga muzvipatara zvehurumende vakati dai hurumende yawanisa mishonga yezvirwere zvepfungwa pachena. Asi VaMangwiro vati hurumende ine hurongwa hwekuona kuti mishonga yezvirwere zvepfungwa yawanikwa zviri nyore munyika. Amai Babra Machando vanoshanda nesangano rinoona nezvehutano pasi rese reWorld Health Organisation vati dambudziko reCovid-19 rakawedzerawo kuwanda kwezvirwere zvepfungwa vachiti zvakakosha kuti vanhu ava vawane rubatsiro. Muzvare Batsirai Chiedza Muchochomi vanoshandawo nesangano rinobatsira vane zvirwere zvepfungwa rinonzi Insight Wellbeing vati dambudziko rechirwere chepfungwa rinobata munhu chero upi zvake vachitiwo zvakakosha kuti vanhu vazive kuti zvirwere izvi zvinorapika. Zuva reWorld Mental Health Day rinocherechedzwa musi wa 10 Gumiguru pasi rese. Mhemberero dzanhasi dzaitwa panine kurudziro yekuti pasi rese rikoshese hutano hwepfungwa. World Health Organization inoti muAfrica, vanhu vanodarika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 792 million vane chirwere chepfungwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6783909.html +health Health Services Board Inoti Yawirirana navanaChiremba vari Kuramwa Mabasa Bhodhi rezvehutano, reHealth Services Board, nezuro rakabudisa gwaro rinokurudzira kuti vana chiremba vari pakuramwa mabasa vadzoke kubasa, richiti hurumende yave kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba ava. Asi mutungamiri wesangano ravanachiremba vezvipatara zvehurumende reHospital Doctors Association, Doctor Mloxisi Ngwenya varamba mashoko aya, vachiti hapana chati chatenderanwa uye vanachiremba havasi kuzodzokera pamabasa. Mutauriri wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti sesangano, vanoshora zvikuru danho ratorwa nebhodhi rezvehutano iri rekutaura zvisina kuwiriranwa navachiremba Doctor Nyamande vanoti bhodhi iri ranga risingafanirwi kumhanyira kuenda kumapepanhau kunoshambadza kuti vawirirana, pane kuita zvinhu negwara kuti zvinonetsa zvigadziriswe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-doctors-health-strike/4295628.html +health Vanhu Vafa neCovid-19 muZimbabwe Vadarika Zana Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika vave zana nevaviri kana kuti 104. MuHarare muri imo mune vanhu vakawandisa vafa nechirwere ichi vanosvika makumi mashanu nevashanu kana kuti 55. Bulawayo ndiyo iri kutevera pavanhu vafa vanosvika makumi maviri nevatatu. Dunhu reMasvingo chete ndiro risina kana munhu mumwe chete ati afa nechirwere ichi. Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vadarika zviuru zvina nemazana mashanu ane makumi manomwe nemashanu kana kuti 4, 575. Vapora vachidarika chiuru chimwe chete nemazana mana ane gumi nevatanhatu kana kuti 1,416. Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Brighton Chireka vanoti havo vanhu vazhinji vanopora kunyangwe vamwe vashoma vachida kuzoendeswa kuchipatara. No media source currently available Dr Chireka vatiwo kudziya muviri, kurutsa, kutonhorwa zvakanyanyisa, kubvunda nezvimwe munongedzo wekuti munhu anogona kunge abatwa nechirwere ichi. Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vabatwa nechirwere ichi muAfrica. Vafa vadarika zviuru makumi maviri nemaviri ane mazana mapfumbamwe nevatatu kana kuti 22, 903. Vanhu vapora vadarika zviuru mazana masere nemakumi maviri kana kuti 720, 000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi memapfumbamwe ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 19, 6 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi matanhatu nemaviri kana kuti 162, 000. Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana manomwe nemakumi maviri nemanomwe ane mazana mashanu kana kuti 727,000. Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nerimwe nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 11,9 million. https://www.voashona.com/a/vanhu-vafa-necovid-19-muzimbabwe-vadarika-zana/5536632.html +health Vana Mukoti Vanokanda Mapadza Pasi Vachiti Mari Dzavo Dziwedzerwe Vana mukoti muzvipatara zvikuru zvehurumende zvakasiyana-siyana munyika vatanga kuramwa mabasa neChishanu vachiti vanoda kuti hurumende ihadzirise zvichemo zvavo. Kuramwa mabasa uku kunoitika panguva iyo vana chiremba vadarika masvondo maviri vachiramwawo mabasa. Vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu munyika mose vakanda mapadza avo pasi vachiti hurumende iri kuramba ichivabata kumeso pazvichemo zvavo, izvo yakavimbisa kugadzirisa makore akawanda apfuura. Vana mukoti ava vanoti vari kuramwa mabasa kwete senzira yekutsigira vana chiremba avo vava nemazuva gumi nematanhatu vachiramwa mabasa, asi kuti ivo vane zvichemo zvavowo zvisiri kugadziriswa nehurumende, zvavanoda kuti zvigadziriswe nechimbi chimbi. Vana mukoti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe, uye mashandiro avo agadziriswe kuitira kuti vashande zvine chiremera, pamwe nekuti muzvipatara muve nemishonga uye zvikwanisiro zvinoita kuti vashande nemazvo. Sachigaro weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vati ichokwadi kuti nhengo dzavo zhinji dzaramwa mabasa kuitira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende. Vati hurumende iri kutaura navo nechinangwa chekugadzirisa zvichemo izvi. Asi vati zvinenge zvavimbiswa nehurumende zvichazeyiwa nesangano ravo voona matanho ekutora. Pashanyira Studio7 zvipatara zvemuBulawayo, vana mukoti vanga vachidzokera kudzimba dzavo mangwanani, pasina basa ravaita. Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association muBulawayo, VaSimangaliso Mafa, vaudza Studio 7 vati hapana zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura pamusoro pezvekuramwa mabasa uku sezvo vange vachipinda mumusangano patavabata parunhare. Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions raburitsa gwaro rinoshora gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, richiti VaParirenyatwa vanofanirwa kusiya basa nekuti varatidza kukundikana kugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano. Munyori mukuru weWomen’s Committee muZCTU, Amai Barbara Tanyanyiwa, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinotsigira kuramwa mabasa kwemadhokotera navana mukoti vachiti zvakakosha kuti vapiwe mugove wavo wakafanira. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna Dr Parirenyatwa kana kuhurumende panyaya iyi. Asi hurumende inoti haina mari yekugadzirisa zviri kudiwa nebazi rezvehutano. Vanhu vakawanda vanoti kuramwa basa kwemadhokotera navana mukoti mabasa kuri kuisa hupenyu hweveruzhinji munjodzi vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya iyi nekukasika. Mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Takunda ati ange aperekedza sekuru vake kuRichard Morris Hospital chikamu chechipatara cheUnited Bulawayo Hospital panorapwa vanhu maziso, asi ati vatadza kuwana rubatsiro. Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaDingilizwe Tshuma, avo vanomirira Entumban/Emakhandeni mudare reparamende, vati nhengo dzeparamende dzinogara dzichitaura kuti hurumende igadzirise matambudziko akatarisana nebazi rezvehutano. Mumiriri we Bulawayo Central mudare reparamende, Amai Dorcas Sibanda,vatiwo hurumende inofanirwa kukoshesa kugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano pamwe nedzidzo munyika. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vana mukoti vari kuramwa mabasa ava vari kuwedzera matambudziko akatarisana nevarwere munyika yose, sezvo vana chiremba vanodarika chiuru chimwe chete, vari kuramwawo mabasa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-nurses-down-tools-joining-doctors-on-16th-day-strike/4302106.html +health Nyika Inovharwa kweMazuva Makumi Matatu Ichirwisa Covid-19 Vanhu vakawanda vatevedzera kurudziro yehurumende yekuti vanhu varemekedze mutemo weNational Lockdown Level Four uyo achange uripo kwemazuva makumi matatu. Asi vakawanda vari kuchemachema nerekuti hurongwa uhu huchavasiya vari munzara.\n\nVeruzhinji muBulawayo vagara kudzimba dzavo pakutanga kwelockdown\nnhasi uye nzvimbo dzakawanda dzinosive dzakazara vanhu mudhorobha\ndzange dziine vanhu vashoma-shoma kusanganisira kunoziikanwa kunzi\nkuMarket muna Fifth Avenue.\n\nPange paine ma roadblock mumigwagwa yakawanda inopinda mudhorobha uye vamwe vanhu vange vachida kupinda mudhorobha vasina magwaro anodiwa vange vachidzorerwa kumba. Asi vamwe vataura neStudio7 vati izvi zvange zvichiitwa nenzira yakanaka pasina kutyisidzira kana kuvhundutsira vanhu kunosiitwa nemapurisa nemasoja panguva dzakadai.\n\nVakawanda vange vachichema-chema vachiti pane kuti hurumende iise\nlockdown zviri nani kuti iite zvose zvainogona kuti vanhu vatevedzere\nzvinotaurwa nenyanzvi dzezvehutano pakudzivirira chirwere cheCovid-19.\n\nMumwe ane chitoro chinotengesa zvakasiyana-siyana mudhorobha uyo\nangoda kuzvidoma nezita rekuti Moyo ati kuvharwa kuchasiya\nvakawanda vari munzara.\n\nMumwe anorarama nekutengesa zvirimwa zvakasiyana-siyana paMarket,\nVaTyson Shumba, vati vanonzwisisa kuti sei hurumende yakaisa mutemo\nwekuvharwa kwenyika asi vati ivo semumwe wevanhu vanozvishandira, shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende yakavapa mukana wekuti varambewo vachishanda.\n\nMumwe anorarama nekutengesa, Amai Memory Gaviro, vaudza Studio 7 kuti vanhukadzi kunyanya ndivo vanonyanya kuomerwa nekushaiswa mukana wekuita mabasa avo nekuda kwekuvharwa kwenyika. Vati vanhu vakawanda vanogona kufa nenzara sezvo pasina matanho akatorwa nehuruemende ekuti ape veruzhinji vanotambura mari yerubatsiro panguva yelockdown.\n\nMumwewo mugari, VaFarai Zowa, vati kunyange hazvo vachibvuma kuti\nmitemo iyi inoomesera veruzhinji, zvakakosha kuti ivepo senzira yekuedza\nkurwisa chirwere cheCovid-19 icho choramba chichikura munyika nepasi\nrose.\n\nMudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi uye vari muongorori\nakazvimirira, VaFelix Chari, vati nekuda kwekuti hupfumi hwenyika\nhwagara husina kumira zvakanaka, Lockdown Level Four ichawedzera kutambura kweveruzhinji. Vati zvange zviri nani kuti hurumende isimudzire dzimwe nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.\n\nMutauriri wemutungamiri weMDC T, VaWitmess Dube, vati bato ravo riri\nkushushikana nekutekeshera kwechirwere cheCovid 19 munyika uyewo kuti chave kubata vechidiki. Vati dai hurumende yawana dzimwe nzira dzekurwisa chirwere vachitiwo\nvanhu vanozvishandira pachavo vega vanofanirwa kubvumidzwa kuramba\nvachishanda.\n\nMutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera\nveruzhinji.\n\nGurukota revashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima, vabvuma kuti hurumende yange isati yatora danho rekupa\nvamwe veruzhinji vanotambura mari yerubatsiro nekuti lockdown yerwendo\nrwuno yakaitwa nechimbi-chimbi. Asi vati nekuda kwekuti lockdown inogona kuvepo kwenguva yakareba bazi ravo riri mushishi kutaura nebazi rezvemari kuti rubatsiro urwu rupiwe kuvanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-shuts-down-for-30days/5725501.html +health Hurumende Inotara Coronavirus seDambudziko Guru Rakatarisana neNyika Hurumende yatara chirwere cheCoronavirus sedambudziko guru rabata nyika yose, kana kuti National Disaster, uye ndokukanzura zvirongwa zvakawanda zvinosangana vanhu vakawanda senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Vachitaura nevatori venhau kuState House, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vaona zvakakodzera kutora matanho aya nekuti nyika inogona kuwirwa nedambudziko reCoronavirus sezvo ratove munyika dzakavakidzana nayo dzakaita seSouth Africa. Vati kutara Coronavirus sedambudziko renyika yese kunoita kuti nyika ikwanise kuunganidza mari, nezvimwe zvinodiwa kurwisana nechirwere ichi. Vati hurongwa uhwu huchange huchitungamirrwa nebazi rezvehutano. VaMnangagwa vati zvipatara zvese munyika zvave kutarisirwa kugara zvakagadzirira kuongorora pamwe nekurapa chirwere ichi. Vatiwo hurumende iri kugadzira nzvimbo dzakawanda dzekuchengetera vanhu vanofungidzirwa kuti vane hutachiwana hweCoronavirus. VaMnangagwa vati vese vari kuronga kuenda kunyika dzine chirwere ichi vanofanira kumbomira nzendo dzavo kudzamara zvinhu zvadzikama. Vatiwo hurumende yambomisa zvirongwa zvinounganidza vanhu vakawanda zvakaita seZimbabwe International Trade Fair nemhemberero dzekucherechedza zuva rekuwana kuzvitonga idzo dzange dzichifanirwa kuitwa mwedzi unouya. Zimbabwe yakanzurawo mitambo pamwe nekukurudzira kusaungana kwevanhu pamichato pamwe nedzisvondo kuitira kuti chirwere ichi chisapararire. VaMnangagwa vati hurumende ichazoongorora danho iri mukati memazuva makumi matanhatu ari kutevera. Panyaya yezvikoro, VaMnangagwa vati sezvo pasina kana mumwe chete abatwa nechirwere ichi, zvikoro zvicharamba zvakavhurwa sezvo zvave pedyo nekuvhara asi vakati hurumende ichaongorora danho iri kana pane zvinenge zvaitika. Vatiwo mahofisi ese ehurumende anofanira kuchitanga kuongorora kuti vanhu vanofungidzirwa kuti vane hutachiwana hweCoronavirus. Vati kunyange vatora matanho aya nzvimbo dzese dzekupinda nadzo munyika dzicharamba dzakavhurwa asi vakati vachasimbaradza nzira dzekuongorora vanhu vanobva kune dzimwe nyika zvikuru sei kunyika dzine hutachiwana uhwu. Vati vanhu vanofanira kuchinja maitiro nekuregedza kuita zvimwe zvinhu senzira yekuzvidzivirira kubva kuCoronavirus. Vatiwo kunyange hazvo pasina ati abatwa nechirwere ichi, chave kutokanganisa nyaya dzehupfumi munyika zvekuti nyika inogona kutadza kubata zviga zvayo zveVision 2030. Chirwere cheCoronavirus chauraya vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nekubata vanodarika zana nemakumi masere ezviuru pasi rose. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-government-declares-coronavirus-national-disaster/5332606.html +health Zimbabwe Yotambira neMufaro Kupihwa Mvumo yeKushandiswa kweNhomba yeSinopharm neWHO "World Health Organization kana kuti WHO nemusi weChishanu yakapa mvumo nhomba yeSinopharm yekuChina, iyo iri kushandiswa muZimbabwe, kuti ishandiswe nechimbi chimbi kana kuti ""Emergency use authorization"" Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Doctor Agnes Mahomva vanoti vari kufara kuti Sinopharm yapihwa mvumo yekushanda zvakagara zvaonekwa nenyanzvi dzemuZimbabwe dzakakurudzira kuti ibayiwe vanhu. Zimbabwe yakatanga kushandisa nhomba iyi muna Kukadzi payakapihwa nhomba dzinosvika zviuru mazana maviri neChina. No media source currently available Iyi ndiyo nhomba yekutanga isiri kubva kunyika dzekumawirira kupihwa mvumo yakadai. Izvi zvave kureva kuti Sinopharm yave kupinda pachirongwa cheCOVID-19 Vaccines Global Access kana kuti COVAX chekubatsira nyika dzichiri kubudirira nenhomba. Vaimbova gurukota rezvehutano vari nhengo yeMDC Alliance Dr Henry Madzorera vanoti vanhu vange vachizengurira kubayiwa nhomba iyi vave kuchifanira kurega kutya sezvo yatambirwa neWHO. No media source currently available Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira huchiri pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe nevatanhatu, 1 576. Vanhu gumi nemumwe vakabatwawo nechirwere ichi neSvondo zvekare izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mana negumi nevana kana kuti 38 414. Vamwe vanhu gumi nemumwe vakaporawo zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nematanhatu nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 36, 052. Vanhu vachiri kurwara munyika vave mazana manomwe nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 786. Bazi rezvehutano rakazivisa kuti kusvika musi weSvondo vanhu vabayiwa nhomba munyika yose vainge vava zviuru mazana mashanu nepfumbamwe nemazana maviri nemakumi manomwe nevana kana kuti 509, 274. Pavanhu ava, vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru zana nemakumi mana nevasere nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevana kana kuti 148, 564. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi. " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-yotambira-nemufaro-kupihwa-mvumo-yekushandiswa-kwenhomba-yesinopharm-newho/5883956.html +health Africa Yotadza Kusvitsa Zvikamu Zvakatarwa neWHO zveVanhu Vabayiwa Nhomba yeCovid-19 Gore Rino Risati Rapera Sangano reWorld Health Organisation-WHO-rinoti nyika dzakawanda dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe dziri kutadza kubaya nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana gore rino risati rapera sezvanga zvakatarwa nesangano iri. Vachitaura nezuro pamusangano we International Conference Public Health in Africa, mukuru weWHO, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, vakati nyika makumi mana nesere panyika makumi mashanu neina dziri muAfrica dzichatadza kubaya zvizvarwa zvadzo zvikamu makumi mana kubva muzana sezvanga zvakatarwa neWHO. Dr Tedros vakati rimwe dambudziko riri kuitika mudunhu reAfrica nderekuti nyika idzi hadzisi kuburitsa huwandu hwechokwadi hwevanhu vari kufa kana kurwara nechirwere cheCovid-19. Mukuru weCommunity Working Group on Health, Va Itai Rusike, vanoti kusabuda nehuwandu chaihwo hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 zvinokonzerwa nekuti munyika hamuna zvikwanisiro zvemhando yepamusoro zvekuongorora kuti munhu ane Covid-19 here kana kuti kwete. VaRusike vanoti zvimwe zviri kutadzisa nyika dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe kubaya vanhu vakawanda idambudziko rekushandisa nhomba dzinobayiwa kaviri pamwe nekusawana kweveruzhinji ruzivo rwechokwadi nenguva. Mukuru munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva, vanoti sehurumende vachiri vakatarisira kuti vachabaya vanhu zvikamu makumi mana kubva muzana sezviri kukurudzira neWHO vachiti vachazobvuma kuti vatadza musiwa 31 Zvita 2021 wapfuura. Kusvika pakupera kwezuva nezuro, Zimbabwe yakazivisa kuti yakange yabaya nhomba yekutanga vanhu mamiriyoni mana nezviuru makumi maviri nezvitatu negumi nevatu (4 023 013). Vanhu vabayiwa nhomba mbiri kusvika mukupera kwezuva nezuro vainge vava mamiriyoni matatu nezviuru makumi matatu nezvishanu nezana nemakumi mapfumbamwe nevaviri, (3 035 192). WHO inoti vanhu vanosvika mamiriyoni makumi manomwe nemanomwe, kana kuti zvikamu zvisere chete kubva muzana vakabayiwa nhomba yeCovid-19 muAfrica yose. Zimbabwe yakwanisa kubaya zvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, zvinoreva kuti mumazuva gumi nemana asara kuti gore ripere, Zimbabwe inofanirwa kubaya vanhu zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana, kana kuti 21%, unova mutoro mukuru pakatariswa nguva yatorwa kuti isvika pazvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 19%. Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/africa-fails-to-meet-who-target-on-full-vaccinations/6358858.html +health Veruzhinji Vokurudzirwa Kutsigira Hurumende Kuita Mabasa eKurwisa Covid-19 Apo huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, vemakereke vanoti vari kushanda zvakasimba vachirwisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, kuburikidza nekuwanisa zvipatara zvemachechi zvikwanisiro, mvura pamwe nekupa dzidziso kune veruzhinji pamusoro pedenda iri. Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti basa guru riri kuitwa nemakereke kugadzirisa zvipatara zvemachechi, izvo vanoti zvakawanda kumaruwa, kuwanisa zvipatara izvi mvura yakachena, kuwanisa vashandi vemuzvipatara zvipfeko zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi, pamwe nekuwanisa vanhu zvekudya munguva ino ye lockdown. Reverend Mtata, avo vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro zvePhD munyaya dzezvidzidzo zvebhaibheri, vanoti nyaya yakatarisana nenyika yedenda reCovid-19 haichisiri nyaya ingangonzi ingasiirwa kuhurumende chete, asi kuti yave nguva yekuti munhu wese pamwe nemasangano vawane chavangaisa mukubatsiridza kuti zvinhu zvirerukire nyika. Panyaya yekuti nyika yakagadzirira here kupa nhomba yekudzivirira Covid-19, Reverend Mtata vanoti pasi rose nyika zhinji hadzina kugadzirira, kusanganisirawo dzakaita seAmerica, hadzinawo kugadzirira pakugoverwa kwenhomba idzi, kusanganisirawo Zimbabwe. Munyika mune vamwe vemakereke vanonzi vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisazotora nhomba yekudzivirira Covid-19, asi munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches ava vanoti vemakereke ava havafanirwe kutsvaga mbiri nekushambadza mashoko asina humbowo. Vanoti zvinozivikanwa pasi rose kuti nhomba dzinogona kukonzerawo mamwe matambudziko pamunhu, asi vachiti zvinozivikanwawo cjose kuti nhomba dzinoponesa. Reverend Mtata vanoti vemakereke ava vanofanirwa kutobatsira mukushanda pamwe kuburikidza nekusvitsawo pfungwa dzavo kuti dzishandiswe, uyewo kuti ivo kana vasingade kupiwa nhomba idzi vanofanirwa kusiya vanoda zvavo vachibaiwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-covid-19-churches-urge-public-to-compliment-government-efforts-in-fighting-covid-19/5746350.html +health Muzinda weZimbabwe kuBotswana Woshanda Nguva Pfupi neNyaya yeCovid-19 Muzinda weZimbabwe uri muBotswana wave kuvandudza mashandiro nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19 munyika iyi paine kurudziro yekuti vanhu vashandisewo madandemutande nembozhanhare. Vanoona nezve kuburitswa kwemashoko pamuzinda weZimbabwe muBotswana, VaFrancis Chimina vaudza Studio7 parunhare kuti iri nderimwe danho rekuderedza mazuva ekushanda kubva pamashanu kusvika pamana pavhiki nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Pataenda pamhepo, VaChimhina vange vasati vakwanisa kupa Studio 7 huwandu hwezvizvazvarwa zveZimbabwe zvafa nechirwere ichi muBotswana . Asi muchiziviso chakaburitswa nemuzinda uyu, vanoda rubatsiro rwekuti vakwanise kutakura mufi kubva kuBotswana kuenda kuZimbabwe vanofanira kuita zvekutumira mapepa anodikwana panharembozha vachishandisa WhatsApp panhamba dzinoti 2677 196 7240 ndinodzokorora zvakare nhamba idzi 267 7 196 72470. Kana munhu achida kuendesa mutumbi kuZimbabwe panodiwa magwaro kana kuti copy anoti rerufu, death certificate, gwaro rekufambisa, passport, tsamba yekuratidza kuti mugtumbi hauna chirwere chinogona kutapurirwa vapenyu, tsamba yekuti mutumbi wachengetedzwa kuti usaore uye kune vanenge vafa nechirwere cheCovid-19, vanofanira kuiswa mubhokisi risingavhurike kana kuti zinc-hermatically filled coffin. Izvi zvinodiwa nenyika yeBotswana zvekare. Asi pane vanoda kuradzika hurumende muBotswana panodiwa gwaro rerufu, gwaro rekufambisa kana chitupa uye gwaro rekufambisa rehama yepedyo. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nechamuka inyama muguta reGaborone, VaEken Tendai Chidarikire vaudza Studio7 kuti hurongwa uhu huri kuomesera zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika iyi. Vanotiwo dai muzinda weZimbabwe watsvaga dzimwe nzira dzekubatsira nadzo vanhu nokuti vakasadaro ruzhinji rwuchatsvaga nzira dzekuendesa Asi chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reGaborone VaHoward Munemo vanoti danho ratorwa nemuzinda weZimbabwe muBotswana idanho rakanaka kwazvo. Nyanzvi munyaya dzehutano hweruzhinji uye vari mukoti pachipatara chikuru cheNyangabgwe Referral Hospital muguta reFrancistown, Muzvare Jestina Mayambutse vanoti vanhu vanofanira kuziva kuti hutachiona hunokonzera COVID-19 hunogona kutapuriranwa nekugamuchidzana mapepa chaiwo. Botswana ine vanhu zviuru zana nematanhatu zvine mazana matanhatu ne makumi mapfumbabwe (106, 690) vakabatwa nechirwere icho chauraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 1, 569. Mizinda yenyika dzakawanda pasi rose iri kuderdza huwandu hwevashandi mukuyedza kumisa kupararira kwechirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/muzinda-wezimbabwe-kubotswana-woshanda-nguva-pfupi-nenyaya-yecovid-19/5987962.html +health Vamwe Vana Vane Chirwere cheMoyo Vanombonorapwa kuItaly Vofira muNyika neKutadziswa Kufamba neCovid-19 Apo pasi rose riri kutarisana nekurwisa chirwere charura cheCovid-19, zvimwe zvirwere zvakaita sezvemoyo zvikuru muvana vadiki zvasara zvisina ari kunyatsozvirapa izvo zvoisa vana vakawanda munyika munjodzi huru vamwe vachifa. Vabereki vevana vane chirwere ichi vanonziwo vanogona kutangawo kurwara nepfungwa sezvo basa rekuvariritira rakaoma. Chimwe chirongwa chakanganiswa nedenda iri ndechekuenda kwevana vemuZimbabwe kuItaly kunorapwa chirwere chemaburi pamoyo kana kuti Congenital Heart Disease-CHD. Vanachiremba vekuItaly vanoenda kuchipatara cheRoman Catholic cheAll Soul’s Mission kwaMutoko uko vanosarudza vana vanenge vari munjodzi huru vovaendesa kuItaly. Vanachiremba ava vanoshandawo nemamwe masangano akaita sereBrave Little Hearts. Sangano reBrave Little Hearts rakaumbwa naAmai Tendai Moyo wekuBulawayo avo vakashaikirwa nemwana wavo Rudorwashe aiva nechirwere cheCHD ichi. Sangano iri rinounza pamwe chete vabereki vane vana vane denda iri kuti vapangane mazano. Mumwe mubereki ane mwana akashaya ave nemakore maviri nekukundikana kunorapwa kuItaly gore rapera nekuda kwechirwere cheCovid-19 ndi Amai Angelina Manda vaudza Studio 7 nezvekurwadziwa kwavari kuita nekurasikirwa nemwana. Vachitaura nezvematambudziko evabereki vari kurwarirwa, Amai Tendai Chatikobo, vanotungamirira sangano reBrave Little Hearts muHarare vati zvinhu zvakaoma kuchengeta mwana ane chirwere chemoyo ichi. Amai Chatikobo, avo vanemwana anemakore matatu ane denda remwoyo iro risingakwanisike kugadzirika, vati maoparesheni aya aisimboitwa kuzvipatara zvehurumende zviri munyika kare asi ikozvino hakuchina vanachiremba vakawanda vanokwanisa kuvarapa. Vashoma varipo vanodhurawo zvakanyanya. Vatiwo Covid-19 yakavhiringidza hurongwa hwavo uye kuda kuzviita munyika kunodhura. Studio 7 yataurawo nemumwe mubereki VaTatenda Katayi vanoti havo vakaita rombo rakanaka sezvo mwana wavo akakwanisa kuenda kuItaly muna 2019 Covid isati yatanga. Vati vari kufarawo kuti mwana wavo ave kukwanisa kuenda kuchikoro nevamwe. Asi vamwe vabereki vanonzi vanonoka kuendesa vana kunorapwa nekushaya ruzivo vachifunga kuti vange varoyiwa. Amai Moyo vanova vakavamba sangano reBrave Little Hearts vati kune mhando makumi mana ematenda emoyo asi denda remaburi epamoyo rakawanda munyika uyezve rinokwanisa kurapika rikakurumidzirwa. Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vaudza Studio 7 kuti vana vese vanozvarwa vaine maburi aya asi anovhara pavanenge vasungunukwa, asi vakati pane dzimwe nguva anotadza kuvhara. Vanoti vana ava vanozokura vave nedambudziko rokuzarirwa nekuneta uye vasingakure vaine huremu hunoendera nemakore avo. Mukuru weAll Souls Mission Hospital Dr Massimo Migani vati ichokwadi kuti chirongwa chokuendesa vana kuItaly kuti vanoitwa maoparesheni chakambomiswa asi vanotarisira kuti chinogona kusimudzirwa kupera kwegore rino kana kutanga kwegore rinouya. Kubva muna 1985 vana vanodarika mazana mana vaenda kunorapwa kuItaly. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vamwe-vana-vane-chirwere-chemoyo-vanombonorapwa-kuitaly-vofira-munyika-nekutadziswa-kufamba-necovid-19/5902612.html +health Vanhu Vakawanda Vofa Munjodzi Dziri Kuitika Husiku paZororo reKisimusi Mutauriri wemapurisa Chief Supritendant Paul Nyathi vari kukurudzira vatyairi kuti vafambe kwakachena nekuti husiku kwave kuitika njodzi dzakawandisa mumigwagwa pazororo rino rekisimusi izvo zvapa kuti vanhu makumi matanhatu nevana vashaye. Mapurisa anoti vatyairi pachezvavo ndivo vari kukonzerawo njodzi nekusatevedzera mitemo yemumigwagwa. Dunhu reMasvingo ndiro rine vanhu vakawanda vashaya avo vari kusvika gumi nevashanu, kuchitevera Matebelalnd South ine gumi, kwouya Harare ne Mashonaland East dzine vanhu vasere vashaya. Mashonaland Central ine munhu mumwe chete. Vanhu vafa pazororo rekisimusi gore rino vakawandisa kudarika gore rapera apo pakafa vanhu makumi mashanu nevatanhatu. Vanhu mazana mana nemakumi mana nevatatu vashaya zvichienzaniswa nevanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana gore rapera. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics/2573644.html +health Vechidiki Votaura Zvimhingamupinyi Zvavanosangana Nazvo Munyaya dzeHIV/AIDS Kunyange hazvo Zimbabwe ichiverengwa pane dzimwe nyika dziri kukwanisa kurwisa HIV/Aids pamwe nekupa dzidziso pamusoro pekudzivirira zvirwere zvepabonde uye kuronga mhuri, vamwe vechidiki vanoti zvakaomera vakawanda vavo kuti vade kuongororwa ropa ravo, kurapwa zvirwere zvepabonde kana kutsvaga zvekudzivirira zvirwere izvi. Izvi zvakabuda pamusangano weAdolescent Sexual and Reproductive Health Dialogue wakaitwa muBulawayo munguva pfupi yapfuura nesangano reCommunity Working Group on Health nevamwe vechidiki, wekuzeya kuongororwa ropa, kutsvaga ruzivo rwekuronga mhuri, pamwe nerwekuzvidzivirira kwevechidiki kubva kuzvirwere zvepabonde kwevechidiki. Mumwe mukomana anoda kungoziikanwa nezita rekuti Everson, ndemumwe wevechidiki vari muBulawayo, vanodzidzisa vamwe vavo nezveHIV/AIDS, kuronga mhuri pamwe nekudzivirira zvirwere zvepabonde. Everson anoti nyaya yekuti muzvipatara nemumakiriniki hamuna vanamukoti vakakwana ndeimwe inoita kuti vechidiki vakawanda vatadze kuongororwa ropa ravo, kutsvaga ruzivo rwekuronga mhuri pamwe nerwekuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvepabonde. Everson anotiwo vechidiki vanotya kubuda pachena panyaya dzine chekuita nezvepabonde nekuda kwekuti vanonyara kutaura nevanhu vanenge vari kumakiriniki kana dzimwe nzvimbo dzavanogona kuongororwa ropa ravo kana kuwana ruzivo rwekuronga mhuri pamwe nerwekuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvepabonde. Mumwe musikana wechidiki, Muzvare Natasha Shoko, vanobvumirana nemaonero aya vachiti vechidiki vanoona vana mukoti vakawanda sevanhu vanovasarura vasingakwanise kuvanzwisisa kunyanya panyaya dzine chekuita nezvedzidziso yekudzivirira zvirwere zvepabonde kana kuronga mhuri. VaWatson Chiwambo ndemumwezve mukomana wechidiki anoitawo zvekudzidzisa vamwe vezera rake nezveHIV/AIDS. VaChiwambo vanoti mutemo wekuti vechidiki vari pasi pemakore gumi nematanhatu havakwanise kuenda kuzvipatara kana makiriniki vari vega unokanganisa vechidiki munyaya dzekurwisa HIV/AIDS nzvimwe zvirwere zvepabonde uye kusimudzira ruzivo rwekuronga mhuri. Mumwe wechidiki anoita zvekurwira kodzero dzevechidiki, Muzvare Bertha Nyoni, vanobvumawo kuti mutemo uyu unokanganisa vechidiki. VaNhlanhla Moyo vanoshanda nesangano reYoung People’s Network mubazi reSexual and Reproductive Health. VaNhlanhla vanoti kunyange hazvo chingave chokwadi kuti vechidiki vanosangana nematambudziko akawanda mukeudza kuwana ruzivo pamwe nekurapwa HIV/Aids nezvirwere zvepabonde uye kuronga mhuri, vanoti vechidiki vanofanirwa kuzvipira kuenda kunzvimbo dzinoita izvi. Murongi wemabasa nesangano reCommunity Working Group on Health, VaMongi Khumalo, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji, kunyanya vechidiki pachavo, vazeye nezvenyaya iyi senzira yekupedza matambudziko avanosngana nawo panyaya dzine chekuita nezvedzidziso yekudzivirira zvirwere zvepabonde kana kuronga mhuri. Munguva pfupi yapfuura, sangano reUNAIDS rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti vechidiki vemuZimbabwe, kunyanya vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakumi maviri nemashanu havanyanyofarira kunogororwa ropa ravo. Nyanzvi munyaya dzeHIV/Aids dzinoti kurwisa denda iri kungabudirira chete kana veruzhinji vakaziva mamiriro ehutano hwavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-youths-on-hiv-education/3966615.html +health Komisheni Inoona zveKodzero Yoshushikana neKushomeka kweVanhu Vaongororwa Chirwere cheCOVID-19 Kusvika Nhasi Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission, inoti iri kushushikana nehuwandu hwevanhu vaongororwa kana vaine chirwere che COVID-19 munyika kusvika pari zvino. Komisheni iyi inoti vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevana vanozi vainge vaongororwa kusvika musi wa30 Kurume, vaive vashoma zvikuru pachitariswa zviuru zvevanhu zvakapinda munyika kubva pakatanga chirwere ichi kuChina gore rapera. Mugwaro rayakaburitsa neChitatu, Zimbabwe Human Rights Commission inotiwo iri kukurudzira hurumende kuti ipe dzidziso pamusoro peCoronavirus mundimi dzakasiyanasiyana, kusanganisirawo mutauro wemaoko kana kuti Sign Language, senzira yekuti veruzhinji vabatsirikane. Komisheni iyi inotiwo hurumende iri kunonoka kuita kuti kuongororwa kwevanhu kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete kuitwe mumatunhu ose emunyika, kwete kuti kungoitwa muHarare chete. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rebazi rinoona nezvekomisheni iyi, reMitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanga vasiri kubatika panharembozha yavo. Asi nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, uye vaive mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanobvumirana nemaonero eZimbabwe Human Rights Commission ekuti vanhu vaongororwa vashoma kwazvo pachitariswa huwandu hwevanhu vanopinda munyika nepamiganho yenyika yose, kusanganisirawo nhandare dzendege. Panyaya yekuti shambadzo iitwe nemitauro yose inocherechedzwa munyika, VaMachisa vanoti hurumende inofanirwa kutevera zviri mubumbiro renyika panyaya yemitauro, yoshambadza mashoko kuvanhu vose. Vanotiwo nyaya yekuti matunhu ose akwanise kuongorora vanhu kana vaine hutachiwana hweCoronavirus, vanoti zvakakosha chose kuti matunhu ose awaniswe mukana wekuita ongororo idzi. Pari zvino chipatara cheSally Mugabe Hospital muHarare ndicho chete chiri kuita ongororo dzechirwere cheCOVID-19 munyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-covid-19-zimbabwe-human-rights-commission-okay-machisa/5356956.html +health Hurumende Inoti Yabvisa Zvipingaidzo Zvanga Zvichikonzera Mitsetse Mirefu Munzvimbo Dziri Kubayiwa Vanhu Nhomba dzeCovid-19 Hurumende inoti vakoti muzvipatara nemakirinika vanofanirwa kunge vachiita basa rebaya vanhu nhomba yekudzivirira Covid-19 chete kwete kunyora makhadhi nekuvabya sezvavari kuita pari zvino ichiti ndizvo zviri kupa kuti mitsetse irambe yakareba munzvimbo idzi. Vachitaura mushure mekushanyira mamwe makirinika ekanzuru yeHarare ari kubaya nhomba dzeCovid-19 mumisha yeBudiriro neMufakose vaine mumiriri weUnicef muZImbabwe, Dr Tajudeen Oyewale, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vati vave kupedza dambudziko iri nekupinza vana bharani vachaita basa rekunyora makadhi chete kuitira kuti vakoti vaite basa rekubaya chete. Vati kufamba kwavaita mumakirinika nhasi kwavaratidza kuti basa rekubaya vanhu harisi kafamba sezvinotaririsirwa nekuti vakoti, avo vanotove vashoma, vanopedza nguva vachinyora makadhi pachinhambo chekubaya vanhu. VaMangwiro vatiwo munhu wese anenge aenda pakirinika kana chipatara chipi zvacho anofanira kubaiwa nhomba yaanoda kwete kuudzwa kuti tiri kubaya nhomba yekutanga kana yepiri chete sezviri kuitika pane dzimwe nzvimbo dziri kubaiwa vanhu. Vati nhomba dzirimo munyika nekudaro vanhu ngavabaiwe. Dr Oyewale vati vaona kuti pane gwanza rinoda kuvharwa kutira kuti vakoti vaite basa rekubaya vanhu chete uye vatiwo vanhu vemunharaunda vanofanira kubatsira vakoti kuti vabaiwe nekukasika. Mukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vati kunyange hazvo paine matambudziko pano nepapo, huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba mumakirinika avo huri kukwira zvekuti kiririnika inobaya vanhu vashoma inobaya vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu uye dzimwe dzave kubaya vanhu vanodarika mazana matatu pazuva. Asi vagari vemuBudiriro neMufakose vati nzvimbo dzinobairwa vanhu dzinofanirwa kuwedzerwa sezvo dziri shoma. Amai Yvone Katiyo Studio7 vatiwo vakoti vepaMufakose Family Health Care vashoma izvi zviri kupa kuti vawandirwe nevanhu. Mumwe mudzimai ati anonzi Mai Ticha audza Studio7 kuti kuti vangadai vakabaiwa nhomba yepiri musi wa11 Nyamavhuvhu asi izvi zviri kutadza kuitika nekuti vanhu vari kuda kubaiwa vawandisa. Vanhu munzvimbo zhinji munyika vave kuvata pamitsetse yekubaiwa nhomba dzeCovid-19 sezvo makambani akawanda nehurumende vave kuti vasina kubaiwa vave kunzi vasaenda kumabasa kana kurambidzwa kuita zvinhu zvakaita sekushandisa mabhazi ehurumende. Zimbabwe inoti ine hurongwa kwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzvirira kupararira kweCovid-19. Nezuro vanhu mazana mashanu negumi nevana vakabatwa neCovid-19, uye gumi nevasere vakafa nedenda iri. Kusvika nezuro vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vainge vava mamiriyoni maviri nezviuru zana nemakumi mana nezvishanu nemazana mashanu nemakumi matatu nevanomwe (2 145 537, ukuwo vanhu vainge vabaiwa nhomba yepiri vanga vava miriyoni nezviuru mazana matatu nezvina nemazana masere nevaviri (1 304 802.) Vanhu vafa denda iri vave zviuru zvina nezana nemakumi mashanu nevatanhatu (4 156). No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-says-it-has-removed-obstacles-causing-long-vaccination-queues/6007495.html +health Vanoita zveChipfambi Vozeza Kunotora Mapiritsi kuZvipatara Ongororo yakaitwa neCenter for Sexual Health and HIV/AIDS Research inoratidza kuti vanoita mabasa echipfambi vakawanda vave kutya kuenda kunotora mishonga yavo yeHIV/AIDS kana kunorapwa zvimwe zvirwere pamwe nekuwana dzidziso, sezvo vachiti vari kunyombwa kana kushungurudzwa nanamukoti. Ongororo iyi yakaitwa mushure mekuona vakawanda vevanhu ava vasisaendi kuzvipatara nemakirinika, zvisineyi kuti bazi rezvehutano nemasangano akasiyana siyana ari kukurudzira kuti vanhu vaongororwe hutachiwana pamwe nekuenda kunopihwa mushonga kana vachinge vawanikwa vainahwo. Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neveZimbabwe Lawyers for Human Rights maererano neongororo yavo, vanoona nekufambiswa kwezvirongwa muCESHHAR, Amai Sibongile Mtetwa, vakati vanoita mabasa echipfambi vari kushungurudzwa pamwe nekupomerwa mhosva yekuparadzirwa hutachiwana hweHIV/AIDS. Vanoti ongororo yavo yakaitwa pasi pechirongwa che“Sisters With a Voice” yakaburitsa pachena kuti vanhu ava ndivo vanonekwa pekupedzisira kana vachinge vaenda kumakirinika. Vanoti semuenziso mumwe mudzimai akashungurudzika chose mushure mekuudzwa namukoti wepane imwe kirinika yavasina kuda kudoma kuti sei ainge achiita zvivindi zvekuuya kukirinika kuzotora mapiritisi asi iye akazvitsvakira hutachiwanda ega. Vanotiwo pane zvakawanda zvinoitika muzvipatara nemakirinika zvave kuita kuti vanoita zvechipfambi veregedze kuenda kuzvipatara izvi sezvo vachitya kunonyadziswa pamberi pevamwe varwere. Amai Mtetwa vanoti kuita kwakadai hakuna kunaka uye sangano ravo richishanda nebazi rezvehutano nemamwe masangano vave kushanda nanamukoti nevamwe vanoshanda muzvipatara kuti vabate vanhu ava pamwe nevarwere zvakanaka. Vanoti kana izvi zvikaitika vanhu vanosununguka kuenda kunotora mapiritsi avo eHIV/AIDS pamwe nekurapwa zvirwere zvepabonde. Ongororo iyi yakaratidzawo kuti pane vanhu vanoita zvechipfambi vanodarika zviuru makumi mashanu vakaenda kumakirinika eCESHHAR kubva muna2009 kusvika pari zvino uye zvikamu makumi maviri kubva muzana zvevanu ava zvaive neHIV/AIDS. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti nyika haigoni kukunda muhondo yekurwisana neHIV/AIDS kana ikasapinza vanoita mabasa echipfamibi muzvirongwa zvayo zvekunwa mapiritsi anowedzera hupenyu ema anti-retorivals, kudzivirira chirwere ichi pamwe nekurapwa zvirwere zvepabonde. Sangano reNational Aids Council rinoti ririkubatsira vanoita mabasa echipfambi kuumba sangano ravo kuti vakwanis kuzeya nyaya dzavo pamwe nekurwira kodzero dzavo. NAC inoti zvakakosha kuti vanhu ava vapewo pfungwa dzavo maererano nezvinoitika mubasa ravo kuitira kuti vanogadzira mitemo vaumbe mutemo vachiziva zvinoitika mubasa iri. Mumwe anorarama nemabasa echipfambi akaita hurukuro neStudio 7 Amai Sharo Mazviwa vakati nhamo ndiyo inovasunda kupinda mumabasa aya Sachigaro wesangano reDoctors for Human Rights Doctor Rutendo Bonde vanoti kodzero dzevanhu ava dzinofanira kukosheswa. Chirongwa cheSisters With a Voice chinobatsira vanoita mabasa echipfambi nemapiritsi emaARVs, kuvarapa zvirwere zvepabonde, kuvapa dzidziso pamusoro pezvirwere izvi , kuvadzidzisa kodzero dzavo, pamwe nekuvakurudzira kuti vaende kuzvipatara kuti vandoongororwa hutano hwavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-health-aids-nac/2951258.html +health Zuva reInternational Literacy Day Rinosvika Dzidzo Iri Parumananzombe neCovid-19 Nyika dzepasi rose dzacherechedza zuva reInternational Literacy Day nhasi panguva iyo pasi rese riri kuvhiringirwa dzidzo nedenda reCovid-19. Zuva ranhasi nderekurangarira kukosha kwakaita kugona kunyora nekuverenga. Asi zuva iri racherechedzwa nhasi pasi rose rakatarisana nedenda reCovid-19 iro riri kuvhiringa dzidzo munyika dzakawanda. Mumwe mudzidzisi ari nhengo yeProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRosten Mutapa, vati denda reCovid-19 riri kutadzisa vana vakawanda kuti vadzidze sezvo zvikoro zviri kuvharwa nguva dzakawanda, uye vabereki vasina mari dzekuti vana vavo vashandise madandemutande.\n\nMutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vatiwo dambudziko reCovid-19 riri kutadzisa kuti vana vatange chikoro vave nezera rinodiwa uye vamwe vachatorega chikoro sezvakaita vamwe miriyoni imwechete kubva gore rapera.\n\nMutauriri weZimbabwe Teachers Association, VaGoodwill Taderera, vati kudzidza kuburikidza nepamaredhiyo hazvishande sezvo vana vasina zvikwanisiro zvikuru vana vekumaruwa.\n\nAsi mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube, vati nyaya\nyechirwere cheCovid-19 haisi iyo iri kutadzisa kuti vana vasadzidze\nsezvo vana vari kudzidza mudzimwe nyika munguva ino yeCovid-19.\n\nMutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati hurumende\niri kuedza zvikuru kupa mukana wekudzidza kuvana kuburikidza nekudzidza pamadandemutande pamwe nemaredhiyo.\n\nZuva reInternational Literacy Day rakatanga kucherechedzwa mugore ra1966 uye mhemberero dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira\nrekuti:“Literacy for a human-centered recovery: Narrowing the digital\ndivide”. No media source currently available https://www.voashona.com/a/international-literacy-day-observed-amid-adverse-effects-caused-by-the-pandemic/6217887.html +health ZCTU Inoudza Dare Kuti Mushandi Haafanirwe Kumakidzwa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZTCU, raenda kumatare nechikumbiro chechimbichimbi chekuti vashandi vasamanikidzwe kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 richiti zviri kuitwa pari zvino zviri kutyora kodzero dzevashandi. ZCTU yaendesa kudare gurukota revashandi, VaPaul Mavima, gweta guru rehurumende, VaPrince Machaya, pamwe nemamwe makambani ari kurambidza vashandi vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 kuenda kubasa. Makambani aya anosanganisira makambani ehurumende anoti NetOne neZimbabwe National Road Administration kozitiwo makambani akaita seWindmill, Zimnat Insurance, SeedCo Zimbabwe pamwe neManicaland State University of Applied Science. Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti vaenda kudare mushure mekuwana zvichemo zvakawanda kubva kuvashandi vari kurambidzwa kushanda nekuti havana kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19. VaMoyo vati vanhu vane zvikonzero zvakasiyana siyana zvekuti vasabayiwe zvinosanganisira kutoshaya nhomba dzacho. Vatiwo hazvina zvazvinobatsira kuti makambani aya anorambidza vashandi vasina kubayiwa kushanda asi vatengi vemakambani aya vachibvumidzwa kupinda mukambani aya vasina kubayiwa izvo vati rusarura rwunifanuira kumiswa. Vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende iri kuramba yakapeta maoko kodzero dzevanhu dzichitsikwa tsikwa. Mutungamiriri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vaudza Studio 7 kuti pana nhengo dzavo dziri kutora matanho ekuchetedza hutano hwevashandi. Dr Murefu vati sekuziva kwavo hapana vashandi vari kudzingwa basa nekuti havana kubayiwa nhomba vachiti vari kungonzi vagare kumba kuitira kuti vasaparadzire chirwere ichi kune vaya vakabayiwa. VaMavima vaudza Studio 7 kuti vari kupikisa chikumbiro cheZCTU kudare. Vati kuenda kumatare handiko kungagadzirisa nyaya iyi vachiti hurumende, vashandi nevashandirwi vanofanira kuita nhaurirano dzekugadzirisa nyaya iyi pasi peTripatite Negotiating Forum. Vatiwo zvakakosha kuti vashandirwi nevashandi vataurirane mumakambani avo. Vatiwo denda reCovid-19 riri kupedza vanhu pasi rese uye hurumende haingaregi vanhu vachipera nekuda kwekuti pane vamwe vasingade kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19. Dare repamusoro rinotarisirwa kutara zuva rekuti nyaya yeZCTU ichanzikwa rini svondo rinouya. Zimbabwe inoti iri kuronga kubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzanakuitirakuti Covid-19 isarambe ichipararira munyika. https://www.voashona.com/a/zctu-take-employers-to-court-for-forcing-workers-to-be-vaccinated/6010356.html +health Kuramwa Mabasa kwaVana Chiremba Kwava neMazuva Makumi Matatu neMaviri Vanhu vakawanda vanonzi vari kufa muzvipatara zuva-nezuva sezvo vana chiremba vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nezvikwanisiro zvinoita kuti vakwanise kuita basa ravo. Varwere vanonzi vari kufa muzvipatara nekushaya anovapa mishonga uku hurumende nanachiremba vachikakaVadzana panyaya yemari dzemihoro. Mugari wemuHarare, VaTendai Chapeyama, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira mushe muzvipatara zvikuru zvehurumende zvakaita secheParirenyatwa umo varwere vari kuswera varere muzvipatara vasina kana rubatsiro rwavari kuwana. Amai Nomalanga Chemhere avo vane murwere ari muchipatara vanoti vave kutorapisa murwere kunana chiremba vakazvimirira asi izvi zvave kuvadhurira. Muzvare Primrose Chimimba vakurudzirawo hurumende kuti igadzirise nhuna dzanachiremba kuitira kuti vanhu vasarambe vachirasikirwa nehupenyu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti vanhu vangani varasikirwa nehupenyu hwavo kuburikidza nekuramwa mabasa kwavana chiremba. Kuramwa mabasa uku nemazuva rechimakumi matatu nemaviri. Asi Amai Chemhere vati kana vanachiremba vari kuramwa mabasa vasingdadi kudzoka kumabasa, zviri nani hurumende ibvise vana chiremba ava pabasa yoisa vamwe vanhu vakaita savana chiremba vechisoja vazobatsira vanhu muzvipatara. Vamwe vana mukoti vatataura navo vanoti vanga vachidzoserwa kudzimba nevakuru vavo sezvo muzvipatara manga musina vanachiremba. Zvichakdai, mumwe chiremba wepaParirenyatwa watataura naye, VaWallace Hlambelo, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa nhuna dzavo. Kusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara kwabva kwawedzera kuipa sezvo vana chiremba vakuru vave kuramwawo mabasa vachiti havakwanise kuitawo basa ravo nemazvo kana vana chiremba vadiki vasiri parutivi pavo. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakaudza vatori venhau neChipiri kuti hurumende yakabvuma kutambira dzimwe nhuna dzanachiremba asi kwete dzose. Vakatiwo hurumende haina mari yekunze yekubhadhara vana chiremba ava sezvavari kuda izvo zviri kuramba kutambirwa nana chiremba ava. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-doctors-strike-enters-day-32/4727672.html +health Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reWorld Cancer Day Zimbabwe inoti sedzimwe nyika pasi rese dambudziko rechirwere chegomarara riri kuramba richikura huye zvakakosha kutsvaka nzira dzekuti vese vanobatwa nechirwere ichi vakwanise kurapiwa. Vachitaura pamhemberero dzekucherechedza zuva rechirwere chegomarara pasi rose reWorld Cancer Day muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika vari zvakare gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vati chirwere chegomarara idambudziko munyika huye hurumende iri kutsvaka nzira dzekubatsira vese vanobatwa nedenda iri. VaChiwenga vati mugore ra2018 chete vanhu zviuru zvinomwe nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevana vakabatwa nechirwere chegomarara munyika. Vatiwo kurwisa chirwere ichi zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe vachiti vanhu vazhinji munyika vari kubatwa chirwere ichi chatodzika midzi. VaChiwenga vati mugore ra2017 vanhu vana muvanhu gumi vaibatwa nechirwere ichi vairasikirwa nehupenyu. Vatiwo munyika dzisina kubudirira seZimbabwe vana vasere muvana gumi vanobatwa nechirwere chegomarara vanoshaya asi kunyika dzakabudirira vaviri muvana gumi ndivo vanofa nechirwere ichi. Vatiwo sezvo mishonga yekurapa chirwere ichi ichidhura huye nzvimbo dzekurapira chirwere ichi dzirishoma huye dziri mumaguta chete, hurumende yakazvipira kuwanisa mishonga yegomarara pachena. Vati izvi ndozvakaita kuti mubhajeti yegore rino kuiswe homwe padivi yekubatsiridza mukurwisa chirwere chegomarara sezvinongoitwawo mukurwisa chirwere cheHIV/Aids. VaChiwenga vatiwo hurumende ichange ichiitisa zvidzidzo zvemachiremba egomarara pamwe nevakoti kuitira kuti vakwanise kubatsira veruzhinji, kuramboenderera mberi nekubaya nhomba yeHuman Papilloma Virus (HPV) kuvanasikana vari pakati pemakore gumi negumi nemana senzira yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko. Vatiwo kuvhenekwa kwechirwere chegomarara kucharamba kuchiitwa uye kuwaniswa kwemishonga nezvekurapisa gomarara kucharamba kuchisimbaradzwa. Vachipawo humbowo hwavo mushure mekurwara negomarara rechibereko pamhemberero dzanhasi, Amai Busisiwe Moyo vati kurapwa gomarara munyika mutoro. Izvi zvatsigirwaro nemukuru weKidzcan VvaDaniel Mckenzie, avo vati kusaenzana kwemikana pakati pevanowana nevanoshaya kuri kukonzera ndufu dzakawanda kuvana. Vatiwo pane mukana wakakura wekuti vana vanobatwa negomarara varapwe vachipora asi nyaya yehurombo inoita kuti vazhinji vasakwanise kuwana mishonga pamwe nekuongororwa nekurapwa. Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, Dr Alex Gasasira vatsigirawo kuti zvakakosha kuti vanhu vese vakwanise kuwana mukana wekuongororwa, kurapwa pamwe nekuwana mishonga zvisinei nekwavanenge vari munyika. Mutauriri weCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa vaudzwo Studio 7 kuti vari kukurudzirawo kuti munhu wese agone kurapwa zvisineyi nekunobva kana mamiriro akaita munhu. Vatiwo zvakakosha kuti mishonga yegomarara ibve kuhurumende vachiti pamusoro pekudzikisa mitengo zvinoitawo kuti iwanike kuzvipatara zvehurumende. Zuva rechirwere chegomarara rinocherechedzwa musi wa4 Kukadzi gore negore. Dingindira regore rino kusvika 2024 riri kukurudzira kuti vanhu vese vakwanise kurapwa kana kuti Closing the Cancer Care Gap. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-world-cancer-day-commemorations-rutendo-mawere/6427199.html +health Vanhu Voziya neNzara kuManicaland Vanhu vakawanda mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nenzara inotyisa sezvo zvirimwa zvavo zvisina kuita zvakanaka nepamusana pekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze. Vanhu vakawanda mudunhu reManicaland vanoti vakatarisana nenzara inotyisa sezvo zvirimwa zvavo zvisina kuita zvakanaka nepamusana pekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze. Vagari vekuMarange, Chakohwa pamwe nekuHotsprings mudunhu re Manicaland vanoti vava kurarama nemichero yemusango. Mumwe wevagari ava, VaTimothy Sigauke vemudunhu rekwaChakohwa, vanoti havasati vatanga kuwana rubatsiro rwezvekudya mudunhu ravo. Mumwe mugari wekuMarange, VaElisha Chibuwe, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nevana vari kutadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushaya chekudya. Kunyange hazvo hupfu huri kuwanikwa muzvitoro zvemunharaunda iyi, Muzvare Abigail Chibuwe vanoti havana mari yekutenga hupfu hwemuzvitoro uhwu. Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti kuchinja kwemamiriro ekunze ndiko kuri kukonzera kusanaya kwemvura zvakaringana, uye kupisa kwakanyanyisa kuri kusiya zvirimwa zvizhinji zvatsva. Nyanzvi idzi dzinoti kupisa kwakanyanyisa uku, kana kuti El Nino, hakusati kwamboitika muZimbabwe kwemakore makumi manomwe nemashanu, uye kuchasiya goho regore rino rakadzikira zvakapetwa kaviri zvichienzaniswa negoho regore rapera. Hurumende inoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu munyika vanoda rubatsiro rwezvekudya,asi nekubooka kwehomwe yenyika, Zimbabwe, iyo inoda mari yechikafu inosvika bhiriyoni nemazana mashanu emamiriyoni emadhora, inogona kutadza kupa chikafu vese vanoda rubatsiro. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatara nzara sedambudziko rakaipisisa munyika vakakurudzira masangano anobatsira kuti abatsire nepaanogona napo pose kuwanira vanhu chikafu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-hunger-in-manicaland/3216566.html +health Vadzidzi Vanomwe Vanobatwa neCovid-19 paChikoro chePrince Edward muHarare Vamwe vabereki vanonzi vatanga kubvisa vana vavo pane chimwe chikoro muHarare mushure mekunge vamwe vadzidzi vepachikoro ichi vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19. Gwaro raburitswa nemukuru wechikoro chePrince Edward High School chiri muHarare, Va A.G. Gora, rinoti mushure mekuongororesa vadzidzi vepachikoro chavo nezuro, vana vanomwe vawanikwa vaine chirwere cheCovid 19 uye havasati vawana zvakabuda mukuongororwa kwevamwe kunyange hazvo vadzidzi vese vakaongororwa. VaGora vati vadzidzi vawanikwa vaine chirwere ichi vapatsanurwa kune vamwe vana uye vamirira kunzwa kubazi rezvedzidzo pamusoro pedambudziko ravasangana naro iri. Mumwe mubereki ane vana vanodzidza pachikoro ichi, Amai Revai Gambe, vati vaona zvakakodzera kuti vambobvisa vana vavo pachikoro kudzamara hurumende yatora matanho akasimba ekuti vana vavo vasabatwe nechirwere cheCovid 19. Mumwe mubereki ane mwana anodzidza pachikoro apa abvisawo mwana wake pachikoro apa nhasi, uyo aramba kudomwa nezita, akurudzira hurumende kuti ikurumidze kugadzirisa dambudziko iri kuitira kuti vana vasarasikirwe nenguva yedzidzo sezvo vana vakatora nguva yakareba vasingaende kuzvikoro zvichitevera kuvharwa kwakanga kwakaitwa nyika yose nekuda kwedenda reCovid 19. Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo harisati rave nedanho raratora panyaya iyi vachiti vachatevedzera zvinenge zvabva kubva kubazi rehutano. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vati bazi ravo ratumira vanhu kunoongorora mamiriro akaita zvinhu pachikoro apa kuitira kuti vagoona kuti votora matanho api. Pasvika Studio 7 pachikoro chePrince Edward vezvehutano vanga vachifirita chikoro chose. Zvichakadai, vamwe vedzisvondo vari pasi peZimbabwe Catholic Bishops Conference vabaiwa nhomba yeSinopharm pahurongwa hwanga huchitungamirwa nebazi rezvehutano vamwe vafundisi vachikurudzira kuti vose vanoita zvechitendero vabaiwe nhomba iyi kuitira kuti vazvidzivirire kuchirwere cheCovid19. Vabaiwa nhomba ava vafundisi mazana maviri nemakumi masere nevasere. Vanhu vakabayiwa nhomba kekutanga nezuro vakasvika zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, 5 269, kusanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabaiwa nhomba yekutamba vave zviuru makumi mana nezvipfumbamwe nemazana nemazana mana nevana (49 404) uye vabaiwa nhomba yechipiri vave zviuru zviviri nemazana mana nemakumi masere nevapfumbamwe (2489). Bazi rezvehutano rinoti kubva pakatanga chirwere ichi, muZimbabwe mave nevanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana manomwe nemakumi mana nevapfumbamwe (36 749) vakabatwa vaine chirwere ichi, uye vakapora vava zviuru makumi matatu nezvina nemazana mana nemakumi manomwe nevatanhatu (34476). Munyika mave nevanhu chiuru nemazana mashanu negumi nevatanhatu, 1 516, vafa nechirwere cheCovid 19 uye huwandu uhwu hunogona kukwira pachaburitswa mamwe mashoko nebazi iri nhasi manheru. No media source currently available https://www.voashona.com/a/chool-students-test-covid-19-positive-as-schools-open/5828588.html +health Varwere Votambura Hurumende naVanachiremba Vachinetsana Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende zvinoshandiswa neveruzhinji vasina mari kuti varapwe. Kusamira zvakanaka uku kwatonyanya kuwedzerwa nekuramwa mabasa kwavana chiremba avo vapinda musvondo retatu vachikanda mapadza pasi. Kunyange hazvo zvipatara zveParirenyatwa Group of Hospitals neHarare Central zvakavhurwa, hapana zvakawanda zviri kuitwa mukubatsira varwere sezvo vanachiremba vari kuramwa mabasa. Vari kubatsirwa chete ndevaya vanenge vachirwarisa kana vanenge vapinda mutsaona. Mota dzinotakura vanhu vanorwara, pamwe nedzavanhuwo zvavo, dzanga dzichitaukura varwere kubva pachipatara cheParirenyatwa vachienda kune zvimwe zvipatara. Vatataura navo vanoti vange vari kubvisa hama dzavo sezvo dzisiri kuwana rubatsiro pachipatara ichi. Mumwe wevanhu ava, VaWakefield Mlilo, vanoti ivo nehama dzavo vaburitsa muni’nina wavo muchipatara sezvo asina kumbobvira awona chiremba kubvira paakapinda muchipatara ichi nemusi weChina chapfuura. VaMlilo vanoti vave kuenda nehama yavo kuchipatara che All Souls Mission kwaMtoko. Amai Ruramai Phiri vanogara mumusha weRugare vanoti kubvira pakatanga vanachiremba kurwamwa basa, munzvimbo mavo mafa vanhu vaviri mushure mekushaiwa rubatsiro kubva kuchipata cheHarare Central. VaNesbet Nyoni avo vange vauya kuzoona hama yavo paHarare Hospital vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti zvipatara izvi zviri kudzorera varwere kudzimba dzavo vasina kubatsirwa kunyange vaye vanenge vapinda mutsaona. VaNyoni vanoti hurumende ngaigadzirise zvichemo zvana chiremba kuitira kuti zvinhu zvifambe muzvipatara. Mumwe mugari wemuHarare, VaJoseph Murawu, vanoti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzehuwori kuitira kuti ikwanise kubhadhara vanachiremba mari dzavari kuda. Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vakatanga kuramwa mabasa musi wa27 Gumiguru vachida kuti mari dzavanotambiriswa dziwedzerwe kubva pamadhora mazana maviri nemakumi masere kusvika pachuru nemazana maviri emadhora pamwedzi. Izvi zvavhiringa basa muzvipatara zvese zvehurumende uye kana vanotengesa mumigwagwa pazvipatara izvi vanoti basa ravo radzikira sezvo varwere nevanhu vanoenda kuzvipatara izvi vave vashoma. Vamwe amai vanoshandira paParirenyatwa vasina kuda kudomwa nezita vanoti bhizimisi ravo radzikira chose kubvira pakatanga kuramwa vanachiremba kuramwa basa. Hatina kukwanisa kunzwa divi revakuru vakuru vezvipatara izvi sezvo vati havana kupihwa mvumo yekutaura nevatori venhau kubva kubazi rezvehutano nekuchengetedzwa kwevana. Vana chiremba vari kuramwa basa vari kutarisirwa kuita musangano nevatori venhau mangwana apo vachazivisa zvabuda munhaurirano dzavari kuita nehurumende. Vamwewo vashandi vanoita zvehutano vatataura navo vakaita sana mukoti nevamwe, vasina kuda kudomwa nemazita vati vanotarisira kuti hurumende ichavawedzerawo mari vachiti vacharamwawo mabasa kana vasina kuwedzerwa mari mari dzavanotambira. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-health-chifera-parirenyatwa/2516522.html +health Zvinhu Zvichakaminama Muzvipatara zveHurumende Apo kudzokera kubasa kwavana chiremba kwange kusati kwaziviswa kune veruzhinji neChina masiakati, vamwe varwere vange vachiburitswa nehama dzavo muchipatara chepaChinhoyi vachinorapirwa kumba sezvo muchipatara ichi manga musina vana chiremba. Zvinhu zvanga zvasvika pakaoma pachipatara ichi izvo zvange zvave kumanikidza vamwe vanhu kuti vatore hama dzavo vachinodzirapisa kunana chiremba vakazvimirira. Muzvare Tariro Chinogwenya, avo vanogara na amai vavo mumusha unogara veruzhinji weChikonohono, vaudza Studio7 neChina masikati kuti amai vavo vakadimurwa gumbo nezuro nachiremba wavakatora kubva kuHarare uyo vakabhadhara madhora ekuAmerica mazana mana. Muzvare Chinogwenya vati amai vavo vakanonokerwa kurapwa sezvo vari murwere weshuga izvo zvakazokonzera kuti vadimurwe gumbo. Muzvare Chinogwenya vati vakaisa amai vavo muwadhi yakatsaurwa iyo vati inodhura sezvo vari kubhadhara madhora makumi matatu ekuAmerica pazuva. Mumwe mugari, Amai Cleopatra Tsomondo, vaudza Studio7 kuti vakaburitsa murume wavo muchipatara cheChinhoyi nekuti ainge asingarapwe zvakakwana. Amai Tsomondo vati mari yavari kubhadhara chiremba akazvimirira nemishonga yakawanda zvikuru. Mumwe murwere adzoserwa kumba nhasi, VaErick Madzimbamuto, vati vadzoserwa kumba vachinzi pachipatara hapana vanachiremba. Mumwe murwere anoda kuzivikanwa nezita rekuti Tawanda ati zvave pachena kuti vana mukoti havachashande sezvavanofanirwa kuita. Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Wencilus Nyamayaro, vati chipatara chemuChinhoyi chakaremerwa zvakanyanya sezvo varwere vematunhu madiki vachiendeswa pachipatara ichi. Mukuru wechipatara chemuChinhoyi, Dr Collet Mawire, vatiwo madhokotera anga asati ave pabasa panguva yashanyirwa chipatara ichi neStudio7. Vanhu vakawanda vari kutarisira kuti vana chiremba vachadzokera pamabasa avo nechimbi chimbi zvichitevera kumiswa kwaitwa kuramwa mabasa uku nesangano ravo reZimbabwe Hospital Doctors Association. No media source currently available Zvichakadaro, mubati wehomwe muZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Prince Butau, vaudza Studio 7 kuti pachine zvinhu zvakawanda zvichiri kutauriranwa nehurumende sezvo zvichemo zvavo zvizhinji zvisati zvagadziriswa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-hospital-doctors-association-returns-to-work/4737526.html +health Kukwira kweHuwandu hweVane Covid-19 Kwoita Kuti Hurumende Ikurudzirwe Kuvheneka Vanhu Vakawanda Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri, kana kuti 3 092, vakabatwa nechirwere charura pasi rose cheCovid-19, uye huwandu hwevanhu vafa hwakakwira kusvika pamakumi mashanu nevatatu, kana kuti 53. Bazi iri rakazivisawo kuti huwandu hwevanhu vakanga vapora kusvika nezuro hwakanga hwave pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevana, kana kuti 924. Vanhu vanosvika mazana maviri negumi nevatatu kana kuti 213, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zvitatu nezana nemakumi mapfumbamwe nemumwechete, kana kuti 3 191, vakavhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi. Dunhu reHarare ndiro riri pamusoro pahuwandu hwevanhu vane chirwere ichi, riine vanhu vanosvika chiuru nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 1 075, richiteverwa nedunhu reBulawayo, iro rine vanhu mazana masere nevashanu kana kuti 805 vabatwa nechirwere ichi kusvika nemusi weChina. Makambani akawanda munyika anonzi ari kumbovhara zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vashandi vaine chirwere ichi. Nemusi weChitatu, kambani yemabhazi yeZUPCO, iyo inove ndiyo chete ine mvumo yekutakura veruzhinji munguva ino yemutemo unorambidza kufamba famba kwevanhu, yakazivisa kuti vashandi vayo gumi vakanga vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa nevashandi vebazi rezvehutano. Izvi zvinonzi neimwe nyanzvi yezvehutano vari chiremba, Dr. Edgar Munatsi, hurumende inofanirwa kusimbisa hurongwa hwekutevera vese vakambosangana nevashandi ava pamwewo nevanho vose vari kuwanikwa vaine chirwere ichi, uyewo vose vanofamba nemabhazi eZUPCO vanofanirwa kuvhenekwawo kuti havana chirwere ichi here. Dr. Munatsi vanoti hurumende inofanirwa kutarisisa zvakare hurongwa hwayo hwekuti ZUPCO ndiyo chete inofanirwa kunge ichitakura veruzhinji munyika, kuitira kuti ibvumidzewo vamwe vane dzimotokari dzavo kutakurawo vanhu. Johns Hopkins University Hospital yemuno muAmerica inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemanomwe nezviuru mazana matatu kana kuti 17.3 million vabatwa nechirwere ichi pasi rose, icho chaurayawo vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi manomwe nezvitatu kana kuti 673,000 pasi rose. Dr. Munatsi vanoti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kuongororwa kana vaine chirwere cheCovid-19 pazuva hwave kuwanda, hurumende inofanirwa kutokwinya kuti iwedzere kuitira kuti irwisane nechirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-coronavirus-update-3092-doctor-edgar-munatsi/5525274.html +health Vakoti Vakawanda Vari Kubatwa neChirwere cheCovid-19 Vachiita Basa Ravo Sangano revakoti reZimbabwe Nurses Association rinoti riri kushushikana zvikuru nekukundikana kwehurumende kupa vashandi vemuzvipatara zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19. Izvi zvinotevera kubatwa kwevakoti gumi nevasere nechirwere ichi pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kana kuti UBH mushure mekurapa mumwe murume ainge aine chirwere ichi. Mwedzi wapera vamwe vakoti gumi nevana vakabatwa nechirwere ichi pachipatara cheMpilo. Vamwe vashandi vemuzvipatara paUBH kusanganisira vakoti navanachiremba makumi matanhatu nevasere vakambomanikidzwawo kumbogara kudzimba mushure mekurapa mumwezve murwere weCovid-19. Mutauriri wesangano ravanachiremba vakuru reSenior Hospital Doctors Association Dr Aaron Musara, vakaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakatonyanya kuipa kuzvipatara zvematunhu zvisina zvekudzivirira vashandi zvakakwana. Hatina kukwanisa kubata mukuru anoona nezvekurwisa chirwere ichi, Dr Agnes Mahomva, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mutungamiri musangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvakoti nevamwe vashandi vemuzvipatara. Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakwira kusvika pamazana masere nemakumi masere nevashanu, kana kuti 885. Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kushushikanawo nekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munharaunda hwakakwira zvakanyanya neChitatu sezvo pavanhu makumi mapfumbamwe nevasere vakabatwa nechirwere ichi, makumi mana nevasere vakachitapurirwa munharaunda pasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi munyika vave mazana maviri nevatanhatu, kana kuti 206. Vanhu vafa vachiri vapfumbamwe uye vavhenekewa chirwere ichi munyika yose vadarika zviuru makumi masere nezviviri kana kuti 82,000. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vakoti-vakawanda-vobatwa-necovid-19-muzvipatara/5496460.html +health Vagari vemuMaguta Voshora Makanzuru neKutadza Kuwanira Vanhu Mvura Yakachena Masangano anomirira vagari mumaguta nemadhorobha ari kushoropodza makanzuru achivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekutadzayekutadza kuwanisa vanhu mvura yakachena. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare nemusi weChina wakapindwa nemapazi ehurumende akasiyana siyana, makanzuru uye vagari vemumadhorobha. Sachigaro weCombined Harare Residents Association, VaSimba Moyo, vanoti musangano uyu wakabatsira kuti vakwanise kuonesana neve makanzuru nezvekukomba kwedambudziko remvura. VaAnoziva Muguti, mutungamiriri weMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti MURRA vati mudhorobha ravo kodzero dzevanhu dziri kumbunyikidzwa nekanzuru iri kuvavharira vagari mvura. Vemasangano aya vataura kuti makanzuru ari kutyora chikamu chechimakumi manomwe nemanomwe chebumbiro remutemo renyika icho chinopa vagari kodzero yekuwana mvura yakachena nguva dzose. Vamwe vakaita saVaPrecious Shumba, veHarare Residents Trust (HRT), vati mune dzimwe nzvimbo muHarare dzakaita seMabvuku, vanhu vatove nemakore akawanda vasingawani mvura. Vatizve mvura yemuguta mavo hainwike nekuti haisi kucheneswa zvakakwana nekanzuru yavo. Asi vanotungamirira bazi remvura mukanzuru yeHarare, Engineer Hosiah Chisango, vati kanzuru yavo inochenesa mvura vachisvitsa pachipimo chinodiwa ne bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano reWorld Health Organization. “Tinoshanda nemaresidents representative ose muno muHarare tichivaudza kuti mvura yedu yakachena ngavanwe.” Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kuonesana kuti quality yedu iri kuimprover, ikozvino 96% ye masamples atiri kutesta ari kupasa saka hapana hutachiona hunowanikwa.” Meya weguta reMasvingo, VaHubert Fidze vaudzavo musangano uyu kuti nyaya yekushwaikwa kwemari munyika nemariro ehupfumi hwenyika zviri kukanganisa makanzuru kuti ape vagari mvura yakakwana. “Dambudziko remvura sekuona kwandaita muno mukati meZimbabwe ririko sezvabuda mumusangano uno.” Vanotiwo, “Dambudziko guru riripo nderemari. Vanhu vawanda mumaguta asi supply yakaramba akadaro. Tine mari yatiri kuda kuti tiwedzere mvura asi mari hatisi kuiwana.” Vemasangano anomirira vagari vatenderana kushanda pamwe nevanotungamira maguta kuti vabude nemazano ekupedza dambudziko remvura, vachikurudzira kuti vagari vabhadhare mvura uye vemakanzuru vashandise mari iyi zvakanaka. Nyaya yekushaikwa kwemvura yakachena ndiyo inopa kuti nyika itarisane nematambudziko akaita serecholera uye typhoid. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3980494.html +health Vamwe kuMhangura Voramba Kubaya Nhomba yeCovid-19 Madzimai Akazvitakura neAri Kuyamwisa Vamwe vari kubaya nhomba kuMhangura, mudunhu reMashonaland West vari kupikisana nekurudziro yehurumende yekuti madzimai akazvitakura kana kuti ari kuyamwisa abayiwe nhomba yeCovid-19 kana hutano hwavo hwakamira zvakanaka. Mamwe madzimai audza Studio 7 kuti vari kudzoserwa kumba vasina kubaiwa nhomba yeCovid-19 vachinzi havabaiwe sezvo vakazvitakura kana kuti vachiri kuyamwisa. Amai Emilda Mwala avo vari kuyamwisa mwana wavo ane mwedzi mitanhatu vanoti vakadzoswa paMakonde Christian Hospital. Izvi zvinotsigirwa nemumwe mudzimai akazvitakura Amai Rutendo Makwara avo vanoti vakarambirwawo pakiriniki iri pedyo nekuGudubu kuMhangura. Mukuru anoona nezvedzidziso yehutano kana kuti Provincial Health Promotion Officer mudunhu reMashonaland West Dr George Kambondo vaudza Studio 7 kuti dunhu ravo harisi kubaya nhomba madzimai akazvitakura kana vari kuyamwisa. Dr Kambondo vanoti mhando yenhomba iri kushandiswa munyika iri kubva kunyika yeChina haina kuongororwa kuti inoshandiswa pamadzimai aya here pasina dambudziko.\n\nAsi mukuru anoona nezvechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti hapana chakaipa kuti madzimai akazvitakura kana ari kuyamwisa vabaiwe nhomba. Mashoko aya atsinhirwawo nevaive mukuru wechipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vati madzimai ari kuyamwisa anokwanisa kubayiwa nhomba uye vakatiwo madzimai akazvitakura asiri kurwarisa nezvirwere zvakaita seBP, shuga kana kunzwa dzungu anokwanisa kubayiwa nhomba. Hatina kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano vaDonald Mujiri avo vanga vachinzi vari mumusangano. Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti kusvika parizvino madzimai akazvitakura akabatwa nechirwere cheCovid-19 anosvika zvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana uye madzimai matatu akazvitakura vakafa nechirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vamwe-kumhangura-voramba-kubaya-nhomba-yecovid-19-madzimai-akazvitakura-neari-kuyamwisa/5979740.html +health Cholera Yopa Vanhu Kuti Vasabate Maoko paRufu Zvichitevera kubuda kwakaita chirwere chekorera mumisha inogara veruzhinji yeGlen View neBudiriro, bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, reEnvironmental Management Agency, EMA, rakapa vagari mabhini ekurasira marara anodarika zviuru makumi mashanu senzira yekumisa kupararira kwekorera, iyo yauraya vanhu vanodarika makumi. Bazi reEMA rinoti riri kushanda nekanzuru yeHarare mukuona kuti marara arasirwa munzvimbo dzakakodzera senzira yekuchengetedza hutano, uye kudzivirira kupararira kwechirwere chekorera. Mukuru anoona nezvekushambadza mabasa eEMA, VaLeon Mutungamiri, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vapinde mumisha inogara veruzhinji vachipa imba yega yega, bhini rekurasira marara. VaMutungamiri vanoti basa ravari kuita richaitwawo mumusha weBudiriro vachipa vagari mabhini pamwe nekuvadzidzisa zvakakoshera kuisa marara mumabhini, uye nzira dzinoiswa nadzo marara mumabhini aya. VaMutungamiri vanoti vari kupawo dzidziso kukanzuru yeHarare kuti ibvise marara ari mupombi dzinotakura mvura dzine tsvina, kuitira kuti madhireni aya asamise kufamba kwemvura inenge yanaya. Vakomana nevasikana vari kushanda neEMA vanoti dambudziko riripo nderekuti vanhu vari kurasira mashizha mumadhireni anofamba nemvura. Vanoti mashizha aya anogona kuchengetwa zvakanaka kuitira kuti ave mufudze, kwete kuarasira munzvimbo dzinofamba nemvura. Mumwe mugari wemuGlen View, Amai Annatolia Mahwindi, vanoti kanzuru inouya kamwe chete pamwedzi kuzotakura marara. Vanotiwo vari kufara nerubatsiro rwemabhini avakapihwa neEMA. Mumwe mugari wemumusha uyu, Va Enos Mahwindi, vanoti vakafara zvikuru nedanho rakatorwa neEma nokuti rinodzidzisa vagari nezvehutsanana kuitira kuti chirwere chekorera chisapararire. Mumwe mugari, Amai Tsitsi Mutekede, vakaratidzawo kufara nemabhini avakapihwa, vachiti vava kuwana pekurasira marara, izvo zvichaita kuti nzvimbo yavanogara, igare yakachena. Mutauri weHarare City Council, VaMichael Chideme, vanoti hachisi chokwadi kuti kanzuru iri kutadza kutakura marara munzvimbo dzinogara veruzhinji. Vanotiwo marori ekanzuru ari mubishi rekubvisa marara akarasirwa pese pese kuGlenview. Meya mutsva weHarare, VaHerbert Gomba, vakatsinhira mashoko aVaChideme izvo zviri kupesana nezviri kutaurwa nevagari vemuGlen View. https://www.voashona.com/a/cholera-yopa-vanhu-kuti-vasabate-maoko-kurufu/4595000.html +health Vaive Mukuru weBulawayo Polytechnic Engineer Mabasa Vakashaya neCovid-19 Voradzikwa Mukuru wechikoro cheBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mzenzi Mabasa avo vakashaya nemusi weChishanu nechirwere cheCovid-19 kuArundel Hospital chiri pe kuUnited Bulawayo Hospital’s vakaradzikwa nemusi weSvondo kuBulawayo kumarinda eAthlone. Vachitaura nebepanhau reSunday News, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira vati VaMabasa munhu ainge ari mbariro munyaya dzedzidzo sezvo ainge akazvipira kuvandudza dzidzo munyika uye nyika yarasikirwa zvikuru. Engineer Mabasa vaizivikanwa zvikuru nerekuti “The Teacher” semunhu aida kudzidzisa vanhu zveshoko raMwari nehupenyu. Vange vave nemakore makumi matanhatu nemashanu ekuberekwa. Vakazivisa musi wa 6 Nyamavhuvhu kuti vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19. VaMabasa vasiya mudzimai nevana vatanhatu. Mumwe akashanda naEngineer Mabasa inhengo yeparamende yeMDC Alliance yaive sachigaro wedzidzo VaDaniel Molokele. Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe kana kuti 4, 390. Vanhu zana nemakumi matatu nemumwe vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi maviri nemana zvine mazana matatu nemakumi matanmhatu nemanomwe kana kuti 124, 367. Vanhu mazana maviri nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 226 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zana rezviuru negumi nemazana manomwe nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 110, 775. Bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu zvine makumi mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemazana matatu nemakumi masere nemumwe kana kuti 1, 596 381 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kapiri sezvinotarisirwa. Vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu negumi nematanhatu zvine mazana matatu nemakumi mashanu nematatu kana kuti 2, 513, 353. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kutin inyatsoshanda zvinotarisirwa kudzivirira kuparira kwechirwere cheCovid-19. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vaive-mukuru-webulawayo-polytechnic-engineer-mabasa-vakashaya-necovid-19-voradzikwa/6077990.html +health Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 Hworamba Huchikwira Hurumende yakazivisa neChitatu kuti huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevashanu vaine chirwere ichi. Vanhu vakavhenekwa chirwere ichi nezuro vanosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu negumi nevaviri, kana kuti 2 612. Vanhu vakanga vapora kubva kuchirwere ichi kusvika nezuro vaive mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 395, uye vashaya vachiri makumi maviri. Mumwe chiremba, Dr Edgar Munatsi, avo vari ku Britain, vanoti dambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vave kuwanikwa vaine chirwere ichi, zvikuru muvanhu vagara vari munyika, richanetsa kudzivirira nekuti vanhu vanga vasiri kutevera zvakadzama mitemo yekuvhara kumeso pamwe nekugeza maoko. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-dr-munatsi-explains-spreading-covid-19-infections/5504969.html +health Vabereki veMwana Ane Chirwere cheChiropa Vokumbira Rubatsiro Hupenyu hwemwanasikana Manqoba Mabhena, uyo akaberekwa aine chirwere chechiropa chinonzi Biliary Atresia huri kuramba huri panjodzi sezvo vabereki vake vasati vawana mari yekuti ainde kunorapwa kuIndia. Amai vaManqoba, Muzvare Shamiso Yikoniko vanoti vana chiremba vakavataurira kuti chiropa chemwana chinogona kumira kushanda chero ipi nguva kana akasarapwa nekukurumidza. Vanoti vanoda mari inosvika zviuru makumi mana nematatu ($43,000) yekuti vainde kuIndia kunorapisa mwanasikana wavo. Asi pare zvino vanoti vawana mari inokwana chiuru gumi nemasere ($18,000) chete. Naizvozvo, Muzvare Yikoniko vari kukumbira rubatsiro kumhuri yeZimbabwe. Vanoti zve vanoda kubatsira vanogona kuisa mari mubhuku ravo rebhanga reFBC. Account number yavo inoti 3070070770125. Munogona zve kushandisa Ecocash muchishandisa number dzinoti 0772 935 224. No media source currently available https://www.voashona.com/a/chikumbiro-anogona-kushaya-mwanasikana-manqoba-kana-mukasamubatsira/3551151.html +health Mabhizimisi Akagarwa Matunduru neCovid19 Anoti Dambudziko reMagetsi Rauya Panguva Yakaipa Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti Zimbabwe haisi kuzokwanisa kuti hupfumi hwayo hukure nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana nekuda kwekushaikwa kwemagetsi. Zesa yakazivisa kuti inenge yodzima magetsi kwemaawa gumi nemaviri pazuva sezvo magwenya ayo asiri kushanda zvakanaka. Kambani iyi inoti iri kuwana magetsi mashoma kubva kugwenya rinoshandisa marasha reHwange uye iri kugadzirisawo magwenya anoshandisa mvura kuKariba. ZETDC inotiwo magetsi airi kutenga kubva kuMozambique neSouth Africa mashoma pane ari kudiwa. Mushure mekutatarika kwemakore maviri nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura uye chirwere cheCovid-19, gurukota rezvemari Muzvinafundo Nthuli Ncube vakati vanenge vachitarisira kuti hupfumi hwenyika huchakwira zvakanyanya gore rino. Bhanga guru rinokweretesa mari pasi rose reInternational Monetary Fund rinoti kana zvihu zvose zvakaringana, hupfumi hweZimbabwe huchakwira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana. Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi vari mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti nyaya yemagetsi igangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu vati hurumende yakundikana kugadzirisa dambudziko remagetsi kwemakore anodarika makumi mana. Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChris Mugaga, vatendawokuti magetsi anokwanisa kugwadamisa hupfumi hwenyika. Vati vemabhizimisi vachanyanya kuomerwa sezvo vachiri kuyedza kubuda mumadhaka mavari zvakonzerwa nechirwere cheCovid-.19. Vachipawo pfungwa dzavo, pakugadzirisa dambudziko, vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vati hurumende inofaira kubuda negwara rakajeka kusanganisirawo kukurudzira vanhu kushandisa simba rezuva uye kugadzira mamwe magwenya. ZETDC inotiwo nzvimbo dzakakosha dzakaita sezvipatara, kunocheneswa mvura yekunwa uye kunzvimbo dzinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika ndidzo dzichawana magetsi. Hatina kukwanis akubata gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vemabhizimisi-vagara-vakagarwa-matunduru-necovid19-vanoti-dambudziko-remagetsi-rauya-panguva-yakaipa/6226133.html +health Meya weBulawayo Okurudzira Vanotengesa Kuita Hutsanana Vanoita mabasa ekutengesa muguta reBulawayo vaita musangano wekuonesana nekunzwana pfungwa nameya weguta iri, uye vari kanzura weWard 3, VaMartin Moyo. Nyaya dzakurukurwa mumusangano uyu dzinosanganisira dzekutorerwa kunoitwa vanotengesa zvinhu ava nemapurisa, mitero, nzvimbo dzekutengesera, mitemo mitsva inonzi iri kuda kudzikwa pamwe nehwaro hungatungamira vanotengesa ava huri kuronga kuumbwa. Asi vamwe vapinda mumusangano uyu vanonzi vakurudzirawo kanzuru yeguta reBulawayo kuti ikoshese raramo yevanhu, kwete kukoshesa kuchengetedzwa kwezvivakwa pamwe nemigwagwa vachikanganwa vanhu. Asi VaMoyo vanoti kanzuru yavo yanzwisisa zvose zvataurwa mumusangano uyu, asiwo vati zvakakosha zvikuru kuti vanorarama nekutengesa zvinhu ava vakoshesewo nzvimbo dzavanoshandira kuburikidza nekudzichenesa. Meya Moyo vanoti guta ravo harisati zvaro rasangana nedambudziko revanotengesera mukati meguta zvisina mvumo, sezvo vanotengesa zvinhu ava vachitengesera munzvimbo dzavakapiwa dziri kumucheto kweguta. Musangano uyu wapindwawo nevamiriri vemasangano anosanganisira reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, pamwe neBulawayo Agenda. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-bulawayo-vendors/2729102.html +health Zimbabwe neBotswana Dzoita Mushandira Pamwe paCovid-19 Zimbabwe neBotswana dzakaita chibvumirano chekubairana nhomba yeCovid-19 zvizvarwa zvadzo zvinogara munyika mbiri idzi. Izvi zvakaziviswa negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, avo vakati danho iri rakatorwa nokuti chara chimwe hachitswanyi inda. VaShava, avo vari murwendo rwemazuva matatu ekubvakachira nyika nhatu dzinoti South Africa, Botswana neNamibia, vakati hurongwa uhu hwakabvumiranwa mumusangano wavakaita negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, VaLemogang Kwape. Kuburikidza nehurongwa uhu, VaShava vakati nyika mbiri idzi dziri kutarisira kusvika pachinhanho chekuti kupararira kwedenda iri kuve kushoma nekukurumidza. Vakatiwo kana nyika mbiri idzi dzikakwanisa kuderedza kupararira kweCOVID-19, musangano wechitatu weZimbabwe/Botswana Bi-National Commission uri kutarisirwa kuitirwa mudhorobha reVictoria Falls mumwedzi mishomanini iri kutevera. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeBotswana panyaya iyi nokuti VaKwape vanga vasingabatike panharembozha yavo sezvo vari murwendo rwekubvakachira Lesotho. Nyanzwi munyaya dzehutano uye vari chiremba pachipatara chikuru cheNyangabgwe Referral Hospital mudhorobha reFrancistown, VaTarisai Garanevako vaudza Studio7 kuti Zimbabwe ndiyo ichakohwa pahombe kuburikidza nechibvumirano ichi. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nekutenga nekutengesa mudhorobha reGaborone, Muzvare Florence Manzungu, vagamuchira hurongwa uhu vachiti COVID-19 inotoda kuisa misoro pamwe chete. Pari zvino, Botswana yabaya nhomba vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu ruzhinji rwavo vari vashandi vezvehutano, mapurisa, masoja nevebazi rinoona nekupinda nekubuda kwevanhu munyika. Nyika iyi ine vanhu vanodarikazviurumakumimashanu nemazabna masere vabatwa neCovid-19,uye vafa nechirwere ichi vari mazana manomwe nemakumi manomwe nevana. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-and-botswana-sign-covid-19-pact/5899913.html +health Makorokoza Oisa Hupenyu hweVagari veMasvingo paNjodzi neKuchera pedyo neDzimba uye Matangi eMvura Vamwe vagari vekuMasvingo vanoti vari kuronga kuendesa kanzuru yavo kumatare kana isina kubvisa mukati memazuva manomwe makorokoza ari kuchera goridhe pedyo nematangi emvura nedzimba dzavo sezvo vachigona kuzokonzera njodzi huru. Vagari vanoti matangi emvura anogona kutsemuka oyeredza dzimba dzavo zvinogona kukonzera rufu. Sangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), richimirirwa nemagweta aro ekwa Mutendi, Mudisi and Shumba, rinoti raendesa tsamba yeyambiro iyi kukanzuru. Gweta revagari Advocate Phillip Shumba vati kanzuru inofanira kutora matanho ekubvisa makorokoza aya nekuti ndiyo ine matangi emvura ari mugomo remumusha we Target Kopje. Matangi aya anotyirwa kuti akadhirika nekucherwa anogona kupa kuti dzimba dziri pedyo nawo dziyeredzwe nemafashamu emvura sezvo achinzi anotakura marita anosvika mamirironi gumi anopa dhorobha rose mvura yekushandisa. Amai Entrance Takaidza, vemumusha wekwaMajange, vanoti kunze kwenyaya yemvura makorokoza aya ari kushandisa zvinoputika achidhuura gomo zvopa kuti dzimba dzavo dzitsemuke uye kukonzera ruzha rwakanyanya. Meya wedhorobha reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti vari mubishi rekugadzirisa nyaya iyi. Mukuru webasa muMURRA, VaAnoziva Muguti, vanoti vanoti vatora danho iri nekuti hupenyu hwe vanhu hunogona kupinda munjodzi.. Asi mamwe makorokoza akataura ne Studio 7 anoti ivo vari kuchera mugo umu nekuti vari kusevenzera vakuru vakuru vezvematongerwo enyika avaramba kudoma nemazita. Mumwe mukorokoza ati anoda kuzivikanwa nekunzi Chinjiri, ati chavanoda imari zvematangi nedzimba dzevanhu havaneyi nazvo. Magweta eMurra ati aendesawo tsamba idzi kubazi rinoona nezve zvicherwa munyika neku hofisi yegurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira. VaShumba vati pakasabuda zviri kudiwa nevagari nyaya iyi inopedzwa nematare edzimhosva sezvo ine chekuita nekodzero dzevanhu dzakaita sehupenyu ne mvura. No media source currently available https://www.voashona.com/a/makorokoza-oisa-hupenyu-hwevagari-vemasvingo-panjodzi-nekuchera-pedyo-nedzimba-uye-matangi-emvura/5628752.html +health Nhamo Yoramba Yakabata Vamwe Vagari kuChimanimani Vamwe vagari vekuChimanimani vanodarika gumi nevaviri vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19. Izvi zvakaitika mushure mekunge hurumende yati vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi matanhatu vange vambotama musha nekutyira kuyeredzwa nemafashamu emvura vadzokere kumisha yavo yekumatende avari kugara kubva muna 2019 apo vakaparadzirwa misha nedutumupengo reCyclone Idai. Vanhu ava vakambotamiswa mushure mekunge dunhu iri rapindazve munzira yemafashamu emvura nemadutumupengo emhepo maviri kana kuti Tropical Storm Chalane yakarova muna Zvita, uye Tropical Storm Eloise mwedzi uno. Manicaland ndiro dunhu riri kutevera Harare pavanhu vakawandisa vari kurwara neCovid-19 pari zvino vanove mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevasere kana kuti 938. Hatina kukwanisa kubata sachigaro mubazi rekudzivirira njodzi kuManicaland kana kuti Civil Protection Committee chairperson, VaEdgars Seenza, vange vachitungamira hurongwa hwekubatsira vanhu ava. Asi tabata mumwe mugari wekuChimanimani kuNgangu VaPardon Maguta. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-manicaland-evacuwees-still-stranded-years-after-cyclone-idai/5755638.html +health Kubva Zvavhurwa Mabhodha, Vanhu Makumi Mapfumbamwe Vobatwa neCovid-19 Vabva kuSouth Africa Bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo. Pavanhu ava, makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi munyika vamwe makumi mashanu nevashanu vakabva nacho kuSouth Africa. Kubva zvavhurwa miganhu yenyika musi wa 1 Zvita, vanhu makumu mapfumbamwe vakabva kuSouth Africa vakawanikwa vaine chirwere ichi munyika. Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika vave zvuru gumi nemazana manomwe ane gumi nevasere. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zvuru zvisere nemazana masere nemakumi masere kana kuti 8, 880 zvichitevera kupora kwevamwe vanhu makumi matatu nevatanhatu nezuro. Vanhu vachiri kurwara vave churu chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mana nevanomwe kana kuti 1, 547. Vanhu vafa vachiri mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291 uye nezuro hakuna akarasikirwa nehupenyu. Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana maviri kana kuti 2, 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vasvika zvuru makumi mashanu nezvitatu zvine mazana mashanu nemakumi mana nevatatu kana kuti 53, 543. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezvuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1,9 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matanhatu nemanomwe kana kuti 67 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vafa muAmerica vadarika zvuru mazana maviri nemakumi masere nemaviri kana kuti kuti 282, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemana nezvuru mazana mashanu kana kuti 14, 5 million. Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1, 5 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nematatu kana kuti 43 million. https://www.voashona.com/a/kubva-zvavhurwa-mabhodha-vanhu-makumi-mapfumbamwe-vobatwa-necovid-19-vabva-kusouth-africa/5689851.html +health Mutemo Unorambidza Vanhu Kufambafamba Wotadzisa Vanorarama neHIV/Aids Kuwana Mishonga Yavo Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCentre for Natural Resource Governance, rinoti vamwe vanorarama nehutachiwana hweHIV vagere kumaruwa ari kure vari kukundikana kuenda kunzvimbo dzehutano dzavanositorera mishonga yavo yemaARVs. Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids vari vari kumaruwa vari kukundikana kuwana chekufambisa kuti vanotora mishonga yavo panguva ino yekurambidzwa kufamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus. VaMaguwu vanoti izvi zviri kukonzerwa nemutemo wakadzikwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, unorambidza vanhu kufambafamba kwemazuva makumi maviri nerimwe, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus. Vanoti matunhu avawana nyunyuto iyi anosanganisira reMutasa kuManicaland pamwe neHwange kuMatabeleland North. VaMaguwu vanoti mabhazi ari kubvumidzwa kufamba chete munguva yemushanda kwemutemo wekurambidza vanhu kufambafamba ndeehurumende eZUPCO, ayo vanoti haasvike kunzvimbo dzakawanda dzine vanhu vane matambudziko ava. Sangano reNational Aids Council rakazivisa svondo rapera kuti riri kukurudzira vanorarama nehutachiwana vose kuti vange vaine mishonga yemwedzi mitatu munguva ino yekusafamba kwevanhu kuitira kuti vange vakazvidzivirira zvakakwana. VaMaguwu vanoti sesangano, vanoona sekuti hurumende yaifanirwa kushanda nemasangano akazvimirira oga, uyewo kuti iendese mishonga iyi munzvimbo dziri kumaruwa idzi dzakaita sezvikoro nemakiriniki kuitira kuti vanhu ava vakwanise kuwana mishonga yavo pedyo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-coronavirus-antiretrovirals-farai-maguwu/5369757.html +health VanaMukoti Voramwa Mabasa kuChipatara cheMpilo Vamwe vana mukoti varatidzira paMpilo Hopital nhasi mangwanani vachiti havasi kusafara nemashandiro avo. Vana mukoti vange vachisvika zana vaungana kwenguva inoda kusvika awa imwe chete pamusiwo mukuru wechipatara ichi vachiimba vamwe vavo vakabata zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvichiratidza kusafara kwavo. Mukuru weZimbabwe Nurses Association mudunhu reBulawayo VaDonald Chidowore vati vari kutsutsumwa nedanho rekuti vave kunzi vashande kwemazuva mashanu pavhiki pane kuti vashande mazuva maviri sezvavari kuita pari zvino. Vati havawone chikonzero chekuti vashande kwenguva yakareba seizvi sezvo mari yavari kutambira isiri kuvakwanira uye vasina zvikwanisiro zvekushanda. Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Nurses Association VaEventhough Siziba avo vange varipowo pakuratidzira uku vati zvimwe zvinyunyuto zvavana mukoti zvinosanganisira kuti havakwanise kubatsira varwere zvakakwana sezvavanotarisirwa nekuti zvipatara zvakawanda munyika hazvina mishonga. Vatiwo hutano hwaana mukoti huri panjodzi sezvo vasingapiwe mishonga kana zvipfeko zvinovadzivrira kuzvirwere kunyanya panguva ino hutachiwana hwecoronavirus huri kupararira pasi rose. Vamwe vevana mukoti vange vari pabasa vazozodzokera pabasa papera kuratidzira uku. Vanoziva nezviri kuitika vaudza Studio 7 kuti vanamukoti vanzi vamboenderera mberi vachishanda mazuva maviri pasvondo kusvika nyaya iyi yagadziriswa nevakuru vakuru. Taedza kunzwa kubva kumukuru wemabasa ekurapwa paMpilo Dr Solwayo Ngwenya asi vati hapana zvavange vachikwanisa kutaura panyaya iyi nekuti vari pazororo pari zvino. Mukuru wechipatara VaLeonard Mabande vaudzawo Studio parunhare kuti vari kuHarare uko vari kumusangano webazi rezvehutano. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vaudza Studio 7 parunhare kuti vanganyatsoziva nezvekuti vana mukoti vanofanirwa kushanda mazuva managani munyori webazi iri Dr Agnes Mahomva asi tatadza kuvabata sezvo nherembozha yavo yange isingabatike. Vana mukoti pamwe navana chiremba munyika vave nenguva yakareba vachinyunyuta pamusoro pemashandiro avo uye kuti mari yemihoro yavanowana haivakwanire. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanamukoti-voramwa-mabasa-kuchipatara-chempilo/5321534.html +health Zvinhu Zvinonzi Hazvisati Zvagadzikana paChipatara cheMpilo Kunyange Vanachiremba Vakadzoka paBasa Kunyange hazvo vanachiremba vadiki vakazivisa munguva pfupi yapfuura kuti vave kudzoka pabasa, zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka pachipatara cheMpilo muBulawayo chinove ndicho chipatara chikuru chechipiri munyika. Pasvika Studio 7 pachipatara ichi pakati penguva dza12 na 3 masikati, pange pane madhokotera anoverengeka navanamukoti vakawanda vange vachiwona varwere kuzvikamu zvinorapa varwere vachibva kumba kana kuti Casualty neOutpatients. Vamwe vanamukoti vange vachionawo varwere mumawadhi akasiyana-siyana. Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti ave nemazuva maviri achiuya kuzoona hama yake iri kurwara pachipatara apa uye ati haazi kugutsikana kuti vanachiremba vadzoka pabasa nemwoyo yavo yose here achiti hama yake iyi haisati yanyatsotaurirwa navanachiremba ava kuti iri kunzweyi. Mumwewo murume angozvidoma nezita rekuti Nyoni atiwo ane hama yake iri muchipatara mekare. VaNyoni vati hama yavo iyi iri kuwonekwa navanachiremba asi vati dambudziko nderekuti vari kunzi vanotenga mishonga sezvo mishonga iyi isiri kuwanikwa pachipatara ichi. Dr Mthabisi Bhebe, munyori weMpilo Doctors Association variwo nhengo yeZimbabwe Hospital Doctors Association, vaudza Studio 7 parunhare kuti vana chiremba vadiki vave nenguva inosvika mwedzi vadzokera kubasa. Asi vatiwo sekuziva kwavo zvinhu hazvisati zvanyatsomira zvakanaka muzvipatara zvikuru munyika vachitiwo pane vanachiremba vadiki vanosvika makumi mashanu nevatatu vakasiya mabasa munyika yose uye kune vamwewo vakawanda vari kuda kusiya vachienda kumafuro manyoro. Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabande, vaudza Studio 7 kuti havasati vave kukwanisa kutaura kuti zvinhu zvakamira sei uye kuti ndivanachiremba vangani vadzoka pabasa kusvika pari zvino sezvo vachiri kuita ongororo. VaMabande vati vanofara kuti munguva pfupi yapfuura chipatara chavo chakakwanisa kuwana magwenya emagetsi anoita kuti michina inobatsira kurapa vane chirwere chigomarara ishande isingakanganiswe nekuenda kwemagetsi. Vati vanotarisira kuti izvi zvichabatsira varwere zvikuru. Chipatara cheMpilo chaive chine vanachiremba vadiki mazana maviri nevana uye panguva yekuramwa kwavo mabasa, vana chiremba makumi mashanu nemumwe ndivo vakadzingwa basa. Vanoziva zviri kuitika vanoti zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka nekuti vaive vadzingwa ava vanofanirwa kutanga vanyatsodzorwa pabasa zviri pamutemo uye izvi zvinogona kutora nguva. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mpilo-hospital-health-/5271980.html +health Mapurisa Mashanu Obatwa neCoronavirus Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti pane mapurisa mashanu akabatwa nechirwere cheCovid19 nemusi weMuvhuro. VaMangwana havana kutaura kuti mapurisa aya akatapurirwa chirwere ichi sei. Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano vachiita zvidzidzo zvepamusoro kuBritain, Dr Edgar Munatsi vakaudza Studio 7 kuti kubatwa kwemapurisa aya nechirwere ichi hakusi kuvashamisa nekuti vanofamba vari mumarori vasingatevedzere mitemo yekuti vasatapurirwe chirwere ichi. No media source currently available Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika hwakwira kusvika pamazana mashanu nemakumo mapfumbamwe nemumwe kana kuti 591. Izvi zvinotevera kubatwa nechirwere ichi kwevamwe vanhu gumi nevanomwe nezuro. Pavanhu ava pane gumi nevatatu vakabva kuSouth Africa, vatatu vakatapurirwa munyika uye mumwe chete kubva kuBotswana. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vanosvika zana nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 162. Vanhu vafa vachiri vanomwe. Kuwedzera kwehuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi huri kuuya apo vashandi vemuzvipatara vakawanda kusanganisira vanachiremba nevakoti vari kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambira. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo sesvo vasati vapindura mashoko atakavatumira nezvenyaya yekuramwa Mabasa kwevashandi vehurumende. Mumashoko kuvashandi vose vehurumende, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati vainge vawedzera vashandi mari zvakapetwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana uye kuti vaizovapa mamwe madhora manomwe nemashanu ekubatsirikana. Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 383,000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica. Vashaya vadarika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 9,691. Vapora vanodarika zviuru zana nemakumi masere nevatatu kana kuti 183,000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni gumi nezviuru mazana matatu kana kuti 10,3 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi ichiteverwa neBrazil. Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi maviri nemanomwe kana kuti 127, 000, vabatwa nechirwere ichi muAmerica vachidarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu, 2,6 million. Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana mashanu nemasere kana kuti 508,000. \nVapora vachidarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri kana kuti 5,2 million. https://www.voashona.com/a/mapurisa-mashanu-obatwa-necoronavirus/5483799.html +health Coronavirus Yovhiringidza Kucherechedzwa Zvakanaka kweZuva RaanaAmai Vanhu vakawanda pasi rose vavhiringidzwa zvikuru kucherechedza Zuva reMother’s Day sezvo vachiri vakazvivharira mudzimba nekutya kutapurirwa chirwere checoronavirus. Vakawanda vanoti vangotumira zvipo asi vamwe vachiti vangotaura nevanaamai vavo pambozhanhare uye vachazoita mabiko kana zvecoronavirus zvapera. Zuva rekutenda mabasa anoitwa naanaamai iri rinochercehdzwa musvondo rechipiri rwemwedzi waChivabvu gore roga roga. Muzvare Wendy Muperi avo vari kuIreland vati vanoda kutenda amai wavo vakavarera vari vashanu kunyangwe zvinhu zvainge zvakaoma. No media source currently available VaWhisper Ganya avo vari kuCape Town, South Africa vatendawo amai wavo vari kuMt Darwin vachiti vanoda kuvarangarira nezvose zvavakavaitira mukukura kwavo. No media source currently available Muzvare Netsai Marova vanogara kuMabvuku vati vanoda kuti Mwari aropafadze amai vavo nebasa guru rekuvachengeta. No media source currently available Izvi zvatsigirwawo naVaKumbirai Mafunda vari muHarare vati amai wavo vari kwaVumbunu, Manicaland nemamwe madzimai ose vakakosha zvikuru muhupenyu uye vakati vazvichengetedze munguva ino yecoronavirus. No media source currently available https://www.voashona.com/a/coronavirus-yovhiringidza-kucherechedzwa-zvakanaka-kwezuva-raanaamai/5413914.html +health Varwere Voshaya muZvipatara Sezvo Musina Varapi Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti richiri mubishi kuongora kuti huwandu hwevacheche nemadzimai vakashaya apo vaisununguka apo vana chiremba vairatidzira kutanga neChishanu hwakamira sei. Mutungamiri wavana chiremba ava, Dr Fortune Nyamande, vaudza Studio 7 kuti mari dzemihoro dzave kuoneka mumabhanga kunyangwe vachikwanisa kudzitora neChipiri chete. Mumashoko aburitswa nesangano ravana chiremba neravana mukoti reZimbabwe Nurses Association mushure memusangano wavakaita neMuvhuro, masangano aya ati achadzokera kubasa chete kana vabata mari yavo nemusi weChipiri. Vatiwo vanoda kuti vapihwe mabhonasi avo musi wa 31 Ndira. Asi vakuru vemamwe maasangano evashandi vehurumende vakasangana nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakaudzwa kuti hurumende haina mari uye mabhonasi angangopihwa vanhu mukati memwedzi mitanhatu. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kanawo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo. Dr Nyamande vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara. No media source currently available Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti dambudziko rekutadza kubhadhara vashandi hari kuvashamisa uye zvichatora nguva kuti hurumende irigadzirise. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zvematongerwo-enyika/3130474.html +health Munhu Mumwe Chete Ofa neCovid-19 kuBulawayo Asi kuMash.East neCental Hakuchina Ane Chirwere Ichi Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muBulawayo nMugovera. Izvi zvinoreva kuti vanhu vafa nyika yose vave mazana maviri nemakumi mana nevatatu kana kuti 243. Vanhu vashanu vakabatwawo nechirwere ichi uye vose vari muBulawayo makare munova mavakachitapurirwawo munharaunda zvekare. Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vave zviuru zvisere nemazana matatu ane makumi matanhatu nemanomwe kana kuti 8, 367. Vanhu gumi vakaporawo kubva kuchirwere ichi, uye vanomwe vacho vari muBulawayo vamwe vatatu kuMasvingo. Vapora nyika yose vave zviuru zvinomwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 7, 894. Vanhu vachiri kurwara mazana maviri nemakumi matatu kana kuti 230. Pavanhu vari kurwara ava, zana nevaviri kana kuti 102 vari muBulawayo uye makumi matanhatu nevatatu vari muHarare. Asi kuMashonaland East neMasvingo hakuchina kana munhu mumwe chete ari kurwara neCovid-19 parizvino. kuMashonaland Central kune munhu mumwe chete chete. Nezuro kwakavhenekwa vanhu mazana matanhatu nemakumi masere nemumwe kana kuti 681. Pavanhu ava, mazana mashanu nevatanhatu kana kuti 530 vari muHarare muBulawayo makumi mana nevapfumbamwe uye Manicaland makumi mapfumbamwe nevana. Ko chii chiri kupa kuti zvinhu zviite kunge zvisina kumira zvakanaka muBulawayo? Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira Chitungwiza Hospital, Dr Enoch Mayida vanoti vamwe vanhu vanonzi vanenge vabatwa nechirere ichi muBulawayo vanenge vari vemumamwe maguta asi vavhenekerwa mudhorobha iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/munhu-mumwe-chete-ofa-necovid-19-kubulawayo-asi-kumash-east-necental-hakuchina-ane-chirwere-ichi/5643497.html +health Vagari Vofarira Kuvandudzwa kweMabvuku Clinic Kuve Chipatara Kanzuru yeHarare ichishanda nemasangano akazvimiririra yakavandudza kirinika yeMabvuku kuve chipatara izvo zvoyemurwa zvikuru nevagari vekuMabvuku. Vagari vanoti kuvepo kwechipatara ichi kuri kuvabatsira zvikuru mukuwana kodzero yehutano nemutengo wakaderera. Chipatara cheMabvuku ichi chave nemishina inoshandiswa kuonekwa zviri mumuviri inosanganisira ma ultra sound scans ne radiological services. Pachipatara apa pave kuvhiyiwawo kusanganisira madzimai anenge ane pamuviri, kubviswa mazino pamwe nekutorwa maX-Ray. Kirinika iyi isati yave chipatara, vanhu vaitumirwa kuzvipatara zvakadai seHarare Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals. Amai Sandra Masiyiwa ndeumwe mugari wekuMabvuku. Amai Masiyiwa, avo vanga vachibva kuchipatara cheMabvuku kunorapisa mwana wavo, vanoti kusimudzirwa kwekirinika iyi kuti ive chipatara kwavarerutsira hupenyu sezvo zvobatsira mukurapwa kwavo pachipatara chiri pedyo navo. Izvi zvatsigirwa naMuzvare Caroline Kazingizi avo vaudza Studio7 kuti kuvapo kwechipatara ichi kwava kuderedza mari yavanoshandisa mukuwana hutano hwakanaka. Muzvare Kazingizi vanoti munguva shoma yapfuura vaiti vakasangana nematambudziko anoda maX-Ray kana kuvhiyiwa vaitonotsvaka rubatsiro kuzvipatara zvakadai seHarare Hospital neParirenyatwa izvo zvavanoti zvanga zviri kure navo huye pachidawo mari dzekufambisa kuenda kuzvipatara izvi. Mumwe mugari wekuMabvuku angoda kuzivikanwa nezita rekuti Obiama atiwo kuvapo kwechipatara pedyo navo kunobatsira kuchengetedza hutano hwavo sezvo vamwe vairasikirwa nehupenyu vachiendeswa kunobatsirwa kunezvimwe zvipatara. Asi VaNdlovu vatiwo chiri kunetsa pachipatara ichi inyaya yechinono, vakati varwere vari kunonoka kubatsirwa. Mukuru anoona nezvemabasa ehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti kuvapo kwechipatara cheMabvuku kwaderedza zvikuru varwere vanoendeswa kune zvimwe zvipatara. VaChonzi vati sekanzuru vanofadzwa zvikuru kuti varwere vowana kubatsirwa panzvimbo imwe chete vakatiwo izvi zvinobetsera kuchengetedza hupenyu kunyanya kumadzimai anenge asangana nenjodzi mukusununguka. Kanzuru yeHarare inoti iri kutarisira kuvandudzawo mamwe emakirinika ayo ari mumusha inogara vazhinji kuti avewo zvipatara. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-opposition-blame-mugabe-for-attending-oceans-summit/3887738.html +health Madhokotera Anoenderera Mberi Achiramwa Mabasa Vanachiremba nevanamukoti vapinda mumigwagwa muHarare vachiti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaPeter Magombeyi, vabuditswa muhupambwa. Vanachiremba nevanamukoti vanga vachidarika mazana matatu varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekupambwa kwakaitwa VaMagombeyi vachiti havasi kuzodzokera kubasa kana VaMagombeyi vasina kubuditswa muhupambwa. Vamwe vanga vari pakati pevaratidziri ava vanosanganisira hama dzaVaMagombeyi, idzo dzaratidza kushushikana zvikuru nekupambwa kwakaitwa hama yavo neMugovera nevari kufungidzirwa kuti vasori. Baba vaVaMagombeyi, VaHarry Magombeyi, vati mhuri yavo yose iri kushushikana mupfungwa kubva pakapambwa mwana wavo uye vane tarisiro yekuwana mwana wavo ari mupenyu. Mumwe chiremba mukuru anga ari pakati pevaratidziri ava, VaBothwell Mbuvayesango, vati havakwanise kushanda kudzamara VaMagombeyi vawanikwa. Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa neSvondo zvichitevera kupambwa kwakaitwa VaMagombeyi. Munyori musangano rinomirira vanamukoti reZimbabwe Nurses Association, VaEdwick Nhema, vatiwo vari kutyirawo hupenyu hwavo zvakare zvichitevera mashoko ekutyisidzira akasvitswa panharembozha yavo VaMagombeyi vasati vapambwa neMugovera. Vanamukoti vekuBulawayovanonziwo vatanga kuramwa mabasa nepamusana pekupambwa kwaVaMagombeyi pamwe nekushomeka kwemari dzavari kutambiriswa nehurumende. KuChinhoyi zvinonzi madhokotera chete ndiwo ari kuramwa mabasa. Zvichakadai, munyori musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaTawanda Zvakada, vati varwere muzvipatara zvakawanda havasisina achavarapa nekuda kwekuramwa mabasa kwavari kuita uku. Vanachiremba nevanamukoti vanga vachiratidzira muHarare vatadza kusvika kuparamende mushure mekunge mapurisa anga akapakatira zvombo avavharira panosangana migwagwa inoti Mazowe Street naJosiah Tongogara kuti vasapinde pakati peguta vachibva pachipatara cheParirenyatwa pavatangira kuratidzira uku vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana. Mushure memaawa maviri varitidziri ava vakamiswa nemapurisa panzvimbo iyi apo pavanga vachiimba zvakaomara, mapurisa azobvumidza hutungamiri hwevaratidziri ava chete kuti hunosiya gwaro renyunyuto kudare reparamende. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vakaudza vatori venhau nezuro kuti kuti hurumende ichashandisa mauto nemapurisa kuti abatsire muzvipatara sezvo vana chiremba vari kuramwa mabasa. Zvichakadai, sangano ravachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights raburitsa mashoko ekutsoropodza kupambwa kwaVaMagombeyi richiti hurumende inofanira kuona kuti VaMgombeyi vawanikwa uye kodzero dzeveruzhinji dzachengetedzwa. Hurumende yakazivisa kuti yaudza mapazi ayo ose anoona nezvekudzivirirwa nekuchengetedzwa kwenyika kuti aferefete kuti zvizivikanwe kuti VaMagombeyi vakapambwa nani, hurumende ichiti pari zvino haisi kuzivawo kuti VaMagombeyi varipi. Kupambwa kwaVaMagombeyi kwashorwawo nesangano rinomirira vadzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-doctors-continue-with-strike/5088595.html +health Hurumende Inokurudzirwa Kuendesa Muzvare Joanna Mamombe kuChipatara Sangano reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence, kana kuti WALPE, uye rimwe rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Commission of Jurists (ICJ), ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iendese kuchipatara mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe, vebato reMDC Alliance, avo vasiri kunzwa zvakanaka kujeri reChikurubi kwavari. Muzvare Mamombe vari kupomerwa mhosva yekutyora mitemo yeCovid-19. Kunyangwe vange vamboendeswa kuchipatara cheParktown nemusi weChina, Muzvare Mamombe vakamanikidzwa kubuditswa muchipatara ichi nevanofungidzirwa kuti vasori kunyangwe vanachiremba vaiti vaifanira kugara muchipatara vachivhenekwa. Sangano reICJ rinoti zvave pachena kuti mutemo wave kushandiswa sechombo chekutsikirira vanopikisa muZimbabwe. Sangano iri rinoti mukusaburitsa Muzvare Mamombe mujeri, hurumende iri kutyora bumbiro remutemo, pachikamu chechimakumi mashanu, kana kuti Article 50(d), chinoti musungwa ane kodzero yekurapwa. Rinotiwo Zimbabwe iri kutyora zvibvumirano neUnited Nations pakubata vasungwa. Tatumira mibvunzo kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, nezvemashoko aya asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo. Tatumirawo mimwe mibvunzo yedu kumutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS), Superintendent Meya Khanyezi, asi vange vasatiwo vapindura. Mukuru wesangano reWALPE, Muzvare Stabile Dewa, vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa Muzvare Mamombe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-local-and-international-organizations-urge-zimbabwe-govt-to-take-joanna-mamombe-to-hospital/5869583.html +health Nyanzvi dzeHutano Dzoshushikana neKushomeka kweVanhu Vari Kubaiwa Nhomba yeCovid-19 Nyanzvi dzezvehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekushomeka kwevanhu vari kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 kunyange hazvo pave nezvirongwa zviviri zviri kufambiswa nguva imwe chete zvinoti Phase 1 ne Phase 2. Nemusi weChina vanhu vanokwana mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 395, ndivo chete vakazvipira kubaiwa nhomba iyi, kuchitiwo nemusi weChitatu vanhu makumi mashanu nevanomwe, 57, ndivo bedzi vakabaiwa nyika yose. Huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba kubva patanga chirongwa ichi hwakasvika pazviuru makumi mana nevaviri, kana kuti 40 002. Phase 1 yakanangana nekubayiwa kwevashandi vari mune zvehutano, mapurisa nemauto pamwe nevanoshanda kumiganhu yenyika, kuchitiwo Phase 2 ichinanganawo nekubayiwa kwevarairidzi, vashandi vemumahotera, vemakereke, pamwe nevakwegura. Vashandi vezvehutano ndevamwe vanonzi havasi kuzvipira kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 yeSinoPharm yakabva kuChina iyi. Hurumende yakazivisa kuti ine tarisiro yekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana. Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kana pakasave nedzidziso yakasimba chikamu chepiri chePhase chinogona zvakare kuita sechikamu chekutanga kushaya vanhu vanozvipira kunobayiwa. VaRusike vanoti havaone hurumende ichisvika pamamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevana veZimbabwe, zvainotarisira kuti zvichabaiwa nhomba iyi nyika yose kunze kwekunge yashanda zvakasimba nemasangano evashandi mukushambadza nhomba iyi kuti itambirike muvanhu. Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti zvirongwa zvekubaya vanhu nhomba zviri kufamba hazvo zvakanaka, uye vakaparurawo zvirongwa zvekukwezva veruzhinji kuti vabaiwe nhomba iyi, izvo zvave kuitawo kuti vashandi vari muboka rezvehutano vakawanda vatambire nhomba iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-vaccination-program-slow-itai-rusike-community-working-group-on-health/5821001.html +health Dzimwe Nyanzvi Dzinoti Mitemo yeCovid-19 Lockdown Ngaibviswe, Chikuru Kubayiwa Nhomba kweVeruzhinji Hurumende yakawedzera nemasvondo maviri mitemo yeCovid-19, kana kuti Level 2 Lockdown. Izvi zvakaziviswa nemusi weChipiri negurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa. Vachitaura kuvatori venhau, Amai Mutsvangwa vakati mabhawa ane marezenisi ekuita basa rawo anogona kubvumidza vanhu vakabayiwa nhomba dzose kuti vapinde mumabhawa avo, asinvachiti mabhawa anosungirwa kutevedzera mitemo yose yokurwisana neCovid-19. Pasi pemitemo yeLockdown Level 2, vanhu vanorambidzwa kufambafamba pakati pa10 o’clock manheru na 5:30 mangwanani. Mabhizimisi anovhurwa na 8 o’clock mangwanani achisungirwa kuvharwa na 7 o’clock manheru. Amai Mutsvangwa vanoti veruzhinji vanokurudzirwa kutevedzera mitemo yose yekurwisana nedenda reCovid-19. Vachipindura mashoko abva kuhurumende aya, vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati maLockdown apedza basa rawo asi hurumende inofanirwa kuwedzera zvikuru huwandu hwevanhuu vanobayiwa nhomba zuva rogaroga. Dr Madzorera vati hazvibetseri kuti zuva nezuva hurumende iudze vanhu kuti vanhu vangani vafa neCovid-19, vachiti vanhu vanoda kuziva kuti mishonga iri kushanda sei uye vangani vakaita dambudziko mushure mekubayiwa nhomba. Vanoti hurumende inofanira kuudza vanhu zvinovakurudzira kuti vabaiwe nhomba, vachiti inofanirwavo kutsvaka motikari dzinoenda kwakasiyana siyana, kana kuti ‘mobile clinics’, kunobaya nhomba avo vasingakwanisi kusvika kuzvipatara kana kunzvimbo dzinobaiwa vanhu nhomba Chimwe chataurwa naDr Madzorera ndechekuti hurumende inofanirwa kushanda nevamwe vakazvimirira nekuti haisi kuzopedza chirwere ichi iri yega. No media source currently available Tabatavo mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vakati vari kunze kwenyika, vachiti vachataura nesu kana vadzoka munyika. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-extends-lockdown-level-2-for-two-more-weeks/6259139.html +health Hurumende Yoronga Kuongorora Madzimai Akawanda Chirwere cheGomarara Hurumende inoti inotarisira kuve yaongorora gomarara remuromo wechibereko pamadzimai mamiriyoni matatu nemazana maviri panozosvika gore ra2020. Asi hurumende iri kutendawo kuti kune mamwe maruwa uchava mutoro sezvo kusina michina. Amai Yeukai Zhou vanobva kwaNhema kuShurugwi vanoti kunyanyangwe hazvo vachiziva kuti zvakakosha kuongoorwa gomarara rechibereko kusavepo kwezvipatara pedyo navo zvinoisa hutano hwavo panjodzi. Aya ndiwo matambudziko akasangana nemadzimai akawanda ari mumaruwa kunova kunogara vanhu vazhinji. Vamwe chiremba vari nyanzvi munyaya dzehutano hwemadzimai Dr Angeline Mapanga vanoti gomarara remuromo wechibereko iri rinokonzerwa neHuman Papiloma Virus inotapuriranwa pabonde. Gwaro reNational Cancer Prevention and Control Strategy for Zimbabwe (2014-2018) rinoti pamagomarara ese, gomarara remuromo wechibereko ndo ririkunyanyouraya madzimai nezvikamu makumi matatu nechidimbu kubva muzana. Bazi rezvehutano rinotiwo gomarara rechibereko idambudziko guru munyika. Mumwe mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Bernard Madzima vanoti vari kuvavarira kuve vaongorora gomarara iri pamadzimai mamiriyoni matatu nemazana maviri ezviuru panozosvika gore ra2020. VaMadzima vanoti parizvino pagore kuri kuongororwa madzimai anosvika zana rezviuru vachiti huwandu uhwu huripasi zvakanyanya uye nyika inofanirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vanoongororwa. Bazi rezvehutano rinotiwo Zimbabwe rine nzvimbo dzinosvika zana nemakumi matatu dzinoongorora gomarara remuromo wechibereko. Mumwe mushandi wekuZimbabwe Association of Church Related Hospitals Amai Anna Machakata Rufu avo vane zvipatara zvinopawo madzimai mikana yekunoongororwa gomarara remuromo wechibereko pachena vanoti hapana chingakonese Zimbabwe kusvitsa huwandu hwemadzimai avanotarisira kuve vaongorora gomarara iri muna 2020. Amai Muchakata Rufu vanoti zvakakosha parizvino kupa madzimai ruzivo rwekuti zvii zvakanakira kuongororwa gomarara remuromo wechibereko. Vatiwo madzimai anofanira kubvunza pazvipatara zviri pedyo navo kuti vaziviswe kwavanogona kunoongororwa pachena. Gwaro rakaburitswa nekomiti yeseneti inoona nezvekuenzaniswa kwemikana nebudiriro mushure mukushanyira zvipatara zvine michina yekuongorora gomarara iri rakaburitsa pachena kuti pavanhu zviuru zvinomwe vakaongororwa pachipatara cheParirenyatwa, zviuru zviviri vakashaya. Rufu urwu runonzi rurukukonzerwa nekuti vanhu vanenge vanonoka kuenda kuchipatara kana kuti vanenge vasina mari yekutenga mushonga uyo unodhura. Komiti iyi inotiwo muna 2018 bazi rezvehutano rakapihwa mari inosvika zviuru mazana makumi mashanu zvekushambadzira chirwere ichi asi gore rino rakapihwa zviuru makumi manomwe nemashanu chete. Komiti iyi yakakurudzira hurumende kuti ishambadzire nezvechirwere ichi kumunhu wese uye kuumba homwe yekurapa gomarara sezvakaitwa HIV/AIDS. No media source currently available https://www.voashona.com/a/hurumende-yoronga-kuongorora-madzimai-akawanda-chirwere-chegomarara/5029852.html +health National Aids Council Yoronga Hurongwa Hunobatsira Matunhu Madiki Sangano reNational Aids Council rinoti hurongwa hwaro hwekuti matunhu madiki kana kuti madhisitirikiti azvirongere oga mashandisirwo emari inobva muhomwe ye AIDS Fund hwave padanho repamusoro soro. Mukuru anoona nezvemari musangano iri, VaAlbert Manenji, vanoti vakaona zvakakosha kuti vatore danho iri sezvo mamwe matunhu anga achichema chema kuti ari kunonoka kana kutotadza kuwana mari idzi nekuda kwezvimhingamipinyi zvinokonzerwa nekugoverwa kwemari kana ichibva kumuzinda. Vanoti pari zvino sangano iri riri kungoita zvirongwa zvakafanana kumatunhu ose, pasina kutariswa kuti zvichemo zvinogona kusiyana dunhu nedunhu. Gore rino sangano iri rakaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni mashanu ekushandisa mukurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Matunhu makuru gumi emunyika achawana mazana mashanu ezviuru zvemadhora iyo anozopa kumatunhu maduku zvichienderana nezvirongwa zvaanenge achiita. Svondo rino misangano yekukwenenzvera hurongwa uhwu iri pakati kuMasvingo uko humiriri hwematunhu madiki ose ari makumi masere nemashanu munoshandira sangano reNational Aids Council huri kudzidziswa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-aids-fund/2607856.html +health Varwere Voomerwa neHupenyu Sezvo Vanotengesa Mishonga Vovhara Zvitoro Zvimwe zvitoro zvinotengesa mishonga kana kuti mapharmacies zviri kuvharwa kune dzimwe nzvimbo nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi. Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights (ZADHR) rinoti bazi rezvehutano riri panguva yakaoma nemamirirro akaita zvinhu munyika. Mutungamiri we sangano rePharmaceutical Society of Zimbabwe (PSZ), Amai Portia Mwendera vanoti kushaikwa kwemari yekuti vatenge mishonga nezvinodiwa kugadzira mishonga munyika ndizvo zvauraya basa revanotengesa nekugadzira mishonga. Sangano reZimbabwe Diabetes Association, rinotungamirirwa nevave mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Chamunorwa mangwiro rinoti riri kushingirira kutsvaga nzira dzekubatsira nadzo varwere veshuga kuti vawane mishonga pachena senzira yekubatsira varwere munyika. Doctor mangwiro vati vakabatikana uye havakwanisi kutaura zvizhinji maerrano nekushaikwa kwemishonga munyika. Nyanzvi munyaya dzezvemishonga vachishanda nekambani yeAfro Pham Pharmacies, VaMartin Chinembiri vanoti kana bhanga guru renyika re RBZ rikasagadzirisa nyaya dzezvehupfumi munyika kuti vemakambani nezvitoro vagone kuwana mari dze kuAmerica dzinodiwa kuti vahodhe zvakanaka, hapana chinofamba. Vanotiwo izvi zviri kusiya varwere vakaomerwa ne hupenyu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/varwere-voomerwa-nehupenyu-sezvo-vanotengesa-mishonga-vovhara-zvitoro-/4604606.html +health Dzimwe Nhengo dzeParamende Dzinoti Hurumende Ngaibude Pachena paRubatsiro rweCovid-19 Apo huwandu hwevanhu vabatwa nehutachiwana weCoronavirus huri kuramba huchikwira munyika, dzimwe nhengo dzeparamende muHarare dzinoti dzinodawo kuva nechekuita nehurongwa hwehurumende hwekudzivirira chirwere ichi pamwe nekuona kuti rubatsiro rwuri kupihwa nyika pamusoro peCoronavirus rwuri kufambiswa sei. Nhengo dzeparamende nemakanzura emuHarare dzinoti dzinofanira kuva nechekuita nemabasa ehurumende ekudzivirira chirwere cheCoronavirus. Mumiriri weGlen Norah muNational Assembly, VaWellingotn Chikombo, vati izvi zvakakosha nekuti vanongonzwa kuti pane zviri kuitwa nehurumende, asi kunzvimbo dzavanomirira kusina chiri kuitika. Asi VaChikombo vati kunyange hazvo paramande yakavharwa, inofanirwa kuvhura sezvakaita paramende yekuAmerica kuitira kuti izeye nyaya dzakakosha dzinobata Covid-19. Mumiriri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti muhurongwwa hwayo hurumende ishande nenhengo dzeparamende mukudzivirira Coronavirus. Vatiwo vanongonzwa kuti hurumende iri kuwana zvinhu zvekushandisa kudzviririra Coronavirus asi havasi kuona zvinhu izvi munzvimbo yavanomirira. VaHamauswa vatiwo kunyange hazvo hurumende iri kuti zvikoro zvepamusoro zviri kugadzira mamasiki nemasanitaiza, zvinhu izvi hazvisati zvave kuwanikwa mumisha inogara vazhinji uye zvakakosha kuti hurumende ishande nemadzimai ane makirabhu ekokusona mumisha iyi pakugadzira zvinhu izvi. Kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore, vaudza Studio7 kuti havasati vatanga kuwana maSanitiser and maMask vachiti vari kuwana zvinhu izvi kubva kumasangano anoshanda kazvimirira, asi zvishoma. Hatina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kana kugurukota rinoona nezvedunhu reHarare, VaOliver Chidhau, sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo. Asi mumashoko avo, sachigaro weTaskforce inoona nezvechirwere cheCoronavirus, zvakare vari mumwe wevatevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi, vazivisa kuti nyika ichawedzera huwandu hwevanhu vari kuongororwa zvichiteverwa kuvhurwa kweimwe nzvimbo inoita ongororo yechirwere cheCoronavirus kuBulawayo. Vatiwo pane dzimwe nzvimbo dzekuongorora chirwere ichi dzichavhurwa munguva pfupi iri kutevera. Asi VaMohadi vati Taskforce yavo yakaita misangano mumatunhu ese munyika ichinzwa pfungwa kubva kunhengo dzeparamende pamwe nevakuru vakuru mumatunhu aya uye ichashandisa zvakabuda mumisangano iyi kusimbaradza chirongwa chayo chekudzivirira kupararira kweCoronavirus. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwean-legislators-demand-government-transparency-on-covid-19-assistance/5371771.html +health Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Hunoramba Huchikwira Munyika Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira zvakanyanya zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevanomwe (17) vaine chirwere ichi pakati pevanhu zviuru zviviri nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevashanu (2 495) vakavhenekwa nemusi weChina. Bazi rezvehutano rakazivisa neChina manheru kuti huwandu hwevanhu vane chirwere cheCovid-19 munyika yose hwange hwave pazana nemakumi mana nevapfumbamwe (149). Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vasvikawo pamakumi maviri nevasere (28), uye vafa nechirwere ichi vachiri vana (4). Izvi zvinouya panguva iyo vanachiremba pachipatara cheGweru Provincial Hospital vakabudirira neChina wakare kusunungutsa mudzimai aive nepamuviri ane chirwere cheCovid-19, muchiitiko chinove chekutanga muZimbabwe. Sangano ravanachiremba vakuru, reZimbabwe Senior Hospital Doctors Assciation, rinoti vanachiremba ava vakakwanisa kusunungutsa mudzimai uyu kuburikidza nekumuvhiya kuti vakwanise kuburitsa mwana. Huwandu hwevanhu vavhenekwa kuti vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete munyika yose hunonzi hwasvika pazviuru makumi mana nemazana masere ane makumi mana nevanomwe (40 847). Chipatara cheJohns Hopkins chemuAmerica chinoti pasi rose huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwadarika mamiriyoni mashanu nemazana masere ezviuru (5,8 million), kuchitiwo vafa vadarika mazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru (360 000). Chipatara ichi chinoti vanhu vaongororwa pasi rose vadarika mamiriyoni gumi neshanu nemazana matanhatu ezviuru (15.6 million). Muno muAmerica vanhu vanodarika miriyoni nemazana manomwe ezviuru (1.7 million) vabatwa nechirwere ichi, uye vashaya vadarikawo zviuru zana nechimwe nemazana matanhatu nemakumi maviri nemumwe chete (101.621). Mumwe chiremba ataura akazvimirira, Doctor Gilson Mandigo, vanoti zvinotyisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa chirwere che Covid-19 hwanyanya kukwira zvikuru svondo rino. Asi vanoti chakanaka panyaya iyi ndechekuti vanhu ava vari munzvimbo dzavakachengetedzwa kana kuti quarantine centres, zvekuti havakwanise kuparadzira chirwere ichi kune vamwe vagara vari munyika. Doctor Mandigo vakorokotedzawo kubudirira kwakaita vanachiremba vekuchiptarata cheGweru Provincial Hopsital, vachiti mucherechedzo wekuti hazvisi zvinhu zvose zvakashata zviri kubuda mubazi rezvehutano, kune zvimwe zvakanakawo zviri kuitika, kunyange hazvo vanachiremba navanamukoti vari kushupika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-covid-19-update-149-cases-doctor-gilson-mandigo/5440875.html +health Vanhu Zana neMakumi Mashanu neMumwe (151) Vafa neChirwere cheMalaria Chopararira muNyika Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vaongororwe pamwe nekurapwa chirwere chemalaria icho chiri kuramba chichiuraya vanhu munyika. Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati kusvika parizvino vanhu zana nemakumi mashanu nemumwe vafa nechirwere cheMalaria gore rino chete. VaMujiri vati ongororo yavo yezvirwere yakaratidza kuti pavhiki ra17 kusvika 23 Gumiguru vanhu churu chimwechete nemazana matanhatu nemakumi mashanu vakabatwa nechirwere ichi vazhinji vari vekuMashonaland East kwozotevera Mashonaland Central province. Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vana vakafa panguva imwechete iyi nechirwere vaviri vari vemuHarare. Vachitaura neStudio 7 mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Prosper Chonzi vatiwo kunyangwe muHarare manga musina dambudziko rechirwere ichi ravemo. Dr Chonzi vanoti zvakakosha kuti vanhu vaongororwe chirwere ichi vakaita zviratidzo zvekuti vabatwa nacho. Bazi rezvehutano rinoti zvikamu zvinodarika gumi nezviviri kubva muzana zvevari kubatwa nechirwere chemalaria munyika vana vari pasi pemakore mashanu.VaChonzi vati vana ava vanowanzobatwa nemalaria sezvo vachinyanyotambira panze uye vasingagoni kukurumidza kutaura kana vachidzimbikana nemuviri. Dr Chonzi vatiwo kuzvipatara zvekanzuru kuongororwa malaria kunoitwa pachena uyewo mishonga yechirwere ichi inopiwa pachena. Nyanzvi munezvehutano uye vaimbova gurukora rezvehutano Doctor Henry Madzorera vati chirwere chemalaria chirwere chinorapika. VaMadzorera vati hurumende inofanirwa kupfapfaidza mishonga munogona kuberekera humhutu kudzivirira ndufu dzechirwere ichi Dr Madzorera vatiwo veruzhinji vanofanirwa kuzvidzivirira kuchirwere ichi kuburikidza nekuzvivhara muviri kana vachinge vari panze husiku uyewo kushandisa zvinodzinga humhutu kana vari mudzimba dzavanorara. VaMujiri vatiwo hurumende yakatotanga chirongwa chekupfapfaidza dzimba kumatunhu makumi maviri nemashanu uye vari kutarisira kubatsira vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2.8 million. Bazi rezvehutano ririkukurudzira kuti avo vanopihwa mambure ekudzivirira humhutu vanofanirwa kuashandisa sezvinotarisirwa vachiti vamwe vanoguma voshandisa mamwe mabasa vachizviisa panjodzi yekubata malaria. Ko munhu anoziva sei kuti abatwa nechirwere ichi? Nyanzvi dzinoti anotanga kupisa muviri, kurutsa, kutemwa nemusoro, kuneta. Manyoka nekungorwadziwa nemuviri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6834673.html +health Varwere vePfungwa paNgomahuru Vogeza Mudziva Rine Ngwena Nekushaya Mvura Dzimwe hama dzevarwere vepfungwa vari pachipatara cheNgomahuru kuMasvingo dzinoti dziri kutyira kuti vanogona kurumwa nemakarwe kana kunyura mumvura apo vanenge vachigeza murwizi sezvo chipatara ichi chaita dambudziko guru rekushaya mvura kubva zvafa pombi dzemvura. Vakuru vepachipatara apa vanoti vave kusvika mwedzi miviri vasina mvura sezvo Zimbabwe National Water Authority(ZINWA) isiri kugadzira muchina unopomba mvura. Mukuru wepachipatara apa, Dr Parirenyatwa Maramba, vati varwere vanofanira kugeza zuva nezuva nekudaro vanotoenda kurwizi rweMagwangwadza, urwo runopinda mudhamu reTugwi Mukosi rine makarwe anorura. Asi izvi hazvisi kufadza hama dzevarwere ava dzinoti dzave kugara dzakabatira hura mumaoko dzichityira kuti vanogona kubatwa nemakarwe kana kunyura mumadziva sezvo pfungwa dzavo dzisinganyatsoita zvakanaka. VaSimbarashe Dhauzi, vane mwana wavo pachipatara apa vanoti vave nenguva vachishungurudzika nekutyira hupenyu hwemwana wavo. Amai Anna Magwaza, vekwa Madamombe, kwaChivi, vane hanzvadzi yavo inogara pachipatara apa vanoti kunze kwekutyira makarwe, hama dzavo dzinogona kutiza vashandi vepachipatara apa pavonobuda muwaya vachienda kurwizi vakazoshaikwa zvachose votetereka nenyika. Vanoona nezvekushanda neveruzhinji pachipatara cheNgomahuru, VaMorgan Manzunzu, vanoti vanotairisa kuti dambudziko iri richagadziriswa nekukurumidza, uye vari kutora matanho kuti varwere vasanyura kana kubatwa nemakarwe. Vaenderera mberi vachiti mvura yekunwa nekubikira varwere vanotora pachibhorani asi yekugeza inodiwa yakawanda nekuwandawo kwakaita varwere ndosaka vachienda kurwizi. Mutauriri weZINWA, Amai Marjorie Munyonga, vati dambudziko riri kugadziriswa uye vanotarisira kutanga kupomba mvura zvakanaka mangwana(Chipriri 16). Chipatara cheNgomahuru chine varwere vepfungwa vanosvika zana nemakumi matatu nevashanu. Varume vari zana negumi uye vakadzi vari makumi maviri nevashanu. Chipatara ichi ndicho choga chevarwere vepfungwa mudunhu reMasvingo uye chiri chimwe chezvishoma munyika yose. No media source currently available https://www.voashona.com/a/varwere-vepfungwa-pangomahuru-vogeza-mudziva-rine-ngwena-nekushaya-mvura/5779117.html +health Hurumende Yoendesa VanaHutsana kuRufu neKune Mamwe Magungano Kuyedza Kurwisa Cholera "Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vakaudza dare reparamende kuti hurumende ichange ichitumira vanahutsana kumachechi, kurufu nepamwe pose panoungana vanhu zvikuru muChegutu nenzvimbo dzakapoteredza kuti vaona kuti chirwere cheCholera hachirambe chichipararira. Vanhu vana vanonzi nehurumende vakafa nechirwere ichi uye vanhu makumi matanhatu nemashanu vanonzi vanifungidzirwa kuti vakatapurirwa chirwere ichi. Doctor Fortune Nyamande vanoti zviri kutaurwa naDr Parirenyatwa panyaya yavana hutsanana ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa kuti cholera isapararire munyika. Vakurudzirawo vanhu kuti kana vakafungidzira kuti munhu abatwa nechirwere ichi vamupe mvura ine munyu netsvigiri kana kuti ""salt sugar solution"" apo vanenge vachienda naye kuchipatara." https://www.voashona.com/a/zimbabwe-hutano-enyika/4225928.html +health Kushaya Dzidziso Kwopa Kuti Vakawanda Vatapurirwe Chirwere cheCovid19 Vadzoka kuZimbabwe Mukuru mubazi rezvehutano anoona nezvemamiriro enharaunda uye nzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika kana kuti maqurantine centres VaVictor Nyamandi vanoti kushaya ruzivo rwakakwana ndiko kwopa kuti vanhu vakawanda vatapurirane chirwere checoronavirus munzvimbo idzi. Vanoti vari kushushikanawo zvikuru nekutiza kuri kuita vanhu munzvimbo idzi mushure mekunge mapurisa azivisa kuti vanhu zana nemakumi masere nevana vainge vatiza. Pavanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevashanu vabatwa nechirwere ichi munyika, mazana mana nemakumi mana nemasere vakabva kunze kwenyika, makumi manomwe nemanomwe vachitapurirwa chirwere ichi munyika. Dare repamusoro rakatombopa mutongo wekuti hurumende igadzirise zvinhu kunzvimbo dzinochengeterwa vanhu idzi mushure mekunge sangano ravanachiremba reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rakwidza nyaya kumatare richiti hakuna hutsanana. No media source currently available https://www.voashona.com/a/kushaya-dzidziso-kwopa-kuti-vakawanda-vatapurirwe-chirwere-checovid19-vadzoka-kuzimbabwe/5475426.html +health Vanachiremba Vakuru Voratidzira muHarare Munyori mukuru musangano ravanachiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association, Doctor Aaron Musara, vanoti vachange vachiratidzira muHarare nekusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende. Vanachiremba ava vari kutarisirwa kuenda netsamba yenyunyuto kudare reparamende. Kuratidzira uku kuri kuuya apo gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vakaudza Studio7 nezuro kuti hurumende haisi kuzotaurirana navanachiremba vari kuramwa kana kuti vakadzingwa mabasa. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mushure mehurukuro nemusi weChina nevakuru vekereke yeRoman Catholic vakati vanachiremba vakadzingwa vaikwanisa kudzokera kumabasa mukati memazuva maviri pasina kutorerwa matanho. Asi izvi zvinenge zvakona n'anga murapwa achida sezvo Doctor Moyo vanoti vashoma ndivo vakatambira kurudziro uyi. Vanachiremba vanoti vari kuda kuti hurumende itange yaratidza kuzvipira kugadzirisa zvinhu zvaita manyama amire nerongo muzvipatara zvinosanganisira kushaikwa kwemishonga uye michina yekushandisa. Dr Muasara vaudza Studio7 kuti vanachiremba vanoda chose kushanda asi zvinhu zviri kuvarwadza kuti vamwe varwere vave kungofa nekuda kwekuti havana zvikwanisiro. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanachiremba-vakuru-voratidzira-muharare-nhasi/5191563.html +health Hurumende Yokurudzirwa Kuwanisa Mishonga Inodzivirira Kudzoka kweGomarara repaZamu Kune Vanenge Vambobatwa neChirwere Ichi Nyanzvi mune zvegomarara remazamu dzinoti zvakakosha kuti pawaniswe mishonga inodzivirira kuti vanenge vambobatwa nechirwere ichi vasazodzokororwe nacho, ukuwo hurumende ichi kurudzirwawo kuti itore matanho anoitwa kuti kurapwa kwemagomarara kuve nyore munyika. Izvi zvabuda neChishanu apo nyanzvi mune zvegomarara dzasangana pachipatara cheParirenyatwa icho change chichitambidzwa mapiritsi eTamoxifen akatsvagwa nesangano reCancerserve ayo anobatsira kuti vanenge vamboita gomarara remazamu vasazobatwe naro zvekare. Vachitaura mushure mechiitiko ichi, nyanzvi mune zvekurapwa kwechirwere chegomarara, uye vari ivo vakatanga sangano reCancerserve, Doctor Anna Mary Nyakabau, vati mushonga weTamoxifen wakakosha mukudzivirira kudzoka kwechirwere chegomarara rezamu. Asi vati pane vamwe vasingakwanisi kutenga mushonga uyu, uyo unonwiwa kwemakore ari pakati pemashanu negumi, nekudaro zvakakosha kuti vanoshaya cheuviri vabatsirwe mukuwana mishonga iyi. Vachitambira mushonga uyu pachiitiko ichi, mukuru weRadiotherapy pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, Doctor Nothando Mutizira, vati mushonga weTamoxifen unopiwa mushure mekunge munhu arapwa akapora. Dr Mutizira vati mishonga iyi yakakosha mukurwisa denda regomarara remazamu kuti risadzoke zvakare. Vachitaurawo pachiitiko chanhasi ichi, VaItai Mabasa Bopoto, avo vakatobviswawo rimwe zamu nekuda kwegomarara iri uye vatove pamishonga yeTamoxifen, vati zvakakosha kuti hurumende itore matanho anoita kuti chirwere chegomarara ichi chirapwewo pachena munyika pamwe nekuona kuti michina yekushandisa iripo. VaBopoto vati vakatozopona kubva kuchirwere ichi nekuda kwerubatsiro rwavakawana kumhuri neshamwari dzavo, vakati kurapwa kwechirwere ichi kunoda makunun’unu emadhora. Vati nguva zhinji michina mishoma iri kuzvipatara zvehurumende zvakadai seParirenyatwa inenge yakafa. Izvi zvinogarochemwa chemwa nazvo nevanhu vakawanda vanobatwa chirwere chegomarara. Vataura pachiitiko ichi vakamiririra munyori mukuru mubazi rezvehutano, Doctor Aspect Jacob Maunganidze vati hurumende inokoshesa zvakanyanya kudzivirirwa kwechirwere chegomarara remazamu uyewo vakati vari kushandawo nevamwe vanobatsira kuti mishonga yakaita seTamoxifen iwanikwe pachena munyika. VaMaunganidze vatiwo hurumende iri kugadzirisa dambudziko remichina. Mishonga yapiwa chipatara cheParirenyatwa inonzi ichabatsira vanhu mazana matatu nemakumi masere (380), avo vasingakwanisi kutenga mishonga iyi kwegore rese. Gomarara rezamu rinobata zvese vanhukadzi nevanhurume asi kumadzimai rinonzi ndiyo mhando yegomarara inotevera gomarara rechibereko mukuuraya madzimai zvakanyanya munyika. Mwedzi uno waGumiguru mwedzi wekuyeuchidzana pamusoro pechirwere chegomarara repamazamu, kana kuti breast Cancer Awareness Month. Vanhurume munyika vanonzi vari kukurudzirwawo zvakanyanya kuti vaende kunoongororwa kana vaine gomarara repamazamu sezvinota vanhukadzi senzira yekuti dzivirira kana kukasika kurapwa kwechirwere ichi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6810098.html +health Mhemberero dzeBlack History Month dzeGore Rino Dzovhiringidzwa neCovid-19 Gore roga-roga vanhu vemuAmerica vanocherechedza mwedzi uno waKukadzi semwedzi wekurangarira nhoroondo yevanhu vatema vari munyika iyi, kana kuti “Black History Month.” Izvi vanozviita kuburikidza nekuungana vachiita mitambo yakasiyanasiyana pamwe nekuridza mimhanzi yenyika dzakasiyanasiyana. Mumwe wevanhu vaimbopinda mumhemberero idzi mumakore ose adarika uye vari chizvarwa cheZimbabwe, VaJonah Masiya, avo vanoita zvemimhanzi, vanoti nekuda kwedenda reCovid-19, gore rino vari kucherechedza mwedzi uyu neimwe nzira isiri yekuungana sezvagara zvichiitwa makore ose adarika. VaMasiya, vanove zvakare mudzidzisi, vanoti makore ose adarika vaibatana nevamwe vachiridza mimhanzi yekumusha kucherechedza mwedzi uyu, asi gore rino vachange vachiridza vari kumba kwavo sevamwe vose vachizongoonekwa pamadandemutande. No media source currently available https://www.voashona.com/a/america-black-histry-month-celebrations-jonah-masiya/5793650.html +health Mushonga weCovid-19 Wakawanikwa Asi Zvichatora Nguva Kuti Usvike kuZimbabwe neDzimwe Nyika Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzavekutarisira kuti kuwanikwa kwemishonga yekurapa chirwere cheCovid-19 kuchabatsira kuti vanhu vasafe vakawanda pasi rose. Nemusi weMugovera vanoona nezvemishonga muAmerica veFood and Drug Administration kana kuti FDA vakapa mvumo kuti mushonga unonzi Regeneron wakapihwa mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump pavakarwa neCovid-19 uchitange kupihwa vanenge vabatwa nechirwere ichi zvikuru vana uye vakwegura. Mamwe makambani maviri akati agadzira nhomba yekurapa chirwere ichi anoti Pfizer ne Moderna akamirira kupihwa mvumo neFDA. Asi zviri kutarisirwa kuti zvichatora nguva kuti munhu wose abaiwe nhomba pasi rose sezvo mushonga wacho wakawandirwa. Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti kuuya kuZimbabwe kuchatora nguva nekuti haisi nyika ine vanhu vakawandisa vabatwa kana kufa nechirwere ichi. Vati vanoona sekuti America, India, South Africa neBrazil ndidzo dzichatanga kuwana mushonga nekukasika. No media source currently available Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vari kurwara nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMugovera kusvika pazviuru zvipfumbamwe anezana nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 9,172 mushure mekunge vamwe vanhu makumi mashanu nevaviri vabatwa nechirwere ichi. Vanhu vose vakabatwa nechirwere ichi havana nhoroondo yekubuda munyika uye vakawanda vacho vari muguta reBulawayo. Vanhu vari kurwara mazana matanhatu nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 672 uye pavanhu ava, mazana maviri negumi nevashanu vari muBulawayo, zana nemakumi matanhatu nevana kana kuti 164 vari kuMatabeleland North, Harare ine makumi masere nevatanhatu 76, Matabeleland South makumi matanhatu nevashanu uye Mashonaland East ndiyo ine vanhu vashoma vari kurwara pamatunhu ose vanove gumi nevaviri. Vanhu vapora kusvika parizvino vave zviuru zvisere nemazana maviri ane makumi matatu nevashanu kana kuti 8, 235 mushure mekunge vanhu gumi nemumwe vapora neMugovera. Vanhu vafa vachiri mazana maviri nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 265. Bepanhau reSunday Mail rinotiwo kutanga svondo rino National Institute of Health Research kana kuti (NIHR) ichapinda munharaunda dzakasiyana siyana mumadhorobha nemumaruwa ichiita ongororo yekuona kuti chirwere cheCovid19 charuura munzvimbo dzipi chaidzo. Chirongwa ichi chinonzi National Sero-Prevalence Survey for Covid-19 uye chichapetwa musi wa30 Zvita. Vanhu vari mudzimba zviuru zvimomwe mumatunhu makumi mashanu nemana dzichavhenekwa hutachona uhu. Mapurisa anotiwo achasimbaradza kusunga vasiri kupfeka zvekuzvidzivirira kana kuti maface mask. Vanhu zviuru mazana maviri nemakumi maviri nevana vanonzi vakasungwa kubva muna kurume pakatanga kupararira chirwere ichi munyika. Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mana nemapfumbamwe ane zana nemakumi maviri nerimwe kana kuti 49,121. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1, 7 million. South Africa ine vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 765 000 vabatwa nechirwere ichi ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mashanu nemasere kana kuti 58 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vafa muAmerica chete vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mashanu nematanhatu kana kuti 256,000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nemaviri kana kuti 12 miillion. Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti 1,3 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi matatu nemasere kana kuti 37 million. https://www.voashona.com/a/mushonga-wecovid-19-wakawanikwa-asi-zvichatora-nguva-kuti-usvike-kuzimbabwe-nedzimwe-nyika/5671919.html +health "Vechidiki Voyambirwa Kuti ""Morning After Pill"" Haridziviriri Kubatwa neHIV" Nyanzvi munyaya dzezveutano dziri kuyambira vanasikana kuti vasajairira kugaronwamapiritsi ekudzivirira kubata pamuviri anonzi pachirungu ma “emergency contraceptive pills,” asi kuti vashandise nzira dzekuronga mhuri kana voiita zvepabonde. Mapiritsi ekudzivirira pamuviri aya anonwiwa mangwanani mushure mekunge munhu aita zvepabonde asina kuzvidzivirira nemakondomu. Mapiritsi aya anonyanyozivikanwa nezita rekuti, “Morning after pill.” Nyanzvi munyaya dzeHIV/AIDS, Amai Muchanyara Mukamuri, vanoti kunyanyoshandiswa kwema morning after pill kunongoratidza kuti vechidiki vari kuita zvepabonde vasina kuzvidzivirira. Amai Mukamuri vanoti vechidiki vanonyanyotya kubata pamuviri pachinzvimbo chekuti vatye zvirwere zvepabonde zvakadai seHIV/AIDS. Amai Mukamuri vanotiwo tsvakiridzo dzakaitwa dzinoratidza kuti kushandiswa kwakanyanya kwemapiritsi aya kunoita kuti vanhu vawedzere kusimba, kuita zvirwere zvakadai sema Ovarian Cysts nezvimwewo. Chiremba vanoshanda nesangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Nicholas Wazadza, vanotiwo pamusoro pekuwedzera kusimba, mapiritsi aya akaramba achinwiwa, haazokwanisi kudzivirira pamuviri. VaWazadza vanotiwo vanoyambira vechidiki kuti kunwa mapiritsi aya hakudziviriri zvirwere zvepabonde. Doctor Moses Macheka, avo vanoshanda neZimbabwe National Family Planning Council, vanoti vanhu havafanirwi kushandisa nzira iyi senzira yekuronga mhuri. Ma Morning after Pill anoshandiswa kudzivirira pamuvirikana anwiwa mukati memazuva matatu mushure mekuita zvepabonde pasina kushandiswa makondomu senzira yekuzvidzivirira. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-youths-more-scared-of-pregnancy-than-hiv/4393537.html +health VanaChiremba, Vakoti, Voronga Kuramwa Mabasa Kutanga kweGore Vana chiremba nana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende vazivisa hurumende kuti vacharega kuenda kubasa panotanga mwedzi unouya kana vasina kupihwa mari dzavo mwedzi uno waZvita usati wapera. Izvi zvataurwa nemutungamiri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaFortune Nyamande, avo vanoti sangano ravo rakabatana nesangano ravana mukoti reZimbabwe Nurses association vanyorera hurumende tsamba vachiizivsa nezvedanho iri. Doctor Nyamande vanoti vanyorera hurumende vachiizivisa nezvedanho ravachatora rekusaenda kumabasa kubva musi wa 1 Ndira gore rinouya. Vanoti ivo nevakoti vemuzvipatara zvehurumende vatora danho iri nezvikonzero zvekushaiwa mari dzekufambisa sezvo vasati vatambira mihoro yavo yemwedzi uno pamwechete nemari dzebhonasi dzavakavimbiswa nehurumende. Doctor Nyamande vashorawo mafambisirwo avanoti ari kuitwa mashoko nehurumende, ekushandisa mapepanhau ichisiya nzira dzagara dziripo kare dzekutaurirana. Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatozivisa kuti hurumende ichatadza kubhadhara vamwe vashandi vayo gore rino nekuda kwekushomeka kwemari iri kupinda muhomwe dzayo. “VaChinamasa vakashandisa mapepanhau kuti zivisa nezvekushandurwa kwemazuva edu ekutambira mihoro yedu, saka nesu tichashandisawo nzira idzodzo,” Doctor Nyamande vanodaro. Varairidzi, avo vaifanirwa kutambira mari dzavo neMuvhuro, vanzi vave kutambira neChipiri, asi ruzhinji rwose kusanganisira vanachiremba nevakoti, vachinzi vachazowana mari dzavo musi wa 5 Ndira gore rinouya. Asi vashandi vazhinji vehurumende vataura neStudio 7 vanoti havana chivimbo chekuti vanowaniswa mari dzavo pamazuva matsva akatarwa. Takundikana kubata gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, pamwe negurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, kuti tinzwe kana pane matanho avachatora ekudzivirira dambudziko ringaitika kana vanachiremba nanamukoti vakaramwa mabasa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-civil-servants-salaries-bonuses/3121795.html +health Vanhu Zana neMakumi Matatu neVapfumbamwe Vofa neKuda kweDutumupengo Idai Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko raburitswa padandemutande raro reTwitter kuti vanhu zana nemakumi matatu nemapfumbamwe vafa kusvika pari zvino nedambudziko reTropical Cyclone Idai. Vanhu zana nemakumi masere nevapfumbamwe havasi kuzivikanwa kuti vari kupi uye vamwe vanosvika zana nemakumi matanhatu vari muzvitsuwa vakamirira kununurwa. Mutauriri werimwe bazi reUnited Nations reWorld Food Programme kana kuti WFP VaHerve Verhoosel vati ongororo yavakaita nezuro inoratidza kuti vanhu zviuru mazana maviri muZimbabwe vakaputsirwa dzimba uye vanoda rubatsiro nechimbi chimbi. WFP inoti kuChimanimani, zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvezvivakwa zvakaputswa dutumupengo iri. Amai Solinda Ngwenya vekuBulawayo vanoti vakarasikirwa nemhuri yehanzvadzi yavo yese yainge iri kuChimanimani ichiita mabasa ekuparidza shoko raMwari. No media source currently available Zvichakadaro, vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko iri vanoti havasati vawana rubatsiro. Vamwe vanoti hurumende yeZimbabwe iyo ine zvikopokopo zviviri chete zveAir Force zviri kuManicaland inenge iri kuremerwa nezvinhu zvawedzerwawo nekuti migwagwa nemazambuko zvakaparadzwa. VaBrighton Nyanisi vari muWard 14 kuChipinge East vanoti havasati vawana chikafu kubva nemusi weMugovera. No media source currently available Mashoko aya atsinhirwa nemumiriri wenzvimbo iyi mudare reparamende, VaMathew Mlambo veMDC. No media source currently available Asi vachitaurawo nezvechikafu, gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti nyaya yekuparara kwemigwagwa nemazambuko ndiyo iri kupa kuti chikafu chitadze kusvika kune dzimwe nzvimbo. Asi vati vari kushanda zvakasimba kuzvigadzirisa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanhu-zana-nemakumi-matatu-nevapfumbamwe-vofa-nekuda-kwedutumupengo-idai/4841513.html +health Vanhu Vabatwa neCovid-19 Vadarika Zviuru Zvishanu Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus muZimbabwe hwadarika zviuru zvishanu zvine zana nemakumi manomwe nematanhatu kana kuti 5176. Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu vanodarika zana nevana kana kuti 104 nechirewere ichi munyika neMugovera. Vanhu vaviri vakafa kuBulawayo neCovid-19 zvichireva kuti munyika yose, vanhu zana nemakumi matatu vafa nechirwere ichi. Vanhu vapora vanosvika zviuru zviviri nemakumi mana nemasere kana kuti 2047. Kupararira zvakanyanya kuri kuita chirwere ichi kuri kuuya apo vakoti navanachiremba vave kupinda mumwedzi miviri vachiramwa mabasa vachinyunyuta nemari dzavari kutambiriswa uye kushaya zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere checoronavirus. Mukuru weHealth Services Board inoona nezvemashandiro avashanmdi vemuzvipatara Dr Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 kuti ikozvino havasi pabasa nekudaro havakwanise kutaura nezvenyaya iyi. Hatina kukwanisa kubata mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano Enoch Mayida avo vakambotungamira chipatara cheChitungwiza vanoti huwandu hwwevanhu vabatwa nechirwere ichi hunogona kunge hwakakura nekuda kwekuti vamwe vari kufa vasati vavhenekwa. No media source currently available Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru zana vabatwa nechirwere ichi muAfrica. Vafa vadarika zviuru makumi maviri nemashanu ane mazana matatu nemasere kana kuti 25, 337. Vanhu vapora vadarika zviuru mazana masere nemakumi maviri nematatu kana kuti 823, 000. Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nerimwe ane zviuru mazana mana kana kuti 21,4 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 169, 000. Brazil ine vanhu vafa vanodarika chiuru zana kana kuti 100,000 ndiyo inotevera America pandufu pasi rose. Vanhu vafa nechirwere ichi pasi rose vadarika zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nerimwe kana kuti 771,000. Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nematatu ane zviuru mazana mana kana kuti 13,4 million https://www.voashona.com/a/vanhu-vabatwa-necovid-19-vadarika-zviuru-zvishanu/5545772.html +politics Nhengo dzeMDC Nhatu Dzinotongerwa Kugara Mujeri kweMakore Makumi Maviri Dare repamusoro reHigh Court ratura mutongo wekuti nhengo dzeMDC-T nhatu dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muHarare dzipike makore makumi maviri mujeri. Dare repamusoro reHigh Court ratura mutongo wekuti nhengo dzeMDC-T nhatu dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muHarare dzipike makore makumi maviri mujeri. Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vati vatura mutongo wekuti nhengo dzeMDCT nhatu idzi dzinoti VaTungamirai Madzokere, VaLast Maengehama naMuzvare Yvvonne Musarurwa, vapike kwemakore makumi maviri pamhosva yavakabatwa nayo yekuponda mupurisa Inspector Petros Mutedza mumusha weGlen View muHarare muna 2011. Mumutongo wavo, VaBhunu vati vemapato ezvematongerwo enyika havafaniri kuita zvemhirizhonga vakati matare haazoregedza kutura mitongo yakawomarara. Vatiwo mapato ezvematongerwo enyika anofanira kutevedzera zvaanenge audzwa nemapurisa kana achinge arambidzwa kuratidzira vachiti vezvematongerwo enyika vakaregedzwa vachiratidzira pamadiro zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika kana hondo chaiyo. Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo pavasungwa ava pasiri kunyatsozivikanwa kuti ndiyani akakanda dombo rakatema VaMutedza zvakakonzera kuti vafe, vaona zvakakodzera kuti vasatongerere VaMaengehama naVaMadzokere rufu vachiti mumwe wevasungwa ava, Muzvare Musarurwa, munhu akachengetedzwa nebumbiro idzva remitemo kuti vasatongerwe rufu. Mumwe wevakabatwa nemhosva, VaPhineas Nhatarikwa, avo vaishanda semutyairi kuMDC-T panguva yakapondwa VaMutedza, vatongerwa kuti vakagare mujeri kwemakore matatu asi mutongo wanzi usendekwe parutivi kwemakore mashanu. VaNhatarikwa vanzi vabhadhare mari yefaindi madhora mazana mashanu. VaMaengehama vambofenda mudare panga pachiturwa mutongo uyu. VaBhunu vapedza kutura mutongo uyu, Muzvare Musarurwa vabva vatanga kudaidzira mudare vachiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachabva pachigaro chete kunyange zvikadii. Zvichakadai, munyori mukuru mu MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati mutongo waturwa naVaBhunu une chekuita nezvematongerwo enyika. Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vati sebato havasi kuzobvuma kutyisidzirwa kuti vasaratidzire nematare avati ari kushanda pamwe chete neZanu PF. Zvichakadai, rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vazivisa dare kuti vachapikisa mutongo waturwa naVaBhunu uyu. VaBhunu vati dare richagara zvakare neChipiri richinzwa chikumbiro chekuti vasungwa vambopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vakamirira kupikisa mutongo waturwa nedare. Dare iri ranga rakazara nevanhu vanga vauya kuzonzwa nyaya iyi uye vamwe vevanhu ava vanga vachisanganisira vatevedzeri vaVaTsvangirai vanoti Amai Khupe, VaElias Mudzuri pamwe naVaNelson Chamisa nevamwe vakuru-vakuru muMDC-T. Pakatanga nyaya iyi, vasungwa panyaya iyi vaiva makumi maviri nevapfumbamwe asi vasungwa vana ava ndivo vakazobatwa nemhosva yekuponda VaMutedza. Vasungwa ava vairamba mhosva iyi vachiti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-opposition-jailed-for-20-years/3633289.html +politics MDC Alliance Yoshushikana neMaitiro aVaMnangagwa MDC Alliance inoti haisi kufara kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara zuva resarudzo pasina kugadziriswa zvose zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena. Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa, mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vati mubatanidzwa wavo hausi kufara kuti VaMnangagwa vakatara musi wa30 Chikunguru sezuva resarudzo pasina kugadziriswa zvose zvinodiwa kuti sarudzo dziri pachena dziitwe munyika. VaBiti vatiwo vari kuda kuti veruzhinji vapihwe mukana wekunotarisa gwaro revavhoti zvakare zvichitevera kunyoresa kwakaita vamwe vanhu sevavhoti veruzhinji pavaitarisa kuti mazita avo avo arimo here mugwaro revavhoti. VaBiti vati vanhu vakachinja nzvimbo dzekuvhotera paitariswa gwaro revavhoti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti. VaBiti vati kusagadzirira zvakakwana kwekomisheni inoona nezvesarudzo panyaya yegwaro revavhoti iro risati rabuda kwave kuvapa dambudziko rekunyoresa mazita evachakwikwidza musarudzo dzegore rino kudare rinotora mazita evanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo dzegore rino. Vaenderera mberi vachiti vacharatidzira nemusi weChipiri muHarare vachinosvika kumahofisi eZEC pamwe nemahofisi emutungamiri vachiratidza kunyunyuta kwavo. Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba kuti tinzwe pavamire panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo. Asi mumwe komishina weZEC, VaQubani Moyo, vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo ichagara pasi yotarisa nhuna dzeMDC Allianc idzi vachiti komisheni yavo yakazvipira kuita sarudzo dzinogutsa mapato ose achakwikwidza musarudzo dzegore rino. No media source currently available Mune imwewo nyaya, vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vamiswa pamberi pedare ramejasitiri muHarare uko kwavapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso madhora mazana matatu pamhosva yavari kupomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo panguva yakapindira masoja mune zvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa. Zvichakadai, VaMakomborero Haruzivishe, avo vaimbova mumwe wevatungamiri wesangano rinomiria vadzidzi reZinasu, vaudza Studio 7 kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kushandisa mutemo zvetsvete. VaHaruzivishe vanoti VaMnangwagwa pachavo munhu anofanirawo kumiswa pamberi pedare sezvo vakabuda pachena voga kuti vakabuda munyika zvisiri pamutemo pavakadzingwa basa naVaMugabe. Zvichakadai, VaKasukuwere, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vakatarisirwa kudzoka kudare musi wa11 Chikumi apo pachatanga kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc-alliance-says-election-requirements-are-not-all-in-place/4419671.html +politics VaMnangagwa Vanoyambira Nhengo dzeZanu PF Kuti Dzingwarire veMasangano Akazvimirira Mutungamiriri wenyika, vari zvakare mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanoyambira nhengo dzebato ravo kuti dzichenjerere masangano akazvimirira munyika. Vachivhura musangano wePolitburo kumuzinda webato ravo muHarare neMugovera, VaMnangagwa vati nhengo dzebato ravo dzinofanirwa kungwarira masangano akazvimirira nevamwe vasori avo vasingadi kuona Zimbabwe yakasununguka, vachiti masangano aya ari kuhwanda nenyaya yekudzidzisa veruzhinji nyaya dzekuvhota. Asi murongi wemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, unova mubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu, VaWilbert Mandinde vati havana chinangwa chekuve hurumende uyewo vanokatyamadzwa nekutya kunoita bato reZanu PF masangano akazvimirira. VaMandinde vakurudzirawo bato iri kuti rishande pamwechete nemasangano akazvimirira. VaMnangagwa vatiwo vanoda kuti bato ravo rikwanise kuhwina sarudzo dzema by-elections pamwe nekutora zvigaro zvaive nenhengo dzemapato anopikisa. Vakurudzira nhengo dzavo kuti dzienderere mberi nezvirongwa zvekukwezva vavhoti vachiti vanoda kukunda zvine mutsindo pasarudzo dzema by-election pamwe nesarudzo dziri kutarisirwa 2023. Vayambirawo nhengo dzebato ravo idzo vati dziri kukonzera nyonga nyonga pamwe nekusawirirana mubato vachiti avo vanoda kuparadza bato iri ndivo vachazoguma vaparara. VaMnangagwa vakatomisa basa vaimbove gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, VaOwen Mudha Ncube, avo vainzi vaikonzerawo nyonga nyonga, kunyanya mudunhu reMidlands. VaMnangagwa vatiwo vari kushushikana nemafashamu emvura kune dzimwe nzvimbo, vakakurudzira vanobatsira veruzhinji munguva yenjodzi dzakadai, veCivil Protection Unit kuti vagare vakagadzirira kubatsira vanenge vawirwa nedambudziko iri. Vakurudzirawo avo vasina kubaiwa nhomba kuti vabaiwe vachiti nyika ine nhomba dzakawandisa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zanu-pf-leader-emmerson-mnanagwa-warns-members-to-be-wary-of-civic-organisation/6398347.html +politics Makereke Opokana neMashoko aVaGeorge Charamba Paita kukandirana makobvu nematete pakati pemutauriri wemutungamiri\nwenyika, VaGeorge Charamba, nevamwe vakuru vedzisvondo dziri pasi\npemubatanidzwa weZimbabwe Heads of Christian Denominations, CHOCD,\npamusoro pekuti makereke avhurwe asi achibvumidza chete vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira cherwere cheCovid-19. Mubatanidzwa weZHOCD, wakazivisa kuti danho rehurumende iri rakanaka asi rinonetsa kutevedzera sezvo kereke isingagone kudzinga vanhu vanenge vauya kuchechi ichivati havana kubayiwa nhomba. VaCharamba nezuro vakabva vatuka makereke aya padandemutande ravo\nreTwitter vachidoma munyori weZHOCD, VaKenneth Mtata, nezita kuti\nkuramba kwavo uku kune chekuita nezvematongerwo enyika. Asi VaMtata vaudza Studio 7 nhasi kuti mashoko aVaCharamba anoratidza\nkuti havazive kuti zvinyorwa zveZHOCD zvinonyorwa sei. VaMtata vati ivo munyori chete asi pfungwa ndedzehutungamiri nemakereke awo.\n\nVaMtata vati havatyi kuti vakadomwa nezita naVaCharamba vachiti semugari wemunyika vakasununguka kutaura zvavanoda\nzvinosanganisira zvematongerwo enyika.\n\nSachigaro wekereke yeEvalengical Fellowship of Zimbabwe, imwe\nyemakereke anoumba ZHOCD, Bishop Never Muparutsa, vati mashoko aVaCharamba haana kunaka sezvo VaMtata vanongove munyori.\n\nBishop Muparutsa vati vachanotaura negurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, gurukota\nrezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, pamwe nemukuru weNational Covid-19 Taskfore, Dr Agnes Mahomva, pamusoro pedanho rehurumende rekuti vasina kubayiwa nhomba vasabvumidzwe kupinda muchechi. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaCharamba pataenda kumhepo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mumwe mugari wemuChinhoyi anopinda chechi yeRoman Catholic,\nVaClifford Rusere, vati mutemo unofanirwa kubata munhu wese zvisinei\nkuti makereke here kana kuti makambani. VaRusere vati kana makambani ave kumanikidzirwa kuti vanenge vasina\nkubayiwa vasaende kubasa makereke anofanirwa kutevedzerawo izvozvo.\n\nHurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekuderedza\nkutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-churches-hit-back-to-charamba-/6002756.html +politics Sangano reProject 263 Rinoenda kuDare reHigh Court Richida Kuwaniswa Gwaro reVavhoti repaDandemutande neZEC Sangano rinoongora sarudzo reProject Vote 263 nemusi weChina rakakwira kudare repamusoro reHigh Court richida kuti dare rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iri wanise gwaro revavhoti repadandemutande, kana kuti electronic voters roll. Mukuru wesangano iri VaYoungerson Matete, vanoti ZEC haisi kuda kuvapa gwaro repadandemutande iri asi ichida kuti vatenge gwaro revavhoti remapepa, kana kuti hard copy, iro ravanoti riri kudhura zvakanyanya. VaMatete vanoti gwaro revavhoti rebepa riri kutengeswa nedhora rimwechete papeji, uye gwaro iri rine mapeji anodarika zana nemakumi masere ezviuru. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana kuti tinzwe divi ravo, asi vakamboudza zvavo Studio 7 kuti komisheni yavo iri mushishi kugadzirisa gwaro revavhoti kuti riende padandemutande. Mamwe masangano akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vari kunetsanawo neZEC pamusoro pegwaro revavhoti repadandemutande iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6860142.html +politics VaTsvangirai Voshora VaMugabe neKumanikidza Vanhu Kufora Vachitiwo Vave Kunzwa Zviri Nani Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai nemusi weChitatu vakatumira mashoko kumhuri yeZimbabwe vachivimbisa kuti munguva pfupi inotevera vachange vodzoka kumusha vachibatsirana navo kurwira rusununguko. VaTsvangirai parizvino vari muchipatara kuSouth Africa uko vati vari kunaya. Vatenda mhuri yeZimbabwe nemudzimai wavo amai Elizabeth Tsvangirai nekuvatsigira vari muchipatara. Mutungamiri webato rinopikisa atiwo achadzoka munyika kuzoenderera mberi nekumirira zvido zvevanhu vachinetsana nevanhu vari kutyora kodzero dzevanhu munyika. Vati vari kuzvizivawo kuti vanhu vemuZimbabwe vari kunetseka zvikuru. VaTsvangirai vati vari kunzwawo kuti bato reZanu-PF ravharisa nyika yose nekumanikidza vanhu kusanganisa vanotengesa mumigwagwa kuti vaende kunofora vachitsigira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. VaTsvangirai vati chinofanira kunge chichifora kuenda mberi handi vanhu asi kuti hupfumi. VaTsvangirai vatiwo vari kuenderera mberi vachinaya uye kurwarwa kwavo hakufanire kukonzera kusagadzikana munyika. Vatiwo nyika yeZimbabwe itori pakaoma kudarika hutano hwavo. Mutauriri waVaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti mhuri yeZimbabwe ngaigadzikane zvayo sezvo VaTsvangirai vachange vobatana nawo mukurwira hutongo hwejekerere. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3345784.html +politics Hupenyu hwaVaMorgan Tsvangirai Hworangarirwa kuSouth Africa Sangano re Southern African Liaision Office, nezuro rakaita musangano wekurangarira mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, pahurongwa hwakaitirwa muPretoria, kuSouth Africa. Vanhu vangangosvika zana vakaungana muPretoria vachirangarira mabasa akaitwa akaitwa naVaTsvangirai munyaya dzematongerwo enyika pamwe nekodzero dzevanhu. VaTsvangirai vakarumbidzwa semunhu aive akashinga, ane rudo uye anoremekedza muonero wakasiyana siyana. Vachitaura pamusangano uyu, murwiri wekodzero dzevanhukadzi, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vakati kunyange hazvo vakanga vasingawirirane mune zvimwe zvinhu naVaTsvangirai, muchakabvu munhu aive neruremekedzo, uye vakadzidza zvakawanda kubva kuna VaTsvangirai. Amai Misihairabwi Mushonga vakati kusawirirara pakati penhengo dze MDC T inotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe ne MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, kuchagadziriswa mushure mesarudzo. Mutauriri waVaChamisa, Va Nkululeko Sibanda, vakarumbidzawo VaTsvangirai nekudoma kwavo VaChamisa, semumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T. VaSibanda vakati VaTsvangirai vakaona kuti Va Chamisa munhu ane ruzivo kwete munyaya dzezvematongerwo enyika chete, asi nemunyaya dzakasiyana siyana. Mumiriri weMDC T muSouth Africa, VaAmos Moyo, vakatiwo chirongwa chekurangarira VaTsvangira, chichazenge chichiitwa gore rega rega, sezvo VaTsangirai vaive munhu airemekedzwa nevanhu vakawanda, kwete munyaya dzezvematongerwo enyika chete, asi nemunyaya dzekodzero dzavashandi. Chirongwa chekurangarira VaTsvangirai chakatsigirwa nemuzinda weNorway muSouth Africa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vamorgan-tsvangirai-vorangarirwa-kusouth-africa/4477755.html +politics VeZanu-PF neCCC Vokakavadzana nezveKusagadzikana Kwoita Nyika paMberi peSarudzo dza2023 Vebato reZanu-PF neveCitizens Coalition for Change vatatsurana muMasvingo nhasi pakuti ndiyani ari kukonzera mhirizhonga nekusagadzikana munyika pamberi pesarudzo dza2023. Vachitaura pamusangano wekutaura nezvegadziriro yesarudzo dzegore rinouya wakokerwa nesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists nhasi paChevron Hotel, vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC muMasvingo, VaDereck Charamba nemunyori mubazi revechidiki muZanu PF muMasvingo, VaCharles Munganasa vati mapato avo akagadzirira zvakakwana kupinda musarudzo dzegore rinouya.\n\nVaCharamba vati bato ravo riri kugadzirira sarudzo idzi nekutsvaga rutsigiromurunyararo asi vakapomera Zanu-PF mhosva yekuita nekuvakanganisa VaCharamba vati huwandu hw mhirizhonga yezvematongerwe enyika nekumbunyikidzwa kwekodzero dzavatsigiri vavo huri kukura munyika apo sarudzo dzave pedyo. Izvi zvarambwa naVaMunganasa avo vapomera mhosva yekukwira kwemhirizhonga dzematongerwe enyika kubato rinopikisa re CCC vachiti ndiro rinotanga mhirizhonga.\n\nVaMunganasa vanoti bato reCCC rinobatsirwa nemasangano akaozvimirira oga kunemera bato ravo mhosva dzenhema vachiti vanhu varikuita izvi varikuita voga vasina kutumwa nebato ravo.\nVaenderera mberi vachiti vanotarisira kukunda musarudzo gore rinouya nekuti mabasa ari kuitwa nebato ravo ari kuonekwa nevavhoti.\n\nVaCharamba vati hapana mabasa anoonekwa akaitwa nebato reZanu PF kubva muna 2018 sezvo hupfumi hwenyika huri kumawere uye vanhu varikutambura. Munyori mukuru musangano reZUJ muMasvingo, VaTatenda Chatagu vatiwo vaita musangano uyu pakati pevatori venhau nevatungamiriri vemapato aya kuti vazeye nyaya yemhirizhonga pasarudzo iyo inobatawo vatori venhau vanenge vachita mabasa avo\n\nMapurisa ange akakokwawo kumusangano wanhasi haana kuuya. Bato reCCC riri kupomera bato reZanu PF mhosva yekuponda nhengo dzaro dzinoti VaMboneni Ncube, KuKwekwe pasarudzo dzema by-election muna Kurume, Muzvare MoreBlessing Ali kuNyatsimwe mwedzi wapera pamwe na Nyasha Zhambe Mawere kwaGutu gore rapera muna Zvita. Asi Zanu PF inoramba mhosva idzi ichiti vanhu vakazviita vakapara mhosva vakazvimirira ndosaka vakasungwa nemapurisa.\n\nMugwaro rayo rezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemhirizhonga munyika mumwedzi waChikumi, sangano rakazvimirira roga reZimbabwe Peace Project rinoti bato reZANU PF ndiro rakanyanya kutyora kodzero dzevanhu nezvikamu zvinodarika makumi mana nematatu kubva muzana 43,8%, ukuwo bato reCCC rinewo zvikamu zvinodarika zvitatu nechidimbu kubva muzana kana kuti 3.5%. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6655773.html +politics VaHaruzivishe Vopika Mwedzi Gumi neMina Nhengo yekomiti yepamusoro yeboka revechidiki muMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, vatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi miviri mushure mekubatwa kwavakaitwa nemhosva yekurudzira mhirizhonga pamwe nekuramba kusungwa nemapurisa. Mutongi wedare, Amai Judith Taruvinga, vatura mutongo wekuti VaHaruzivishe vapike kwemakore maviri pamhosva yekutanga yekunzi vakakurudzira mhirizhonga asi vasendeka mwedzi gumi parutivi sezvo aka kari kekutanga VaHaruzivishe vachibatwe nemhosva. Pamhosva yechipiri yekunzi VaHaruzivishe vairamba kusungwa pavakapara mhosva yekutanga, Amai Taruvinga vati VaHarizivishe vagare mujere kwegore asi vakasendeka mwedzi mitanhatu parutivi. Amai Taruvinga vati nguva yavatara kuti VaHaruzivishe vapike pamhosva dzose dziri mbiri ichange ichifambirana saka nokudaro vati VaHaruzivishe vachapika mwedzi gumi nemina. Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 vakakomberedzwa nemapurisa anga akapakatira zvombo achivamanikidza kupinda mumotokari yavo ayo anga achivarambirambidza zvakare kutaura nevatori venhau kuti havana kufara nemutongo waturwa nedare. Rimwe remagweta eMDC Alliance uye vari nhengo yebato iri, VaJacob Mafume, vati vachakwidza nyaya yaVaHaruzivishe kudare repamusoro nechinangwa chekuti mutongo uyu usendekwe parutivi. VaHaruzivishe vanonzi vakakurudzira vanotengesera mumigwagwa avo vaisungwa nemapurisa kuti vaite mhirizhonga pakati pedhorobha muHarare gore rapera zvakazoita kuti mapurisa pamwe nematokari yavo vatemwe nematombo nevanotengesera mumigwagwa ava. Zvinonziwo mapurisa paaida kuvasunga, VaHaruzivishe vakaramba kusungwa vakagara pasi zvakazoita kuti mapurisa avatakure. Asi VaHaruzivishe vakaudza dare paitongwa nyaya iyi kuti vaitobvawo mune imwe imba yekudyira iri muna First Street pavakaona mapurisa achisunga vanotengesera mumigwagwa mumwe mupurisa ndipo paakasvika kwavari akavatorera nharembozha yavo achiti “Tinokuzivai vanhu veMDC munonetsa”. VaHaruzivishe vakatiwo vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika. Zvichakadai, paita bongozozo panze pedare mushure mekuturwa kwemutongo uyu apo mumwe mupurisa apomerwa mhosva yekubata zamu reimwe nhengo yeboka remadzimai reMDC Alliance, Amai Vongai Tome, mapurisa paanga odzinga vanhu vose vanga vafambira nyaya pamatare zvaita kuti mapurisa nenhengo dzeMDC Alliance idzi vakandirane makobvu nematete. Mapurisa azopedzisira orova vanhu zvaite kuti nhengo dzeMDC Alliance idzi dziite rutsoka ndibereke dzichiita aziva kwake aziva kwake. Mumhirizhonga iyi pazosungwa Amai Tome neumwe wechidiki anzi anonzi Ngoni Dzapfumba ukuwo mutori wenhau wekambani 263Chat, Samuel Takawira, akakuvara ruoko mushure mekurohwa kwaaitwa nemapurisa. Munyori mukuru musangano rinomirira vatori venhau vechidiki reYoung Journalists Association, Va Philemon Jambaya, vashora kurohwa kwaitwa Takawira nemapurisa vakakurudzira hurumende kuti ikoshese kodzero dzevatori venhau panguva yavanenge vachiita basa ravo. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi apo taenda pamhepo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mdc-alliance-executive-member-sentenced-to-16-months-in-prison/5842844.html +politics VaReport Phelekezela Mphoko Vanoitwa Mutevedzeri weChipiri waVaMugabe Kunyange hazvo veruzhinji muHarare vachiti havana ruzivo rwakanyaya pamusoro pemumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wenyika vadomwa, VaReport Phelekezela Mphoko, ongororo yataita inoratidza kuti VaMphoko igamba rehondo yerusunungujo uye vakashanda muhurumende kwenguva yakareba vachimirira Zimbabwe kunyika dzakasiyana siyana. Vaimbova kanzura muHarare, VaWarship Dumba, vanoti havana chavanoziva pamusoro paVaMphoko uye vakatanga kunzwa nezvavo painge pave kuda kuitwa kongiresi yebato reZanu PF. VaWashington Ngirazi vekuMbare vanotiwo hapana zvavanoziva kunze kwenguti vaimbomirira Zimbabwe kunze kwenyika. Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vanotiwo ndezvechokwadi kuti veruzhinji havana ruzivo ruzhinji pamusoro paVaMphoko uye zvakakosha kuti vazivikanwe neveruzhinji. Asi vanoti vane chivimbo chekuti vachaita basa ravo nemazvo sezvo vadoma nemutungamiriri wenyika. VaZhangazha vanotiwo chimwe chinofanira kuziva VaMphoko ndechekuti VaMugabe havapikiswe uye vanogona kusiya basa zvakaita vaimbove mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joice Mujuru, kana vakada kukura musoro. Vanodzidzisa zvidzidzo zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, Amai Charity Manyeruke, vanotiwo vanhu havangazive vanhu vese vakaenda kuhondo uye chakakosha ndechekuti VaMphoko igamba rehondo. Vanotiwo VaMphoko inhengo yeZanu pF yakavimbika ndosaka vasarudzwa nemutungamiriri wenyika. VaMphoko ndemumwe weavo vaitungamira mauto eZimbamwe People’s Revolutionary Army kana kuti ZIPRA uye vakambomirira ZAPU kuMozambigue Zimbabwe isati yawana kuzvitonga. Vari ikoko vakashanda nedzimwe nhengo dzebato reAfrican National Congress yeSouth Africa dzakaita semutungamiriri wenyika iyi, VaJacob Zuma. VaTjenesani Ntungakwa avo vanoongorora mashaindiro aiita bato reZAPU vanotiwo VaMphoko munhu aive nechinzvimbo chikuru munguva yehondo. VaMphoko vakambomirira Zimbabwe kunyika dzakaita seRussia uye vange vachimirira nyika kuSouth Africa kubva muna 2011 kusvika pavakasiya basa mwedzi mishonana yapfuura. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mphoko-zimbabwe-mugabe/2554013.html +politics Tajamuka Inoti VaMkhwananzi Vambomira Kutaurira Sangano Iri No media source currently available Chikwata cheTajamuka chinoti chatambira chikumbiro chemutauriri wacho, VaPromise Mkwananzi,chekuti vambosuduruka apo nyaya dzehuwori nekusashandisa mari zvine mwero dzavari kupomerwa dziri kuongororwa. Komiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa muTajamuka yaita musangano muHarare neMuvhuro apo yaumba komiti ichaongorora nyaya dziri kupomerwa VaMkwananzi. VaGift Ostallos Siziba ndivo vacbata chinzvimbo chemutauriri wechikwata ichi. VaSiziba vaudza Studio 7 kuti nyaya dzaVaMkwananzi dzakatanga kubuda pamadandemutande mazuva apfuura uye komiti yadomwa iyi ichaunganidza humbowo isati yapa pfungwa dzayo kuti zvingaitwe. Zvichitevera zvainyorwa nekutaurwa pamadandemutande nedzimwe nyaya dzavaipomerwa, VaMkwananzi vakazivisa nezuro manheru kuti vainge vave kumbosuduruka kuti vagadzirise nyaya iyi. Pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvaibatsira Tajamuka nemari zvave kupomera VaMkwananzi mhosva yehuwori pamwe nekusashandisa mari zvine mwero. Hatina kukwanisa kutaura naVaMkwananzi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo. Asi vachinyora padandemutande, VaMkhwananzi vakati vari kumbomira kuita mutauriri wesangano iri zvichitevera kupomerwa kwavari kuitwa nyaya nemunhu wavati anonzi Fadziso Doyce nee Jena, kuitira kuti zita ravo risikanganise mafambiro ezvinhu muTajamuka. Munyori mukuru weMDC – T Youth Assembly mudunhu reHarare, VaDenford Ngadziore, vaudza Studio 7 kuti senhengo dzeTajamuka/Sesijikile, zvaitikika izvi hazvifaniri kudzorera basa rechikwata ichi kumashure. Vati chikwata ichi chine nhengo dzakawanda uye dzinofanira kuenderera mberi nebasa. Munyori mukuru musangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Unions, VaMakomborero Haruzivishe, vaudza Studio7 kuti zvaitika muTajamuka/Sesijikile zvakakosha uye zvinoratidza kuti kana paita nyaya, dzinofanira kuongororwa, zvisinei kuti ndiani anenge aidziita. Vati ZINASU yakapinda muTajamuka/Sesijikile nekuti vanotsigira zvinorwirwa nesangano iri. Chikwata cheTajamuka/Sesijikile icho chinove mubatanidzwa wemasangano evechidiki anorwira kodzero dzevanhu pamwe nevechidiki kubva kumapato anopikisa chakaumbwa gore rapfuura. Chikwata ichi chinorwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere pamwe nekuti vanhu vagare zvakanaka. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-tajamuka-mkhwananzi-steps-down/4053018.html +politics MDC Inotungamirwa naVaNcube Yozvipira Kuita Mushandira Pamwe Musarudzo dza2018 Bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube rinoti richashanda nemamwe mapato kuitira kuti mubatanidzwa wemapato ukunde Zanu PF musarudzo dza 2018. Bato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube rinoti richashanda nemamwe mapato kuitira kuti mubatanidzwa wemapato ukunde Zanu PF musarudzo dza 2018. Izvi zvabuda pamusangano weNational Council wekupedzesera gore rino waitirwa muHarare. Vachitaura papera musangano uyu, VaNcube vati bato ravo rapa hutungamiriri hwebato iri basa rekutaurirana nemapato ese anopikisa kuitira kuti vaumbe mubatanidzwa sezvo iri iyi nzira yega ingaite kuti vakunde bato riri kutonga reZanu PF. VaNcube vatiwo zviri pachena kuti vanhu vese munyika vari kuda kuti mapato anopikisa abatane musarudzo vakatiwo musangano wavo watambira chisungo cheMDC inotungamiririrwa naVaMorgan Tsvangirai pamusangano wayo weNational Council chekuti bato iri rakazvipira kushanda nemamwe mapato mukuumba mubatanidzwa uchakwikwidza Zanu PF. Vati kana izvi zvikabudirira mapato ese anopikisa achamiririrwa nemunhu mumwe chete musarudzo dzemutungamiri wenyika uye musarudzo dzeparamende mapato aya anenge achimiririrwa nenhengo imwe chete muconstituency yega yega. Vati pane nhaurirano dzavave kutoita nemamwe mapato uye zvinofadza kutipane chido chekubatana kubva kumapato akawanda munyika. Mutevedzeri waVaWelshman Ncube, VaEdwin Mushoriwa, vanotiwo zvimwe zvisungo zvabuda mumusangano wavo ndezvekuti bato iri richaita kongiresi yaro mukutanga kwegore rinoouya. Vatiwo musangano uyu waita chisungo chekuti vanofanira kuramba vachirwira kuti mitemo yesarudzo isandurwe kuti paitwe sarudzo dzakachena. Vatiwo mutemo unofanira kusandurwa kuti kana anenge akunda ogadzwa ipapo vachiti izvi ndizvo zvingadziviririre zviri kutika kuGambia uko mutungamiriri wenyika iyi akakundwa musarudz,o VaYahya Jamme, vari kuramba kubva pachigaro. Vatiwo izvi zvakaitika muZimbabwe muna 2008 apo VaMugabe vakakundwa musarudzo naVaTsvangirai asi vakaramba kubva pachigaro nekuti mapato anopikisa ange asina zano rekuti iota sei kutora masimba. VaNcube vati vanofara chose nezviri kuitwa neAfrican Union, ECOWAS neUnited Nations ku Gambia uye SADC inofanira kuitawo zvimwezvo kana pakaita anoramba kubva pachigaro akundwa muna 2018. Zvichakadai, sachigaro wemadzimai mubato iri AmaiMonica Ngwenya vaudza Studio 7 kuti madzimai akatoita chisungo pamusangano wavo svondo rapera chekuti vanofanira kupinda musarudzo vakawanda muna 2018. Nyanzvi munyaya dzematonmgerwo enyika dzinoti VaMugabe nebato ravo reZanu PF vane hunyanzvi hwekubira sarudzo zvekuti mapato anopikisa haakwanise kuvakunda kana akasabatana. Mapato anopikisa munyika ave kutoshanda akabatana muzvirongwa zvakasiyana siyana zvakaita seCoalition of Democtracts kana kuti Code neNational Electorla Reform Agenda kana kuti NERA. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-coalition-bid/3646859.html +politics MDC Yoita Musangano Wayo muGweru neSvondo MDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ichaita musangano neSvondo muGweru wekutenda vatsigiri vayo vakaivhotera musarudzo dzakaitwa gore rakapera. Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti bato ravo riri kutenda zvikuru vanhu vakarivhotera, uye mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vachange vari ku Mkoba Stadium kuchaitirwa musangano uyu. “Kunenge kune musangano muhombe; tinenge tichiungana sezvo tiri bato rezvematongerwo enyika. Tinoudzana zviri kuitika munyika nekushungurudzwa kuri kuitwa vatsigiri vedu vari kurohwa, vari kuurayiwa, vari kuitwa zvakasiyana siyana,” VaMafume vakaudza Studio7. “Tinoda kupa vanhu gwara, tichivaudza kuti kongiresi yavepo. Munoziva kuti pakongiresi tinenge tichichinja hutungamiri hwedu, tichipana gwara, tichigadzirisana pakakanganisika.” MDC yakaita musangano weNational Council iyo yakabvumirana kuti kongiresi iitwe kubva musi wa 24 kusvika 26 Chivabvu. Kune vamwe vaida kuti kongiresi iitwe muna Gumiguru. Kongiresi iyi iri kuitwa zvichitevera kushaya gore rapera kwevaimbove mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai. VaMafume vati VaChamisa vachashandisa mukana wemusangano wekuGweru kuudza veruzhinji muZimbabwe pamusoro pechirongwa chebato ravo chekugadzirisa hupfumi hwenyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc-alliance-to-hold-thank-you-rally-in-gweru-tomorrow-sunday-jacob-mafume/4801304.html +politics Pastor Mawarire Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Dare redzimhosva rinoti Pastor Evan Mawarire vanofanirwa kugara muchitokisi kudzamara musi 17 Kukadzi apo vachaunzwa mudare iri. VaMawarire vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vachinzi dare remajisitireti harikwanisi kutaura nezvenyaya yechibatiso sezvo mufundisi wesvondo ye His Generation vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekuda kupidigura hurumende. VaMawarire vari kupomerwa zvakare mhosva yekushandisa mureza wenyika zviri kunze kwemutemo. Muchuchisi wenyaya iyi, VaEdmore Nyazamba vaudza dare kuti VaMawarire, avo vanoshanda neboka reThis Flag, vakaronga zvekupidigura hurumende yaVaRobert Mugabe kubudikidza nekurudzira vanhu vari pasi rose kuti vaungane vachiratidzira ku New York gore rapera paipindwa musangano weUnited Nations naVaMugabe muna Gunyana gore rapera. VaNyazamba vati mavhidhiyo akaburitswa naVaMawarire padandemutande aipesvedzerawo vanhu kuti vapandukire hurumende. Asi rimwe remagweta ari kumirira VaMawarire, VaHarrison Nkomo, vabva vasvitsa chikumbiro chekuti nyaya iri kupomerwa VaMawarire iraswe vachiti haina musoro. VaNkomo vaudza dare kuti haisi mhosva kuti munhu ataure kuti mutungamiri wenyika anofanira kusiya basa kana achinge atadza kufambisa zvinhu zvakanaka munyika. Vaenderera mberi vachiti kusungwa kwakaitwa VaMawarire kunotyora kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo yenyika dzekutaura zvavanofunga. Mutongi wedare, VaElisha Singano, vatura mutongo wekuti pane fungidziro yakasimba yekuti VaMawarire vakapara mhosva yavari kupomerwa saka vanofanira kugara mutirongo kusvika musi wa17 mwedzi uno pachadzoka nyaya iyi kudare. Zvaturwa nedare zvatsinhirwa naVaNkomo. VaNkomo vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro sezvo matare amejasiriti asingabvumirwe kupa musungwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yakakomba seiri kupomerwa VaMawarire. Mumwe wevanorwira kodzero dzevanhu munyika, Muzvare Linda Masarira, avo vanga vari mudare panga pachizeyewa nyaya iyi, vaudza Studio7 kuti kusungwa kwaVaMawarire kuri kuvashugurudza zvikuru. VaMawarire vaudza vanhu vanga vakavamirira kuti vavaone vachipinda mumotokari inotakura vasungwa kuti veruzhinji vasatye zvavo vachivavimbisa kuti zvinhu zvichanaka chete munyika. Mune imwewo nyaya yanga iri kumatare, nyaya iri kupomerwa mufundisi weRemnant Church, VaPatrick Mugadza, avo vakasungwa mushure mekunge vataura mashoko ekuti vakaudzwa naMwari kuti VaMugabe vachafa gore rino, yatadza kusimuka mumatare nepamusana pekuti vanochengeta vasungwa vatadza kuvaunza kudare vachiti havana mafuta. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-pastor-mawarire-remanded/3705328.html +politics Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, Vanodoma Makurukota Avo Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, nemusi weChina vakadoma makurukota ehurumende yebato ravo kana kuti shadow ministers makumi maviri nematanhatu, pamwe nemamwe gumi achange ari makurukota ematunhu, kana kuti provincial ministers. Vamwe vevakadomwa kuve makurukota vanosanganisira VaMorgen Komichi, avo vakadomwa kuve gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika; VaTapiwa Mashakada vari gurukota rezvehupfumi; Dr. Ruth Labode segurukota rezvehutano; Amai Paurina Mpariwa vari gurukota rezvevashandi nemabasa, kuchitiwo VaPeter Moyo vachidomwa segurukota rinoona nezvekugadzikana kwenyika. Mwanakomana wevakave mutungamiri weMDC wekutanga, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, VaVincent Tsvangirai, vakadomwawo kuve gurukota rinoona nezvevechidiki, mitambo netsika. Vakadomwa kuve makurukota ematunhu vanosanganisira VaMorgen Femai, avo vachange vari gurukota redunhu reHarare; VaGift Konjana vari gurukota redunhu reMashonaland West; Amai Jane Chifamba vari gurukota reMashonaland East; VaGift Chimanikire vari kuMashonaland Central, kuchitiwo VaGiles Mutsekwa vari gurukota redunhu reManicaland. Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanoti mutungamiri webato ravo akatora danho iri achitevera kodzero dzinowanikwa munyika ine hutongo hwejekere idzo dzinobvumidza mapato anopikisa kuti aumbewo dare remakurukota rinenge richiona kuti hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa iri kushanda sei. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc-t-president-douglas-mwonzora-appoint-shadow-ministers/6009798.html +politics Vanhu Vopesana Pfungwa Zvichitevera Kuva Sachigaro weAU Kwakaitwa VaMugabe Kugadzwa kwakaitwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, sasachigaro wesangano renyika dziri mu Africa re African Union kuri kutambirwa nevamwe ukuwo vamwe vachiti hazvina zvazvinobatsira Zimbabwe. No media source currently available Vamwe vatsigiri veZanu PF vakaita saVa Clever Mahachi vanoti vari kufara zvikuru kuti VaMugabe vakatora matomhu musangano re Africa Union vachiti ndivo vane hunyanzvi hwakadzama munyaya dzezvematongerwo enyika kana pachienzaniswa nevatungamiri vedzimwe nyika. Asi mumwe mugari wemuHarare, Va Mathias Tsomondo, vanoti hapana zvazvinobatsira nyika kuti Va Mugabe vakaitwa sachigaro weAU. Mupepeti webepanhau re The Observer, Va Barnabas Thondlana, vanotiwo kunyange hazvo Va Mugabe vari munhu akakodzera kutora chigaro ichi, uku kwave kuvapa mutoro wakakura kwazvo pakatariswa zera ravo. Va Mugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe chete mwedzi uno. Asi Va Thondlana vanoti Va Mugabe munhu anoziva nyaya dzose dzakatarisana nenyika dzose dziri mu Africa zvekuti vanokwanisa kugadzirisa zvinenge zvichidiwa munyika idzi. Va Tsomondo vanoti chigaro chatorwa naVa Mugabe ichi hachina zvachinobatsira mukusimbaradza hukama pakati peZimbabwe nenyika dzekumavirira. Vanoti kunyange hazvo dzimwe nyika dzekumavirira dzanga dzotanga kudyidzana neZimbabwe, Va Mugabe pachavo vanofanira kugadzirisa chimiro chavo munyaya dzemabatiro avanoita nyaya dzesarudzo munyika kuitira kuti AU irambe ine chimiro chakanaka. Vaimbova mutungamiri wesangano revadzidzi munyika, re Zimbabwe National Students Union, Va Pride Mkono, vanoti hapana chekutarisira chakanyanya zvikuru kubva kuna Va Mugabe nechigaro chavo chitsva chavapihwa ichi. Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Blessing Vava, avo vanoshanda vakazvimirira, vaudza Studio7 kuti Va Mugabe vane basa rakakura kwazvo mu Africa pakatariswa nyaya yekusagadzikana mune dzimwe nyika dziri mu Africa zvikurusei ku Nigeria ne Democratic Republic of the Congo. Va Mkono vanotiwo kunyange hazvo Va Mugabe vakaita mukurumbira zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa kuti vatungamire AU pamwe chete nesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, mukurumbira uyu hauna zvaunoreva kana zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika mavo. Kunyange hazvo vanhu vazhinji vachiti zera raVa Mugabe richavatadzisa kuita basa ravo idzva mu Africa nemazvo, Va Vava vanoti hapana chinganyanyonetsa sezvo vaine vanhu vanenge vachivabatsira kuita basa. Va Mugabe, avo vanova zvakare sachigaro we SADC, vachange vari sachigaro veAU kusvika muna Ndira 2015. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mugabe-africa-chiripasi-sadc-/2624987.html +politics ERC Yokurudzira ZEC Kuti itevevedzere Mutemo Mukufambisa Sarudzo Sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reElection Resource Centre kana kuti ERC, riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti itevedzere mutemo panyaya yekufambisa sarudzo dzegore rino kuitira kuti dzitambirwe nevari kupikisa. Sangano iri rinotiwo ZEC haifanire kuita zano ndega zvinozokonzera mutauro wakanyanya munyika. Sachigaro vebhodhi reERC, VaTrust Maanda vanoti ZEC pari zvino iri kukundikana kutevedzera mutemo wesarudzo kana zvisungo zvayo zvayakatara kuti ichatevedzera mukuita sarudzo dzakachena. VaMaanda vanoti semuenzaniso, sangano ravo rakaona kuti ZEC ingadai yakaburitsa gwaro revavhoti vari kukwikwidza vasati vapinda musarudzo uye kupa vanhu mukana wekuti variongorore kuitira kana paine zvinoda kugadziriswa. Mapato anopikisa ari kuchema-chemawo nezviri kuitwa neZEC achiti iri kukundikana kubata gadziriro yesarudzo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-elections-erc-zec-maanda/4446020.html +politics VaBiden Votura Mashoko kuNyika yeAmerica Vachiti Vazadzikisa Zvavakavimbisa Kuita Mumazuva Zana eKutanga Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vatura mashoko avo kunyika yeAmerica pamberi pematare maviri eHouse of Representatives neSenate mudare reCapital Hill muWashington DC. Izvi zvauya mushure mekunge VaBiden vasvika mazuva zana vari muhofisi kubva zvavatora mhiko yekutungamira nyika. VaBiden sezvange zvakatarisirwa vataura nezvechirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika mamiriyoni matatu pasi rose kusanganisira zviuru mazana mashanu nemakumi mana nevanomwe kana kuti 547 000 muAmerica uye kubata vanhu mamiriyoni makumi matatu nemaviri kana kuti 32 million. Asi vati vari kubudirira kurwisa chirwere ichi sezvavakavimbisa musarudzo. Vati vachapa dzimwe nyika nhomba kana vanhu vose vemuAmerica vabayiwa nhomba. Panyaya yezvehupfumi, VaBiden vati hurumende yavo yakwanisa kuti zvinhu zvigadzikane. Vanhu vakawanda zvikuru vakawana mabasa muAmerica uye IMF inoti hupfumi hweAmerica huchakwira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana. VaBiden vanoti vanoda kuti vashandi vawedzerwe mari uye madzimai apihwewo mari yakawanda. Vanoti vakazvipira kushanda nemaRepublicans pagwara ravo rekuvandudza zvehupfumi. VaBiden vataurawo nezvekuda kwavo kuwandudza zviwakwa vachiti zvichabatsira kuwanisa vanhu vakawanda mabasa. Vati vanoda kuti shoroma dzibhadharewo mutero wakati kurei kuti vakwanise kugadzira zvivakwa izvi. MuAmerica hamuna kugadzikana mune mamwe matunhu zvichitevera kuurayiwa kwevamwe vatema nemapurisa zvikuru vechichena. VaBiden vati nyaya iyi inoda kugadziriswa. VaBiden vakurudzirawo kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nekutengeswa kwepfuti zvichitevera kuurayiwa kwevanhu vakawanda nevamwe vanhu vanokwanisa kutenga pfuti asi vasina kugadzikana mupfungwa. Kekutanga munhoroondo yeAmerica, mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris mudzimai wekutanga kuva nechigaro ichi uye Amai Nancy Pelosi mudzimai wekutanga kuva mutauriri wedare reHouse of Representative vange vakagara pazvigaro zvepamusoro pedyo naVaBiden. Papedza VaBiden kutaura, Senator Tim Scott vekuSouth Carolina vabva vataurawo vakamirira bato rinopikisa remaRebuplicans. Senator Scott ndivo chete munhu mutema anova Senator mubato remaRepublicans. VaScott vati maDemocrats haasi kuratidza kuda kushanda nebato ravo panyaya dzakaita sekurwisa chirwere cheCovid-19 kuti vana vadzokere kuchikoro kana pakuvandudza hupfumi. Vati kazhinji maDemocrats anoita zano ndega. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vabiden-votura-mashoko-kunyika-yeamerica-vachiti-vazadzikisa-zvavakavimbisa-kuita-mumazuva-zana-ekutanga/5871007.html +politics Hurumende Yoshorwa neKukundikana Kuumba Komiti Inoongorora Mauto, Mapurisa neVasori Vanoongorora nyaya dzezvemitemo nemashandiro eparamende veVeritas vanoti kutadza kwehurumende kuzadzikisa bumbiro remutemo nekuumba komiti yakazvimirira yoga inoongorora mapurisa, mauto kana vasori vanenge vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu ndizvo zviri kupa kuti vanhu vane hama dzinenge dzaurayiwa, kuitwa kafiramberi kana kubatwa chibharo i vatadze kumhan’ara nyaya dzavo. Komiti iyi yaifanira kunge yakaumbwa makore matanhatu apfuura kuzadzikisa chikamu chemazana maviri negumi kana kuti Section 210 yebumbiro remutemo. Veritas iri kushorawo dare reConstitutional Court nekutadza kuudza hurumende kuti itevedzere mutemo nekuumba komiti iyi kunyangwe muna 2015 VaDouglas Mahiya mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vakakwidza nyaya iyi kudare mushure mekushungurudzwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti hurumende iri kudya manonoko vachiti pane zvimwe zvakakosha zvayange ichiita zvakafanana nesarudzo . No media source currently available Asi gweta vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti hurumende inofanira kuumba komiti iyi nechimbi chimbi. No media source currently available VeHuman Rights Watch, Amnesty International neOxfam International vakatonyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu iri kupomerwa vanodzivirira nyika iyi. VaMnangagwa vakadzoka kumusangano weAfrican Union nezuro. https://www.voashona.com/a/hurumende-yoshorwa-nekukundikana-kuumba-komiti-inoongorora-mauto-mapurisa-nevasori/4782848.html +politics Mapato eMDC Alliance neMDC-T Otarisirwa Kunetsana Pamusoro peZita Pave nemaonero akasiyanasiyana pagakava ramuka pamberi pesarudzo dza2023 pakati pemapato eMDC Alliance neMDC-T pamusoro pezita rekuti MDC Alliance, zvichitevera mashoko emutungamiri weMDC-T, VaDouglas mwonzora ekuti vanogona kupinda musarudzo dz2023 vari pasi pezita rekuti MDC alliance. Mmwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vakazobudawo zvakare panhepfenyuro yeHeart and Soul Television vachiti bato ravo ringangopinda musarudzo riri pasi perimwe zita kuitira kuti nyaya yezita isazovakanganisa. Asi VaBiti vanonzi vakati vanofanirwa kuramba vachishandisa zita rekuti MDC, vozoisa rimwe mberi risiri Alliance kuitira kuramba vakabata rutsigiro rwavanga vaunganidza pasi peMDC Alliance. Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti VaMwonzora nebato ravo reMDC-T havafanirwe kuswera vachida kukambira zita rekuti MDC Alliance nekuti kubva zvakabuda mutongo wedare reSupreme Court uchiti MDC-T ndiro bato riri pamutemo, pamwe chete nekutora pfuma yose yeMDC Alliance, zvakatoratidza kuti mapato aya akasiyana. VaNgwenya vanoti MDC-T inofanirwa kuramba iri mudanga rayo, kwete kuti ide kukanganisa zvakare vari kumhanya vari mugwanza reMDC Alliance. Vanotiwo hazvizoshamisi kuona MDC-T ichipinda musarudzo ichinzi MDC Alliance, vachiti pasi peZanu PF chese chinhu chinogona kuitika. Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Dzikiti, vanotiwo sezvo MDC-T riri iro bato rakaonekwa nedare reSupreme Court kuti ndiro riri pamutemo, zviri pamutemo kuti bato iri rive iro rinopinda mumubatanidzwa weMDC Alliance. VaDzikiti varambawo zvakare mashoko kana muono wekuti Zanu PF ndiyo ine chekuita nekunetsana kuri mumapato maviri aya, vachiti matambudziko ari muMDC haana kutanga nhasi asi kuti akakonzerwa nevaive mutungamiri webato iri, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai mushure mekudoma kwavo vatevedzeri vavo vaviri, uye nekuda masimba kwevamwe vari mubato iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-political-panel-mdc-alliance-mdc-t-fight-over-mdc-alliance-name/5941174.html +politics Sangano reCitizens Forum Rokurudzira Kuomeserwa kweVanotengesa Nyika Rimwe sangano rinozviti Citizens Forum rinoti ranyora tsamba dzenyunyuto kumasangano akazvimiririra avanoti akabatsira mukurongwa kwekuratidzira kwakaitwa mwedzi wapera. Vachitaura nevatori venhau, mukuru musangano iri, VaAlex Gakanje, vati masangano aya akapesvedzera mhirizhonga, uye vachaavharisa. Mamwe emasangano adomwa neCitizens Form anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, Law Society of Zimbabwe, Zimbabwe lawyers for Human Rights nemizinda yeAmerica neBritain. Asiwo mukuru wePlatform for Youth Development inove nhengo yeCrisis in Zimbabwe Coalition, VaClaris Madhuku, vashora zvikuru Citizens Forum vachiti kutyityidzirana kunodzorera nyika shure. VaMadhuku vatiwo vese vane moyo wekuda kuona kubudirira kwenyika, vari kukurudzira nhaurirano, izvo zviri kuitwa nemasangano avanodyidzana nawo. Studio7 haina kukwamisa kunzwa divi reBritain neAmerica pamusoro pemashoko eCitizens Forum. Nyika mbiri idzi dzakabuda pachena dzichishora mabatirwo akaitwa mhirizhonga nemauto nemapurisa. Vanhu vanodarika gumi nevashanu vakapfurwa vakafa, uye vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti. Hurumende yeZanu PF iri kupomera MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mhosva yekuronga mhirizhonga. Asi MDC inoti haisi iyo yakaronga kuratidzira uku, uye zviri kuitwa nehurumende, zvakafanana nekutsvaga uta mugate. Mune imwewo nyaya, vechidiki mubato reZanu PF vari kukurudzira veruzhinji kuti vatsungirire mumatambudziko akatarisana nenyika vachiti vane chivimbo chekuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachagadzirisa zviri kunetsa munyika. Vachitaura nevatapi venhau muHarare, vechidiki vebato reZanu PF vati vawirirana kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kupiwa mukana. Mumwe wevechidiki ava, Muzvare Yeukai Simbanegavi, vati vanonzwisisa kutambura kuri kuita veruzhinji nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezveupfumi. Muzvare Simbanegavi vati VaMnangagwa vanofanirwa kupiwa mukana wekurwisa huori, kutsvaka mari dzekunze pamwe nekugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji muhupenyu hwavo. Muzvare Simbanegavi vatiwo sevechidiki vari kushora zvikuru nekwavanoti kushandiswa kwevechidiki mukuratidzira kwakaitika muna Ndira. https://www.voashona.com/a/zanu-pf-aligned-organization-urge-govt-to-come-up-with-laws-that-punish-unpatriotic/4773951.html +politics VaMasisi Vosimbaradza Kuti Zvirango Zvibviswe, America Ichiti VaMnangagwa Ngavamire Kutonga neDemo Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti vari kuda kutaura nehurumende yeAmerica kuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagw nevamwe vavo nehurumende yeAmerica zvibviswe. Asi hurumende yeAmerica inoti kana vatungamiri venyika vakaramba vachityora kodzero dzevanhu zvirango hazvisi kuzobviswa Vachitaura nevatori venhau vachangosvika panhandare yendege yeSir Seretse Khama International Airport iyo iri muguta guru renyika iyi reGaborone nhasi mangwanani, VaMasisi vati vakazvipira kuita mutongi gava maenzanise pakati peZimbabwe neAmerica munyaya yezvirango. VaMasisi vavimbisa kuti vachaita zvose zvavanogona kuona kuti izwi rekuramba zvirango raita maungira pasi rose. VaMnangagwa vadzokawo munyika nhasi kubva kumusangano weUnited Nations uye vati vari kufara kuti vakawana rutsigiro rwevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti zvirango zvibiswe. Mutevedzeri wemunyori mukuru mudare remakurukota uye vari vari mutauriri wemtungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vaudza Studio7 kuti zvave pachema semhanza yembudzi kuti nyika zhinji kunyanya idzo dziri mudunhu reSADC dzoramba dzakamira neZimbabwe semusambangwena panyaya yezvirango. Asi vachipindura mashoko ekuti zvirango zvibviswe, mumiriri weAmerica muSouth Africa VaReuben E Brigety vakaudza vatori venhau veNews24 kuti America haisi kuzobvisa zvirango izvi nekuti haitendi kuti ndizvo zvaondonga hupfumi hweZimbabwe. Vanoti zvirango izvi zvakatemerwa vatungamiri vari kupomerwa mhosva dzekutonga nedemo uye hazvinei nevanhuwo zvavo. VaBrigety vati vatungamiri veZimbabwe vakatendeuka nekumira kutyora kodzero dzevanhu zvirango izvi zvinoswera zvabviswa. Mutauriri webato rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere vatiwo nyaya yekutadza kutungamira ndiyo yapa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama Mashoko aMuzvare Mahere atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu, VaTendai Mbofana avo vati kubviswa kwezvirango hakungapedze nhamo yadai kupfunya chisero munyika nokuda kwehuori. America yakatanga kutemera vakuru muhurumende nevavanodyidzana navo zvirango muna 2001. Vatungamiri venyika yeAmerica kutanga kuna VaGeorge Bush, VaBarack Obama, VaDonald Trump naVaJoe Biden vari kuramba vachizviwedzera gore roga roga hupenyu hwezvirango izvi vachiti vakuru vehurumende vari kuenderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu zvokonzera kusagadzikana mudunhu rese rekuchamhembe kweAfrica. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6766066.html +politics MDC Alliance Inoti Zanu-PF Iri Kurova Vatsigiri Vayo Bato reMDC Alliance rinoti nhengo yaro yevechidiki, ye Youth Assembly National Executive, Takunda Madzana, ari kurwara zvakaipisisa muchipatara mushure mekurohwa nevanhu vasingazivikanwi vanonzi vakange vakapakata pfuti, avo vanonzi vakamupisa nemoto wemagetsi. Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinopomera bato reZanu-PF mhosva yekupamba nekurova Takunda Madzana, vachiti imwezve nhengo yavo yakatoshaya ku Plumtree mushure mekurohwa nevavanoti vanhu ve Zanu-PF. No media source currently available Asi umwe wevakuru mubato reZanu-PF, Doctor Simba Mavaza, avo vati mapurisa nemasoja havasi veZanu-PF kana bato ripi zvaro rezvematongerwo enyika asi ndeve nyika nevanhu vose.Vati zvekare bato reMDC Alliance rapererwa nemazano nekusadiwa kwaro nevanhu, naizvozvo riri kutsvaka pekuwanda napo sezvo riri kutadza kuwana rutsigiro rwevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc-alliance-says-zanu-pf-assaulted-their-youth-leader-takunda-madzana/5520323.html +politics VaJim Kunaka veZanu PF Vopomerwa Mhosva yeKutyisidzira Nhengo dzeMDC-T neRufu "VaJim Kunaka, avo vakambenge vabuda muZanu PF vachinopinda mubato reZimbabwe People First rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru asi vakazodzokera kuZanu PF, vanonzi vatyisidzira nerufu VaDenford Ngadziore, vanove munyori muboka revechidiki vebato reMDC T mudunhu reHarare. VaKunaka vanonzi vachaira VaNgadziore nhare vakatanga nekutaura zita ravo vachibva vazozivisa kuti nhasi usiku nhengo dzebato reZanu PF dzichapisa dzimba nemidziyo yevatsigiri vebato rinopikisa reMDC T. VaKunaka vanonzi vapa zvikonzero zvekuti vachapisa dzimba idzi nekuda kwezviri kuitwa nevatsigiri veMDC T zvekuratidzira vachishora hurumende yaVaRobert Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF. VaNgadziore vanoti mashoko avatambira kubva kuna VaKunaka aya avatyisa chose sezvo VaKunaka vachizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga pamwe nechikwata chavo cheChipangano. “Tave kutotyira hupenyu hwedu nekuti VaKunaka vanozivikanwa nemhirizhonga. Saka ndaudzawo hutungamiri hwebato redu uye vamwe vangu vechidiki kuti tione kuti tachengetedza hupenyu hwemhuri dzedu pamwe nemhuri dzedu,” VaNgdziore vanodaro. No media source currently available Asi VaKunaka varamba mashoko aya pavabvunzwa neStudio 7 vachiti hapana kana chikonzero chingaita kuti vade kurwisa VaNgadziore nekuti havasi munhu avangatya. VaKunaka vanoti kana vaine zvavanoda kuita kunhengo dzeMDC T vanongoita zvisina dambudziko. ""Ndinovatyisidzira pakayi? I think that's being stupid. I think you better find a better story for me to answer. You better find chimwe chiri nhingi, handina kana dhiri navo avo. Handityisidziri munhu ini nekuti kana ndichida munhu ndino dealer naye one-on-one. he is not even a threat to me,"" VaKunaka vaudza Studio 7 parunhare. No media source currently available Zvichakadaro, vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu-PF mudunhu reMasvingo vanonzi neChina usiku vakapisa musha wasachigaro weMDC-T Youth Assembly mudunhu iri VaPhillip Chingini vakaparadza midziyo inokosha zviuru zvemadhora. Nhengo yeMDC-T iyi inonzi inogara mumusha weChiredzi uye yaipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti varatidzire mumasvingo kutigira MDC-T. Asi sachigaro weZanu-PF mudunhu iri VaAmasa Nenjana varamba mashoko ekuti bato ravo riri kuita zvemhirizhonga." https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-jim-kunaka-threats-zanu-pf/3481963.html +politics Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvoumba Homwe Ichabatsira Musarudzo dza2023 Zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyana siyana, zvakaumba sangano, reCitizen Action For Change, iro zvinoti rinotsvaka mari yekubatsira panguva yesarudzo dza2023. Mukuru wesangano iri, VaJuma Ulete, vaudza Studio 7 kuti sangano iri rinoda kuona sarudzo dzakachena, naizvozvo mari yavari kuunganidza ichashandiswa mukubatsira kunyoresa vanhu kuti vavhote uye nekuchengetedzwa kwemavhoti panguva yesarudzo. Citizen Action For Change inoti vanhu vaneta nekubirwa kodzero dzavo nguva dzose panoitwa sarudzo naizvozvo vanoda kuona kuti izvi zvinomiswa, vachiti imwe yemari iyi ichashandiswa kubhadhara vanhu vanochengetedza mavhoti kubva panguva inovhota vanhu kusvika pakuverengwa kwawo. “Isusu hatina bato ratinoshandira. Tiri zvizvarwa zveZimbabwe. Chatinoda ndechekuti pave nejekerere. Chido chedu ndechesarudzo yakachena kuti vana veZimbabwe vagosarudza zvavanoda kuti vaenderere mberi,” vanodaro VaUlete. Vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vatori venhau mwedzi wapera kuti bato ravo rakaisa ziso raro pabato reMDC Alliance kuona kuti hariwani mari inobva kunze kwenyika inozoshandiswa musarudzo muZimbabwe. VaUlete vanoti mari yavari kuunganidza ndeyezvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kugadzirisa zvunhu munyika yazvo. Mutaurii weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi iri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvine kodzero yekuita izvi naizvozvo hapana mutemo unovatadzisa kuenderera mberi nebasa ravari kuita iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-citizen-action-for-change-fund-raising-for-election-integrity/6382511.html +politics MDC Inoti Vanhu vemuZimbabwe Ngavabatane Kukurudzira VaMugabe Kubva paChigaro Vachishandisa Nzira Dziri paMutemo Bato rinopikisa reMDC-T rakaburitsa mashoko kuvatori venhau nemusi weMuvhuro richiti mhuri yeZimbabwe inofanira kubatana yoshandisa nzira dzose dziri pamutemo kuti vamanikidze mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vari muhurumende yavo kuti vasiye basa nekuti vakundikana kutonga. MDC-T yati iri kushora zvikuru vanhu veZanu-PF vari kuda kufora nemusi weChitatu vachiratidza kuti vari kutsigira VaMugabe mukufora kwavanoti Million Man March. VeMDC-T vati vanhu veZanu-PF ava vanofanira kufora vachiti VaMugabe vaende pamudyandigere. Vati hurumende yaVaMugabe yaendesa nyika kumawere munyaya dzezvehupfumi uye iri kutonga nedemo. Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vaudza Studio 7 kuti bato reZanu-PF rapererwa nemazano nekudaro rinofanira kukanda mapfumo pasi. No media source currently available Zvichakadaro, munyori mukuru wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vati vave kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzibatane nevamwe mukuratidzira uku. Vakarwa hondo yerusununguko vaimbe vatsika madziro vachiti havatenderana nekufora uku sezvo vaiti vamwe vechidiki vebato iri vane pamuromo pasingamharwe nenhunzi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3342850.html +politics VaDabengwa Voberekwa Kumusana naVaChamisa Kuti ZAPU Iwane Zvigaro Bato reZAPU rinopinda muchibvumirano neMDC Alliance chekutsigira VaNelson Chamisa musarudzo. Mutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa, vazivisa nezvechibvumirano ichi pamusangano wavaita nevatapi venhau neChishanu muBulawayo. Mutauriri weZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti ZAPU haizi kupinda muMDC Alliance asi chibvumirano ichi chichaita kuti bato reZAPU ripiwe zvigaro gumi zvedare reparamende zvichakwikwidzwa nenhengo dzebato iri dzichitsigirwa neMDC Alliance. VaMaphosa vati bato ravo rakamboedza kutaura nemamwe mapato asi richitadza kuwirirana nawo izvo zvaita kuti rishande neMDC Alliance. Chipangamazano paUniversity of Pretoria, VaTinashe Mawere, vanoti VaDabengwa munhu ane nhoroondo inoremekedzwa mukurwira rusununguko rwenyika vachitiwo chibvumirano ichi chinogona kubatsira VaChamisa neMDC Alliance zvikuru. Mudzidzisi munyaya dzerunyararo nebudiriro uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, Vincent Chakunda, vanotsinhirawo maonero aya. Mune imwewo nyaya, Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu mazana maviri nevashanu ndivo vakakwanisa kuendesa mazita avo kudare reNomination Court nezuro kuti vakwikwidze pazvigaro gumi nezviviri zvedare reparamende zviri mudunhu reBulawayo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zapu-partners-with-mdc-alliance-after-parly-seats-promise/4440925.html +politics Zanu-PF Yogadzirira Conference Paine Kukandirana Makobvu neMatete Bato reZanu-PF neMuvhuro rakatanga kuita musangano waro wePolitburo sehwaro hwekutanga hweconference yepagore yegumi nenhanhatu iri kuitwa kuVictoria Falls. Bato iri richaitawo musangano weCentral committee risati raenda kuVictoria Falls mukupera kwesvondo. Asi zviri kubuda mubato iri murwendo rwekuenda kuconference iyi zviri kuratidza kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo. Matunhu anosvika mashanu pari zvino ati ari kuda kuti bato ridzokokere pabumbiro remitemo rakare rinoti mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika anofanira kunge ari mudzimai. Matunhu anoti Harare, Mashonaland East, Mashonaland Central, Mashonaland West ne Bulawayo anoti ari kuda kuti bumbiro rechinjwe kuti mudzimai aone chigaro chepamusoro. Dunhu reMidlands neMasvingo anonzi ari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, anoti ari kuda kuti komiti yeNational Disciplinary Committee iyo iri kudzinga vanonzi nhubu mubato, inofanira kuvandudzwa. Komiti iyi ine nhengo dzinosanganisira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, uye mudzimai wemutungamiri wenyika, amai Grace Mugabe, avo vave kupomerwa mhosva yekuti vari kudzinga mubato vanofungidzirwa kuti vanotsigira VaMnangagwa. Paitawo kukandirana makobvu nematate pakati pemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaSaviour Kasukuwere, negurukota rinoona nezvevarwi vehondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa. VaKasukuwere vari kuti VaMutsvangwa ngavadzingwe mubato vachivapomera mhosva yehuori. Asi VaMutsvangwa vari kutiwo VaKasukuwere ngavabviswe pachigaro ichi sezvo vasina nhoroondo yehondo yechimurenga. Makakatanwa aya anoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato. Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti conference yavo ichasimbisa nyaya yehupfumi vakatarisa chirongwa cheZIMASSET. Vatiwo iyi haisi congress nekudaro hapatarisirwe kudomwa mamwe makurukota matsva. Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBlessing Vava vanoti VaMugabe vakasadoma achavatsiva zvinoreva kuti mubato munoramba muine bata murefu bata mupfupi muZanu-PF. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zvematongerwo-enyika/3092325.html +politics VaChamisa naVaMudzuri Vodomwa Kuitwa VaTevedzeri VeBato reMDC "Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo. Vachitaura kumba kwavo kuHarare nevatori venhau VaTsvangirai vati zvavaita zvido zvebato ravo, “Kudoma kwandaita vaviri ava kunotevera kurudziro yakaitwa neNational Council nezuro."" Vaviri ava pamwe naAmai Thokozani Khupe vachandibatsira kugadzirira sarudzo dzemuna 2018. Izvi zvave kureva kuti VaTsvangirai vanenge vave nevatevedzeri vatatu kusanganisa Amai Khupe. Kudomwa kwaVaChamisa naVaMudzuri kunotevera misangano miviri yakaitwa nezuro yeNational Council neNational Executive. VaTsvangirai vakazivisa mwedzi wapera kuti vainge vaine chirwere chegomarara rematumbu asi vakaudza Studio 7 kuti havasi kuzosiya basa uye vanotarisira kunaya sezvo vari kudaira mushonga. Tichakupai zvizere nezvenyaya iyi muteerere Studio 7 na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa short wave" https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3419565.html +politics Doctor Magaisa Voitwa Gamba reVanhu neMasangano Akazvimirira Gweta raive nemukurumbira, Dr Alex Magaisa, avo vakashaya nemusi wesvondo kuBritain nhasi vapihwa ruremekedzo rwegamba revanhu, People’s Hero, nerimwe sangano ravakatanga muZimbabwe, reConstitutional Law Centre, uye sangano iri ratara mazuva mashanu ekuvachema kutanga nhasi. Munyori weCLC zvakare vari mukuru weZimrights, VaDzikamai Bere, vaudza vatori venhau kuti mukati memazuva mashanu aya kutanga nhasi, pachaitwa zvirongwa zvakawanda zvekurangarira mushakabvu nemabasa. Nhasi manheru nenguva dza7 padandemutande reTwitter Spaces reCLC pachataura rimwe gweta rine mukurumbira, VaBrian Kagoro, uye mangwana na5 manheru pachaitwa Public Lecture apo pachataura gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, avo vakashandawo naVaMagaisa. VaBere vanoti nemusi weChishanu pachaitwawo munamato wekurangarira VaMagaisa uyo uchange uchitungamirirwa nemumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaDeprose Muchena. Vatiwo vano kurudzira veruzhinji kuti vabude nehuwandu hwavo kunotambira mutumbi waVaMagaisa kuRobert Mugabe International apo uchauya kuzoradzikwa pazuva risati rataurwa nemhuri yavo. VaLovemore Kadenge avo vanobva kumusha kumwe chete nemufi vanoti zvinofadza chose kuona Alex apihwa ruremekedzo rwakakura kudai nevamwe vake. Vati mufi akaratidza hunyanzvi hwake po akashanda sechipangamazano chemutungamiri wenyika VaMorgan Tsvangirai panguva yehurumende yemubatanidzwa uyewo pakunyorwa kwebumbiro remutemo weZimbabwe. VaMagaisa vakashaya nesvondo kuBritain mushure mekurwara nechirwere chemoyo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6608780.html +politics Veruzhinji Vopa Pfungwa Dzavo nezveRwendo RwaVaMugabe Kumusangano weUN Mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vari muNew York kuAmerica uko vari vari kupinda mumusanganano weUnited Nations General Assembly. Asi vanhu vemuZimbabwe vanoti kunyange hazvo vasiri kufara nenzendo dzaVaMugabe dzekunze kwenyika, urwu rwendo rwunodiwa kuti VaMugabe vaveko. Vachitaura neStudio 7 muHarare neChishanu, vanhu vakawanda vati VaMugabe vanofanira kupinda mumusangano weUnited Nations uye vanofanira kushandisa mukana uyu kutaura nedzimwe nyika kuti dziregerere Zimbabwe pazvikwereti zvayo. Vamwewo vakaita saRas Chanakira vati kunyange hazvo vasiri kufara nenzendo dzaVaMugabe dzekunze kwenyika, rwendo rwekuUN rwakakosha uye VaMugabe vanofanira kuchenjerera kuita zvavaikaita masvondo maviri apfuura apo vakeverenga mashoko asiri iwo pakuvhurwa kwedare reparamende. “Aiwa, aah, no, zvakanaka kuti vaende President but hatidi kuti vano mixer speech sezvavakaita pakuvhurwa kweparamende, handitika?” Vanodaro Ras Chanakira. “Totarisirawo kuti this time vanotiitira zvakanaka uye havacollapse.” VaWakefiled Mlilo vatiwo vanotsigira rwendo rwemutungamiriri wenyika kuAmerica uye vatiwo vanofunga kuti VaMugabe vachashandisa mukana uyu kugadzirisa hukama hwavo nedzimwe nyika. Mumwewo mugari wemuHarare VaTendai Hakata vati VaMugabe vanofanira kusiyana nekufamba sezvo vavamunhu mukuru. Vati VaMugabe vave kufanira kutuma vamwe vavo kumisangano yakaita seye UN. Vanoongorora zvematongerwo enyika VaTakura Zhangazha vati kunyange hazvo vanhu vasiri kufara nenzendo dzaVaMugabe rwendo rwe kuUN rwakakosha uye VaMugabe vanofanira kuvepo sezvo Zimbabwe ichi batsirwa nenyika dzepasi rose mumatambudziko akasiyana siyana . Vatungamiriri venyika dzepasi rese vanosangana muAmerica gore rega rega pasi pesangano reUnited Nations, apo vanozeya nyaya dzinonetsa pasi rese. VaMugabe vari kutarisirwa kutaura kuUnited Nations General Assembly nemusi weMuvhuro. Vari kuperekedzwa nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimbarashe Mumbengegwi uye gurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa. Vatungamiri ava vari kutarisira kuzeya chirongwa chekutambira gwara idzva reUnited Nations rehurongwa hweSustainable Development Agenda kutsiva maMillenium Development Goals. Izvi zviri kuitwa pamusangano wakakosha kana kuti special summit kutanga neChishanu kusvika Mugovera. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-mugabe-un/2979569.html +politics VaItai Dzamara Vosvika Makore Matatu Nhasi Vapambwa Nhasi mhuri yekwaItai Dzamara, vezvematongerwo enyika, vemachechi nevanorwira kodzero dzevanhu vari kutarisirwa kuungana muAfrica Unity Square vachirangarira murwiri wekodzero dzevanhu VaDzamara avo vakapambwa muna 2015. VaDzamara vasvika makore matatu pasina anoziva kuti vari kupi. Vakapambwa apo vaigerwa pedyo nemba yavo kuGlen View muHarare nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. VaDzamara vairatidzira vachiti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaifanira kusiya basa sezvo vainge vakundikana kutonga nyika. Vaigarawo vachitaura neStudio 7. Imwe shamwari yaVaDzamara vachiita zvemitambo uye vakambopambwawo VaSilvanos Mudzvova vanoti zvakakosha kuti vaungane vakawanda vachirangarira VaDzamara. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika-dzamara/4287320.html +politics Mashoko eDemocratic Alliance Ekuti Vabvakure Vabude muSouth Africa Obvundutsa Vakawanda Bato guru rinopikisa muSouth Africa, reDemocratic Alliance rakaparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kutarisirwa munyika iyi gore rinouya richikurudzira kuti vabvakure vari munyika iyi vagadzirise hugaro hwavo kana kuti vobatsirwa kubuda munyika iyi. Bato iri rinoti richatora matanho anoita kuti vanhu vekune dzimwe nyika vasangopinda muSouth Africa zvisiri pamutemo kuburikidza nekuvhara miganho yenyika iyi. Rimwe bato idzva remunyika iyi, re African Basic Movement munaNyamavhuvhu gore rino rakakurudzirawo kuti zvizvarwa zvose zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvinge zvabuda munyika iyi panopera gore rino. Nyanzvi mune zvemutemo vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica,VaDewa Mavhinga, avo vari muSouth Africa, vanoti vave kutyira kuti mashoko emapato maviri aya anogona kukonzeresa mhirizhonga yekurwiswa kwevanhu vasiri vemunytika iyi sezvakamboitika makore adarika. VaMavhinga vanoti havashamiswi nemashoko ebato reDemocratic Alliance aya sezvo meya weguta reJohannesburg, anove webato iri, akagara ataura kuti haadi vabvakure muguta rake achiti ndivo vari kupara dzimhosva dzakawanda muguta iri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-diaspora-south-africa-immigrants/4617423.html +politics Vamwe Votsigira Danho reMDC Rekuratidzira, Vamwe Vachiti Bato iri Ngaribatane neVamwe muNhaurirano Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa vakazivisa nezuro kuti bato ravo rave kuzopinda mumigwagwa richiratidzira pamusoro pemabatirwo avakati ari kuitwa nyaya dzehupfumi hwenyika nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa. VaChamisa vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare neChitatu, vakati misangano yavakaita nenhengo dzavo mumatunhu gumi emunyika yakavaratidza kuti vanhu vaneta nekuparara kwehupfumi. Mutungamiri weMDC uyu akati vatsigiri vebato rake vave kuda kuti vapinde mumigwagwa, vachiti iyi ndiyo chete nzira yekugadzirisa nayo zvinetswa izvi. Mushure memusangano uyu, vechidiki veMDC mudunhu reHarare vakabva vapinda mumigwagwa vachiratidzira vachikurudzira kuti VaMnangagwa vasiye basa. Varatidzira ava vakazoparadzwa nemapurisa achishandisa utsi hunokachidza. Zvichitevera mashoko aya, pave nemaonero akasiyana pamusoro pedanho riri kukurudzirwa navatsigiri veMDC iri, vamwe vachiti pane nzira dzakawanda kwazvo dzekugadzirisa nadzo matambudziko ari munyika dzisiri kupinda mumigwagwa. Ukuwo, vamwe vari kuti mutauro unonzwisiswa nehurumende chete ndewekuti vanhu vapinde mumigwagwa, uye izvi zvinobvumirwa mubumbiro remitemo yenyika. Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu ndemumwe wevari kukurudzira kuti vanhu varatidzire murunyararo, vachiti hapana chinobatika chati chaitwa nehurumende mukuratidza kuti ine zvairi kuita mukugadzirisa hupfumi hwenyika. Asi izvi zvinoshoropodzwa nasachigaro vevechidiki vebato reZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje, avo vanotsoropodza pfungwa yaVaMaguwu yekuti vanhu varatidzire, vachiti VaMaguwu vari kufurira vanhu kuti vapinde mumigwagwa vachityora mutemo. Asi VaMaguwu vanoti chinhu chinozivikanwa nemunhu wese kuti kubva muna 2000 nyika haina kwairi kuenda, iri kungotenderera panzvimbo imwechete nekuti hurumende iri kungoramba ichipa pfungwa dzisina zvadzinobatsira nyika nazvo. VaGakanje vanoti mhirizhonga iri kukurudzirwa neMDC iyi inotora hupenyu hwevanhu vanenge vaiswa pamhene nemaitiro akadai. No media source currently available https://www.voashona.com/a/political-panel-mdc-demonstrations/5296630.html +politics United Nations Yotumira Nhumwa Kuzoongorora Nyaya yeKupfurwa kweVanhu neMauto Muna Ndira Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rinotambira nemufaro danho rebazi reUnited Nation’s rinoona nezvekodzero dzevanhu reHigh Commission for Health Rights kutumira nhumwa kuZimbabwe kuzoongorora nezvenyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto muHarare muna Ndira. Vanhu ava vairatidzira vachiti havaifara nenyaya yekukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari. Vamwe vanhu vanonzi vakaurayiwa, mamwe madzimai achipomera mauto mhosva yekuvabata chibharo uye vakawanda vakasungwa. Hurumende iri kuramba kuti izvi zvakaitika ichiti mauto aizorwa mafuta enguruve yaasina kudya. Vachitaura nebepanhau reSunday Mail munyori mukuru mubazi rezvemutemo amai Virginia Mabhiza vakati gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vainge vatenderana nemukuru weUNHRC Amai Michelle Bachelet nezvekutumirwa kwenhumwa kuZimbabwe. Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati vanotambira rwendo urwu nemaoko maviri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/4914197.html +politics Muchuchusi weHurumende Anoti Anoda Kuti Nhengo dzeMDC-T Dzitongerwe Rufu paMhosva yeKuponda Mupurisa Nhengo dzeMDCT dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muHarare muna 2011 nhasi dzakumbira kunzwirwa tsitsi nedare kunyangwe hazvo dzichiri kutsika madziro dzichiti hadzina mhosva yadzakapara. Muchuchisi wehurumende panyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, vakurudzira dare kuti ritongere rufu vasungwa vanoti VaTungamirai Madzokere, Muzvare Yvonne Musarurwa pamwe naVaLast Maengehama avo vakabatwa nemhosva yekuponda Assistant Inspector Petros Mutedza pamhirizhonga yakaitika muna 2011 pakati pemapurisa nevechidiki veMDCT. VaNyazamba vati chiitiko ichi chakakanganisawo pfungwa dzevanhu vakawanda vakaona izvi zvichiitika vanosanganisira vana vadiki pamwe nevanhuwo zvavo vasinei nezvematongerwo enyika. Asi rimwe remagweta evasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vati vasungwa ava havana mhosva yavakapara uye vati mukupa mutongo, dare rinofa kutarisa kuti humbowo hwakasvitswa kudare hauburitse pachena kuti ngana ndiye akakanda dombo rakatema VaMutedza zvakazokonzera kuti vafe. Vaenderera mberi vachiti mutongo wakaturwa nemutongi wedare VaChinembiri Bhunu unoita sekuti imhosva kuti munhu anzi inhengo yeMDCT nepamusana pekuti hazvisi kubuda pachena mumutongo wavo kuti nhengo dzeMDCT dzakabatwa nemhosva yekuponda iyi dzakanyatsoita chii chaizvo chakakonzera kuti VaMutedza. Zvichakadai, Amai Mtetwa vakurudzira dare kuti mumtongo wango ribude pachena kuti hurumende inofanira kuferefeta nyaya dzevanhu vese vanonzi vakapondwa pamwe nekushayikwa zvinechekuita nezvematongerwo enyika vachiti vamwe vanhu varikupomerwa mhosva dzekuponda vari kungoswerombeya nemigwagwa vasina zvavari kuitwa zvinopedzisira zvaita sekuti mutemo une vamwe vanhu vaunoshandisirwa. Amai Mtetwa vatiwo bumbiro remitemo idzva haribvumidzwe kuti munhukadzi atongerwe rufu sezvakumbirwa naVaNyazamba; naizvozvo vati Muzvare Musarurwa havafanire kutongerwa nyangwe zvodii. Amai Mtetwa vatiwo vasungwa ava vakagara mujeri kwemakore anoda kusvika kumatatu nyaya iyi ichizeyewa mumatare saka vanofanirwa kutorwa sevanhu vakatombopika. Zvichakadai, mutongi wedare, VaBhunu, vatambira chikumbiro chasvitswa kudare nemagweta evasungwa ava chekuti VaPhineas Nhatarikwa, avo vakabatwawo nemhosva yekubatsira VaMadzokere naMuzvare Musarurwa kubva panzvimbo yakaparirwa mhosva, vabuditswe muhusungwa. Amai Mtetwa vati hazvikodzere kuti VaNhatarikwa, avo vanove mutyairi weMDCT vabatwe nemhosva iyi sezvo vaive munhu aiita basa rake panguva yaakasungwa. VaBhunu vabvuma chikumbiro chekuti VaNhatarikwa vabuditswe muhusungwa vakamirira kupihwa panyaya iyi. Zvichitevera zvasvitswa kudare nemagweta ari kumirira vasungwa, VaBhunu vati nyaya iyi ichadzoka mudare musi wa19 mwedzi uno pavachatura mutongo wekuti vanhu ava vanogara mujeri kwenguva yakareba zvakadii. Imwe nhengo yeMDCT yanga iri mudare ichinzwa nyaya iyi, VaSimon Mpande, vati varikuwona sekuti VaBhunu vane divi ravakarerekera pakutongwa kwenyaya iyi. VaSydney Chisi avo vanoshanda nesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe kana kuti Yidez vati vanowona sekuti nyaya iyi inyaya yakatongwa kare pasiri kutariswa humbowo hwakasvitswa kudare. Mudare nhasi manga makazara kuti maku nevatungamiri veMDCT vanga vachisanganisira vatevedzeri vaVaMorgan Tsvangirai muMDCT vanoti Muzvare Thokozani Khupe, VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri. Vamwewo vanga vari mudare vanosanganisira mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume pamwe nenhengo dzeparamende dzeMDCT dzakati wandei. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-huphfumi/3499076.html +politics VaMnangagwa Vanoita Hurukuro neVakuru veMakereke Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mutata, vanoti zvakakosha kuti vemachechi vaite misangano yekubudirana pachena nevatungamiri vezvematongerwo enyika. Vanoti shuviro yavo ndeyekuti zvinotaurwa nevatungamiri vehurumende dai zvichizozadziswa zvinoita kuti veruznji vaone gwara rehurumende zvakanaka. Mashoko aReverend Mutata anotevera musangano wakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevakuru vemachechi. Zvinonzi pamusangano uyu Va Mnangagwa vakataura nyaya dzakasiyana siyana nevakuru vemakereke. VaMnangagwa vanonzi vakavimbisa kutsigira zvinoitwa nevemakereke. Vakaudzawo vemachechi kuti vasununguke mukupawo pfungwa dzavo pamusoro pematongerwo enyika. Muhurukuro dzavaiita nevemachechi aya, pane dzimwe nguva VaMnangagwa vaishandisa mavhesi emubhaibheri zvikuru pamusoro pedambudziko rehuori hwauraya nyika. Zvinonziwo VaMnangagwa vakaudza vemakereke kuti vanzwisisewo kuti havangagoni kuvandudza zvinhu zvese nechimbi chimbi munyika asi vakati vakazvipira kugadzirisa zvese zvavanofanirwa kugadzirisa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-president-meet-church-leaders/4284364.html +politics MDC-T yaVaChamisa Yorwisa Kuti Vari kuChikwata chaMuzvare Khupe Vadzingwe muParamende MDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa inonzi yanyorera kuparamende ichikumbira kuti vaimbova mutevedzeri webato iri Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vabviswe kuve nhengo dzeparamende zvichitevera makatanwa ari mubato iri. Vakafanobata chigaro chasachigaro webato reMDCT rinotungamirwa naVaChamisa, VaMorgen Komichi, vanoti bato ravo rakaendesa tsamba kumutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, nechinangwa chekuti Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vavo vari kuvatsigira vadzingwe muparamende. Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa Muzvare Khupe, avo vaiva mutevedzeri wemutungamiri muMDCT, pamwe naVaAbednigo Bhebhe, avo vaiva murongi wemisangano mubato iri. Hatina kukwanisa kutaura naVaMudenda kuti tinzwe divi reparamende panyaya iyi. Asi mutauriri weboka reMDC-T inotungamirwa naMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vanoti zviri kutaurwa naVaKomichi izvi ndezvemugotsi matsuro. Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti kunyorwa kwetsamba yekubvisa Muzvare Khupe nevamwe vavo muparamende hachisi chinhu chinoshamisa. Aka hakasi kekutanga kuti MDC-T idzinge nhengo dzayo muparamende. Vaimbova munyori mukuru weMDCT, VaTendai Biti nevamwe, vakambodzingiswa kuparamende mushure mekunge vanetsana nevaimbova mutungamiri webato iri, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai. Kunetsana pakati paVaChamisa naMuzvare kwakatanga pakafa VaTsvangirai apo komiti yepamusorosoro yeMDCT, yeNational Council, yakabuda nechisungo chekuti VaChamisa vatsive VaTsvangirai, nekune rumwe rutivi, Muzvare Khupe vachiti panofanirwa kuitwa kongiresi yechimbichimbi kutsvaga anotsiva VaTsvangirai. Zvichakadai, Muzvare Khupe vanoti hurongwa hwekuita kongiresi hwave pachinhanho chepamusoro vachiti kongiresi iyi ichaitwa musi wa 21 mwedzi uno. Nekune rumwe rutivi, VaChamisa vanoti hapasisina nguva yekuita kongiresi gore rino sezvo patarisanwa nesarudzo. Zvikwata zviviri izvi zviri kurwirawo zita rekuti MDC-T, uye nyaya iyi yakatosvitswa kudare redzimhosva. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-mdc-t-parliament/4341169.html +politics Mhuri yeVaShona Iri muKenya Yotarisira Kuvhota Kekutanga neChipiri Kubva Zvayawaniswa Magwaro eKuve Zvizvarwa zveNyika iyi Muna 2020 Mhuri yeVaShona iri muKenya ichange ichivhota kekutanga musarudzo dzenyika dziri kuitwa nemusi weChipiri 09 Nyamavhuvhu 2022, mushure mekupiwa magwaro ekuve zvizvarwa zvenyika iyi. Mutauriri wemhuri yeVaShona iyi, VaOliver Muregerera, vanoti vari kufara zvakanyanya nekukwanisa kushandisa kodzero dzavo dzevhota sezvimwe zvizvarwa zvemuKenya, vachiti chinhu chakatarisirwa nevanhu vose. Vabereki vemhuri idzi vakapinda munyika yeKenya vachibva kuZimbabwe makore anodarika makumi matanhatu adarika vakagara pasi pehutungamiri hwakasiyanasiyana, asi hapana akakwanisa kuvapa magwaro aya, kusvikira mugore ra 2020 pavakazocherechedzwa nekupiwa magwaro aya nemutungamiri wenyika, VaUhuru Kenyatta. Mhuri dzingangoda kusvika kuzviuru zvina dzinonzi dzakakwanisa kunge dzichipiwa magwaro aya. VaMuregerera vanoti kuwaniswa magwaro uku hakuna kungovapa mukana wekuvhota chete, asi kuti vave kukwanisawo zvakare kuvhura mabhuku ekumabhanga, kukwereta mari kumabhanga, kuenda kuzvikoro zvepamusoro, nezvimwe zvakawanda. Vanotiwo nekuda kwekuti vave nemagwaro ekuve zvizvarwa zveKenya, vanotarisirawo kuti musarudzo dzichatevera vana vavo vari kuchikoro pari zvino vachazokwanisawo kukwikwidza muzvigaro zvakasiyanasiyana. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6689908.html +politics VaMnangagwa Vobatana neVatungamiri veAfrican Union Kushora Kupidigurwa kweHurumende neMauto Vatungamiri venyika dzemuAfrica vakawanda vanoti vari kushushikana zvikuru nekusagadzikana kwezvinhu munyika dzakawanda zvikuru kune hurumende dzakapidigurwa nemauto. Izvi zvakabuda pamusangano wemazuva maviri wepagore weAfrican Union wakaitirwa kumuzinda wesangano iri weAddis Ababa, Ethiopia ukapera neSvondo. Nyika dzine hurumende dzakapidigurwa nemauto dzinosanganisira Mali, Guinea, Burkina Faso neSudan. Nyika dzose idzi dzakatombomiswa kuve nhengo dzesangano reAfrican Union. Sachigaro weAfrica Union Commissionn VaMoussa Faki vakati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekupidigurwa kwehurunde nemauto. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vange vari kumusangano uyu vakashorawo nyaya yekubvuta masimba nechisimba pachishandiswa mauto. Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa ndemumwe akapidugurawo hurumende achishandisa mauto muna 2017. Nyaya yekuti Israel yova muongorori kana kuti observer here kuAfrica Union yakonzerawo mutauro nyika dzakaita sedzakawanda dzemuSADC, Nigeria, Algeria dzichiti hadzidi kuti Israel iri kunetsa nePalestine ipihwe chiremera ichi. Asi DRC, Morroco, DRC nedzimwe dziri kutsigira Israel. Nyaya iyi yakambonzi isendekwe parutivi yozozeyiwa gofre rinouya. Mumashoko kuvatori venhau neMugovera, Africa Union yakati mutungamiri wenyika yeSenegal VaMack Sall ndivo vainge vasarudzwa kuva sachigaro wegungano iri kusvika gore rinouya. Dingindira regore rino rakanangana nekusimbisa nyaya dzekurwisa nzara kuburikidza nekurima nekusimbaradza nyaya dzezvehutano nechinangwa chekusimudzira magariro evanhu kana kuti “Strengthening Resilience in Nutrition and Food Security on the African Continent: Strengthening Agro-Food Systems, Health and Social Protection Systems for the Acceleration of the Human, Social and Economic Development.” Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti dingindira iri rakanaka chose asi muromo hauzarirwe nerwizi. Vanoti vatungamiri venyika dzemuAfrica vanofanira kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika kuti pave ebudiriro. https://www.voashona.com/a/vamnangagwa-vobatana-nevatungamiri-veafrican-union-kushora-kupidigurwa-kwehurumende-nemauto/6430431.html +politics VaTsvangirai Vanoti MDC-T Haisi Kuzobatana naAmai Mujuru Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vayambira nhengo dzavo kuti dzirambe dzakamira semuzamba vachiti bato ravo harisi kuzotungamirirwa nebato reZimbabwe People First sezviri kufunga vakawanda. Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti MDC ibato guru uye harisi kuzomedzwa nemutungamiri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru. VaTsvangirai vatiwo hapana kutaurirana kuripo pakati pavo naAmai Mujuru, izvo vanogaronzwa veruzhinji vachitaura. Vachitaura kekutanga kubva pakanyoreswa Zimbabwe People First svondo rapera, VaTsvangirai vayambira nhengo dzavo kuti dzirambe dzakamira semuzamba vachiti bato ravo harisi kuzotungamirirwa nebato reZimbabwe People First sezviri kufungwa nevakawanda. Vachitaura neChipiri pamahofisi ebato ravo muChinhoyi, VaTsvangirai vaudza vatsigiri vavo kuti vasaite semhepo inoenda kunoenda mhepo, asi kuti varambe vachitsigira bato ravo kudzamara rave kutonga. VaTsvangirai vatiwo mashoko ekuti vari kuita nhaurirano naAmai Mujuru manyepo uye bato ravo harisi kuzotungamirirwa nemumwe mutungamiri werimwe bato, kunze kwaivo VaTsvangirai vakasarudzwa nekongiresi kuti vatungamire bato. VaTsvangirai vati kuisa Amai Mujuru pamberi kana kuita mubatanidzwa nebato ravo zvakafanana nekudzokera kuZanu PF, sezvo Amai Mujuru vari munhu akadzingwa muZanu PF nepamusana pekunetsana kuri mubato iri, asi ivo mukati memoyo wayo vachiri kuda kuramba vari mubato iri. VaTsvangirai vatorawo mukana uyu kushoropodza zvikuru mashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, ekuti pane vanhu mubato reZanu PF vari kuti kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabva pachigaro, munhu achatora nzvimbo yavo haafanirwe kunge ari muZezuru sezvo VaMugabe vari muZezuru. VaTsvangirai vati hakuna chizvarwa chakakosha kudarika chimwe chizvarwa munyika. Vati vanhu vane mafungiro akadaro, imharadzi dzevanhu munyika. Vachitaura kunhengo dzehutungamiri hwebato ravo muMashonaland West dzanga dzichidarika mazana mashanu, VaTsvangirai vati vanhu vasateerera mashoko aVaMugabe ekuti nyika dzemuAfrica dzibude mumubatanidzwa wenyika dzepasi rose weUnited Nations vachiti mashoko aVaMugabe ndeemunhu anyanya kukwegura. VaTsvangirai vati vanhu vanofanirwa kudzidza pane zvakaitika apo VaMugabe vakabudisa nyika mumusangano weCommonwealth muna Mbudzi 2003, izvo zvakasiya Zimbabwe isisina madzisahwira ayo akawanda. VaTsvangirai vari kushanyira matunhu ose emunyika vachisangana nehutungamiri hwevatsigiri vavo vachitaura pamusoro pezviri kuitika mubato pamwe nemunyika. Musangano wemuChinhoyi wapindwawo nehutungamiri hweMDC-T hunosanganisira mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, munyori mukuru mubato iri, VaDouglas Mwonzora, pamwe nemutauriri webato, VaObert Gutu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/tsvangirai-zimbabwe-chinhoyi-mujuru/3193566.html +politics ZEC Yotenda Kuti Humhizha MUkufambiswa kweMashoko Hunogona Kushandiswa Kudzidzisa Vanhu neZvesarudzo Mukuru wesangano reZimbabwe Youth Council Vasungano Chisina vanoti sangano reZimbabwe Electoral Coimmission kana kuti ZEC rakabuda pachena kumusangano wakarongwa neNational Association of Youth Organization kana kuti NAYO kuKadoma Ranch Motel. Musangano uyu wakatanga nemusi weChipiri ukapera neChishanu wainge wakanangana nekudzidzisa vechidiki nezvehumhizha mukuburitwa kwemashoko kana kuti digital media. VaChisina vakaudza Studio 7 kuti kubva kune zvakataurwa nevesangano re ZEC vainge vari kumusangano uyu, musarudzo munogona kushandiswawo digital media iyi. “Kubva kune zvakataurwa nevaimirira ZEC pamusangano uyu zvakabuda pachena kuti muZimbabwe vanhu vapfumbamwe pagumi vane nharembozha kana kuti vari pedyo nayo nekudaro pakashandiswa nharembozha pakudzidzisa vanhumashoko anogona kufambiswa nechimbi chimbi mukunyoresa nekudzidzisa vanhu nezvesarudzo.” VaChisina vatenda kuti vechidiki vemuZimbabwe vachine rwendo rwurefu mukukwanisa kushandisa humhizha hwechizvino zvino mukuita mabasa akasiyana siyana. “Tadzidza zvakawanda. Asi chikuru chatadzidza ndechekuti vechidiki vakawanda havana ruzivo nezvekushandisa digital media. Se Zimbabwe Youth Council tave kutoenda kunobuda negwaro rekuti tidzidze vechidiki nezvekushandisa digital media mumabasa akasiyan siyana.” Hatina kukwanisa kubata mukuru weZEC Amai Rita Makarau sezvo vange vasiri kudaira nhraembozha ravo. Musangano uyu wakaparurwa neNAYO nemusi weChipiri nechinangwa chekudzidzisa vechidiki nezvekushandisa humhizha hwechizvino zvino kana kuti digital media kuti vapinde muzvirongwa zvehutongi hwejekerere zvakaita sesarudzo nezvimwe. Humhizha uhu hunosanganisira kushandisa nharembozha nemadandemutande akaita seFacebook, WhatsApp ne Twitter. Musangano uyu uri kuitirwa kuKadoma Ranch Hotel uye uri kutarisirwa wakapera nemusi weChishanu. Sangano reNAYO isangano remuZimbabwe rinoyedza kuunza kuyanana mune vechidiki kuitira kuti vamise nyaya dzemhirizhonga. Musangano uyu wange wakanangana nekukurudzira nhaurirano pakati pevechidiki vemuZimbabwe neve kunze kana kuti Dialogue Exchange Program. Vanoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevakomana nevasikana musangano iri, Muzvare Starline Mukumbachore, vanoti chinangwa chavo chikuru ndechekukurudzirawo kushandiswa kwemichina yechizvino zvino munyaya dzesarudzo. Izvi vanoti zvakanangana nesarudzo dzichazoitwa muna 2018. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3309051.html +politics VaKasukuwere Voronga Kukwikwidza Musarudzo dzeMutungamiri weNyika muna 2023 Vaimbova gurukota muhurumende vasati vaenda muhupoteri muSouth Africa VaSaviour Kasukuwere vanonzi vari kuronga kukwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya. Izvi zvapa kuti patange kukandiranwa makobvu nematete pakati pavo neZanu-PF. Patabata VaKasukuwere, vati vange vasina kusungunuka kutaura sezvo vange vari parufu. VaKasukuwere vakabudawo pane imwe vhidhiyo vachiti vakagadzirira kutungamira uye havasi kuzoita zvakaitwa nemamwe makurukota ari muhupoteri anoti VaJonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao. Vaviri ava vakakumbira ruregerero kuvatsigiri rebato ravo nekumbotsigira vanopikisa mushure mekuenda muhupoteri. Bato reZanu-PF rakabva rati vakasungunuka kudzoka kubato. Mutauriri wechikwata cheTysonWabantu Movement chiri kutsigira VaKasukuwere, VaNtokozi Msipha vaudza Studio 7 kuti VaKasukuwere vari kudzokera kuZimbabwe uye vachakiwkwidza musarudzo dzegore rinouya dzemutungamiri wenyika. No media source currently available Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi avo vati Zanu-PF haishaiswe hope naVaKasukuwere. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6852160.html +politics Crisis in Zimbabwe Yonetseka neKutyorwa kweKodzero dzeVanhu muNyika Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition nemusi weMuvhuro rakaita musangano kuJohannesburg, South Africa vachizeya mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvikuru nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu. Masangano akapinda mumusangano uyu anosanganisa Tajamuka, National Vendors Union Zimbabwe, ZCTU, Platform for Youth Development nemamwe. Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition Amai Pamela Kadau vakaudza Studio 7 kuti vari kunetsekana zvikuru nenyaya yekurohwa kwevanhu munyika nevanofungidzirwa kuti vasori uye mapurisa. Amai Kadau vati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zvinotiwo zviri kuda kupihwa mukana wekuvhota. Asi mukuru weZimbabwe Electotal Commission Amai Rita Makarau vakaudza vatori venhau mazuva mashoka apfura kuti mutemo uripo parizvino haupe vanhu vari kunze kwenyika mukana wekuvhota. Vakati izvi zvinokwanisika chete kana bumbiro remutemo ravandudzwa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3607336.html +politics MDC-T Yoendesa Banga Guru reNyika kuMatare Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuendesa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva pamusoro pehurongwa hwebhanga iri hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes. Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuendesa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva pamusoro pehurongwa hwebhanga iri hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes. MDC-T inoti zviri kuda kuitwa nebhanga iri zviri kunze kwemutemo. Nhengo dzekomiti yepamusoro ye MDC-T ye National Executive dzasangana pamuzinda webato iri paHarvest House neChina dzikabuda nechisungo chekuti bato ravo rikwidze nyaya yema bond notes kudare repamusoro-soro sezvo bato iri richiti zviri kuda kuitwa neRBZ zvinotyora bumbiro remitemo yenyika. Mutauriri weMDC-T, Va Obert Gutu, vaudza Studio 7 papera musangano uyu kuti bato harisi kuzopeta mawoko aro hurumende yeZanu PF ichiita muzerere nenhupenyu hwevanhu. VaGutu vati RBZ haina masimba ekudhinda mari isiri mari inocherechedzwa nenyika kana kuti official currency. VaGutu vatiwo bato ravo richaratidzira mumigwagwa nenyaya iyi. Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakati vachapa zvikamu zvishanu kubva muzana zvema bond notes kune vemabhizimusi vanenge vachitengesa zvinhu kunze kwenyika senzira yekukurukudzira kuti vemabhizimusi vatengesere dzimwe nyika kuti nyika iwane mari yekunze sezvo vachiti mari zhinji iri kubuditswa munyika zvisiri pamutemo hurumende isina chairi kuwana. Nekune rumwe rutivi, mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudzawo Studio 7 parunhare kuti havangamhanyire kumedza kutsenga vachada vachiti vari kumirira kutanga vawona kuti veRBZ pamwe naivo veMDC-T vachaitasei nezvenyaya iyi. MDC-T inoti zviri kuda kuitwa nehurumende izvi kudzosa mari yemuZimbabwe nerweseri. Asi VaMangudya vakati mari yekunze icharamba ichishandiswa munyika kudzamara hupfumi hwenyika hwagadzikana kuti Zimbabwe ikwanise kudhinda mari yayo. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc/3327555.html +politics Vanhu VemuBulawayo Voratidzira Zvine Mutsindo Mapurisa muBulawayo ashandisa hutsi hunokachidza kuti adzinge vanhu vange vachiratidzira muguta iri. Pazosvika nguva dzekuma1 masikati muguta mange musisina vanhu zvitoro nemabhanga zvavharwa. Kunyange hazvo muguta matanga muine runyararo, zvitoro zvikuru zvakawanda zvange zvakavharwa uye panguva dzekuma9 mangwanani mhomho yevanhu yaungana paCity Hall vakazotenderera mumigwagwa yeguta ichiimba nekuisa matombo nezvimwe zvose zvavange vachikwanisa kuwana kudzivirira kufamba kwemotokari muguta. Kuratidzira uku kwaitikawo munzvimbo dzinogara veruzhinji dzakadai Sizinda, Tshabalala neEntumbane uko vamwe vevange vachiratidzira ava vapaza chimwe chitoro cheChoppies vachitora zvinhu. Kuvhurwa kwekotoro yekutanga kwedare reHigh Court uko kwaitwa nemutevedzeri waChief Justice, Justice Elizabeth Gwaunza, kwambomiswa kukazoenderera mberi mushure mekanguva apo vanhu ava vasvika vakaratidzira panze pedare iri. Mukuru weboka revechidiki mubato reMDC mudunhu reBulawayo VaMalandu Ncube avo vange variwo pakati pevange vachiratidzira vati iyi inzira yeveruzhinji yekuratidza hurumende kuti vaneta nematambudziko avari kusangana nawo zuva nezuva, vachitiwo kukwidzwa kwemutengo wemafuta edzimotokari kwawedzera kutambura uku. Gweta VaKholwani Ngwenya avo vange vari pachiitiko chekuvhurwa kweHigh Court ndemumwe wevaona zvaitika uye vaudza Studio 7 kuti kuratidzira kwaitwa nevanhu uku kunoenderana nekodzero dzavo pasi pebumbiro remutemo wenyika. Mumwe mugari wemuBulawayo VaMoses Kumbweya vati kuratidzira kwevanhu kwaitika uku hakushamisi nekuti veruzhinji munyika vave kunhonga svosve nemuromo. Mumwe mufundisii VaSikhalo Cele vaudza Studio 7 kuti mamiriro aita zvinhu munyika ave kuda kuti vanhu vose, kusanganisira mapato ezvematongerwo enyika, vaite maonera pamwe. Nhasi range riri zuva rekutanga rakadeedzerwa nevemamwe masangano akazvimirira ega kusanganisira veZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU kuti vagare kumba. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vanhu-vomubulawayo-voratidzira-zvine-mutsindo/4742424.html +politics Mambo Ndiweni, VaFelix Ndiweni, Vopikisa Danho reHurumende reKuvaturura Hushe Ishe Ndiweni, VaFelix Nhlanhlayamangwe Ndiweni, vave kuronga kukwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa danho rakatorwa nehurumende munguva pfupi yapfuura rekuvaturunura hushe. Gweta raIshe Ndiweni, VaDumisani Dube vaudza Studio 7 kuti mamwe mapurisa anodzivirira mhirizhonga akaenda kumba kwaIshe Ndiweni nemusi weMugovera kuti vanotora motokari uye zvipfeko zvehushe zvavanoshandisa, asi vakakundikana kuita izvi. Izvi zvinotevera gwaro rakanyorwa nemunyori webazi rezvekutongwa kwematunhu, VaZvinechimwe Churu, mumazuva mashoma apfuura vachizivisa kuti Ishe Ndiweni havafanirwe kunge vari ivo ishe wenzvimbo yeNtabazinduna mudunhu reMatabeleland North. VaDube vati vari kupikisa danho iri vachiti harizi pamutemo. Ishe Ndiweni vakagadzwa mugore ra2014 asi vanga vasati vagadzwa zviri pamutemo. Mwedzi wapera dare remadzishe edunhu reMatabeleland North, richitungamirwa naIshe Shana vekuJambezi, rakapa kurudziro yekuti Ishe Ndiweni vabviswe pachigaro ichi sezvo zvichinzi havana kusarudzwa pachiteverwa tsika dzemhuri yavo dzinoshandiswa pakugadza hushe. VaJoram Ndiweni, avo vanove dangwe kumhuri yekwaNdiweni, ndivo vanonzi vanofanirwa kuve ishe asi pari zvino vari kugara kuBritain. Mutauriri wemhuri yekwaNdiweni VaBancinyane Ndiweni vaudza Studio 7 parunhare kuti mhuri yekwaNdiweni yakasarudza VaFelix Ndiweni kuti vave ishe uye hapana zvati zvachinja. Vati vachazivisa zvizere kana Ishe Ndiweni vadzoka kubva kunze kwenyika kwavari pari zvino. Gweta, VaDube, vatsinhira kuti kusarudzwa kwakaitwa Ishe Ndiweni nemhuri yavo hakufanirwi kuchinjwa. Taedza kunzwa kubva kumutevedzeri wemukuru wemadzishe munyika Ishe Mtshane Khumalo asi vati vange vasingakwanisi kutaura zvakawanda pamusoro panyaya iyi sezvo vange vari parwendo. Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu VaThemba Chivheya vaudza Studio 7 kuti vanoona danho rehurumende rekubvisa Ishe Ndiweni pachigaro rine zvematongerwo enyika mukati sezvo vachizivikanwa nekutsoropodza hurumende. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Ishe Ndiweni vakambosungwa vakatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mushure mekunge vabatwa nemhosva yekupwanya ruzhowa rwepamusha wemumwe mugari wemunzvimbo yavo, asi vakabuda mujeri mushure mekupikisa kusungwa kwavo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-chief-felix-ndiweni-high-court-appeal/5207626.html +politics Zimbabwe Yocherechedza Makore Makumi Mana eKuzvitonga Paine Maonero Akasiyana Pane Zvaitwa neHurumende Vana veZimbabwe neMugovera uno vari kucherechedza makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga kubva kuhutongi hwevachena, avo vaive vakapakata muhapwa dzavo hupfumi hwese hwenyika, vatema vachikwangwaya nekunhonga svosve nemuromo. Kuuya kwehutongo hwevatema kwakasimudza tariro yevakawanda vachiti vakanga vazowana hutongo hwejekerere, ruzhinji rwavo rwakanga rwakandwa murukangarabwe nevachena pavaitora ivhu ravo rose raive rakanaka. Asi makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga, vamwe vavo vave kuti zvinhu zvatonyanya kuvaipira zvichienzaniswa nenguva yehutongo hwevachena, sezvo vasisina mabasa ekuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo. Vanoti mamiriro ezvehupfumi aparara zvekuti munhu haachanise kuziva kuti remangwana rinobuda richimuigira chii. Nyaya dzehutano dzinonzi dzatove matakadyakare sezvo zvipatara zvizhinji zvemunyika zvisisashande sezvinotarisirwa. Vashoma vachiri mumabasa vacho vanoti nguva zhinji vave kuipedzera mumigwagwa vachiratidzira kuitira kut vapiwe mihoro inovararamisa. Kupinda pachigaro kwevave mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muna 2017, mushure mekubviswa nemauto kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, kwakambopa veruzhinji tarisiro yeramangwana rakajeka. Asi ruzhinji rwavo ndirwo rwave kuti rwakapemberera n’anga neyakabata Mai, sezvo vachiti zvinhu zvatonyanya kuenda kumawere. Asi kuti hapanawo here chakanaka chakaitwa neZanu PF kwemakore makumi mana ose aya? Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti chikuru chaitwa nebato ravo kupa ivhu kuvatema, zvisineyi nekuti ndevebato ripi rezvematongerwo enyika. VaCharumbira vanoti bato ravo pari zvino rave kutopedza kuongorora kuti ndivanaani vakawana mapurazi akawanda kudarika vamwe, uye kuti vakanga vasati vawana ivhu, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, vawaniswe. Asi mutewedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC mudunhu reNorth America VaTimothy Muringai, vanoti Zanu PF yakundikana kwemakore akawanda kuzadzisa zvose zvakarwirwa hondo yerusununguko. Vanoti zvinhu zvaparara kwemakore akawanda munyaya dzezvehupfumi, zvehutano pamwe nekuvharwa kwemakambani, izvo zviri kusiya vashandi vakawanda vave mumigwagwa vasisina mabasa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-independence-at-40-regis-charumbira-timothy-muringai/5374616.html +politics Vamwe Voenzanisa Kubvutwa kweMasimba neMauto kuMali neZvakaitika muZimbabwe 2017 Vanhu vakawanda muAfrica nepasi rose vari kutevera nemaziso matsvuku zviri kuitika munyika yeMali, uko mauto akabvisa mutungamiri wenyika iyi, VaIbrahim Boubacar Keita, pachigaro nemusi weChipiri uye kumusunga pamwechete nemutungamiri wehurumende yake VaBoubou Cisse nemamwe makurukota ehurumende. Izvi zvinonzi zvakatanga mushure mekunge chikwata chemauto chakatora nechisimba akamba yemauto ye Kati iri makiromita gumi nemashanu kubva muguta guru renyika iyi re Bamako. Mauto aya akazofora achipinda muguta guru umo akasvikosunga mutungamiri wenyika nevamwe vake pamwe nekuumanikidza kuti asiye basa. VaKeita vakabuda panhepfenyuro yenyika iyi vachizivisa kuti vakanga vosiya basa senzira yekudzivirira kudeuka kweropa. Masangano akawanda kusanganisira sangano rinoona nezvekugadzikana munyika dzepasi rose reUnited Nations Security Council, European Union, sangano reAfrican Union, pamwe nere Economic Community of West African States (Ecowas) iro Mali iri nhengo akatozivisa nezvekusatambira kwawo kubvutwa kwemasimba uku nemauto. Sangano reAfrican Union neChitatu rakamisa Mali kuve nhengo yesangano iri nekuda kwechiitiko ichi. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMike Pompeo vakazivisawo kuti nyika yavo iri kubatana nemasangano eAfrican Union neECOWAS mukushoropodza zvakaitika neChipiri muMali. Sachigaro veAfrican Union vari mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakakurudzirawo kudzoserwa kwehutongo hweveruzhinji nekukasika. Mutungamiri weFrance, VaEmmanuel Macron vakakurudzirawo kudzoswa kwehutongo hwejekerere munyika iyi. Pave nemaonero akasiyanasiyana pakubvutwa kwemasimba mu Mali nemauto nekubvutwawo kwemasimba nemauto muZimbabwe, vamwe vachiti masangano ari kubuda paachena achishoropodza zviri kuitika kuMali aifanirwa kuita zvimwechete muZimbabwe muna 2017, apo mauto akabvisa vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe pachigaro pamwe nekuvamanikidza kusiya chiogaro. Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti pane kufanana kezvakaitika kuMali nezvakaitika muZimbabwe muna 2017, zvikuru panyaya yehuwori nekubirwa kwesarudzo. Vanoti zviviri izvi zvakafanana uye ndizvo zvakasimudza kuti munyika mbiri idzi mauto atungamire mukubviswa kwehutungamiri. Asi Doctor Zembe vanoti musiyano uripo chete ndewekuti muZimbabwe veruzhinji vakapinda mumigwagwa mushure mekuridzirwa huwi nemauto pamwe nevesangano revakarwa hondo yerusununguko kuti vanhu vauye vatsigireVaMugabe vabve pachigaro. Izvi zvinotsinhirwa nevanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, avo vanoti vanhu vari kuenzanisa Zimbabwe neMali havasi kunzwisisa zvakaitika. Vanoti nyaya yekuMali inyaya yemauto akabvisa mutungamiri pachigaro isina vanhu mukati uye paramende yeMali haina kugara kuti itorere matanho mutungamiri wenyika, VaKeita kuti vadzingwe kana kuti varegedze basa sezvakaitika muZimbabwe. Doctor Mavaza vanoti VaMugabe vakabviswa pachigaro nebato ravo, iro rakazoshevedza vaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vadzoke munyika mushure mekunge vatizira kuSouth Africa. Vanotiwo VaMugabe havana kumbobvira vasungwa nemauto sezvakaitika kuMali uko VaKeita vakaiswa muhusungwa nemauto. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-political-panel-mali-coup-analysis-urayayi-zembe-simba-mavaza/5551129.html +politics VaMnangagwa Vanoudza African Union Kuti Vari Kuchengetedza VaMugabe Zvakanaka Mutungami wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapinda mumusangano wavo wekutanga kuAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia nemusi weSvondo. Musangano wechimakumi matatu kana kuti 30th AU Assembly wevatungamiri wenyika watanga. No media source currently available Vachitaura pamusangano uyu VaMnangagwa vakaudza vamwe vatungamiri venyika kuti vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakachengetedzeka. Izvi zvakatambirwa nemufaro nevamwe vatungamiti venyika dzemuAfrica. Vachitaura nemusi weMugovera pamusangano weNew Partnership for Africa’s Development kana kuti NEPAD, VaMngangagwa vakati Zimbabwe yakazvipira kutevedzera zviga zveAfrican Union. Vakatiwo Zimbabwe yakazvipira kushanda nedzimwe nyika munyaya dzezvehupfumi. Asi vanotungamira sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vaudza Studio 7 kuti vatungamiri veAU ava vanofanira kukurudzira VaMnangagwa kuti vaite sarudzo dzakachena. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4228603.html +politics VaMudzuri Vanoti VaTsvangirai Vachakunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika Vakafanobata chigaro chemutungamiri we MDC-T, Engineer Elias Mudzuri, vanoti vari kushushikana zvikuru nemashoko avari kutambira ekuti murongi wemisangano muZanu PF, retired Brigadier General Engelbert Rugeje, vari kutyisidzira vanhu vachivayeuchidza nezvemhirizhonga yakaitika musarudzo dza 2008. VaMudzuri vanoti VaRugeje, semunhu akasiya chiuto, vanofanirwa kuchiita semunhuwo zvake, kwete kuramba vaine mweya wekutyisidzira vanhu munguva yegadziriro yesarudzo. VaRugeje vakaburitswa mubepanhau rekuMasvingo vachinzi vainge vataura mashoko ekutyisidzira vanhu pamusangano wavakaita kuMasvingo mazuva mashoma apfuura. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVa Rugeje pamashoko avari kunzi vakataura. Asi VaMudzuri vanoti vanhu vekuMasvingo vava kugara vachitya sezvo vachiziva mabasa aVaRugeje munyaya dzekutyora kodzero dzevanhu. VaMudzuri, ava vanobva kuZaka kuMasvingo, vanoti vanoyeuka zvakaitwa naVaRugeje kuZaka muna 2008, mushure mekunge vakurudzira vanhu veZanu PF pamwe nemauto kuti varwise musha wekwaMudzuri. Asi VaMudzuri vanoti zvisineyi nekutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu, zvikuru kumaruwa, mutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, vachakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika. “Gore ra 2018 nderedu. MDC inokunda musarudzo. VaMnangagwa vakakundwa naBlessing Chebundo, nokudaro sarudzo yemutungamiri ine zvakawanda zvinotariswa pamunhu. VaMnangagwa havamire pana VaTsvangirai,” vadaro VaMudzuri. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mudzuri-declares-mdc-t-win-in-2008-polls/4214198.html +politics Hurumende Inoti Ichiri Kuferefeta Kutsakatika kwaVaItai Dzamara Hurumende inoti ichiri kuferefeta kuti VaItai Dzamara, avo vakapambwa nevanhu vasinga zivikanwe makore mana apfuura, vari kupi uye inoti pari zvino hapana zvayati yawana. Izvi zvinoitika apo mhuri yaVaDzamara iri kuparura Manheru eChitatu, Itai Dzamara Trust, unova mucherechedzo wezvinhu zvese zvairwirwa naVaDzamara. Izvi zvataurwa negurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, muNational Assembly vachipindura mubvunzo kubva kunhengo dzebato rinopikisa reMDC. Mumiriri weKambuzuma muNational Assembly, VaWillas Madzimure, vange vakumbira VaMathema kuti vazivise dare iri kuti vasvika papi nekutsvaga VaDzamara avo vakapambwa mumusha weGlen View 7 muna 2015. VaDzamara, avo vaive mutori wenhau, vakasiya basa rekutora nhau vachiti vava kurwira kodzero dzevanhu kudzamara vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaRobert Mugabe, vasiya basa. Vakaita mukuru wesangano reOccupy Africa Unity Sqaure iro raive nevanhu vaiswera vakaungana muAfrica Unity Square vachiti VaMugabe vabve pachigaro sezvo vaityora kodzero dzevanhu. Musi wa9 Kurume muna 2015, VaDzamara vakapambwa nevanhu vasingazivikanwe uye kusvika nhasi havazikanwe kuti vari kupi. Dare repamusoro soro rakapa mutongo wekuti hurumende, kuburikidza nemapurisa, itsvage kuna VaDzamara pamwe nekuzivisa mhuri yavo kuti vari kupi. Munin’ina waVaDzamara, VaPatson Dzamara, vaudza Studio 7 kuti mapurisa akataura navo kwemwedzi mitatu chete zvichitevera mutongo uyu, uye kubvira ipapo, mapurisa haasi kutaura navo. VaDzamara vati vakatomboedza kutaura nemapurisa, gurukota rezvemukati menyika pamwe nemutungamiriri wenyika kuti vagadzirise nyaya iyi asi hapana chakabuda. Mhuri yaVaDzamara iri kuparura Itai Dzamara Trust rinova sangano richange richimirira zvese zvairwira naVaDzamara. VaPatson Dzamara vati mukoma wavo aida kuti vanhu vagare vakasununguka murunyararo uye izvi ndizvo zvichange zvichimirwa neItai Dzamara Trust. Zvichakadai, sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vazivisa kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatambira chisungo chekuti nhengo dzeparamende dzipihwe maDiplomatic Passports. Vati nekudaro nhengo dzese dzeparamende dzichatanga kupihwa magwaro aya zvisinei nekuti ndedze bato ripi. VaParadza vayambira kuti vachashandisa magwaro aya zvisina mwero vachaatorerwa. Mune imwewo nyaya, nhengo dzeparamende kuMDC dzaramba kuzeya bhiri reMaintenance of Peace and Order dzichiti dzinoda kutanga dzawona zvakashandurwa pabhiri iri mushure mekunge imwe komiti yeparamende yeParliamentary Legal Committee yati bhiri iri rinotyora bumbiro remitemo yenyika. Vange vakabata chinzvimbo chemumutauriri weNational Assembly, VaWilliam Mutomba, vabvuma kutambira chikumbiro chenhengo dzeMDC uye gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, vachiti vachauya nebhiri rine zvakashandurwa mudare neChina. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-says-it-is-still-investigating-disappearnce-of-activist-itai-dzamara/5033081.html +politics Kanzura Kudzai Kadzombe Vanoti Musha Mukadzi Kanzura anomirira Marlborough (ward 41) mukanzuru yeguta reHarare, Amai Kudzai Kadzombe, vanoti munhukadzi wese anopinda mune zvematongerwo enyika anofanirwa kusimba dzisunge, sezvo basa iri riine zvakawanda zvinoda kushinga. Amai Kadzombe, avo vakapinda mukanzuru mushure mekusarudzwa gore rapera vakamirira MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti handi nyore kuti zvinhu zvifambe zvakanaka kumunhukadzi munyaya dzakawanda dzinosanganisirawo zvematongerwo enyika. “Chokwadi hazvisi nyore kuve munhukadzi anenge achishanda pakati pevanhurume. Nguva zhinji unoona uchitarisirwa pasi, saka unotofanirwa kushinga pazvinhu zvaunenge uchiita nemoyo wako wese,” vadaro Amai Kadzombe. Zvichitevera kusarudzwa kuti vave kanzura wewadhi 41, pakatanga kushanda kanzuru Amai Kadzombe vakasarudzwa kuva sachigaro wekomiti yekanzuru inoona nezvakatipoteredza, izvo zvinosanganisira mvura. Vanoti sekanzuru vari kuedza nepavanogona napo pose kuitira kuti vagadzirise dambudziko remvura rakatarisana neguta renyika. Asi vanoti kuti izvi zvibudirire, panofanirwa kuita muonera pamwe chete pakati pekanzuru yeHarare nemapazi ehurumende. Amai Kadzombe vanobvuma kuti pane dambudziko guru rekuti mvura yemuLake Chivero icheneswe sezvo tsvina iri kupinda mumvura iyi yakawandisa zvikuru zvekukurira mishonga yekuchenesa mvura. Semunhukadzi, Amai Kadzombe vanoti vakwanisa munguva diki kugadzirisa zvimwe zvichemo zvevanhukadzi vemunharaunda mavo kuburikidza nekuvandudza nzvimbo yekurapwa iri pedyo navo. Amai Kadzombe vanoti vanhukadzi vanofanirwa kubatana, uye vasabvume kutyityidzirwa kuitira kuti vazvisimudzire muhupenyu hwavo. “Musha mukadzi. Musha uno weZimbabwe, tisu madzimai. Ngatibataneyi, tibatsirane kugadzirisa nyika yedu kuti ienderere mberi,” vadaro Amai Kadzombe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/harare-council-says-its-not-easy-to-work-in-a-male-dominated-council/4730292.html +politics Dare Redzimhosva Roshorerwa Kutambira Zvakaitwa NeMauto Dare guru redzimhosva rinoti kutora masimba nechisimba kwakaitwa nemauto svondo rapera kuri pamutemo. Vachitaura neChishanu mushure mekunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nevesangano rakarwa hondo yerusununguko, mutongi Justice George Chiweshe, vakati zvakaitwa nemauto, achitungamirwa nemukuru wavo, VaConstantino Chiwenga, zvinobvumidzwa neChikamu 212 che bumbiro remitemo weZimbabwe. Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Va Dewa Mavhinga, vanoti nyaya iyi haina kuziviswa kune veruzhinji uye haina kubatwa zvakanaka. Va Mavhinga vanoti hapana akapiwa nguva yekutaura akamirira rimwe divi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-justice-chiweshe-court-criticizes-for-legitimizing-coup-dewa-mavhinga/4136318.html +politics 'Komishini Yakazvimiririra Ingabatsira Vanhu Vanoshungurudzwa Nehurumende' - HRW Zvichitevera kurohwa kwakaitwa vanhu vasina mhosva nemapurisa svondo rapfuura, sangano rinorwira kodzero dzevanhu, re Human Rights Watch (HRW), rinoti panofanira kuumbwa komishini yakazvimiririra kuti vanhu vawane batsiro yekumhangarira hurumende kana ichinge yavatadzira. Nemusi we Muvhuro, vatsigiri vebato reMDC vakange vakamirira kunzwa mutungamiriri wavo, VaNelson Chamisa, vachitaura vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa akange akapakata zvombo. Bazi re America rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika rakabudisa mashoko ekushora zvikuru zvakaitwa nemapurisa richiti hurumende inofanirwa kutevedzera bumbiro remutemo. America inoti haisi kufara nemapurisa eZimbabwe arikushandisa masimba akapfurikidza pavanhu vakaungana pasina mhirizhonga sezvinobvumidzwa nebumbiro remutemo. Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rinoona ne zvenyika dzemu Africa, kana kuti Assistant Secretary of State for U.S. Department of State’s Bureau of African Affairs, VaTibor Nagy, vati zviri pachena kuti hurumende ye Zimbabwe haisi kutevedza bumbiro remutemo wenyika iro rinobvumidza vanhu kuungana kana kuratidzira murunyararo, vachiti vanokurudzira hurumende ye Zimbabwe kuti iremekedze mitemo yenyika uye kuti irege vanhu vachiungana murunyararo sekuda kwavo. Mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti pakagara paine komishini yakazvimiririra, zvingabatsira vanhu vazhinji sezvo komishini iyi ichizokwanisa kuferefeta zvinenge zvaitika uye ichibatsira vanhu kuendesa nyaya dzavo kumatare edzimhosva. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-police-brutalise-mdc-supporters/5176756.html +politics Citizens Coalition for Change Inoti Haichineyi neZita reMDC Bato reCitizens Coalition for Change, kana kuti CCC, rinoti rava bato idzva rakazvimirira risineyi nechose chine chekuita nebato re MDC rakavambwa namuchakabvu VaMorgan Tsvangirai muna 1999.\n\nMutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstalss Siziba, vati mashoko\nekuti vabude mubato reMDC zviri pamutemo mashoko asina musoro sezvo\nmutemo uri pachena kuti munhu anenge ave nhengo yerimwe bato anobva\natorega kuva nhengo yeMDC.\n\nIzvi zvatsigirwawo nasachigaro weCCC mudunhu reMashonaland West,\nVaRalph Magunje, avo vati nhengo dzavo dzakabuda mubato reMDC\nnekusapinda mumisangano yebato iri kubva mugore ra2018, kusabhadhara mari yekuva nhengo kwemakore matatu uye kuve nhengo yerimwe bato sezvavakaita.\n\nAsi mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vati vari kuyambira nhengo dzeCCC kuti dzibude mubato ravo zviri pamutemo kwete kuti vazoyeuka bako vanaiwa vave kuvadzinga zvakare muparamende nemumakanzura kana vakakunda.\n\nVaDube vati bato ravo rine ruzivo rwakadzama pamusoro pezvinotaura\nmutemo webato nokudaro nhengo dziri kuzviti ndedze CCC\ndzisazochema mune ramangwana nekuda kwenharo dzadzo.\n\nNyaya yekuvhomorana pazvigaro yakatanga apo bato reMDC T rakadzinga\nnhengo dzeMDC Alliance muparamende nemakanzura richiti inhengo dzaro dzakanga dzasiya gwara remusangano. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-new-political-outfit-distances-itself-from-mdc-politics/6420487.html +politics Pazuva reKubatana, VaMnangagwa Vokurudzira Nhaurirano Vanopikisa Vachiti Pamuromo Chete Zimbabwe nemusi weChitatu yakacherechedza makore makumi matatu nemana pasainwa chibvumirano cheUnity Accord icho chakabatanidza mapato akarwira nyika eZAPU neZANU muna 1987 mushure mekunge paita kusanzwisisana pakati pemapato aya izvo zvakaurayisa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri kubva muna 1983. Mumashoko avo ekupemberera zuva iri, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza vakanyorerana chibvumirano ichi, vashakabvu Joshua Nkomo vaitungamirira PF ZAPU navaVaRobert Mugabe vaitungamirira ZANU-PF vachiti chibvumirano ichi chakunza runyararo nekugadzikana munyika. Vati Unity Accord yakaunza runyararo nekugadzikana munyika izvo zvave kuita kuti nyika ikwanise kuita budiriro nekusimudzira mararamire everuzhinji. VaMnangagwa vati chidzidzo chikuru chinobva pane zvakaitwa naVaNkomo naVaMugabe ndechekuti kupokana kwese kunogadziriswa chete nenhaurirano dzinoitwa murunyararo. Vati vakazvipira kuramba vachitaura nevanhu vari mumatunhu akaurawa vanhu panguva yeGukurahundi nechinangwa chekuona kuti marwadzo avo apodzwa. Vatiwo madzishe ari kutungamira basa iri pamwe nekuona kuti nzvimbo idzi dzasimudzirwawo sedzimwe nzvimbo munyika. Asi mutungamiriri weZAPU uye ari mwana wamushakabvu Joshua Nkomo, VaSibangilizwe Nkomo vati zuva ranhasi harisi rekupemberera asi kuchema vanhu vakaurawa panguva yeGukukurahundi. Pamashoko aVaMnangagwa ekuti vari kusangana nekutaura nevanhu vekuMatabeleland neMidlands, VaNkomo vati chakakosha kutanga kutaura neZAPU nekuti vanhu vakapondwa muzita rebato iri. Mumwe mugari wemuHarare VaAlick Gomo vati havachaoni kukosha lweNational Unity Day nekuda kwekuchema chema nekugunun’una kuri kuita vanhu vakawanda munyika. Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vaudza Studio 7 kuti zuva iri rakakoshera kuZAPU neZANU asi vakati vanhu vanogonawo kudzidza kubva kune zvakaitwa naVaNkomo naVaMugabe. PF ZAPU ndiro raive bato guru raipikisa muna 1980 uye zvichitevera Unity Accord mapato aya akabava abatana kuva ZANU PF. Asi vamwe vaive nhengo dzeZAPU vasina kufara nezvaitika muZANU PF vakabuda vakadzokera kunoumba zvakare bato ravo reZAPU Zuva rakaisainwa Unity Accord musi wa22 Zvita 1987 rave zororo rinocherechedzwa gore rega rega musi uyu. Chibvumirano ichi chakanyoreranwa mushure mekunge hurumende yatumira mauto eFifth Brigade kuMidlands neMatabeleland ayo ari kupomerewa mhovsa dzekuponda. Vakawanda vakafa munguva iyi vachiri vakavigwa mumakuva akawanda kana kuti vari mumigodhi iri mumatunhu aya. No media source currently available https://www.voashona.com/a/pazuva-rekubatana-vamnangagwa-vokurudzira-nhaurirano-vanopikisa-vachiti-pamuromo-chete/6365165.html +politics Ko Vanhu Gumi neVanomwe Vabviswa Pazvirango neAmerica Ndivanani? Kunyangwe hazvo America yakatemera zvirango vamwe vanhu vana nezuro kusanganisira mwana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Emmerson Mnanngagwa Junior, pane vamwe vanhu kunyanya vaive muhurumende vakabviswa pazvirango. Vanhu ava vanoti Amai Flora Buka, VaIgnatious Morgan Chombo, VaNicholas Tasungunurwa Goche,naVaRugare Aleck Ngidi Gumbo. Vamwe vabviswa vanosanganisira VaJaison Machaya, VaReuben Marumahoko, VaHerbert Murerwa nemudzimai wavo Amai Ruth Chipo Murerwa, VaKenneth Keparadza Mutiwekuzivam VaDavid Chapfika, VaPhineas Chihota, mwana waVaPatrick Chinamasa, Gamuchirai Chinamasa, Amai Abigail Damasane, VaAndrew Langa, mupurisa VaLevy Sibanda, Amai Hellin Mushanyuri Gono, mudzimai waVaGideon Gono, uye VaChenhamo Chakezha Chimutengende. https://www.voashona.com/a/6873856.html +politics Zimbabwe Inovhota Ichiramba Kutambira Chisungo cheUN Chinorambidza Kupondwa kweMarudzi, Kuparwa kweMhosva dzeHondo neZvimwe Zimbabwe imwe yenyika gumi neshanu dzakavhota dzichipikisa kutambirwa kwechisungo cheUnited Nations General Assembly chinorambidza kupondwa kwevanhu, kuparwa kwemhosva dzehondo pamwe nerusarura pakati pemarudzi. Asi chisungo ichi chakabudirira zvichitevera kutambirwa kwachakaitwa nemusi weChipiri nenyika zana negumi neshanu dzinosanganisira vavakidzani veZimbabwe, South Africa neBotswana.\n\nNyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Center, VaEnerst Mudzengi, vati chisungo chakatambirwa neUnited Nations ichi chinopa nyika dziri musangano iri mukana wekuyamura zvizvarwa zvedzimwe nyika kana zvave kushungurudzwa nehurumende dzazvo.\n\nMudzidzisi mukuru pachikoro cheUnversity of Zimbabwe uye vari mukuru\nweMass Public Opinion of Zimbabwe, Professor Eldred Masunungure, vati kuvhota kweZimbabwe kune chekuita nekusada kuferefetwa kwenyika munyaya dzemhirizhonga dzakaitika musarudzo dzakapfuura. Zimbabwe ine nhoroondo yemhirizhonga inozivikanwa pasi rose zvichitevera kupondwa kwakaitwa vanhu munguva yeGukurahundi kumatunhu eMatabeleland neMidlands, iyo yakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa. Pane mhirizhonga yakaitikawo muna 2000 apo bato idzva reMovement for Democratic Change, MDC, rakatyorerwa kodzero dzenhengo dzaro, dzimwe nhengo dzebato iri dzinoti Talent Mabika naMorgan Chiminya dzikaurayiwa mumhirizhonga yakaitika kuBuhera. Vakauraya vaviri ava vanozivikanwa asi havana kusungwa. Muna 2005 vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo nehurumende izvo zvakasiya vanhu vanodarika mazana manomwe ezviuru vasina pekugara, uye vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana mana ezviuru vakasara vavhiringwa neOperation Murambatsvina. Sangano reUnited Nations rakatumira nhumwa rayo, Amai Anna Tibaijuka, avo vakaburitsawo gwaro raishora zvainge zvaitwa nehurumende yeZimbabwe. Muna 2008 zviuru nezviuru zvenhengo dzeMDC zvakaparadzirwa dzimba, kutorera zvipfuyo pamwe nekufirwa nehama mumhirizhonga yakaitika musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa mushure mekunge mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakunda vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, nemavhoti anonzi aive pasi pemavhoti anotarisirwa nemutemo kuitira kuti munhu anzi akunda sarudzo iyi zviri pamutemo. VaTsvangirai vakabuda musarudzo iyi vachiti havangarambe vari musarudzo yaiurayisa vatsigiri vavo. Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo,\nvati kuvhota kwakaita Zimbabwe muGeneral Assembly kunoburitsa pachena kuti vatungamiri vemunyika vanofarira kupondwa kwezvizvarwa zvemunyika.\n\nHatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika,\nVaFredrick Shava, kana gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo mbozhanhare dzavo dzanga dzisingadavirwe. Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vanyora\npadandemutande ravo kuti kuvhota kweZimbabwe kuUnited Nations\nkwakazembera panhoroondo yenyika, zvakadzidzwa nenyika\nmukushamwaridzana kwayo nedzimwe nyika pamwe nemanzwisisiro anoita vatungamiri munyaya dzepasi rose. Asi vachangotora mhiko kuti vave nhengo yekomisheni yekuregererana, reZimbabwe Peace and Reconciliation Commission, VaObert Gutu, vati vanotambira danho reZimbabwe. Dzimwe nyika dzavhota dzichipesana nedanho iri dzinosanganisira\nRussia, Cuba, Nicaragua, Burundi, North Korea, Egypt nedzimwe idzo\ndzinonzi nevezvematongerwo enyika dziri pasi pehurumende dzinotonga\nnechisimba. Gore rapera, Zimbabwe yakava nyika yoga yemuAfrica yakapikisa chisungo cheGeneral Assembly chekuomesera Myanmar nepamusana perusarura rudzi kwairi kuita munyika iyi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-votes-against-un-resolution-against-genocide-and-war-crimes/5898263.html +politics Zanu PF Inokunda Freedom Pary kuMhondoro-Mubayira Mumiririri weZEC musarudzo iyi, VaGodfrey Maisiri, vanoti VaGangarahwe vakakunda VaRodwell Nyanganya avo vaimiririra bato reFreedom Front. Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoti VaGeorge Gangarahwe vaimirira Zanu Pf musarudzo yakaitwa neMugovera kuMhondoro Mubayira ndivo vakakunda. Mumiririri weZEC musarudzo iyi, VaGodfrey Maisiri, vanoti VaGangarahwe vakakunda VaRodwell Nyanganya avo vaimiririra bato reFreedom Front. VaGangarahwe vakaita mavhoti zviuru gumi nezvitatu nemazana mapfumbamwe ane makumi matatu nezvina, ukuwo VaNyanganya vachiita mavhoti chiuru chimwe chete nemakumi mashanu nematanhatu. Vachiratidza mufaro mushure mekunzwa mashoko ekukunda kwavo, VaGangarahwe vakati havana kukunda VaNyanganya nebato ravo chete, asi vakunda mapato ose anopikisa munyika sezvo vainge vachikokera nhengo dzavo muchivande kuti dzivhotere VaNyanganya. Izvi zvinotsigirwa nasachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaEphaim Chengeta, avo vanoti kukunda kwebato ravo chiratidzo chekuti hapana bato rinopikisa richakunda Zanu PF mudunhu rose. VaGangarahwe vanoti vachaita zvirongwa zvebudiriro zvakawanda zvichayamura zvikuru sei vechidiki kuti vasashandiswe kuita zvakaipa. Amai Muzvare Getrude Rwizi vanobva munzvimbo yamambo Rwizi, vanoti vari kutarisira kuyamurwa kutanga maprojects akaita sekupfuya huku kuti dunhu ravo ribudirire. Asi mumwe mugari wekwaMubayira, VaPanashe Musunami, avo vanoti havana kuvhota, vanoti Zanu PF yaizvikwikwidza sezvo mapato makuru anopikisa vakaramba kukwikwidza. VaMusunami vanoti sarudzo yesvondo rapera haina shanduko yainounza mukurarama kwavo. VaNyanganya vainge vasipo apo paiziviswa zvainge zvabuda musarudzo uyezve bato ravo rainge riine vaongorori vashoma panzvimbo makumi mashanu nesere dzaivhoterwa muma wadhi mapfumbamwe. Sarudzo iyi yakaitwa mushure mekunge vaimbomiririra Mhondoro Mubayira, VaSylvester Nguni, vadzingwa mubato reZanu Pf vachipomerwa mhosva yekutsigira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vakadzingwawo mubato iri gore rapera. Nhengo dzebazi repamusoro rePolitburo mubato reZanu PF dzaimbeya mbeya muMhondoro Mubayira neMugovera dzinosanganisira mukokeri wemisangano, VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Professor Jonathan Moyo, pamwe nemutungamiri wedare re Seneti, Amai Edna Madzongwe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zanu-pf-elections/3223600.html +politics VaTsvangirai Vanoshora Mhirizhonga Yakaitika muBato Ravo reMDC-T Mutungamiriri weMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai vashoropodza mhirizhonga yakaitika kumahofisi ebato ravo kuBulawayo neSvondo uko kwakarohwa vamwe vatungamiri vebato iri. Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaTsvangirai vati zvinosuwisa kuti mafaro avo ekubatana nemamwe mapato anopikisa vachiumba MDC Alliance agurisirwa panzira nekuda kwemhirizhonga yakaitika iyi. VaTsvangirai vati havadi zvemhirizhonga mubato ravo, vakati kunyangwe zvazvo mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi, ivo sebato vari kuitawo tsvagiridzo dzavo. Vati kana pane nhengo dzavo dzakakonzera mhirizhonga iyi dzicharangwa nebato ravo zvakaomarara. Vakarohwa kuBulawayo vanosanganisira mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe nasachigaro webato iri VaLovemore Moyo. Vatungamiri ava vaive vasipo pakaparurwa mubatanidzwa wemapato anopikisa neMugovera. Vachibvunzwa kuti vatungamiriri vebato reMDC vari kuwirirana here nezvemubatanidzwa, VaTsvangirai vati vakaita chibvumirano sebato chinosunga vatsigiri nehutungamiriri hwese. Mhirizhonga yakaitwa kubato reMDC T iyi yasvorwawo zvikuru nemasangano ano kurudzira runyararo munyika. Mutungamiriri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko vati havatarisire kuti kusawirirana mumapato ezvematongerwo enyika kugadziriswe nemhirizhonga kunyanya nyika yadongorera sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya. Kunyangwe zvazvo VaTsvangirai vati bato ravo hari kurudziri mhirizhonga, Muzvare Mukoko vati matanho achatorwa nebato reMDC-T kune vakaita mhirizhonga ndiwo acharatidza kuti bato iri rakamira papi panyaya yemhirizhonga. MDC T yakabatana nemamwe mapato matanhatu nemugovera kuumba mubatanidzwa weMDC Alliance, uyo uchakwikwidzana neZanu PF musarudzo dza 2018 uchi tungamirirwa naVatsvangirai. Mutungamiri weMDC-T uyu atiwo vanhu vakaita mhirizhonga iyi vanoda kusvibisa zita rebato pamwe nemubatanidzwa uyu asi vati izvi hazvisi kuzobudirira. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-mdct-tsvangirai-violence/3975333.html +politics Hurumende Yokurudzirwa Kugadzirisa Nyaya dzeKodzero dzeVanhu neMitemo yeSarudzo Isati Yadzorwa muCommonwealth Apo chikwata cheCommonwealth changa chiri munyika kuzoona kuti Zimbabwe inokodzera here kudzorerwa mugungano iri chakapeta rwendo rwacho nemusi weChitatu, zvizvarwa zveZimbabwe zvine maonero akasiyanasiyana pamusoro pehurongwa uhu. Vamwe vari kuti chinhu chakanaka kuti Zimbabwe idzoserwe mugungano renyika makumi mashanu nenhanhatu, zhinji dzacho dziri dzaive pasi pehutungamiri hweBritain, asi vamwewo vachiti hurumende ichine zvakawanda zvainofanirwa kugadzirisa zvakaita senyaya dzekodzero dzevanhu. Kushanya kwechikwata ichi kwakasanganidzanawo nekupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwenhengo dzebato rinopikisa reCCC gumi neina dzakanga dzave kusvitsa mwedzi mishanu dziri muhusungwa mushure mekusungwa kuNyatsime dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga. Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti chiitiko chekupiwa mukana kwevanopikisa ichi chakaitwa nehurumende kuti iratidze chikwata chaishanya ichi kuti munyika munoteverwa mitemo, asi vamwewo vachiti kumatare kune mitemo inoteverwa zvisineyi nezvematongerwo enyika. Mutungamiri webato rinopikisa rinopikisa rePeople’s Patriotic Party, VaZvaringeni Samuel Chasi, vanoti zvakanaka kuti Zimbabwe idzoserwe muCommonwealth, asi inofanirwa kupindawo zvakare mugungano reInternational Criminal Court, uye kugadziridza mabatiro ayo nyaya dzekodzero dzevanhu. VaChasi vanotiwo pamusoro pekodzero dzevanhu, hurumende inofanirwa zvakare kugadzirisa mitemo ine chekuita nesarudzo, uye inofanirwa kuzotariswa zvakare nesangano iri mushure mesarudzo dzegore rinouya isati yadzoserwa mugungano reCommonwealth. Asi mutauriri weNational Constitutional Assembly, NCA, VaMadock Chivasa vanoti Zimbabwe inofanirwa kungodzoserwa mugungano iri pasina zviga kana zvirango zvainonzi itange yazadzisa. VaChivasa vanoti kana paine zvinonetsa munyika vana veZimbabwe ndivo vanofanirwa kugara pasi vozvigadzirisa, kwete kuti vekunze kana masangano ekunze vapindire. Chikwata cheCommonwealth ichi chakaita misangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, bato riri kutonga reZanu PF, mapato anopikisa anoti reCitizens’ Coalition for Change neMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, nhengo dzePOLAD, pamwe nevemamwe masangano akazvimirira. Asi mamwe mapato ari kunyunyuta kuti haana kupiwa mukana wekusangana nechikwata ichi achipawo maonero awo panyaya iyi, vachiti vaidawo kupa mamiriro ezvinhu munyika, zvikuru munyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6838901.html +politics Nhengo dzeMDC-T Dzorangarira Vamwe Vadzo Vakapondwa Muna 2008 Nhengo dzeMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa pamwe nehutungamiri hwebato iri vanoti hurumende inofanira kuongorora nyaya yemhirizhonga yakaitika makore gumi adarika pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika ye presidential runoff iyo yakasiya vanhu vakawanda vafa uye vamwe vasisina pokugara. Vatsigiri veMDC vakaita saVaEnoch Mkudu vanoti mhirizhonga yakaitika iyi ichizere mundangariro dzavo vachiti dai hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ikaona kuti sarudzo dzemwedzi unouya dzaitwa pasina mhirizhonga yakadai iyo yavanoti ichiri kuvabata pamoyo. Imwe nhengo yeMDC, VaKudakwashe Matibiri, vanoti zvakakosha kuti hurumende yaVaMnangagwa iite hurongwa hwekusangana nevakapona neburi retsono pamhirizhonga iyi. Mutungamiri weboka reMDCT iri, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo pamwe nevatsigiri vavo vachiri kushushikana nezvakaitika izvi. Mutauriri waVaChamisa, VaNkululeko Sibanda, vati VaChamisa vachagadzirisa nyaya iyi vachiti VaMnangagwa vazvitadza sezvo vaiva mumwe wevanhu vaiva muhurumende yakakonzera mhirizhonga iyi pasi pehutungamiri hwaVaRobert Mugabe avo vakazobviswa pachigaro nemauto gore rapera. Mumwe mufundisi wechechi yeApostolic Faith Mission, Mufundisi Rogers Conrad Tekwa, vanoti vedzisvondo vane basa rakakura kwazvo rekubatsirana nehurumende mukuedza kugadzirisa nyaya iyi. Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaObert Mpofu, kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi. Asi VaMpofu, avo vanove zvakare munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato riri kutonga reZanu PF, vakati sebato pamwe nehurumende vakazvipira kuita sarudzo dzisina mhirizhonga rwendo rwuno. MDC inoti pane nhengo dzayo dzinodarika mazana maviri dzakapondwa pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Chikumi 2008. Vanhu vazhinzji vakapisirwa misha vamwe vakatiza kwavaigara vachinotsvaga hupoteri kune dzimwe nzvimbo. Mhirizhonga iyi yakakonzera kuti vaimbova mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vabude mumakwikwi esarudzo iyi vachiti zvaisaita kuti vagozotonga makuva izvo zvakazopedzira kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa iyo yakapera muna 2013 pakaitwa dzimwe sarudzo dzinonzi neMDC dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-opposition-remembers-loved-ones-who-were-murdered-in-2008/4457459.html +politics MDC Inoshoropodza Gwaro Rakaburitswa neKomisheni yaVaMotlanthe Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti gwaro rekomisheni yakadomwa kuongorora nezvemhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu raburitswa kune veruzhinji nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, harina zvariri kubatsira nazvo nyika pari zvino kunze kwekuda kubata vanhu kumeso. Gwaro iri rakanyorwa nekomisheni yaitungamirirwa nevaive mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, mushure mekunzwa humbowo kubva kuvanhu vakasiyanasiyana. Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vanoti sebato vanoona sekunge gwaro iri ragara richida kuvharidzira kuurayiwa kwakaitwa vanhu nemauto. Vanotiwo chimwe chavashamisa ndechekuti gwaro iri riri kukurudzira kuti vakapfura nekuuraya vanhu vatsvagwe vamiswe pamberi pematare, asi riri iro basa raifanirwa kuitwa nekomisheni iyi rekuburitsa pachena vakauraya vanhu. VaMafume varambawo kuti bato ravo ndiro rakakonzeresa mhirizhonga iyi. No media source currently available Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vanoona sekunge komisheni yaVaMotlanthe iyi yakaedza kwazvo kuburitsa pachena kuti mauto akapfurikidza mwero pakushandisa chisimba mukupomhodza kuratidzira. Asi VaMavhinga vanoti hurumende inofanirwa kuchiendesawo ongororo yakaitwa iyi mberi kuburikidza nekusunga vose vane chekuita nekupfurwa kwevanhu vorangwa zvakakodzera. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-motlanthe-commission-report-mdc-mafume/4705985.html +politics VaSikhala Vanoti Mota dzePOLAD Kutenda Vatsigiri vaVaMnangagwa Vasina Zvido zveRuzhinji Mutevedzeri wasachigaro webato reMDC Alliance VaJob Sikhala vanoti motokari dzakapihwa vatungamiri vemapato madiki anopikisa vari mugungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti POLAD kutenda vavanoti vari kushandiswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kudzorera hutongi hwejekerere kumashure. Asi mutauriri werimwe bato riri mugungano iri reNational Constitutional Assembly VaMaddock Chivasa vanoti hapana chakaipa kuti nhengo dzePOLAD dzipihwe dzimotokari dzekushandisa mukuunza kubatana munyika. Nyaya yekuti hurumende yakatengera vatungamiri vemapato anopikisa ari mugungano rePOLAD zvikakarara zvemotokari dzemhando yeIsuzu D-Max izvo zvipatara zvakawanda zvisina mishonga, madhorobha akawanda asina maamburenzi yakonzerawo mutauro munyika. MuHarare semuenzaniso munonzi amburenzi nhanhatu pachidiwa makumi matatu nembiri uye vanhu vanoda kusvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana vachinzi vakatarisana nenzara inotyisa. Vari muPOLAD vanoti gungano iri rinobatsira asi vamwe vanopikisa vachiti riri kungopfukutawo mari yenyika uye harina meno. Bato guru rinopikisa reMDC Alliance harisi mumubatanidzwa uyu kunyangwe vamwe vakuru mubato reMDC-T rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora vari kuti vanenge vave mugungano iri mavhiki anotevera. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vasikhala-vanoti-mota-dzepolad-kutenda-vatsigiri-vavamnangagwa-vasina-zvido-zveruzhinji/5992200.html +politics Zimbabwe Human Rights Commission Yofara neMamiriro Akaita Zvinhu Musarudzo Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission, Doctor Elasto Mugwadi, vanoti komisheni yavo inofara nemamiriro akaita zvinhu mayererano nesarudzo dzichaitwa nemusi weMuvhuro. VaMugwadi vanoti kunyange hazvo pange pane zvichemo zvakasvitswa kukomisheni yavo, zvange zviri zvishoma uye vakagadzirisa zvichemo zvizhinji. Mamwe mapato anopikisa anotaura kuti haasikufara ne Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti Zec, pamusoro pemabatiro airikuita gadziriro yesarudzo idzi. Izvi zvakakonzera kuti mamwe mapato nemasangano akazvimiririra aende kumatare edzimhosva kuti Zec imanikidzwe kuteerera zvichemo zvavo. “Ndingati zvinhu zvinenge zvakamira zvirinani kana tichienzanisa nemamwe makore apfuura aya,” VaMugwadi vaudza Studio7. “Kana tichitarira runyararo huripo uye tichitarira kodzero dzevanhu kuti vari kukwanisa here kuungana sezvavanoda uye vanokwanisa here kuita misangano yavo pavanodira uye vanokwanisa here kutaura zvavanoda vasina anovashungurudza. Izvi tiri kuona kuti zviri kuitika.” Svondo rapera, sangano revadzidzisi rakabudirira kumatare edzimhosva kwarakange raenda richimanikidza Zec kuti ibvumidze vadzidzisi kuvhota kunzvimbo dzavanenge vaendeswa neZec kunovhotesa vanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-human-rights-commission-happy-with-pre-election-situation-elasto-mugwadi/4503105.html +politics VaBiti Vorwira Kodzero dzeVakatongerwa Rufu Gweta rine mukurumbira uye vachiita zvematongerwo enyika, VaTendai Biti, vanoti vave kubatana nevamwe vari kurwisa nyaya yekutongera vanhu rufu vachiti kuita izvi kunotyora kodzero dzevanhu. Bumbiro remitemo idzva harichabvumidze kuurayiwa kwevanhukadzi, uye varume vari pasi pemakore makumi maviri nerimwe, pamwe nevarume vari pamakore apfuura makore makumi manomwe. Zimbabwe yakagumisira kuuraya munhu mujeri muna 2005. Asi pachine vanhu vanoda kusvika kana kupfuura zana vakatongerwa rufu. Mukuru wesangano reAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vanoti hurumende inofanira kubvisa mutemo wekutongera vanhu rufu zvachose nekuti kutyora kodzero dzevanhu. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, varizve gurukota rinoona nezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti naivowo vanoda kuti mutemo wekutongerwa vanhu rufu ubviswe. VaBiti vanoti bumbiro remitemo idzva rinochengetedza kodzero dzevakatongerwa rufu uye vazvipira kubatsira vasungwa ava. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbababwe-politics/2924447.html +politics Vaive mukuru weZANLA VaBernard Manyadza Vanoti VaMugabe Havaremekedze Vakarwa Hondo Murwi wehondo yerusununguko uye vaive muZANLA High command, VaBernard Manyadza vaizivikanwa nekuti Parker Chipoyera munguva yehondo vanoti musangano wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakarwa hondo uri kuitwa musi wa 7 Kubvumbi hauna zvauchaburitsa nekuti kunetsana mubato reZanu-PF kwasvika padanho rakaipisisa. Mumwe murwi wehondo yerusununguko amai Margaret Dongo vakatoudza vakarwa hondo ava kuti vasaende kumusangano uyu kuri kuratidza kunyunyuta nemabatirwo avari kuitwa neseri kweruoko neZanu-PF. Musangano uyu wakanangana nekugadzirisa kunetsana pakati pevakarwa hondo nevamwe vari muchikwata chinonzi G4 chemuZanu-PF chiri kutsigirana naamai Grace Mugabe. Vakarwa hondo ava vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo uye gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vanofanira kudzingwa mubato nekukonzera nyonga nyonga. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3253186.html +politics Vanhu Vatanhatu Vanosungwa Vachiratidzira muHarare Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende. Mapurisa anorwisana nemvongamupopoto asunga vanhu vatanhatu ndokubva avhiringidza kuratidzira kwaitwa nenhengo dzeMDC-T pamwe neTajamuka muHarare idzo dzanga dzichiti dzinoda kuti hurumende ibvise ma bond notes mumabhanga. Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende. Vasati vatanga kuratidzira, mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vaudza varatidziri ava kuti havasi kufara nema bond notes akaparurwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe neMuvhuro. VaChidziva vati sezvo hupfumi hwenyika hwaita madamburikiti mashatekuzhe mutariro wemadhende, VaMugabe vave kufanirakusiya matomhu voenda pamudyandigere. Izvi zvatsinhirwa nemumwe wevaratidziri ava, VaHardlife Mudzingwa, avo vaudza Studio 7 kuti kuunzwa kwakaitwa mari iyi hakusi kubatsira kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari mumabhanga. Varatidziri ava pavanga voda kusvika kuparamende vabva vagamuchirwa nemapurisa anorwisa mvongamupopoto ayo avadira mvura inovava nekuvakandira zvombo zvehutsi hunokachidza. Varatidziri ava vabva vaita hushamwari nemhepo vachiita aziva kwake aziva kwake vamwe vachitizira mumitsetse yevanhu vanga vachitsvaga mari mumabhanga pamwe nemuzvitoro. Mapurisa abva atanga kudeedzera kuti vanhu vabve mumitsetse iyi uye vezvitoro vabva vavharawo vakazovhura havo mushure memaawa akati kuti. Mapurisa azoswera oita hwekiti negonzo nevaratidziri avo vanga vave kuratidzira vari muzvikwata zvikwata munzvimbo dzakasiyana-siyana mudhorobha. Zvimwe zvitoro zvinonzi zvapwanywa nevaratidziri ava asi hatina kukwanisa kuziva kuti pane zvatorwa here muzvitoro izvi. Hurumende yakaparura ma bond notes neMuvhuro ichiti achashandiswa kupa mubayiro kune vanenge vatengesa zvinhu kunze kweyika. Asi ma bond notes aya ave kungowanikwa nemunhuwo zvake kubhanga. Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti ma bond notes aya yatove mari chaiyo izvo zvaiwanzotaurwa nevari kushora ma bond notes aya avo vanoti hurumende iri kudzosa dhora remuZimbabwe nerweseri. https://www.voashona.com/a/bond-notes-demos/3617827.html +politics "Mapurisa Oyedza Kurambidza Hurongwe hweKuratidzira Huri kunzi ""Munhu Wese muRoad""" Masangano akawanda munyika anoti achange achiratidzira nemusi weChishanu pasi pechirongwa chinonzi “Munhu wese muRoad”. Masangano ari kuratidzira anosanganisira #Tajamuka/Sesijikile, #This Flower, #This Flag, Occupy Africa Unity Square, Bulawayo Youth Arise, ZINASU nemamwe. Masangano aya anoti haasi kufara nenyaya kuda kuparurwa kwemari yemabond notes nehurumende uye nyaya yehuori hunonzi hwatekeshera nenyika zvikuru muhurumende. Asi mapurisa kuburikidza nemukuru muHarare, Officer Commanding Police Harare Central District Chief Superintendent JT Chizemo vari kuramba kupa mvumo masangano aya kuti aratidzire. Mapurisa anodzivirira mhirizhonga atozara muHarare uye neChishanu anonzi achafumobata jongwe muromo kunodzivirira kuti vanhu vasaratidzire. Mapurisa anonzi ari kuda kusungawo VaStern Zvorwadza ve#This Flower naDr Patson Dzamara veOccupy Africa Unity Square vachi vapomera mhosva yekuronga kuratidzira uku. Asi VaJason Zhuwawu vebato reZanu-PF vanotungamira Team ZANU-PF Live, iyo ino buritsa mashoko ezvinenge zvichiitwa nebato iri, vati vanhu vari kuratidzira havana kana pfungwa dzekuvaka uye vanofanira kutaurirana nehurumende kwete kuratidzira. Asi VaZvorwadza vanoti hurumende inhinhi, haidi kunzwa pfungwa dzevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3601230.html +politics VaKasukuwere Vanobvisiswa Zviuru Zvitatu zveMadhora seChibatiso Vaimbova gurukota rezvematunhu muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSaviour Kasukuwere, vabvisiswa zviuru zvitatu zvemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. Izvi zvinotevera kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva ina dzekushandisa masimba avo zvisirizvo vachiri muhurumende. VaKasukuwere vari kupomerwa mhosva ina vachinzi vakapfurikidza mwero mukuita basa ravo pavaimbova gurukota rezvevechidiki pamwe nepavakazove gurukota rezvematunhu. Muchichisi wenyaya idzi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti VaKasukuwere vakashandisa masimba avo zvisiri izvo pavaiva gurukota rezvechidiki pavanonzi vakapa basa kambani yeBrainworks kuti imire pakati pehurumende nemakambani anochera zvicherwa akaita seUnki Mine neZimplats munhaurirano dzekuti makambani aya atevedzere mutemo waimbovapo wekuendesa hupfumi kuvatema. VaReza vati VaKasukuwere vaifanira kupa kambani yeBrainworks kana imwewo kambani mushure mekunge nyaya yekupa basa iri yaendeswa kuti pasarudzwe kambani yaizoita basa kana kuti tender. Pane dzimwe nyaya nhatu dzavanonzi vakapara vari gurukota rezvematunhu, VaReza vati VaKasukuwere vakashandisa masimba mukupa Amai Junior Shuvai Gumbochuma, vanove mukoma wevaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, masitendi ekuvaka dzimba muHarare pamwe nekuMasvingo vasina kutevedzera nzira dzinoshandiswa mukupihwa kunoitwa masitendi. Kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro muna Mbudzi gore rapera, kune makurukota akati kuti asungwa achimiswa pamberi pematare edzimhosva. Makurukota aya anosanganisira VaIgnatious Chombo, Va Samuel Udenge, VaJoseph Made, VaJason Machaya nevamwe. Vose makurukota aya vanhu vanofungidzirwa kuti vaitsigira chikwata cheGeneration 40, icho chairwisana neTeam Lacoste, iyo inonzi inotsigira VaMnangagwa. Nyaya isati yatanga kuzeyewa, vakafanobata chigaro chemuchuchisi mukuru wenyika, VaKumbirai Hodzi, avo vanga vachishanyira matare vachiona mamiriro akaita zvinhu mumatare, vaudza mutongi wedare kuti nyaya dzehuori sedziri kupomerwa VaKasukuwere dzinofanira kunzwikwa nekukasika uye kuti dzibatwe neruoko rwakasimba kuti veruzhinji vaone kuti hurumende yakazvipira kurwisana nehuori. Mune imwewo nyaya yaitika pamatare, mamejasitiriti matsva makumi matanhatu atoreswa mhiko dzekuva mamejasitiriti pamberi pemukuru wemamejasititi munyika, VaMishrod Guvamombe. Izvi zvauyawo panguva iyo dzimwe nyaya dzanga dzichinonoka kufambiswa mumatare nepamusana pekushomeka kwemamejasitiriti zvikuru sei mumadhorobha madiki. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-former-minister-savior-kasukuwere-appears-before-court-accused-of-abuse-of-office/4586958.html +politics Dare reDzimhosva Rinobvisisa Muzvare Mahere, Tsitsi Dangarembga neVamwe Mari yeChibatiso Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, munyori wemabhuku ane mukurumbira pasi rose, Tsitsi Dangarembga, nevamwe negumi nemumwe chete vakasungwa neChishanu, vaburitswa muhusungwa zvichitevera kubhadhariswa kwavaitwa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora emaRTGS. Vasungwa ava vamiswa pamberi pedare mushure mekurara vari muchitokisi vachipomerwa mhosva yekutyora mirawu ye Covid-19 Regulations pamwe nekukurudzira zvemhirizhonga. Vasungwa ava vanzi nedare vadzoke kudare musi wa18 Gunyana. Muchichisi wenyaya idzi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti vasungwa ava vakaratidzira zviri kunze kwemutemo vachiisa hupenyu hweveruzhinji panjodzi uye vakakurudzira mhirizhonga nekuratidzira kwavakaita. Kunyange hazvo magweta ari kumirira vanhu ava ati ane zvichemo, magweta aya ati achataura zvichemo izvi mudare pachadzoka nyaya iyi kudare. Hurumende haina kupikisa chikumbiro chekuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso zvaita kuti mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati vasungwa vese ava vabhadhare madhora zviuru zvishanu pamunhu semari yechibatiso. Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta evasungwa ava, VaPaidamoyo Saurombe. Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vashora hurumende nekusunga kwayakaita vanhu ava. VaBiti vakurudzira sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC, pamwe nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, kuti vashandise chigaro chavo sasachigaro weAfrican Union kugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe vachiti veruzhinji munyika vave kugara muhutapwa. Mumwe wevanhu vanga vari muhusungwa, VaLoveridge Chinzvende, vabhadhariswa zviuru zvishanu zvemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. Vamwe vevanhu vamiswa mudare vanosanganisira Simon Drury, Tinashe Murapatsa, Nyasha Musendu, Josse Lots, Jessica Drury naTinotenda Muswe. Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vanodarika makumi matanhatu vasungwa kusvika pari zvino, vachisungirwa nyaya yekuratifdzira kwanezuro, uye vanhu gumi nevatanhatu vakakuvara uye vanoda kurapwa. Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe ,kuti tinzwe pamire hurumende pane zvataurwa neMDC Alliance izvi. Asi VaKazembe vakaudza vatori venhau svondo rino kuti hurumende haisi kuzopeta maoko ichisiya vemapato anopikisa vachikonzeresa kusagadzikana munyika kubudikidza nekuratidzira kwavakati hakusi pamutemo uye kwavakati kwaizopinza veruzhinji panjodzi sezvo chirwere cheCovid19 chiri kuuraya vanhu munyika. Zvichakadai, mapurisa nemasoja nhasi vaswera vachirambidza zvakare veruzhinji kupinda mudhorobha sezvakaitika nezuro pakange pashevedzerwa neveboka reJuly 31st Movement kuti veruzhinji varatidzire vachiti havasi kufara nehuori hwavanoti hwatekeshera munyika. Mapurisa nemasoja vawedzerawo kuvhara migwagwa yose inopinda mudhorobha zvaita kuti vanhu vashomanana vakwanisa kupinda mudhorobha, zvivatorere nguva yakareba kupinda mudhorobha. Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vaudza Studio7 parunhare kuti mauto anofanirwa kunge ari mamakamba awo, asi nepamusana pekuti munyika maita dambudziko reCovid-19, mauto aya ari kubatsira kuona kuti vanhu havasi kutyora mitemo yeCovid-19 Regulations. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-authorities-release-activists-on-bail/5526876.html +politics Nhengo dzeMDC-T Dzobatwa neMhosva yeKuponda Mupurisa Nhengo nhatu dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nemusi weChipiri dzakabatwa nemhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlenView muHarare muna 2011. Vachitura mutongo wavo panyaya iyi, mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vawana vanhu vatatu vaine mhosva yekuponda VaMutedza. VaBhunu vati kunyangwe hazvo zvisina kubuda pachena kuti ngana ndiye akapotsera dombo rakatema VaMutedza zvakazokonzera kuti VaMutedza vafe zviri pachena kuti vatsigiri veMDCT ava vaiva nechinangwa nechekuponda sezvo mumwe mufakazi akapa humbowo pakutongwa kwenyaya iyi akati akanzwa mumwe munhu achidaidzira kuti mapurisa arohwe sezvo achidyidzana nebato riri kutonga reZanu PF. Vabatwa nemhosva yekuponda ava ndiVaLast Maengehama avo vaimbova nhengo yekomiti yepamusoro muMDCT, VaTungamirai Madzokere vanove kanzura mukanzuru yeHarare pamwe naMuzvare Yvonne Musarurwa vanove nhengo yeboka revechidiki muMDC-T. VaPhineas Nhatarikwa, avo vanoshanda semutyairi muMDC-T, vabatwa nemhosva yekubatsira Muzvare Musarurwa naVaMadzokere kubva panzvimbo yakaparirwa mhosva iyi mushure mekuvatakura nemotokari pakaitika kurwisana pakati pemapurisa nevechidiki ve MDCT. Vamwe vatatu vanoti VaEdwin Muingiri, VaLazarus Maengehama naVaPaul Rukanda vasunungurwa sezvo zvanzi nedare hapana humbowo hunoratidza kuti vaivepo pakapondwa VaMutedza. VaRukanda vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nemutongo waturwa nedare sezvo zviri pachena kuti pari kuitwa zvematongerwo enyika. Pakatanga nyaya iyi, paive nevasungwa makumi maviri nevapfumbamwe asi vamwe makumi maviri nevaviri vakawanikwa vasinawo mhosva pakanzwikwa nyaya iyi. Vanhu ava vaisanganisira VaPaul Madzore avo vaimbove sachigaro kuboka revechidiki muMDCT vasati vabuda mubato iri. Pakutongwa kwenyaya iyi, nhengo dzeMDC-T idzo dzairamba mhosva iyi dzichiti dzaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika. Gweta revasungwa ava Amai Beatrice Mtetwa vaudza Studio 7 kuti vanhu ava vachadzoka kudare nemusi weChina kuti patange kuzeyiwa chirango chavo. Vati kusvika izvi zvaitwa havana zvakawanda zvavakataura nevatori venhau. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3496045.html +politics VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vakundikana Kugadzira Nyaya Dzekupambwa kweVanhu muNyika Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasi kuratidza hutungamiri panyaya iri kupomerwa mapurisa nevasori yekuva nechekuita nekupambwa kwenhengo dzevechidiki nhatu dzebato ravo vachidzokorora kuti zvave kuda kuti United Nations ipindire. Vati vakatonyorera tsamba kuUnited Nations kuti munyika mapindwa naPongwe nekudaro inofanira kuongorora nyaya dzekupambwa kwevanhu. VaChamisa vati VaMnangagwa vawana mikana miviri yekutaura nenyika nezuro kumarinda eHeroes Acre uye neMugovera panyaya yelockdown asi havana kana kutaura nezvekupambwa nekushungurudzwa kwenhengo yeparamende inomiririra Harare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe, nemutevedzeri wasachigaro weMDC Youth Assembly Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongi wemabasa musangano revechidiki iri, Muzvare Netsai Marova. Vatatu ava vanonzi vakapambwa kuWarren Park vakazowanikwa kuBindura. Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vanoti vakakumbira mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga kuti vaongorore nyaya iyi. Vanotiwo vanhu vanofanira kumirira ongororo iyi kwete kutaura zvisina humbowo. Hatina kukwanisa kubata mutauriri Asi VaChamisa vanoti havana chivimbo nezviri kuitwa izvi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vachamisa-vanoti-vamnangagwa-vakundikana-kugadzira-nyaya-dzekupambwa-kwevanhu-munyika/5429661.html +politics Dare Rinorasa Mhosva Yanga Ichipomerwa Chin'ono Dare repamusoro nhasi rarasa mhosva yanga ichipomerwa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, yekuburitsa mashoko emanyepo richiti mutemo wakashandiswa kusunga Chin’ono wakabviswa kare mumabhuku emitemo yenyika. Mutongi wedare repamusoro, Justice Jester Charewa, varasa mutongo wakaitwa nedare repasi wekuti Chin’ono ane nyaya uye anofanira kutongwa. Gweta raChin’ono, VaHarrison Nkomo, vaudza Studio 7 kuti Justice Charewa varasa mutongo wedare ramajisitiriti panyaya iyi vachiti mutemo wakashandiswa pana Chin’ono hausisiri mutemo munyika ino. Hatina kukwanisa kutaura naChin’ono kuti tinzwe kuti ari kunzwa sei nemutongo wapihwa nedare. Asi VaNkomo vati Chin’ono afara chose nemutongo uyu ati zvese zvakaitika zvingadai zvisina kuitika dai mapurisa nevachuchusi vakange vamuterera paaitaura kuti mutemo wavaishandisa wainge waraswa nedare repamusorosoro kare. VaNkomo vati vachagara pasi naChin’ono kuti otora matanho apo zvichitevera mutongo waJustice Charewa. Vatiwo vari kuda kuti Chin’ono atange apihwa mari yechibatiso yaakabvisa panyaya iyi sezvo yaraswa nedare. Chin’ono akasungwa musi wa 8 Ndira achipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act mushure mekunyora padandemutande rake reTwitter kuti pane mwana mudiki ainge afa mushure mekurohwa nemapurisa. Akagara jeri reChikurubi mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramajisitiriti uye akozipihwa mukana webhabhadhara mari yechibatiso musi wa 27 Ndira. Chin’ono akabvisa zviuru makumi maviri zvemadhora emaRTGS semari yechibatiso zvihitevera kusungwa kwaakaitwa muna Ndira. Asi achinyora paTwitter yake, Chin’ono ati ari kuda kusungisa hurumende nekumusunga kwayakaita, pamwe nekumuchengetedza uye nehutsinye hwayakaratidza paive muhusungwa iye asina mhosva yaakapara. Mutauriri weMDC Alliance, Fadzayi Mahere pamwe nemuriri weZengesa West, VaJob Sikhala, vari kupomerwawo mhosva yakafanana neyanga ichipomerwa Chino’ono. Mune imwewo nyaya, mukuru wevechidiki muMDC Alliance, Obey Sithole, avo vakasungwa nemusi Muvhuro vachipomerwa mhosva yekuita zvinhu zvinonyangadza kana kuti Criminal Nuisance amiswa pamberi pedare nhasi. Gweta rake, VaObey Shava, vakumbira dare kuti musungwa atongwe achibva kumba asi mutongi wedare, VaRichard Mangosi, vati vaudza VaShava kuti vachapa mutongo wavo pachikumbiro ichi mangwana. Mune imwewo nyaya mumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe, nemumwe wavo Muzvare Cecilia Chimbiri, vasvitsawo chikumbiro chekuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso. Aka ndekechina vaviri ava vachikumbira kuti vabviswe kuChikurubi Maximum Prison kwavakachengetedzwa. Mutongi wedare, VaTawanda Chitapi, vaudza gweta revaviri ava, VaAlec Muchadehama, kuti vachapa mutongo wavo pachikumbiro chaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri nemusi weChishanu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-court-throws-away-charges-against-journalist-chinono/5870287.html +politics MDC-T neMDC Alliance Dzoramba Dzichitatsurana Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato rakadzinga munhu muparamende ndiro rine masimba ekudoma munhu anotsiva akadzingwa wacho pakatariswa mitemo yeProportional Representation pamwe nemadomerwo enhengo dzedare reSenate. Mashoko aVaMwonzora anotevera mashoko emunyori mukuru weMDC Alliance, VaChalton Hwende, avo vazivisa Studio7 kuti bato ravo raunganidza magwaro enyunyuto, ayo akasainwa nevanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, vachiratidza kusafara kwavo nekudomwa kwemazita evanhu vachatora zvigaro zvemu National Assembly pamwe nemudare reSenate, kwakaitwa neMDC-T. Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance mumatare aya, neMDC-T. VaMwonzora vanoti pamutemo MDC Alliance harisi bato asi kuti mubatanidzwa wemapato manomwe akasainirana chibvumirano chekukwikwidza pamwe chete, asi mapato aya achiramba akazvimirira. Asi VaHwende, avo vanove mumwe wenhengo dzeMDC Alliance dzakatanga kudzingwa mudare neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, vanoti zviri pachena kuti vanhu vakaburitsa zvido zvavo nekusaina magwaro enyunyuto dzavo ayo vakaendesa kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission munyika yose. VaHwende vanoti hazviite kuti vanhu vamirirwe nemunhu akakundwa musarudzo sezviri kuda kuitwa neMDC-T. Asi VaMwonzora vanoti mutemo uri pachena pakuti nderipi bato rine vanhu vari muparamende, nokudaro zviri kuitwa nevamwe vavo ava hakuna kwazvinosvika. VaMwonzora vatiwo bvato ravo rakaita musangano neChishanu wekuzeya zvakabuda musarudzo yameya weHarare. Vati magweta avo ari kuzeya nyaya iyi sezvo paine chibvumirano cheMDC Alliance chekuti bato rePeople's Democratic Party rine chinzvimbo chemutevedzeri wameya, kwete kuti munhu akabva kubato iri aitwe meya sekusarudzwa kwakaitwa VaMafume. VaMafume vakabva kuPeople's Democratic Party vachipinda muchibvumirano cheMDC Alliance. Asi VaMwonzora vabvuma kuti havakwanisi kudzinga VaMafume sameya sezvo vasiri nhengo yakabva kuMDC-T ichipinda muchibvumirano cheMDC Alliance icho chakaumbwa mutungamiri wekutanga weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vasati vashaya. Asi vati magweta avo ari kuzeya nyaya iyi vakatarisa zvinoreva chibvumirano cheMDC Alliance vozotora matanho anokodzera. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMafume panyaya iyi. Asi muhurukuro yavakaita neStudio7 nemusi weChishanu, VaMafume vakati kusarudzwa kwavakaitwa kuva meya mecherechedzo mukuru wekuti nderipi bato rine vanhu pakati peMDC Alliance inotungamirwa naVaNeslon Chamisa, neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mdc-factions-continue-fighting-over-powere-ahead-of-monday-nominations/5572234.html +politics Nyaya yeZvirango Yotsviriridza muZimbabwe Vanhu vakawanda munyika vanoti vane maonero akasiyana siyana pazvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muZimbabwe nenyika dzekumavirira dzichiti vanhu ava vari kuita zvehuori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe. Mumwe wevanoti zvirango zvehupfumi izvi ngazvibviswe zvachose, ndiVa Calvern Chitsunge, nhengo yeBroad Alliance Against Sanctions. Nhengo dzeBroad Alliance Against Sanctions dzakatanga kuratidzira pamuzinda weAmerica muna Kurume 2019, uye dzinoti dzicharamba dziripo kusvika zvirango zvabviswa. VaChitsunge vanoti zvirango izvi zviri kukanganisa hupenyu hwevana veZimbabwe. VaChitsunge vanotiwo hurumende iri kuremekedza kodzero dzeveruzhinji pamwe kugadzirisa mitemo yaikanganisa kuzadzikiswa kwekodzero dzevanhu nekudaro hapana chikonzero chekuti zvirango izvi zvirambe zviripo. Mutungamiri webato reLabour, Economists and African Democrats, Muzvare Linda Masarira, vanotiwo zvirango zvakaiswa izvi zviri kukuvadza hupfumi hwenyika nekudaro zvinofanirwa kubviswa. Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanotiwo zvirango zvehupfumi zvine chinangwa chekungobvisa hurumende yeZanuPF pachigaro. VaMugwadi vanoti hurumende yeZanuPF inoremekedza kodzero. Asi munyori anoona nezvevanogara kunze kwenyika muMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo , vanoti avo varipazvirango izvi vanofanirwa kutanga vazvichenesa kuti zvirango zvibviswe. Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaPride Mkono,vanoti zvirango zvinofanirwa kuramba zviripo kudzamara vanhu vakatemerwa zvirango izvi vagadzirisa nyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe. Izvi zvatsigirwawo nemurwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, avo vanoti vari pazvirango vanoziva zvavanofanirwa kuita kuitira kuti zvirango izvi zvibviswe. Nyaya yezvirango iri kusimudza musoro wayo panguva iyo nhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, vari munyika vachinzwa pamusoro pekodzero dzevanhu pamwe nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF pamwe nemakambani avanodyidzana nawo. Zvirango izvi zvakatanga muna 2002 apo nyika dzemuEuropean Union dzakabuda nezvisungo zvekusadyidzana munyaya dzehupfumi nevanhu nemakambani ari pazvirango. Vaive mutungamiri weAmerica, VaGeorge W Bush, vakasaina mutemo we Executive Order muna Kurume 2003 waitemera zvirango zvehupfumi pamwe nekurambidzwa kushanyira America kwevanhu vari pazvirango izvi. Nyika dzekuchamhembe kweAfrica kana kuti SADC dzine hurongwa hwekuratidzira musi wa 25 Gumiguru dzichikuridzira kuti zvirango izvi zvibviswe dzichiti zviri kuvhiringa hupfumi hweZimbabwe. Asi America, iyo inoongorora zvirango izvi gore rega rega, inoti zvirango izvi zvicharamba zviripo pavanhu vanoita zvehuori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe. Vari pazvirango zveAmerica vanhu vanodarika makumi masere, uye vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota revasori, VaOwen Ncube, mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga nemamwe makurukota pamwe nevakuru vamwe vakuru muZanu PF. No media source currently available https://www.voashona.com/a/the-issues-of-sanctions-stirs-controvesy-in-zimbabwe/6281966.html +politics Vatsigiri veMDC Alliance Vorwiswa neVanofungidzirwa Kuti VaTsigiri veZanu-PF paMusangano Wavo Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa neMuvhuro vakaita misangano nevatsigiri vavo kuCaledonia neMabvuku kwavakati makanzura ebato ravo achaita huori kana vapinda panyanga vachadzingwa pamwe nekutorerwa matanho akaomarara. Pakamboita mhirizhonga pakati pevechidiki vebato ravo nevechidiki veZanu PF vaChamisa vasati vasvika kuCaledonia. Mhirizhonga inonzi yakaitika panzvimbo yemabhizimusi paGazebo kuCaledonia apo vechidiki veZanu PF vanonzi vakanda matombo panga pakaungana vatsigiri veMDC Alliance vakamirira VaChamisa. Imwe nhengo yeboka revechidiki muMDCT inotungamirwa naVaChamisa, VaDennis Muroyiwa, vaudza Studio 7 kuti vechidiki veZanu PF vanga vaine chitsama vapotedzera matombo zvaita kuti vatsigiri veMDC vaviri vakuvare. VaMuroyiwa vati vakuvara ava vakaendeswa kuchipatara. Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weboka revechidiki muZanu PF, VaGodfrey Gomwe, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi. Mhirizhonga yaitika iyi inouya panguva iyo mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachigara vakataura kuti vanoda sarudzo dziri pachena uye dzisina mhirizhonga. Pavakasvika kuCaledonia, VaChamisa vatsoropodza nyaya yemhirizhonga vachiti mawoko avo akachena panyaya yemhirizhonga. Vachitaurawo pane mumwe musangano wakaitirwa kuMabvuku, VaChamisa vati makanzura ese ebato ravo achaita huori kana vachinge vapinda panyanga varangwa zvakaomarara vachiti mameya anofanira kunge aine masimba. VaChamisa vakakurudzirawo kuti vatsigiri vebato ravo vavhotere VaJames Chidhakwa pasarudzo dzeparamende vachiti nhengo yeparamende inomirira Mabvuku parizvino, VaJames Maridadi, havana rutsigiro rwebato ravo sezvo vachiti vakaendesa mapepa ekukwikwidza kuZEC zvemusoro wavo mushure mekunge vakundwa naVaChidhakwa musarudzo dzema primary dzebato ravo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/vatsigiri-vemdc-alliance-vorwiswa-nevanofungidzirwa-kuti-vatsigiri-vezanu-pf-pamusangano-wavo/4495223.html +politics VaChamisa Voshuvira Zimbabwe Zuva Rakanaka Ichicherechedza Kusvitsa Makore Makumi Mana Ichizvitonga Mutungamiri weMDC, Va Nelson Chamisa, vatumira mashoko avo kuruzhinji rwevanhu vemuZimbabwe vachivakorokotedza pakusvika kwaita Zimbabwe makore makumi mana yawana kuzvitonga. VaChamisa vati vari kuziva kushupika kuri kuita veruzhinji munyika panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere Coronavirus, uye vachimanikidzwa kugara mudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, icho chabata vanhu makumi maviri nevana muZimbabwe, uye kuuraya vanhu vatatu. Chirwere ichi chabata vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe ezviuru, uye kuuraya vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi mashanu nezvinomwe. VaChamisa vati zvakakosha kuti nyika itarise kwayakabva, uye zvakaitika mumakore makumi mana apfuura, senzira yekuvaka hwaro hweremangwana renyika. Vati mumakore apfuura aya, pane zvakawanda zvakaitwa munyaya dzekugadzirisa zvaikanganiswa. Asi vati zvinhu zvinosuwisa kuti nyika yakaona kupondwa kwevanhu vanodarika makumi maviri ezviuru kumatunhu e Matabeleland ne Midlands, munguva yeGukurahundi. VaChamisa vatiwo vanhu vakawanda vakatyorerwa kodzero dzavo munguva yeMurambatsvina, uye musarudzo dzakaitwa muna 2008, idzo dzakaona ropa revanhu vakawanda richideurwa. VaChamisa varatidzawo kushushikana nehuori hwavati huri kuitika munyika, uhwo vati huri kuparadza hupfumi hwenyika. VaChamisa vati shuviro yavo ndeyekuti muZimbabwe muve nepfungwa yakanangana nekusimudzira hupenyu hwemunhu wese, muve nesarudzo dzinoitwa zvisina kupikisana mukati. VaChamisa vatora mukana uyu kuenzanisa kukosha kwemakore makumi mana nezviri mubhaibheri zvinobata makore mana akaitika akaratidza kusimuka kwevana veIsrael mushure mekushupika kwemakore akawanda vari kunze kwenzvimbo yavo yechipikirwa kwemakore makumi mana. Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chaMwari chaive chekuti vana veIsrael vatore nyika yavo yavakanga vavimbiswa mukati memazuva, asi izvi zvinonzi zvakazotora makore makumi mana kuti zviitike. Mutungamiri veMDC vatiwo zvisineyi nematambudziko akatarisina neveruzhinji panguva ino, vanoshuvira zororo rakanaka renyika vanhu vachicherechedza kusvika kwavaita makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga muna 1980. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mdc-president-chamisa-sents-message-of-hope-to-zimbabwe-as-it-observes-40th-annivesary/5378041.html +politics VaChamisa Vanosvitsa Mapepa Avo kuConstitutional Court Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vasvitsa mapepa avo kudare redzimhosva vachida kuti zvakabuda musarudzo dzakaitwa musi wa30 Chikunguru zvisendekwe parutivi. Magweta aVaChamisa vaita chipatapata kuti vabate nguva yekusvitsa mapepa kudare repamusoro-soro reConstitional Court sezvo Chishanu ranga riri zuva rekupedzisira kuti vapikise zvakabuda musarudzo pasi pemitemo inobata sarudzo.. Rimwe remagweta aVaChamisa, VaThabani Mpofu, vati chasara yave nyaya yekuti vatongi vachinzwa nyaya iyi. VaMpofu vati vasvitsa humbowo hwakati tsvikiti kudare hunoratidza kuti sarudzo idzi dzakabirirwa. Vati chikuru pahumbowo hwavanahwo ndechekuti zvakaziviswa nekomisheni inoona nezvesarudzo zvakasiyana nezviri pamapepa akasainwa nevaimirira mapato panzvimbo dzaivhoterwa kana kuti ma V11 forms. Vatiwo vari kutyisidzirwa zvikuru nekumirira kwavari kuita VaChamisa panyaya iyi asi vati havasi kuzodzokera kumashure. Mapepa asvitswa kudare aya asvitswawo kune vese vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Priscilla Chigumba, pamwe nemukuru anoona nezvesarudzo muZec, VaUtoile Silaigwana, kuti vapindure kudare. Hatina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi . Asi neChina VaMnangagwa vakati havazoenderera mberi nehurongwa hwekugadzwa kwavo kudzamara nyaya yapera kunzwikwa nematare sezvataurwawo naVaMpofu kuti kugadzwa kwanga kuchida kuitwa naVaMnangagwa kwave kufanira kutomiswa. Mumiriri waVaMnangagwa, VaZiyambi Ziyambi, uye vari gurukota rezvemitemo, vazivisa kuti hurongwa hwekugadza VaMnangagwa semutungamiri wenyika hwanga huchida kuitwa neSvondo, hwambomiswa zvichitevera danho ratorwa naVaChamisa. Dare rine mazuva gumi nemana ekuti ringe rabuda nemutongo waro panyaya iyi. Dare iri rinogona kuti zvikaburitswa neZec ndizvo zviri pamutemo, kanawo kubuda nemutongo wekuti VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo kana richinge ragutsikana nehumbowo, kanawo kuti sarudzo iyi idzokororwe. Zvarinotura hazvipikiswe, uye warinenge rati ndiye akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika ndiye anobva agadzwa mukati memaawa makumi mana nemasere. VaChamisa vanoti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika kunyange hazvo Zec yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-opposition-leader-chamisa-lodges-his-court-application/4523369.html +politics Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reHutongo hweJekerere, reInternational Democracy Day Zimbabwe neSvondo yakabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rehutongo hwejekerere, kana kuti International Day of Democracy. Dingindira regore rino rakanga rakanangana nekuyeuchidza dzihurumende kuti hutongo hwejekere hwakanangana nevanhu. Zimbabwe, sedzimwe nyika dzakawanda mupasi rose, inotarisiswawo mabatiro ainoita kodzero dzevanhu, uye kuti iri kutevera zvakadii hutongo hwejekerere. Dzimwe nyika, zvikuru dzekumawirira, pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe, vanopomera hurumende yeZimbabwe mhosva yekutyora kodzero dzevanhu. Izvi zvinonzi ndizvo zvakazosvitsa kuti vamwe vakuru muhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, kusanganisira naivo VaMugabe, vatemerwe zvirango. Vamwe vanotiwo hapana shanduko yati yavepo pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo iri kupomerwawo mhosva yekutowedzera kutyorwa kwekodzero dzevanhu ichishandisa mapurisa nemauto. Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaOkay Machisa, vanoti kunyange hazvo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakabatsira mukusunungura Zimbabwe, matongero avakanga vozoita mumashure akanga afanana nekuti vakanosungirira zvakare nyika pavakanga vasunungura. Vanoti hutongo hwejekerere hunoonekwa nemafambisirwo anenge achiitwa sarudzo munyika, pachitariswa kuti vanhu vari kuvhota murunyararo here, uye kuti zvabuda musarudzo zviri kutambirwa zvakadii. VaMachisa vanoti kunyange hazvo Zimbabwe ichiita sarudzo, zvinozobuda musarudzo idzi zvinowanzopikiswa nemamwe mapato anenge apinda musarudzo idzi, izvo zvinozoita kuti paonekwe sekunge hutongo hwejekerere husiri kuteverwa. Vanotiwo nyaya dzekupambwa kwevanhu vanofungidzirwa kuti vanopikisa nehurumende dzeimwe nyaya inosvibisa hurumende panyaya yehutongo hwejekerere. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-international-democracy-day-okay-machisa-zimrights/5084349.html +politics Mauto Anoti Agadzirira Kudzokera kuMakamba Avo Sezvo Apedza Basa Mumwe mukuru wemauto Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti mauto akwanisa kuunza runyararo mushure mekuratidzira kune mhirizhonga mukati nekudaro vagadzirira kudzokera kumakamba avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro. Vachitaura nevatori venhau muHarare nezuro, VaNyikayaramba vakati mauto achaita ongororo yezvavari kupomerwa zvekutyora kodzero dzevanhu asi vakati pane vanhu vakaba pfuti nehembe dzemauto vakanobata madzimai chibharo nekupfura vanhu. Nyaya yekuti mauto ari kushungurudza vanhu iyi imwe nyaya yakapa kuti bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rirambe kuita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro. Mashoko aya atsinhirwawo nemutauriri weNPF VaJealousy Mawarire vanoti hakuna nhaurirano dzingaitwa mauto achirura mudzimba dzevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/mauto-anoti-agadzirira-kudzokera-kumakamba-avo-sezvo-apedza-basa/4776438.html +politics Zanu-PF Inoti Iri Kutora Nhamba dzeVanhu Vanenge Vanyoresa kuVhota "Nhengo yeZanu-PF Politburo VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti hapana chakaipa pane zviri kuitwa nenhengo dzebato ravo zvekutora nhamba kana kuti ma serial numbers evavhoti vachiti ichi chisungo chebato ravo chekuona kuti nhengo dzaro chaidzo dzanyoresa kuvhota. :Isu tinoenda kunhengo dzedu dzeZanu PF kuti dzitiratidze kana dzakanyoresa, hatibvunze vanhu vasiri vebato redu,"" VaMunyaradzi vatsanangura. Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti veZanu-PF havafanire kumanikidza vanhu kuti vavape nhamba dzavo dzemapepa aya. ""Zvinenge zvisina kushata kana veZanu PF vachibvunzana pachavo. Asi zvatiri kunzwa ndezvekuti nhengo dzedu dzeMDC dziri kumakidzwa kuratidza ma serial numbers aya. Ndizvo tiri kuramba izvozvo,"" vadaro VaMwonzora. Vatiwo vakatenderana neZanu-PF kuti madzishe, masabhuku nemakanzura havafanire kutora nhamba dzevanhu sezo vachimbogovera vanhu zvekudya zvehurumemende. Zvichakadaro, VaMwonzora naVaMangwana vati ivo nemumwe mumiriri we MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, ndivo vakapa kuti Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, iwedzere nguva yekunyoresa vavhoti. Komisheni inoone nezvesarudzo yeZEC inoti iri kuzoenderera mberi nekunyoresa vavhoti zvakasimba ichipinda munharaunda dzavo kana kuti registrationblitz kubva musi wa 10 Ndira kusvika musi wa 8 Kukadzi. Vakafanobata chigaro chasachigaro weZEC, VaEmmanuel Magade, vanoti hurumende yakatopa ZEC mari yekuita chirongwa ichi. Asi vamwe vanhu munyika vari kugunun’una kuti vari kutyisidzirwa zvakanyanya nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vachivamanikidza kuti vavape nhamba dzemapepa avanenge vavhotesa. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/4192511.html +politics VaChamisa Votambirwa Zvine Mutsindo kuGweru Zviuru nezviru zvevanhu zvaungana munhandare yeMkoba muGweru nhasi pamusangano webato idzva richangoumbwa reCitiozens Coalition for Change kana kuti Tripple C rinotungamirwa naVaNelson Chamisa. VaChamisa vatambirwa nenziyo uye detembo. Vachitaura pamusangano uyu VaChamisa vashora zvikuru nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika yakapa kuti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vauraye mumwe wevatsigiri wavo VaMboneni Ncube kuKwekwe svondo rapera. VaChamisa vavimbisawo kuti vachadzora dhora remuAmerica vakamirira kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi. Izvi zvatsinhirwa nemumwe akafanobata chigaro chemutevedzeri webato iri VaTendai Biti avo vakambovawo gurukota rezvehupfumi. Panyaya yekutungamira VaChamisa vati vashakabvu vakawanda vaive vatungamiri vanosanganisira VaMorgan Tsvangirai veMDC, VaDumiso Dabengwa veZapu uye VaRobert Mugabe vakafa vavatambira kuti vave mutungamiri wenyika. Pamusangano vamwe vanhu vekuGweru varatidza kusafara nezviri kuitwa nezvimwe zvizvarwa zvekuChina munyika zvavanoti kuvhiringidza hupfumi hwenyika nekutyora kodzero dzevashandi. Asi muzinda weChina muZimbabwe unoti vemabhizimisi vakawanda vari kungozorwa mafuta enguve yavasina kudya vachiti vari kusimudzira nyika. Vamwe vataura pamusangano uyu mutevedzeri wemunyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaKudakwashe Munengiwa avo vati vahsnadi vanoda kuti dhora remunyika ridzoswe. Mutungamiri wesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Unions atiwo pamusangano uyu zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro nenyaya yekuramwa basa kwevarairidzi. Asi vachitaura neStudio 7 panyaya yemhirizhonga, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashaoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vakati bato ravo harisi zvemangoromera. Sarudzo dzemaby-elections kutsiva nhengo dzepamende dzakadzingwa neMDC-T dzichinzi dzaitsigira VaChamisa uye vamwe vakadzingwa kuZanu-PF nevakafa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6472504.html +politics Kongiresi dzeMatunhu eMDC Dzovhiringidzwa neKurwisana kweNhengo dzeBato Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa riri kuita misangano yekongiresi mumatunhu aro maduku ose, kana kuti ma district, risati rapinda mumakongiresi ematunhu makuru, kana kuti ma province. Kana rapeta misangano yematunhu iyi, bato iri rinozoita kongiresi yaro huru yenyika yose mwedzi unouya. Misangano yekongiresi iyi iri kushandiswa kusarudza hutungamiri hwematunhu aya kuburikidza nekuita sarudzo, idzo dzinokwikwidzana nhengo dzebato iri. Asi zvinonzi misangano mizhinji yaitwa kusvika pari zvino haisi kufamba zvakanaka nekuda kwemhirizhonga, iyo iri kuona nhengo dzebato iri dzichirwisana zvinotyisa, zvekusvika pakukuvadzana. Kurwisana uku kunonzi kuri kuitika pakati pezvikwata zvinonzi zviri kutsigira vanotarisirwa kukwikwidzana pakongiresi huru, mutungamiri webato VaNelson Chamisa, nemunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora. Mukupera kwesvondo, kurwisana uku kwakakanganisa sarudzo dzedunhu reChitungwiza, uko dzimwe nhengo dzinonzi dzakakuwara zvakaipisisa uye mapurisa akatosungawo vanhu vane chitsama vanosanganisira mumiriri weZengeza East muparamende, VaGoodrich Chimbaira. Kudunhu reChegutu kunonzi kwakaitawo kuriwsana, izvo zvakaita kuti vanhu vana vasungwe nemapurisa, kuchitiwo kumatunhu eMasvingo, Sanyati neNorton kunonzi sarudzo dzakatadza kuenderera mberi zvakanaka nekuda kwemhirizhonga. Vamwe vanoti kusagadzikana kuri mubato iri ndiko kwakakonzera kuti rikundwe musarudzo ye by-election kuBulawayo, uko MDC yakakundwa neZanu PF. Vamwe muMDC vanoti kusagadzikana kuri mubato ravo kwakakonzerwa neZanu PF, iyo vanoti yakadira mari yekukanganisa kongiresi yavo, chiitiko chakarambwa neZanu PF. Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti kunyange hazvo nhengo dzavo dzakarwisana, zvinovafadza ndezvekuti hapana kudeuka kweropa kwakaitika. VaMafume vanoti bato ravo riri kuongorora nyaya dzemhirizhonga mumatunhu matatu, uye vanenge vawanikwa vaine mhosva vachatorerwa matanho anokodzera. asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerukira kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kurwisana kuri kuitika mubato rinopikisa iri mucherechedzo wekuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka. Vanoti kupatsanuka kuri kuita MDC hakuna kutanga nhasi, zvekuti vanhu vemuZimbabwe zvatove kuvasemesa. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-political-panel-mdc-intra-party-violence/4861883.html +politics ZimRights Yokurudzira Veruzhinji Kuramba Vachinyoresa Kuvhota Chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota boka rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, richipinda muvanhu chapera munyika yose paine vanhu vanosvika 4 630,095 vakanga vanyoresa kuvhota pakupera kwezuva musi weMuvhuro. Huwandu uhwu hwaziviswa neboka riri kutungamira sarudzo reZimbabwe Electoral Commission, ZEC. Huwandu uhwu, uhwo hunodarika zvishoma zvikamu makumi matanhatu kubva muzana ehuwandu hwaitarisirwa hwemamiriyoni manomwe, huri pasi kwazvo pane zvaitarisirwa neZEC kubva pakatanga chirongwa ichi musi wa14 Gunyana gore rino. ZEC yakazivisa kuti ichawedzera chirongwa ichi nemasvondo mashanu, asi yaiti inoda mari inoita mamiriyoni masere kuti chibudirire. Hurongwa hwekunyoresa kuvhota uhwu hwaive hwakaiswa muzvikamu zvina, chikamu chechina chinove chapera ichi. Asi masangano akawanda pamwe neveruzhinji vaichemachema kuti chirongwa ichi hachisi kufambiswa zvakanaka nekuda kwezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana zvaisangana nevaida kunyoresa kuvhota, izvo zvakazoita kuti vakumbire kuti chirongwa ichi kuti chiwedzerwe nguva. Mukuru wesangano reZimRights, VaOkay Machisa, vanove mumwe wevanhu vaikurudzira kuti chirongwa ichi chiwedzerwe nguva, vanoti vanofara nedanho reZEC rekuti iwedzere nguva, uye vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mukana uyu kunonyoresa kuvhota. VaMachisa vanoti vanhu vanofanirwa kuramba vachinyoresa kuvhota kusvikira panguva ye nomination court. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-bvr-zec-machisa-zimrights/4170176.html +politics ZUJ Inoshora Kusungwa kweVatori veNhau veNewsday Mapurisa emuHarare neChina vakasunga mutevedzeri wemupepeti mukuru webepanhau reNewsday, Nqaba Matshazi, uye mutori wenhau, Xolisani Ncube, vachipomerwa mhosva yekunyora manyepo. Mapurisa emuHarare neChina vakasunga mutevedzeri wemupepeti mukuru webepanhau reNewsday, Nqaba Matshazi, uye mutori wenhau, Xolisani Ncube, vachipomerwa mhosva yekunyora manyepo. Matshazi na Ncube vari kupomerwa mhosva yekunyora manyepo pasi pemutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act. Vatori venhau ava vanonzi vakanyora nyaya yekuti nhengo dzesangano revasori reCentral Intelligence Organization dzainge dzapihwa mari dzemabhonasi kunyange hazvo vamwe vashandi vehurumende vasati vapihwa mari idzi. Gweta riri kumirira vatori venhau ava, VaTaona Nyamakura, vati Matshazi naNcube vari kurara mutirongo sezvo vasina kubudirira kuendeswa kudare. No media source currently available Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Chief superintendent Paul Nyathi, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo. Hapasati pajekeswa kuti ndiyani akamhang'ara nyaya iyi kumapurisa. Asi munyori mukuru wesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vashora zvikuru kusungwa kwevatori venhau ava. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-zvematongerwo-enyika/3135443.html +politics Bato reCCC rinoti Misangano Yaro muKupera kweSvondo Yave Kuzoenderera Mberi Mushure Mekugara Pasi neMapurisa Mapurisa anonzi amborambidza bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change kuita misangano nevatsigiri varo mukupera kwesvondo kuMarondera nekuBinga North. Tsamba dziri mumaoko eStudio 7 dzinoratidza kuti mapurisa anga ashandisa mutemo weMaintenance of Peace Act, kana kuti MOPA, kurambidza bato reCCC kuita misangano nevatsigiri varo kuMarondera mangwana uye neMuvhuro kuBinga North. Asi mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti misangano yavo yave kuzoenderera mberi kuMarondera, Binga North, Beitbridge neTsholotsho mushure mekuita musangano nemapurisa. Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure vashora kumborambidzwa kweCCC kuita misangano yayo panguva iyo bato reZanu PF risiri kurambidzwa kuita misangano yaro. VaMasaraure vakurudzira komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti imire pakati ichigadzirisa nyaya dzakadai. Asi mutauriri weZEC, Amai Joice Leticia Kazembe, vaudza Studio 7 parunhare kuti komisheni yavo haina kwayakarerekera, vakakurudzira kuti mapato ane zvichemo asvitse zvichemo zvawo kukomiti ye multi-party liason kuti nyaya idzi dziongororwe. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayazi Zembe, vati zviri kuitwa nemapurisa zvekurambidza VaChamisa nebato ravo kuita misangano zvinoratidza kuti munyika hamuna hutongi hwejekerere. Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo tatadza kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi. Zvichakadai, Zanu PF yakatarisirwa kuitawo misangano mikuru miviri nevatsigiri vayo mukupera kwesvondo. Musangano uchaitwa ku Karoi mangwana Mugovera uchange uchitungamirwa nasachigaro vebato iri Amai Oppah Muchinguri-Kashiri kuchitiwo nemusi weSvondo mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu PF uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vachange vachisangana nevatsigiri vebato ravo kwaMutare. https://www.voashona.com/a/6481083.html +politics VaMugabe Vanoshamisa Veruzhinji Vachiti Vasiya Basa Vange vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya basa rekutungamira hurumende mushure mekunge vazivisa paramende kuti vasiya basa semutungamiri wenyika. VaMugabe vatora danho iri panguva iyo paramende yanga ichitora matanho ekuvapomera mhosva sezviri mubumbiro remitemo yenyika, pachishandiswa nzira ye impeachment. Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vaudza nhengo dzeparamende dzanga dzaungana kuHarare International Conference Centre, kuti hurongwa hwe impeachment hwava kumiswa sezvo VaMugabe vabvuma kubva pachigaro. Gurukota rezvemutemo, VaHappyton Bonyongwe, ndivo vanonzi vatura shoko rekusiya basa kwaVaMugabe kuna VaMudenda, izvo zvinonzi VaBonyongwe vatombopengerwa nedzimwe nhengo dzeparamende dzanga dzafunga kuti vari kuda kukanganisa hurongwa hwe impeachment hwanga hwatanga. VaMugabe vasiya basa zvichitevera kupindira kwakaita mauto nemusi weChipiri svondo rapera achiti zvinhu zvanga zvaipa munyika, kusanganisira kuparara kwehupfumi munyika. Bato reZanu PF rakatobuda nechisungo chekuti vakadzingwa semutevedzeri waVaMugabe muhurumende nemuZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vari kutora basa raiitwa naVaMugabe. VaMugabe vakaberekwa musi wa 21 Kukadzi 1924 kwaKutama mudunhu reMashonaland West. Vakadzidza paKutama neku Fort Hare University kuSouth Africa, mushure vakazoshanda semurairidzi. Zanu PF yatosvitsa zita raVaMnangagwa kuti vatambirwe zviri pamutemo semutungamiri wenyika. Pasi pemitemo yenyika, VaMnangagwa vanofanirwa kutora mhiko yekuva mutungamiri wenyika achabata matomu kusvika panoitwa sarudzo gore rinouya. Muna 1963, VaMugabe vakasarudzwa semunyori mukuru webato idzva rakanga raumbwa reZimbabwe African National Union, Zanu. Vakazosarudzwa semutungamiri webato iri muna 1975, muna 1980 vakazosarudzwa kuve mutungamiri wehurumende yeZimbabwe zvichitevera kukunda kwebato ravo musarudzo. Muna 1987, vakazove mutungamiri wenyika kusvika kusiya kwavo basa neChipiri, Mbudzi 21, 2017. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-mugabe-mnangagwa/4128665.html +politics Vanhu Vopesana Pamusoro peDanho reMDC Alliance Ichipikisa Zvakabuda Musarudzo Vanhu vakawanda vanoti MDC Alliance ine kodzero dzekupikisa zvakabuda musarudzo sezvo kodzero iyi ichichengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika. Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 muChinhoyi vanoti kuendeswa kwegwaro renyunyuto kudare repamusoro reConstitutional Court kwakaitwa neMDC Alliance, ikodzero yechizvarwa chose munyika kuita izvi. Mumwe mugari wemumusha weveruzhinji weChikonohono muChinhoyi, VaTendai Mushonga, vanoti uyo achaonekwa nematare kuti ndiye akakunda anofanirwa kugadzwa pasina kumwe kunyunyuta. VaMushonga vanoti gwaro renyunyuto reMDC Alliance rave mumatare rakanaka sezvo richiratidza kuti munyika mune hutongi hwejekerere. Mumwe mugari wekuKaroi, VaTravor Chiwanga, vanoti vanhu havachina chivimbo nematare edzimhosva kunyange hazvo vanhu vakawanda vari kutarisira kunaka kwezvinhu zvisinei nekuti ndiani akunda nekuda kwehutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. VaChiwanga vanoti vakawanda vari kumamisha vari kuda kuti VaMnangagwa vagadzwe semutungamiri wenyika, ukuwo vari mumadhorobha vachiti dai tsamba yenyunyuto yabudirira kuitira kuti VaNelson Chamisa vagadzwe semutungamiri wenyika kuitira kuti nyaya dzezvehupfumi dzigadzirisike. Asi mumwe mugari, VaClifford Khupheko, vanoti ivo nevamwe vavo vari kurwadziwa kutkupikisa kweMDC Alliance kwave kumisa kugadzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika. VaKhupeko vashoropodza kunonoka kuenda kumatare kwakaitwa nemagweta aVaChamisa vachiti mucherochedzo wekuti havana hany'a nenyika yavo. Dare reConstitutional Court rinofanirwa kupa mutongo waro mukati memazuva gumi nemana. Panyaya iri mudare, pane zvinhu zvitatu zvinofanirwa kuitwa nedare iri. Chokutanga rinofanirwa kuona humbowo hwaiswa pamberi paro neMDC Alliance, uye rikagutsikana kuti humbowo uhu hwakawandisa, uye hunotsigira kuti VaChamisa vakabiridzirwa, rinogona kuti VaChamisa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo, kana kuti rinogona kuti sarudzo iyi idzokororwe. Kana dare rikatadza kugutswa nehumbowo hwarapihwa, dare iri rinopa mutongo wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda. Mutongo weConstitutional Court haupikiswe, uye anenge anzi ndiye akakunda, anofanirwa kugadzwa semutungamiri wenyika mukati memaawa makumi mana nemasere. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabweans-differ-on-mdc-alliance-court-case/4524442.html +politics Varwiri veKodzero Vashanu Vanomiswa Mudare Vachipomerwa Mhosva yeKuronga Kubvisa Hurumende Varwiri vekodzero vashanu vakasungwa mushure mekupinda musangano wezvekodzero dzevanhu kuMaldives vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende. Asi vasungwa ava vasvitsa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iraswe vachiti havana mhosva yavakapara uye kodzero dzavo dzakatyorwa vari muhusungwa. Hurumende yati vasungwa vashanu ava, avo vanoti VaTatenda Mombeyarara vesangano reCitizens Manifesto, VaGamuchirai Mukura vesangano reCommunity Tolerance Reconciliation and Development, VaNyasha Frank Mpahlo veTransparency International Zimbabwe, VaGeorge Makoni veCentre for Community Development in Zimbabwe, naMuzvare Farirai Gumbonzvanda vesangano reRosaria Memorial Trust, vakaronga zvekupidigura hurumende kumusangano wavakapinda kuMaldives wakarongwa nesangano rinoshanda rakazvimirira rekuSerbia rinodaidzwa kuti Centre for Apllied None Violent Action and Strategies kana kuti CANVAS. Hurumende yatiwo vasungwa ava vakadzidziswa zvekushandisa pfuti diki pamwe nezvekupidigura hurumende vachishanda nevamwe vavo vavati vachiri kutsvagwa nemapurisa. Vachuchisi venyaya iyi vatiwo vasungwa ava vakadzidziswa nzira dzekukurudzira veruzhinji kuti vanopandukira sei hurumende uye nzira dzekutiza nadzo kusungwa mukuratidzira pamwe nekuita zvechitororo. Hurumende yatiwo ine humbowo hwainahwo hwayakakawana munharembozha dzevasungwa ava pamwe nemuma computer avo ayo akapambwa nemapurisa pakasungwa varwiri vekodzero ava pavakasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport neMuvhuro manheru. Asi rimwe remagweta evasungwa ava, Muzvare Jessie Majome, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iraswe vachiti vasungwa ava havana mhosva yavakapara uye vati vasungwa ava vakatyorerwa kodzero dzavo pavakasungwa. Vachipa humbowo hwavo kudare, VaMombeyarara vati vakatyisidzirwa zvakakomba nemapurisa uye havana kuudzwa chikonzero chekusungwa kwavo pavakasungwa sezvinotaurwa nebumbiro remitemo. VaMakoni vatiwo vakamanikidzwawo kuvhura nharembozha dzavo nema computer avo vese mapurisa asina matsamba ekuita izvi sezvakatarwa mumurawu. Vasungwa vese ava vatiwo vakarariswa mumatirongo akasiyana-siyana aive nerima uye ane zvimbuzi zvakange zvakapfachukira tsvina yevanhu neweti uye vakanyimwa chikafu nemvura yekunwa kubva pavakasungwa kusvika pavakazobvumidzwa kuti vaonekwe nemagweta avo nezuro Chipiri masikati. Vasati vapinda mudare, VaMombeyarara vaudza Studio7 kuti vari kushubgurudzwa nehurumende zvisina maturo. Vasungwa vese ava vaudza dare kuti musangano wavakanopinda kuMaldives wakange usinei nezvekupidigura hurumende asi kuti waive wekurwira kodzero dzevanhu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/five-activists-in-court-for-allegedly-plotting-to-overthrow-government/4928445.html +politics Hurumende Inopa Mari Inopiwa Mapato Pasi peMutemo wePolitical Parties Finance Act kuMDC-T, Kwete kuMDC Alliance Hurumende svondo rapera yakapa mari inopiwa mapato ezvematongerwo enyika pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act inoita mamiriyoni manomwe nemazana mashanu ezviuru zvemadhora emunyika kubato reMDC-T iro riri kufanotungamirwa naMuzvare Khupe, kunyange hazvo bato iri risina kuwana mavhoti anoita kuti rikodzere kupiwa mari iyi. Mari iyi yaifanirwa kupiwa kubato reMDC Alliance riri kutungamirwa naVaNelson Chamisa, iro rakawana mavhoti akawanda anodarika zvikamu zvishanu kubva muzana zvinofanirwa kuwanikwa nebato pasarudzo kuti rikodzere kuwana mari iyi. Hurumende inonzi yakapa bato iri mari iyi zviichitevera mutongo wedare reSupreme Court, iro rakati MDC Alliance harisi bato rezvematongerwo enyika sezvo yakabva mumubatanidzwa wemapato masere akapinda musarudzo pasi peMDC Alliance. Muna Chivabvu mutongi wedare reHigh Court, Justice Nyaradzo Munangati-Manongwa vakapa mutongo unorambidza hurumende kupa mari iyi kubato reMDC-T mushure mekunge MDC Alliance yaendesa gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi pamwe negurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube kumatare richida kuti VaZiyambi varipe mari iyi. Asi hurumende yakazopikisa mutongo uyu kudare repamusorosoro reSupreme Court, iro risati ranzwa nyaya iyi. Bato reMDC-T rinoti ndiro rinokodzera kwana mari iyi sezvo riri iro bato riri pamutemo, richiti MDC Alliance mubatanidzwa waive nemapato manomwe kusanganisira nairo bato reMDC-T. Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaFelix Magalela Mafa-Sibanda, vanoti zvakaitwa nehurumende zvekupa mari kuMDC-T mucherechedzo wekuti bato iri riri kushandiswa neZanu PF. VaMagalela Mafa vanoti sebato vave kusiya zvose mumaoko evanhu vanove ndivo vane zvido zviri kumbunyikidzwa. No media source currently available Gweta rezvemitemo, vachidzidzisa zvemutemo pa Univesirty of Kent, Doctor Alex magaisa, vanoti izvi zvaitwa nehurumende hazvinyanye kushamisa asi yakapotsa zvikuru sezvo nyaya iyi yanga ichiri kumatare edzimhosva. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mdc-t-mdc-alliance-political-parties-finance-act/5500656.html +politics Vanoongorora Sarudzo Vorumbidza Mafambisirwo Aitwa Sarudzo muKenya Zvizvarwa zveKenya zvapinda musarudzo idzo dzinonzi nevanoongorora mafambisirwo esarudzo dzaitwa murunyararo kunyange hazvo dzanonoka kutanga mune mamwe matunhu nekuda kwedambudziko nemichina yekuvhotesa. Zvigaro zvanga zvichivhoterwa zvinoti chemutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende, maseneta, magavhuna pamwe nevatungamiri vematunhu. Musarudzo yemutungamiri wenyika, makwikwi makuru anonzi ari pakati pemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaWilliam Ruto nevakambove mutungamiri wehurumende, VaRaila Odinga, avo vari kutsigirwa zvakanyanya nemutungamiri wenyika, VaUhuru Kenyatta. Sarudzo dzemuKenya idzi dzapawo mukana kuzvizvarwa zvenyika iyi zviri kumhiri kwemakungwa kuti zvikwanise kuvhota kekutanga munhoroondo yenyika iyi zviri munyika dzazvigere, kuchitiwo mukana wepiri kune vari kunze kwenyika asi vari muAfrica. Zvizvarwa zveKenya zviri munyika gumi nembiri dzinoti Canada, United Arab Emirates, United Kingdom, America, Qatar, South Africa, Germany, Rwanda, Burundi, Uganda, Tanzania neSouth Sudan zvakwanisa kunge zvichipinda musarudzo idzi. Vamwe vawaniswawo mukana wekuvhota kekutanga imhuri yeVaShona iri muKenya, iyo yakawaniswa magwaro ekuti vave zvizvarwa zvenyika iyi. Vamiriri vemasangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe neanoona nezvesarudzo muZimbabwe uye vemapato ezvematongerwo enyika varikowo kuKenya uko vanga vachiongorora sarudzo idzi. Mumwe wevariko ndisachigaro veZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, avo vanoti vagutsikana nemafambisirwo aitwa sarudzo nesangano rinotungamira sarudzo munyika iyi reIndependent Electoral and Boundaries Commission (IEBC), vachiti raratidza kurongeka, zvinokwanisa kudzidzwawo neZimbabwe Electoral Commission. VaMakoni vatiwo wafadzwa nekuona kuti mauto nemapurisa anga ari munzvimbo dzanga dzichivhoterwa haana kukanganisa kana kupindira mumafambisirwo esarudzo idzi. Zvichabuda musarudzo zvinotarisirwa kutanga kuziviswa neChitatu. Vanhu vanosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri vanonzi ndivo vakanga vakanyoresa kuvhora musarudzo dzemuKenya idzi. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6694723.html +politics MDC-T yaMuzvare Khupe Yoronga Kusangana neVatsigiri Vayo muMatunhu emuHarare "Bato reMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe riri kuronga kupinda mumatunhu emuHarare neMugovera richiratidza kuvatsigiri varo mutungamiri webato pamwe nevachakwikwidza musarudzo. Mutauriri webato iri, Muzvare Linda Tsungirirai Masarira vanoti bato ravo ratora nzira yekusangana nevatsigiri vavo iyi sezvo vatya kuti vakaita musangano mukuru waizogona kukanganiswa nevemamwe mapato avasina kudoma nemazita. Muzvare Masarira vanoti nzira yekupinda muvanhu vachisangana nevatsigiri vavo inovapawo mukana wekusangana nevatsigiri padunhu rega rega sezvo sarudzo dzegore rino dzakanangana nenzvimbo dzekuvhotera, kana kuti polling station-based. Vanoti hurongwa hwavo hweMugovera uhwu huchatangira muHarare Gardens, huchizoperera kuChitungwiza. Semamwe mapato anopikisa, vanotiwo sebato havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa gadziriro dzesarudzo neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvikuru panyaya yekunonoka kuwanisa gwaro revavhoti kune mapato ari kukwikwidza musarudzo. ""And hatina vimbo kuti ZEC ichakwanisa kutiburitsira and election iri free and fair and credible,"" Muzvare Masarira vanodaro. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-mdc-t-khupe-masarira/4448109.html +politics Sangano reZimbabwe Women In Politics Alliance Rinoti Richaenderera Mberi Nekuratidzira Kunyangwe Rikashungurudzwa "Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti re Zimbabwe Activists Alliance, Occupy Africa Unity Square Movement neZimbabwe Women In Politics Alliance dzakabata nevamwe vana veZimbabwe, dzinoti dzirikuenderera mberi nekuratidzida kwavo kusafara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu munyika kunyangwe vachiti vakashungurudzwa mambakwedza eMugovera nevanofungidzirwa kuti mapurisa kana kuti vasori. Nhengo idzi dziri kurara nekuswera mu Africa Unity Square muHarare uye dzinoti dziri kugadzira tsamba yenyunyuto kana kuti petition ichaendeswa kudare reparamende nekune mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe. ""Kunyangwe vakati shungurudza ticharamba tichienda mberi nekuratidzira kwedu sezvo mararamiro atiri kuita muno munyika asina kumira zvakanaka. Mari mumabhanga hamuna, mabasa hapana, vana vavazi kuenda kuzvikoro apa huwori hwuri kuramba hwuchiwanda munyika asi hapana ari kusungwa. Isu ticharamba tiri muno muAfrica Unity Square kusvika tanzwikwa zvichemo zvedu,"" Muzvare Lynda Masarira vesangano re Zimbabwe Women In Politics vaudza Studio 7. Muzvare Masarira vanoti vakakwidza nyaya yavo kumagweta avo nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu asi havana kuenda kumapurisa sezvo vakambo shungurudzwa nemapurisa aya musi Chishanu. ""Hatina kuenda nenyaya yedu kumapurisa asi maphone evazhinji vari kuratidzira nesu akabiwa, ini ndikakuvadzwa ruwoko nechigunwe vamwe vakarohwa nekukuvadzwa asi izvi hazvisi kuzoita kuti tiregedze kuratidzira,"" Muzvare Masarira vaenderera mberi. Vanoti nemusi weChipiri vachaita musangano nevatori venhau wekuzeya mafambiro arikuita zvinhu mukuratidzira kwavarikuita. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/zimbabwe-madzimai-africa-unity-square/3364279.html +politics Nyika Yoita Sarudzo dzemaBy-Election Dziri Kunzi neVanopikisa Kutungana KweMbudzi Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission amai Rita Makarau vanoti sangano ravo ragadzirira kuita sarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa kuMbire, Epworth neMarondera Central. Izvi zvinotevera kudzingwa mubato reZanu-PF kwaVaDavid Butau uye VaRay Kaukonde kuMarondera Central. Vaviri ava vaipomerwa mhosva yekutsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika amai Joyce Mujuru vakadzingwawo mubato. KuEpworth kuri kuitwa sarudzo mushure mekushaya kwaVaAmos Midzi veZanu-PF. Vanhu varikukurudzirwa nezec kuti vauye nemapepa chaiwo ekuvhota kwete madrivers license. Amai Rita Makarau sachigaro weZEC vanoti vavhoti vanofanira kuuya nezvitupa zvinoonekwa kwete madrivers license. No media source currently available Tichiri panyaya iyi mutauriri wesangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network Amai Ellen Dingane vanoti zvinhu zvirikufamba zvakanaka parezvino. No media source currently available Mapato achakwikwidza kuEpworth anosanganisira Zanu-PF, Transform Zimbabwe neZAPU. KuMarondera kuchakwikwidza Zanu-PF, Transform Zimbabwe, Freedom Front ne National Constitutional Assembly uye kuMbire kuchakwikwidza Zanu-PF, Transform Zimbabwe neNCA. Asi mapatao akaita seMDC ne People’s Democratic Party ari kuramwa kupinda musarudzo idzi achiti mitemo yesarudzo iripo yakarerekera kubatsira bato riri kutonga reZanu-PF kuti rikunde. Asi bato reZanu-PF rinoti zviri kutaurwa izvi ndezvemugotsi matsuro. Bato iri rinoti veMDC vanotya kukundwa musarudzo. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics/2969752.html +politics America Inoti Vakapfura Vanhu muHarare Muna Nyamavhuvhu Ngavasungwe America iri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaburitse zvakabuda muongororo yekupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa1 Nyamavhuvhu uye kuti vakapara mhosva iyi vasungwe. Izvi zvakabuda mumusangano wekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica wakaitwa nemusi weChina muWashington DC waizeya nyaya yekudyidzana kweZimbabwe neAmerica. Masenator akataura pamusangano uyu anosanganisa sachigaro wekomiti iyi VaJake Flake vekuArizona, VaChris Coons vekuDelaware uye VaCory Booker vekuNew Jersey. Vatatu ava vakashanyira Zimbabwe gore rino nerapera vachinotaura naVaMnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo. Mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary of African Affairs VaMatthew Harrington vakati vanoda kuona hurumende yaVaMnangagwa ichitora matanho akasimba kune vakauraya vanhu vatanhatu muHarare VaHarrington vakati vari kunetsekawo nenyaya yekushungurudzwa kwevanopikisa hurumende kusanganisa kushungurudzwa kwavanoti kuti kuitwa vaTendai Biti avo vari kuendeswa kumatare nehurumende vachinzi vakazivisa zvainge zvabuda musarudzo ZEC isat yazvitura kuruzhinji. VaMnangagwa vakakukurudzirwawo kuti vazadzikise zvavari kuvimbisa mukuunza hutongo hwejekerere vasati vataura kuti zvirango zvavakatemerwa neAmerica nevamwe vakuru muhurumemende yavo zvibviswe. Mashoko aya akatsinhirwawo naVaBooker avo vakati zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende kuti vatonge zvine mutsa asi kusvika parizvino vakati hapana chavaona chachinja. VaCoons vakatiwo Zimbabwe haina kumira pakanaka panyaya yekudyidzana nedzimwe nyika nekudaro inofanira kusunga dzisimbe. Vachipawo huchapupu kukomiti iyi, muzvinabhizimisi VaJoe Mtizwa vakati zvinhu zvave nani zvakanyanya panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu pasi pehutongo hwaVaMnangagwa zvichienzaniswa nezvaiitika pasi pevaove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. VaMtizwa vatiwo vanoda kuti zvirango zvibviswe nekuti zviri kukonzera matambudziko kuvanhuwo zvavo muZimbabwe uye vemabhizimisi. Asi vamwe vakapa humbowo VaTodd Moss vanoshanda nesangano reCentre for Global Development vakati nyaya yekuti zvirango ndizvo zvakanganisa hupfumi muZimbabwe ndeyemugotsi matsuro. Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vaudzawo Studio 7 parunhare kuti VaMnangagwa havana dambudziko nekuburitsa zvanenge zvabuda muongororo yaVaMothlante. VaMangwana vatiwo hurumende inoda kuti zvirango zvibviswe vachiti zviri kukanganisa avarombo. Asi vachipindura mashoko aya, mutauriri webato rinopikisa VaJacob Mafume vakati Zanu-PF haina kuzvipira kuvandudza zvinhu zvapa kuti vanhu vanonge svosve nemuromo. America yakatemera vakuru veZimbabwe zvirango muna 2001 ichipomera hurumende mhosva yekutonga nedemo. Asi Zimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nenyaya yekuti yainge yatora minda kuvachena. No media source currently available https://www.voashona.com/a/america-inoti-vakapfura-vanhu-muharare-muna-nyamavhuvhu-ngavasungwe/4690069.html +politics Chikwata Chinotsigira VaMnangagwa Chodududza paHondo yeMusangano wePolitburo Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vanoti sangano ravo radududza pachisungo charo chekuti riri kuda kumisa gurukota rezvedzidzo yepamusoro muzvinafundo Jonathan Moyo uye gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere kuti vasapinde mumusangano wePoltiburo. Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera nyonga nyonga mubato iri iro roita kunge bhasikiri raTizira rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa. Paita hondo pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nechimwe chinonzi chiri kutsigira amai Grace Mugabe chinozisikanwa nekuti Generation 40. Zviri kubuda mukuwrisana uku zviri kubuditsa pachena kuti vakarwa hondo vakawanda vari kutsigira VaMnangagwa madzimai achitsigira chikwata cheGeneration 40. Zvichakadaro, pari kutyirwa kuti kunogona kuita bata murefu bata mupfupi pamuzinda weZanu-PF muHarare pari kuitirwa musangano wePolitburo uyu sezvo nhengo dzeZanu-PF dziri keunderera mberi dzichikandirana makobvu nematete. Vamwe Vakuru vemapurisa vanoti vatogara vakagadzirira kuti panogona kuita mvonga mupopoto. Mukuru wemadzimai mudunhu reMashonaland West Amai Angeline Muchemeyi avo vanonzi nevamwe vanotsigira chikwata cheGeneration 40 vaudza madzimai ose emusangano wavo kuti vaende nehuwandu hwavo kumuzinda webato iri muHarare. Bazi remadzimai raronga mabhazi gumi nemana kuti atakure vanhu . Mutsamba yavanyora Amai Muchemeyi vakurudzira madzimai kuti vaende kunotambira mukuru wavo vari zvakare mudzimai wemutungamiri wenyika amai Mugabe apo vanenge vachiuya kuzopinda mumusangano wePolitburo. Sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West VaEphraim Chengeta vanyorawo gwaro kunhengo dzose dzeProvincial Coordinating Committee (PCC) kuti dziendewo kuHarare kumusangano uyu. VaChengeta havana kutaura kuti donzvo rekusangana nemutungamiri wenyika ndereyi. Asi vati kungosangana nemutungamiri webato sezvavanogaroita. VaMatemadanda vati VaMoo naVaKasukuwere vanoda kushandisa madzimai kuti arwisane nevakarwa hondo asi vati havasi kuzoita izvi. No media source currently available Asi izvi hazvina kufadza vamwe mumusangano weZanu-PF avo vanofungidzirwa kuti vanotsigira chikwata chinotungamirirwa nemutevedzeri wenyika VaMnangagwa. Vaimbove sachigaro wevechidiki mudunhu reMashonaland Central, VaGodfrey Tsenengamu vanoti vanotsigira VaMnangagwa, vanyorawo gwaro vachikoka vechidiki vose mubato pamwe nevana vevaimbove varwi verusununguko kuti vaende kumuzinda webato kuHarare kunotambira mukuru wenyika vasati vapinda mumusangano wePolitburo. Mutsamba mavo VaTsenengamu vati “Ibasa redu kuchengetedza musangano uyu wemisodzi, dikita neropa, hatingapete maoko musangano uchiparadzwa nembavha, ngochani nevatengesi vanodya nemuvengi’. VaTsenengamu vazoti kunyange vari kuenda kumuzinda webato reZanu-PF vakazvimirira, vanoshora misangano yakadai inoratidza kunetsana mubato asi vanhu munyika vachinonga svosve nemuromo. Vanoziva zviri kuitika mubato iri vanoti nhengo dzePolitburo dzichabudirana pachena sezvo paine nyaya dzekurangana nekudzingana mumusangano dziri kubuda. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3183463.html +politics Vanhu Voratidzira muHarare Vachirwisana neMapurisa Zvinhu zvinonzi zvafuma zvakaita manyama amire nerongo muHarare nenzvimbo dzakapoteredza sezvo vemakombi nevanhuwo zvavo vari kurwisana nemapurisa. Zvinonzi pane bata murefu bata mupfupi munzvimbo dzakaita seHatfield, Epworth, Ruwa, Zimre Park, Mabvuku neTafara. Vanhu vakawanda vanonzi vatotadza kuenda kumabasa nekuda kwekurwisana uku. Mapurisa ari kukandira vanhu hutsi hunokatyidza uku vanhu vachikanda matombo. Vemakombi vakamboratidzirawo kwaMutare vachigunun'una nenyaya yehuori yavanoti iri kuitwa nemapurisa uye maroad blocks avanoti akawandisa mumigwagwa. Kurwisana uku kuri kuuya kunyangwe vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF vari gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vakayedza kutyisidzira vanhu vanoratidzira nemhirizhonga. Izvi zvakatevera kuratidzira kwakaitika kuBeitbridge nemusi weChishanu vanhu vachiramba kutambira chirongwa chehurumende chekurambidza kupinda munyika zvimwe zvinhu zvinotengwa nevanhu kuSouth Africa nemutengo wakaderera zvozotengeswa muZimbabwe. Vanhu makumi manomwe nevaviri vakasungwa vamwe gumi nevanomwe vakamiswa pamberi pedare nemusi weSvondo. Tichakupai zvizere munguva pfupi inotevera. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-matongerwo-enyika/3403031.html +politics MISA-Zimbabwe, Vatori veNhau Vopikisa Mutongo weCriminal Defamation Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau kuchamhembe kweAfrica reMISA-Zimbabwe rakabatana nevamwe vatori venhau, neChitatu rasvitsa kudare repamusorosoro reConstitutional Court, magwaro ekuti mutemo unosvibisa chimiro chemunhu wecriminal defamation uraswe mubumbiro idzva remitemo. Mumagwaro asvitswa kudare negweta riri kumirira sangano iri pamwe nevatori venhau ava, VaChris Mhike, vanoti chikamu 96 chemutemo wecriminal law (Codofication and Reform) Act (Chapter 9:23) uri kunze kwemutemo sezvo usingadyidzane nezvikamu 61 ne 62 zvebumbiro remitemo, nekudaro unofanirwa kuraswa. VaMhike vanoti zvikamu 61 ne 62 zvebumbiro idzva izvo zvinochengetedza kodzero dzevanhu mukufambiswa kwenhau pamwe nekuwaniswa mashoko pamwe nekodzero dzekutaura vakasununguka. Vamwe vakwira dare pamwe neMISA-Zimbabwe vatori venhau vanoti Nqaba Matshazi, Sydney Saize pamwe naGodwin Mangudya, pamwe nevanoita zvekudhinda mapepa vakazvimirira VaRoger Dean Stringer. Matshazi naVaStringer vanonzi vakamboshungurudzwawo nemutemo uyu. Vakwirirwa dare vanoti gurukota rezvemitemo nemabasa eparamende uye vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaJonathan Moyo pamwe negweta guru rehurumende VaPrince Machaya. Vatatu ava vane mazuva gumi ekupikisa nyaya iyi. Danho iri rinouya panguva shoma dare rimwechetero ratonga kuti mutemo wecorminal defamation uchiri kushanda sezvo wakangobviswa chete pabumbiro remitemo rekare. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-politics-misa-zimbabwe-criminal-defamation/2659052.html +sports Vemitambo Vofarira Kirsty Coventry seGurukota Idzva reMitambo neVechidiki Vemumhuri yemutambo vari kubvumirana kuti Muzvare Kirsty Coventry vanokodzera kubasa iri sezvo vachiziva nzira dzese dzemitambo zvekuti vachagadzirisa panga pasinga fambe zvakana. Muzvare Coventry, avo vakatora menduru nhanhatu kumaOlympic Games, vapihwa basa iri nhasi masikati nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, apo vadoma makurukota enyika. Mutambi wetsiva, Farai Mugoni, anoti basa iri ranga richida munhu akambopinda munhandare, munhu anoziva matambudziko evatambi zvekuti anofunga kuti Muzvare Coventry vanokodzera. Aimbove shasha yeZimbabwe mutsiva zvekare muhuremu hweligh heavyweight neheavyweight, Arigoma Chiponda. anoti ari kufaranezvaitika izvi achiti ari kutarisira kuti Muzvare Coventry vachakandawo mumitambo vatungamiri vakambopindawo munhandare. Muongorori wemutambo, VaFarai Kambamura, vanoti kusarudzwa kwaMuzvare Coventry kuve nhengo yeInternational Olympic Committee kunoratidza kuti munhu ari kuziva zvaari kuita vachiwedzera ivo kuti Zimbabwe yakomborerwa nekupihwa kwake basa iri. Mutambi we volleyball, Oliver Musongoro, anoti Muzvare Coventry vane ruzivo rwakadzama rezvemitambo zvichitevera kufamba kwavaita munyika dzakasiyana siyana zvekuti vari kuona pachiita shanduko sezvo vave panyanga. Musongoro anoti afara nekuti paiswa munhu ari mumitambo kare. Muteveri wemitambo, VaKudzai Bere, vanoti zvinofadza kuti vatambi vakaita saMuzvare Coventry vatambidzwe mabasa akadai sekutendwa zvavakaitira nyika pasina mubhadharo. Makore apfuura panga pachiita kugunununa kuti makurukuta ari kupihwa basa iri ari kuritadza sezvo anga asingazive zvemitambo. Asi Muzvare Coventry vane basa guru rekuedza kusandura mafungiro evamwe vemuhurumende avo vasingakosheshe zvemitambo izvo zvanga zvichikonzera kuti mitambo isawane mari yakasimba kubva kuhurumende. Pamusoro pekuve nhengo yeInternational Olympic Committee, Muzvare Coventry ndivo zvekare mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Olympic Commiittee, basa raarikutarisirwa kusiya nezvaave ikozvino. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-sports-fraternity-happy-with-kirsty-coventry-as-sports-minister/4562024.html +sports Vanhu Vochema Zvichitevera Kunyoresa kwaVaChiyangwa Kuti Vakwikwidze Chigaro cheZifa Veruzhinji vanotevera mutambo wenhabvu havasi kufara nekuti nhengo yeZanu PF, VaPhillip Chiyangwa, vatore chinzvimbo chemutungamiri weZimbabwe Football Association. No media source currently available Asi zviripo ndezvekuti veruzhinji vacho havasi ivo vanosarudza vatungamiri venhabvu asi kuti izvi zvinoitwa neZifa Council, iyo inozivikanwa zvikuru nemhaka yehuori. Mamiriro akaita zvinhu pari zvino ari kuratidza kuti VaChiyangwa vangangotora chigaro ichi sezvo vari kufarirwa neZifa Council mushure memisangano yavakaita navo kubvira musi uyo vakati vari kuda kutungamira sangano renhabvu iri. Asi vakawanda vari kuti VaChiyangwa havakodzeri kutora basa iri sezvo vari kuda kuti papinde munhu akambotamba nhabvu kana ane nhorondo yekutungamira mutambo uyu. Asi VaChiyangwa vari kuti vane mari yekukwanisa kusandura zviri kuitika munhabvu muZimbabwe. Asi vaimbove murairidzi wemaWarriors, VaMisheck Chidzambwa, vanoti kunofanira kusatariswa zvemari asi kuti munhu ane ruzivo rwenhabvu here uye kutungamira zvinhu zvinobudirira munyika. Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaStanford Makwiro, vanoti hakudiwe munhu anoti anobuditsa mari yake yemohumwe yekuburitsa Zifa mumadhaka airi, asi kuti munhu anokwanisa kuti Zifa ishande zvisina huori mukati. Muteveri weDynamos, VaPeter Mukweva, vanoti nhabvu muAfrica iri kufa nemhaka yekuisa pazvinzvimbo vanhu vasingazive zvemutambo uyu. Vachitaura nevamwe vavo pane imwe nzvimbo yavanga vachitandara, VaMukweva vakati zviri kuda kuitwa munhabvu muZimbabwe zvakafanana nezviri kuitwa muAfrica umo vanoti nhabvu yawira pasi vachitarisa kubudirira kwayo kuEurope neku South America. VaJosiah Munetsi, avo vanove nhengo yerimwe sangano revatsigiri vemaWarriors, reWarriors Fan Club, vanoti munhabvu hamudiwe munhu anonzi ane mari sezvo Zifa iine mari yayo kudhara. Pari zvino vaimbotambira maWarriors, VaJames Takavada, naVa Alexander Maseko, ndivo chete vabuda pachena kuti vari kuda kukwikwidzana naVa Chiyangwa. Benjani Mwaruwari, uyo anga achitarisirwawo kukwikwidza chinzvimbo ichi, anonzi ari kuzvipira kuve mutevedzeri wemutungamiri wenhabvu muZimbabwe. Vanga vari mutevedzeri wemutungamiri weZifa, VaOmega Sibanda, vanotiwo vari kukwikwidza chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZifa. Vese vari kuda kukwikwidza vanofanira kuve vanyoresa mazita avo 12 dzemanheru eChina dzisati dzadarika. Vaendesa magwaro ayo kusvika pari zvino ndiVaChiyangwa, VaSibanda, vaimbove nhengo ye Zifa Board, Va Trevor Carlise pamwe nemutauriri weguta reHarare, Va Leslie Gwindi. Hazvisati zvazivikanwa kana VaMaseko naMwaruwari vasvitsawo magwaro avo. Sarudzo yemutunganiri weZifa iri kuitwa musi wa 5 Zvita. https://www.voashona.com/a/chiyangwa-zifa-zimbabwe-zanu-pf/3038368.html +sports Manica Diamonds yadzinga Nhumwa CHIKWATA chenhabvu cheManica Diamonds nhasi chadzinga basa murairidzi wacho Johanisi Nhumwa pamwe chete nevatevedzeri vake vose. Nhumwa adzingwa basa zvichitevera kukundwa kwakaita Manica Diamonds nezuro neDynamos FC 1-0 uye asiya chikwata ichi chakagara pechi10 palog kubva mumitambo 29 yachatamba mwaka uno. Chinyorwa chabva kuManica Diamonds chinoti, “Manica Diamonds Football Club inoda kuzivisa vose vainoshanda nayo kuti taparadzana nemuridzi wedu, Johanisi Nhumwa nevatevedzeri vake. “Tinotenda zvikuru nebasa ravakaita kuchikwata chedu saka tinovashuvira rombo rakanaka mune remangwana ravo.” Manica Diamonds yabva yatsiva Nhumwa naJairosi Tapera uyo achange achitevedzerwa naTafadzwa Mashiri, Patrick Mandizha, Thembinkosi SIbanda nevamwe. https://www.kwayedza.co.zw/manica-diamonds-yadzinga-nhumwa/ +sports TAMIRIRA CHAN, COSAFA: MHOFU MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors – Sunday “Mhofu” Chidzambwa anoti panguva ino ave kumbomira kufunga zvemakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) asi kurwira kuchengetedza mukombe weCosafa Senior Men’s Challenge Cup uye nekuenda kumutambo we2020 African Nations Championship (CHAN). Svondo radarika, maWarriors akabudirira kuenda kumutambo weAfcon uyo uchaitirwa kuEgypt kutanga musi wa21 Chikumi uchizopera musi wa19 Chikunguru. Chikwata chenyika ichi chakarakasha Congo-Brazzaville 2-0 zvakaita kuti chipedze chiri pamusoro muboka racho muGroup G. Aka kachange kari kechina maWarriors achienda kumutambo uyu. Gore rino, zvakawanda zviri kutarisirwa kubva kumaWarriors kuAfcon sezvo makore adarika paakamboenda kumakwishu aya aingokundirwa muchikamu chekutanga. Mhofu anoti panguva ino ave kumbomira kufunga zveAfcon sezvo chikwata chake chine mimwe mitambo ikoshosha iri kutevera yeCosafa neCHAN. “Zvinhu zvinofadza kuti tiri kuenda kuAfcon zvakare asi panguva ino tave kufunga zvemimwe mitambo iri kutevera yeCosafa neCHAN. “Tisu shasha dzeCosafa saka tinoda kurwira kuchengetedza mukombe wedu uyu munguva inotevera apo pachatambwa mutambo uyu,” anodaro. Anoti mitambo yeCosafa neCHAN anoda kuishandisa kuongorora vatambi – kunyanya vanotambira nhabvu yavo muligi reCastle Premiership – ovapawo mukana wekurwira zvinzvimbo zvakasiyana muchikwata icho achazotakura kuenda nacho kuEgypt. “Vatambi vatichasarudza kuenda navo kuCosafa neCHAN tinoda kuvapa mukana wekurwira zvinzvimbo muchikwata chevakuru icho chatichatakura kuenda nacho kuAfcon. “Hatisati tave nechikwata chatichatakura kuenda kumutambo uyu, tichiri kuongorora vatambi vese uye vamwe vasina kumbobvira vambotamba vanogona kutokwana tikaenda navo,” anodaro. Mutambo weCHAN unotambwa nevatambi vanotambira munyika dzavo chete. MaWarriors haasati ambohwina mutambo uyu asi mugore ra2014 akasvika kusemi-fainari yemakwishu aya apo airairidzwa naIan “Dibango” Gorowa. Mhofu anoti zvinonetsa kuti maWarriors ahwine mukombe uyu sezvo pese pavanenge vavaka chikwata chakasimba chinenge chichirwira kuenda kumutambo uyu, vamwe vatambi vanobva vatengwa kunze kwenyika saka zvinotoda kuti vabike vechidiki vakawanda. Sunday Chidzambwa “CHAN inonetsa kuti pese patinenge taruka chikwata chedu chevatambi vemuno, tave kugadzirira mumwe mutambi anobva abva atengwa kunze kwenyika, oenda kunotambira kunze. Saka zvinokanganisa gadziriro dzedu dzatinenge tichiita. “Saka vechidiki ngavabikwe kuti zvisazotinetsa kutsvaga vamwe vatambi vekutsiva vanenge vabva,” anodaro. Zvakadai, mutambo wemaWarriors neCongo-Brazzaville wainge wakazara nhandare zvekuti pane fungidziro huru kuti sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association rakaita mari kubva pamutambo uyu. Mukushi wemashoko weZifa – Xolisani Gwesela – anoti vachiri kumboverenga kuti matikiti akatengwa mangani uye vachabvisa dhora patikiti roga roga rakatengwa voendesa kunobatsira mhuri dzakasangana nemafashamu emvura yaive nedutu guru yeCyclone Idai. “Tichiri kumboverenga matikiti edu tione kuti akatengwa mangani uye isu tichabvisa dhora rimwe patikiti rese rakatengwa toenda kunobatsira vanhu vakasangana nemafashamu eCyclone Idai iyo yakauraya vanhu kunzvimbo dzakaita seChimanimani,” anodaro Gwesela. https://www.kwayedza.co.zw/tamirira-chan-cosafa-mhofu/ +sports Mitambo yekuEngland yamiswa MITAMBO yeEngland Premier League yesvondo rino yamiswa nhasi zvichitevera kufa kwaQueen Elizabeth II nezuro manheru. Great Britain yapinda mumazuva 10 ekuchema mambokadzi avo vakatonga nyika iyi kwemakore anodarika 70. Izvi zvaona England Football Association (FA) ichimisa mitambo yose yenhabvu yemuEngland yange ichazotambwa svondo rino. Muchinyorwa chaburitswa neEngland FA inoti: “Zvichitevera musangano wataita nhasi mangwanani, zvikwata zvemuPremier League zvacherechedza Her Majesty Queen Elizabeth II. “Senzira yekukudza upenyu hwavo uhwo hwaive hwakatikoshera nenyika yedu uye senzira yekuvaremekedza, mitambo yesvondo rino yePremier League yambomiswa kusanganisira yemusi weMuvhuro.” https://www.kwayedza.co.zw/mitambo-yekuengland-yamiswa/ +sports Vodzidziswa nezveMixed Martial Arts VARAIRIDZI veMixed Martial Arts (MMA) vemuno vachawaniswa mukana wekudzidziswa zvizere ruzivo rwemutambo uyu apo vari kurongerwa zvidzidzo nesangano reZimbabwe National Boxing and Wrestling Control (ZNBWC) iro riri kuunza nyanzvi dzemutambo uyu dzekunze kwenyika. MMA mumwe wemitambo iri kusimukira zvikuru pasi rose uye une mukurumbira kunyika dzakawanda nekudaro ZNBWC yakabatana neMixed Martial Arts South Africa iyo ichatumira nyanzvi muno kuzodzidzisa nezvemutambo uyu. Mumashoko aakaverengerwa svondo rino muHarare naSharon Dube anove mutauriri weZNBWC apo paiparurwa chirongwa ichi, chamangwiza weZNBWC — Lawrence Zimbudzana — anoti MMA mutambo uri kufarirwa zvikuru pasi rose. “Makore adarika tikatarisisa zvikuru, MMA mutambo uri kukura chaizvo kunyika dzakawanda uye unoteverwa zvakanyanya. Saka isu tiri kutora chikamu chekuuunza muno. “Musi wa29 na30 Gumiguru tichaita zvidzidzo muHarare apo tichaunza shasha dzine hunyanzvi mumutambo uyu kuzopakurira ruzivo rwavo,” anodaro Zimbudzana. Pari zvino Zimbabwe ine vatambi vaviri vari kukwikwidza mumutambo uyu vanoti Themba Gorimbo anove Sportsman of the Year naSylvester Chipfumbi uyo akanyorawo nhoroondo yekuve shasha ahwina bhande reExtreme Fighting Championship Bantamweight munaChivabvu. Zimbudzana anoti zvichitevera kubudirira kwaita vatambi vaviri ava, ZNBWC yazviona zvakakodzera kusimudzira mutambo uyu nekuushambadza zvakanyanya munyika kuitira kupawo mukana kune vatambi vangade kuzoutamba. “Zvinofadza kuti tine shasha mbiri dziri kukwikwidza kune dzimwe nyika, saka izvi zvimwe zvezvikonzero zvakatituma kuti tisumudzire mutambo uyu zvigopawo mikana kune vamwe vatambi vangade kukwikwidza,” anodaro. Kana varairidzi vemutambo uyu vadzidziswa, ZNBWC iri kuronga kutanga mitambo yeMMA muna2022. https://www.kwayedza.co.zw/vodzidziswa-nezvemixed-martial-arts/ +sports Garai kumba:ZIFA MANEJA wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors — Wellington Mpandare — oyambira vatsigiri vangade kuenda kunoona mutambo weZimbabwe neAlgeria uyo uchatambirwa muno nemusi weMuvhuro unotevera wekurwira kuenda kumutambo we2021 Africa Cup of Nations kuti vasaende kunhandare asi kuti vaone mutambo uyu vari kudzimba dzavo. MaWarriors nemaDesert Foxes ekuAlgeria, iyo ine vatambi vane mukurumbira vakaita saRiyad Mahrez anotambira Manchester City yekuEngland naIsmael Bennacer weAC Milan (Italy), vari kusangana mumitambo miviri yemuboka ravo reGroup H. Mutambo wekutanga uriko husiku hwemusi weChina chino kuAlgeria uye wechipiri uchange uri muno kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weMuvhuro unotevera. Boka iri rine zvimwe zvikwata zvinoti Botswana neZambia. Mitambo miviri yevakomana vaZdravko Logarusic, murairidzi wemaWarriors, neAlgeria yakakosha zvikuru uye vanofanirwa kutora zvibodzwa zvose kuti vaende pamusoro muboka ravo iri vagowana mukana wekuenda kumakwikwi e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon. Mutambo wemaWarriors wemusi weMuvhuro uchange uri wekutanga kutambirwa munyika muno kubva pakamiswa mitambo pasi rose nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19. Muhurukuro neKwayedza svondo rino, maWarriors asati asimuka akananga kuAlgeria, Mpandare anoti vatsigiri venhabvu havasi kutenderwa kunhandare kuchange kuchitambwa mutambo uyu muno. “Vatsigiri venhabvu havasi kutenderwa kunhandare saka ngavagare kudzimba dzavo. Nemusi weMuvhuro patiri kusangana neAlgeria muno hakuna ari kutenderwa kuuya kuzoona nhabvu, mutambo uyu uchatambwa pasina vatsigiri. “Isu tiri kutevedzera matanho akatorwa neHurumende, hatidi kuisa utano hwevatambi vedu nehweruzhinji panjodzi saka vanhu ngavagare kudzimba dzavo,” anodaro Mpandare. Anoenderera mberi achiti, “Ngatisazoti hatina kupa yambiro, kuchange kune vemitemo vachichengetedza vachiona kuti hapana ari kupinda munhandare.” Zvakadaro, sangano revatsigiri vemaWarriors reFriends of the Warriors rinoti riri kuronga nzvimbo dzichaonerwa bhora nevatsigiri nemusi weMuvhuro. Mutungamiri wesangano iri — Edward Chimedza — anoti sezvo kunhandare kusiri kutenderwa kuti vanhu vapinde, sevatsigiri vari kutsvaga nzvimbo dzichaungana vanhu vasingadarike 100 kuitira kuti vakwanise kuona mutambo uyu pamaterevhizheni. “Isu tinoziva kukosha kwemitambo miviri iyi saka tiri kuitawo zvatinokwanisa kuti titsigire chikwata chedu. Tichaungana sevatsigiri kunzvimbo dzakasiyana uko tinenge tichitevedzera hedu mitemo yese yesocial-distancing kuti vanhu vasaite chitsoko-tsoko. “Saka tine nzvimbo dzakawanda dzatichange tichishanda nadzo. Vakomana vedu vanofanira kuziva kuti tinavo uye tiri kuvatsigira, ivo ngavabate basa sebasa,” anodaro Chimedza. Mumitambo mina yakapedzisira kusangana zvikwata zviviri izvi, maWarriors haasati ambokundwa neAlgeria. Zvikwata izvi zvakaita mangange katatu uye maWarriors akahwina mumwe mutambo wacho. https://www.kwayedza.co.zw/garai-kumbazifa/ +sports ‘Onai COSAFA muri kumba’ VATSIGIRI vechikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors vanokurudzirwa kuti vatevedzere mitemo yenyika neyeWorld Health Organization (WHO) iyo yakananga kuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kuti vasaungane panguva iyo vachaona chikwata chavo chichikwikwidza mumitambo yeCosafa Cup iri kuitirwa kuSouth Africa. Mitambo yeCosafa Cup yakatanga svondo rino uye maWarriors ari kurwira kuhwina mukombe uyu kechinomwe zvekare kuudzora kumusha kubva gore ra2018. Kusvika pari zvino, maWarriors ndiwo akahwina mikombe yakawanda kudarika zvimwe zvikwata achiteverwa neZambia iyo yakwanisa kuhwina mukombe iwoyu kashanu. Achitaura svondo rino, mutungamiri weFriends of the Warriors – Edward Chimedza – anoti ino haisisi nguva yekuti vatsigiri venhabvu vaungane vachiona pazvivhitivhiti mitambo iri kuitirwa kuSouth Africa sezvo zvichizokonzera kuti Covid-19 itapuriranwe pakati pevanhu. “Chikumbiro changu kune vatsigiri venhabvu, ndapota ngatisanungane sezvataiita kare nekuti Covid-19 iri kuuraya. Kare taingonzwa kuti chirwere ichi chiriko kune vamwe vanenge vane hama dzavo dzabatwa kana kuuraiwa nacho, asi iye zvino chave kuuraya hama dzedu dzepedyo muno. “Saka ngationei mitambo tiri kudzimba dzedu tichitsigira chikwata chedu tichienda padandemutande pakaita seTwitter neFacebook tichitumira mashoko esimbaradzo ipapo. Hatidi vanoungana nekuti mhando itsva yeCovid-19 iyo iri kunzi Delta variant iri kuuraya uye haisi kutambisa. “Hatidi kurasikirwa nehama dzakawanda, ngatigare kudzimba dzedu toona mitambo tiri ikoko,” anodaro Chimedza. Anoenderera achiti zvakakosha kuti vatsigiri venhabvu vaende kunobaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekudzivirira Covid-19 sezvo iyi iri iyo imwe yenzira dzinobatsira. “Ngatiite mudungwe wekuenda kunobaiwa nhomba nekuti zvinobatsira kudzivirira chirwere ichi. Kana tichida kuzowana mukana wekuona zvikwata zvedu zvichikwikwidza, ngatifarirei kubaiwa, ngatiite mudungwe wekunobaiwa,” anodaro Chimedza. Achitaurawo, mutsigiri mukuru wenhabvu Adomsi Mukwasi, anoti kana zvichibvira dai mapurisa afamba achiongorora munzvimbo sedzekutandarira kuti vanhu havasi kuungana here izvo zvisingatenderwe achiti kazhinji panowanzotamba chikwata chenyika, vanhu vanofarisa vachida kuona chikwata chavo chichitamba. “Chikwata chedu tinochidisisa zvikuru zvekuti tinoda kuona mitambo yacho takawanda. Asi iye zvino dai tambogara kudzimba nekuti Covid-19 haina kumira zvakanaka, vanhu vari kufa. “Kuti tikunde denda iri tinofanira kutevedzera zvinotaurwa neHurumende yedu togara kudzimba tichitsigira chikwata chedu. “Tine mapoka akawanda eWhatsApp anoita nezvenhabvu, imomo ngatinge tichikurukura tichiongorora matambiro anenge achiita chikwata chedu kwete kuungana. “Kuungana imhosva huru, ndapota hangu ngatigare kudzimba,” anodaro Mukwasi. Achitaurawo, munyori mukuru weFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – anoti zvinorwadza kuti chikwata chavo chakaenda kumakwikwi aya chisina vatsigiri, asi vanofanira kutevedzera mitemo iripo ine chekuita nedenda reCovid-19 kuitira kuti zvigobatsira kuponesa upenyu hweveruzhinji. Anoti naizvozvo vatsigiri vanofanira kubatana mukuisa minamato kuti maWarriors agohwina kuSouth Africa. “Cosafa yagara ndeyedu makore ose, saka tinoziva kuti maWarriors achadadisa kumutambo uyu. Isu sevatsigiri, ngatinamatire chikwata chedu kuti chigokunda mukombe uuye kumusha,” anodaro Muwashu. Zvakadaro, maWarriors akavhurira mitambo yawo yeCosafa apo akasangana neMozambique. Mutambo wavo unotevera achasangana neMalawai musi weChishanu. Mutevedzeri waZdravko “Loga” Logarusic, Tonderayi Ndiraya ndiye ange achifanorairidza maWarriors sezvo Loga ange arambidzwa kupinda munyika yeSouth Africa nekuti ange asina magwaro akakwanana (visa). Asi Loga akazopihwa zvake visa rekuti atevere chikwata chake kuSouth Africa. https://www.kwayedza.co.zw/onai-cosafa-muri-kumba/ +sports Pane Chikwata chemuAfrica Chichaenderera Mberi muWorld Cup Here? "Kunyangwe hazvo pasina chikwata chemuAfrica chati chatiora mapoinzi matatu kumakwikwi eWorld Cup, vazhinji munyika vachiine tarisiro yekuti zvikwata zvishanu zviri kumiririra Africa zvichaenderera mberi muchikamu chechipiri chemakundano aya. Africa iri kumiririrwa kumakwikwi aya neSenegal, Ghana, Cameroon, Tunisia neMorocco. Mumitambo yekutanga, Senegal yakarohwa 2-0 neNetherlands, Tunisia yakaita mangange 0-0 neDenmark, Morocco yakaita mangange 0-0 neCroatia. Izvi zvasiya vatsigiri venhabvu vekuAfrica vazhinji vachibvunza kuti zvikwata zvishanu zvinobva kuAfrica zvichakwanisa kuenderera mberi here sezvo parizvino pasina zvikwata zvati zvakwanisa kukunda. Asi muongorori wenhau dzemitambo Muziwethu Hadebe anoti ane chivimbo chekuti zvikwata zvekuAfrica zvinokwanisa kuenderera mberi kubva kuma Group stages nekuti zviri kutamba nemoyo wese kunyangwe hazvo zvisati zvakunda pamitambo yatambwa parizvino. ""Vatsigiri vezhinji venhabvu vari munyika vazhinji vanoti shuwiro yavo ndeyekuti zvikwata zvemu Africa zvienderere mberi kubva pama group stages mumakwikwi e FIFA World Cup 2022 kuQatar. Kunyangwe hazvo vasati vakunda mumitambo yatambwa kumakwikwi aya ndine tarisiro yekuti vachienderera mberi,"" Hadebe audza Studio 7. No media source currently available " https://www.voashona.com/a/6847514.html +sports PSL yotanga August SANGANO rePremier Soccer League iro rinoronga mitambo yeCastle Premiership rinoti riri kuronga kuti kutanga mwaka unotevera nhabvu yemuno igotanga kutambwa kubva munaNyamavhuvhu ichizopera Chivabvu wegore rinenge richitevera ra2020. Kubva kare, nhabvu yemuno inotambwa kutanga munaKurume ichizopera munaMbudzi asi kuuya kwasachigaro mutsva wePSL Farai Jere kwakaona pachisimuka nyaya iyi yekuti karenda yenhabvu yemuno ishandurwe igotanga munaNyamavhuvhu yofambirana neyekunze kwenyika, kunyanya yekuEurope iyo inotanga munaNyamavhuvhu ichizopera munaChivabvu wegore rinotevera. Mukushi wemashoko wePSL, Kudzai Bare anoti sangano ravo rakanyorera kuZimbabwe Football Association richivazivisa kuti kutanga gore rinotevera vanoda kushandura mwaka wenhabvu kuti utange munaNyamavhuvhu uye vakamirira kunzwa kwavari kuti vofamba nenzira ipi. “Kutaura kuno tinotevedzera zvatinenge tarairwa neZifa, takanyorera tichivazivisa kuti tave kuda kushandura mwaka wedu. “Saka kana vati zvakanaka tiendere mberi ndipo patichashandura karenda yedu yenhabvu kutanga gore rinotevera,” anodaro Bare. Mukushi wemashoko weZifa Xolisani Gwesela anoti sangano ravo riri kuziva nezvenyaya iyi uye richazeya nezvayo apo richaita congress yaro svondo rino. Anoti parizvino hapana zvizhinji zvaanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi. “Iyi nyaya tiri kuiziva, tangomirira congress yedu ndipo tichaizeya toona kuti tofamba nenzira ipi. “Congress yedu iriko musi wa15 Zvita saka kana zuva iri radarika ndipo tichazivisa kuti zvichafambiswa sei,” anodaro Gwesela. Kana zvikanzi zvashanduka kutanga gore rinotevera mwaka wenhabvu wave kutambwa kubva Nyamavhuvhu uchipera munaChivabvu, pane mibvunzo yakwanda iri pamiromo yevatsigiri venhabvu iyo inoda mhinduro. Mubvunzo wekutanga ndewekuti panguva iyi mvura inenge ichinaya saka PSL iri kuronga zvipi kugadzirisa dambudziko iri remvura kuitira kuti zvikwata zvitambe zvakasununguka uye vatsigiri vasanaiwe nemvura? Mumwe mubvunzo ndewekuti sezvo panguva iyi zvakare ndipo panenge pachitambwa nhabvu kuEurope saka PSL haizotorerwa vatsigiri vayo here vachiona zvikwata zvavanofarira paterevhizheni votadza kuenda kunhandare? Bare anoti mibvunzo yose iyi vachazoipundura hunge kana vanzwa zvichabva kuZifa pamusoro penyaya iyi. https://www.kwayedza.co.zw/psl-yotanga-august/ +sports ‘Hakuna DeMbare yakadaro’ MUTAMBI wenhabvu weDynamos FC, Kudzanayi Dhemere, anoti matambiro akaita chikwata chavo mwaka wadarika haana kufadza izvo zvakachiona chichipedza chiri pechipfumbamwe palog reCastle Premiership. Zvikuru zvaitarisirwa kubva kuDeMbare nevatambi vayo vanosanganisira Dhemere, Ngandu “Moto-moto” Mangala naEdward Sadomba asi yakakundikana kurwira mukombe wePSL. Izvi zvakaona chikwata ichi chichishandura murairidzi wacho mwaka uri pakati apo pakadzingwa Lloyd “Mablanyo” Chigowe akatsiviwa naTonderayi Ndiraya. Ndiraya akakwanisa kudzikamisa chikwata ichi akachitungamira chikapedza chiri pechipfumbamwe palog. Muhurukuro neKwayedza, Dhemere – uyo vazhinji vaitarisira zvikuru kwaari kuti ndiye mumwe wevatambi vachatungamira chikwata ichi kurwira mukombe wePSL – anoti gore radarika harina kufamba sezvavaifungira. Anoti vanofanirwa kutokunya dzisimbe mwaka uri kutevera kuitira kuti DeMbare idzokere pachidanho chayo chakare apo yaizezesa munyaya dzenhabvu munyika muno. “Patakapedza tiri hapasipo pataida kupedza tiri. Gore rino range riri rekudzidza uye takadzidza zvakawanda,” anodaro. Kupera kwemwaka wadarika kwakaonawo kondirakiti yake kuDeMbare ichipera uye anoti ari kutarisira kuti apihwe imwe gore rino apo anoda kushanda nesimba. “Izvezvi handizive kuti ndiri kuita sei asi chishuvo changu kuti ndirambe ndiri kuDeMbare, ndipihwe imwe kondirakiti uye kana ndapihwa ndichashanda nesimba ndigobatsira chikwata chedu tirwire mukombe wePSL. Ichi chishuvo chezvikwata zvese zvinokwikwidza muPSL uye isu tinofanirwa kuonekwa tiripo tichirwirawo mukombe mukuru muno munyika,” anodaro Dhemere. DeMbare yakapedzisira kusimudza mukombe weCastle Premiership mugore ra2014 apo yairairidzwa naKalisto Pasuwa. Kubva kwakaita Pasuwa kuchikwata ichi, hachina kuzombohwina mukombe uyu zvakare kunyangwe hazvo makore matatu anoti 2015 na2017 chaipedza chiri pechipiri palog. https://www.kwayedza.co.zw/hakuna-dembare-yakadaro/ +sports Batsirai chikwata chemaWarriors KOMITI iri kuunganidza mari yekutsigira chikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors — icho chatove kunyika yeEgypt chichigadzirira kukwikiwdza mumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon) – yeWarriors 2019 Fund Raising Committee, iri kukumbira makambani, mapoka akasiyana neveruzhinji kuti vabatsire mukuunganidzwa kwemari inosvika US$500 000. Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakadoma komiti iyi yechinangwa chekuti iunganidze mari ichashandiswa nechikwata chenyika ichi mumakwikwi ari kutanga nemusi weChishanu svondo rinouya, 21 Chikumi. Musi uyu, nenguva dza10 manheru, Zimbabwe ichatatsurana neEgypt mumutambo wekuzarura makwikwi aya. Sachigaro wekomiti yeWarriors Communications Sub-Committee, Dr Eve Gadzikwa, vanoti mari iri kudiwa ichabatsira pakutsigira maWarriors mukunomiririra Zimbabwe kwavari kuita. “Sekomiti, tiri kumhanya-mhanya kutsvaga mari nekudaro tinokumbira makambani neveruzhinji kuti vatsigire maWarriors. Ndinoda kuzivisa nyika kuti mari yose yatichaunganidza ichashanda basa rayo chairo uye nenzira dzakajeka. Tinozviziva kuti tinofanirwa kuita zvinhu zvine chiremerera kuitira kuti tigoramba tichitsigirwa. “Tiri kuedza kuunganidza mari inosvika US$500 000 yekutsigira maWarriors. Rutsigiro rwedu rwunovapa simba rekutamba bhora nesimba, saka chikumbiro chedu kumunhu wose ndechekuti ngatibatane tibatsire nemari kana zvimwe zvatinokwanisa,” vanodaro Dr Gadzikwa. Nemusi weChitatu chino, kwakaitwa mabiko muguta reHarare ekuparura kuunganidzwa kwemari yekutsigira maWarriors. https://www.kwayedza.co.zw/batsirai-chikwata-chemawarriors/ +sports Martinez anoda kugara pasi naRonaldo wePortugal, Roberto Martinez, akazivisa chinangwa chake chekuda kugara pasi naCristiano Ronaldo kuti vakurukure nezveramangwana rake kuchikwata ichi sezvo zvisingaizivikanwe kuti anoda kuita sei nePortugal zvichitevera kupera kweWorld Cup. Ronaldo akasiiwa naFernando Santos mumitambo yePortugal yemaknockout kuQatar asi aimbove murairidzi weBelgium uyu anosimbirira kuti anoda kutaura nemutambi uyu zvichitevera kugadzwa kwaakaitwa. Martinez akagadzwa kuve murairidzi mutsva wePortugal nemusi weMuvhuro sezvo ange amboita chibvumirano chemuromo chete zvisinei nekutatarika kwaakaita kuWorld Cup neBelgium. Anonzi achaedza kutaura nemutambi mutsva weAl-Nassr uyu. Achitaura nevatori venhau kekutanga abva kugadzwa semurairidzi, Martinez anotaura nezvechinangwa chake chekuumba chikwata chakasimba vachienda kumberi. “Matanho anotorwa munhandare,’’ anodaro. Cristiano Ronaldo “Ini handitore matanho muhofisi. Ndinovimba ndichataura nevatambi vese. “Cristiano Ronaldo mutambi aripowo ipapo. Ave nemakore 19 ari muchikwata chenyika. “Ndinovimba tinogona kugara naye pasi toumba chikwata chakasimba. Izuva rekugutsikana kukuru, asi mangwana tichatanga kuita basa.” – SportsMail Football https://www.kwayedza.co.zw/martinez-anoda-kugara-pasi-naronaldo/ +sports ‘Zifa ngaibude pachena’ MURAIRIDZI weFC Platinum — Norman ‘Muchina wemajuzi’ Mapeza — anoti hutungamiriri hwenhabvu yemuno hweZIFA hunofanira kutaura chokwadi maringe nemamiriro emutambo uyu sezvo hupenyu hwevatambi vazhinji hwakanganisika. Izvi zvinotevera kumiswa kwakaitwa nhabvu nemimwe mitambo munyika muno muna Kurume gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Mapeza anoti ZIFA ngaitaure chokwadi kuti iri kuronga zvipi pamusoro pekudzoka kwemutambo uyu. “Vakomana vazhinji venhabvu vange vachiraramisa mhuri dzavo kuburikidza nemari dzavange vachiwana kubva kunhabvu asi iye zvino havana chekubata sezvo mutambo uyu usiri kutambwa. Kana vakomana vakasatamba nhabvu havawane mari yekuti vakwanise kutengera mhuri dzavo chikafu chekudya kumba. Saka nhabvu ikasadzoka nekuchimbidza zvinoramba zvichivaomera vakomana ava. “Tiri kushaya kuti chii chaizvo chiri kukonesa kuti mutambo uyu udzoswe muno munyika medu, kune dzimwe nyika uri kutambwa asi muno chete ndimo mauchiri wakamiswa. Izvi zviri kukanganisa zvakawanda. “Saka ZIFA ngaitaure chokwadi kuti zvinhu zviri kufamba sei chaizvo vanhu vazive pane kungotsika-tsika zvavari kuita izvi,” anodaro Mapeza. Svondo rapera, mutauriri weZIFA Xolisani Gwesela akaudza Kwayedza kuti sangano ravo rakanyorera kuHurumende richikumbira bvumo yekuti mutambo wenhabvu uchidzoka uye vachakamirira mhinduro yacho. Chikwata cheFC Platinum chiri kukwikwidza mumitambo yeCAF Confederations Cup umo chiri kurwira kuenda kumagroup stages kunyangwe hazvo chisiri kunyatsowana nguva yekugadzirira. Mapeza anoti mutambi wenhabvu anofanirwa kugara achitamba svondo rega-rega. “Igaroziva kuti mutambi hunyanzvi hwake hunonyatsobuda kana akaita nguva achitamba nhabvu, anenge asina ngura yekugara nguva yakareba asingatambe. “Manje isu tiri kupedza nguva tisingatambe nhabvu nekuti ligi remuno rakamiswa, tiri kuzongonokwikwidza mumitambo yemuAfrica. Vatambi vedu vanenge vasina kusvika padanho chairo rinotarisirwa rekukwikwidza sezvo vanenge vagara nguva refu vasina kukwikwidza. Saka dai nhabvu yemuno yange ichitambwa, zvaibatsira zvikuru mumitambo yedu nekuti vatambi vedu vanenge vasina ngura,” anodaro. Mapeza anoti anotyirawo vatambi vechidiki avo vave nemakore maviri vasingatambe nhabvu kuti remangwana ravo rinogona kukanganisika. “Moziva, vechidiki iye zvino vave kukanganiswa nezvinodhaka nekuti vari kuswera vachingomberereka kumaraini vasina zvekuita, ndipo vanopedzisira vave kutora zvinodhaka,” anodaro. Chikwata chaMapeza chakasimuka nemusi weChipiri chakananga kuSenegal uko chiri kunosangana necheAssociation Sportive et Culturelle Diaraf (ASC Diaraf) mumutambo wechipiri wekurwira kufambira mberi muCAF Confederation Cup. Mumutambo wekutanga wakatambirwa muno kuNational Sports Stadium, FC Platinum yakakundwa 1-0 saka iri kufanirwa kunohwina 2-0 kana nezvimwe zvibodzwa zvepamusoro, ASC Diaraf isinganwise, kuti chigogona kufambira mberi mumutambo uyu. Mapeza anoti kunyangwe hake chikwata chake chakakundwa muno, havasi kurasa tariro uye vari kuenda kuSenegal vane chivimbo chekuti vachanohwina. “Isu hatirase tariro, tinotamba mitambo yese kuti tihwine uye ndizvo zvatiri kuenda kunoita kuSenegal. Kana ivo vakahwina muno, hapana chinotitadzisa kuti tinohwinawo ikoko,” anodaro Mapeza. https://www.kwayedza.co.zw/zifa-ngaibude-pachena/ +sports Kuzunza mambure konetsa 2017: 17; 2018: 17 Abel Ndooka MUMAKORE masere adarika, zvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership zviri kukundikana kubika mutambi anokwanisa kunwisa ka20 mumwaka mumwe chete. Izvi zvakapedzisirwa kuitwa mugore ra2010 apo Norman Maroto – uyo aitambira Gunners FC – akanwisa ka22 ndokuhwina mubairo weGolden boot. Kubva gore iri, hapanazve mumwe mutambi akwanisa kuzviita uye mwaka uno Rodwell Chinyengetere weFC Platinum – shasha dzeCastle Premiership – ndiye akahwina mubairo uyu asi akakwanisa kunwisa ka17 chete mwaka wese. Gore radarika, Dominic Chungwa akanwisawo ka17 zvakare achitambira CAPS UNITED. Muhurukuro nevamwe varairidzi, vanoti kuti muCastle Premiership munyatsobude mutambi anonwisa ka20 kana kudarika mumwaka mumwe chete zvinogona kuti netsei nekuti vatambi vacho hakuna. https://www.kwayedza.co.zw/kuzunza-mambure-konetsa-2/ +sports Zvinhu zvakasunga: Ndiraya MURAIRIDZI weDynamos FC, Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya, anoti mwaka wegore rino wakaoma zvikuru sezvo zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Premiership zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura. DeMbare, iyo yakapedzisira kuhwina mukombe wePSL mugore ra2014 ichirairidzwa naKalisto Pasuwa, mwaka uno yatanga zvakanaka mumitambo yayo apo iri kuda kuhwina mukombe uyu kekutanga mumakore matanhatu. Pari zvino chikwata ichi chakagara pechitatu nezvibodzwa 16 palog kubva mumitambo misere yachatamba uye chiri kutevera Chicken Inn iyo iri kutungamira neManica Diamond iri pechipiri. Ndiraya anoti ari kuyemura nhabvu inodakadza iri kutambwa nezvikwata zvakasiyana zviri muPSL kunyangwe hazvo pasati patambwa mitambo yakawanda. “Kutanga kwakaita mwaka wegore rino, zvikwata zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura iyo tiri kuona svondo rega-rega. Ini pachangu ndiri kuyemura nhabvu yandiri kuona ichitambwa kunyangwe hazvo mitambo yatambwa kusvika pari zvino ichiri yekutanga,” anodaro. Apo mitambo yakambomiswa pazororo reKirisimasi, DeMbare yakatenga vatambi vane chitsama vakadai saEvans Katema, Ralph Kawondera, Keith Murera, Emmanuel Paga naIssa Sadiki. Ndiraya ari kurumbidza vatambi ava achiti vachabatsira kusimbisa chikwata chake apo mwaka uno vari kurwa semvumba kuti vagotora mukombe wePSL. “Zvamunoziva kuti Dynamos tinotambira kuhwina mikombe yese yenhabvu uye gore rino ndizvo zvimwe chetezve. Tinofanirwa kutamba chaizvo kuti zvikwanisike saka tinenge tichitora mutambo sekuuya kwaunenge uchiita. Nevatambi vatsva vatakaunza muchikwata chedu avo vakatanga zvakanaka, tinovimba kuti vachatibatsira kuti tirambe tichisimukira tichihwina mitambo yedu,” anodaro Ndiraya. DeMbare iri kusangana nechikwata cheSunshine City Boys cheHarare City nemusi weSvondo kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo weHarare Derby. Zvikwata zvizviri izvi pazvakapedzisira kusangana mumutambo wePSL mugore ra2019, Harare City yakahwina 3-1. Asi, gore radarika zvakambosangana mumutambo weChibuku Super Cup apo Dynamos yakahwina wekutanga 1-0 uye wechipiri ukazopera ari mangange 0-0. https://www.kwayedza.co.zw/zvinhu-zvakasunga-ndiraya/ +sports MaChevrons opinda muhondo CHIKWATA chenyika cheCricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo svondo rino apo chichatanga kubandana necheIreland mumitambo mishanu yeTwenty20 International Series nemitatu yeOne Day International (ODI) iyo ichange iri yeInternational Cricket Council (ICC) Men’s Cricket World Cup Super League. Mitambo yeICC Super League ndeyekurwira tikiti rekuenda kuICC Cricket World Cup iyo ichatambirwa kunyika yeIndia mugore ra2023. Zvikwata zvichapedza zviri pamusoro muTop 8 zvinobva zvabudirira kuenda kuWorld Cup asi zvinosara zvinenge zvave kuenda nenzira yekutamba mimwe mitambo yemaqualifiers iyo inozorongwa patsva neICC. Saka maChevrons ari kutofanirwa kuhwina mitambo yawo yeSuper League kuti agowana tikiti rekuenda kuWorld Cup. Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket (ZC), mutauriri weZC Darlington Majonga anoti maChevrons achatanga kutatsurana neIreland musi weChishanu kuClontarf uye mimwe mitambo ichatambirwa kuBready kunyika iyi. “Chikwata chedu chemaChevrons chiri kupinda muhondo necheIreland mumitambo mishanu yeT20 series nemitatu yeODI uye yeODI ichange iri yeSuper League yekurwira kuenda kuWorld Cup. “Mitambo iri kutanga Chishanu chino chatakatarisana nacho uye ichatambwa mazuva anoti 27 na29 Nyamavhuvhu kozoti mimwe ichatambwa musi wa1, 2 na4 Gunyana. Mitambo yeODI ichazotambwa mumazuva anoti 8, 10 na13 Gunyana,” anodaro Majonga. MaChevrons paanopedza kutatsurana neIreland, anobva ananga kuEdinburg kuScotland uko zvikwata zviviri izvi zvichasangana mumitambo mitatu yeT20 ichatambwa mumazuva anoti 15, 17 na19 Gunyana. https://www.kwayedza.co.zw/machevrons-opinda-muhondo/ +sports Munzwembiri otungamirira Zim kuWorld Beach Games ZIMBABWE Olympic Committee (ZOC) inoti iri kufara zvikuru nekugadzwa kwakaitwa Merit Munzwembiri – uyo akafanobata chigaro chadirector tv production and digital platforms kuZimbabwe Broadcating Corporation (ZBC) – saChef De Mission (CDM) weZimbabwe Bali 2023 Beach Games. Mitambo yeWorld Beach Games yakaitirwa kuchitsuwa cheBali kuIndonesia kubva nemusi wa5 Nyamavhuvhu kusvika 12 Nyamavhuvhu. Mushure mekubudirira kwake musarudzo dzakaitwa, bhodhi reZOC nemusi wa15 Gunyana rakazadzikisa kugadzwa kwaMunzwembiri saChef De Mission weZimbabwe Bali Beach Games 2023. Izvi zvakaitwa zvichifambirana nemitemo uye zvinangwa zveZOC Athletes Development and Support senzira yekuona kuti zvikwata zvemuZimbabwe zvawaniswa rutsigiro rwakakwana kuti zvizokwanisa kupinda mumakwikwi enyika dzepasi rose mugore ra2025. Munzwembiri ndiye zvekare sachigaro anoona nezvenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume kuZOC. “Ndiri kufara zvikuru nekusarudzwa kwandakaitwa muchirongwa ichi chemaWorld Beach Games 2023 uye ndiri kuvimbisa kushanda nesimba kuti tisimudzire mureza weZimbabwe munyaya dzezvemitambo,” anodaro Munzwembiri. “Kuburikidza nemitambo iyi, tine donzvo rekusimudzira chimiro chedu seZOC.” https://www.kwayedza.co.zw/munzwembiri-otungamirira-zim-kuworld-beach-games/ +sports Zemura akatamba, Bournemouth ikahwinha MUTAMBI wemaWarriors, Jordan Zemura, akatambira chikwata chake cheAFC Bournemouth svondo richangodarika apo chakabva kumashure ndokukunda cheNottingham Forest 3-2. Zemura akatanga arimo mumutambo uyu asi akazoburitswa pakapera chikamu chekutanga chemutambo uyu, apo vainge vakakundwa 2-0. Muchikamu chechipiri (second half), Bournemouth yakaburitsa Zemura ndokupinza Ryan Fredericks ndokurwa kusvika vahwina 3-2. Uyu wange uri mutambo wechipiri watambwa neBournemouth zvichitevera kudzingwa basa kwakaitwa Scott Parker svondo radarika mushure mekunge chadashurwa 9-0 neLiverpool. Mumutambo wekutanga wakatambwa neBournemouth Parker adzingwa, yakaita mangange 0-0 neWolverhampton Wanderers uye mutambo uyu, Zemura akatamba maminitsi 69 akazotsiviwa zvekare naFredericks. Tichitarisa vamwe vatambi vemaWarriors vakatamba svondo radarika kuzvikwata zvavo kuEurope, muEngland Division One Brendan Galloway akatambira chikwata chake chePlymouth Argyle apo chakakunda cheDerby County 3-2. Kuchitiwo muchinda Marshall Munetsi akatamba mutambo wose apo chikwata chake cheStade deReims chakaita mangange 1-1 necheLens mumutambo weLigue 1 kuFrance. https://www.kwayedza.co.zw/zemura-akatamba-bournemouth-ikahwinha/ +sports ‘Mhofu anoita’ VARAIRIDZI vakasiyana vezvikwata zvinokwikwidza muCastle Premiership vanoti vatsigiri venhabvu kana vaongorori vemutambo uyu vanofanirwa kupa Sunday “Mhofu” Chidzambwa rukudzo nekuti kubudirira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations harisi dambe. Izvi zvinotevera kushoropodzwa kwakaitwa Mhofu nevamwe vatsigiri venhabvu apo maWarriors akakundwa neEgypt 1-0 mumutambo wekutanga weAfcon kuEgypt nemusi weChishanu svondo rapera. Asi, vamwe varairidzi vezvikwata zvenhabvu vanoti Mhofu anofanirwa kurumbidzwa nekuve murairidzi wekutanga wemuZimbabwe kuenda nechikwata chenyika ichi kumakwikwi aya kaviri. Murairidzi weManica Diamonds — Luke “Vahombe” Masomere — anoti kushoropodza kunoitwa nevamwe vatsigiri venhabvu hakubatsire chinhu asi kunodzikisira mutambo uyu. Anoti Mhofu ndiye muridzi webasa iri uye vatambi vaanenge asarudza kuti vatambe ane zvikonzero zvaanenge avasarudzira. “MuAfrica muno mune nyika dzakawanda chaizvo asi zhinji dzacho hadziko kuAfcon, isu tiriko saka chinhu chikuru ichocho. Saka tikaenda kuAfcon tikanokundwa zvinoreva kuti takundwa nezvimwe zvikwata zviri pamberi pedu nekudaro ngatimbomire zvekutaura zvisina basa titsigire Mhofu nevakomana vedu. “Munhu asingazive zvenhabvu ndiye anomhanya pamberi kutaurisa zvaasingazive. Ngatimbomire kutaurisa tipe rutsigiro kuvakoma vedu uye nemutyairi wedu Mhofu kuti vabate basa. “Kukundwa kunotarisirwa munhabvu, kana vakaburitswa mumutambo uyu tongovatambira kuti ndizvo zvaitika, vodzoka votanga patsva kugadzirira makwishu anotevera kuti vagodzokera ikoko vave pane chimwe chidanho. Vakomana vedu vakatamba zvinonwisa mvura asi kungoti vakasangana nevamwe vatambi vepamusoro, asi pabhora chairo vaitamba zvaidadisa,” anodaro Masomere. Murairidzi weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti ino inguva yekuti vatsigiri venhabvu vabatane vachitsigira Mhofu nemaWarriors. “Munhabvu kana chikwata chako chaunorairidza chikahwina unopembedzwa asi kana chikakundwa unoshoropodzwa zvikuru wonzi ngaadzingwe basa. Asi, izvi zvakashata chose uye kana pane pakanganisika ngatidzidze kusimudzirana kwete kungoshoropodza. “Mhofu vari kuita basa rakanaka chose saka ngativape rutsigiro rwakakosha kunyangwe vakakundwa. Isu tinomira navo nekuti basa iri vanorinzwisisa. “Ngatibatane pane zvinenge zvangoitika uye zvinenge zvangoitikawo, asi ini semurairidzi ndinoziva kuti zvakakosha sei kutungamira nyika yako kuenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations. Hakuendeki zvekumhanya saka Mhofu vakatobata basa guru kuendako nemaWarriors,” anodaro Mafero. Rosemary Mugadza – uyo aimbove murairidzi wemaMighty Warriors – anoti Mhofu ari kuita basa rakanakisa chose asi mitambo mikuru yakadai seAfcon isati yasvika anofanirwa kupihwa nguva yakakura yekugadzirira nechikwata chake. Mugadza anoti kazhinji Mhofu haasi kumbopihwa nguva yakakura yekuita gadziriro nevatambi vake. “Mhofu vari kuita basa rakanaka, kana mitambo yemaWarriors yandaona yekuAfcon chikwata chaitamba zvinonwisa mvura asi nguva yakakwana yekunyatsogadzirira mitambo iyi havasi kuipihwa, ichi ndicho chokwadi. “Kana vachipinda mumutambo mikuru inenge iyi, vanofanirwa kupinda mukembi kwenguva ndefu nechikwata chavo vonyatsoshanda nacho vochibika uye votamba mitambo yakawanda yehushamwari. Asi, handizvo zviri kuitika. Kazhinji panguva yemitambo yehushamwari pakarenda reFifa maWarriors edu haaungane kutamba, ndipo ipapo Mhofu anofanirwa kunge ane chikwata chake achichiongorora achitarisa vamwe vatambi achigadzirira mitambo mikuru yakaita seAfcon,” anodaro Mugadza. MaWarriors kuAfcon ari muboka rimwechete reGroup A rine zvimwe zvikwata zvinoti Egypt, Uganda neDemocratic Republic of Congo (DRC). https://www.kwayedza.co.zw/mhofu-anoita/ +sports ‘Ndamirira Ambunda’ SHASHA yetsiva Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti zvishuvo zvemwoyo zvake zvave kuzadzikiswa apo achasangana nemutambi wekuNamibia, Paulus “The Rock” Ambunda, pazuva rekupemberera Zimbabwe kuwana kuzvitonga kuzere. Mwedzi yadarika, Kwayedza yakaita hurukuro naMwadziwana achiti anoshuvira kumbosangana naAmbunda uyo waanoti anotamba tsiva yepamusoro yaanoyemura zvikuru. Mwadziwana anoti izvi ndizvo zvakazotuma mamwe mapuromota kuti abatane aronge mutambo uyu uchamuona achisangana naAmbunda musi wa18 Kubvumbi kuMbare Netball Complex vachirwira bhande reWorld Africa Boxing Association Super Bantamweight World Title. “Ndiri kunzwa manyuku-nyuku zvikuru nekuti mutambo wandainge ndakamirira hupenyu hwangu wazouya manje. Paulus Ambunda mutambi mukuru wetsiva muAfrica muno. “Uyu mutambo wandaigara ndichingoshuvira uye ndinotarisira kuti ndikauhwina uchandisvitsa pane rimwe danho hombe chairo,” anodaro Mwadziwana. Maneja wake, Clyde Musonda anoti gadziriro dzemutambo uyu dzave padanho repamusoro. “Chairman makore adarika ndiye mumwe wevatambi vetsiva vemuno vange vachidadisa uye tinofara nekusimukira kwaari kuita. Musi wa18 Kubvumbi, achasangana naAmbunda kuMbare Netball Complex uko kunobva Chairman saka tinoziva kuti chaunga chichauya kuzopemberera mwana wacho wemuMbare,” anodaro Musonda. Mwadziwana kusvika parizvino arwa mitambo 30 ndokuhwina 18, akakundwa mimwe 12 yacho. Ambunda arwawo mitambo 30 ndokuhwina 27, ndokukundwa mitatu chete. https://www.kwayedza.co.zw/ndamirira-ambunda/ +sports Mhirizhonga yamisa mitambo yePSL PREMIER Soccer League inoti yambomisa mitambo yose yenhabvu yeCastle Premiership nekuda kwemhirizhonga iyo iri kukonzera kuti mimwe mitambo isapere zvakanaka. Danho iri rinotevera mhirizhonga yakaitika kunhandare yeBabourfields kuBulawayo nemusi weSvondo pamutambo weHighlanders neDynamos izvo zvakaona mutambo uyu uchitadza kupera. Muchinyorwa, chamangwiza wePSL – Kennedy Ndebele – anoti vamisa mitambo zvichitevera kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga. “Nekuda kwemhirizhonga iyo iri kuitika kumitambo yakasiyana, izvo zviri kuzosvibisa nhabvu yedu, tatora danho rekuzivisa kuti mitambo yose yePSL yambomiswa. Tichazokuzivisai kuti ichadzoka rinhi. “Iye zvino tave kuita hurukuro nevanochengetedza mutemo vanosanganisira Zimbabwe Republic Police (ZRP), vanochengetedza mitemo kuzvikwata zvakasiyana nevaridzi venhandare kuti titsvage nzira dzekupedza mhirizhonga iyi. “Tinotora mukana uno kukumbira ruregerero kuvatsigiri, vakotsveri vedu nevose vane chekuita nenhabvu. Tinovimbisa kuti tichagadzirisa nyaya iyi,” anodaro Ndebele. Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields pamutambo weHighlanders neDynamos nemusi weSvondo wadarika Anoti iye zvino vazivisa zvikwata zveHighlanders neDynamos kuti vavanyorere vachitsanangura kuti zvakafamba sei musi weSvondo wadarika. Mhirizhonga iyi yakaona vatsigiri vezvikwata zviviri izvi vachipinda munhandare mutambo usati wapera zvikakonzeresa kuti umiswe apo Bosso yainge yakatungamira 1-0. Masvondo adarika kuMandava Stadium kuZvishavane, mutambo weFC Platinum neHighlanders wakatadza kupera zvekare zvichitevera mhirizhonga apo FC Platinum yainge yapihwa pena. Vatsigiri veBosso vakapinda munhandare vachinyunyuta. https://www.kwayedza.co.zw/mhirizhonga-yamisa-mitambo-yepsl/ +sports Rodriguez odzika midzi kuMunich (27) acharamba ari kuBayern Munich kusvika mwaka wegore rino wapera uye haasi kuzoenda kuArsenal kana, kuNapoli mwedzi uno. Chizvarwa chekuColombia ichi, chiri kuBayern kwemwaka miviri nechikwereti kubva kuReal Madrid uye haasi kunyatsotamba sezvaangade achirairidzwa naNiko Kovac mwaka uno. Akatadza kutamba mitambo mitanhatu yeBundesliga nemiviri yeChampions League mushure mekunge akuvara gumbo rake munaMbudzi ndokuzodzoka svondo radarika apo vakakunda Hoffenheim. Mamiriro ezvinhu aya ndiwo akaita kuti pabude mashoko ekuti anogona kuenda kuArsenal kana kuti kuNapoli mwedzi uno kuti atambe kakawanda. Asi, sekutaura kweESPN FC, Rodriguez acharamba ari kuBayern kusvika kondirakiti yake yapera panopera mwaka uno uye anogona kuramba ariko mwaka unotevera. Zvimwe zviri mukondirakiti iyi zvakawiriranwa mugore ra2017, zvinotaura kuti Bayern inofanirwa kutenga mutambi uyu yobhadhara mari inosvika 37 miriyoni paunzi. Rodriguez akwanisa kunwisa katatu nekubatsira vamwe vatambi kunwisa kaviri mumitambo 12 yaatambira chikwata cheBavaria ichi mwaka uno. Anoshanda zvakanaka nemurairidzi weNapoli Carlo Ancelotti uyo waakashanda naye kuReal Madrid neBayern, asi hazvizivikanwe kuti vaviri ava vachasanganiswa zvakare here. – SportsMail Football https://www.kwayedza.co.zw/rodriguez-odzika-midzi-kumunich/ +sports Tinosvika kure: fc Platinum SHASHA yeCastle Premiership, FC Platinum, inoti shuviro yayo kuti ive chimwe chechikwata zvikuru muAfrica yese kuburikidza nekutamba nhabvu yepamusoro-soro. Pure Platinum Play, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, ndiyo iri kutungamira palog reCastle Premiership uye yasarirwa nemitambo 10 kuti ichengetedze mukombe wayo uyo yakahwinha mwaka wadarika. Ikakwanisa kuzviita zvakare mwaka uno inobva yapinda muboka rine zvikwata zvinoti Dynamos, CAPS UNITED neHighlanders izvo zvakakwanisa kuchengetedza mukombe uyu mushure mekunge zvauhwinha kubva gore ra1980. Kuhwina kwakaita Platinum mukombe uyu gore radarika, yakabva yaita chikwata chekutanga chisiri chemuHarare neBulawayo kutora mukombe uyu. Mukushi wemashoko weFC Platinum, Chido Chizondo, anoti hurongwa hwavo ndewekurwira kuti vave shasha dzemuZimbabwe uye nekuvewo chimwe chezvikwata zvikuru muAfrica. https://www.kwayedza.co.zw/tinosvika-kure-fc-platinum/ +sports Votatsurana mumitambo yenaph makuwerere nomusi weChishanu chino paAlfred Beit Primary, muHarare, apo shasha dzakakunda mumitambo yakasiyana yezvikoro zviri mudunhu reHarare dzichange dzichitatsurana. Kwayedza neMuvhuro uno yakashanyira zvikwata zvakanga zviri kukwikwidza pachidanho chedistrict zviri pasi peMbare-Hatfield District pachikoro cheNettleton Junior ndokuita hurukuro nazvo. Mai Lilian Chidovori Tadzingwa, avo vanova sports director paNettleton Junior, vanoti vanasikana vazhinji vepachikoro chavo vakasarudzwa kukwikwidza mumitambo yebhora (ball games). “Tine chivimbo chekunokunda, saka pachidanho ichi sangano reNational Association of Primary School Heads (NAPH) ndiro richasarudza chikwata chichanomiririra Harare Province pakati pematunhu manomwe ari muHarare. Pamakwikwi atakaita, takasangana nezvimwe zvikoro musi wa8 Chikumi paDavid Livingstone School tikatora nhamba yetatu mumitambo yebhora pakati pezvikoro zvinomwe,” vanodaro. Vanoenderera mberi vachiti, “Mukuru wechikoro cheNettleton, VaLeo Busvumani, vanotsigira zvikuru nyaya dzemitambo uye temu ino vakatenga mabhora matsva, zvekushandisa mumitambo yehockey nemimwe midziyo yakawanda. Pachikoro chedu tine vana vane matarenda akawanda zvikuru nekuti handi vose vanogona muchikoro. Saka sevarairidzi, zvakakosha kuti ticherechedze zvimwe zvipo zviri muvana.” Vanoti sevarairidzi, vanofundisa vana mitambo yakasiyana. Vanoshuvira kuti kudai zvikoro zvakwanisa kuvawanisa rutsigiro rwekuti vanofundiswa humwe hunyanzvi hutsva maringe nezvemitambo. VaNobert Mudzikati, vanova district coach kumitambo yenhabvu yevasikana, vanoti vanofara kusimudzira vane matarenda emutambo uyu. “Pano tine chikwata chakasimba uye tinovimba kuti tichakunda zvisinei nekuti hatina hedu kuwana nguva yakakwana yekufundira,” vanodaro. Makwikwi emhando iyi anogaroitwa gore negore achitsigirwa neNAPH. https://www.kwayedza.co.zw/votatsurana-mumitambo-yenaph/ +sports ‘Nhabvu inoda vatsigiri vemari’ ZVIKWATA zvenhabvu zvinokwikwidza muCastle Lager Premiership zviri kukurudzirwa kuti zvitsvage vanozvitsigira nemari kana zvichida kuti zvirarame muPSL. Kurudziro iyi yakaitwa nemutariri wePremier Soccer League, Kudzai Bare, nemusi weMuvhuro uno apo pakaitwa draw reChibuku Super Cup semi-final muHarare. Achitaura neKwayedza, Bare anoti zvinozivikanwa kuti mari inohwiniswa zvikwata zvemuno ishoma, nekudaro zvikwata izvi zvinofanirwa kuzvitsvagira vatsigiri vanozozvibatsira nemari. “Igaroziva kuti mari inohwiniswa ishoma asi zvikwata zvinokwikwidza muno hazvifanirwe kutambira nhabvu zvichiti zviri kutambira mari iyoyo nekuti haitombokwani kuchengetedza chikwata kwemwaka mumwe chete. “Saka chikwata chipi nechipi chine basa guru rekuzvitsvagira vakotsveri vanodira mari kuti chigorarama uye chisimbe. Ndizvo chete zvinodiwa sezviri kuita zvimwe zvikwata zvakaita seChicken Inn,” anodaro Bare. Gore rapera, chikwata chakasimudza mukombe wePSL chakahwiniswa $100 000 kozoti chakahwina weChibuku Super Cup chikapihwa $75 000 asi gore rino kambani inotsigira aya, yeDelta Beverages, inoti ichawedzera mari iyi kakapetwa katatu. Bare anorumbidza Delta nekutsigira kwairi kuita mutambo wenhabvu. “Sekuziva kunoita munhu wose, Delta ikambani hombe zvikurusa uye mabhajeti avo anoitwa gore richitanga saka zvinonetsa kuti tivapemhe kuti wedzerai imwe mari. Izvi zvinorongwa gore richitanga uye hapana aiziva kuti zvinhu zvichazomira semamiriro azvaita,” anodaro Bare. Zvakadaro, semi-final yeChibuku Super Cup – iyo ichatambwa svondo rino – ichaona ZPC Kariba ichisangana neHighlanders kozoti Harare City kana kuti Triangle ichasangana neNgezi Platinum Stars. Chikwata chichahwinha pakati peHarare City neTriangle ndicho chichazosangana neNgezi Platinum. https://www.kwayedza.co.zw/nhabvu-inoda-vatsigiri-vemari-2/ +sports ZC yamirira Afghanistan SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) rinoti rakanyorera kuHurumende richikumbira mvumo yekuti mutambo wemaChevrons neAfghanistan uenderere mberi mukupera kwemwedzi uno. Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nesangano reInternational Cricket Council (ICC) nguva pfupi yadarika kuti riri kuronga kudzosa mutambo uyu sezvo mitambo pasi rose yaive yambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19. Nyika zhinji dzakatotanga kuita gadziriro yecricket kusanganisira maChevrons ayo akatanga gadziriro dzawo dzekusangana neAfghanistan nguva yadarika. Chikwata chemaChevrons chinofanirwa kusangana neAfghanistan uye neIndia asi mutambo weIndia wakambomiswa sezvo nyika iyi ichiti haisati yatora danho rekuti mitambo yakasiyana ichitanga zvakare. Muhurukuro neKwayedza, mutauriri weZC Darlington Majonga anoti sangano ravo riri kumhanya-mhanya kugadzirira kuti panouya chikwata cheAfghanistan pasawanikwe chinokanganisa mutambo wezvikwata zviviri izvi. “Takanyorera kuHurumende yedu tichizivisa nezvemutambo uyu saka takamirira kunzwa kubva kwavari kuti vanotitendera here kuti uendere mberi. Isuwo kudivi kwedu tiri kumhanya-mhanya kugadzirisa zvose zvinodiwa kuti mutambo ugotambwa zvakanaka pasina chinokanganisa kana chinoita kuti denda recoronavirus ritapukire,” anodaro Majonga. Kana Hurumende ikatendera kuti mutambo uyu uenderere mberi, chikwata cheAfghanistan chinenge chave kutarisirwa kusvika muno masvondo maviri anotevera. Panouya chikwata ichi, vatambi vacho vachambogara mazuva 14 kunzvimbo yavo voga vachiongororwa kuti havana here hutachiona hwecoronavirus sezvinodiwa nemutemo wenyika ino. Majonga anoti gwaro rakabva kuICC rinoti zvikwata zvinoenda kunosangana nedzimwe nyika, vatambi vacho vanosvika vachimbogara mazuva 14 vari kwavo voga vachiongororwa utano hwavo. “Mutemo wavepo uri kungoitwa kunyika dzese, Afghanistan painosvika kuno vatambi uye nevarairidzi vacho vese vanosvika vombogara mazuva 14 mu’quarantine’. Izvi tiri kuzviita senzira yekubatsira kuti coronavirus isapararire saka tiri kutevedzera mitemo yese yeWHO, yeHurumende uye neyeICC,” anodaro Majonga. Zvakadai, ZC yakazivisawo kuti sangano iri nereCricket Australia zvakawirirana kuti mutambo wezvikwata zvavo weOne Day International uyo waifanirwa kutambwa munaNyamavhuvhu umbomiswa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Akafanobata chigaro chamanaging director weZC, Givemore Makoni anoti, “Tange tichitarisira chaizvo kusangana neAustralia asi tichitarisa mamiriro akazvakaita takazviona zvakakodzera kumbomisa mutambo toronga patsva mamwe mazuva ekuutamba.” Achitaurawo chamangwiza weCricket Australia, Nick Hockley anoti, “Takanetseka kuti takasvika pakukanzura mutambo uyu, asi CA neZC takawirirana kuti ndiyo nzira yekutora kuti tikwanise kuchengetedza hupenyu hwevatambi vedu, vatsigiri uye vanoshanda vachibatsira pakuronga mitambo. “Isu takazvipira kuramba tichishanda neZimbabwe Cricket pakuronga mazuva matsva ekutamba mutambo uyu.” https://www.kwayedza.co.zw/zc-yamirira-afghanistan/ +sports Lionel Messi Anotungamira Argentina Kupinda muSemifainari yeWorld Cup Mushure meKurova Netherlands muMapenareti Argentina yaita chikwata chepiri kupinda musemifainari yemukombe wepasi rose weFIFA World Cup 2022 uri kutambirwa kuQatar, mushure mekukunda Netherlands 4-3 mumapenareti. Zvikwata izvi zvanga zvapedza zviri mangange munguva dzemaminitsi makumi mapfumbamwe, ndokupinda munguva yawedzerwa, kana kuti extra time, mutambo wakaramba uri mangange 2-2. Lionel Messi, uyo anga akatarisirwa nevakawanda kuti ndiye achafambisa injini yeArgentina, haana zvake kurasisa vangadai vanga vabheja vachimutemba sezvo atamba zvinonwisa mvura, uye kunwisa penareti yeArgentina yekutanga. Mubati wepagedhi weArgentina, Emiliano Martinez, ashurawo mare mushure mekubata mapenareti maviri ekutanga eNetherlands, ukuwo chikwata chake chichinwisa matatu ekutanga. Argentina yave kusangana neCroatia nemusi weChipiri musemifainari yekutanga. Mugovera kune mitambo miviri yemakotafainari yanga yasara, wekutanga uri pakati peMorocco nePortugal, kuchizotevera mumwe pakati peEngland neFrance. https://www.voashona.com/a/6870084.html +sports Tine hasha: dynamos MURAIRIDZI weDynamos FC – Lloyd “Mablanyo” Chigowe — anoti veruzhinji ngavasatarisire chikwata chake pasi vachifunga kuti chapera zvichitevera kusatamba zvakanaka kwachakaita mwaka wapera sezvo gore rino chiri kudzoka zvine mutsindo uye chine huturu hukuru. Mwaka wa2018, vatsigiri vazhinji vechikwata ichi vanoda kukanganwa nezvawo nekuti aive marwadzo chete kuDeMbare iyo yakapedza gore rose ichirwisa kuti isaburitswe muligi reCastle Premierhip. Apo zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo kuDynamos, zvakaona hutungamiri hwechikwata ichi vachidzinga Lloyd Mutasa semurairidzi kaviri achitsiviwa naBiggie Zuze asi haana kusvika kure sezvo naiyewo akadzingwa basa zvakare. Chigowe ndiye akabva azogadzwa pachigaro chinopisa ichi. Mwaka wegore rino usati watanga, vamwe vatsigiri venhabvu vange vachitoti gore rino hakuna cheDeMbare asi Chigowe anozviramba achiti vanhu ngavasataure bhora risati ratambwa. “Chekutanga, vanhu vanofanirwa kuziva kuti gore ra2017 takapedza tiri pechipiri, takatombotungamira kwenguva refu asi zvikazongodhakwa pakupedzisira. Saka ngavasafunge kuti tiri mumatope nekuti 2018 hazvina kuti fambira zvakanaka. “Pamwe pese apa zvaingoendeka wani, zvozongonzi nekuti mwaka mumwe chete zvatotidhakira? “Handifunge kudaro,” anodaro Chigowe. Anoti mwaka uno vari kuda kurwa semvumba vadzokere pachigaro chavo chaicho chemunhabvu muZimbabwe. “Zvegore radarika zvakatodarika, zvimwe zvikwata ngazvisafunge kuti ticharamba takadaro. “Tadzoka tashanduka uye tine huturu hukuru,” anodaro. Kutaura kuno chikwata ichi chiri pakati pekuvaka uye vatambi vakaita saKudzanayi Dhemere, Jimmy Tigere, Tawanda Macheke, Simba Chinani naGodfrey Mukambi vamwe vanotarisirwa kuchisumudzira mwaka uno. Vamwe vatambi vakaita saEdward Sadomba naArchford Gutu – avo vakambotambira chikwata ichi kare – vanogona kudzoswa kuzochitambira zvakare. https://www.kwayedza.co.zw/tine-hasha-dynamos/ +sports Ndinofarira Man U: Hadebe MUTAMBI wemaWarriors neYeni Malatyaspor yekuTurkey, Teenage Hadebe, anoti shuviro yake kuti agotamba mumakwikwi eUEFA Champions League uye nekuzotambira Manchester United mune remangwana. Hadebe mumwe wevatambi vemaWarriors vanotambira nhabvu yavo kuEurope uko akatanga kutambira mwaka uno achibva kuKaizer Chiefs yekuSouth Africa. Kuenda kwaakaita achinotambira kuTurkey, mutambi uyu akabva aita chizvarwa chemuZimbabwe chechipiri kutamba nhabvu kuTurkey Super Lig, achitevera matsimba aNorman Mapeza uyo akambotambira Galatasaray inove chimwe chezvikwata zvikuru kunyika iyi. Achitaura neKwayedza nemusi weChishanu chadarika apo maWarriors akaita mangange 0-0 neBotswana kunhandare yeNational Sports Stadium, Hadebe anoti agadzikana kuYeni Malatyaspor. “Ndiri kufara chaizvo nemafambiro ari kuita hupenyu kuTurkey. Ndakatambirwa zvakanaka zvikuru kuchikwata changu uye ndoda kuramba ndichisimukira ndiriko kusvika ndave kutamba mumakwikwi eUEFA Champions League. Uyu mutambo unotambwa nezvikwata zvikuru nevatambi vakuru ndimo mavanotamba, saka iniwo ndoda kumutambawo neYeni Malatyaspor,” anodaro. Anoti achazvipa makore matatu achitamba kuTurkey uye kana adarika shuviro yake kuenda kunotambira kuEngland. “Ndichazvipa makore matatu ndiri kuYeni Malatyaspor ndichinyatsobikwa ndichijairirawo muEurope ndochimbonotambira kune imwe nyika. Kana zvikafamba zvakanaka ndoda kuzotambira Manchester United nekuti ndicho chikwata changu chandinotsigira pasi rose. Izvezvi Manchester United zvinhu hazvisi kuifambira zvakanaka asi ndoshuvira kuzoitambira mune ramangwana,” anodaro Hadebe. Makwikwi eUEFA Champions League ndeemitambo mikuru inoteverwa pasi rose nezvikwata zvikuru zvekuEurope zvinosanganisira Liverpool, Barcelona, Real Madrid, Bayern Munich, Paris Saint-Germain, Juventus uye nevatambi vanoti Cristiano Ronaldo, Lionel Messi, Robert Lewandoswki, Kylian Mbappe, Mohamed Salah, Sadio Mane naRiyad Mahrez. Mutambi wenhabvu wekupedzisira kubva muZimbabwe kutambawo muUEFA Champions League ndiMarvelous Nakamba uyo akambotambamo gore radarika achiri kuClub Brugge yekuBelgium. Hadebe anoti Nakamba muenzaniso wakanaka kwaari nevamwe vatambi venhabvu vakawanda vemuno uye vazhinji vanoshuvira kusvika paave. “Kwatiri sevatambi venhabvu, Nakamba muenzaniso wakanaka uye tese tinodawo kusvika paave. Tinoshuvirawo kuzotambirawo muEngland nerimwe zuva tichitevera matsimba ake,” anodaro Hadebe. Kusvika parizvino muSuper Lig, Yeni Malatyaspor yatamba mitambo 11 uye Hadebe akwanisa kutamba mitambo misere uye akavhoterwa kuve muchikwata chemwedzi waGumiguru. Anoti chiremera ichi chinorakidza kuti ari kufamba mugwara chairo kuTurkey nekudaro acharamba achishanda nesimba. “Kubva ndaenda kuTurkey, ndakambopinda muchikwata chakatamba nhabvu chaive chiri muTeam of the week uye ndikazopinda muTeam of the month yaGumiguru. Zvinorakidza kuti ndiri kutamba zvinonwisa mvura uye ndiri kufamba mugwara chairo,” anodaro. Muchinda uyu ari muchikwata chemaWarriors icho chiri kurwira kuenda kumutambo we2021 Africa Cup of Nations. Akatanga kusarudzwa kuti atambire mumakwikwi aya mugore ra2017 asi haana kutamba kana mutambo mumwechete. Hadebe akazodzokera kuAfcon gore rino kuEgpyt uko akatamba mumutambo wekutanga achimaka Mohamed Salah. https://www.kwayedza.co.zw/ndinofarira-man-u-hadebe/ +sports Kaka odzoka munhabvu wenhabvu weBrazil, Kaka, anonzi ari kutarisirwa kudzoka kuzotambira chikwata cheMonza icho chiri kutungamirwa naSilvio Berlusconi. Shasha iyi yakasendeka shangu dzenhabvu gore radarika mushure mekutamba kwemakore akawanda, asi ari kunzi ari kudiwa naBerlusconi uyo aimbove muridzi weAC Milan. Berlusconi ari kuda kuonekwa simba rake zvichitevera kutenga kwaakaita chikwata ichi chemuSerie C. Sekutaura kwebepanhau rekuSpain, Marca, Berlusconi anofarira Kaka zvikuru zvichitevera nguva yavakashanda vese kuMilan uye ari kuda kuti mutambi uyu abatsire Monza kuti isimudzirwe mwaka uno. Kaka zvinonzi ari kudawo kuenda kuchikwata ichi nekuda kwekushanda zvakanaka kwaakaita naBerlusconi kuSan Siro, uko kwaakagara makore matanhatu kubva 2003 kusvika 2009, ndokuzombodzoka mugore ra2013. Parizvino haana chikwata chaari kutambira zvichitevera makore matatu aakatambira Orlando City yemuMLS. Mutambi uyu anozivikanwa nematambiro anonwisa mvura uye achinwisa zvinodadisa. Kaka akahwina mubairo weBallon d’Or uye akambotambira chikwata cheReal Madrid chekuSpain. Berlusconi akatengesa AC Milan makore maviri adarika, iye zvino kambani yake yeFininvest yakazivisa svondo radarika kuti yakange yapedza kutenga chikwata ichi nemari inosvika 2,2 miriyoni paunzi asi inogona kusvika ku2,6 miriyoni. Berlusconi – uyo aimbove prime minister weItaly – akatengesa AC Milan kune kambani yekuChina nemari inosvika $800 miriyoni mugore ra2017. – Sportsmail Football https://www.kwayedza.co.zw/kaka-odzoka-munhabvu/ +sports Chatsva kuBulawayo . . . Bosso yotatsurana neDeMbare Ndooka KUNOTSVA demo kugosara mupinyi kunhandare yeBabourfields Stadium kuBulawayo nemusi weSvondo uko makara asingaonane — Highlanders neDynamos — zvichatatsurana mumutambo weCastle Premiership uyo vazhinji vanoziva seBattle of Zimbabwe kana kuti Zim Derby. Zvikwata zviviri izvi kubva kare pazvinonosangana panotambwa nhabvu inonwisa mvura. Makwishu aya ari kuuya kwapera masvondo mashoma zvichitevera kusangana kwakaita zvikwata izvi mumutambo weIndependence Trophy uyo wakahwinwa neBosso 1-0. Murairidzi weDeMbare, Tonderai “Stanza” Ndiraya, anoti mutambo uyu mukuru kuchikwata chake. “Tiri kudzokera kuBulawayo zvekare mwedzi usati wambodarika kunosangana neBosso mumutambo mukuru uyu uyo watinogara tichitarisira makore ese. “Tinoremekedza mutambo uyu nekudaro tichaukoshesa zvikuru. Patakapedzisira kuenda kunhandare iyi, hazvina kutifambira zvakanaka. Saka tinovimba kuti svondo rino zvichatinakirawo,” anodaro Ndiraya. DeMbare pari zvino ndiyo iri kutungamira palog muPSL kubva pamitambo 14 yatambwa. Asi, mumutambo wayo wekupedzisira yakaita mangange 1-1 neBulawayo City kunhandare yeNational Sports Stadium muguta reHarare. Ndiraya anoti mune mimwe mitambo yavo yadarika, vange vachitora zvibodzwa zvese uye vane tarisiro yekuti izvi zvirambe zvichiitika. “Hongu, takarasa zvibodzwa tiri pamusha svondo radarika, zvinowanikwa. Mune mimwe mitambo yedu yakatamba tiri kunze, tange tichitora zvibodzwa zvese. Saka zviri kutisunda kuti tishande nesimba takatarisana nemutambo wedu uyu wemusi weSvondo,” anodaro Ndiraya. Murairidzi weBosso, Mandla Mpofu, anoti vari mushishi kuita gadziriro dzechikwata chavo vakatarisana nemutambo uyu. Mandla Mpofu “Tiri mushishi kuita gadziriro dzemutambo wedu mukuru watakatarisana nawo neDeMbare. Tinozosununguka kutaura zvakawanda nemusi weChina chete apo tinotenderwa kutaura nevatori venhau,” anodaro Mpofu. Bosso pari zvino yakagara pechi11 palog rePSL uye yakwanisa kuwana zvibodzwa 16 kubva pamitambo 13. Zvikwata zviviri izvi pazvakapedzisira kusangana mumutambo wePSL uyo wakatambirwa muHarare mugore ra2019, wakapera ari mangange 1-1. Kune mimwe mitambo iriko svondo rino, FC Platinum ichatatsurana nechikwata cheMiracle Boys kana kuti Yadah Stars nemusi weChishanu kuNational Sports Stadium. Kuchiti nemusi weSvondo zvekare, CAPS ‘Kepe-kepe’ United ichange iri pamusha apo ichasangana neChicken Inn kunhandare yeNational Sports Stadium. Chicken Inn ndiyo iri pechipiri palogo rePSL apo yakasiiwa neDembare nezvibodzwa zviviri chete kubva pamitambo 14 yayatamba. https://www.kwayedza.co.zw/chatsva-kubulawayo-bosso-yotatsurana-nedembare/ +sports MaGems ogadzirira remangwana VAMWE vatambi venetball vemuchikwata chenyika chemaGems vari kugadzirira ramangwana ravo kuburikidza nekuenda kuchikoro uko vari kuita zvidzidzo zvakasiyana-siyana. Vatambi ava vanosanganisira kaputeni wechikwata ichi Felistus Kwangwa uyo ari kuita zvidzidzo zveEconomic History paUniversity of Zimbabwe, kozoti Claris Kwaramba ari kuitawo zvidzidzo zvemutemo payunivhesiti imwechete iyi zvakare. Achitaura neKwayedza svondo rino muHarare pamhemberero dzekudzoka kwemaGems kubva kuSouth Africa uko vainge vaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Netball Championships, Kwangwa anoti semaGems vari kukurudzirana kuti vaende kuchikoro vanodzidza kuitira ramangwana ravo. Kwangwa anoti dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu uye anokoshesa fundo yake zvekuti paanenge asingatambe netball anenge achiverenga mabhuku. “Chokwadi dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu, unofanirwa kudzidza. SemaGems tinokurudzirana kuti ngatidzidzei uye tigadzirire remangwana redu,” anodaro. Kwangwa anoti dhigirii rake raari kuita reEconomic History anogona kuzoshanda mabasa anosanganisira kuve muzvinhanhorowondo (Historian), muongorori wemamiriro ezvenyaya dzehupfumi (Economic analyst) kana kuita zvetsvakurudzo (researcher). Anoti ari kutarisira remangwana rake rakanaka nekudaro ari kushanda nesimba kuti agobudirira mufundo yake. “Dhigirii randiri kudzidza ndinogona kuita mabasa akasiyana saka ndiri kuvavarira kuti ndipedze uye kana ndave naro ndotanga kushanda. “Asi hazvireve kuti ndichabva ndasiya kutamba netball nekuti mwoyo wangu uri pamutambo uyu uye ndichashanda nesimba kuti ndizviite zviri zvese,” anodaro Kwangwa. Zvakadaro, chikwata chemaGems chakapedza chiri pechina kumakwishu eAfrica Netball Championship chiri kumashure kweSouth Africa. https://www.kwayedza.co.zw/magems-ogadzirira-remangwana/ +sports Kakomana kanetsa ne’motor-cross’ SHASHA yechidiki yemujaho wemotor-cross Emmanuel Bako (13) inoti inoshuvira zvikuru kuti rimwe remazuva izopihwa chiremerera chekuve shangwiti munyika muno mune zvemitambo. Emmanuel, uyo anove nyanzvi inozivikanwa mumutambo uyu achihwina mibairo yakasiyana muZimbabwe nekunyika dzekunze dzinosanganisira South Africa, anoti akamirira kudzoka kwemutambo uyu zvichitevera kumiswa kwawakaitwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Anoti gore rino range richirakidza kuve rake sezvo aitarisira kuhwina mijaho yakawanda asi zvose zvakaenda mudondo nekuda kwechirwere ichi. “Gore rino zvange zvakaoma kugara tisingakwikwidze, ini ndihwo hupenyu hwangu asi ndave nemufaro mukuru kuti mutambo uyu wave kudzoka sezvo tine tarisiro yekuti tichatanga kukwikwidza zvekare munguva iri kutevera. “Ndinotenda Hurumende yedu nekuti yakatipa mvumo yekuita gadziriro saka ndiri kuita gadziriro pakupera kwevhiki rega-rega musi weMugovera neSvondo kuDonnybrook Raceway. “Zvatakanzwa kuti mutambo uyu wave kudzoka iye zvino tave kutosimbaradza gadziriro dzacho nekuti ndinoda kuramba ndichisimukira,” anodaro Emmanuel. Emmanuel akatanga kukwikwidza mumujaho wemotor cross aine makore mana ekuberekwa achirairidzwa naStanley Mugiyo uyo nanhasi anove murairidzi wake. Anoti motor-cross ndiwo hupenyu hwake uye acharamba achishanda nesimba sezvo anoda kunokwikwidza kuEurope, Asia nekuAmerica. “Shuviro yangu kuti rimwe remazuva ndizopihwawo chiremerera munyika yangu chekuve gamba mune zvemitambo saka ndinoramba ndichishanda nesimba,” anodaro. Baba vake, Brighton Bako avo vanove mutsigiri wake mukuru, vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire zvipo zvevana vavo. “Sevabereki, ibasa redu kuti titsigire vana vedu pane zvose zvavanoda kuita muhupenyu hwavo. Mitambo yakasiyana yava nemari zhinji saka ukaona kuti mwana wako ane chipo chemitambo yakasiyana mutsigire nekuti hauzive kuti mangwana zvinofamba sei,” anodaro Brighton. Gore rino, Emmanuel akakwikwidza kuSouth Africa akahwina mujaho we85CC (big wheel) Inland Championship. https://www.kwayedza.co.zw/kakomana-kanetsa-nemotor-cross/ +sports Munetsi azunza mambure kuFrance  MUTAMBI wemaWarriors, Marshall Munetsi anwisa nhasi manheru apo chikwata chake cheStade de Reims chakunda cheAngers 4-2 mumutambo weFrench Ligue 1. Mutambo uyu ndiwo wekutanga wahwinwa neReims mwaka uno kubva mumitambo mishanu yayatamba. Mumutambo uyu, Munetsi ndiye avhurira kunwisa mutambo watambwa maminitsi 23 uye chikwata chake ndicho chatungamira kusvika mutambo wapera. Kusvika pari zvino chikwata chaMunetsi chatamba mitambo mishanu iyo yaona chikukundwa miviri ndokuita mangange miviri nekuhwina mumwe chete. Wekutanga chakakundwa 4-1 neMarseille, ndokuzokundwa 4-2 neClermont uye ndokuita mangange 1-1 neStrasbourg neLyon. https://www.kwayedza.co.zw/munetsi-azunza-mambure-kufrance/ +sports Vatsigiri vopemhera vatambi mari VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvakasiyana vobatana mukubatsira vatambi vemutambo uyu kuburikidza nekuunganidza mari nechikafu zvekuti vawane raramo. Mitambo mizhinji, kusanganisira nhabvu, pari zvino yakambomiswa nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Izvi zvaita kuti vatambi vakawanda vaomerwe nehupenyu sezvo vachiwana raramo yavo kubva kumutambo wenhabvu. Mutungamiriri wesangano reFriends of the Warriors, Edward Chimedza, anoti sevatsigiri venhabvu vari kuita musangano svondo rino pamasai-sai (virtual meeting) apo vachakurukura nemasangano akasiyana evatsigiri vachironga kuti vobatsira sei vatambi venhabvu panguva ino. “Isu tine rudo nemutambo wenhabvu uye kutaura chokwadi chirwere cheCovid-19 chakanganisa zvakawanda. Saka isu sevatsigiri venhabvu tiri kubatsirawo nepatinogona vatambi vakasiyana panguva ino zvinhu zvakaoma kudai,” anodaro Chimedza. Mashoko ake anotsinhirwa naChris “Romario” Musekiwa anove organising secretary wesangano reZimbabwe National Soccer Supporters Association achiti kuuya kweCovid-19 kwakanganisa zvakawanda munyika muno nepasi rose. “Hatina kumbozvifungira kuti tingasvike patave iye zvino munyika zvinhu zvakaoma kudai zvakonzereswa neCovid-19. Asi isu tinoziva nhabvu ichitiunzira mufaro mukuru kwazvo kwatiri uye ichitibatanidza nevanhu vakawanda. Saka nehuwandu hwedu tiri kurangana kuti tigobatsirawo vatambi vakasiyana kuburikidza nekuvatsigira chikafu. “Nguva yatiri yakaoma saka tinofanira kuvarangarirawo vazive kuti isu vatsigiri vavo tine rudo navo,” anodaro. Anoti ngachive chidzidzo chikuru kuzvikwata zvinokwikwidza muPremier Soccer League kuti zvinofanira kugara zvakarongeka zviine homwe yemari kuitira kuti kana zvinhu zvaoma senguva ino yoshandiswa mukubatsira vatambi. “Zvikwata zvedu ngazvidzidze kubva pane zviri kuitika nekuda kwehutachiona hwecoronavirus kuti mune ramangwana ngavagare vakagadzirira vane homwe yekubatsira vatambi kana zvinhu zvaoma sezvatiri kusangana nazvo iye zvino,” anodaro Romario. https://www.kwayedza.co.zw/vatsigiri-vopemhera-vatambi-mari/ +sports Ndakatamba chikweshe: Nyangela SHASHA yakambonetsa munhabvu Maronga “Bomber” Ngangela anoti nhabvu yezvikweshe yakakosha chaizvo nekuti ndiko kwakabikwa tarenda rake kusvikira ave nemukurumbira. Nyangela anoti kubikwa kwevatambi hakufanire kutangira kumaAcademy, asi kuti kuzvikweshe. “Isu tichikura, nhandare dzaizara vanhu vachiuya kuzotiona tichitamba zvikweshe chaizvo. “Zvaisimudzira chaizvo kune vechidiki kuti vari kuonekwa vachitamba zvichikweshe uye zvaivatuma kuramba vachishanda nesimba. Saka tinofanirwa kuzvikoshesa uye kutsvaga zvinosimudzira vechidiki kuti varambe vachishanda nesimba,” anodaro Nyangela. Bomber mumwe wevatambi vaizunza mambure munhorondo yenhabvu yemuno izvo zvaimuona achinwisa kanodarika ka20 mumwaka yakasiyana achitambira Black Rhinos FC. Zita rekuti Bomber vanotaura vanoti rakabva pakuti Nyangela ainwisa bhora zvisina mukare akamboona izvo zvakamuona achinwisa ka30 mune mumwe mwaka kozoti pamwe akanwisa ka29 ndokuhinha mubairo weGolden Boot mugore ra1987 ari kuBlack Rhinos. Makore ano hakuchina vatambi vakaita saBomber vanozunza mambure zvinonwisa mvura. “Tichitarisa vatambi variko ava zvinosuwisa zvikuru. Mutambi akanwisa nhasi anombogara mitambo mina kana mishanu achitadza kunwisa zvakare uye mumutambo wacho anotoda mikana 10 chaiyo kuti anwise kamwe chete. “Isu taiti tikapihwa mukana mumwe chete taibva tatoziva kuti igobhora iroro,” anodaro. Asi anoti kana vatambi vechikwata vakatamba vakabatana zvinobatsira kuti vahwine. “Ndinoona sekunge zvikwata hazvisi kutamba zvakabatana chete, asi zvikabatana mumwe nemumwe achiita basa rake raapindira munhandare zvinohwina chete. “Nhabvu haisi yehumbimbindoga, vatambi vanofanirwa kutamba sechikwata chimwe vakabatana,” anodaro. Bomber anoti zvakakosha kuti vatambi vashande nesimba kuitira kuti vagokwanisa kuenda kune maligi anobhadhara mari yakanaka. “Nhabvu yave nemari zhinji pasi rese uye vatambi vemuno ndiyo yavave kungofunga chete. “Mari ngaive muripo unopihwa kumutambi anenge ashanda nesimba kwete kuti vanotungamidza mari. “Isu panguva yedu pataitamba nhabvu yaisabhadhara sezvayave kuita iye zvino. Asi, taive nerudo nemutambo uyu uye taifara chaizvo kana vatsigiri vakauya kuzotiona kunhandare tichitamba,” anodaro. Kubva asendeka nhabvu, muchinda uyu ange ari kushanda kubika vatambi vechidiki vari kusimukira uye akamborairidza kuBlack Rhinos ari mutevedzeri waStanford ‘Stix’ Mutizwa. Anoti iye pamwe nedzimwe shasha dzakambonetsa dzichitamba nhabvu vane basa rekusimudzira vechidiki. “Kutaura kuno ndine vechidiki vandiri kubatsira vari kukura ndichivapa ruzivo rwenhabvu nemazano kuti vasimukire mumutambo uyu uye muhupenyu hwavo. “Tinoona vazhinji vachiwira pasi pasina kwavasvika nekuda kwekuzvirova matundundu. Saka tiri kuedza semalegends kubatsira vana vedu, vasimuke mumutambo uyu. Mari nembiri zvinokuvadza, hunge zvikasashandiswa zvakanaka, vechidiki ngavazvizive,” anodaro. Kunyangwe hake Bomber aizivikanwa ari shasha yekuzunza mambure panguva yake muchikwata cheBlack Rhinos, anoti chinhu chakange chakamukoshera mikombe yavaihwina sechikwata sezvavakaita mugore ra1984 apo vakahwina mikombe miviri. “Ini chinhu chandaitungamidza pazvese kuhwina sechikwata, ndizvo zvainge zvakandikoshera chete. Kunyangwe tikasatamba zvinogutsa asi kubatana kwataive takaita ndiko kwaindikoshera chete. Hapasi pose pataihwina, dzimwe dzenguva zvairema tichirwa kuti tisaburitswe muligi. “Ndizvo zvimwe ndinoda kudzidzisa kune vechidiki kuti nhabvu ngaive yechikwata uye ngavatungamidze chikwata pazvese vanenge vachiita,” anodaro Bomber. https://www.kwayedza.co.zw/ndakatamba-chikweshe-nyangela/ +sports Mayweather oyambira Nurmagomedov oyambira Khabib Nurmagomedov apo akatarisana nemutambo wake naConor McGregor weUFC 229. Chizvarwa chekuRussia ichi chicharwa kuchengetedza bhande rake relightweight kubva kuna McGregor muIrish uyo ari kudzoka mumutambo uyu, mumutambo uchatambirwa kuT-Mobile Arena kuLas Vegas musi waGumiguru 6. Mayweather – uyo akakunda McGregor mumutambo wakaburitsa mari zhinji wetsiva gore radarika – anoyambira Nurmagomedov uyo asati ambokundwa mumutambo weMMA kuti munhu waacharwa naye haana waanotya. “Conor haadzokere shure uye haambotye kana munhu zvachose, kuhwina kana kukundwa kana kuita mangange,” Mayweather akaudza mutori wenhau weTMZ Adam Glynn kuHard Rock Hotel and Casino kuAtlantic City svondo rino. “Conor ari kuzorwa mutambo uyu. “Handingakwanise kutaura kuti achahwina ndiani nekuti munhu ari kusangana naConor McGregor handisati ndambomuona hangu achirwa, asi kubva pane zvandakanzwa pamusoro pake, mutambi anorwa zveshuwa uye anogona kuparadza munhu, chipo chiripo. “Asi, vatsigiri vanoda kukuona uchisimuka uchirwa. Ndizvo vatambi vanoda kuona chete. “Conor McGregor, mutambi anonetsa kurwa naye nekuti mutambi wepamusoro. “Sekutaura kwandamboita kare, Conor McGregor haasi kuzotya kupinda mumutambo uyu, haatye, murwi chaiye.” – SportsMail MMA https://www.kwayedza.co.zw/mayweather-oyambira-nurmagomedov/ +sports Tarumbwa ‘anwisa’ zvekare . . . apa Quin Tasha pamuviri VATAMBI venhabvu pasi rose, vanoratidza sekuti vanopinda murudo kana kuroora nevanhu vane mukurumbira sewavo. Aimbotungamira chikwata chenyika yeEngland, David Beckham, akaroora tsvarakadenga yaiita zverunako, mutambi wemadhirama uye muimbi Victoria Caroline Beckham, Wayne Rooney akaroorawo Coleen Mary wekuIreland uyo anova munyori uye achishanda pachiteshi cheterevhizheni. Imwe yenyaya dzinogona kunakidza ndeye aimbova mutambi weFC Barcelona, Gerard Pique, uyo akachata neshasha yekuimba yekuColumbia, Shakira. Zvino aimbove mutambi weHighlanders neChicken Inn – Obidiah Tarumbwa – akapindawo muboka revatambi venhabvu ava zvichitevera kudanana kwaari kuita naQuin Tasha uyo anozivikanwa zvikuru munyaya dzekutamba mimhanzi. Tasha aimbova mutambi wechikwata chevanhukadzi chete cheWhin Quins. Tarumbwa, uyo akambotambira chikwata chekuBelgium chinonzi Cercle Brugge, anoratidza kuti achiri “kunwisa” zvichitevera kupa pamuviri kwaakaita Quin Tasha. Vaviri ava vakatanga kudanana makore maviri adarika uye Tasha ane pamuviri pave nemwedzi misere. Kunyangwe zvazvo vaviri ava vasina kuda kutaura zvakawanda pamusoro perudo rwavo, Tasha akatumira mashoko padandemutande kumudiwa wake musi wekupemberera zuva rekuzvarwa kwake 29 Mbudzi, izvo zvakatsinhira kudanana kwavo. Zvisinei nekuti Tarumbwa ane vana nevamwe vakadzi uye dzimwe nguva vaasingabhadharire mari dzemendenenzi, Tasha ari kuratuidza kusave nehanya nazvo. “Izuva rako mudiwa wangu uye ndiri kupemberera zuva rino newe. Mwari wemasimba ose vakuropafadze nemakore akawanda azere nebudiriro. “Ndinonzwa kufara nekuve nemunhu ane rudo uye mweya wakanaka sewe muupenyu hwangu. “Vakazvitaura zvose, vakataura mashoko akaipa pamusoro pako asi handiwirirane nazvo. Mukomana uyu anoshamisa kwandiri. Anotya Mwari, ane ruremekedzo, anotsigira uye nekusimudzira. “Nguva dzose anenge ari padivi pangu panguva yakanaka neyakaoma, anondiudza nzira dzekugadzirisa matambudziko ose. Ndiye zvose zvandinoda pamunhurume. “Achava MURUME wangu, achazova DADDY, ndinokuremekedza uye ndinokuda murume iwe #Obidiah Tarumbwa,” anodaro Quin Tasha padandemutande. https://www.kwayedza.co.zw/tarumbwa-anwisa-zvekare-apa-quin-tasha-pamuviri/ +sports Kudzoka kwenhabvu kworumbidzwa VARAIRIDZI venhabvu nevatsigiri vemutambo uyu svondo rino vakatambira nemufaro mukuru kudzoswa kwakaita bhora zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munyika muno kubvira munaKurume gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa neHurumende nemusi weChipiri svondo rino kuti mitambo yose yave kutenderwa kuti ichidzoka asi pachitevedzerwa mitemo yeWorld Health Organization (WHO) uye neyemunyika ino panyaya yekurwisa Covid-19. Murairidzi weDynamos FC — Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya — anoti kudzoka kwenhabvu kunofadza zvikuru sezvo vatambi vange vanzwa nekungogara. Anoti iye zvino amirira kuti vachiudzwa kuti vanotanga rinhi kuita gadziriro dzekuti mitambo ichitanga kutambwa. “Kudzoka kwenhabvu tinokutambira zvikuru nekuti mutambo uyu ndiwo kudya kwedu. Tange tanzwa nekugara, vamwe vakasvika pakurasikirwa nemabasa asi iye zvino tine mufaro nekuti chishuwo chedu chave kuzadzikiswa. “Saka tinoda kutenda Hurumende yedu yakanzwa zvichemo zvedu, iye zvino tatenderwa kuti mutambo wedu uchidzoka. “Tave kumirira kuziviswa kuti tochitanga rinhi kuita gadziriro, ipapo tinoda nguva nekuti vatambi vedu vange vave nenguva yakareba vakangogara saka tinofanira kushanda navo zvakasimba kuti vanyatsobikwa vagodzokera padanho ravaive kare,” anodaro Ndiraya. Mashoko ake anotsinhirwa nemurairidzi weChicken Inn — Joey ‘Mafero’ Antipas — achiti ave kutogadzirira kutanga basa rake sezvo ange anzwa nekungogara. Anoti semunhu wenhabvu, kungogara pasina mutambo uyu kunomuremera. “Zvinhu zvinofadza zvatange tichichemera kwegore rese kuti mutambo ngaudzoke, iye zvino wadzoka manje. Vakomana vedu vave kukwanisa kutamba mutambo uyu uye vokwanisa kuwana raramo muhupenyu hwavo. “Iye zvino tamirira kunzwa kuti tofamba negwara ripi sezvo pane zvakawanda zviri kudiwa kuitwa nesu varairidzi, vatambi vedu uyezve nevamwe vari mune zvemutambo kuti tinge takachengetedzeka mitambo painozotambwa,” anodaro Mafero. Mutungamiri wesangano reFriends of the Warriors — Edward Chimedza — anoti sevatsigiri vanotambira nemaoko maviri kudzoka kwemutambo uyu. Anokurudzira hutungamiri hweZimbabwe Football Association (Zifa) nePremier Soccer League (PSL) kuti vatore matanho ekuona kuti mitambo iyi inge ichiburitswa paterevhizheni sezvo vatsigiri vachange vachiona nhabvu vari kudzimba dzavo kana dzimwe nzvimbo kusiri kunhandare. “Vakomana vedu vedu vatinofarira manje-manje tichange tave kuvaona vachitamba nhabvu mutambo uyu wadzoka. “Asi tongochema kuZifa nePSL kuti ngavagadzirise vaone kuti mutambo uyu uri kubuda paTV nekuti kunhandare hatisi kuenda nekuda kwekuti zvinokonzera kuti tiungane izvo zvisiri kutenderwa. Saka toda kuona nhabvu paTV tichitsigira zvikwata zvedu,” anodaro Chimedza. https://www.kwayedza.co.zw/kudzoka-kwenhabvu-kworumbidzwa/ +sports FC PLATINUM, ESPERANCE DHUMA-DHUMA! … Munhandare isina vatsigiri NORMAN Mapeza, murairidzi weFC Platinum anogashira mashoko ekuti chikwata chake chichatatsurana necheEsperance manheru eChishanu chino munhandare ichange isina vatsigiri mumutambo weCAF Champions League. Sangano rinotungamirira nhabvu muAfrica, reConfederation of African Football (CAF) rakatonga kuti Esperance itambe mitambo yayo miviri inotevera pamusha payo munhandare ichange isina vatsigiri. Danho iri rinouya mushure mekunge vatsigiri veEsperance vakonzera zhowezhowe pamitambo yechikwata ichi miviri nezvikwata zvinoti Primero Agosto yekuAngola neAl Ahly yekuEgypt. Zvinoreva kuti mutambo weEsperance neshasha dzemuZimbabwe, FC Platinum, uyo uriko nemusi weChishanu ikoko, uchatambwa munhandare ichange isina vatsigiri – danho rinogadzirwa naMapeza semakomborero asi ari matambudziko nekune rimwe divi. “Tingade kutamba navo (Esperance) vatsigiri varimo, asi danho iri (mutongo weCAF) rinogona kutinakira,” anodaro Mapeza. “Chekutanga ndechekuti danho iri rinovabvisa pakuti vari kutamba vari pamusha, tose tova nemikana yakafanana. “Zvoreva kuti, kana dai zvazvo isu tichatamba tisiri pamusha, tichaita setiri pamusha uye Esperance ichange isina mutsigiri uya wechi12. “Asiwo, kushaikwa kwevatsigiri kunogona kuuraya kunakidza kwemutambo sezvo kuvapo kwavo kuchingoita kuti mutambo uendeke,” anodaro. Zvenhandare isina vatsigiri padivi, Mapeza achapinda mumutambo uyu nehuchenjeri. “Hurongwa hwedu hahuna kusanduka,” anodaro Mapeza. “Aka ndekekutanga kedu kutamba muCAF Champions League saka chakakosha kuti machinda angu anakirwe nemutambo achidzidza. “Kusiyana neOrlando Pirates, Esperance chikwata chakatosiyana, naizvozvo tichavaremekedza. “Esperance inotyisa, ndivozve vane mukombe wemuAfrican uyu saka tichatamba navo takachenjera,” anodaro. Keputeni weFC Platinum, Mhari anowirirana nezvinorehwa nemurairidzi wake achiti mutambo wavachangobva kuita mangange 0-0 neOrlando Pirates yekuSouth Africa waunza chivimbo muchikwata chekuZvishavane ichi. “Tisati tatamba neOrlando Pirates, tanga tichingotambwa hunyunyu muchikwata chatiri. Ndinovimba izvi zvasanduka,” anodaro Mhari. “Takakwanisa kumira uye mutambo iwoyo wakatipa chivimbo. “Machinda ari kufara uye tinovimba kuramba takadaro patinotamba neEsperance Chishanu chino,” anodaro. https://www.kwayedza.co.zw/fc-platinum-esperance-dhuma-dhuma-munhandare-isina-vatsigiri/ +sports Tabhadhara zvikwereti zvose: Zifa SANGANO rinotungamira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti rakapedza kubhadhara zvikwereti zvaro zvese zvaisvika $7 miriyoni kumakambani, mapoka akasiyana pamwe nekuvanhu vakazvimirira. Achitaura neKwayedza svondo rino, mutevedzeri wemutungamiri weZifa, Omega Sibanda, anoti sangano ravo harisisina chikwereti nemunhu kana kambani zvayo sezvo rakapedza kubhadhara zvose. Zifa yaive nezvikwereti izvo zvakange zvasvika $7 miriyoni asi gore rino muna Kubvumbi mutungamiri wesangano iri Phillip Chiyangwa akabuda achitaura kuti vakange vasarirwa nechikwereti che$2 miriyoni chete. “Takapedza kubhadhara zvikwereti zvose zvatainge tinazvo izvo zvaidzorera basa redu kumashure. Iye zvino zvinhu zvave kuchiendeka nekuti takapedza kubhadhara. “Asi, kana achiripo anoti hatina kumupa mari yake akasununguka kuuya kwatiri otirakidza mapepa ake anotaura kuti tine chikwereti naye toona kuti neatinawo zviri kuenderana here. “Kana tatarisa tikaona kuti zviri kuenderana tonyorerana pasi toona kuti tobhadharana sei kusvika munhu iyeye tamupa mari yake yechikwereti chake,” anodaro Sibanda. Nyaya yezvikwereti izvi yakambodzorera nhabvu yemuno kumashure zvikuru izvo zvakaona maWarriors achirambidzwa kuwana mukana wekurwira kuenda kumutambo we2018 World Cup nekuda kwechikwereti chaive neZifa kuna Valinhos uyo akamborairidza maWarriors. Sibanda anoti parizvino hapana chichavatadzisa kuti basa ravo rifambire mberi nekuti havasisina zvimhingamipinyi zvinosanganisira zvikwereti izvo zvakange zvakavamomotera. “Iye zvino tave kuchifambisa basa, hapasisina chinotidzorera shure nekuti zvikwereti takapedza kubhadhara. Basa tave kuita takasununguka uye mari yatichange tichiwana tichaishandisa mubasa redu,” anodaro. Sibanda – uyo achangobva kudzoserwa pachigaro chake kuZifa pamwe chete naChiyangwa – anoti sangano ravo rine hurongwa hwekusimudzira nhabvu yekumaruwa. “Chinhu chikuru chatiri kuda kushanda kuti chibudirire kuendesa nhabvu kumamisha uko nekumapurazi kune vanhu vakawanda uye vane rudo nenhabvu asi havawaniswe mukana wekuona mutambo uyu saka tinoda kuendesa mutambo kwavari. “Tinogara tichitaura nenyaya dzegrassroots nguva dzese, kumamisha uko ndiko kwadzinotangira nekuti kune vana vane matarenda uye tarenda ravo rinoda kuonekwa robikwa zvakasimba. “Saka nhabvu tiri kuenda nayo ikoko uye varairidzi venhabvu vakuru vane mukurumbira vanofanirwa kuendako vachinoshanda nevana,” anodaro Sibanda. https://www.kwayedza.co.zw/tabhadhara-zvikwereti-zvose-zifa/ +sports Siyanai nemaboozer: Stix SHASHA yakambonetsa munhabvu, Stanford “Stix” Mtizwa, anoti vatambi vezvikwata zviri muPremier Soccer League vanofanirwa kusiyana nekatsika kekutamba mitambo yekubheja mari yemaboozer panguva ino apo mitambo yose yakambomiswa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvigona kukanganisa remangwana ravo. Stix anoti kana vatambi ava vakakuvara vachitamba mitambo iyi zvisingazivikanwe nezvikwata zvavo zvichavakanganisa nekuti vonogona kushaya anovarapisa. “Panguva ino zvinhu zvakaoma, tese tiri kuzviziva asi ini ndinoyambira vatambi kuti ngavachengetedze miviri yavo nekuti kana nhabvu ikazonzi yadzoswa vanenge vakagadzirira. Vari kudzimba dzavo vanotoita gadziriro dzavo dzese dzinodiwa nezvikwata zvavo vakatopedza. “Asi ngavasiye tsika yavari kuita nekuti tiri kunzwa kuti kune vamwe vave kuita zvekutamba mitambo yekubheja mari kana kuti maboozer. Itsika yakashata kutamba mitambo iyi usina kupihwa mvumo nechikwata chako nekuti ukakuvara ikoko chete zvinokuomera, unoshaya anokurapisa,” anodaro Stix. Stix, uyo ave kushanda kuchikwata cheBlack Rhinos basa rekuongorora vatambi vekune zvimwe zvikwata (chief scout) anoti ino ndiyo nguva yekuti masangano anotungamira nhabvu ashandise mukana uyu kugadzirisa zvose zvinokanganisa kusimukira kwemutambo uyu. Anoti sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) rinofanira kubatsira zvikwata zvose nemari kuti zvifambise mabasa azvo. “Zvikwata zviri kuremerwa izvo ndiri kuzvionerawo ndega. Saka Zifa inofanira kupindira yobatsira zvikwata zvese nemari nekuti vatambi vanodawo mari yekuzvichengeta nemhuri dzavo. “Zvasiyana nekare apo taiziva kuti taienda kumabasa uye kana tabva kubasa toenda kubhora, iye zvino vatambi vakutamba bhora chete. Saka kana vasiri kutamba nhabvu yacho hapana mari yavanenge vachiwana. Naizvozvo vanoda kuchengetwa vanoda mari saka Zifa ngaipindire idire mari yakabva kuFifa. “Fifa yakapa nyika dzose mari kuti dzibatsirikane panhabvu saka mari iyoyo ngaishande kubatsira zvikwata zvemuno zvese,” anodaro. Stix anozivikanwa achitambira chikwata chenyika chemaWarriors nezvikwata zvinosanganisira CAPS United neBlack Rhinos. Kubva zvaakasendeka kutamba nhabvu, akazotanga kurairidza izvo zvakamuona achimborairidza Black Rhinos. https://www.kwayedza.co.zw/siyanai-nemaboozer-stix/ +sports Manondo otarira mberi MUTAMBI weCAPS United – William Manondo – uyo mwaka uchangodarika akahwina mubairo weGolden Boot, anoti chiremerera ichi chaisakwanisika pasina rubetsero rwevamwe vaanotamba navo muchikwata chavo pamwe chete nemurairidzi wake, Lloyd ‘Lodza’ Chitembwe. Manondo akamuka chibhebhenenga mumwaka wake wekutanga ari kuGreen Machine izvo zvakamuona achinwisa ka17 ndokuhwina mubairo uyu apo akapedza ari pamberi pevamwe vatambi vakaita saWalter Musona weFC Platinum uyo akakwanisa kunwisa ka14 kuchiti Delick Murimba weNgezi Platinum akanwisa ka13. Mubairo weGolden Boot uri kuona Manondo achiwaniswa US$6 375. Kunyangwe hazvo akakundikana kunwisa kanodarika ka20 mumwaka mumwe chete, izvo zvakapedzisira kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010, Manondo mwaka uchangodarika akabatsira chikwata chake zvikuru icho chaitatarika nekuda kwenyaya dzakawanda dzaisanganisira vatambi vaimboramba kutamba vachida mari dzavo dzebhonasi yavainge vasingabhadharwe. Mwaka uchangopera, Kepekepe yakazopedza yakagara pechi11 palogo. Aka ndekekutanga CAPS United ichipedza isiri muTop 10 izvo yakapedzisira kuzviita gore ra2012 apo yakapedza iri pechi10 palogo. Makore adarika, yange ichisimukira ichipedza iri muTop 8. Kuhwina kwaakaita Golden Boot uku, kwaona Manondo achipinda muboka rimwe chete nevatambi vakaita mukurumbira kuKepe-kepe vakambohwina mubairo vakaita saAlosi Bunjira (1996), Tapfuma Gahadzikwa (2001), Leonard Tsipa (2004 na2016) uye Nyasha Mushekwi (2009). William Manondo Manondo anoti anoshuvira kuti matambiro aakaita mwaka wadarika achamuvhurira mikana yekuenda kunze kwenyika. “Chekutanga, ndinoda kutenda Mwari nekuti ndivo vakandisunda vaive neni kusvika ndahwina mubairo uyu weGolden Boot. Zvinoreva zvakawanda kwandiri saka ndine mufaro mukuru nekuti hazviitike nyore. “Panguva imwe chete, ndinoda kuremekedza murairidzi wangu ‘Coach Lodza’ nevamwe vandinotamba navo nekuti takatamba sechikwata. Uri wega pasina vamwe vaunotamba navo hazvikwanisike,” anodaro. Manondo anoenderera achiti, “Hongu, ndakatamba zvinonwisa mvura mwaka wadarika asi shuviro yemutambi wese wenhabvu kuenda kunotambira kunze kwenyika. Asi Mwari ndiye anoziva remangwana uye nguva yake ndiyo yatinomirira.” Manondo akazvarirwa muHarare akakurira kuMbare uye anoti aifarira nhabvu kubva achiri chindumurwa. Murwendo rwake rwenhabvu, akatanga achitambira Kiglon ndokubva akamboenda kuFC Platinum iyo akatambira 2011 kusvika 2013. Panguva yavaive kuFC Platinum, akambotumirwa kuGunners nechikwereti uko anotamba mwaka mumwe chete ndokuzodzokera kuFC Platinum. Kubva 2013 kusvika 2021, mutambi uyu – uyo vazhinji vanoziva saMr Chibuku – aitambira Harare City. Paakabva kuHarare City, ndipo paakaenda kuCAPS United kutanga kwa2022 uko akasvika zvine mutsimba ndokuhwina mubairo mukuru uyu weGolden Boot. Akangokwanisa kutambirawo chikwata chenyika chemaWarriors kaviri apo akaenda kumutambo we2016 African Nations Championship (CHAN) uyo wakaitirwa kunyika yeRwanda. Mumitambo miviri yaakatamba yechikwata chenyika iyi, akanwisawo kamwe chete. Manondo anoyera Soko Mukanya. https://www.kwayedza.co.zw/manondo-otarira-mberi/ +sports Dynamos Yokweshana neFC Platinum muCastle Premier Soccer League Kunenge kusingadanwe anonzwa mukupera kwesvondo apo makwikwi enhabvu eCastle Premier Soccer League hwonanga kwamvura yacheka makumbo. Kunhandare yeMandava Stadium neMugovera achange ari makuwerere apo zvikwata zvirikurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, FC Platinum neDynamos zvirikutashurana mumutambo wanga uri pamuromo wevakawanda svondo rose. FC Platinum haisati yarohwa mumitambo gumi nemiviri yapfuura asi vanoongorora zvenhabvu vanoti yanga isingatambe nezvikwata zvakasimba vachiti ivo chikwata chese muZimbabwe chinoratidza kugona kwacho nekurova Dembare chete. Murairidzi wechikwata cheDynamos Tonderayi Ndiraya arikubvuma kuti mutambo uyu wakaoma asi anoti seDynamos vanotarisira kukunda mumitambo yese yavanotamba. FC Platinum irikukwikwidza zvine mutsindo mumakundano aya gore rino zvekuti mutambi wavo arikurura Brian Muzondiwa anoti chishuwo chake chekutora mukombe weligi nekunomiririra nyika muCaf Champions League chichazadzikiswa. Asi vanokwanisa kuswedera pedyo nekuita izvi chete kana vakakunda Dynamos sezvo izvi zvinovasiya vave pachinhanho chechipiri nemapoinzi maviri pamusoro peDembare. Asi vakarohwa unenge wave mutoro chaiwo sezvo vanenge vave nemapoinzi mana pasi peDynamos uyezve masere pasi pechikwata chirikutungamira cheChicken Inn icho chirikutarisirwa kudambura ZPC Kariba pamusha. Kugona Kunenge Kudada neDembare dzikaita mangange maGame Cocks (Chicken Inn) akakunda, zvikwata izvi zvinobva zvasara zvakasimba kwasara mitambo misère chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo. FC Platinum neDynamos zvirikusangana zvekare svondo rinouya mumakundano eChibuku Super Cup mushure mekubatanidzwa neChina pamabiko akaitirwa kuGweru. Mubati wehomwe weDynamos VaWebster Marechera vanoti Dynamos yatarisana nemari yavanga vachitsvaga kuti vabhadhare zvikwereti zvakawanda zvavakatarisana nazvo. Vanoti varikutarisira kukunda FC Platinum mumitambo yose miviri iyi. Mune muumwe mutambo wakatarisirwa neveruzhinji ndeuyo urimuRufaro Stadium neMugovera zvekare apo Highlanders irikushanyira Harare City. Highlanders yave nemurairidzi mutsva Cosmos ‘Tsano’ Zulu mushure mekudzingwa kwaBongani Mafu. Mutambi Brighton Tuwaya uyo akambotambira Lancashire Steel, Shabanie Mine pamwe neDynamos ane chivimbo naZulu zvekuti anoti Bosso ichasimuka mumitambo yasara. Asi murairidzi weHarare City Taurayi Mangwiro anoti chikwata chake chinofanira kugadzirisa pavarikunyanyo tadza pekupedzisa mikana yavari kuwana kuti varove Bosso. Mimwi mitambo iriko yakamira seizvi Caps United vs Buffaloes Whawha vs Triangle Dongo vs Chapungu Tsholotsho vs How Mine. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-sports/2960494.html +sports Croatia Yotamba neFrance Kurwira Mukombe weWorld Cup Croatia yapinda mufainari yayo yekutanga yeWorld Cup kubvira makundano epasi rese aya avambwa muna 1930. Vateveri vechikwata cheCroatia vari mumafaro mushure mekunge chikwata chavo chakapinda mufainari ye 2018 World Cup nezuro manheru mushure mekurova England 2-1 nechibodzwa chakakandwa na Mario Mandzukic munguva yemuwedzerwa. Croatia yakatanga yakatungamirwa ndokudzora kuita mangange 1-1 ndokuzopedzisa England apo varuzhinhi vanga vave kufunga kuti mutambo uyu uchaenda kumapenereti. Aka ndiko kekutanga Croatia ichipinda mufainari yemakundano eWorld Cup mushure mekusvika muma semi fainari muna 1998 apo yakarohwa 2-1 neFrance. VaTapiwa Mahwengwa avo vanotevera chikwata cheBarcelona vanoti zvinodakadza kuti zvikwata zvisina mukurumbira wakanyanya seCroatia zviitewo mukurumbira. Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaWalter Mombo, vanoti veruzhinji vanga vachidherera Croatia asi vasina kutarisa nhoroondo yayo mumakwikwi aya. Croatia yave kusangana mufainari ichaitirwa muLuzhiniki Stadium neSvondo neFrance, iyo yakarova Belgium mu semi final. Belgium iri kusangana neEngland neMugovera dzichirwira chinzvimbo chechitatu mumakwikwi e2018 World Cup ari kutarisirwa kupera zvine mutsindo pamutambo we Croatia neFrance neSvondo. No media source currently available https://www.voashona.com/a/croatia-yotamba-nefrance-kurwira-mukombe-weworld-cup/4479374.html +sports Mitambo yeCastle Premier Soccer League Yotsvuka Ropa Makundano eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa kwasara mitambo mishanu kuti mitambo ipere. Zvave pachena kuti zvikwata zvitatu zvinoti FC Platinum, Caps United pamwe neHighlanders ndizvo zvasara zvichiri nemukana wekutora mukombe uyu. FC Platinum yaramba yakabatirira nzvimbo yayo yepamusoro mushure mekurova Dynamos 2-0 muMandava. Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi makumi mashanu nerimwechete, rimwechete pamusoro peCaps United iyo yaramba iri pachinhanho chechipiri mushure mekurova How Mine 3-2. Vatsigiri veCaps United vakapemberera zvikuru mushure mekukunda kwavo. Asi pakave nekunyunyuta kukuru mushure mekunge Highlanders yapihwa penareti mutambo wave kupera neNgezi Platinum Stars. Vatambi veNgezi Platinum Stars vakaunganira muridzi wepembe vachiti yaive isiri penareti sezvo bhora risina kubatwa sezvaive zvaonekwa nemubati wepembe zvakapa kuti Highlanders ikunde 2-1. Kunyange zvakadaro. Highlanders yaramba iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi matatu nemasere.. Mutsigiri wechikwata ichi VaLovemore Majecha vanoti vari kunzwa kufara vachitarisira zvakawanda mwaka uno. ZPC Kariba yakadarika Dynamos nemapoinzi matatu mushure memangange 0-0 neMutare City Rovers. NeMugovera kwakaitazve mangange pakati zero kwa zero pakati peChapungu neBulawayo City. Chicken Inn yakaitawo mangange 1-1 neTriangle. Hwange yakatora mapoinzi matatu mushure mekukudambura Border Strikers 2-0. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mitambo/3525594.html +sports ‘Aubameyang, Lacazette ka1’ anokurudzira murairidzi weArsenal – Unai Emery – kuti ashandise kuwirirana kuri pakati pake naAlexandre Lacazette nedonzvo rekusimudzira matambiro echikwata chavo. Emery akatanga hupenyu hwake semurairidzi weArsenal nekuzvamburwa mumaoko eManchester City svondo radarika, apo paakasarudza kusatangisa Lacazette. Chizvarwa chekuFrance ichi chakaunza mufaro mukuru kuArsenal zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemari inosvika 53 miriyoni paunzi mugore ra2017 uye akatanga achipisa kuEmirates. Zvisinei, matambiro aLacazette akazodzikisirwa nekuuya kwaAubameyang munaNdira uye kutangisa vatambi vaviri ava kwange kuri kunetsa zvikuru kuvatambisa pamwe chete. Asi chizvarwa chekuGabon ichi – Aubameyang – anoti anofunga kuti vanogona kutamba vese vakanetsa, hunge vasarudzwa naEmery muchikwata chake uye ndokutaura kuti anogona kusuduruka pachinzvimbo chake chaanofarira kutamba kuti Lacazette apinde muchikwata vatambe vese. “Tinotamba tese zvakanaka uye tinowirirana,” Aubameyang akaudza ESPN. “Pane kamoto kanobaka kana tiri kutamba tese tiri munhandare. “Tinotsvagana, takazviona nemusi weSvondo apo takatamba neCity paakapinda. Handina basa nazvo kutamba chinzvimbo asi hunge Laca akapinda otamba pachinzvimbo changu. Chatinoda chete kubatsira chikwata chedu chibudirire.” — Sportsmail Football https://www.kwayedza.co.zw/aubameyang-lacazette-ka1/ +sports Vatambi vebhora baiwai majekiseni VATAMBI venhabvu uye vatsigiri vemutambo uyu vokurudzirwa kuti vaende kunobaiwa majekiseni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 segadziriro yekutanga kwemitambo iyi iyo iri kutarisirwa kutanga munguva pfupi inotevera. Kuridziro iyi yakaitwa neaimbove mutevedzeri wemutungamiri weDynamos FC – Esther Tayo Mawere – uyo ari mune zvehutano zvekare achiti zvakakosha kuti vatambi venhabvu vabaiwe mushonga wekudzivirira denda iri pamwe nevatsigiri kana vachida kuzowaniswa mukana wekuona nhabvu yePremier Soccer League nekufamba kwenguva. Nhabvu nemimwe mitambo yose zvakapihwa mvumo yekuti zvichidzoke asi vatambi uye vatungamiriri vemitambo yakasiyana vanofanirwa kunotariswa denda reCovid-19. Mitambo yose ichange ichitambwa munhandare isina vatsigiri. Mawere anoti kunze kwekuti vatambi vangovhenekwa vaonekwe kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete, zvakakosha kuti vabaiwewo majekiseni ekudzivirira chirwere ichi. “Nhabvu yakadzoswa uye vatambi vanonzi vachange vachitariswa kuti vane Covid-19 here kana kuti kwete. Asi, ini ndinokurudzira kuti vakasununguka ngavabve vaenda kunobaiwa zvekare jekiseni rekudzivirira denda iri kuitira kuti chirwere ichi chisambowane mukana wekunyuka. Vatambi venhabvu vagara vanosangana nevanhu vakawanda uye nhabvu painenge ichitambwa ipapo vanenge vachisangana vakawanda saka kutobaiwa jekiseni uku kwakatokosha nekuti kunobatsira kuvachengetedza kubva kuchirwere ichi,” anodaro Mawere. Anoti nhabvu yemuno inonetsa kutambwa pasina vatsigiri nekudaro zvakakoshawo kuti vatsigiri vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuitira nguva inotevera kana vachinge vave kuzotenderwa kuenda kunhandare kunoona mitambo. “Kurudziro iyi tiri kuipa zvekare kuvatsigiri venhabvu kuti vakasununguka ngavaende kunobaiwa jekiseni. Hakusi kuti kungobaiwa chete asi zvakatonakira hupenyu hwavo sezvo pavanosangana nevamwe vanhu denda iri vanogona kutapurirana asi akabaiwa jekiseni anenge akachengetedzeka zvake,” anodaro Mawere. https://www.kwayedza.co.zw/vatambi-vebhora-baiwai-majekiseni/ +sports DeMbare yagadza Mashingaidze saCEO DYNAMOS yagadza aimbove CEO weZIFA, Jonathan Mashingaidze, kuve chamangwiza wechikwata ichi. Mashingaidze akamboshanda basa iri kuchikwata ichi asati abviswa achipihwa rimwe mugore ra2021 panguva yechirwere cheCovid-19. Mutauriri weDeMbare, Tinashe Farawo, anozivisa nezvekugadzwa kwaMashingaidze. “Dynamos Football Club inoda kuzivisa nezvekugadzwa kwaJonathan Mashingaidze saChief Executive Officer wechikwata. Kugadzwa kwake kwatoitika uye kuri mugwara rinotenderwa neFIFA, CAF neZIFA Club licencing framework nezvirongwa zvechikwata. “Mashingaidze, nyanzvi mune zvekutungamira nhabvu, ari kutarisirwa kutungamira basa rechikwata,” anodaro Farawo. Mashingaidze achange achishanda ari general manager zvekare. https://www.kwayedza.co.zw/dembare-yagadza-mashingaidze-saceo/ +sports Benjani adzingwa neNgezi MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars, Benjani Mwaruwari adzingwa basa nechikwata ichi nhasi zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwachange chichiita mumitambo yacho yeCastle Lager Premiership. Benjani adzingwa basa mushure mekurairidza chikwata ichi mumitambo 13 iyo akangokwanisa kuhwina mitatu, ndokuita mangange mitanhatu uye kukundwa mina. Akagadzwa pachigaro chinopisa ichi zvichitevera kudzingwa basa kwainge kwakaitwa Rodwell Dhlakama mwedzi mishoma yadarika. Zvakawanda zviri kutevera. https://www.kwayedza.co.zw/benjani-adzingwa-nengezi/ +sports Tichapedzerana neBurkina Faso: Mpandare MANEJA wechikwata chenyika chemaWarriors – Wellington Mpandare – anoti vari kutarisira kuti vachatamba nhabvu yepamusoro apo vari kusangana neBurkina Faso nhasi mumutambo wavo wechipiri wemuGroup A Africa Nations Championship (CHAN) kuCameroon. Mutambo wekutanga wemaWarriors wakatambwa nemusi weMugovera wadarika apo vakakundwa 1-0 neCameroon. Mpandare anoti kupedza nguva refu vatambi vasingatambe nhabvu uye kuvhiringidzwa kwavakazoitwa neCovid-19 kwakakonzera kuti chikwata chavo chisatambe zvakanaka. “Zvange zvisiri nyore kwatiri nekuti nhabvu munyika haisi kutambwa kwegore rose uye kuzoti iyo Covid-19 yakativhiringidza zvikuru gadziriro dzedu dzeCHAN. “Chimwezve, mutambo wekutanga wagara unonetsa muchitamba nechikwata chinenge chiri pamusha pacho. Asi tinotarisira kusvika kure,” anodaro Mpandare. Anoenderera mberi achiti,”Tinotarisira kuti tichatamba zvakasiyana patiri kusangana neBurkina Faso. Yakati simbei kudarika Cameroon zvayo.” https://www.kwayedza.co.zw/tichapedzerana-neburkina-faso-mpandare/ +sports Khabib otya kurangwa nababa vake Nurmagomedov – Abdulmanap – oyambira kuti murango waachapa mwana wake uchange uri mukuru kudarika waachapihwa neUFC uye neNevada State Athletic Commission zvichitevera nyaka-nyaka yaakakonzera pakapera mutambo wake naConor McGregor. Kunyangwe hake akakumbira ruregerero nekutangisa kwaakaita hondo zvichitevera kukunda kwaakaita McGregor mumutambo wavo wekurwira bhande, Khabib ave kutya murango waachapihwa nababa vake vadzokera kumba kwavo kuRussia. “Mutambo uyu ndewerukudzo. Kwete kutaura marara pamusoro pemumwe munhu. Handitaure zvakawora zvemumwe munhu ini, baba vangu, chitendero changu kana nyika yangu, izvi zvakandikoshera. Baba vanhu vachandiranga zvikuru pandiri kudzokera kumba,” anodaro Khabib. Abdulmanap haana kufara nezvakaitwa nemwana wake, uyo ainge achangobva kukunda McGregor apo akasvetuka kubva munhandare yavairwrira ndokunorwa naDillion Dallas mumwe wemuchikwata chaMcGregor. “Unoita zvese zvaunoda uri muoctagon (nhandare), kunze uko kwete nekuti kune vana, vanhukadzi uye nevanhuwo vanenge vachiona. “Chikwata changu chagara chichizivikanwa nekuda kwekuzvibata, ndiko saka murango wandichamupa Khabib uchange wakakura kudarika waachapihwa neUFC,” anodaro Abdulmanap. Achitaura nenyaya yekuzvibata, Abdulamanap anoti haana kufara kuti vanhu vatatu kubva muchikwata chake cheDagestani vakasungwa munyonga-nyonga iyi. Vakasvetuka kupinda munhandare ndokurova McGregor apo hondo yakatanga kuLas Vegas T-Mobile Arena. Khabib ane hukama hwakasimba nababa vake avo vaive murairidzi wake kubva achiri mudiki apo akapihwa zita remadunhurirwa rekuti Eagle. Akatanga kudzidziswa zvewrestling aine makore mapfumbamwe ekuberekwa uye baba vake vakashandura imwe kamuri yemba yavo kuve gym yaKhabib yekushandisa pamwe nevanini’na vake nedzimwe hama dzavo. – Sportsmail UFC https://www.kwayedza.co.zw/khabib-otya-kurangwa-nababa-vake/ +sports Ndiri kurwadziwa: Mangwiro MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu cheHarare City – Taurai Mangwiro – anoti ari kurwadziwa zvikuru zvichitevera kuburitswa kwakaitwa chikwata chake muPremier Soccer League svondo radarika umo change chave nemwaka 10 chichikwikwidza. Mwaka unotevera, maSunshine City Boys achange achitambira nhabvu yavo muDivision One. Mumakore aMangwiro achirairidza nhabvu, aka ndekekutanga kutungamirira chikwata chinoburitswa muPSL. Achitaura panhepfenyuro yeStar FM, Mangwiro anoti ari kurwadziwa kuti ave nenhoroondo iyi iyo asina kumbobvira atarisira kuti achaiita semurairidzi wenhabvi. “Zvinhu zvinorwadza, zvandisina kumbobvira ndatarisira kuti ndichasangana nazvo mumakore 16 ndichirairidza nhabvu. “Asi ndiyo nhabvu yacho,” anodaro Mangwiro. Kuburitswa kweHarare City muPSL kunotevera kuita mangange kwakaita ZPC Kariba neHighlanders 1-1 nemusi weSvondo wadarika. MaSunshine City Boys akabva atevera Tenax neWhawha izvo zvakaburitswa zvekare muPSL zvichidzokera kuDivision One. Svondo rino, ndipo pachaonekwa chikwata chechina chichatevera zvikwata izvi kuenda kuDivision One. Zvakadaro, mwaka wenhabvu wa2022 uri kupera svondo rino apo Dynamos FC ichisangana neCAPS United mumutambo weHarare Derby kuNational Sports Stadium. Shasha dzePSL dza2022, FC Platinum dzichange dziri pamusha kuMandava Stadium uko dzichasangana neCranborne Bullets nemusi weMugovera. Kuchiti Harare City ichatamba neHighlanders mumutambo wayo wekupedzisira muPSL. https://www.kwayedza.co.zw/ndiri-kurwadziwa-mangwiro/ +sports Ballance odzoka kuzotambira maChevrons ZIMBABWE Cricket yakazivisa kuti vakaita chibvumirano naGary Ballance chemakore maviri chekuti adzoke kuzotambira cricket yake muno zvichitevera kubva kwaakaita kuchikwata cheYorkshire. Ballance, uyo akambotambira nyika yeEngland, anoti ane mufaro mukuru kudzoka kuzotambira nyika yake yaakazvarirwa. “Ndiri kunzwa manyuku-nyuku kumirira Zimbabwe uye ndatarisira kushanda nevarairidzi vemhando yepamusoro nevatambi vane tarenda. “Mukana wekumirira Zimbabwe wandipa simba rekushanda nesimba uye ndinonzwa kufara kuti ndiri kuenderera mberi nekutamba mutambo uyu. “Ndange ndichikurukurura nevanhu vakawanda vecricket vemuno kwemakore akawanda uye ndichiona kukura kwange kuchiita mutambo uyu makore adarika,” anodaro Ballance. Achitaura nezvekudzoka kwaBallance, director of cricket kuZC – Hamilton Masakadza – anoti sangano ravo ratarisira kushanda naBallance uyo vane idi rekuti achaunza shanduko huru mumutambo uyu. “Zvinofadza kuti tave naGary, mutambi ane tarenda ane ruzivo rwemutambo uyu uye adzoka kuzotamba cricket kwazvakatangira. “Kuuya kwake kwakakosha nekuti tiri kutarisira kuona achishandura zvakawanda mumutambo uyu achitambira zvikwata zvedu,” anodaro Masakadza. Balance asati aenda kunotambira kuEngland, akaita mukurumbira mugore ra2006 apo akanetsa kumutambo weWorld Cup achitambira Zimbabwe U19. https://www.kwayedza.co.zw/ballance-odzoka-kuzotambira-machevrons/ +sports Ndazvipira: Chigova MUBATI wepagedhi wemaWarriors – George Chigova – anoti akazvipira kubatsira chikwata chake panguva iyo mutambo unenge waoma uye ari mudenga rechinonwe zvichitevera kubata kwaakaita mapena matatu apo Zimbabwe yakasangana neBotswana mumutambo weCosafa Cup quarter-final svondo rapera kuPolokwane, kuSouth Africa. Mutambo wezvikwata zviviri izvi wakange wakapera uri mangange 1-1 ndokuenda kumapena apo Chigova akaita zvinorova ndokubata mapena matatu akatevedzana zvakaita kuti maWarriors akwanise kufambira mberi mumutambo uyu. Achitaura ari kuPolokwane apo vakange vagadzirira kutamba neLesotho mumutambo wesemi-final neChitatu svondo rino, Chigova anoti akangozviudza mumwoyo make kuti nguva yasvika basa ngaribatwe kuti chikwata chienderere mberi. “Zvamunoziva mapena anotarisirwa saka ndakangozviudza kuti ngandishande nesimba kuti ndibatsire chikwata kuenda kumberi mumutambo uyu. “Tange tave panguva yakaoma nekuti takatadza kushandisa mikana yatakawana mumutambo wedu saka pakazosvika kumapena hauzive zvinoitika. Asi ndinofara kuti tichiri mumutambo uyu takakwanisa kusarohwa nehana tasvika kumapena,” anodaro. Panguva iyo Chigova ari kurumbidzwa nemunhu wese munyika nehunyanzvi hwaakataridza musi weSvondo, mutambi uyu anoti chakakosha ndechekuti chikwata chavo chakabudirira kuenderera mberi mumutambo uyu. “Chikuru ndechekuti tiri kufambira mberi mumutambo uyu uye chishuvo chedu kuti tirwire kuchengetedza mukombe wedu,” anodaro Chigova. Hunyazvi hwakarakidzwa naChigova svondo rapera hwakamuona achipinda mumabhuku enhoroondo evatambi vepagedhi, shasha pakubata mapena sekatsi. Aka hakasi kekutanga mutambi uyu achitaridza hunyanzvi hwake sezvo mugore ra2014 akabata mamwe mapena apo maWarriors akasvika kusemi-fainari yemutambo weCHAN neLybia uyo wakatambirwa kuSouth Africa zvakare. Panguva iyi, Chigova akaedza nepaanogona kubatsira chikwata chemaWarriors nekubata mapena asi akazorasiswa nevamwe vatambi vanosanganisira Peter “Rio” Moyo, Simba Nhivi, Milton Ncube naAli Sadiki avo vakatadza kunwisawo avo mapena. Dzimwe shasha pakubata mapena dzinosanganisira Japhet “Shortcat” Mparutsa uyo aitambira Dynamos FC nemaWarriors. Mugore ra1985 mufainari yeNetbrew Zifa Cup apo ainge ave kutambira Black Rhinos, Shortcat akabatira Henry “Beef” Chari pena mutambo uyu ndokupera uri mangange 1-1. Kozoti Tapiwa Kapini – uyo akambotambira Highlanders – akanetsa zvikuru achibata mapena kuchikwata ichi uye nepaaitambira maYoung Warriors. Tafadzwa Dube vazhinji vachiri kumurangarira iri katsi chaiyo panyaya dzekubata mapena apo aitambira CAPS United uye neFC Platinum. https://www.kwayedza.co.zw/ndazvipira-chigova/ +sports ‘Matambiro eChevrons marwadzo’ HUTUNGAMIRI hweZimbabwe Cricket (ZC) hunoti hunoda kuona shanduko huru mumatambiro anoita chikwata chenyika chemaChevrons zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwachange chichiita mumitambo yadarika. Nguva pfupi yadarika, maChevrons akarakashwa (whitewash) pamusha neBangladesh mumitambo yeOne Day International, Twenty20 Series neTest Match uye izvi zvinotevera kukundwa kwakaitwa chikwata chenyika ichi zvekare nePakistan pamwe neAfghanistan gore rino. Pamusangano wakaitwa svondo radarika, ZC yakapa basa kuna director of cricket, Hamilton Masakadza, kuti ave nehurongwa hwekumutsiridza chikwata ichi apo chiri kutarisirwa kunokwikwidza necheIreland uye neScotland mumitambo yeSuper League yekurwira kuenda kumutambo weICC 2023 World Cup kuIndia. Muchinyorwa chakabva kuZC, mukushi wemashoko wesangano iri – Darlington Majonga – anoti Masakadza akapihwa basa rekuti agadzirise zvinhu zvakasiyana-siyana maringe nemaChevrons. “Takabuda mumusangano tikawirirana kuti director of cricket auye nehurongwa hwekumutsiridza mutambo uyu uye kuti agadzirise nyaya nhatu dzinoti kusarudza vatambi, nyaya dzehunyanzvi hwevatambi uye kuongorora matambiro evatambi vacho. “Hurongwa uhu hunofanira kunge hwavepo chikwata chenyika chisati chasimuka chakananga kuIreland uko chinofanira kunosangana neIreland chozosangana zvekare neScotland mumitambo yeSuper League,” anodaro Majonga. Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Majonga anoti chikwata chemaChevrons chiri kufanirwa kusimuka chakananga kuIreland mumazuva anotevera kunorwira tickiti rekuenda kuWorld Cup. Anoti nekuda kwekuti Zimbabwe iri kuonekwa senyika ine vanhu vakawanda vari kubatwa neCovid-19, maChevrons ari kufanirwa kusimuka osvika ombogara pavo vega kwemazuva izvo zvinotarisirwa kuitwa nevanhu vanenge vashanya kune dzimwe nyika panguva ino apo pasi rese riri kurwisana nedenda reCovid-19,” anodaro Majonga. Anoenderera mberi achiti, “Tiri pakati pekuita hurukuro maringe nemafambiro atichaita kuenda kuIreland neScotland kunotamba nezvikwata zviviri izvi. Patichafamba, tinofanira kusvika tombogara pedu toga nekuti ndizvo zvinotenderwa kuitwa panguva ino yatiri yekurwisana neCovid-19 sezvo denda iri riri kuuraya vanhu pasi rose. “Mitambo yekuIreland neScotland yakatikoshera nekuti ndeyeSuper League yekurwira kuenda kuWorld Cup saka tinotofanirwa kukwidziridza masokisi edu kuti tigohwina.” https://www.kwayedza.co.zw/matambiro-echevrons-marwadzo/ +sports MaChevrons orongera Sri Lanka CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kuSri Lanka uko chichasangana nechemaLions mumitambo mitatu yeICC Men’s Cricket World Cup Super League. Mitambo iyi yeOne Day International ichatanga nemusi weSvondo uye mimwe ichizotambwa musi wa18 na21 Ndira kunhandare yePallekele International Cricket Stadium kuKandy. MaChevrons ari kufanirwa kuhwina mitambo iyi yeSuper League sezvo ichizovabatsira kuti vagobudirira kuenda kumutambo we2023 ICC World Cup uyo uchaitirwa kuIndia. Murairidzi wemaChevrons, Lalchand Rajput, anoti ane chivimbo chekuti chikwata chake chinogona kukunda Sri Lanka uye mitambo iyi yakavakoshera. “Mitambo yose iyi yakatikoshera nekuti Super League ndiyo ichazivisa vachabudirira kamwe chete vasingazonotambe mimwe mitambo, saka zvakakosha kuti tigadzirire totanga zvakanaka. “Ndiri munhu anozvitemba uye ndinoziva kuti Sri Lanka togona kuikunda tichitarisa kuti takave nemutambo wakanaka tichitamba mutambo wePro50,” anodaro. Kusvika pari zvino, maChevrons akwanisa kutamba mitambo mipfumbamwe asi akangohwina miviri chete, akakundwa mitanhatu uye ndiwo akasenga ari pasi muboka reSuper League. Rajput, uyo anove chirwara chenyika yeIndia, anoti matambiro ange achiita chikwata chake haasi kufadza nekudaro vanofanirwa kutokunya masokisi avo. “Hatina kutanga zvakanaka mumutambo uyu, asi ndinoziva kuti nevatambi vatinavo – avo vange vachitamba zvinonwisa mvura muPro50 – tichatamba zvakanaka patiri kusangana neSri Lanka,” anodaro. Zvakadaro, Rajput anonzi paakasvika kuSri Lanka achibva kuIndia akabatwa nedenda reCovid-19 ndokumboiswa kunzvimbo yake oga kwemazuva matatu senzira yebio-secure bubble iyo iri kushandiswa panotambwa mitambo yecricket kunyika dzose. https://www.kwayedza.co.zw/machevrons-orongera-sri-lanka/ +sports ‘Zifa inonzwisisa basa guru reHurumende’ ZIFA inoti inonzwisisa kuti Hurumende ine zvimwe zvinhu zvikuru zvairi kuita, izvo zvinoda kuitwa nechimbi-chimbi nekuda kwechirwere cheCovid-19, nekudaro haingainamikidze kuti iipe mari yekubatsira kuti mutambo wenhabvu urambe uchiendeka. Sangano iri rinoti harikwanisi kumanikidza Hurumende kuti iripe mari nekuda kwekuti hurumende yeBotswana yakapa mari yekutsigira nhabvu kunyika iyi. Vatambi vane chitsama vemuZimbabwe nevarairidzi vacho vari kuzvikwata zvepamusoro zvekuBotswana uye mutambi mumwe nemumwe achange achiwana US$206, kubva pahomwe yakaiswa padivi nehurumende yenyika iyi yekutsigira nhabvu. Mutambi mumwe nemumwe anotambira muligi reBotswana First Division achawana US$124,18 pasi pehomwe iyi. Homwe iyi ndeyekubatsira nemari yemuhoro yevatambi kubva munaKubvumbi kusvika munaChikumi. Gurukota rezvemitambo kuBotswana VaTumiso Rakgare nemusi weMuvhuro uno vakatsinhira kuti hurumende yavo ine hurongwa hwekubatsira zvikwata zvenhabvu zvepamusoro nemari yemuhoro yevatambi. “Mari iyi ichaiswa mumaakaundi ebhengi evatambi senzira yekudzivirira nyaya yekuti zvimwe zvikwata zvinogona kupedzisira zvave kuishandisa mumabasa azvo ezuva nezuva,” vanodaro VaRakgare. Vanoti vanamuzvinhapembe vachabatsirwa kuburikidza nehomwe yesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose yeFifa relief fund sechiwirirano chakaitwa neBotswana Football Association. Nhengo yebhodhi reZifa Philemon Machana anoti zvakakosha kutambira mamiriro akaita zvinhu parizvino sezvo zvichisiyana nyika nenyika. “Tinonamata kuti rimwe zuva tichasvikawo ipapo, asi parizvino Hurumende yedu iri pakamanikana sezvo iine zvimwe zvikuru zvairi kuita. Tinovimba kuti mamiriro ezvinhu achaita zviri nani nekufamba kwenguva uye nhabvu yozove nerutsigiro rwakawanda,” anodaro. Zvakadai, kuBotswana zvikwata zviri muligi yepamusoro zvichawana US$3 311 pachimwe nechimwe. Chikwata chenhabvu chenyika iyi chinozivikanwa nekuti Zebras, chiri muboka rimwechete nemaWarriors eZimbabwe mumakwikwi ekurwira kuenda kuAfcon 2021, chine chibodzwa chimwe chete kubva mumitambo miviri uye chiri pachinzvimbo chechitatu. MaWarriors ari pachinzvimbo chechipiri muboka iri kubva mumitambo yakawanda uye ari mumashure meAlgeria iyo ine zvibodzwa zvitanhatu. Zambia ndiyo yakasenga boka iri iyo isina kana chibodzwa kubva mumitambo miviri. https://www.kwayedza.co.zw/zifa-inonzwisisa-basa-guru-rehurumende/ +sports Chabvondoka kuDivision One ZVIKWATA zvinokwikwidza muNorthern Region Division One zvokurudzirwa kuti zvitambe nhabvu kusvika zvadambuka makumbo sezvo zvichange zviri muTop 8 munaKubvumbi ndizvo zvichanotatsurana mumutambo weAxis Super 8 Tournament. Mwaka uno, Northern Region iri kuronga mutambo weAxis Super 8 Tournament uyo uchaona zvikwata zvisere zvichapedza zviri muTop 8 zvichizonokwikwidza mumutambo uyu, uyo uchatanga munaChivabvu. Mutevedzeri wemutungamiri weNorthern Region, Sweeney Mushonga, anoti zvikwata zvose zvinokwanisa kupinda mumutambo uyu uyo unokosha US$20 000. Mushonga anoti zvikwata zvakawanda zvine mukana wekupinda mumutambo uyu sezvo zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura. “Kutanga munaChivabvu, zvikwata zvinenge zvapedza zviri muTop 8 munaKubvumbi zvichapinda mumutambo weAxis Super 8 uyo unozotanga mwedzi unotevera. Zvikwata zvose zvine mukana wekupinda mumutambo uyu saka tichaona pakupera kwaKubvumbi,” anodaro Mushonga. Anoti pakupera kwemwaka wegore rino, shasha dzeNorthern Region ndidzo dzichapinda muPremier League kwete dzeAxis Super 8. “Pakupinda muPremier League, shasha dzinopedza dziri pamusoro muNorthern Region ndidzo dzichazoenda kuPremier League kwete dzeAxis Super 8. “Axis Super 8 iripo pakuti mitambo iwande, vamwe vatambi vagowana mukana wekutambawo uye mitambo igonakidza,” anodaro Mushonga. Zvakadaro, svondo rino kuchange kusingadanwe anonzwa mumutambo weNorthern Region apo pachasangana Herentals Under-20 neSimba Stars mumutambo wezvikwata zviviri izvi izvo zviri kutungamira pari zvino. https://www.kwayedza.co.zw/chabvondoka-kudivision-one/ +sports yangova ‘go bhora’. . . zvibodzwa 178 zvazunguza mambure SVONDO rino mutambo weCastle Premiership uri kupinda muvhiki re11 apo zvikwata 18 zvose zviri kukwikwidza zvatamba mitambo 10 ndokunwisa ka178. Kana zvichienzaniswa negore radarika panguva imwe chete apo zvikwata zvese zvainge zvatamba mitambo 10, zvakakwanisa kunwisa ka158. Ngezi Platinum – iyo iri kutungamira palog – yaive yanwisa ka16 mumitambo yayo. Zvakadai, mwaka uno vatambi vatatu vanoti Simba Nhivi weCAPS UNITED, Lameck Nhamo weTriangle United naDavid Temwanjira weShabanie Mine vakwanisa kunwisa kashanu apo vari kudzingirirana kurwira mubairo weGolden Boot. Hapasati pazivikanwa kuti pavatatu ava ndiani achazopedza ari pamusoro pevamwe panyaya yekunwisa. Vamwe vatambi vari kutevera pakunwisa ndiObadiah Tarumwa (Chicken Inn), Ozias Zibande (Highlanders) naTerence Dzvukamanja (Ngezi Platinum) avo vanwisa kana kusvika parizvino. Ngezi Platinum – iyo iri kutungamira palog – ndiyo iri kutungamirazve pakunwisa sezvo yanwisa ka16 mwaka uno mumitambo yayo. Chikwata ichi chiri pamberi pakubvarura mambure uye changonwiswa kaviri chete. https://www.kwayedza.co.zw/yangova-go-bhora-zvibodzwa-178-zvazunguza-mambure/ +sports ‘Mwoyo wangu uri panaMayweather’ SHASHA yetsiva Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti tsiva ndiwo hupenyu hwake uye anoyemura zvikuru mutambi ane mukurumbira Floyd “Money” Mayweather (Jnr) zvekuti akasvika pakutumidza mwanakomana wake zita rekuti Floyd. “Ini pasi rose Floyd Mayweather (Jnr) ndicho chibaba chetsiva, hakuna mumwe anotevera. Ndiye wandinoyemura nekuti akaita zvikuru mumutambo uyu. Ndinomuda chaizvo zvekuti mwanakomana wangu ndakatomupa zita rekuti Floyd, kubva kuna Mayweather,” anodaro. Pavatambi vepasi rose, Mwadziwana anoti anoshuvira kumbosangana naPaulus Ambunda wekuNamibia uyo anoti anotamba tsiva yepamusoro. “Paulus Ambunda wekuNamibia ishasha, ndakamuona achitamba ndikatorwa mwoyo nekugona kwake. Ini ndinoda kusangana naye uye ndinoziva kuti tichasangana chete nerimwe zuva,” anodaro Mwadziwana. Anoti haambofa akakanganwa mutambo wake wekuMalawi weBantamweight mugore ra2015 apo akarova Robert Kachiza wekunyika iyi kusvika afenda muround rechipiri sezvo wakamusimudzira zvikuru kusvikira paari nhasi uno. Kurova kwaakaita Kachiza kusvikira afenda kwakakatyamadza gurukota rezvemitambo nekusimudzirwa kwevechidiki rekuMalawi Grace Obama Chiumia ndokuti kukundwa kwake kwakanyadzisa nyika. Achitaura neKwayedza svondo rino, Mwadziwana – uyo parizvino anova Zimbabwe National Super Bantanweight Champion – anoti mutambo wake wa2015 ndemumwe wemitambo yakamubatsira kusimukira kusvika ave shasha yemuZimbabwe. “Ndichiri kurangarira zvikuru gore ra2015 ndakabika Kachiza munyika make kuMalawi, ndakamubinha akafenda muround rechipiri. Gurukota remitambo rekunyika yavo Grace Obama Chiumia avo vaive munhandare vachiona mutambo uyu vakauya kuzondikorokotedza ndokundipa jezi reLiverpool rekunditenda nematambiro andainge ndaita. “Kubva ipapo handina kubva ndambomira, ndakaramba ndichingokavira bhora mberi sezvo shuviro yangu kuti ndive mumwe wevatambi vakuru vetsiva munyika ino,” anodaro Mwadziwana. Mugore ra2017, Mwadziwana akazosangana naKachiza zvakare kuStodart Hall kuMbare, muHarare. Mwadziwana akahwina zvakare mutambo uyu ndokupihwa mubairo wekombi, sitendi yemba nemari US$2 000 napuromota wake aimutsigira. Anoti hupenyu hwake hwaave kurarama parizvino kuburikidza netsiva. “Kugara kwandave kuita izvezvi kuburikidza netsiva, mutambo uyu waita kuti ndive neimba yandinoti yanguwo yandakavaka uye ndine kombi inondiwanisawo mari pandinenge ndisingarwe. Zvinhu zvinofadza zvikuru kuti basa rako riri kukupa raramo uye zvinokutuma kuti urambe uchishanda nesimba,” anodaro. Kubva achitanga tsiva, Mwadziwana atamba mitambo 28 ndokuhwina 17 uye akakundwa 11. Parizvino ndiye ane bhande reZimbabwe Super Bantamweight iro raakahwina mugore ra2018 uye ari kuronga kurwa kurichengetedza mwedzi uno mumutambo uchiri kurongwa nemapuromota ake. Kana akakwanisa kurichengetedza, tarisiro yake kutanga kurwira mamwe mabhande makuru ekunze akadai seWorld Boxing Union (WBU) neWorld Boxing Organisation (WBO). “Parizvino ndine mutambo uchiri kurongwa kuti ndigorwira kuchengetedza bhande rangu reZimbabwe National Bantamweight. Kana ndikakwanisa kuhwina zvinoreva kuti ndinenge ndave kusimukira kuenda mberi mumutambo uyu ndave kukwanisa kurwira mamwe mabhande ekunze. Saka mutambo uchiri pakurongwa handisati ndanyatsoziva zvizere sezvo puromota wangu ari kumhanya-mhanya kugadzirisa. Ini ndiri kuita gadziriro dzangu ndakangomirira kunzwa kuti mutambo wakutsva,” anodaro. https://www.kwayedza.co.zw/mwoyo-wangu-uri-panamayweather/ +sports Morocco Yopinda Muchikamu cheChipiri kuWorld Cup Iri Pamusoro peGungano Rayo Uye Isina Kana Kukundwa Morocco yave nyika yechipiri kubva kuAfrica kupinda muchikamu chechipiri chemakwikwi eFIFA World Cup mushure mekurova Canada 2-1 nhasi. Senegal ndiyo yakatanga kupinda muchikamu chechipiri ichi. kana kuti Round of 16. Morroco ndiyo yapedza yakatungamira Group F isina kudyiwa kana mutambo mumwe chete. Nyika iyi yakashura mare apo yakarova Belgium 2-0 uye kuita mangange 0-0 neCroatia. Nyika dzabudirira kuenda kuchikamu chechipiri dzave gumi nembiri arizvino uye dzinoti, Potugal, Brazil, Argentina, Poland, France, England, Australia, Senegal, Croatia, Morocco, USA, Netherlands. Panyika dzemuAfrica dzange dziri kumakwikwi aya, Tunisia ndiyo yakatanga kubuda. Ghana neCameroon dzasarwa nemutambo mumwe chete. https://www.voashona.com/a/6858174.html +sports TAGADZIRIRA AFCON: DECO MUTAMBI wemaWarriors neLamontville Golden Arrows yekuSouth Africa – Danny “Deco” Phiri – anoti anoda kuita zvinorova apo vari kuenda kuEgypt kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) ayo ari kutanga masvondo maviri anotevera. Phiri aive muchikwata chemaWarrirors chakaenda kuAfcon kuGabon mugore ra2017 apo chairairidzwa naKalisto Pasuwa asi havana kusvika kure mumutambo uyu sezvo vakaburitswa kumagroup stages ndokudzoka kumusha vasina kumbohwina kana mutambo mumwechete zvawo. Muchikwata ichi maive nevamwe vatambi zvakare vakasarudzwa gore rino vakadai saMarvelous Nakamba, Knowledge Musona, Khama Billiat, Kudakwashe Mahachi naTeenage Hadebe. “Aka kachange kari kechipiri kedu vamwe vatambi kudzokera kunotamba kuAfcon saka tiri kufanirwa kurakidza kuti takura uye tine zvidzidzo zvatakawana pamakwisu ekutanga ayo takaenda mugore ra2017. “Saka gore rino tiri kufanirwa kutamba sevanhu vakurawo uye vanoziva zvavari kuita, tiri kuda kuita zvinorova,” anodaro Phiri. Parizvino maWarriors ari kuSouth Africa uko ari kurwira kuchengetedza mukombe weCosafa Cup. MaWarriors kana akabudirira kuhwina mukombe weCosafa svondo rino anobva apinda munhorowondo yekuhwina mukombe uyu katatu kakatevedzana. South Africa neZambia zvakambohwinawo mukombe uyu kana, pachikwata chimwe nechimwe. Chikwata chenyika ichi chichange zvakare chichishandisa mutambo uyu segadziriro yemakwishu eAfcon apo chichasangana nemaPharoahs ekuEgypt musi wa21 Chikumi. Deco anoti vanozviziva kuti vatsigiri venhabvu vachange vakatarisira mutambo uyu apo vachatatsurana nevatambi veEgypt vanosanganisira Mohamed Salah. Mugore ra2017 kuAfcon, maWarriors aive muboka reGroup D nezvimwe zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia izvo zvaive zvizere nevatambi vepamusoro vanosanganisira Riyad Mahrez weAlgeria uyo panguva iyi aipisa zvikuru achangobva kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year kozoti vamwe vakaita saSadio Mane weLiverpool. “Isu vamwe sekutaura kwandamboita Afcon iyi ndeyedu yechipiri, takadzidza zvakawanda kare. “Tinoziva kuti vatambi vane mazita aya uye Afcon yadarika takasangana nevamwe vaitopisa futi. “Saka isu sechikwata tave kuziva kuti vatambi ava tinovamaka sei uye zvii zvinodiwa kuti tibudirire patinosangana navo. “Chedu chatinofanirwa kuita chete kutamba sechikwata. “Isuwo muchikwata chedu varimo zvakare vatambi vane mukurumbira saka hatisi kuvhunduka, tinongofanirwa kushanda nesimba chete kuti tisvike kure,” anodaro Deco. https://www.kwayedza.co.zw/tagadzirira-afcon-deco/ +sports Voshandisa mitambo kurwisa mhirizhonga SANGANO reZimbabwe Powerlifting Federation (ZPF) rodzidzisa veruzhinji kuipa kwemhirizhonga yemudzimba pamwe nekupa chenjedzo pamusoro pedenda reHIV/AIDS kuburikidza nekuita mitambo yakasiyana. Svondo radarika, ZPF yakaita mutambo wekusimbisa muviri kuHighfields, muHarare apo vaisendeka mamitsi 15 parutivi pachikamu chega-chega voita hukurukuro neveruzhinji pamusoro pemhirizhonga yemudzimba, kuipa kwekutora zvinodhaka nekupa chenjedzo yedenda reHIV/AIDS. Sachigaro we ZPF mupurovhinzi yeHarare – Moses ‘Black Moses’ Nyamhotsi – anoti zvakakosha kuti pose panoitwa mitambo yakasiyana pombotorwa nguva yekukurukura neveruzhinji vachipihwa chenjedzo pamusoro penyaya dzemhizhonga, zvinodhaka zvinokanganisa muviri nezvirwere zvakasiyana. Black Moses anoti nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuwanda mazuva ano nekudaro vakatora danho rekuronga mitambo iyi. “Mitambo ine simba uye inounganidza vanhu vanobva kunzvimbo dzakasiyana. Saka isu takaona kuti panoungana vanhu tichiita zvemitambo, ngatibve tatora mukana wekukurukura navo nyaya todzidzisana kuti mhirizhonga yakashata zvachose. Tiri kubva tabata dzimwe nyaya dziri kunetsa dzakaita sedzekutorwa kwezvinodhaka uye topa chenjedzo pamusoro pedenda reHIV. “HIV iriko hama, vanhu ngavangwarire uye vagare vachizvichengetedza nguva dzose,” anodaro. Black Moses anoenderera achiti: “Danho iri takaritora nechinangwa chekuti vanhu pavanoita mitambo yekusimbisa miviri dzimwe nguva vanenge vakaneta, saka pfungwa dzekutora zvinodhaka hadzimbovabate. Chikuru chavanenge vave kufunga nezvacho kusimbisa muviri chete.” Zvakadaro, svondo radarika ZPF yakaita mitambo yeNational Powerlifting nePara-Powerlifting Championships. https://www.kwayedza.co.zw/voshandisa-mitambo-kurwisa-mhirizhonga/ +sports Pochettino orumbidzwa ari kurumbidza Mauricio Pochettino semurairidzi anogona basa zvakanyanya apo Manchester City yakatarisira kutatsurana neParis Saint-Germain mumakwikwi eChampions League. Pochettino ari kupinda mumutambo uyu paine runyerekupe rwakanyanya maringe neramangwana rake apo bepanhau reSportsmail rakamboburitsa nyaya yekuti anogona kuda kuramba chikwata chake achienda kuManchester United. Vazhinji vari kutsutsumwa kuti angakwanisa here kusimudza mikombe yakawanda mushure mekutadza kuhwinha mukombe mukuru ari kuTottenham uye paakatadza paLigue 1 title nepaChampions League nePSG mwaka wapfuura. Mugadziriro dzemutambo wemusi weChitatu kuEtihad, Guardiola anoti: ‘’Unogona kuva maneja anogona basa zvakanyanya asi usingatore mukombe. ‘’Mamaneja ane mukana wekutora mukombe ari pamusoro, zvikwata zvikuru zvine mari yakawanda uye vatambi vanogona. Zvisinei kumamaneja hazvisi nyore kuhwinha. ‘’Izvi hazvirevi kuti mamaneja ari muChampionship kana asiri muchikwata chevatanhatu vari pamusoro pePremier League havagone basa munyaya dzezvidavado, kutaurirana uye kutungamirira. Hazvina basa kutora mikombe”. Guardiola naPochettino vane nhoroondo yakakura vese muChampions League, kubva mazuva apo Pochettino aiva kuTottenham. Spurs yakarova City mumaquarter finals eChampions League muna2019. Tottenham yakanga yasvika kumafainari apo yakakundwa zvibodzwa 2-0 neLiverpool. Kubva ipapo, mukombe mumwe chete wakatorwa naPochettino ndeweCoupe De France nePSG mwaka wapfuura. – SportsMail https://www.kwayedza.co.zw/pochettino-orumbidzwa/ +sports Tinohwinha: Chivandire SHASHA yetsiva yechidzimai, Kudakwashe ‘Take Money’ Chivandire, otsidza kuti ari kudzoka nebhande reWorld Boxing Council Super-bantam Weight iro ari kunorwira nemusi weMugovera svondo rino kuZambia. Take Money achabandana naCatherine Phiri kuGovernment Complex kuZambia uye ane mukana wekunyora nhoroondo mumutambo uyu nekuve wekutanga kuhwina bhande guru reWBC. Achitaura asati asimuka akananga kuZambia svondo rino, Chivandire anoti ari kunosimudza mureza wenyika uye yasvika nguva yekuti vanhukadzi vari mune zvemitambo vacherechedzwe nemabasa makuru avanenge vachiita. “Ndinopa chitsidzo kumhuri yeZimbabwe kuti ndiri kudzoka nebhande reWBC Super-bantam Weight iro ndiri kunorwira kuZambia musi weMugovera. “Catherine Phiri apera, svondo rino haana chake. Ini ndave kutomuziva seaimbove shasha nekuti musi weMugovera ndichabuda munhandare ndave shasha ndirini ndine bhande reWBC,” anodaro Chivandire. Mwedzi yadarika, Chivandire ange achishanda zvakasimba achiita gadziriro nemurairidzi anovazve maneja wake, Clyde Musonda, weDeltaforce Boxing. Musonda anorumbidza mashandiro ange achiita Chivandire achiti anovimba naye kuti achanobata basa sebasa kuZambia. “Chivandire anoziva z vaanoita, mwedzi yadarika, tange tichishanda zvakasimba naye tichigadzirira mutambo watatarisana nawo uyu. Chishuvo chedu chekuti nemakore aafamba mutsiva, svondo rino agohwina bhande iri reWBC ugove muripo wekushanda kwaange achiita nesimba. “Tinoziva kuti mutambo uchange usiri nyore nekuti Phiri agara ishasha inozivikanwa kubvira nekubvira. “Asi, isu hatisi kutarira izvozvo, yave nguva yekuti Take Money achitongawo mutsiva manje,” anodaro Musonda. Mutambo wevaviri ava usati watanga, nhandare ichambotanga yadziiswa nemitambo yakasiyana iyo ichaona vamwe vatambi vemuno vachibanda nevekuZambia. Bongani Makovora acharwa naDavy Mwale wekuZambia mumutambo weBatanmweight apowo Issa Aliyah Phiri achibandana naMubelala Mukuni wekuZambia mumutambo weLightweight kozoti Chiedza Homakoma anokwikwidza mulightweight acharwa naFaith Kanjungu. https://www.kwayedza.co.zw/tinohwinha-chivandire/ +sports ‘Bhora radhakwa’: mitambo yeDynamos, caps haisisina mukurumbira SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinoti Arcadia United, CAPS UNITED nemaWarriors – Carlos Max – anoti mutambo weHarare Derby pakati peDynamos neCAPS UNITED hausisina mukurumbira sezvawaiita kare. Svondo rino, nzira dzese dziri kunanga kunhandare yeRufaro Stadimu nemusi weSvondo uko Dynamos ichatamba neCAPS UNITED mumutambo uyu uyo waizivikanwa kare uchinakidza zvekukunda ngoma kurira. Mutambo wekutanga wakatambwa muna Kubvumbi kuNational Sports Stadium pakati pezvikwata izvi, wakaona Kepe-kepe ichihwina 1-0 uye Denver Mukamba – uyo panguva iyi aitambira CAPS UNITED – ndiye akanwisa chibodzwa ichi. “Munoona chii? Mutambo uyu mukuru uye kare ndiwo waitoburitsa shasha dzePSL dzegore iroro asi zvasiyana nemakore ano nekuti zvakawanda zvashanduka. “Kuvatsigiri venhabvu unogona uchiri mutambo mukuru asi kuvatambi havachaukoshese nekuti tinozvionera nematambiro acho, haasiriwo ataiita kare,” anodaro. https://www.kwayedza.co.zw/bhora-radhakwa-mitambo-yedynamos-caps-haisisina-mukurumbira/ +sports Makuwerere muPremier Soccer League Apo Mitambo Yosvika kwaMvura Yacheka Makumbo Zvikwata zviri pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League zvatarisana nemitambo yakaoma mukupera kwesvondo. Zvikwata zvitatu zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, FC Platinum, Caps United ne Highlanders zviri panguva yakaoma apo zviri kusangana kunze kwemusha nezvikwata zvakaomerwa mumakundano aya. FC Platinum iyo iri kutungamira makundano ezvikwata gumi nezvitanhatu aya, yakananga kuRufaro Stadium uko irikusangana nechikwata chaMoses Chunga icho chine chinangwa chekupedza chiri pazvikwata zvisere zvinenge zviri pamusoro mukupera kwemwaka. Chunga naNorman Mapeza uyo anorairidza Kugona Kunenge Kudada vakatamba vese muchikwata chemaWarriors asi vanga vasati vawana mukana wekuratidzana masimba avo muhurairidzi. Aimbotambira chikwata cheCaps United Charles Manjera anoti mutambo uyu wakabaka moto zvekuti wakaoma kudoma chikwata chinokunda. Manjera anoti semaonero ake mutambo uyu unoita mangange. Asi chikwata chakanyanyoomerwa nemutambo iCaps United. Makepekepe, iyo yakasiiwa nepoindi imwechete neFC Platinum yakananga kuBeitbridge uko irikusangana neBorder Strikers. Border Strikers ndiyo iri pasi pasi mumakundano aya asi zvikwata zviri kurwira hupenyu hwazvo zvinonetsa kukunda. Border Strikers ine murairidzi mutsva Luke Masomere uyo asati akunda mumitambo miviri iyo atamba zvekuti arikutarisira kukunda mumutambo wake wekutanga pamusha muDubulavadzimu Stadium. Muongorori wezvemutambo wenhabvu VaSilas Mukonoweshuro vanoti Caps United innge yaita raki ikakwanisa kudzoka nepoindi kuBorder. Highlanders irikubudawo muBulawayo asi yakananga padyo nepamba muGweru umo iri kutamba neChapungu muAscot Stadium. Panowanzotamba zvikwata izvi zvinowanzoita mangange asi kwete ikozvino apo Highlanders yakatarisana nemukombe, Chapungu yacho ichirwira kuramba iri muPremier League. Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi Mugovera Ngezi v Tsholotsho - Baobab ZPC Kariba v Triangle - Nyamhunga How Mine v Mutare City- Luveve Svondo Bulawayo City v Chicken inn- Barbourfields Mabhiza Mujaho mukuru wekutanga kwemwaka 2016/2017 weZimbabwe National Army Charity Shield uriko neMugovera muBorrowdale Race Course uiine mabhiza masere. Bhiza rirkutarisirwa kutora mukombe uyu ndeiro rinobva kuSouth Africa Eurakilon asi richiraridzwa nemurairidzi wemuno Gokhan Terzi. Mutasvi wemabhiza VaTapuwa Manxusa vanoti Eurakilon rinotora mukombe. Mamwe mabhiza angangorwisa zvine mutsindo anosanganisa Approval Rating, Newton Power na The Mutineer. Asi zvasaririra kune avo vanobheja kuti vaone kuti vanokanda mari yavo pabhiza ripi. Cricket Zvichakadaro, aimbove kaputeni wechikwata chenyika cheZimbabwe Heath Streak ndiye adomwa kuita murairidzi mutsva wechikwata chenyika checricket chemaChevrons. Mashoko ari kufamba asina kutsinhirwa ari kuti Streak akapihwa basa iri neChishanu mushure mekutambura kwechikwata chenyika kwenguva yakareba. Streak uyo aimbove mutungamiri wevatambi anoziva vatambi vemuno uyezve nematambiro avo zvekuti anokwanisa kusimudzira matambiro echikwata ichi. Streak anobva abatana naTatenda Taibu uyo akambotamba naye muhurongwa hwevarairidzi muchikwata ichi. Taibu achangopihwa basa rehumaneja. Streak ndiye anofungidzirwa kuti akakunda vamwe vaidawp basa iri vanoti Andy Blignaut, Peter Kirsten uye Justine Summons. Izvi zvinotevera kudzingwa basa kwaDav Whatmore muna Chikumi. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mitambo/3541537.html +sports MaSpringboks ovimba naEtzebeth wekuSouth Africa, Eben Etzebeth, ari kutarisirwa kutamba mutambo wake wekutanga achitambira nyika yake kubva zvaakapedzisira mwedzi 10 yadarika apo maSpringboks achatamba mumakwikwi eRugby Championship neArgentina kuKing’s Park musi weMugovera. Murairidzi wemaSpringboks, Rassie Erasmus, akazivisa kuti kaputeni wegore radarika uyu akatenderwa nanachiremba kuti atambe uye anogona kutamba awa rekutanga apo vari kusangana nemaPuma. Etzebeth akange ambomira kutamba zvichitevera kukuvara kwaakange aita ruoko rwake uye nemusana. “Utano hwake ndihwo hune nyaya nekudaro ndosaka tisiri kuzomuona achitamba maminitsi anodarika 60 svondo rino,” Erasmus anodaro. “Tichangotambira matsamba kubva kunanachiremba vanamazvikokota. Ange achiita gadziriro dzakakwana nesu kubva pakapera mwaka wemaStormers weSuper Rugby, asi tange tichimirira tsamba yeutano hwake chete. “Ndinoda kutangisa mutambi akaita saye mumutambo uyu pane kumutangisa akagara pabhenji. Kana tikatangisa mumwe mutambi obva akuvara mumaminitsi okutanga, tinochiona chimoto.” Kudzoka kwaEtzebeth pamwe chete nevamwe vatambi vanosanganisira Wareen Whiteley anotamba paloose-forward nahooker Malcolm Marx kwabatsira kusimbisa chikwata ichi nekuwedzera huwandu hwevatambi vekusarudza. Chikwata chaErasmus chakakunda England 2-1 pamusha munaChikumi. “Takakomborerwa kuvatambi vekumberi, nguva yanga yareba tisina vatambi ava pamwe nemahooker chaiyo vakakwana muchikwata. Taive tizere nevepasi chete saka tave kusanganisa vatinavo nevanokwanisa kutisimudzira uye kuhwinisa chikwata chedu,” anodaro Erasmus. — Sportsmail Rugby https://www.kwayedza.co.zw/maspringboks-ovimba-naetzebeth/ +sports Tiri kuronga kudzora nhabvu: Zifa MUKURU wesangano rinoona nezvenhabvu muno reZifa, Felton Kamambo, anoti hutungamiri hwenhabvu huchasangana svondo rino kuti vagokurukura nechinangwa chekuti mutambo uyu udzoswe asi uchizotambwa pasina vatsigiri. Nhabvu yemuno yaifanirwa kunge yakatanga muna Kurume kana Kubvumbi asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, yakambomiswa senzira yekuti vanhu vasaungane uye chirwere ichi chisapararire. Muhurukuro neKwayedza, Kamambo anoti Zifa nemamwe masangano enhabvu anosanganisira Premier Soccer League (PSL) vachasangana kuti vagoronga gwara rekufamba naro iro vachazopa kuSports and Recreation Commission. “Hutungamiri hwenhabvu tichasangana svondo rino tironge kuti tofamba nenzira ipi iyo inoita kuti nhabvu yedu idzoke. Chimwe chinhu chikuru chatichakurukura kuti nhabvu itambwe pasina vatsigiri, kana pane zvatinenge tawirirana tichazvipa kuSRC vozvizeya ivo vozotiudza kuti zvinoita here,” anodaro Kamambo. Anoenderera mberi achiti kuti nhabvu igotambwa pasina vatsigiri richave dambudziko guru kuzvikwata zvizhinji sezvo zvakawanda zvichirarama nemari iyo zvinowana pagedhi inenge yabhadharwa nevatsigiri. Asi anoti ivo sesangano vakazvipira kubatsira zvikwata zvose zvemuno neimwe mari yekuti zvifambise mabasa azvo kuitira kuti zvisazonyanyoremerwa. “Isu tichabatsira zvikwata zvose nekubhadhara imwe mari yakafanana neyevaridzi vepembe, chikuru chatiri kuda kuti nhabvu itambwe uye zvikwata zvedu zvisanyanyoremerwa. “Kune dzimwe nyika sekuEurope nhabvu yave kutambwa isina vatsigiri saka isu tokwanisa kuzviitawo,” anodaro Kamambo. https://www.kwayedza.co.zw/tiri-kuronga-kudzora-nhabvu-zifa/ +sports Dynamos Yotatsurana neHighlanders muChibuku Super Cup Chikwata cheDynamos chatambidzwa Highlanders mumakundano eChibuku Super Cup. Uyu ndiwo mumwe wemitambo mikuru miviri yabuda mumubatanidzwa yezvikwa yeChibuku Super Cup yaitwa nhasi masikati mumwe wacho uchisanganisirawo Caps United ne Harare City.\n\nMitambo iyi iriko musi wa 29 Gunyana. Dynamos neHighlanders dzine nhoroondo yakasimba yekukwidzana asi mubati wehomwe weDembare VaWebster Marechera vanoti vachakunda.\n\nMakepekepe Iri kusangana neHarare City iyo ichangobva kuvatorera murairidzi wavo Lloyd Chitembwe.\n\nAsi maneja weCaps United VaShakesper Chinogwenya vanoti uyu mutambo ndewevarairidzi vaviri Chitembwe wacho neakamutsiva Darlington Dodo.\n\nMimwe mitambo iri kusanganisira Chicken Inn neManica Diamonds pamwe neZPC Kariba neHwange.\n\nChikwata chichakunda pakati peMushowani neBulawayo Chiefs chichasangana neNgezi, Black Rhinos ichitamba nevachakunda pakati peYadah ne TelOne.\n\nMunyori mukuru weBlack Rhinos Lieutenant Mabhinginye vanoti varikuda kushandura matambiro avari kuita muligi kuisa kumukombe uyu.\nChikwata chichatora mukombe uyu chinobudirira kumirira nyika muCaf Confederation Cup. No media source currently available https://www.voashona.com/a/dynamos-yotatsurana-nehighlanders-muchibuku-super-cup/5066617.html +sports Aluvah abuda muchipatara kuCameroon MUTSIGIRI mukuru wenhabvu, Alvin “Aluvah” Zhakata, anoti aburitswa muchipatara mushure mekunge avhenekwa nemachiremba ekunyika yeCameroon avo vange vachimurapa chirwere chemoyo icho chakangomubata achiona mutambo weAFCON pakati pechikwata cheMalawi necheMorocco ikoko. Aluvah ari kuCameroon uko akaenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations (AFCON) uyo ari kutambirwa kunyika iyi. Ange ava nemazuva ari muchipatara. Zvichitevera kuburitswa kwakaita chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kumitambo iyi, Aluvah haana kudzoka sezvo akasara achiona mimwe mitambo uye paaiona mutambo weMalawi neMorocco, ndipo akadonha arwara nechirwere chemoyo ndokumhanyiswa kuchipatara. Aluvah ange agara muchipatara izvo zvakazomuona achibhadharirwa mari dzange dzichidiwako, zvose nedzemachiremba, nemutungamiri weCameroon Football Association, Samuel Eto’o. Achitaura ari kunyika iyi, Aluvah audza Kwayedza nhasi mangwanani kuti ave kunzwa zviri nani. “Ndave kunzwa zvakanaka manje, ndakavhenekwa nanachiremba vange vachindirapa ndikaitwa mascan akadzoka achiratidza kuti ndave nani,” anodaro. Aluvah anoti haasati ave kuziva kuti anodzoka kumusha kuZimbabwe rinhi. “Ndichakuzivisai zuva rekudzoka,” anodaro. Aka hakasi kekutanga Aluvah achisangana netsekwende apo anenge achinotsigira mitambo yeAfrica Cup of Nations. Mugore ra2019, achienda kuAFCON kuEgypt – apo akafamba kubva kuSouth Africa – akambovharirwa mujeri nemapurisa munyika yeSudan umo maive nehondo. Akazokwanisa hake kupfuurira mberi nerwendo rwake kunosvika kuEgypt asi pakudzoka akazobhadharirwa ndege nesangano reConfederation of African Football (CAF). https://www.kwayedza.co.zw/aluvah-abuda-muchipatara-kucameroon/ +sports Dynamos Inotenga Vatambi Vatsva Dynamos yatenga vatambi vatsva senzira yekuti chikwata ichi chisimbe kudarika zvachiri. Dembare iri kudzoka munhandare neSvondo iine vatambi vatsva apo ichatamba neZPC Kariba sekutaura kwaita gwaro rabva kune vanoronga mitambo muPremier Soccer League, VaElisha Mandireva. Mutungamiri weDembare, VaSolomon Sanyamandwe, vanoti vateveri veDynamos vanofanira kugadziririra kuona Dynamos yakasimba uyezve yakasiyana zvikuru neyaivepo munharaunda yekutanga iyo yaitatarika zvinotyisa. VaSanyamandwe vanoti Dembare yakatenga vatambi vatsva vakati wandei kusanganisira Kingstone Nkhata kubva kuSupersport yekuSouth Africa uyo vanotarisira kuti achapedza dambudziko ravanaro rezvibodzwa. VaSanyamandwe vanoti Nkhata akanyorerana chibvumirano chemwedzi mitanhatu neDembare vachizoona kuti vanokwanisa here kuwedzera nguva yacho. Nkhata ane nhoroondo yakasimba mumutambo wenhabvu mushure mekutambira Kaiser Chiefs, Free State Stars, Black Leopards neSupersport United muSouth Africa pamwe neBuymore neCaps United mu Zimbabwe. Nkhata akatambira Zimbabwe kanokwana kagumi akanwisa zvibodzwa zvitatu. Pamusoro paNkhata, VaSanyamandwe vanoti Dynamos yakatenga zvekare Brett Amidu kubva kuFC Platinum vachiwedzera ivo kuti zviri mumaoko emurairidzi wavo, Lloyd Mutasa, kushandisa kana kuregedza Denver Mukamba uyo akadzoka kubva kuCaps United. Mukamba ane nhoroondo yemisikanzwa. Asi Mutasa anoti hapana mutambi ane nzvimbo muchikwata ichi. Dynamos yaifanira kuve yakadzoka munhandare svondo rapera ichisangana neHighlanders asi mutambo uyu wakamiswa nePSL.. Pari zvino, Dembare iri pachinhanho chegumi nenhatu, mapoinzi mashanu kubva pachikwata chakatarisana nekubuda muPSL cheNichrut icho chine mapoinzi gumi nemanomwe. Mutasa anoseka avo vari kuti chikwata chake chingangobuda mumakwikwi aya. Pari zvino, chikwata cheFC Platinum ndicho chiri kutungamira makundano ePSL nemapoinzi makumi mana nemapfumbamwe, mapoinzi maviri pamusoro peNgezi Platinum Stars. No media source currently available https://www.voashona.com/a/dynamos-buys-new-players/4528544.html +sports Raza apinda muTeam of the Tournament MUTAMBI wemaChevrons, Sikandar Raza, akasarudzwa kupinda muchikwata cheUpstox Most Valubale Team of the ICC Men’s T20 World Cup 2022. Zvichitevera kupera kwakaita mutambo weICC T20 World Cup uyo waitambirwa kuAustralia uye wakazohwinwa neEngland mushure mekukunda Pakistan musi weSvondo wadarika, Raza akadomwa kuve mumwe wevakatamba zvinonwisa mvura kumutambo uyu. Akapinda muchikwata chakasarudzwa cheTeam of the Tournament chine vamwe vakaita saAlex Hales weEngland, Jos Buttler (England), Virat Kohli (India), Glen Phillips (New Zealand) naShadab Khan (Pakistan). Muchikwata chemaChevrons chakanokwikwidza kumutambo uyu, Raza mumwe wevatambi vakadadisa izvo zvakaona achiita 216 runs uye ndokutora 10 wickets. Ichi chiremerera chikuru sezvo zvinorakidza kusimukira kuri kuita mutambo uyu munyika muno zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Dave Houghton pachigaro chinopisa chekurairidza maChevrons nguva pfupi yadarika. Mumutambo uchangopera uyu weT20 World Cup, maCheverons akapedza ari pekupedzisira muboka reGroup B reSuper 12. Chikwata chenyika ichi chakangokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete wePakistan ndokuita mangange neSouth Africa uyo wakazotadziswa kupera nekuda kwemvura yakanaya musi wacho. Zvakadaro, Zimbabwe yakapihwa chiremerera chekuronga mutambo weICC U19 Men’s World Cup 2026 pamwe chete neNamibia. Sachigaro weZimbabwe Cricket (ZC), Tavengwa Mukuhlani, anoti sangano ravo riri kunzwa manyukunyuku nechiremerera chikuru chakapihwa nyika ichi. “Tiri kunzwa kufara kuti mutambo weICC U19 Men’s World Cup 2026 uri kuzotambirwa muZimbabwe. “Izvi hazvibatsire kungosimukira kwemutambo uyu munyika chete, asi mukana wekurakidza kuti tiri imwe yenyika dzine mukurumbira mukutamba mutambo uyu pasi rese. “Panosvika 2026, tinenge takagadzirira zvikuru,” anodaro. Zimbabwe zvekare yakapihwa mukana wekuronga mutambo weICC Men’s World Cup 2027 wevakuru pamwe chete neSouth Africa neNamibia. https://www.kwayedza.co.zw/raza-apinda-muteam-of-the-tournament/ +sports Ashton odzoka kuEngland akasayina kondirakiti neSale kuti akwanise kudzoka muchikwata cheEngland zvichitevera kubva kwaakaita kuToulon. Ange ari makwikwi ekurwira kutenga Ashton kubva paakanwisa hat-trick yemaBarbariasn apo yaitamba neEngland kuTwickengam muna Chivabvu ndokubva ataura chishuvo chake chekukwikwidza kumutambo weWorld Cup gore rinotevera. Mutemo weEngland uripo iye zvino hautenderi kuti vatambi vanotambira kune dzimwe nyika vashavedzwe kuzotambira chikwata ichi. Mushure mekunge afungisisa zvakadzama, Ashton — uyo ainge ashanyirwa nakaputeni weEngland anove sahwira wake, Dylan Hartley, paaive pazororo zvichitevera mutambo wemaBarbarians – ndipo paakazivisa Toulon kuti vamusiye achienda. Pekutanga, chikwata chekuFrance ichi chakarwa zvakasimba kuti chichengetedze mutambi uyu asi hazvina kutadzisa Sale nemaHarlequins kurakidza nechido chekuda kumutenga uye svondo rino ndipo pakazobvuma Toulon kuti imusiye achienda. Ashton haana hake kutaura zvakawanda pamusoro penyaya yekuda kutambira nyika yake, achiti pari zvino ari kufunga nezvemaSharks chete. “KuToulon ndakadzidza zvakawanda ndichiwedzera zvimwe zvandakabva nazvo kuSaracens. Kune vatambi vakawanda kuSale Sharks avo vandiri kutarisira kutamba navo munguva inotevera. Handisi kuuya kuzororo. Ndine rugby yakawada yekutamba yasara mumuviri wangu uye ndinoda kushanda nesimba kuti tidzorere chikwata ichi mukuhwina zvachaiita kumashure mugore ra2006.” anodaro — SportsMail Rugby https://www.kwayedza.co.zw/ashton-odzoka-kuengland/ +sports Ozil siyana nazvo: Emery Unai Emery, otsigira Mesut Ozil kuti asaterere mashoko ekumushoropodza ari kubva kuGermany zvichitevera kusendeka kwaakaita kutambira nyika iyi nhabvu, ndokuti ari kumuona achitamba nhabvu inonwisa mvura mwaka unotevera. Ozil akasendeka kutambira nhabvu Germany svondo rino zvichitevera kunetsana kwakaitika apo akatorwa mufananidzo aine mutungamiri wenyika yeTurkey, Erdogan, nyika yake yakatarisana nekuenda kumutambo weWorld Cup. Vanoita zvematongerwo enyika kuGermany uye vanyori vemapepanhau vazhinji vakashoropodza izvi ndokubvunza kuti akazvipira chaizvo here kuGermany pakabuda mifananidzo iyi yaOzil uyo anobva kuTurkey. Svondo rino mutungamiri weBayern Munich, Uli Hoeness, akapomera Ozil mhosva yekutamba nhabvu yemarara kwemakore akawanda ndokuti chikwata chake chaikanganisika matambiro acho nekuda kwake. Murairidzi mutsva weArsenal — Emery — ange achitarisira zvimwewo zvitsva apo aitaura nevatori venhau kekutanga kuSouth-East Asia asi mibvunzo yaaibvunza yange ingori yaOzil nedanho raakatora. Shoko range riri rimwe chete rekutsigira Ozil nedanho raakatora. “Idanho remwoyo wake rakatorwa naMesut uye ini ndinorikoshesa. Ndiye anofunga zvaanoona zvakamunakira, akatsanangura kwandiri uye isu kuno tiripo kumubatsira chete,” anodaro. — SportsMail Football https://www.kwayedza.co.zw/ozil-siyana-nazvo-emery/ +sports MUCHAFARA: NAKAMBA MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neAston Villa yekuEngland, Marvelous Nakamba anoti shuviro yake kuunza mufaro kuvatsigiri vese venhabvu vemuno nekuhwina mibairo mukuru yenhabvu nenyika yake. Nakamba akaita mutambi wenhabvu wechishanu wemuZimbabwe kutambira muEngland Premier League achitevera matsimba aBruce Grobbelaar, Peter Ndlovu, Benjani Mwaruwari naBrendan Galloway, uye kutengwa kwaakaitwa neAston Villa matambiro ake aari kuita kurakidza kuti sei Dean Smith murairidzi wake akabhadhara mari inosvika 11 miriyoni paunzi kumuunza kuchikwata ichi achibva kuClub Brugge yekuBelgium. Achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika muHarare apo ainge auya kuzotambira maWarriors mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumakwishu e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon, Nakamba akati rutsigiro rwaari kuona kubva kuvatsigiri vemuno zvichitevera kutengwa kwake neVilla kunonwisa mvura uye acharwa semvumba kuti agounza mufaro kwavari. “Zvinofadza zvikuru uye zviri kundipa simba kuti ndirambe ndichishanda nesimba nguva nenguva kuti tiunze mufaro kwavari vatsigiri vedu,” akadaro. Muchikwata chemaWarriors, Nakamba ndiye mumwe wevatambi vechikwata ichi vakuru vanotarisirwa nevamwe vatambi uye aive muchikwata chemaWarriors chaive kumakwishu eAfrica Cup of Nations yakaitwa gore rino kuEgypt uye nechakaenda kuGabon mugore ra2017 chichirairidzwa naKalisto Pasuwa. Iyezvino ari kurwira kuenda kuAfcon yake yechitatu uye makwishu eFIFA World Cup 2022 iyo ichaitirwa kuQatar. Kubva Nakamba atanga kutamba nhabvu, shasha iyi yakakurira mumhuri yeBantu Rovers umo akabikwa zvakasimba tarenda rake uye mugore ra2012 akaabva aenda kuFrance uko akanotambira chikwata cheNancy icho parizvino chiri kutambira muFrench Ligue 2. Achibva kuNancy akabva aenda kuVitesse yekuNetherlands uko kwaakanyatsogadzira zita rake kwaakatamba kubva mugore ra2012 kusvika mugore ra2017 apo akazobva achienda kuClub Brugge uko aitambira mwaka miviri yadarika. Ari kuClub Brugge mutambi uyu akahwina mukombe weligi weBelgian First Division Trophy mumwaka wa2017-18 izvo zvakazomuona achitamba mumakwikwi eUEFA Champions league wemwaka wegore ra2018-19 apo chikwata chaksangana nezvimwe zvikwata zvinosanganisira Atletico Madrid. Achibva kuClub Brugge ndipo paazotengwa neAston Villa mwaka uno uye ndiye mutambi wenhabvu ega kubva muZimbabwe ari kutambira muEngland Premier league. Achitaura pamusoro pehupenyu hwaari kurarama kuEngland, Nakamba anoti ari kufambirwa zvakanaka uye anoda kuramba achidzidza achisimukira mumutambo uyu wenhabvu. “KuEngland hupenyu huri kufamba zvakanaka uye ndiri kunzwa manyukunyuku nepandiri saka ndinoda kuramba ndichishanda nesimba ndigosvika kure, shuviro yangu kuti ndirambe ndichisimukira mumutambi uyu uye ndigounza mufaro kuchikwata cheAston Villa nevatsigiri vedu. “Ini pachangu nditori mutsigiri mukuru weAston Villa nekuti yandandizarurira mukana wekuuya kuzotamba muligi renhabvu hombe pasi rese,” akadaro. Shasha iyi inoti rutsigiro rwaanopihwa nevabereki vake Anthony naCharity Nakamba runokomborera uye zvinomutuma kuramba achishanda nesimba kuti aunze mufaro kwavari. “Vabereki vangu ndivo vatsigiri vakuru vangu vakuru uye vanogara vachinditsigira uye pese pandinouya kuzotambira maWarriors vanenge varimo munhandare vachinditsigira saka zvinhu zvakandikoshera zvikuru uye ndozvitenda, ndizvo zvimwe zvacho zvinondituma kuti ndirambe ndichizvisunda ndishande nesimba,” akadaro Nakamba. Kubva aenda kuAston mutambi uyu akwanisa kutamba mumitambo minonwe yemuEngland Premier league kozoti umwechete weCarabao Cup. Shasha iyi yaive muchikwata cheVilla icho chakasangana neManchester City, Arsenal uye neLiverpool mitambo iyo anoti achiri kuirangarira zvikuru sezvo aisangana nevatambi vakuru venhabvu pasi rese. “Iyi imwe yemitambo ndichiri kurangarira zvikuru yandakatamba asi yese yandatamba yakandikoshera zvikuru uye ini chishuvo change kuti ndirambe ndichisimukira mumutambo wangu uye nechikwata changu tienderere mberi munhabvu,” anodaro. KuAston Villa, Nakamba ari kurairidzwa naDean Smith uye naJohn Terry gamba renhabvu remuEngland iro rakaita mukurumbira achitambira Chelsea Football Club, England neAston Villa. https://www.kwayedza.co.zw/muchafara-nakamba/ +sports PSL: Vanhu votaura VATSIGIRI venhabvu vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzemhirizhonga dziri kuitika kumitambo yakasiyana izvo zvakazokonzeresa kuti Premier Soccer League itore danho rekumisa mitambo yose yeCastle Premiership. Svondo radarika kunhandare yeBarbourfields, kuBulawayo pamutambo weDynamos neHighlanders, vatsigiri vakapinda munhandare ndokutanga kubvarura mambure epagedhi pamwe nekuda kudzura mapango acho uye vamwe vachinorwisa varidzi vepembe. Mutambo uyu wakazomiswa usati wapera apo Bosso yaive yakatungamira 1-0 nekuda kwemhirizhonga iyi. Izvi zvakaita kuti PSL itore danho rekumisa mitambo yose nemusi weMuvhuro uno. Muhurukuro neKwayedza, mutsigiri mukuru wenhabvu ane mukurumbira munyika, Chris “Romario” Musekiwa anoti danho rakatorwa nePSL rakanaka zvikuru sezvo mhirizhonga yange ichiitwa nevatsgiri vezvikwata zvakasiyana isiri kurakidza chimiro chakanaka chemutambo uyu. Chris ‘Romario’ Musekiwa Anoti nhabvu inofanirwa kubatanidza vanhu kwete kuita zvemhirizhonga nekudaro vose vanokonzera kusagadzikana mumutambo uyu vanofanirwa kurangwa maringe nemutemo. “Danho rakatorwa nePSL takarigamuchira zvikuru nemaoko maviri kuti vambogadzirise nyaya dzemhirizhonga idzo dziri kukanganisa chimiro chenhabvu yedu. Munhabvu, hamuna nzvimbo yemhirizhonga saka isu sevatsigiri tiri kuti bodo mhirizhonga, taramba. “Vari kuzviita tinoti ngavasungwe nekuti vari kukanganisa chimiro chemutambo wedu izvo zvave kudzinga vakotsveri vanenge vachida kudira mari mumutambo kuti usimukire,” anodaro Romario. Kuchiti mumwe mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Adomsi Mukwasi, anotiwo PSL yakanonoka kutora danho iri sezvo mhirizhonga yave nenguva ichiitika. Anoti zvikwata zvine vatsigiri vari kukonzera mhirizhonga ngazvibhadhariswe muripo unorwadza pamwe nekubvisirwa zvibodzwa. Izvi, anodaro Mukwasi, zvinopa chidzidzo kune zvimwe zvikwata kuti zvifundise vatsigiri vazvo pamusoro pekuipa kwemhirizhonga munhandare. Adomsi Mukwasi “PSL inofanirwa kutobata basa sebasa mukugadzirisa nyaya dzemhirizhonga idzi. Ngaigare pasi nehutungamiri hwevatsigiri vezvikwata zvakasiyana voonesana kuti mhirizhonga yopera sei. “Nhabvu isati yatanga, ngapaitwe zvirongwa zvekushambadza kuipa kwemhirizhonga, vatsigiri votaurwa navo kuti vasiyane nemhirizhonga uye kuti vaone nhabvu murugare,” anodaro Mukwasi. Mutauriri weDynamos FC, Tinashe Farawo, anotiwo chikwata chavo chiri kushushikana zvikuru nenyaya yemhirizhonga, kunyanya yakaitika kunhandae yeBabourfields svondo radarika izvo zvakazokonzera kuti mutambo wavo umiswe. Pachinyorwa icho chakatumirwa paTwitter, Farawo anoti, “Dynamos inosuwiswa zvikuru nenyaya yemhirizhonga yakaitika mumutambo wedu neHighlanders zvikazokonzera kuti mutambo umiswe panzira. “Chikwata chedu chinoshora zvikuru mhirizhonga yose inoitika kunhandare dzakasiyana. “SeDynamos, takazvipira mukukurudzira kupedza mhirizhonga munhabvu yedu sezvo ungori mutambo wemhuri uyo unofanirwa kutambwa munzvimbo yakasununguka. Pakupedzisira, tese tiri vanhu vamwe chete, tiri zvizvarwa zveZimbabwe wani tose.” https://www.kwayedza.co.zw/psl-vanhu-votaura/ +sports ‘Tagadzirira kudzoka kwePSL’ VARAIRIDZI vezvikwata zvakasiyana zvinokwikwidza muCastle Premier Soccer League (PSL) vanoti vakagadzirira kudzoka kwemitambo iyo iri kutanga nemusi weMugovera svondo rino zvichitevera makore maviri yakambomiswa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Svondo rino, kuchange kusingadanwe anonzwa kunhandare dziri kumativi mana enyika uko zvikwata zvichatatsurana mumitambo yePSL yekutanga iyo yakapedzisira kutambwa mugore ra2019 apo FC Platinum yakahwina mukombe uyu kechitatu. Varairidzi vakaita hurukuro neKwayedza svondo rino vanoti vane mufaro mukuru nekudzoka kwemitambo iyi. Murairidzi wevakomana vatsva muPSL veCranborne Bullets – Nesbert ‘Yabo’ Saruchera – anoti chikwata chake chagadzirira zvakasimba kusangana nezvimwe zvavakabva nazvo kuDivision One. Mumutambo wekutanga, Cranborne Bullets ichasangana neChicken Inn kuLuveve Stadium kuBulawayo. Yabo anoti mitambo yavange vachitamba yeChibuku Super Cup yakabatsira chaizvo kuumba chikwata chake apo chatarisana nemwaka wacho wekutanga muPSL. “Yazosvika mitambo yatange takamirira kwenguva ndefu. Takatarisira zvikuru svondo rino apo tichatamba mutambo wedu wekutanga wePSL tichisangana neChicken Inn, maGamecocks. “Zvinhu zvatange takatarisira kwenguva ndefu asi tichikundikana kuzviita nekuda kwedenda reCovid iro range richidzorera mutambo wedu uyu kumashure. Iye zvino tave kutarisira mberi, mutambo wave kutsvuka ropa. Tingave tiri vadiki pazita sezvo tichangopinda muPSL asi tinovimbisa kuti tichatamba nhabvu inonwisa mvura,” anodaro Yabo. Kuchiti murairidzi weTriangle United – Taurai Mangwiro – anoti kudzoka kwemitambo yePSL kunofadza asi zvakakosha kuti vose vane chekuita nenhabvu varangarire kuti denda reCovid-19 richiriko uye votora matanho ose ekuridzivirira. “Iyi ndiyo nguva yatange takamirira kubva takaenda palockdown, taingoti nhabvu yedu ichanyatsodzoka rinhi. Iye zvino tine mufaro kuti tave kuchisimudzira mitambo yedu. “Asi zvakakosha kuti tirangarire kuti Covid-19 ichiriko haisati yapera. Saka patinenge tichitamba mitambo yedu titevedzere matanho ose anodiwa ekudzivirira kupararira kwedenda iri,” anodaro. Chikwata chaMangwiro mutambo wacho wekutanga wemwaka uno chiri kunanga kuBulawayo uko chichasangana neBulawayo Chiefs. Murairidzi weChicken – Joey ‘Mafero’ Antipas – anoti mwaka wegore rino uchanakidza zvikuru sezvo vatsigiri vange vasuwa nhabvu. Mafero, uyo chikwata chake cheGamecocks chakaburitswa muquarter-final yeChibuku Super Cup svondo radarika, anoti vachashanda nesimba kuti vagopedza vari pakati pezvikwata zvepamusoro. “Takatarisana nekudzoka kwemitambo yePSL, mutambo wedu mukuru wenhabvu munyika. Mutambo uyu pawange usingatambwe zvange zvichitirwadza, asi zvakakosha nekuti taive pakaoma senyika nekuda kweCovid-19. Isu tiri kutarisira zvikuru kutanga kwemitambo uye tinovimbisa kuti ticharwa semvumba mumitambo yedu tiyedze kusimudza mukombe watakambohwina 2015. Ndinoziva kuti zvakaoma nekuti tinenge tichikwikwidza nezvikwata zvakasimba,” anodaro Mafero. Zvakadaro, kune mimwe mitambo iriko svondo rino, Dynamos ‘DeMbare’ inenge iri pamusha apo ichasangana neYadah Stars kuchiti vakaomana veBlack Rhinos vachange vari pamusha zvakare vachitatsurana neHighlanders. FC Platinum iri kutanga mwaka wayo mutsva iri pamusha apo ichasanganawo nevakomana vachangopinda muPSL veTenax. https://www.kwayedza.co.zw/tagadzirira-kudzoka-kwepsl/ +sports Argentina neFrance Dzinganzi Dzakatamba Zvakafadza Vanhu Zvakanyana Munhoroondo yeWorld Cup Here? Makundano eWorld Cup Qatar 2022 asvika kumagumo Argentina ichipemberera kutora mukombe wemakwikwi ayo akabuditsa zvishamiso zvakawanda uye anonzi nevamwe fainari yacho yanakidza kudarika dzakamboitika kare. Makundano aya akapera nezuro zita riri kungotaurwa nezvaro riri raLionel Messi. Chirikufadza veruzhinji ndechekuti Messi atora World Cup, mumakundano ake anogona kunge ari ekugumisira sezvo ave nemakore makumi matatu nemashanu ekuberekwa. Messi ange asimudza mikombe yose yakakosha kunze kweweWorld Cup izvo zvafadza vaimbobatira Kambuzuma United VaShepard Saizi. Messi akatungamira Argentina kutora mukombe uyu nekurova France nemapenereti 4-2 mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 2-2 munguva yakatarwa uyezve 3-3 mumaminitsi makumi matatu akawedzerwa. Zita raMessi ririkupinda munhoroondo yeWorld Cup pamwechete neraPele weBrazil naDiego Maradona weArgentina sevatambi vakaita mashiripiti anotyisa mumakundano aya. Makundano e2022 World Cup akaunzawo zvishamiso zvakawanda kusanganisira kubuda munharaunda yekutanga kwezvikwata zvine mukurumbira zvakaita seBelgium neGermany izvo zvakazoteverwawo neBrazil neSpain. Kukundwa kwakaitwa Argentina 2-1 neSaudi Arabia uye Japan kurova 2 Germany 1, Morocco ichikunda Belgium 2-0, kuri kupindawo munhoroondo yemakwikwi aya semabudiro akaitawo mitambo zvaive zvisingafungirwe. Vaimbove mubati wepembe muPremier Soccer League VaSam Hamandawana vanoti izvi zvinoratidza kuti nhabvu pasi rese yashanduka. Izvi zvakasimbiswa neMorocco imwe yezvikwata zvishanu zvaive zvakamirira Africa kumakundano aya pamwechete neCameroon, Ghana, Senegal neTunisia. Morocco yakaita chikwata chekutanga kubva muAfrica kusvika musemi fainari yeWorld Cup kubvira makundano aya aparurwa muna 1930. Mukuguma, Morocco yakapedza iri pachinzvimbo chechina ndokupihwa mamirioni makumi maviri nemashanu emadhora kana kuti $25 million neFifa. Maneja wechikwata cheZimbabwe Warriors VaWellington Mpandare vanoti Morocco yasimudza manyuku-nyuku muAfrica. Izvi zvatsinihrwa nnemuongorori wemutambo wenhabvu VaAdvance Katapa. Makundano eWorld Cup anotevera ari kuitwa muna 2026 kuCanada neAmerica uyezve achange ave nezvikwata makumi mana nezvisere kubva pamakumi matatu nemana. Africa ichange iine zvikwata zvipfumbamwe kubva pazvikwata zvishanu. No media source currently available https://www.voashona.com/a/6883555.html +sports Highlanders neFC Platinum dzotarisirwa Kupinda muMafinals eChibuku Super Cup Makundano eChibuku Super Cup ar ikupinda musemi fainari apo Highlanders yadongorera mufainari. Chikwata chinotora mukombe weChibuku Super Cup chinobudirira kumiririra nyika mumakwikwi emuAfrica eCaf Confederation Cup Highlanders haisi kuvanza kuti chinangwa chavo ndechekutora mikombe yese mikuru weleaague newe Chibuku Super Cup. Chikwata ichi svondo rino chiri kuswedera pedyo nekuzadzikisa chinangwa chavo apo vari kusangana neNgezi Platinum Stars musemi fainari yeChibuku Super Cup muBabourfields Stadium. Pakambosangana zvikwata zviviri izvi munhandare imwe cheteyo, Ngezi Platinum Stars yakabuda ichizhamba ichiti yaive yabirirwa mushure mekunge Highlanders yapihwa penareti mutambo wave kupera ndokukunda 2-1. Asi ikozvino kuzhamba uku kungangotadza kuitika sezvo Highladers yacho iri kubvira moto. Bosso yakunda mumitambo gumi yavo yakateverana zvekuti pane vakawanda varikuti Ngezi Platinum Stars haisi kumira. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi. VaRichard Musengezi mutsigiri wenhabvu vanoti mutambo uyu uchange wakaoma asi vari kuona Highlanders ichienderera mberi nekukunda kwayo. Asi Highlnders isafunge kuti yakatokunda kare nekuti Ngezi Platinum Stars inozivikanwa nenyaya yekuita zvishamiso. Imwe semi fainari iri kuMandava Stadium mangwana uko FC Platinum irikubandana neHarare City iyo inorairidzwa naMoses Chunga. Pakapedzisira kusangana zvikwata zviviri izvi Kugona Kunenge Kudada yakarohwa 2-1 ndokubviswa pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League zvekuti vane shungu dzekudzorera. Murairidzi wavo Norman Mapeza anoti haasi kutarisa kuti uyu mutambo weligi kana wemukombe. Anoti iye vari kugadzirira mutambo uyu sezvavaingoita imwe yese yavakatamba. Murairidzi wemaSunshine City Boys Moses Chunga anoti mutambo wese wavanotamba vanotarisira kukunda achiti iye zvemutambo we Platinum arikuzvigadzirisa. Vakawanda vasineyi nezvikwata zvirikutamba izvi varikuona kunge fainari ichave pakati peFC Platinum neHighlanders. Fainari yemukombe uyu iriko musi wa 5 Mbudzi. https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mitambo/3561421.html +sports Shaya, ini naPeter tisu toga: Chunga SHASHA yakambonetsa munhabvu – Moses “Bambo” Chunga – anoti mushakabvu George “Mastermind” Shaya aive shasha uye aiyevedza kuona achitamba mutambo uyu zvekuti hakuna mumwezve ati asvika padanho rake. Bambo anoti Shaya akasiya amutambidza “chimuti” chekutamba nhabvu iyewo ndokuzotambidza Peter Ndlovu. “Ukaona munhu wasvika pakupihwa zita rekuti Mastermind unenge uri padanho rekumberi kudarika vamwe vose. Mudhara ange ari kuseri kudarika vamwe vose. “Tarasikirwa zvikuru,” anodaro Chunga. Anoti pavatambi vose vakatamba nhabvu muZimbabwe, hakuna anosvika panaShaya. Peter Ndlovu Anoti Shaya paakasendeka shangu dzake dzenhabvu, akabva atambidza “chimuti” chehunyanzvi kwaari icho akazopawo kunaPeter Ndlovu. “Munyika muno pakutamba nhabvu, Shaya ndiye ari pamusoro kotevera ini waakapa chimuti, kuchizoti Peter Ndlovu. Hakuna mumwe ati asvika padanho redu tiri vatatu,” anodaro Bambo. Anoti mukukura kwake, akadzidza zvakawanda kubva kunaShaya uyo waanoti aive nerudo rukuru. “Mudhara aive nerudo rukuru. Ndakadzidza zvakawanda kubva kwaari, asi chikuru rudo rwaairatidza kwandiri nevamwe vatambi. Moses Chunga “Aida chaizvo kutiona tichisvika kure nemutambo uyu saka aitikurudzira kuti tishande nesimba. Ndakaterera mashoko ake ndikasvika kure nenhabvu,” anodaro Chunga. Shaya ari kutarisirwa kuvigwa mangwana Muguvoera kumarinda eWarren Hills, muHarare uye Hurumende ndiyo iri kubatsira pakurufu nekuvigwa kwake. https://www.kwayedza.co.zw/shaya-ini-napeter-tisu-toga-chunga/ +sports Zimbabwe Yodzoka kuMaOlympics Ari Maoko Chete Team Zimbabwe irikudzoka kumba isina chayakabata kubva kuma 2016 Olympic Games. Vamhanyi vatatu vanga vasara vakaremerwa nerwendo mushure mekutadza kupinda kana pavamhanyi gumi vekutanga mumwe wavo akatadza kupedza nzendo yemarathon. Partson Ndlovu akapedza ari pachinhanho chemakumi mana nemumwe, achiteverwa naCuthbert Nyasango uyo aive pachinzvimbo chemakumi mashanu nemasere. Wirimai Juwao akatadza kupedza mujawo uhu. Apo Ndlovu ari kudzokera kuAmerica uko anogara, Nyasango naJuwao vakananga kumba kuzosangana nevamwe vatambi gumi vaive kuma Olympics pamwe nemaMighty Warriors avo vakakundikanawo kuwana menduru zvikuru pamwedzi uyo kwaive nemakundano aya. Kunyange hazvo Kirsty Coventry akasvika mufainari yemakwikwi ake, vamwe vese vakarohwa munharaunda yekutanga zvinoratidza kuti ramangwana remitambo reZimbabwe rine rima. Zvakamira zvakadai. Shasha yakabuda zvine mutsinde pama Olympic Games ndi Usain Bolt wekuJamaiaca uyo akatora menduru nhatu dzegoridhe mu100 metres, 200 metres pamwe ne 4 x 100 metres. Aya ave maOlympics matatu akateverana Bolt achitora menduru nhatu pamakundano ega ega. Asi mutinhwini wekuAmerica, Michael Phelps akapinda munhoroondo semutambi akatora menduru dzakawanda mumakwikwi emaOlympics. Totarisa nyaya dzenhabvu. Vatsigiri veDynamos vakave nemufaro neSvondo apo chikwata chavo chakatamba zvinodaadza ndokurova Harare City 2-1. Dembare yaifanira kuve yakabuda nezvibodzwa zvakawandisa dai yakashandisa mikana yavakawana. Pakapera nhabvu, nyaya dzaitaurwa ndedzematambiro aive aita chikwata kwete kuti murairidzi ngaeende serwange rwave rwiyo mazuva apera. Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti ari kufara zvikuru nekukunda kwavakaita asi achiwedzera kuti vane mutoro wakaoma kumberi. Anoti vakomana vake vese vanga vaine shungu dzekuda kukunda ndosaka izvi zvaitika. Harare City iri kuti svondo rino ikakunda, svondo rinouya yokundwa, izvo zvisikufadza vatsigiri vavo. Asi caputeni wevatambi Arnold Chivheya anoti zvinowanikwa munhabvu achiti iye varikuyedza kuzvigadzirisa. Kukunda kwakaita Dynamos kwaauya panguva inofadza zviuru apo vavakidzani vavo veCaps United vakarohwa 3-1 neBulawayo City. Hapana aitarisira kuti izvi zvichaitika asi zvasiya maGreen Machine ave nemapoinzi mashanu pasi peFC Platinum iyo yakafamba zvakanaka kuTriangle uko vakanokunda 2-1. Highlanders irikuramba ichirohwa asi ikozvino yakadamburwa 1-0 neZPC Kariba kuNyanhunga. Asi Bosso iri kuramba iri pachinhanho chechitatu, poindi imwe chete pamusoro peDynamos. Mimwe mitambo yakapera seizvi.. Chicken Inn 1 Tsholotsho 0 Mutare City 2 Hwange 1 How Mine 1 Chapungu 1 Borders Striker 2 Ngezi Platinum 0 Kwapera mitambo makumi maviri, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi.. FC Platinum 42 points Caps United 37 points Highlanders 32 points. Dynamos 31 points. Zvina zviri pasi pasi ndeizvi…. Hwange 24 points Mutare City 18 points Tsholotsho 13 points Border Strikers 13 points. No media source currently available https://www.voashona.com/a/zimbabwe-mitambo/3475392.html